NYAYA YEKUDZIDZA 13
Dananai Kwazvo
“Dananai kwazvo zvichibva pamwoyo.”—1 PET. 1:22.
RWIYO 109 Ida Zvakadzama, Zvinobva Pamwoyo
ZVICHADZIDZWAa
1. Jesu akapa vadzidzi vake murayiro upi wakajeka? (Ona mufananidzo uri pakavha.)
USIKU hwekupedzisira asati afa, Jesu akapa vadzidzi vake murayiro wakajeka. Akavaudza kuti: “Sekukudai kwandakaita, imiwo dananai.” Akawedzera kuti: “Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”—Joh. 13:34, 35.
2. Nei zvichikosha kuti tiratidze kuti tinodanana?
2 Jesu akataura kuti munhu wese aizoziva kuti vateveri vake ndevapi kana vachiratidza kuti vanoda vamwe sezvaaiita. Mashoko aya aiva echokwadi munguva yevaKristu vekutanga, uye nanhasi achiri echokwadi. Ndosaka zvichikosha chaizvo kuti tiratidze kuti tinodanana kunyange pazvinenge zvakaoma!
3. Tichakurukurei munyaya ino?
3 Tiri vanhu vane chivi, saka zvinotiomera kuti tinyatsodanana. Kunyange zvakadaro, tinofanira kuedza kutevedzera Kristu. Munyaya ino, tichakurukura kuti rudo runotibatsira sei kuti tiite kuti pave nerugare, tisasarura vamwe, uye tigamuchire vaenzi zvakanaka. Paunenge uchidzidza nyaya ino, zvibvunze kuti: ‘Ndinodzidzei kuhama nehanzvadzi dzakaramba dzichida vamwe kunyange pazvainge zvakaoma?’
ITA KUTI PAVE NERUGARE
4. Maererano naMateu 5:23, 24, nei tichifanira kuyanana nehama inenge iine chigumbu nesu?
4 Jesu akatidzidzisa kuti zvakakosha kuti tiyanane nehama yedu kana iine chigumbu nesu. (Verenga Mateu 5:23, 24.) Akaratidza kuti kana tichida kufadza Mwari, tinofanira kuwirirana nevamwe. Jehovha anofara patinoita zvese zvatinogona kuti tive nerugare nehama dzedu. Haazogamuchiri kunamata kwedu kana tichiramba tiine chigumbu uye tisingatombodi kuedza kuita kuti tive nerugare.—1 Joh. 4:20.
5. Chii chaiita kuti zviomere imwe hama kuyanana neimwe hama?
5 Zvinogona kutiomera kuti tive nerugare nevamwe. Nei zvakadaro? Funga zvakaitika kuna Mark.b Akarwadziwa chaizvo imwe hama payakamushora uye payakataura zvakaipa nezvake kune vamwe vaiva muungano. Mark akaita sei nazvo? Anoti: “Ndakagumbuka chaizvo ndikamupopotera.” Akazodemba zvaainge aita uye akaedza kukumbira hama yacho ruregerero kuti vave nerugare zvakare. Asi hama yacho yakaramba kuyanana naMark. Pakutanga, Mark akafunga kuti, ‘Chandiri kuzvinetsera chii, haasi kuda kuti tiyanane.’ Asi akakurudzirwa nemutariri wedunhu kuti asaneta. Mark akaita sei?
6. (a) Mark akaramba achiedza kuitei kuti ave nerugare nehama yake? (b) Mark akashandisa sei zano riri pana VaKorose 3:13, 14?
6 Mark paakaongorora mafungiro ake, akaona kuti akanga asiri kuzvininipisa uye aizviona seari ani pane vamwe. Akaona kuti aifanira kuchinja mafungiro ake. (VaK. 3:8, 9, 12) Akaenda kune hama yacho zvakare, akanoikumbira ruregerero pane zvaainge aita. Mark anewo tsamba dzaakanyorera hama yacho achitaura kuti aiva neurombo chaizvo nezvaakaita uye aida kuti kana zvichiita vatangezve kuwirirana. Akatopawo hama yacho zvipo zvaaifunga kuti yaizofarira. Asi hama yacho haina kumuregerera uye yakatoramba yakatsamwa. Mark akaramba achiteerera murayiro waJesu wekuda hama yake uye wekuregerera vamwe. (Verenga VaKorose 3:13, 14.) Kunyange kana vamwe vakasada kutiregerera patinoedza kuyanana navo, kuda vanhu sezvaiita Jesu kuchaita kuti tirambe tichivaregerera uye tichinyengetera kuti tizova nerugare navo zvakare.—Mat. 18:21, 22; VaG. 6:9.
