RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwbr18 August pp. 1-5
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
  • Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (2018)
  • Misoro Midiki
  • AUGUST 6-12
  • AUGUST 13-19
  • AUGUST 20-26
  • Kuchera Pfuma muShoko raMwari
  • nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 21:33
  • AUGUST 27–SEPTEMBER 2
Mabhuku Achashandiswa paMusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu (2018)
mwbr18 August pp. 1-5

Mabhuku Achashandiswa paMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu

AUGUST 6-12

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | RUKA 17-18

“Iva Munhu Anoonga”

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 17:12, 14

varume gumi vakanga vaine maperembudzi: Kare, vanhu vane maperembudzi vaigara muzvikwata kuitira kuti vakwanise kubatsirana. (2Mad 7:3-5) Mutemo waMwari waiti vanhu vane maperembudzi vaifanira kugara kwavo vega. Uyewo kana ari pedyo nevanhu, munhu ane maperembudzi aifanira kushevedzera kuti: “Handina kuchena, handina kuchena!” (Re 13:45, 46) Nemhaka yezvairayirwa nemutemo, varume ava vakamira vari kure naJesu.

endai munozviratidza kuvapristi: Paakanga ari panyika, Jesu Kristu aiva pasi peMutemo waMosesi saka aiziva kuti urongwa hwevapristi hwakanga huchiri kushanda. Ndosaka akaudza vanhu vaakanga aporesa kuti vaende kunozviratidza kumupristi. (Mt 8:4; Mk 1:44) Mutemo waiti mupristi ndiye aiona kana munhu ane maperembudzi akanga apora. Munhu wacho aifanira kuzoendawo kutemberi nezvipo zvaitaurwa muMutemo.—Re 14:2-32.

w08 8/1 14-15 ¶8-9

Nei Tichiratidza Kuonga?

Jesu haana kuona here kuti vamwe vakanga vatadza kutaura mashoko okuonga? Nyaya yacho inopfuurira ichiti: “Achipindura, Jesu akati: ‘Hakuna kunatswa vanhu gumi here? Saka, vamwe vapfumbamwe vari kupi? Pashayikwa nomumwe chete adzoka kuzokudza Mwari kunze kwouyu murume worumwe rudzi here?’”—Ruka 17:17, 18.

Vamwe vapfumbamwe vaiva nemaperembudzi vakanga vasiri vanhu vakaipa. Vakanga varatidza kutenda muna Jesu uye vateerera nomwoyo wose zvaakanga avaudza, zvaisanganisira kuenda kuJerusarema kunozviratidza kuvapristi. Zvisinei, kunyange zvazvo pasina mubvunzo kuti vakaonga chaizvo mutsa wavakanga vaitirwa naJesu, vakatadza kumuratidza kuti vaimuonga. Zvavakaita hazvina kufadza Kristu. Zvakadini nesu? Mumwe munhu paanotiitira zvakanaka, tinokurumidza kuti maita basa here, uye kana zvakakodzera, tinonyora tsamba yokumuonga here?

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 17:10

varanda pasina: “vasingabatsiri.” Mufananidzo waJesu hausi kureva kuti vadzidzi vake vanofanira kuzviona sevanhu vasingabatsiri. Mamwe mavhesi ari muchitsauko ichi anoratidza kuti shoko rekuti, “pasina” rinoreva kuti varanda vacho vaizvininipisa kwete kuona sevanofanira kurumbidzwa. Dzimwe nyanzvi dzinoti shoko iri igudziramukanwa rinoreva kuti “tingori varanda vasina chinoshamisira chavaita.”

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 18:8

kutenda kwacho: Kana kuti “kutenda kwakadaro.” Manyorerwo akaitwa mashoko acho muchiGiriki anoratidza kuti Jesu aisataura nezvekutendawo zvako asi kuya kwakaita sekwechirikadzi yemumufananidzo uyu. (Ru 18:1-8) Izvi zvaisanganisira kutenda kuti munyengetero une simba uye kuti Mwari achaita kuti vanhu vake varuramisirwe. Jesu haana kupindura mubvunzo une chekuita nekutenda achiitira kuti vadzidzi vake vafungewo nezvekutenda kwavo. Mufananidzo wekunyengetera uye kutenda wakanga wakakodzera nekuti Jesu akanga abva kutsanangura miedzo yaizosangana nevadzidzi vake.—Ru 17:22-37.

AUGUST 13-19

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | RUKA 19-20

“Zvatinodzidza Kubva Pamufananidzo Wemamaina Gumi”

jy 232 ¶2-4

Mufananidzo Wemamaina Gumi

Anoti: “Mumwe murume weimba huru akaenda kunyika iri kure kuti anowana simba roumambo ndokuzodzoka hake.” (Ruka 19:12) Rwendo rwakadaro runofanira kutora nguva. Zviri pachena kuti “murume weimba huru” uyu ndiJesu uyo anoenda “kunyika iri kure,” kureva kudenga, kwaachanopiwa simba rokutonga naBaba vake.

Asati aenda, “murume weimba huru” anodana varanda vake gumi, opa mumwe nemumwe maina resirivha ovaudza kuti: “Itai bhizimisi kusvikira ndadzoka.” (Ruka 19:13) Maina resirivha imari yakawanda. Maina rimwe chete rinotokwana kutambirisa munhu anenge ashanda mumunda kwemazuva anenge 100.

Vadzidzi vanogona kuona kuti ndivo vari kufananidzwa nevaranda gumi mumufanidzo uyu nekuti Jesu akambovafananidza nevashandi vokukohwa. (Mateu 9:35-38) Jesu haana kuti vaifanira kuuya nezvirimwa chaizvo, asi kukohwa uku kuri pakuti vanofanira kutsvaka vadzidzi vachazowana nzvimbo muUmambo hwaMwari. Vadzidzi vaJesu vanoshandisa zvose zvavainazvo kuti vatsvake vanhu vachazogara nhaka Umambo ihwohwo.

jy 232 ¶7

Mufananidzo Wemamaina Gumi

Kana vadzidzi vakanzwisisa kuti vakafanana nevaranda vakashandisa mamaina avo kuti abereke, ivowo vachashandisa pfuma yavo kuti vawane vamwe vadzidzi uye Jesu achafara nazvo. Vanogonawo kuva nechivimbo chekuti achavapa mubayiro wokushanda kwavo nesimba. Asi vadzidzi ava vane mamiriro ezvinhu nemikana zvakasiyana-siyana muupenyu uye zvavanogonawo zvakasiyana. Kunyange zvakadaro, kana Jesu ava ‘nesimba roumambo,’ achakomborera zvose zvavakaita pakutsvaka vadzidzi.—Mateu 28:19, 20.

jy 233 ¶1

Mufananidzo Wemamaina Gumi

Muranda uyu anorasikirwa nekuti akakundikana kuita kuti pfuma yeumambo hwatenzi wake iwande. Vaapostora vari kutarisira kuti Jesu achatonga muUmambo hwaMwari. Saka kubva pane zvaataura nezvemuranda wekupedzisira, vanogona kunzwisisa kuti kana vakaita zvounyope, vachakundikana kupinda muUmambo ihwohwo.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 19:43

vachakupoteredza norusvingo rwakavakwa nemapango akapinza: Shoko rechiGiriki rekuti khaʹrax rinongowanikwa pano muMagwaro echiKristu echiGiriki. Rinonzi rinoreva “bango kana kuti danda rakapinza rinoshandiswa pakukomberedza nzvimbo” uye rinoshandiswawo nemauto. Zvakataurwa naJesu zvakazoitika muna 70 C.E. masoja eRoma aitungamirirwa naTitus paakakomba Jerusarema. Titus aiva nezvinangwa zvitatu; (1) kuti vaJudha vasatiza, (2) vakande mapfumo pasi, uye (3) vafe nenzara vozopedzisira vabvuma kutongwa nevaRoma. Masoja eRoma akashandisa miti yakanga iri pedyo neJerusarema kugadzira matanda ekuzokomberedza Jerusarema.