7. (a) Jesu akatikurudzira kuitei? (b) Imwe hanzvadzi yakasangana nedambudziko ripi?
7 Jesu akatikurudzira kuti tirambe tichiitira vamwe zvatinoda kuti vatiitirewo. Akawedzera kuti hatifaniri kungoda vaya vanotidawo chete. (Ruka 6:31-33) Asi ko kana zvikaitika kuti mumwe munhu ari muungano anoramba kukukwazisa? Izvi ndizvo zvakaitika kuna Lara. Anoti: “Imwe hanzvadzi yakangotanga kusada kutaura neni, uye handina kuziva chikonzero chacho. Zvakandirwadza uye ndakanga ndisisafarire kuenda kumisangano.” Pakutanga, Lara akafunga kuti: ‘Haisi mhosva yangu. Uye vamwe vari muungano vari kuonawo kuti maitiro ehanzvadzi iyi haanzwisisiki.’
8. Lara akaitei kuti ave nerugare neimwe hanzvadzi uye tinodzidzei pane zvakaitika kwaari?
8 Lara ane matanho aakatora kuti ayanane nehanzvadzi iya. Akanyengetera kuna Jehovha uye akasarudza kutaura nehanzvadzi yacho. Vakataura nezvedambudziko racho, vakambundirana uye vakayanana. Zvakabva zvaita sezvapera. Lara anoti: “Hanzvadzi iya yakazotangazve kusada kutaura neni. Ndakarwadziwa chaizvo.” Pakutanga, Lara ainzwa sekuti aizongofara chete kana hanzvadzi yacho ikachinja maitiro ayo. Asi akazoona kuti aifanira kuramba achida hanzvadzi yacho uye kuti aifanira ‘kuiregerera nemwoyo wese.’ (VaEf. 4:32–5:2) Lara akayeuka kuti rudo rwechokwadi “haruchengeti chigumbu. Runoshingirira zvinhu zvese, runotenda zvinhu zvese, rune tariro pazvinhu zvese, runotsungirira zvinhu zvese.” (1 VaK. 13:5, 7) Lara haana kuzoramba achinetseka nenyaya yacho. Nekufamba kwenguva, hanzvadzi iya yakazotangazve kumufarira. Paunoshanda nesimba kuti uve nerugare nehama nehanzvadzi dzako, uye uchiramba uchidzida, unogona kuva nechokwadi chekuti ‘Mwari werudo newerugare achava newe.’—2 VaK. 13:11.
USASARURA VAMWE
9. Maererano naMabasa 10:34, 35, nei tisingafaniri kusarura vamwe?
9 Jehovha haasaruri. (Verenga Mabasa 10:34, 35.) Kana tisingasaruri, tinoratidza kuti tiri vana vake. Tinoteerera murayiro wekuda muvakidzani wedu sezvatinozviita, uye izvi zvinoita kuti tirambe tiine rugare nehama nehanzvadzi dzedu.—VaR. 12:9,10; Jak. 2:8, 9.
10-11. Imwe hanzvadzi yakakunda sei ruvengo rwayaiva narwo?
10 Zvingasava nyore kune vamwe kuti vasava nerusarura. Funga zvakaitika kune imwe hanzvadzi inonzi Ruth. Paaiva mudiki, ane zvakaipa zvaakaitirwa nemumwe munhu wekune imwe nyika. Izvi zvakamukanganisa sei? Ruth anoti: “Ndakavenga zvinhu zvese zvine chekuita nenyika iyoyo. Ndaifunga kuti vanhu vese vanobva ikoko vakafanana, kunyange hama nehanzvadzi dzeko.” Ruth akakunda sei mafungiro iwayo?