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 20:38

nokuti kwaari vose vapenyu: Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari anoona vanhu vasingamushumiri sevakafa. (VaE 2:1; 1Ti 5:6) Kana vanomushumira vakafa, anovaona sevachiri vapenyu nekuti achazadzisa vimbiso yake yekuvamutsa.—VaR 4:16, 17.

AUGUST 20-26

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | RUKA 21-22

“Kununurwa Kwenyu Kuri Kuswedera Pedyo”

kr 226 ¶9

Umambo hwaMwari Hunobvisa Vavengi Vahwo

9 Zvinhu zvinoshamisa zvichaitika mudenga. Jesu akataura kuti: “Zuva richasviba, uye mwedzi hauzobudisi chiedza chawo, nyeredzi dzichawa dzichibva kudenga.” Zviri pachena kuti hapana anenge achatsvaka kutungamirirwa nevafundisi sezvo vanenge vasina chiedza. Jesu airevawo kuti kune zvinhu zvisina kujairika zvichaitika mudenga here? Pamwe ndizvo zvaaireva. (Isa. 13:9-11; Joe. 2:1, 30, 31) Vanhu vachaita sei nezvavachaona? ‘Vacharwadziwa kwazvo’ nokuti vanenge vasingazivi “nzira yokubuda nayo.” (Ruka 21:25; Zef. 1:17) Kureva kuti vavengi vose veUmambo hwaMwari, kubvira ‘kumadzimambo kusvika kuvaranda,’ vachange “vachipera simba nokutya uye nokutarisira zvinhu zvinouya” uye vachatsvaka pokuvanda. Asi vachashaya pokuti vangavanda hasha dzaMambo wedu.—Ruka 21:26; 23:30; Zvak. 6:15-17.

w16.01 10-11 ¶17

“Kudanana Kwenyu Sehama Ngakupfuurire”!

17 Ivai “vakashinga kwazvo.” (Verenga VaHebheru 13:6.) Kuvimba kwatinoita naJehovha kunoita kuti tive neushingi pasinei nematambudziko atingasangana nawo. Ushingi uhwu hunotibatsirawo kuti tive nemafungiro akanaka. Kana tiine mafungiro akadaro uye tichida hama dzedu, tichakwanisa kukurudzirana uye kunyaradzana. (1 VaT. 5:14, 15) Kunyange panguva yokutambudzika kukuru, vanhu vose vari munyika pavachange vava kutya, isu tichakwanisa ‘kumira takati twasu, takasimudza misoro yedu,’ tichiziva kuti kununurwa kwedu kwava pedyo.—Ruka 21:25-28.

w15 7/15 17-18 ¶13

“Kununurwa Kwenyu Kuri Kuswedera Pedyo”!

13 Vanhu vanofananidzwa nembudzi vachaita sei pavachaziva kuti ‘vachagurwa nekusingaperi’? ‘Vachazvirova vachichema.’ (Mat. 24:30) Asi hama dzaKristu pamwe neshamwari dzavo dzakatendeka vachaita sei panguva iyoyo? Vaine kutenda kwakasimba muna Jehovha neMwanakomana wake Jesu Kristu, vachateerera murayiro waJesu wokuti: “Panotanga kuitika zvinhu izvi, mirai muti twasu, musimudze misoro yenyu, nokuti kununurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo.” (Ruka 21:28) Chokwadi tichange tisina chokutya nekuti tinenge tichiziva kuti tichapona.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 21:33

Denga nenyika zvichapfuura: Mamwe magwaro anoratidza kuti denga nenyika zvicharamba zviripo nekusingaperi. (Ge 9:16; Pis 104:5; Mup 1:4) Saka denga nenyika hazvifi zvakaparadzwa, asi Jesu akashandisa gudziramukanwa rinoreva kuti kunyange zvinhu izvozvo zvaizonzi zvaparadzwa, mashoko ake aizotozadzika chete. (Enzanisa naMt 5:18.) Asiwo, denga nenyika zviri kutaurwa pano zvinogona kureva matenga nenyika zvekufananidzira izvo zvinonzi “denga rekare nenyika yekare” pana Zva 21:1.

mashoko angu haazombopfuuri: Mashoko maviri akashandiswa muchiGiriki anoratidza kusimbisa kwakajeka kwekuti zvakataurwa naJesu zvaizoitika.

w14 10/15 16-17 ¶15-16

Muchava “Umambo hweVapristi”

15 Pashure peKudya kwaShe Kwemanheru, Jesu akaita sungano nevadzidzi vake vakatendeka, iyo inowanzonzi sungano yeUmambo. (Verenga Ruka 22:28-30.) Sungano iyi yakasiyana nedzimwe pakuti Jehovha haamo mairi asi iri pakati paJesu nevateveri vake vakazodzwa. Zviri pachena kuti Jesu paakati ‘sokuita sungano neni kwakaita Baba vangu,’ aitaura nezvesungano yakaitwa naJehovha naiye Jesu yekuti ave “mupristi nokusingaperi maererano nezvakanga zvakaita Merekizedheki.”—VaH. 5:5, 6.

16 Vaapostora 11 vakatendeka vakanga ‘varamba vaina Jesu mumiedzo yake.’ Sungano yoUmambo yakaita kuti vave nechokwadi chekuti vaizova naye kudenga uye vaizogara pazvigaro zvokutonga semadzimambo nevapristi. Asi havasirivo voga vari 11 kudaro vaizowana chikomborero ichi. Jesu akazviratidza kumuapostora Johani achiti: “Ndichabvumira anokunda kuti agare neni pachigaro changu choumambo, ini zvandakakunda ndikagara naBaba vangu pachigaro chavo choumambo.” (Zvak. 3:21) Saka sungano yeUmambo inoitwa nevaKristu vakazodzwa 144 000. (Zvak. 5:9, 10; 7:4) Iyi ndiyo sungano inoita kuti zvive pamutemo kuti vachatonga naJesu kudenga. Izvi zvakafanana nemwenga unobva mumhuri inoremekedzeka unogona kuroorwa namambo wova panzvimbo yekuti unokwanisa kutotongawo. Ndizvo zvazviriwo nekuti Magwaro anotaura nezvevaKristu vakazodzwa vachinzi “mwenga” waKristu, “mhandara yakachena” icharoorwa naKristu.—Zvak. 19:7, 8; 21:9; 2 VaK. 11:2.

AUGUST 27–SEPTEMBER 2

PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | RUKA 23-24

“Regerera Vamwe”

cl 297 ¶16

“Kuti Muzive Rudo rwaKristu”

16 Jesu akatevedzera rudo rwaBaba vake zvakakwana neimwe nzira inokosha—akanga “akagadzirira kukanganwira.” (Pisarema 86:5) Chido ichi chakaonekwa kunyange paakanga ari padanda rokutambudzira. Paakanga achimanikidzwa kufa rufu runonyadzisa, zvipikiri zvichiboora maoko ake netsoka, Jesu akataura nezvechii? Akakumbira Jehovha kuti arange vaurayi vake here? Pane kudaro, pakati pemashoko aJesu okupedzisira paive nookuti: “Baba, vakanganwirei, nokuti havazivi zvavari kuita.”—Ruka 23:34.

g-E 2/08 11 ¶5-6

Mwari Anokanganwira Zvivi Zvakakura Here?

Jehovha haangotarisi chivi chaitwa asiwo mwoyo wemutadzi wacho. (Isaya 1:16-19) Chimbofunga nezvemakororo maviri akarovererwa pamwe chete naJesu. Vese vari vaviri vakanga vapara mhosva dzakakura. Mumwe wavo akatoti: “Tiri kugamuchira zvakakwana zvakatikodzera nokuda kwezvinhu zvatakaita; asi murume uyu hapana chaakaita chisina kukodzera.” Zvaakataura zvinoratidza kuti aiziva nezvaJesu uye izvozvo ndizvo zvakaita kuti apfidze. Zvinooneka mumashoko aakazotaura achikumbira Jesu kuti: “Mundiyeukewo kana mapinda muumambo hwenyu.” Kristu akaita sei nechikumbiro ichi? Akati, “Chokwadi ndinokuudza nhasi, uchava neni muParadhiso.”—Ruka 23:41-43.