11 Ruth akaona kuti aifanira kushanda nesimba kuti asava nepfungwa dzisina kunaka dzakadaro. Akaverenga nezvenyika yacho muBhuku Regore. Anoti: “Ndakashanda nesimba kuti ndione zvinhu zvakanaka zvinoitwa nevanhu vemunyika iyoyo. Ndakatanga kuona kuti hama nehanzvadzi dzacho dzaishumira Jehovha nemwoyo wese. Ndakabva ndatanga kuona kuti naivowo vari musangano redu rehama.” Pashure pekanguva, Ruth akaziva kuti ane zvimwe zvaaifanira kuita. Anoti: “Pese pandaionana nehama nehanzvadzi dzaibva kunyika iyoyo, ndaiedza chaizvo kudzifarira. Ndaitaura nadzo uye ndakatanga kudziziva zviri nani.” Zvakaguma nei? Ruth anoti: “Nekufamba kwenguva ruvengo rwangu zvakapera.”
12. Imwe hanzvadzi inonzi Sarah yaiva nedambudziko rei?
12 Vamwe vanogona kuva nerusarura vasingatombozivi kuti ndizvo zvavari. Sarah aifunga kuti haasaruri nekuti akanga asingatarisi kuti munhu ndewerudzi rupi, ane mari here kana kuti haana, kana kuti anoita nezvei musangano. Asi akati: “Ndakatanga kuona kuti ndaiva nerusarura.” Rusarura rwacho rwaiva pakudii? Sarah akakurira mumhuri yaiva nevanhu vakadzidza chaizvo uye aifarira kushamwaridzana nevanhu vakadaro. Pane imwe nguva akaudza shamwari yake kuti: “Ndinoshamwaridzana nehama dzakadzidza chaizvo. Handidi kutamba nevasina.” Zviri pachena kuti Sarah aifanira kuchinja mafungiro ake. Aizozviita sei?
13. Tinodzidzei pakuchinja kwakaita Sarah mafungiro ake?
13 Mumwe mutariri wedunhu akabatsira Sarah kuti azviongorore. Sarah anoti: “Akandirumbidza nekushumira kwandinoita, mhinduro dzakanaka dzandinopa uye kuziva kwandinoita Magwaro. Akabva azotaura kuti patinowedzera kuva neruzivo, tinofanirawo kushanda kuti tive vaKristu vanozvininipisa, vane mwero, uye vane tsitsi.” Sarah akateerera zvaakaudzwa nemutariri wedunhu wacho. Anoti: “Ndakaona kuti chinonyanya kukosha ndechekuti tive vanhu vane hanya nevamwe uye vane rudo.” Izvi zvakaita kuti Sarah achinje maonero aaiita hama nehanzvadzi dzake. Anoti: “Ndakaedza kufunga kuti Jehovha anoonei padziri chinoita kuti adzikoshese.” Ko isuwo tinodzidzei? Hatitombofaniri kufunga kuti tinokosha kupfuura vamwe nemhaka yedzidzo yatiinayo! Kana tichinyatsoda “sangano rese rehama,” hatizovi nerusarura.—1 Pet. 2:17.
GAMUCHIRA VAENZI ZVAKANAKA
14. Maererano naVaHebheru 13:16, Jehovha anonzwa sei patinogamuchira vaenzi zvakanaka?
14 Jehovha anofara chaizvo patinogamuchira vaenzi zvakanaka. (Verenga VaHebheru 13:16.) Anozviona sechikamu chekunamata kwedu kunyanya paya patinobatsira vanoshayiwa. (Jak. 1:27; 2:14-17) Ndosaka Magwaro achitikurudzira kuti ‘tigare tichigamuchira vaenzi zvakanaka.’ (VaR. 12:13) Kana tichigamuchira vaenzi zvakanaka, tinenge tichiratidza kuti tine hanya navo, tinovada uye tinoda kuva shamwari dzavo. Jehovha anofara patinowanira vamwe nguva, ingava yekutandara tichidya navo kana kuti yekungotaura navo. (1 Pet. 4:8-10) Asi pane zvimwe zvinhu zvinogona kuita kuti tiomerwe nekugamuchira vaenzi.
15-16. (a) Nei vamwe vachiona sekuti havakwanisi kugamuchira vaenzi? (b) Chii chakabatsira Edit kuti ade kugamuchira vaenzi?
15 Tinogona kuzeza kugamuchira vaenzi patinofunga zvatiri. Funga zvakaitika kune imwe chirikadzi inonzi Edit. Asati ava Chapupu, akanga asingafariri zvekutaura nevamwe. Edit ainzwa sekuti zvekugamuchira vaenzi hazvisi zvake.
16 Paakazova Chapupu, akachinja mafungiro ake. Akadzidza kugamuchira vaenzi. Anoti: “Imba yedu yeUmambo payaivakwa, mumwe mukuru akandiudza kuti pane mumwe murume nemudzimai vaiuya kuzobatsira pabasa racho, uye akandibvunza kana ndaizokwanisa kugara navo kwemavhiki maviri. Ndakayeuka kukomborera kwakaita Jehovha chirikadzi yekuZarefati.” (1 Madz. 17:12-16) Edit akabvuma kugara navo. Akawana makomborero here? Anoti: “Ndakafara kuti vakazogara pamba pangu kwemwedzi miviri. Panguva yacho yese, takava shamwari neshamwari.” Edit akafarawo kuva neshamwari dzepedyo dzemuungano. Iye zvino ava piyona uye anofara paanoenda nevamwe vaanobuda navo muushumiri kumba kwake kumbonodyira-dyira. Anoti: “Kupa kunoita kuti ndifare! Uye chokwadi ndechekuti ndini ndinozowana makomborero akawanda chaizvo.”—VaH. 13:1, 2.
17. Luke nemudzimai wake vakaona kuti vaiwanzoitei pakukoka vanhu?
17 Zvimwe tagara tichitogamuchira vaenzi, asi tingawedzera sei pane zvatagara tichiita? Luke nemudzimai vake vanogamuchira vaenzi zvakanaka. Vaiwanzokoka vabereki vavo, hama dzavo, dzimwe shamwari dzavo dzepedyo uye mutariri wedunhu nemudzimai wake. Asi Luke anoti, “Takaona kuti taingokoka hama dzedu nevanhu vataiwirirana navo chete.” Luke nemudzimai wake vakavandudza sei panyaya yekugamuchira vaenzi?
18. Luke nemudzimai wake vakawedzera sei zvavaiita pakugamuchira vaenzi?
18 Luke nemudzimai wake vakachinja maonero avo pavakafunga nezvemashoko aJesu ekuti: “Kana muchida vaya vanokudai, mune mubayiro wei?” (Mat. 5:45-47) Vakaona kuti vaifanira kutevedzera Jehovha uyo anopa vanhu vese. Saka vakabva vasarudza kukoka hama nehanzvadzi dzavainge vasati vambokoka. Luke anoti: “Tinofara chaizvo patinenge tiri pamwe nehama nehanzvadzi dzedu idzi. Munhu wese anonzwa akurudzirwa uye asimbiswa.”
19. Tinoratidza sei kuti tiri vadzidzi vaJesu uye watsunga kuitei?
19 Taona kuti kuda hama dzedu zvakadzama kunogona kutibatsira kuti tive vanhu vanoita kuti pave nerugare, tisasarura vamwe uye tigamuchire vaenzi zvakanaka. Tinofanira kubvisa mafungiro asina kunaka atingava navo, uye kuda hama nehanzvadzi dzedu zvichibva pamwoyo. Kana tikadaro, tichafara uye ticharatidza kuti tiri vadzidzi vaJesu.—Joh. 13:17, 35.
RWIYO 88 Itai Kuti Ndizive Nzira Dzenyu
a Jesu akati vaKristu vechokwadi vanozivikanwa nerudo. Kuda hama nehanzvadzi dzedu kuchaita kuti tive vanhu vanoita kuti pave nerugare, vasingasaruri uye vanogamuchira vaenzi zvakanaka. Izvi zvingasava nyore nguva dzese. Nyaya ino ichatipa mazano ekuti tingaramba sei tichidanana zvinobva pamwoyo.
b Mamwe mazita ari munyaya ino akachinjwa.
c KUTSANANGURWA KWEMIFANANIDZO: Hanzvadzi iri kuedza kutsvaga rugare. Kekutanga zvinoramba, asi inoramba ichiedza. Sezvo ichiramba ichiedza kuratidza rudo inozobudirira.
d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama yechikuru iri kunzwa yasarurwa nevamwe muungano.
e KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi inombotanga ichizeza kugamuchira vaenzi asi inozochinja mafungiro ayo, yowedzera kufara.