Pafunge: Jesu paakanga ava pedyo nekufa akataura mashoko anoratidza kunzwira nyasha murume akanga abvuma mhosva yake. Izvozvo zvinokurudzira! Tinogona kuva nechokwadi chekuti Jesu Kristu naBaba vake, Jehovha, vachanzwira tsitsi vatadzi vanopfidza nemwoyo wese pasinei nezvavakatadza.—VaRoma 4:7.

cl 297-298 ¶17-18

“Kuti Muzive Rudo rwaKristu”

17 Zvimwe muenzaniso unotosvika pamwoyo zvikuru wokukanganwira kwaJesu unogona kuonekwa munzira iyo akabata nayo nomuapostora Petro. Hapana mubvunzo kuti Petro aida Jesu nomwoyo wose. Musi waNisani 14, usiku hwokupedzisira hwaJesu, Petro akamuudza kuti: “Ishe, ndakagadzirira kuenda nemi mujeri nomurufu.” Asi, maawa mashomanana gare gare, katatu, Petro akaramba kunyange kuti aiziva Jesu! Bhaibheri rinotiudza zvakaitika apo Petro akanga ava kuramba kechitatu: “Ishe akatendeuka akatarisa Petro.” Akurirwa nokukomba kwechivi chake, Petro “akabuda panze akachema zvikuru.” Jesu paakazofa zuva iroro, muapostora wacho zvingave zvakamunetsa kuti, ‘Ishe wangu andikanganwira here?’—Ruka 22:33, 61, 62.

18 Petro haana kuzomirira nguva yakareba kuti awane mhinduro. Jesu akamutswa mangwanani aNisani 16, uye sezviri pachena zuva rimwe chete iroro, akashanyira Petro iye pachake. (Ruka 24:34; 1 VaKorinde 15:4-8) Nei Jesu akanyatsofunga nezvomuapostora akanga amuramba zvakasimba kudaro? Jesu angave akada kusimbisa Petro aipfidza kuti akanga achiri kudiwa nokukosheswa naIshe wake. Asi Jesu akaita zvakatowanda kusimbisa Petro.

Kuchera Pfuma muShoko raMwari

nwtsty tsanangudzo dzemamwe mashoko Ru 23:31

muti uchiri munyoro, . . . kana waoma: Jesu ari kutaura nezvevaJudha. Vakanga vakaita semuti wava kuoma wakanga uchiine kaunyoro pakuti Jesu nevamwe vaJudha vaitenda maari vakanga vachiripo. Asi munguva pfupi Jesu aizourayiwa uye vaJudha vakatendeka vaizozodzwa nemweya mutsvene vova Israeri waMwari. (VaR 2:28, 29; VaG 6:16) Panguva iyoyo, rudzi rwaIsraeri rwaizofa pane zvekunamata rwoita semuti waoma.—Mt 21:43.

nwtsty mapikicha nemavhidhiyo

Chipikiri Pabhonzo Repachitsitsinho

Pikicha iyi ndeyechitsitsinho chekugadzira chakarovererwa chipikiri chakareba 11,5 cm. (Ona mwb17.12 5.) Chitsitsinho chacho chaicho chakawanikwa muna 1968, paicherwa matongo nechekuchamhembe kweJerusarema, uye ndechemunguva yaitonga vaRoma. Chitsitsinho ichi chinoratidza kuti vanhu vanogona kunge vaiurayiwa vachirovererwa nezvipikiri padanda. Chipikiri chacho chinogona kunge chakafanana nezvipikiri zvakashandiswa nevaRoma pakuroverera Jesu Kristu padanda. Chitsitsinho chakawanikwa muna 1968 chaiva mubhokisi redombo, iro raiiswa mabhonzo echitunha anenge aoma. Izvi zvinoratidza kuti munhu airovererwa padanda aigona kuzovigwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe