RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • yb03 pp. 150-255
  • Philippines

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Philippines
  • Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2003
  • Misoro Midiki
  • Chiedza Chechokwadi Chinotanga Kupenya
  • Kukurumidza Kuwedzera Pasinei neHondo Yenyika
  • Mamishinari Anosvika
  • Kuenderera Mberi Tichipfuura Nomuma1970
  • Kutanga Kupupurira Munharaunda Dziri Kure—Mumakomo
  • Kutanga Kupupurira Munharaunda Dziri Kure
  • Kushandisa Nzira Dzose Kuparidza Mashoko Akanaka
  • Mamishinari Anouya
  • Mamishinari Anotumirwa
  • Mufaro Wokubatsira Vamwe Kuita Jehovha Nhare Yavo
  • Chikoro Choushumiri hwoUmambo Chinobatsira Kushongedzera Vakuru
  • Kubatsira Mapiyona
  • Kutanga Kuedza Kushandisa Muchina Wokudhinda weOffset
  • Sangano raJehovha Rinogovera MEPS
  • Zvokudya Zvomudzimu Panguva Imwe Chete
  • Kurwisana Kwemauto Nevapanduki
  • Miedzo Yokusava Venyika
  • ‘Kusadzidzazve Hondo’
  • Uwandu Hwekokorodzano Hunowedzera
  • Jehovha Anokomborera Zvinoitwa Nevanhu Kuti Vapinde
  • Kokorodzano Dzakakurumbira
  • Kupa Mashoko Akanaka Mumitauro Yakawanda
  • Mhuri yeBheteri Inotsigira Basa Romumunda
  • Kuendesa Chokwadi Kuvanhu Vose
  • Kushanda Kunodiwa Vamwe Vaparidzi
  • VaAeta Vanodzidza Chokwadi
  • Kuunza Rusununguko Kune Vaya Vasina Kusununguka
  • Vave Vachishumira Kwenguva Refu Vanoenderera Mberi
  • Dzimba Dzakanaka Dzokunamatira Jehovha
  • Kuchinja Maonero Maererano Nenguva Yokuita Misangano
  • Dzimba Dzemagungano
  • Zvimwe Zvivako Zvebazi
  • Kuvaka Zvivako Zvitsva Zvebazi
  • VomuPhilippines Vanoenda Kunovaka Kune Dzimwe Nyika
  • Mhirizhonga Haimisi Basa
  • Kudzokera Kudare Nenyaya Yomureza
  • Basa Rinoenderera Mberi Pasinei Nenjodzi
  • Kuendesa Mabhuku eBhaibheri
  • Kunze Kwenyika
  • Kubatsira Vemimwe Mitauro
  • Kunyange Vaya Vasinganzwi “Vanonzwa”
  • Zvivako Zvakakura Zvinodiwa
  • Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri Chinoita Zvaidiwa
  • Kufambira Mberi
  • Kutsunga Kuenderera Mberi
Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2003
yb03 pp. 150-255

Philippines

Mikokonati, masango akasvibira omunzvimbo dzinopisa, mahombekombe ane jecha jena, makungwa akaisvonaka—zvose izvi zvinoumba chikamu chikuru chePhilippines. Zvitsuwa zvakawanda izvi zvinenge 7 100 zvakadanwa kunzi Pfuma yeMakungwa okuMabvazuva. Chimwe chinoita kuti nyika iyi iwedzere kukwezva, vanhu vanofara uye vakasununguka vanoda kutamba nokuimba. Zvikaitika kuti washanyira nyika iyi yezvitsuwa, pamwe hauzokanganwi mutsa wakanakisisa unoratidzwa nevanhu vane ushamwari uye vakanaka vanogara ikoko.

Zvisinei, kune vakawanda, Philippines inzvimbo inovayeuchidza zvakatosiyana zvachose—njodzi. Ungayeuka kuputika kweGomo rePinatubo, nemadhaka aro anobuda pakuputika akaparadza zvachose mamwe maguta; kana kuti zvichida unorangarira njodzi yakaipisisa pasi pose yakaitika mugungwa panguva yakwaiva norunyararo, apo zviuru zvevanhu zvakafa pakadhumhana chikepe chinotakura vanhu chainzi Doña Paz nengarava inotakura mafuta. Zviripo ndezvokuti, muzinda unonzi Belgium’s Center for Research on the Epidemiology of Disasters wakati Philippines ndiyo nyika isingatani kuwirwa nenjodzi kupfuura dzimwe dzose pasi pose. Chamupupuri, mafashamo, kudengenyeka kwepasi, nokuputika kwemakomo zvinogaroitika. Wedzera pane izvozvo urombo hwevagari vemo vakawanda, uye unoona mufananidzo wenyika yakanaka kwazvo ine zvinetso zvayowo.

MuPhilippines yose, Zvapupu zvaJehovha zviri mubishi kuzivisa chokwadi cheBhaibheri kuvanhu 80 000 000 vanogara imomo. Iri harisi basa riri nyore. Kunze kwokutyira njodzi dzinongoitika dzoga, pane zvinetso zvokusvika kune vanhu vari muzvitsuwa zvakawanda uye munharaunda dziri kure dzemakomo nemasango. Kunyange zvakadaro, basa racho riri kuitwa. Vanhu vaJehovha varatidza kutsunga kunoshamisa pasinei nemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana avanosangana nawo. Somugumisiro, vakawana chikomborero chaJehovha pabasa rokuita vadzidzi.

Mudzimwe nzira, Zvapupu zvomuPhilippines zvakafanana nevaIsraeri vekare vaida kudzorera kunamata kwechokwadi muJerusarema. Vakakurudzirwa nemashoko aNehemia, anoti: “Mufaro waJehovha isimba renyu.” (Neh. 8:10) Pasinei nezvinetso zvavakasangana nazvo, vaIsraeri vakafambira mberi nomufaro mubasa rokusimudzira kunamatwa kwaJehovha. Kufanana nevaIsraeri vomunguva yaNehemia, Zvapupu zvaJehovha muPhilippines mose zviri kurayiridzwa muShoko raMwari. Naizvowo zviri kuita kuti mufaro waJehovha uve simba razvo.

Chiedza Chechokwadi Chinotanga Kupenya

Nyika yePhilippines yakasiyana nedzimwe pakuti muAsia yose ndiyo yoga nyika yakawanda vaRoma Katurike. Vagari vomuPhilippines vaiva nezvitendero zvavakakura vari, asi utongi hweSpain hwemakore anopfuura 300 hwakaita kuti vanhu vacho vapindwe nechiKaturike. Kunyange zvazvo kudzorwa neUnited States kwemakore 50 kwakaita kuti vanhu vacho vazivewo nezvezvimwe zvitendero, kutenda muchiKaturike kwakaramba kwakangosimba. Inenge 80 kubva muzana yevanhu vacho inoti vaRoma Katurike.

Muna 1912, Charles T. Russell, Mudzidzi weBhaibheri aitungamirira—sokuzivikanwa kwaimboitwa Zvapupu zvaJehovha—akambomira muManila paaitenderera pasi pose achipa hurukuro. Musi waJanuary 14, akapa hurukuro yaiva nomusoro waiti “Vakafa Varipi?” muManila Grand Opera House. Mabhuku akagoverwa kune vakapinda.

Dzimwe mbeu dzechokwadi dzakadyarwa kumavambo kwema1920 apo Hama William Tinney vaibva kuCanada vakauya somumiririri akatevera weVadzidzi veBhaibheri. Vakaronga kirasi yokudzidza Bhaibheri. Pamusana pourwere, vaifanira kudzokera kuCanada, asi vanhu vaifarira vomuPhilippines vakapfuudzira kirasi yacho yokudzidza Bhaibheri. Mabhuku aitumirwa nepositi akabatsira kuchengeta chokwadi chiri chipenyu mumwoyo yevanhu. Ndiwo mamiriro akanga akaita zvinhu kusvikira kumavambo kwema1930. Pakazosvika 1933 shoko rechokwadi rakanga rava kutepfenyurwa muPhilippines panhepfenyuro yeredhiyo yeKZRM.

Mugore iroro, Joseph dos Santos akatangawo rwendo rwepasi pose rwokuparidza achibva kuHawaii. Kwaakatanga kusvika kuPhilippines, asi haana kuzombopfuurira. Hama dos Santos vakapiwa basa rokutungamirira basa rokuparidza Umambo ikoko uye kuvhura hofisi yebazi. Hofisi yacho yakatanga kushanda musi waJune 1, 1934. Hama dos Santos, pamwe chete nevanhu vashomanana vaida kushumira Jehovha, vakabatikana mukuparidza uye kuparadzira mabhuku. Kunyange paiva nokupikiswa, pakazosvika 1938 munyika macho makanga mava nevaparidzi 121, uye 47 vavo vaishanda semapiyona.

Kunyange zvazvo vanhu vokuAmerica vaidzidzisa chiRungu, hama dzakaziva kuti vanhu vaidzidza Bhaibheri zvakanakisisa mumutauro wavo. Izvi zvakaita kuti nyaya yacho iome nokuti muPhilippines mose maitaurwa mitauro mikuru nemiduku inoda kusvika 90. Zvisinei, vakaedza kushandurira mabhuku mune mimwe mitauro mikuru yacho. Pakazosvika 1939 hofisi yebazi yakashuma kuti: “Iye zvino tava kurekodha [hurukuro dzeBhaibheri] mumutauro weTagalog, uye naidzodzi tinotarisira kushandisa gudzanzwi negiramufoni zvikuru zvichaita kuti Ishe arumbidzwe.” Vakashumawo basa rakaitwa rokushandurira bhuku rinonzi Riches mumutauro weTagalog. Makore maviri gare gare, kushandurirwa kwetubhuku mune mimwe mitauro mina mikuru yomuPhilippines kwakapedzwa, nokudaro zvichizarura nzira yokuti shoko roUmambo rinzwisiswe nevanhu vakawanda munyika macho.

Pakati pevakagamuchira shoko rechokwadi mumakore iwayo paiva naFlorentino Quintos, mudzidzisi. Akatanga kudzidza chimwe chinhu nezvebasa revanhu vaJehovha paakataura nomumwe murume akanga ateerera hurukuro yaHama Russell kuManila muna 1912. Muna 1936, Florentino akapiwa mabhuku 16 aiva nemavara akanaka chaizvo aitaura nezveBhaibheri nomumwe weZvapupu zvaJehovha. Zvisinei, Florentino akanga ari mubishi kuita zvoudzidzisi, saka kwenguva yakati, mabhuku aya aiva nemavara omuraraungu akangochengetwa chete asingaverengwi. Zvadaro hondo yakauya, mauto eJapan akatora nyika yacho, uye mabasa akawanda enguva dzose akabva amira. Zvino Florentino akanga ava nenguva yokuverenga, uye ndizvo zvaakaita. Munguva pfupi, akapedza mabhuku aRiches, Enemies, uye Salvation. Kuverenga kwake kwakavhiringidzwa nokuti aifanira kutiza mauto eJapan, asi mbeu dzechokwadi dzakanga dzadyarwa mumwoyo make.

Kukurumidza Kuwedzera Pasinei neHondo Yenyika

Hondo Yenyika II yakaunza matambudziko matsva kuvashumiri vaJehovha munyika yose yezvitsuwa iyi. Kumavambo kwehondo, muPhilippines maiva nevaparidzi 373. Zvisinei, kunyange vaiva vashoma, vakaratidza kushingaira uye kuwirirana nemamiriro ezvinhu akasiyana-siyana kunoshamisa pazvose zvavaiita kuti vasimudzire kunamata kwakachena.

Dzimwe hama dzokuManila dzakatamira kumataundi maduku ari kunze kweguta racho ndokuenderera mberi nebasa rokuparidza ikoko. Hondo yakaita kuti zvisabvire kupinza mabhuku eBhaibheri munyika, asi hama dzakakwanisa kugovera mabhuku akanga achengetwa mudzimba dzehama hondo isati yatanga. Mabhuku iwayo paakapera, vakatanga kuita zvokukweretesa vanhu mabhuku.

Salvador Liwag, mumwe mudzidzisi uyo akarega basa rake kuti ave muzivisi wemashoko akanaka, aiva kuMindanao pakatanga hondo. Iye nedzimwe hama vakatizira kumasango nokumakomo. Ikoko vakaenderera mberi nemabasa avo echiKristu. Vaifanira kunyatsongwarira pakuita mabasa avo, kuti vasamanikidzwa nemauto eJapan kupinda muzvikwata zvawo zvechiuto. Panguva iyoyi zvakare, magandanga airwisana nemauto eJapan aiwanzofungidzira kuti hama dzaiva vasori vaishandiswa nemauto eJapan.

Nenzira inoshamisa, paiva nemikana yokuita magungano maduku panguva iyo mauto eJapan akanga akapamba nyika. Gungano redunhu rakaitwa muManila; vakawanda vakapinda. Rimwe rakaitwa kuLingayen. Vagari veko vakashamiswa kuona vanhu vavasingazivi vachiuya vari mumarori; asi hapana akadzongonyedza, uye gungano racho rakaitwa zvinobudirira.

Jehovha akakomborera basa rose iri, uye nhamba yeZvapupu yakawedzera. Varumbidzi vaJehovha 373 vaivapo pamavambo ehondo vakazova vanopfuura 2 000 makore mana gare gare.

Yeuka kuti Hama dos Santos vakanga vapiwa basa rokutungamirira pakuronga basa rokuparidza Umambo muPhilippines. Muna January 1942 vakavharirwa mujeri raitarisirwa nemauto eJapan muManila. Kunyange zvakadaro, naivowo vakaramba vachishingaira. “Ndakataurira vakawanda sezvandaigona mashoko akanaka mukamba macho,” vakadaro. Upenyu hwomukamba macho hwakanga hwakaoma, uye vakawanda vakafa nenzara. Hama dos Santos pavakavharirwa mujeri, vairema makirogiramu 61, asi pavakabudiswa, vakanga vava kungorema makirogiramu 36 chete.

Mauto eAmerica akasunungura vasungwa muna 1945 akati aigona kudzorera Hama dos Santos kuHawii, asi vakaramba. Nei? Basa roUmambo ndiro ravaifarira, uye vaida kuita zvavaigona kuona kuti rafambira mberi muPhilippines. Pamusoro pazvo, aizovatsiva akanga asati auya. Hama dos Santos vakati: “Ndaizoramba ndiriko kusvikira auya!” NezvaJoseph dos Santos, Hilarion Amores akati: “Aishanda nesimba chaizvo uye aifarira kunamata kwehama.”

Mamishinari Anosvika

Hama dzomuPhilippines dzakaita zvose zvadzaigona hondo isati yatanga uye payairwiwa, kunyange dzakanga dzisina kumbodzidziswa kuti dziite izvozvo. Zvisinei, hondo ichangopera, rubatsiro rwakauya. Vadzidzi veGiriyedhi Earl Stewart, Victor White, naLorenzo Alpiche vakasvika musi waJune 14, 1947. Pakupedzisira, pakanga pawanikwa aizotsiva Hama dos Santos. Muna 1949 vakadzokera kuHawaii nomudzimai wavo nevana.

Hama Stewart vakagadzwa kuva mutariri webazi. Mamwe mamishinari akawanda akauya mumakore epakuvamba iwayo akatumirwa kumunda. Nezvokubatsira kwokuva nemamishinari akarovedzwa kuGiriyedhi, Victor Amores, uyo akatumirwa kuGiriyedhi achibva kuPhilippines, anorondedzera kuti: “Zvaibatsira zvikuru pakuronga basa. Hama dzakadzidza kubva kuvadzidzi veGiriyedhi ava. Zvakaguma nokufambira mberi. Gore ra1975 risati rasvika, takasvika vaparidzi vanenge 77 000, nepo muna 1946 taingova 2 600 chete.” Pashure pehama nhatu dzokutanga, mamwe mamishinari akati kuti akazouyawo, kusanganisira Hama naHanzvadzi Brown uye Hama naHanzvadzi Willett, vakashanda kuCebu, uye Hama naHanzvadzi Anderson, vakashanda kuDavao. Kwaivawo naHama naHanzvadzi Steele, Hama naHanzvadzi Smith, uye Hama Hachtel naHama Bruun. Neal Callaway akasvika muna 1951. Akazoroora Nenita, imwe hanzvadzi yomuPhilippines uye vakashumira munenge munzvimbo dzose dzePhilippines kusvikira Neal afa muna 1985. Denton Hopkinson naRaymond Leach vokuBritain vakasvika muna 1954, uye vachiri kubatsira mubasa romuPhilippines pashure pemakore anodarika 48.

Vadzidzi veGiriyedhi vokune dzimwe nyika vakanga vasivo voga vakabatsira kuronga nokuwedzera basa rokuparidza Umambo muPhilippines. Pakazosvika makore okuma1950, hama dzomuPhilippines dzakakokwawo kuChikoro cheGiriyedhi, uye vanoda kuva vose zvavo vakadzoka kuzoshanda munyika yokumusha kwavo. Vatatu vokutanga vaiva Salvador Liwag, Adolfo Dionisio, naMacario Baswel. Victor Amores, ambotaurwa, akashandisa kudzidziswa kwaakaita basa rokufambira uye paBheteri. Akazomborera mhuri asi gare gare akazodzoka mubasa renguva yakazara. Akashanda somutariri anofambira ndokuzoshanda sapiyona chaiye muPurovhinzi yeLaguna, pamwe chete nomudzimai wake, Lolita, kusvika ava pedyo nokusvitsa makore 80.

Kuenderera Mberi Tichipfuura Nomuma1970

Sezvo basa rakakurumidza kufambira mberi, nhamba yevaparidzi yakaramba ichiwedzera, ichipfuura 77 000 pakasvika 1975. Ruzhinji rwevashumiri vaJehovha rwakaramba rwakasimba mumudzimu uye rwakaramba ruchishumira Mwari rwakatendeka. Zvisinei, pane vakawanda vakarega kushumira Jehovha apo nyika isina kuguma muna 1975. Pakasvika 1979, nhamba yevaparidzi yakanga yadzika kusvika pasi pe59 000. Cornelio Cañete, aishanda somutariri wedunhu pakati pema1970, akati: “Vamwe vakabhabhatidzwa vachifunga nezva1975 vakangogara makore mashomanana. Pashure pa1975, vakasiya chokwadi.”

Kunyange zvakadaro, ruzhinji rwaingoda kukurudzirwa kuramba ruchiona zvakanaka basa rechiKristu. Saka hofisi yebazi yakatora matanho okuronga hurukuro chaidzo. Somugumisiro, vaiita basa havasivo voga vakakurudzirwa asi vamwe vevakanga vasingachaiti basa vakabatsirwa kuva zvakare varumbidzi vaJehovha vanoshingaira. Hama dzakasvika pakunzwisisa kuti dzainamata Mwari, kwete dziine musi mumusoro, asi kusvikira nokusingaperi. Kubva panguva yokuderera kwakaitika kwenguva pfupi uku, nhamba yevaparidzi voUmambo yawedzera zvinoshamisa. Vaya vasina kubvumira kuora mwoyo kuvakanganwisa kunaka kwose kwaJehovha vakakomborerwa zvechokwadi!

Kutanga Kupupurira Munharaunda Dziri Kure—Mumakomo

Zviuru zvezvitsuwa zvinoumba Philippines zvakapararira mumakiromita anenge 1 850 pakati pegungwa kubva kuchamhembe kuenda kumaodzanyemba uye makiromita 1 100 kubva kumabvazuva kuenda kumadokero. Zvimwe zvitsuwa hazvigarwi, uye zvakawanda zvine nharaunda dzine makomo ane matombo akawanda. Kusvika kune vanhu vari munzvimbo dziri kure zvakadaro hakusi nyore.

Imwe yenharaunda dzakadaro inonzi Kalinga-Apayao. Mumakomo eCordillera Central ane matombo akawanda okuLuzon yokuchamhembe, vanhu vakakamurwa kuva mumadzinza nemisha, mumwe nomumwe une mutauro netsika zvawo woga. Kunyange zvazvo tsika yokudimbura misoro yevanhu yakaregwa muzana remakore rechi20, kuvengana kwevanhu vari mumisha yakasiyana kwave kuchigaroitika, zvichiguma nemabopoto nokuurayana. Geronimo Lastima akati: “Kare, zvakanga zvakaoma kutumira mapiyona chaiwo mundima idzodzo. Vanhu veko vaivhima hama vachida kudziuraya.”

Kuzvipedza kwaiva kutumira hanzvadzi. Geronimo akatsanangura kuti: “Vakanga vasina basa nevakadzi. Tsika dzinoti vakadzi havafaniri kukuvadzwa.” Hanzvadzi dzaibudirira kudzidzisa chokwadi kuvanhu vomunharaunda dzacho. Zvadaro, vanhu veko vacho vaibhabhatidzwa vova mapiyona. Vainzwisisa tsika dzevanhu vavo uye vaiziva nzira yokupupurira zvinobudirira. Somugumisiro, “vavhimi” vakapararira mumakomo ose aya—vavhimi vevaya vanoda chokwadi. Muma1970, kwaingova neZvapupu zvishomanana chete muKalinga-Apayao yose; iye zvino kwava nematunhu maviri.

Saizvozvowo, mupurovhinzi iri pedyo ine makomo yeIfugao, makanga musina kana Chapupu chimwe chete kumavambo kwema1950. Mapiyona enguva dzose matatu akapiwa basa rokunoparidzira vanhu vaigara muminda yomupunga yave ichirimwa kwemazana emakore. Nokufamba kwenguva, vanhu veko vakatanga kugamuchira chokwadi. Nhasi munharaunda iyoyo mune ungano 18 dzine vaparidzi 315.

Mumakomo ari nechokumusorosoro eAbra, dambudziko nderokuti misha isati yava neZvapupu yosvikwa sei. Mumwe mutariri wedunhu aiva nechido chikuru chokuendesa mashoko akanaka kunharaunda dziri kure kure akakoka vamwe 34 kuti vaende naye kunoparidza munharaunda iri pedyo neTineg. (Mabasa 1:8) Sezvo kusina zvokufambisa zvavose, boka racho rakafamba kwemazuva manomwe nomumakomo kuti risvike kumisha gumi ine dzimba dzinenge 250.

Mutariri wedunhu wacho anorondedzera kuti: “Zvakanga zvakati omei kufamba nomumichinjiziri yemakomo takatakura zvinhu zvedu zvose. Pausiku hutanhatu, takapedza huna hwacho takarara pachena mugomo kana parutivi porwizi.” Akanga ava makore akawanda kubva pakanga papedzisira kupupurirwa mimwe yemisha yacho. Mune imwe nzvimbo, vakasangana nomumwe murume akati: “Makore 27 akapfuura, Zvapupu zvaJehovha zvakaparidzira baba vangu. Vakatiudza kuti Zvapupu zvaJehovha ndizvo zvine chokwadi.” Pamwe chete, boka racho rakagovera mabhuku 60, magazini 186, mabhurocha 50, nematurakiti 287 uye vakaratidza vakawanda maitirwo ezvidzidzo zveBhaibheri.

Kutanga Kupupurira Munharaunda Dziri Kure

Palawan chitsuwa chikuru chePhilippines. Chisina kutambanuka, chakareba makiromita 434. Chiri kure noruzha runoitika mune zvitsuwa zvine vanhu vakawanda, Palawan masango anogara vanhu vemadzinza akasiyana-siyana nemisha yakawanda yakatarangana, kusanganisira yevanhu vaya vakatamira ikoko. Agadzirira kuita chero mugove upi zvawo, mumishinari Raymond Leach akatumirwa ikoko somutariri wedunhu. Kwaiva neZvapupu zvishoma uye madaro marefu okufamba. Anoyeuka kuti: “Ndakatumirwa ikoko kubva muna 1955 kusvika muna 1958, uye kwaingova nevaparidzi 14 muPalawan yose. Zvakanditorera vhiki shanu kuti ndivashanyire.”

Kubvira ipapo, pane zvinhu zvakawanda zvavandudzika, kunyange zvazvo ichingori nzvimbo inonetsa. Febe Lota, uyo zvino ava kumavambo kwemakore okuma40, akatanga kuva piyona chaiye muPalawan muna 1984. Anorondedzera zvakaitika achishumira kuDumaran, achiti: “Takasvika pane yataifunga kuti ndiyo imba yokupedzisira. Takanga tisingafungi kuti paiva neimwe, asi yaivapo!” Vaigara kuseri pakati pemiti yemichindwe vaiva murume nomudzimai vakanga vane basa rokutarisira miti yemikokonati. Uyezve, vaitofarira Bhaibheri!

Febe anoti: “Kudai yakanga isiri nyaya yokushumira Jehovha, ndaizodai ndisina kumbodzokera kunzvimbo iyoyo.” Kuti vasvike ikoko, Febe nomumwe wake vaipedza zuva rose vachifamba nomumiti yemikokonati nomumahombekombe ane jecha nematombo. Pakwaiita masaisai makuru, vaifamba nomumvura inosvika mumabvi. Pamusana pedaro racho, vakafunga kuenda ikoko kamwe chete pamwedzi vopedza mazuva akati kuti variko. Zvaireva kutakura zvokudya, mabhuku, magazini, nezvimwe zvipfeko. “Kwaiva kuzvipira chaiko kuti tipiswe nezuva nokurumwa netumbuyu. Taisvika tati nyakata neziya.” Zvisinei, basa ravo rakakomborerwa sezvavakaona murume nomudzimai vaifarira ava vachifambira mberi nokukurumidza zvikuru mukudzidza kwavo Bhaibheri.

Murume nomudzimai ava vakamanikidzwa kusiya basa ravo pamiti yemikokonati apo maneja wacho, mutenderi wechechi yeBaptist, akaziva kuti vakanga vachidzidza neZvapupu. Febe akafara kwazvo paakazoonazve mudzimai wacho. Akanga asina kunge atobhabhatidzwa chete asi, sezvinotaura Febe, “akanga agere nesu pamusangano wemapiyona wakaitwa pakokorodzano yoruwa.” Mufaro wakadini kuti munhu aone zvibereko zvemabasa ake!

Pachitsuwa chikuru cheMindanao kumaodzanyemba kwePhilippines, kune nzvimbo dzakawanda dzinonetsa kusvika kwadziri. Nathan Ceballos akashanda ikoko somutariri anofambira, achiperekedzwa nomudzimai wake. Muvhiki dzavakanga vasingashanyiri ungano, vaiedza kuparidza mundima dziri kure. Vaikoka dzimwe hama nehanzvadzi kuti dziende navo. Imwe nguva boka racho rakashandisa midhudhudhu 19 kuti risvike kune misha yakawanda. Migwagwa yacho haina kunaka uye ine madhaka, uye Zvapupu zvacho zvaifanira kuyambuka hova, dzakawanda dzacho dzakanga dzisina mabhiriji. Kunyange zvazvo vanhu vari munharaunda idzodzo vaine mari shoma, vakapa mitsvairo inogadzirwa nemaoko vachiratidza kuonga mabhuku aiunzwa nehama. Fungidzira uchiona hama dzacho dzava kudzoka kumba, midhudhudhu yadzo yakatakura mitsvairo! Nathan anoti: “Tose takadzoka kumba taneta uye tava netsvina asi tizere nomufaro, tichiziva kuti zvatakanga taita ndizvo zvaidiwa naJehovha.”

Kushandisa Nzira Dzose Kuparidza Mashoko Akanaka

Mumakore achangobva kupfuura, sangano raJehovha rakakurudzira vaparidzi voUmambo kushandisa mikana yose yokupupura. Izvi zvave zvakakodzera kunyanya munharaunda dzenyika yacho dzine vanhu vakawanda. Maguta akati kurei acho, akadai seDavao, Cebu, uye Metro Manila, akangoita semamwe maguta pasi pose, aine mabhizimisi awo akawanda, mahofisi, mafurati, uye misha inoda kuti asiri mugari wemo apiwe mvumo chaiyo yokupindamo. Chii chakaitwa kuti vanhu vari munzvimbo idzi vaonekwe?

Dhorobha reMakati chikamu chedunhu rakafambirwa naMarlon Navarro, kusvikira panguva ichangobva kupfuura. Marlon, wechiduku akapedza zvidzidzo paChikoro Chokurovedza Vashumiri, akashanda nesimba kuti aronge kuparidzira muruwa rune upfumi rweMakati, nharaunda yakagoverwa kuungano nhatu. Hama nehanzvadzi, vakawanda vavo mapiyona, vakasarudzwa ndokudzidziswa kushanda munharaunda iyi zvinobudirira. Zvidzidzo zveBhaibheri zviri kuitiswa munzvimbo dzine zvitoro zvakawanda zviri pamwe chete nomumapaki muchikamu ichi cheguta racho; vamwe vevadzidzi veBhaibheri ava vari kupinda misangano.

Cory Santos nomwanakomana wake, Jeffrey, vose mapiyona. Kakawanda vanoita uchapupu hwomumugwagwa, dzimwe nguva mangwanani-ngwanani, kuma6. Panguva iyoyo yezuva, vanosangana nevanhu vanenge vachidzoka kumba kubva kubasa rousiku mumabasa avo omufekitari. Vakatotanga zvidzidzo pavanenge vachiita basa irori romumugwagwa. Vamwe vakatanga kutaurwa navo nenzira iyi vakafambira mberi kusvikira vabhabhatidzwa.

Kunze kwemagutawo, vaparidzi vave vachingwarira kuwana mikana yokupupurira kuvamwe. Norma Balmaceda, ave achiita upiyona chaihwo kwemakore anopfuura 28, akataura nomumwe mukadzi akanga achimirira chokufambisa. Norma akabvunza mukadzi wacho kuti: “Muri kuendepi?”

Mukadzi wacho akapindura kuti: “KuQuirino Province.”

“Ndiko kwamunobva here?”

“Aiwa, asi murume wangu ari kuda kutamira ikoko nokuti upenyu hwakaoma kwazvo muno muIfugao.”

Izvozvo zvakapa Norma mukana wokumutaurira mashoko akanaka pamusoro pehurumende yoUmambo, ichagadzirisa zvinetso zvevanhu. Vakaparadzana. Makore gare gare, pagungano redunhu, mumwe mukadzi akasvika ndokutaura naNorma achiti ndiye munhu uyo Norma akanga ambotaura naye. Iye zvino akanga abhabhatidzwa, uye vanasikana vake vaviri nomurume wake vakanga vari kufara kudzidza Bhaibheri.

Pahofisi yebazi muQuezon City, hama dzakangwaririra kushandisa mukana wose wokupupura. Somuenzaniso, Felix Salango anozivikanwa chaizvo nokushingaira kwake mukuparidzira vamwe. Ave achiita upiyona hwebetsero kakawanda achishanda paBheteri. Mugore ra2000, pakanga pachivakwa chimwe chivako chinogara vanhu, Felix akacherechedza vashandi vakanga vahayiwa kuzovaka madziro echivako chacho. Akaenda kunotaura nomukuru wavo ndokukumbira mvumo yokutaura nevashandi vacho. Felix anoti: “Vapedza kudya masikati, ndakaenda kwavaishandira, kwakanga kwaunganidzwa vashandi vanopfuura 100 nomukuru wavo. Ndakarondedzera zvakaita basa reZvapupu zvaJehovha ndokutsanangura kuti zivo inodiwa kuti vapukunyuke padambudziko guru. Ndakanga ndine bhokisi rimwe remabhurocha nebhokisi rimwe remabhuku aZivo. Ndakatsanangura kuti kana vashandi vacho vaifarira kudzidza Shoko raMwari, vaigona kuwana rimwe remabhuku acho.” Felix akatsanangurawo nzira inotsigirwa nayo basa reZvapupu zvaJehovha pasi pose ndokuisa mabhuku acho nehamvuropu pedyo nomuti womukokonati. Vashandi vakawanda vakatora bhuku kana bhurocha, uye vakawanda vakaisawo mupiro muhamvuropu.

Vamwe vakafarira kudzidza, kusanganisira mukuru wavo. Misi yose yoMuvhuro, Chitatu, neChishanu panguva yokuzorora masikati, Felix akaronga kudzidza naye mubhurocha raMwari Anodei Kwatiri? Mukuru wacho akaudza Felix kuti: “Zvandiri kudzidza pano, ndinozvitsanangurira mudzimai wangu neshamwari dzangu.” Vamwe vakuru vebasa vaviri vaishanda ipapo vaida kudzidzawo, pamwe chete nomumwe gadhi nevamwe vanamabharani. Chokwadi, kupupurira pamukana wose kunounza chikomborero chaJehovha.

Mamishinari Anouya

Mumakore ose apfuura, mamishinari 69 akarovedzwa okune dzimwe nyika akaenda kuPhilippines kunobatsira mubasa rokuparidza Umambo. Akaita izvi munzira dzakasiyana-siyana. Denton Hopkinson naRaymond Leach, vambotaurwa, vakambotanga vatumirwa kundima vachishanda semamishinari pakutanga ndokuzoshanda sevatariri vanofambira. Gare gare, vakapiwa mabasa pahofisi yebazi.

Vadzidzi vakati kuti veGiriyedhi vakasvika muma1970 kuti vabatsire pamabasa okudhinda akanga achangobva kutangwa. Vamwe vavo vaiva Robert Pevy nomudzimai wake, Patricia, vakanga vamboshanda kuEngland nokuIreland. Robert akabatsira pakuvhura dhipatimendi rokunyora pahofisi yebazi yePhilippines. Munhu wose akasuwa paakaona vachienda muna 1981 kuti vanoshanda padzimbahwe repasi pose muBrooklyn, New York, U.S.A.

Dean naKaren Jacek vakasvika vachibva kuUnited States muna 1980, uye pashure pokudzidza mutauro weTagalog kwenguva pfupi muLaguna, vakatumirwa kubazi. Pashure pokumwe kudzidziswa muna 1983, vakabatsira hama—pabazi ipapo nomuzvimwe zvitsuwa zviri pedyo—kudzidza kushandisa purogiramu yekombiyuta yakagadzirwa neZvapupu zvaJehovha iyo yaratidza kuva inokosha kwazvo pakutsigira kubudiswa kwemabhuku eBhaibheri mumitauro yomunyika iyi.

Hubertus (Bert) naJeanine Hoefnagels vokuNetherlands vakasvika muna 1988. Bazi rakanga rava kuda kutotanga chirongwa chikuru chokuvaka. Sezvo varoorani vacho vakanga vane ruzivo rwokuvaka bazi uye Bert aiziva kushandisa michina mikuru, vakanzi vabatsire pachirongwa chacho. Bert akashanda pamichina uye akadzidzisawo vamwe. Iye anoti: “Kubva kumavambo, ndakanga ndichidzidzisa hama kutyaira marori, muchina wokucheresa nawo, bhurudhoza, muchina wokutakurisa nawo zvinhu, uye kireni. Pakupedzisira, takanga tava neboka revanhu 20 kusvika ku25 vaishandisa michina mikuru.”

Gare gare, vamwe vadzidzi vana veGiriyedhi vakauya kuzobatana navo—Peter naBeate Vehlen vokuGermany naGary naTeresa Jeane Melton vokuUnited States. Hama naHanzvadzi Vehlen vaivawo noruzivo rwokuvaka bazi, uye Hama naHanzvadzi Melton vakanga vashanda paBheteri reUnited States kwemakore mashanu. Vose vakakwanisa kubatsira pabasa rokuvaka pabazi.

Makore akawanda akanga apfuura, muna 1963, musha wemamishinari wokupedzisira wakanga wavharwa, sezvo basa romumunda raigona kuitwa nemapiyona anokwanisa omuPhilippines. Kunyange zvakadaro, muna 1991 Dare Rinodzora rakaronga kutumira mamishinari matanhatu mundima. Kunyange vaiva noruzivo rwebasa repabazi, mamishinari aya aivawo noruzivo rwaigona kushandiswa zvinobatsira mundima. Somuenzaniso, Jeanine Hoefnagels akatanga upiyona chaihwo ane makore 18. Zvino aigona kukurudzira hama nevatsva noruzivo rwake nokufara kwake. Murume wake, Bert, akataura nezvezvimwe zvazvinobatsira. Akati: “Kuva nemamishinari muno mundima kunobatsira vanhu kunzwisisa zvakaita basa redu munyika dzose.” Zvichakadai, mamwe mamishinari achiri kutarisira mabasa okutungamirira bazi nemamwewo.

Nyika yePhilippines haina kungogamuchira mamishinari bedzi asi yakatumirawo mamishinari.

Mamishinari Anotumirwa

Nepo mamishinari akanga achiri kuuya, Philippines yakatanga kutumirawo mapiyona kune dzimwe nyika kunoita basa roumishinari ikoko. Kunyange zvazvo mapiyona omunyika iyi akanga asina kudzidziswa nesangano sezvakaitwa vadzidzi veGiriyedhi, mapiyona omuno anokwanisa chaizvo akanga akawanda. Kubvira paHondo Yenyika II, basa rokuita vadzidzi rakanga rakura nokukurumidza kwazvo muPhilippines kudarika munyika dziri pedyo nayo. Nokudaro, kutanga muna 1964, mapiyona anokwanisa omuPhilippines akakumbirwa kuita basa roumishinari muAsia yose nomunyika dzomuPacific. Vamwe vakatumirwa vave vari varume nemadzimai avo, asi vakawanda vave vari mapiyona asina kuroora akanga atova nemakore gumi kana kupfuura mubasa roushumiri hwenguva yakazara. Pakasvika pakati pa2002, 149 vakanga vatumirwa kunyika 19. Pane ava, 74 vachiri mumigove yavo. Pavanenge vachimirira matsamba avo kuti agadziriswe, vanoda kuva mamishinari vanombova pabazi vachidzidziswa nokuwana ruzivo ruchavabatsira mumigove yavo. Mamishinari aya akabatsira sei mubasa rokuparidza mumakore ose aya, uye zvinetsoi uye mufaro zvavakava nazvo?

Rose Cagungao (ava kunzi Engler) naClara dela Cruz (ava kunzi Elauria) ndivo vakatanga kutumirwa. Mugove wavo waiva kuThailand. Rinenge gore rimwe gare gare, Angelita Gavino akabatana navo kumugove iwoyo. Chokwadi, sezvinongoita mamwe mamishinari, kudzidza mutauro wacho ndicho chaiva chinetso chikuru. Angelita anotaura nezvokudzidza mutauro weThai achiti: “Kwevhiki shomanana dzokutanga, ndakanzwa kuora mwoyo nokuti zvinhu zvose zvakanga zvakanyorwa mubhuku kwandiri zvaiita se‘makonye,’ uye kumisangano takanga tisingatauri naani zvake pamusana pokusaziva mutauro wacho.” Asi vakazodzidza, uye vachiri kushandisa mutauro wavakadzidza uyu kubatsira vamwe.

Pashure pevashoma ivavo vokutanga, mapiyona akati kuti aida akaramba achitumirwa kunyika dzakasiyana-siyana. Porferio naEvangeline Jumuad vakakumbirwa kuenda kuKorea muna 1972. Vakadzidza zvakanaka mutauro wacho, uye pashure pemakore maviri nehafu vachiita zvoumishinari, Hama naHanzvadzi Jumuad vakakokwa kuzoita basa redunhu.

Muna 1970, Salvacion Regala (ava kunzi Aye) aiva mumwe wehanzvadzi pfumbamwe dzokuPhilippines dzakasvika muHong Kong kuti dzitange basa roumishinari. Kudzidza mutauro weCanton ndicho chaiva chinetso chake chokutanga. Mutauro weCanton une zvimiro zvenzwi zvipfumbamwe. Ukachinja inzwi rako, shoko racho rinobva rachinja zvarinoreva. Salvacion anoyeuka achinetseka nezvimiro zvenzwi izvozvo, imwe nguva achiudza mudzidzi wake weBhaibheri kuti vakanga vabuda pavairoja “nemhaka yechipoko” asi chaizvoizvo achireva kuti “nemhaka yerendi yakanga yanyanya kukwira.” Pakupedzisira, akazogona mutauro wacho. Salvacion abatsira vanhu vanopfuura 20 kudzidza shoko reBhaibheri rechokwadi. Iye zvino anosangana nevanhu vakawanda vokuIndonesia vanoshanda mudzimba muHong Kong, saka ari kuedza kudzidza mutauro weIndonesia.

Rodolfo Asong, hama yakatsunga uye ine ushamwari, aiva nemamiriro ezvinhu akasiyana zvachose ayo aifanira kutarisana nawo paakatumirwa kuPapua New Guinea muna 1979. Akabva angotanga kudzidza mutauro wacho uye akaukwanisa zvokuti pashure penguva pfupi bedzi ari munyika macho, akatumwa somutariri wedunhu. Zvisinei, kushanyira ungano muPapua New Guinea kwakanga kwakasiyana chaizvo nokushanyira ungano muPhilippines. Anoti: “Ndakadzidza nzira yokukwasva nayo kagwa kaduku komunhu mumwe ndakamira, sezvinoita zvizvarwa zvemo.”

Nezvemagungano, Rodolfo anorondedzera kuti: “Nemhaka yemadaro marefu uye kushayikwa kwezvokufambisa zvisingadhuri, takaronga magungano akawanda maduku. Rakaitirwa mumusha weLarimea ndiro raiva duku kupfuura ose andakanga ndambopinda. Vose vakapinda vaiva gumi.” Pane imwe nguva, akapiwa basa rokuva mutariri wekokorodzano pagungano rakaitirwa mumusha weAgi. Anoti: “Ndakapiwawo basa rokuva sachigaro wekokorodzano, kutarisira dhipatimendi reGudzanzwi uye reZvokudya, kutungamirira mutambo, uye kutamba chikamu chaMambo Dhavhidhi.” Akashanda nesimba chaizvo mumugove iwoyo akazofara kuita basa roumishinari kuSolomon Islands.

Muna 1982, Arturo Vollasin, hama inogona kupindirana nevanhu vakasiyana-siyana yokuLuzon, akatumirwa kuSolomon Islands. Akashanda ikoko somutariri wedunhu akaona kuti mamiriro ezvinhu akasiyana neokuPhilippines. Nzira yakanakisisa yokuenda nayo kune zvitsuwa zvakawanda kwaiva kushandisa ndege duku. Akarondedzera kuti, “Imwe nguva ndege yedu yakadonha, asi tose takapona. Imwe nguva takapotsa padiki diki kurovera murutivi megomo pamusana pokusanyatsoona zvakanaka.” Nezvokushanyira dzimwe ungano, akati: “Tinofamba nomumasango anonaya mvura yakawanda, tichikwira zvikomo zvakatenuka zvine madhaka kuti tishanyire ungano dziri pakati pevanhu vanogara musango vanonamata madzitateguru avo.” Arturo akafa zvisingatarisirwi muna 2001 arwara, asi acharangarirwa kwenguva refu somumishinari akanga akatendeka.

Zviitiko zvakafanana neizvi zvehama nehanzvadzi dzokuPhilippines dzakatumirwa kundima dzoumishinari kuAsia nokuPacific zvakawanda. Pasinei nezvinetso zvacho, vashumiri vaJehovha ava vanoda uye vanozvipira vakabatsira zvinooneka mubasa rokuparidza munyika idzi.

Mufaro Wokubatsira Vamwe Kuita Jehovha Nhare Yavo

Mufaro unowanika muchikomborero chaJehovha. (Zvir. 10:22) Adelieda Caletena, akatumirwa kuTaiwan muna 1974, anoti: “Zvechokwadi ndinofara kwazvo uye ndinoonga Jehovha kuti ari kukomborera basa rangu kuno uye akandipa mukana wokuvawo mariri.”

Paul naMarina Tabunigao, avo zvino vari kushumira kuMarshall Islands, vanoti: “Takabatsira vanhu 72 kunamata Jehovha. Zvinotifadza kuti vakawanda vavo vava kushumira sevakuru, vashumiri vanoshumira, mapiyona chaiwo, mapiyona enguva dzose, uye vaparidzi veungano vanoshingaira.”

Lydia Pamplona, uyo ave achishumira muPapua New Guinea kubvira muna 1980, akabatsira vanhu 84 kusvika pakuzvitsaurira nokubhabhatidzwa. Akashuma munguva pfupi yapfuura kuti anodzidza Bhaibheri nevanhu 16, vakawanda vavo vava kupinda misangano. Pasina mubvunzo zvaakataura zvinoratidza muchidimbu manzwiro anoita mamishinari akawanda, kuti: “Ndinoonga Jehovha nokuda kwoushumiri hwaakandipa. Dai aramba achikomborera ushumiri hwedu, kuti apiwe mbiri.”

Mapazi akatumirwa mamishinari okuPhilippines anoonga kuva nawo mundima yomunyika mavo. Bazi reThailand rakanyora kuti: “Mamishinari anobva kuPhilippines ari kuita basa rakanaka. Mienzaniso yokutendeka mumakore akawanda avave vari muThailand. Vanoramba vari mubasa racho pasinei nokuti vakwegura. Vanoda Thailand nevanhu vomuno; vanoti nyika ino musha wavo. Tinokutendai zvikuru nokutumira kwamakaita mamishinari aya akaisvonaka.”

Chikoro Choushumiri hwoUmambo Chinobatsira Kushongedzera Vakuru

Munguva iyoyo yakatanga kutumwa mapiyona kubva muPhilippines kunoshumira kune dzimwe nyika, sangano raJehovha rakadzidzisa nhamba inowedzera yehama dzinokwanisa dzaitakura mitoro muungano dzokumusha kwavo. Chikoro Choushumiri hwoUmambo chaiva imwe yenzira huru dzokuti kudzidzisa kwakadaro kuitwe.

Makirasi okutanga akavamba muna1961 sekosi yomwedzi mumwe. Jack Redford, akanga ari murayiridzi weGiriyedhi uye akazoshanda gare gare somumishinari kuVietnam, akanzi adzidzise kosi iyi muPhilippines. Chikoro chokutanga chakaitirwa pabazi uye chakaitiswa muchiRungu.

Kunyange zvazvo vamwe vasina chinetso nechiRungu, nguva dzose zvakanaka kufunga nezvemimwe mitauro notumitauro tunotaurwa nevakawanda muPhilippines. Vakuru vakawanda vaizodzidza zvakawanda kubva mukosi yaizoitwa mururimi rwavo. Saka kubvira pakati pema1960, kosi yacho yakaitiswa mumitauro yakawanda. Cornelio Cañete anoyeuka achipiwa basa rokudzidzisa muZvitsuwa zveVisaya neMindanao. Anonyemwerera paanoti: “Ndaidzidzisa kosi yacho mumitauro mitatu: Cebuano, Hiligaynon, neSamar-Leyte.”

Mumakore ose apfuura, kosi yacho yave ichigadziriswa, kusanganisira nzira yainorongwa nayo. Munguva pfupi yapfuura, kosi yacho yakaitwa mukupera kwevhiki kumwe chete—zuva rimwe nehafu nokuda kwevakuru uye zuva rimwe nokuda kwevashumiri vanoshumira. Zvisinei, pachine chinetso chokudzidzisa chikoro chacho mumitauro inenge misere. Vakuru vanoziva mitauro iyi vanobva pabazi vonoitisa chikoro chokudzidzisa vatariri vanofambira. Ivava ndivo vanozoitisa zvikoro zvacho chaizvo zvevakuru nevashumiri vanoshumira. Pane chokupedzisira chakaitwa, vakuru 13 000 nevashumiri vanoshumira 8 000 vakabatsirwa nokudzidziswa uku.

Kubatsira Mapiyona

Gare gare mapiyona akatanga kurovedzwa zvekare. Muna 1978 makirasi okutanga eChikoro Chebasa Roupiyona akaitwa. Vose vakanga vari kushanda semapiyona panguva iyoyo vakanyoreswa mumakirasi acho, kusanganisira mapiyona chaiwo. Kubvira ipapo, kusiya kwegore ra1979 nera1981, makirasi ave achiitwa gore rimwe nerimwe.

Mapiyona akabatsirwa zvikuru nechikoro ichi, asi aitofanira kusangana nezvipingamupinyi kuitira kuti apinde. Mamwe akashandisa mari yakawanda kuti asvike kuchikoro. Mamwe akasangana nezvinetso zvechokufambisa.

Vaya vaipinda chikoro chaiitirwa muguta reSantiago vaisangana nemamwe mamiriro ezvinhu asingatarisirwi. Rodolfo de Vera, mutariri wedunhu, akarondedzera zvakaitika achiti: “Musi waOctober 19, 1989, muSantiago, Isabela, makangoerekana maitika dutu guru raiva nemhepo yaimhanya makiromita 205 paawa. Patakatanga kudzidza mangwanani iwayo muImba yoUmambo, kwakanga kuchingopfunha uye kuine kamhepo kaifefetera, saka takaenderera mberi nechikoro chemapiyona. Zvisinei, mhepo yakatanga kuva nesimba, uye chivako chakatanga kundengendeka. Nenguva isipi, denga remba rakawaranyurwa nemhepo. Taida kubuda, asi takaona kuti panze paiva nengozi huru nokuti zvinhu zvakawanda zvakanga zviri kupeperetswa.” Kunyange zvazvo chivako chakatanga kudhirika, vose vakapona pasina akuvara. Vanoti kupona kwavo kwakabva kuna Jehovha uyewo kuti vakashandisa mazano akanga abuda mumagazini yeMukai! kuti vanofanira kuvanda pasi petafura kana dhesiki kana zvinhu zvadaro. Hama de Vera vakati: “Takahwanda pasi pematafura. Pashure pedutu racho, takanga tawirwa nemapazi uye marata epadenga remba, asi vose vakanga varamba vari muchivako pasi pematafura havana kumbokuvadzwa.”

Gore rimwe nerimwe, zvikoro zvinoitiswa mumitauro minomwe. Kuzosvika gore rebasa ra2002, makirasi 2 787 akaitwa uye mapiyona 46 650 akapedza kudzidza kosi yacho. Ichi chave chiri chirongwa chakaisvonaka chokubatsira mapiyona kuti avandudze unyanzvi hwawo uye kuvimba zvakazara naJehovha sezvavanoramba ‘vachipenya sezvivheneko munyika’!—VaF. 2:15.

Kutanga Kuedza Kushandisa Muchina Wokudhinda weOffset

Basa rose mumunda uye muungano raizova rakaoma zvikuru dai pasina mabhuku eBhaibheri akaisvonaka okushandisa. Kwemakore akawanda, kudhinda mabhuku anoshandiswa muPhilippines kwaiitwa kuBrooklyn. Zvisinei, mumavambo ema1970 fekitari yakavakwa panzvimbo yebazi muQuezon City. Michina yokudhinda yeletterpress, yakada kufanana neyaishandiswa kuBrooklyn, yakaiswa. Izvi zvakaita kuti bazi rikwanise kudhinda magazini ose pabazi ipapo.

Mumakore gumi iwayo, zvakava pachena kuti michina yokudhinda iyi yeletterpress yakanga yava kuzorega kushandiswa, pava kushandiswa michina yeoffset. Nhungamiro yakapiwa nomuzinda wepasi pose yakaratidza kuti taifanira kuchinjawo saizvozvo.

Muna 1980 bazi rakatenga michina yephototypesetting. Bazi reSouth Africa rakanga rawanawo michina yakadaro uye vakapawo ruzivo rwavakanga vava narwo kuPhilippines. Nzira iyi yokudhinda pachishandiswa makombiyuta yakawirirana zvikuru nomuchina muduku wesheetfed offset wakanga watengwa panenge panguva iyoyo zvakare.

Pamwero muduku, muchina uyu wakaita kuti hama dzikwanise kudzidza unyanzvi hunoshandiswa pakudhinda nomuchina mutsva weoffset. David Namoca, uyo akanga atova noruzivo rwakakura rwokushandisa muchina weLinotype, akadzidza kushandisa michina yephototypesetting. Dzimwe hama dzakadzidza kugadzira maplate okudhinda omuchina weoffset uye kushandisa muchina mutsva wokudhinda. Nokudaro, pakazopera gore ra1980, bazi rakanga rava kushandisa muchina weoffset kudhinda humwe Ushumiri Hwedu hwoUmambo uye magazini mumitauro yaida makopi mashoma.

Kuchinja michina yokudhinda kwakanga kuri kuzoitwa kwakaitawo kuti pashandiswe makombiyuta kubatsira hama dzakanga dzichishandura uye dzaiita basa rokugadzirira zvinhu kuti zvidhindwe. Zvishoma nezvishoma, hama dzakawana ruzivo uye chivimbo. Nokufamba kwenguva vakanga vava kukwanisa kuvandudza madhindiro uye kuwedzera nhamba yemabhuku anodhindwa pachishandiswa nzira idzi. Kutaura chokwadi, muna 1982 hama dzakanga dzichida kwazvo kufambira mberi zvokuti dzakadhinda Mashoko oUmambo Nhamba 31, turakiti remavara mana, dzichishandisa muchina weoffset waidhinda ruvara rumwe chete panguva. Pepa raiiswa mumuchina wacho katanhatu—kanokwana kana kudivi rine mavara mana uye kaviri kudivi rine mavara maviri. Rakanga riri basa rakaoma, uye zvichida maturakiti acho akanga asina kunyanya kunaka, asi munhu wose akafara kuona Mashoko oUmambo achidhindwa nemuchina wedu pachedu.

Izvi zvakashanda kwenguva yakati kuti, asi ko zvino kuchinja kuti zvinhu zvose zviitwe nemichina inoshandisa makombiyuta kwaizoitwa sei? Sangano raJehovha rakanga riine zvimwe zvaraironga, uye bazi rePhilippines rakanga richizobatsirwa nazvo nokukurumidza.

Sangano raJehovha Rinogovera MEPS

Dare Rinodzora rakapa mvumo yokugadzirwa kwepurogiramu yekombiyuta yaizoita kuti zvose zvinodiwa pakubudisa mashoko akanaka mumitauro yakawanda zvikwanisike. Multilanguage Electronic Phototypesetting System (MEPS) yakagadzirwa kuBrooklyn. Kunyange zvazvo michina yakashandiswa kwenguva yakati nebazi yakanga yaita kuti patange kushandiswa makombiyuta nemichina yokudhinda yeoffset pamwero muduku, MEPS yaizoita kuti bazi rePhilippines rikwanise kufambira mberi panhau dzokudhinda, pamwe chete nemamwe mapazi pasi pose.

Varume vaviri nemadzimai avo vakakokwa kuenda kuWallkill, New York vachibva muPhilippines. Hama idzi dzakarovedzwa kugadzira makombiyuta anenge afa uye kushandisa purogiramu dzeMEPS pabasa rokugadzirira zvinhu kuti zvidhindwe. Vamwe vaviri, Florizel Nuico nomudzimai wake, vakambonogara kuBrooklyn, uko Hama Nuico vakadzidza kushandisa muchina wokudhinda weM.A.N. Izvi ndizvo chaizvo zvakanga zvichidiwa nebazi rePhilippines kuti richipinda zvizere mubasa rinoda kushandisa makombiyuta rokugadzirira zvinhu kuti zvidhindwe uye rokudhinda nomuchina weoffset.

Muna 1983 muchina wokudhinda weM.A.N. wakasvika muPhilippines. Wakaiswa vachibatsirwa naLionel Dingle akanga abva kubazi reAustralia. Hama Nuico vakatanga kudzidzisa dzimwe hama zvavakanga vadzidza kuBrooklyn. Pakupera kwa1983, magazini akanga ava kudhindwa nomuchina uyu. Zvisinei, chirongwa ichi chakanga chisati chanyatsopedzwa, nokudaro kwechinguva, magazini akanga ari kudhindwa pachishandiswa muchina uya weletterpress nouyu weoffset.

Chirongwa ichi chakanga chisisina nguva refu kuti chipere. Kombiyuta yokutanga yakanga ichishandisa purogiramu yeMEPS yakasvika kupera kwa1983, uye hama mbiri dzakanga dzadzidziswa kuWallkill dzakatanga kudzidzisa vamwe kushandisa michina yeMEPS uye kuigadzira kana yafa. Munguva pfupi, kudhinda kwakanga kwava kuitwa. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzinoshanda paBheteri dzakadzidziswa zvakakwana kushandisa purogiramu iyi pakushandura, kutaipa, uye kuronga zvinenge zvashandurwa zvacho kuti zvichitaridzika sebhuku kana magazini mukombiyuta [composition] uyewo kugadzira makombiyuta anenge afa. MuPhilippines, kudzidzisa vamwe kunoomeswa nokuwanda kwakaita mitauro yokushandurira yacho. Nharireyomurindi pachayo inobudiswa mumitauro minomwe, tisingatauri chiRungu. MEPS yakanga yakanyatsokodzera basa iri.

Mabhuku aibudiswa akanga ava kuratidzika zviri nani chaizvo. Maererano nevaya vakanga vachiita basa rokudhinda, Cesar Castellano, uyo anoshanda mufekitari, anoti: “Hama dzedu zhinji dziri pano varimi. Vamwe vakanga vasimborina unyanzvi hwokushandisa michina. Zvinofadza chaizvo kuona kuti mudzimu waJehovha uri kuita kuti hama dzikwanise kuita zvinhu zvakawanda, kusanganisira basa rokudhinda.” Hama dzakadzidza, uye vaparidzi mumunda vakawana mabhuku akanga achiratidzika zvakanaka zvikuru. Asi pakanga paine chimwe chinhu chaibatsira zvikuru—zvokudya zvomudzimu—zvakaitwa kuti zviwanike nokufambira mberi muruzivo rwokushandisa michina yokudhinda.

Zvokudya Zvomudzimu Panguva Imwe Chete

Magazini omuPhilippines paaidhindwa kuBrooklyn, zvaitora mwedzi mitanhatu kana inodarika kuti zvaibuda mumagazini echiRungu zvibude mumitauro yomuPhilippines. Kunyange zvazvo magazini aishandurwa muno, kutumira makopi ashandurwa uye agadziriswa pamwe chete nokuzotumira zvadhindwa kwaitora nguva yakati rebei. Magazini paakanga ava kudhindwa muPhilippines muma1970, nguva yaichengetedzwa, asi zvaiva mumagazini aya zvakanga zvichakasiyana nezvaiva mumagazini echiRungu nemwedzi mitanhatu. Hama zhinji dzomuPhilippines dzakafunga kuti: ‘Hazvingavi zvakanaka here kuwana magazini mumutauro wedu panguva imwe chete nechiRungu?’ Kwemakore, uku kwaingova kurota.

Zvisinei, nokuuya kwakaita MEPS uye kuchinja kwakaita nzira dzokudhinda nadzo, zviya zvaimbonzi hazvigoneki zvakanga zvava kuitika. Dare Rinodzora rakaona kuti kudzidza zvinhu zvakafanana panguva imwe chete kwaizova nesimba guru rokubatanidza vanhu vaJehovha vose. Vavariro iyi yakasvitswa, uye muna January 1986, Nharireyomurindi yakanga yava kuwanika panguva imwe chete neyechiRungu mumitauro mina: Cebuano, Hiligaynon, Iloko, neTagalog. Mimwe mitauro yakatevera nokukurumidza pashure pacho. Zvadaro, chakanga chiri chishamiso chaicho kugamuchira bhuku raZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo! mumitauro mitatu panguva yakabuda rechiRungu pakokorodzano muna 1988! Hama dzakafara—kwete nokungova nemabhuku akanaka okupa vanhu vanofarira asiwo nokukwanisa kubatsirwa nepurogiramu imwe chete yokugoverwa zvokudya zvomudzimu panguva imwe chete nehama dzakawanda pasi pose.

Kufambira mberi uku mukudhinda mabhuku edu kwakauya panguva apo zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka mune dzimwe nzvimbo dzenyika ino. Mabhuku aizosimbisa kudiwa kwokuramba tichivimba naJehovha.

Kurwisana Kwemauto Nevapanduki

Mapoka evarwi vakapanduka akatanga kunetsa munzvimbo zhinji dzenyika muma1980. Mamwe acho akanga achishanda pamwe chete nebato reChikomonisiti. Kurwisana kwevarwi vehurumende nevapanduki kwakaramba kuchiwedzera. Kurwisana uku kakawanda kwaiedza kuvimba naJehovha kwaiitwa nehama.

Mune imwe nharaunda yakanga iine vaparidzi 62, hama dzakamuka mamwe mangwanani dzikaona kuti vapanduki uye varwi vehurumende vakanga vari kugadzirira kurwisana. Dzimba dzehama dzakanga dziri pakati chaipo. Mumwe mukuru akaenda kuvapanduki, uye mumwe akaenda kuvarwi vehurumende. Vakavakumbira kuti vasarwisana nokuti izvi zvaizokuvadza vanhuwo zvavo vakawanda. Chikumbiro chavo chakarambwa. Dzisingakwanisi kutiza, hama dzakaungana paImba yoUmambo. Mumwe mukuru akatungamirira vamwe vose mumunyengetero wakanga wakareba chaizvo uye wainzwikwa nevarwi vehurumende vakanga vari panze. Apo hama dzakavhura maziso adzo, dzakaona kuti mapoka maviri acho akanga aenda kune imwe nzvimbo; pakanga pasina kurwisana. Hama idzi dzakaona zvechokwadi kuti Jehovha akanga adzidzivirira.

Dionisio Carpentero ave ari mutariri anofambira kwemakore anodarika 16, achiperekedzwa nomudzimai wake. Achiri kuyeuka zvakaitika mugore rake rokutanga mubasa redunhu, muruwa rweNegros Oriental, kumaodzanyemba, nechepakati pePhilippines. Anoti: “Takashanyira Ungano yeLinantuyan. Takanga tiri kufara nokuti musi weChitatu, vaparidzi 40 vakauya kubasa romumunda. Asi hatina kuziva kuti vapanduki vakanga vari kuongorora zvose zvataiita. Nzvimbo yavaihwanda yaiva pedyo neImba yoUmambo. Varwi vana vakaenda kwataigara na4 dzezuva rovira kunobvunza nezvedu. Mukuru akanga aripo akatsanangura kuti ndiri mutariri wedunhu uye ndinoshanyira ungano yavo mwedzi mitanhatu yoga yoga.”

Zvaiva pachena kuti varume ava havana kubvuma zvakanga zvataurwa. Vakatofungira kuti Dionisio akanga ari murwi uye vakataura kuti mukuru uyu amubudise panze kuitira kuti vamuuraye. Mukuru wacho akapindura kuti vaitofanira kutanga vauraya iye. Vakaenda.

Dionisio anoenderera mberi achiti: “Imbwa dzakahukura usiku hwose, zvichiratidza kuti vapanduki vakanga vachiripo. Takanyengetera kanokwana kana usiku ihwohwo, tichikumbira Jehovha kuti atitungamirire. Zvadaro, kunyange zvazvo makanga muri muchirimo, kwakanaya matsvotiwaya. Varume vakanga vakamirira kutiuraya vakaenda.”

Pashure pomusangano musi weSvondo, Dionisio akaudza vakuru kuti iye nomudzimai wake vakanga vava kuenda kuungano yaitevera. Zvisinei, kuti vadaro, vaifanira kudarika nepakanga pakahwanda vapanduki. “Mumwe wevarume vacho akanga akatarisa nepawindo,” anodaro Dionisio. “Takatomuudza kuti takanga tava kuenda. Kunyange zvakadaro, na8 dzemanheru, vapanduki vakaenda kuImba yoUmambo vachititsvaka. Mukuru akavaudza kuti takanga taenda uye kuti takanga tadarika nepavaihwanda. Zvinoshamisa kuti vakanga vasina kutiona. Zvakaitika izvi zvakatidzidzisa kuvimba naJehovha uye kushinga kana tatarisana nemamiriro ezvinhu anotambudza.” Dionisio achiri kuita basa rake achifara pamwe nomudzimai wake.

Kurwisana kwakadaro dzimwe nguva kunoita kuti kupupurira kuome. Kuva kunzvimbo dzakadaro panguva inorwiwa kunogona kuita kuti munhu agume abatanidzirwa. Zvisinei, mune zvimwe zviitiko, rimwe boka kana kuti rimwe racho raiudza hama nezvokurwisana kwaizoitika. Pazvaiitika, hama dzaisarudza kuenda kune dzimwe nzvimbo dzine runyararo kunoparidzira kusvika kurwisana kwapera. Kunyange zvakadaro, basa rokuparidza Umambo richiri kuenderera mberi, uye hama dzakadzidza kuvimba naJehovha.

Miedzo Yokusava Venyika

Nezvevateveri vake, Jesu akati: “Havasi rutivi rwenyika, seni ndisiri rutivi rwenyika.” (Joh. 17:14) Kufanana nomune dzimwe nyika, Zvapupu zvaJehovha muPhilippines hazvina kubatanidzwa munyaya dzezvematongerwe enyika uye kurwisana kwemauto. Hazvina ‘kutora bakatwa’; pane kudaro, zvakaisa pasi zvombo uye zvakatsvaka rugare sezvinodzidziswa naJehovha. (Mat. 26:52; Isa. 2:4) Kusapindira mune zvenyika uku kunozivikanwa muPhilippines yose, uye vanhu vemativi ose vanoziva kuti Zvapupu zvaJehovha hazvina ngozi kwavari. Zvisinei, pane dzimwe nguva apo vashumiri vaJehovha vaifanira kuratidza kuti vamire papi padzimwe nhau. Izvi zvakavabatsira chaizvo.

Somutariri anofambira, Wilfredo Arellano ane ruzivo rwakawanda zvikuru rwokushanda ndima dzakasiyana-siyana, dzimwe dzine runyararo uye dzimwe dzisina. Muna 1988 akashanyira imwe ungano kumaodzanyemba, nechepakati pePhilippines. Ikoko hama dzakanga dzamanikidzwa nevapanduki kuti dzibatane navo mukupandukira hurumende. Hama dzakaramba zvachose.

Wilfredo anorondedzera zvakaitika achiti: “Pandaiva muungano yacho, mauto ehurumende akanga ari mundima yeungano. Aida kuita kuti vagari vose vomunharaunda yacho vaumbe boka revarwi kuti vakunde vapanduki. Pamusangano wakaitwa nevamiririri vehurumende, hama dzakapiwa mukana wokutsanangura nei dzakanga dzisingadi kubatana nevapanduki kana kuti nevarwi vehurumende. Nepo vamwe vanhu vakanga vasingawirirani nesu, mumiririri wehurumende akatiremekedza.”

Wilfredo anotaura zvakatevera kuitika achiti: “Imwe hama, payaidzokera kupurazi rayo pashure pomusangano, yakasangana neboka revarume vakatakura zvombo zvizhinji vaine varume vaviri vakanga vakasungwa kumeso. Akabvunzwa kana akanga apinda musangano wehurumende, uye akataura chokwadi kuti akanga apinda. Varume vaiva nezvombo ava vaida kuziva kana akanga abatana nevarwi vehurumende, zvaakanga asina kuita, uye akatsanangura kuti haana divi raakarerekera. Saka akaregwa achipfuurira norwendo rwokumba kwake. Maminitsi mashoma gare gare, akanzwa kurira kwepfuti kaviri akabva aziva kuti vasungwa vaya vakanga vaurayiwa.”

Muma1970 nokumavambo kwema1980, mutemo womuPhilippines waimanikidza munhu wose kuvhota. Vaityora mutemo uyu vaiiswa mujeri. Izvi zvakapa vanhu vaJehovha mukana wokuratidza kuvimba kwavo naMwari. Kufanana nehama dzavo dzechiKristu pasi pano, vashumiri vaJehovha muPhilippines vakaramba vasina divi ravanotsigira panyaya dzematongerwe enyika, vachiramba “vasiri rutivi rwenyika.”—Joh. 17:16.

Mushure mokuchinja kwehurumende muna 1986, bumbiro romutemo renyika rakanyorwa patsva, pachibviswa mutemo waimanikidza vanhu kuvhota. Izvi zvakarerutsira hama. Zvisinei, pakanga pane mimwe miedzo iyo vakawanda vaifanira kutarisana nayo, kunyanya vezera rokuchikoro.

‘Kusadzidzazve Hondo’

Irene Garcia akakurira nechepakati peLuzon muruwa rwePampanga. Akatarisana nechinetso chichiri muedzo kune vechiduku vakawanda. Kuchikoro chesekondari, vana vanofanira kudzidzira chiuto. Zvisinei, vana vari Zvapupu zvaJehovha vakasarudza pachavo kuti havadi kubatanidzwa mupurogiramu inodzidzisa zvinhu zvehondo. Kutanga, Irene akanyengeterera kubatsirwa naJehovha. Zvadaro, achiyeuka vechiduku vatatu vechiHebheru vakatendeka vomunguva yaDhanieri, iye pachake akasarudza kuenda kune mutungamiriri wokurovedza zvechiuto kundokumbira kuti asabatanidzwe mukurovedzwa kwacho. (Dhan., chits. 3) Kunyange zvazvo asina kunzwisisa chisarudzo chomusikana uyu, mukuru wemauto akamutenda nokuda kwezvaakanga atsanangura. Zvisinei, akaudza musikana uyu kuti aizorasikirwa nemamakisi nemhaka yokusabatanidzwa mukurovedzwa uku. Irene akapindura achiti: “Hapana chakaipa. Ndichangoedza kuita zvose zvandinogona mune zvimwe zvidzidzo.” Akapiwa rimwe basa rokuita panzvimbo pokurovedzwa zvechiuto. Akati: “Izvi zvakaguma zvaita kuti vamwe vana veZvapupu vasambonetseke kukumbira kusabatanidzwa, uye ini ndakakwanisa kupedza zvidzidzo ndiri mumwe wevana gumi vakagona zvikuru.”

Havasi vatungamiriri vose vemauto vakabvuma kuti vamwe vasabatanidzwe. Vamwe vakaita kuti zviome zvikuru kuti vana vapedze zvidzidzo. Kunyange zvakadaro, kuramba munhu uchiita zvinotaurwa naJehovha kwakadzidzisa zviuru zvevechiduku chidzidzo chinokosha ichi: Kutsigira Umambo hwaJehovha zvakasimba uye kuramba usina divi rawakarerekera munhau dzenyika ino kunounza dziviriro yaJehovha uye chikomborero chake.—Zvir. 29:25.

Uwandu Hwekokorodzano Hunowedzera

Iye zvino regai titaure nezvokuungana kwevanhu vaJehovha kuti vanamate. Nguva dzose izvi zviitiko zvinofadza. Sezvo Zvapupu zvakanga zviri zvishoma munyika ino Hondo Yenyika II isati yarwiwa, pakanga pasina kuungana kukuru kutozosvikira pashure pehondo. Kunyange zvakadaro, pane zvakaitwa kuitira kuvaka hama munzira iyi. Bhuku Regore ra1941 rakatoshuma nezvekokorodzano yakaitwa muManila muna March 1940.

Uchayeuka kuti Joseph dos Santos akaiswa mujeri nemauto eJapan. Akazosunungurwa nemauto okuAmerica mukutanga kwa1945. Akanga achifarira zvikuru kuziva kuti hama dzakanga dziri sei mumudzimu, uye vazhinji vacho vakanga vari vatsva muchokwadi. Urongwa hwakaitwa hwokuvabatsira kudzidzisa chokwadi cheMagwaro zvakanaka kune vamwe vachishandisa zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. Gungano renyika yose rakaitwa muLingayen, Pangasinan, pakunopera kwa1945 yakanga iri imwe nzira yokuita izvi. Vanenge 4 000 vakapinda, zvichiratidza kuti vakawanda zvikuru vakanga vari kufarira panguva iyoyo. Zvechokwadi chakanga chiri chiitiko chinofadza, zvikuru nokuti hondo yakanga yapera!

Kubvira panguva iyoyo, nhamba yevanhu vaipinda kokorodzano yakaramba ichiwedzera zvishoma nezvishoma sezvo vaparidzi vaiwedzera. Makore 17 gare gare, 4 000 vaya vakazova 39 652. Panguva iyi kokorodzano dzakaitwa, kwete panzvimbo imwe chete, asi panzvimbo nomwe. Mumamwezve makore 15, (1977) vakapinda kokorodzano dzoruwa vakadarika 100 000. Pakasvika nguva iyi, kokorodzano 20 dzakanga dzava kuitwa munyika yose. Makore masere gare gare, vakapinda vakadarika 200 000, uye pakazosvika 1997, vaipinda kokorodzano dzoruwa vaidarika 300 000. Kana riri gore ra2002, zvakakwanisika kuronga kokorodzano 63, nhamba huru isati yambovapo. Kufamba muzvitsuwa zvacho zvose kunogona kunetsa uye dzimwe nguva kunodhura. Kuitira kokorodzano munzvimbo dzakawanda kunoita kuti dzive pedyo nehama, zvichiita kuti zvive nyore kupinda. Vakawanda vanoguma vabatsirwa nezvokudya zvomudzimu zvakapfuma izvi.

Jehovha Anokomborera Zvinoitwa Nevanhu Kuti Vapinde

Zvave zvisiri nyore kupinda kokorodzano nemagungano. Muna 1947, nechokuchamhembe kwenyika, hama dzakashandisa magwa maviri murwizi rweAbra kuti dzinopinda gungano redunhu muVigan, kumahombekombe. Panodira rwizi rwacho, vakapaza magwa acho ndokutengesa mapuranga acho kuti vatenge matikiti okukwira bhazi raizovadzosa kumba kumakomo pashure pegungano. Vakauya nemasaga mahombe omupunga, masvinga ehuni, maponde, vana vakawanda, uye vainyemwerera sezvo purogiramu yakanga iri kufambira mberi. Vaine mupunga, huni, mbaura uye rukukwe, vakauya nezvose zvavakanga vachida.

Muna 1983 rimwe boka rokuUngano yeCaburan kumaodzanyemba kworuwa rwomuPhilippines rweDavao del Sur rakafamba kwemazuva matatu nemumakomo kuti risvike kunokwirirwa zvikepe zvine injini. Zvadaro vakafamba nechikepe chine injini kwerimwe zuva kuti vasvike kuguta raiitirwa kokorodzano. Vaiziva kuti kusonganirana nevamwe kunofadza paKokorodzano Yoruwa ye“Chibatanwa choUmambo” kwakanga kwakakodzera pasinei nemari yavaizoshandisa uye kutamburira kwaifanira kuitwa.

Muna 1989 imwe mhuri yaiva nevana vaviri, mumwe ane makore maviri mumwe mana, yakafamba kweanenge makiromita 70 kubva kuguta reEl Nido muPalawan kuenda kunopinda gungano redunhu. Zvakavatorera mazuva maviri kufamba nomusango umo maisava nenzira dzinooneka nyore. Pavaifamba, vaitofanira kubvisa tumbuyu twaivaruma. Uye handizvo zvoga, kwakanaya kwemazuva acho ari maviri. Vaifanira kuyambuka nzizi dzakawanda nemakoronga, asi pakanga pasina mabhiriji. Pasinei nezvipingamupinyi izvi, mhuri yacho yakasvika zvakanaka. Vose vakafara zvikuru kuva pamwe chete nehama dzavo ikoko!

Mune dzimwe nzvimbo, urombo hunoita kuti zviomere mhuri kuwana mari yakakwana yokupinda nayo kokorodzano. Ramon Rodriguez akatarisana nedambudziko iri muna 1984. Anogara nemhuri yake pachitsuwa chePolillo, kumabvazuva kwemahombekombe eLuzon. Ramon muredzi wehove. Kwakanga kwangosara vhiki imwe chete kuti kokorodzano itange, asi mhuri yake ine vanhu vanomwe yakanga iine mari yokuti munhu mumwe chete apinde. Vakanyengetera kuna Jehovha nezvazvo, zvadaro Ramon nomwanakomana wake ane makore 12 vakaenda kunoredza hove. Vakapinda mugungwa uye vakaisa utava hwavo asi hapana chakabuda. Kwapera nguva yakati kuti, mwanakomana wacho akaramba achiti vaende pedyo nokumba vanoedza ikoko. Vava ikoko, vakaedza zvekare kamwe chete. Ramon anoti: “Takanga tisiri kuzvitarisira, asi patakakweva utava hwakazara nehove, dzakanga dzakawanda zvokuti dzakazadza igwa.” Vakanga vabata hove dzairema kudarika makirogiramu 500! Vakatengesa hove idzi ndokuwana mari yakakwana yokuti mhuri yose yekwaRodriguez ipinde kokorodzano.

Manheru akatevera, dzimwe hama dzakanga dzichida kupinda kokorodzano dzakaisawo utava hwadzo panzvimbo iyoyo dzikabata dzimwe hove dzairema makirogiramu 100. Ramon anowedzera kuti: “Varedzi vasiri Zvapupu vakaenda ndokuisa utava hwavo panguva iyoyo vakashamiswa nokuti havana kubata kunyange hove imwe chete. Vakati: ‘Mwari wavo avakomborera nokuti vanoda kuenda kunopinda kokorodzano.’” Kakawanda zvikuru, hama dzomuPhilippines dzakadzidza kuti kuita zvinodiwa naMwari pakutanga muupenyu uye kuita maererano neminyengetero yomunhu kunounza mufaro mukuru uye zvikomborero kubva kuna Jehovha.

Kokorodzano Dzakakurumbira

Vanhu vaJehovha pasi pose vanoyeuka nomufaro kokorodzano dzakaitwa kare. Hama dzomuPhilippines dzinofarawo. Kunyange zvazvo purogiramu dzose dzekokorodzano dzichiongwa zvikuru, dzimwe dzinonyanya kunakidza kune vamwe vanhu zvokuti havadzikanganwi. Dzimwe nguva idzi dzinenge dziri kokorodzano dzemarudzi, kana kuti zvichida, kokorodzano apo mamishinari anodzoka kunyika kwawo votaurira vanhu vakaungana zviitiko zvavanosangana nazvo mubasa romumunda.

Sezvambotaurwa, kune hama nehanzvadzi dzakawanda dzomuPhilippines dzinoshanda semamishinari kune dzimwe nyika dzomuAsia uye mune zvimwe zvitsuwa zvegungwa. Kanoverengeka, Zvapupu kupota pasi rose zvakapa mari yokubatsira kuti mamishinari akwanise kudzokera kunyika dzokwawo kunopinda kokorodzano ikoko. Mamishinari omuPhilippines akakwanisawo kubatsirwa nourongwa uhu. Muna 1983, 1988, 1993 uye 1998 vazhinji vakabatsirwa kudzoka kuPhilippines kuti vapinde kokorodzano nemhuri dzavo neshamwari. Mishumo ya1988 inoratidza kuti mamishinari 54 anoshanda munyika 12 akadzoka kukokorodzano kuPhilippines. Panguva iyoyo, 54 ava vakanga vaine avhareji yemakore 24 mubasa renguva yakazara. Munhu wose akanakidzwa zvikuru nezvavakataura uye nezviitiko zvavakarondedzera papurogiramu.

Vamwe vanoyeuka kokorodzano nokuti pane zvimwe zvinhu zvinenge zvaitika kana kuti dzimwe hama dzinenge dzakatsunga kupinda pasinei nechinouya. Somuenzaniso, Kokorodzano Yoruwa ye“Rugare Rwoumwari” ya1986 muSurigao, kuMindanao isati yaitwa, dutu rine simba rakatsvaira guta racho nemhepo yaimhanya makiromita 150 paawa imwe chete. Denga renhandare rakaparadzwa kwazvo. Magetsi akadzima muguta racho akazobatidzwa pashure pekokorodzano. Mvura yaifanira kucherwa kunzvimbo yaiva makiromita matanhatu kubva ipapo. Izvi hazvina kutadzisa Zvapupu kuungana pamwe chete. Hama dzakakwanisa kuunganidza zvakanga zvasara pachikuva ndokugadzira chimwe chikuva muimba yokuitira mitambo pedyo nenhandare yacho. Dzakahaya gwenya remagetsi kuti dzibatidze magetsi okuonesa anoverengeka, gudzanzwi, uye firiji yokuisa zvokudya. Kunyange zvazvo vanhu 5 000 vaitarisirwa kupinda, 9 932 vakapinda kokorodzano yacho! Zvechokwadi ava vakanga vasiri vaKristu vanonamata kana zvinhu zvakamira zvakanaka chete.

Kokorodzano dzemarudzi ndedzimwe dzisingakanganwiki. Dare Rinodzora rakaronga kuti kokorodzano dzemarudzi dziitwe muManila muna 1991 na1993. Vakapinda vakabvapo vava kufara. Uku kwaiva kukurudzirana kwakanaka zvikuru kwehama nehanzvadzi dzomuPhilippines, vazhinji vacho vasingakwanisi kuenda kune dzimwe nyika! (VaR. 1:12) Hama dzakabva kune dzimwe nyika dzakafara zvikuru kuona ushamwari uye kugamuchira vaenzi kwaiitwa nehama dzomuPhilippines. Mumwe murume nomudzimai vokuUnited States vakanyora tsamba vachiti: “Tinoonga zvikuru kutigamuchira nomutsa kwamakaita. Makatigamuchira tose nemaoko maviri mukatimbundira noushamwari!”

Muna 1993, nhandare munzvimbo nhatu muManila dzakashandiswa, uye pose apo nhengo yeDare Rinodzora yaipa hurukuro, nzvimbo dzacho dziri nhatu dzaibatanidzwa nefoni. Hama dzakafara zvikuru apo Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki yakabudiswa mumutauro weTagalog! Imwe hanzvadzi yechiduku yakati: “Ndafara zvikuru. Ndanga ndichitarisira nguva apo taizovawo neShanduro yeNyika Itsva muTagalog. Zvechokwadi zvinoshamisa kuti tava nayo!”

Muna 1998 zvinhu zvakachinja. Kokutanga kubvira muna 1958, Philippines yakakumbirwa kutumira hama kuenda kunopinda kokorodzano kune dzimwe nyika. Naizvozvo, 107 vakaenda kuWest Coast kuUnited States kunopinda kokorodzano ikoko. Muna September, vamwe 35 vakava neropafadzo yokupinda kokorodzano yemarudzi muKorea. Zvechokwadi kokorodzano dzakadaro dzakabatsira zvikuru mukudzidzisa uye kubatanidza vanhu vaJehovha uye kuvabatsira vose kuvimba zvakazara naJehovha.

Iye zvino ngatichimbotaurai nezvebasa romumunda. Izvi zvave zvichiitwa sei munyika ine mitauro yakawanda zvakadaro?

Kupa Mashoko Akanaka Mumitauro Yakawanda

Sezvambotaurwa, kazhinji zviri nyore kuti vanhu vadzidze chokwadi mururimi rwavo. Izvi zvinomutsa dambudziko muPhilippines nokuti mune mitauro yakawanda inoshandiswa. Kunyange zvakadaro, Zvapupu zvaJehovha zvakaedza kupupurira vanhu ava mururimi rwavo uye kugadzira mabhuku eBhaibheri mumitauro yakasiyana-siyana.

Kazhinji, uchapupu hunogona kupiwa kuboka romumwe mutauro nevanhu vanotaura mutauro wacho. Mune zvimwe zviitiko apo Zvapupu zvishoma zvinoziva mutauro iwoyo, vaparidzi nemapiyona anoshingaira vakaedza kudzidza mutauro wacho. Izvi zvakaita kuti vatevedzere muapostora Pauro uyo akava “zvinhu zvose kune vanhu vemarudzi ose.”—1 VaK. 9:22.

Kunyange zvazvo Philippines iriyo nyika yechina pasi pano ine vanhu vakawanda vanotaura chiRungu, uyu handiwo mutauro unoshandiswa nevanhu vazhinji vemo. Havasi vose vanokwanisa kuverenga chiRungu zvakanaka, saka mabhuku anofanira kushandurirwa mumitauro inoverengeka yomuPhilippines. Kwemakore, Zvapupu zvaJehovha zvakashandurira mabhuku eBhaibheri mumitauro 17 yacho. Mimwe mitauro ine bhurocha rimwe kana maviri—zvakadai somutauro weTausug, mutauro unoshandiswa nevanhu vechiMuslim kumaodzanyemba, kana kuti Ibanag, unotaurwa neboka duku revanhu vari pedyo nomuganhu wokuchamhembe kwenyika. Kakawanda kacho, vanhu vanonzwisisa uye vanogona kunyatsotaura mumwe wemitauro minomwe mikuru yemo. Nharireyomurindi inoshandurirwa uye inodhindwa mumitauro iyi. Saka, purogiramu dzokunamata paDzimba dzoUmambo kana pamagungano nekokorodzano dzinowanzoitwa mumitauro iyi.

Mumakore achangobva kupfuura, hurumende yakakurudzira kushandiswa kwomutauro wePilipino, uyo wakafanana zvikuru neTagalog. Kwemakore anoverengeka, kubatsira kwokuita izvi kwave kuchioneka. Pave paine kuwedzera kukuru mukushandiswa kwomutauro wePilipino mukutaura nepakunyora, nepo kushandiswa kwemimwe mitauro kusina kuchinja kana kuti kuderera. Izvi zvinooneka munhamba yemagazini eNharireyomurindi anodhindwa. Muna 1980, magazini ose akanga achiparadzirwa mumutauro weTagalog pamagazini imwe neimwe akanga ari 29 667. Pakazosvika gore ra2000, nhamba iyi yakanga yapetwa runa, ichisvika ku125 100 pamagazini imwe neimwe. Panguva imwe chete iyi, echiRungu haana kunyanya kuwedzera uye emimwe mitauro yomuPhilippines akangowedzera zvishoma.

Mhuri yeBheteri Inotsigira Basa Romumunda

Vashumiri venguva yakazara vanenge 380 vanoshanda pahofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha muQuezon City, muMetro Manila. Vashandi 69 vanoita basa rokushandura uye kuverenga mabhuku anobudiswa mumitauro yemo. Vamwe vevashandi ava vachangobva kupedza kushandurira Magwaro echiHebheru eShanduro yeNyika Itsva mumitauro mitatu: Cebuano, Iloko, uye Tagalog. Kubvira pakabudiswa Magwaro echiGiriki muna 1993, hama dzave dziri kutarira mberi kuShanduro yeNyika Itsva yakakwana. Dzakafara zvikuru apo dzakagamuchira Bhaibheri iri mumutauro weTagalog pakokorodzano yoruwa pakupera kwa2000! Shanduro yechiCebuano neyechiIloko dzakateverawo nokukurumidza. Iye zvino mazana ezviuru zvevanhu mumunda ava kukwanisa kubatsirwa neshanduro iyi yakajeka, yakarurama, uye inowirirana yeMagwaro Matsvene.

Nhengo dzemhuri yeBheteri muPhilippines dzinobva kwakasiyana-siyana uye dzinotaura mitauro 28 yakasiyana-siyana. Naizvozvo, vazhinji vanokwanisa chaizvo kushandura mabhuku eBhaibheri. Zvisinei, kushandura rinongova rimwe remabasa anoitwa paBheteri.

Vashandi vanozvipira vepaBheteri vanoita mabasa akasiyana-siyana anotsigira basa rinokosha kwazvo rokuparidza mumunda. Dzimwe hama dzinodhinda magazini nemamwe mabhuku. Vamwe vashandi vanoendesa mabhuku aya kunzvimbo dzakasiyana-siyana muLuzon. Vazhinji vanoita mamwe mabasa anotsigira muMusha weBheteri pachawo, zvakadai sokuchengeta michina ichishanda zvakanaka, kubika, nokuchenesa. Vamwe vanoshanda kuDhipatimendi Rebasa, uko vanogamuchira uye kutumira tsamba mumitauro yakawanda kubatsira ungano, vatariri vanofambira, uye vashumiri venguva yakazara vari mumunda. Unogona kufungidzira kuwanda kwakaita tsamba dzinogamuchirwa kubva kuungano dzinosvika 3 500 muchitsuwa chacho chose!

Kubvira panguva yakatanga kuvhurwa hofisi yebazi muna 1934 kusvika pakati pema1970, mabasa epabazi akanga achitarisirwa nomuranda webazi, kana kuti mutariri. Pashure pokunge Joseph dos Santos adzokera kuHawaii, Earl Stewart, mumishinari anobva kuCanada, akava nomutoro uyu kwemakore 13. Dzimwe hama mbiri dzakaita basa iri kwenguva pfupi pashure pacho. Zvadaro, Denton Hopkinson, uyo akanga asvika muna 1954, akagadzwa kuva mutariri webazi. Akaita basa iri zvakanaka kwemakore anenge gumi kusvika sangano raJehovha raona zvakakodzera kushandisa urongwa hutsva hwokutarisira mapazi pasi pose.

Maererano nenhungamiro yakapiwa mapazi pasi pose, muna February 1976 kutarisira basa kwakanzi kuchirega kuitwa nomunhu mumwe chete asi kuti neDare Rebazi. Iri boka revarume vane zvinodiwa rinoshanda pasi peDare Rinodzora raizova nomutoro wokuita zvisarudzo zvine chokuita nebasa mumunda uye pahofisi yebazi. Pakutanga, Dare Rebazi muPhilippines rakanga riine nhengo shanu. Gare gare, sezvo vazhinji venhengo dzedare rebazi vakanga vari mamishinari akabva kune dzimwe nyika, zvakaonekwa kuti zvakakodzera kuwedzera nhamba yehama dzomuPhilippines. Naizvozvo, kwenguva yakati kuti nhamba yacho yakawedzera kuva vanomwe.

Zvakanakira urongwa uhwu hwokuva neDare Rebazi zvakakurumidza kuoneka. Denton Hopkinson, uyo ari kushanda iye zvino somutariri weDare Rebazi, anoti: “Kana ukatarira shure, unogona kuona kuti sei ichocho chakanga chiri chinhu chokuchenjera uye chinofambirana nenguva chokuita. Tichitarisa kuwanda kwebasa uye kukura kwaita sangano, munhu mumwe chete aisakwanisa kuita zvose. Mutoro webasa racho wava kutakurwa zvakaenzana nevakawanda zvino.”

Zvirevo 15:22 inoti: “Pasingaranganwi mano anokona; asi kuna varayiri vazhinji ndokwaanosimbiswa.” Kushanda nevamwe kunoguma nemazano akawanda ouchenjeri anobatsira. Dare Rebazi muPhilippines rinoshandisa zano iri. Kubvira pakaitwa Hama Hopkinson mutariri webazi, mhuri yeBheteri yakura zvakapetwa kagumi, uye basa rakurawo zvakadaro. Pari zvino Dare Rebazi rine vashumiri vaJehovha venguva refu vashanu. Paavhareji, mumwe nomumwe akashanda mubasa renguva yakazara kwemakore anodarika 50. Ruzivo rwavo pamwe chete zvechokwadi rwakabatsira sezvo basa rinoitwa pazvitsuwa zvacho zvose rafambira mberi kwazvo richitungamirirwa naJehovha. Dare Rebazi uye mhuri yose yeBheteri inoti chikomborero chikuru kutsigira basa iri.

Kuendesa Chokwadi Kuvanhu Vose

Kuita basa rokuparidza kunowirirana zvechokwadi nokuda kwaMwari kwokuti vanhu vose “vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.” (1 Tim. 2:4) Vanhu vorudzii vakabatsirwa nevaparidzi vanoshingaira muPhilippines yose?

Marlon akanga ari munhu aigara ari munyatwa. Aizivikanwa mumusha waaigara kuti munhu anoita zvinhu zvakaipa zvakawanda: kuputa, kudhakwa, kushandisa zvinodhaka, uye kutamba neshamwari dzakaipa. Pakauya Zvapupu, amai vaMarlon vakafarira mashoko oUmambo. Mapiyona aifamba nenzira yakanga iine huruva uye madhaka kuti azodzidza naamai ava. Pakutanga, Marlon haana kufarira kudzidzawo asi aingodarika nepo. Zvisinei, hama dzakanga dziri kudzidza naamai vake dzakaratidza kumufarira. Nokufamba kwenguva, akadzidza uye akatogera bvudzi rake raisvika muchiuno kuti apinde musangano wake wokutanga paImba yoUmambo. Akafambira mberi nokukurumidza, uye vanhu vakashamiswa kuona kuchinja kukuru kwaakanga aita. Iye zvino Marlon ari kushanda somushumiri wenguva yakazara ari piyona, achiendesa chokwadi kune vamwe. Chii chakaita kuti agamuchire chokwadi? Akataura kuti kutsungirira kwaiita mapiyona aiuya kuzodzidza naamai vake ndiko kwakamuratidza kuti vakanga vaine chokwadi.

Vamwe vangaita sokuti havasi vanhu vaya vangada kugamuchira chokwadi. Kunyange zvakadaro, vazivisi vemashoko akanaka havatongeri vanhu asi vanovapa mukana wokunzwa. Pachitsuwa chiduku cheMarinduque, mumwe piyona chaiye akapupurira pane imwe imba. Paakanga apedza, akabvunza kana pakanga paine vamwe vanogarapo. Saimba akapindura kuti pane mumwe aigara pauriri hwepamusoro asi akawedzera kuti: “Musazvinetsa henyu nokukwira; murume wacho ane hasha uye hadzitani kudambuka.” Zvisinei, piyona akafunga kuti murume uyu anofanira kupiwa mukana wokunzwa mashoko oUmambo. Paakasvika pasuwo, piyona uyu akaona kuti zvaiita sokuti murume wacho akanga akamumirira. Vachinyemwerera, hanzvadzi ava vakakumbira kudzidza Bhaibheri nomurume uyu pasina mubhadharo. Vakashamiswa kuti murume wacho, Carlos, anenge akafara nazvo. Iye nomudzimai wake vakatanga kudzidziswa Bhaibheri.

Piyona uyu paakashanya kechipiri, Carlos akataura kuti iye nomudzimai wake vakanga vaine zvinetso zvakawanda uye vakanga vatomboedza kuzviuraya. Piyona uyu paakanga ari pauriri hwepasi paakatanga kushanya, Carlos akanga aisa nzeve dzake pauriri kuti ateerere, uye akanga anzwa saimba uya achiti piyona uyu asazvinetsa nokukwira mudenga. Paakanzwa izvi, akanyengetera kuti piyona uyu asateerera zvainge zvataurwa asi kuti auye nokuti pamwe iyi ndiyo yakanga iri mhinduro kuchikumbiro chavo chokuti vawane zororo mupfungwa. Kudzidza Bhaibheri kwakavaunzira zororo mupfungwa zvechokwadi. Vaviri ava vakabhabhatidzwa pamwe chete, uye mudzimai waCarlos iye zvino ari kushanda sapiyona wenguva dzose.

Mumwe murume, anonzi Victor, akanga adzidza zvechiBuddha nechiKaturike. Akatanga kunetseka kuti nei kuine machechi akawanda pasi pano. Iye pachake akatanga kutsvaka chokwadi. Pashure pokuongorora chiIslam, chiHindu, chiShinto, chiConfucia, dzidziso yokushanduka-shanduka, uye dzimwe dzidziso dzouzivi hwevanhu, akaona kuti hapana kana chimwe chazvo chakamugutsa. Paakanga ari kutsvaka, akaona kuti Bhaibheri chete ndiro rakanga riine uprofita hwechokwadi. Saka, akatanga kutsvaka muBhaibheri. Pavakaongorora Bhaibheri, iye nomusikana wake, Maribel, vakaona voga kuti dzidziso yoUtatu, moto wehero, uye purigatori idzidziso dzenhema. Kunyange zvakadaro, paiita sepane chimwe chinhu chisipo.

Imwe nguva pashure pokunge iye naMaribel varoorana, Victor akataura neChapupu uye akadzidza kuti zvakakosha kushandisa zita raMwari. Pashure pokuongorora izvi muBhaibheri rake pachake, Victor akabva angotanga kushandisa zita raJehovha muminyengetero yake. Nenguva isipi akanga ava kupinda misangano paImba yoUmambo uye akafambira mberi nokukurumidza. Iye naMaribel vakabhabhatidzwa muna May 1989, uye Victor iye zvino mutariri anofambira, achivaka ungano.

Mapiyona akabatsira vanhu vari mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Primitiva Lacasandile, piyona chaiye kumaodzanyemba kweLuzon, akatanga kudzidza nomumwe murume nomudzimai wake mune mumwe musha. Vaiva nevana vaviri. Kana totaura nezvemari, vakanga vari varombo. Rimwe zuva apo Primitiva akasvika kuti vadzidze Bhaibheri, akavhunduka paakaona mwana mukuru akarembera ari musaga mumba, achichema. Primitiva anoti: “Amai vacho vakanga vakabata banga vava kuda kuuraya mwana wacho. Ndakavarambidza ndikavabvunza nei vakanga vachida kuita izvozvo. Amai ava vakatsanangura kuti imhaka yenhamo yemari yavakanga vainayo.” Primitiva akavapa mazano kubva muBhaibheri nezvedambudziko ravo, izvo zvakaita kuti mwana wacho asaurayiwa. Vakaenderera mberi nokudzidza Bhaibheri uye vakatanga kupinda misangano, kunyange zvazvo vaifanira kufamba makiromita masere kuti vasvike kumisangano. Murume nomudzimai wake ava vakafambira mberi vakabhabhatidzwa, uye murume wacho iye zvino mukuru muungano. Primitiva anoti: “Mwana uya aida kuurayiwa iye zvino ndipiyona wenguva dzose. Zvechokwadi, basa iro Jehovha akapa vashumiri vake rinoponesa upenyu iye zvino uye munguva yemberi.”

Kushanda Kunodiwa Vamwe Vaparidzi

Kuchine nzvimbo dzakawanda dzine vazivisi voUmambo vashoma. Mapiyona nevaparidzi vakazvipira kuenda kunzvimbo idzi. Pascual naMaria Tatoy vakanga vari kushanda semapiyona enguva dzose. Vakazvipira kuenda naAngelito Balboa, piyona chaiye, kunobatsira kushanda ndima yomuCoron Islands, kumavirira kwePhilippines. Kuti vazviriritire, Pascual aienda kunobata hove neimwe hama uye Maria aibika mupunga wokutengesa.

Mutariri wedunhu paakashanya, akataura kuti chimwe chitsuwa cheCulion chakanga chichida vaparidzi. Nzvimbo yacho ine kunochengeterwa vane maperembudzi, uye kwakanga kuine vaparidzi vana chete. Akakumbira Hama naHanzvadzi Tatoy kuti vaende ikoko. Pascual naMaria vakabvuma, uye Jehovha akakomborera basa ravo. Vaparidzi vana vaye vaiva pachitsuwa cheCulion iye zvino vava ungano mbiri.

Pakati pema1970, vanhu vakawanda vakatiza muVietnam vachishandisa magwa. Vazhinji vavo vakaguma vava muPhilippines. Kwemakore anenge 20, misasa yevapoteri yakanga irimo. Musasa mukuru wakanga uri muPalawan Island. Dzimwe hama dzokuPhilippines dzakazvipira kuendesa chokwadi kuvanhu ava. Imwe hama inotaura mutauro wokuVietnam yakabva kuUnited States kuzobatsira. Vamwe vakagamuchira chokwadi mumusasa wacho. Vamwe vakanga vava kuziva zita raJehovha neZvapupu zvake vakabva vakaenda kune dzimwe nzvimbo.

Mapiyona chaiwo ari kushanda munzvimbo zhinji dziri kure muPhilippines. Kazhinji anoenda nevamwe vaparidzi uye mapiyona pavanoshanda kunzvimbo dziri kure. Norma Balmaceda anotaura nezvokushanda kunzvimbo yemakomo yeIfugao. Anoti: “Tinowanzoenda musi woMuvhuro, mabhegi edu okuuchapupu akazara nemabhuku, mbatya dzedu, uye zvokudya—zvinokwana kusvikira musi woMugovera mangwanani. Masikati, tinodzoka kuzoita misangano yedu yeungano.”

Dzimwe ungano dzinoronga nzendo dzokuparidzira, kunyanya kana kuine mamiriro  okunze ari nani. Vanokwanisa kupedza mazuva anoverengeka kana vhiki vachienda kundima dzokumaruwa. Nicanor Evangelista, uyo ava kushanda paBheteri, anoyeuka achiita basa rakadaro. Anoti: “Kumamisha, itsika yomuPhilippines kuti kana vanhu vachifarira, vanoti: ‘Munogona kurara pano. Munogona kubika zvokudya zvenyu pano.’ Dzimwe nguva mapiyona aidzidza Bhaibheri nevanhu vanofarira kusvikira pakati pousiku nokuti airara ipapo.”

VaAeta Vanodzidza Chokwadi

Vachiedza kuti vapupurire vanhu vemarudzi ose, vashumiri vaJehovha vakaenda kunoonana nevanhu vanonzi vaAeta, kana kuti vaNegritos, rinova rimwe zita ravanodaidzwa naro. VaAeta vanonzi ndivo vanhu vakatanga kugara muPhilippines. Vashoma, uye kuonana navo hakusi nyore nguva dzose. Izvi imhaka yokuti vazhinji vavo vanoita upenyu hwokutama-tama mumasango omumakomo, vachivhima kana kutsvaka michero yomusango uye miriwo. Vakada kuti fananei nevanhu vechiPygmies vomuAfrica, vakareba inenge mita imwe nehafu uye vaine ganda dema nebvudzi rakamonana. Vamwe vava kupindirana nemagariro oruzhinji, uye vamwe vakavaka misha yavo pedyo nenharaunda dzinogara vanhu vakawanda. Vazhinji vavo vakanga vachigara mumakomo akapoteredza Gomo rePinatubo, asi vakazotama pashure pokuputika kukuru kwakaitika pariri.

Rimwe boka revaAeta rinogara paPanay Island, iri nechepakati pePhilippines. Lodibico Eno nemhuri yake vaAeta vanobva kunzvimbo iyoyo. Kuita zvinodzidziswa neBhaibheri kwakachinja zvikuru upenyu hwaLodibico. Anoti: “Ndakanga ndine zvinhu zvakaipa zvizhinji zvandaiita: kutsenga mashizha ebetel nut, kuputa, kunwa, uye kubhejera. Ndaivawo nechisimba zvikuru. Upenyu hwedu hwemhuri hwakanga husingafadzi. Dai ndakanga ndisina kurega zvinhu zvakaipa izvi, pamwe ndingadai ndakatofa. Iye zvino muviri wangu wachena. Mazino angu, ayo ainge akatsvukuruka, ava machena. Ndiri mukuru muungano. Ndakawana zvikomborero zvose izvi kubva kuna Jehovha Mwari.” Kufanana nemhuri iyi yevaAeta, kunyange vanhu vemadzinza maduku vakawana rusununguko runobva pakufamba munzira dzaJehovha.—Joh. 8:32.

Kuunza Rusununguko Kune Vaya Vasina Kusununguka

Vamwe vanhu vakabatsirwa ndevaya vari mujeri. Kubvira kuma1950, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichiedza nomwoyo wose kushanyira vanhu vakapfigirwa. Vakati wandei vakabatsirwa kuwana nzira yechokwadi.

Paaiva muduku, Sofronio Haincadto akabatanidzwa mukupandukira hurumende. Akasungwa akatongerwa makore matanhatu mujeri. Paakanga ari paNew Bilibid Prison muLuzon, akaona mumwe musungwa akanga asingapindi minamato yechechi yakanga ichibvumirwa vasungwa. Akaziva kuti murume wacho akanga ava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Izvi zvakatungamirira kukurukurirano dzeBhaibheri kweanenge mazuva ose. Sofronio anoti: “Ndakava nechokwadi kuti zvandakanga ndichirwira kare zvakanga zvisingakwanisi kuchinja nyika kuiita iri nani.” Akadzidza kuti Umambo hwaMwari chete ndihwo hunokwanisa kuchinja zvinhu. Achibatsirwa nehama dzaibva muungano yakanga iri pedyo, Sofronio akafambira mberi mumudzimu uye akabhabhatidzwa mutsime repachitokisi raishandiswa kudiridza maruva.

Apedza mutongo wake, akazova piyona wenguva dzose, uye pave paya, piyona chaiye. Panguva yaakanga ari mubasa renguva yakazara, Sofronio akakwanisa kubatsira vanhu 15 kuwana nzira yechokwadi. Pashure pokuroora, akava nevana vatanhatu. Iye zvino vatatu vacho vari mubasa renguva yakazara, mumwe wacho ari mutariri wedunhu. Muna 1995, vanakomana vake vaviri vakapinda Chikoro Chokurovedza Vashumiri. Chokwadi chakaunza rusununguko rwechokwadi kuna Sofronio, kumhuri yake, uye kune vamwe vaakabatsira.

Mapiyona chaiwo ave achiparidza kuvasungwa pajeri reIwahig riri muPalawan, uye vakatobvumidzwa kuvaka Imba yoUmambo duku muyadhi yejeri. Mumwe musungwa akanga abatwa nemhosva yokupisa dzimba, kupamba zvinhu zvevamwe, uye kuponda vanhu vakawanda. Paakabatsirwa kushandisa zvaakanga adzidza mubhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano, zvakachinja upenyu hwake chaizvo!

Kwapera makore 23 ari mujeri, akaudzwa kuti akanga ava kuzobudiswa. Akataura kuti akanga achida zvikuru kuva nemhuri yake pashure penguva yakareba zvakadaro. Zvisinei, mhuri yake yakanga yanyadziswa naye zvikuru uye yakanga yava kumutya zvokuti vakatumira shoko rokuti: “Tapota usadzoka kumba.” Vakanga vasingazivi kuchinja kukuru kwakanga kwaitwa upenyu hwake neShoko raMwari. Vakashamiswa chaizvo apo muKristu uyu munyoro, asingarwi akanga adzoka kutaundi rokumusha kwake!

Jeri guru remadzimai munyika ino riri muMandaluyong, muMetro Manila. Kwemakore akawanda, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvisinganyanyi kubvumidzwa kusvika panzvimbo iyi. Zvisinei, izvi zvakachinja apo mumwe mudzimai akanga achidzidza Bhaibheri akachinjirwa kujeri iri. Vakuru vejeri vakataura kuti anofanira kubatana nemamwe machechi epo, asi iye akati akanga asingagoni kudaro, achitsanangura kuti akanga achida kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha chete. Vakuru ava vakabvuma uye vakatendera Zvapupu zvacho kushanyira jeri iri kamwe chete pavhiki. Kubvira ipapo pane madzimai anoverengeka akatobhabhatidzwa, uye imwe ungano iri pedyo inoitisa Chidzidzo cheNharireyomurindi uye mimwe misangano nguva dzose kubatsira vasungwa vechidzimai ava vanofarira.

Mashoko echokwadi akaunza rusununguko chairwo kuvamwe vanhu vakapfigirwa. Naivowo vanokosha kuna Jehovha, uye vanhu vake vanofara chose kubatsira vanhu vakadaro.

Vave Vachishumira Kwenguva Refu Vanoenderera Mberi

Chimwe chirevo cheBhaibheri chinoti: “Bvudzi rachena ikorona yakaisvonaka, inowanikwa panzira yokururama.” (Zvir. 16:31) Hungu, zvinofadza zvikuru kuona vaya vakaita kuti mufaro waJehovha uve nhare yavo kwemakore nemakore!

Sangano raMwari rakanga riri duku muPhilippines Hondo Yenyika II isati yagundika. Kune vashoma kwazvo vachiripo vakatanga basa panguva iyoyo. Naizvozvo, zvinofadza chaizvo kusangana naLeodegario Barlaan. Ave ari mubasa renguva yakazara kubvira muna 1938. Panguva yehondo iye nevamwe vake vakabatwa zvisina kunaka nemauto eJapan, asi vakaramba vachiparidza. Pashure pehondo akaenderera mberi mubasa renguva yakazara nomudzimai wake, Natividad, uye vakazopedzisira vadaidzwa kuti vaite basa rokufambira. Gare gare, vakashanda vachirwara-rwara semapiyona chaiwo muruwa rwePangasinan. Natividad akashaya muna 2000, asi Leodegario achiri kuita basa iroro. Munhu wose anokurudzirwa nokutsunga kwake kuita zvaave achiita kwenguva yose iyi—basa rokuparidza.

Basa rokuparidza rakawedzera chaizvo pashure peHondo Yenyika II. Vazhinji vakadzidza chokwadi panguva iyoyo vachiri kushumira kunyange nanhasi. Somuenzaniso, panguva yehondo Pacifico Pantas akaverenga mabhuku eBhaibheri akanga ari evavakidzani vake vakanga vari Zvapupu. Anoti: “Ndakatanga kupinda misangano. Zvadaro ndakakumbira kuita basa rokupayona [iye zvino hwava kunzi upiyona hwenguva dzose], asi ndakanga ndisati ndabhabhatidzwa. Vakati ndibhabhatidzwe, saka ndakabhabhatidzwa.” Makanga muri muna 1946. Basa raPacifico rokupayona rakamuendesa kunzvimbo zhinji dzenyika. Akawanawo dzimwe ropafadzo. Anoti: “Ndakadaidzwa kunopinda kirasi yechi16 yeGiriyedhi uye ndakakwanisa kupinda kokorodzano yemarudzi muna 1950 muNew York City. Pashure pokupedza kudzidza ndakashanda somutariri wedunhu muMinnesota neNorth Dakota, U.S.A., ndikazodzokera kuPhilippines kunoshanda somutariri woruwa kumaodzanyemba kweRwizi rwePasig kubva kuManila kusvika kuMindanao.”

Mumakore akatevera, Hama Pantas vakapiwa mabasa akasiyana-siyana okuita paBheteri uye somutariri anofambira. Ipapo muna 1963, Pacifico akaroora. Iye nomudzimai wake vakava nevana, saka zvakanga zvava kuda kuti vamborera mhuri yavo. Vakaramba vachishumira Jehovha uku vachirera mhuri, uye vana vacho vose vari vatatu vakakura kuva varumbidzi vaJehovha. Iye zvino vatatu ava vakuru, uye mumwe akapinda Chikoro Chokurovedza Vashumiri. Mumwe ari kushanda paBheteri. Kunyange mumakore avo oukweguru, Hama Pantas vanoramba vachikurudzira vamwe zvikuru muungano.

Dzimba Dzakanaka Dzokunamatira Jehovha

Hakasi kare apo vanhu vaJehovha muPhilippines vakatanga kuva neDzimba dzoUmambo dzokunamatira. Kwemakore, vazhinji vakanga vachiungana mudzimba dzehama. Kunyange muzana remakore rokutanga, vaKristu vakanga vachishandisa dzimba kuitira misangano. (VaR. 16:5) Zvisinei, ungano dzemazuva ano zvadzave dzichikura, zvakava zvakakodzera kuva nenzvimbo dzakanaka dzinokwana vanhu vakawanda.

David Ledbetter akati: “Zvakanga zvakaomera vazhinji nokuti vakanga vasina mari. Kunyange muMetro Manila, guta guru, takanga tine Imba yoUmambo imwe chete yakavakwa pasitendi yeungano. Kudzimwe nzvimbo dzose dzakanga dzine Imba yoUmambo, ungano yakanga ine chivako asi nzvimbo isiri yayo.” Mari yaitambirwa nehama yakanga iri shoma chaizvo zvokuti ungano dzakanga dzisingakwanisi kutenga nzvimbo.

Naizvozvo hama dzaishandisa chero nzvimbo yadzainge dzakwanisa kuwana. Chero nzvimbo dzavakanga vanadzo, vaida chaizvo kuti dzishandiswe. Somuenzaniso, Denton Hopkinson anoyeuka Santos Capistrano, imwe hama yomuManila yakabvuma kuti uriri hwechipiri hwemba yayo hushandiswe seImba yoUmambo kwemakore 40. Hama Hopkinson vanoti: “Pashure pokunge mudzimai waHama Capistrano ashaya, vana vavo vaigara muuriri hwepasi. Imba yoUmambo yakanga iri pamusoro, uye hama ava vaingova nekanzvimbo kaduku mukamuri ravo, kakicheni kari kune rimwe divi. Imba yoUmambo yaitora chikamu chakakura chepauriri hwechipiri. Maizofunga kuti izvi zvakanga zvakavaomera, asi ndizvo zvavaitofara nazvo. Aya ndiwo maitiro aiita hama.”

Pakupedzisira, zvakakwanisika kuvaka Dzimba dzoUmambo panzvimbo dzakanga dziri dzeungano. Kukosha kwemari yokuno inonzi peso kwakawedzera, uye pakazosvika ma1980, mari yaitambirwa nevanhu yakanga yava nani, zvichiita kuti kukwereta mari kusanetsa. Izvi zvakaita kuti ungano dzinoverengeka dzikwanise kuwana mari yechikwereti.

Zvadaro, humwe urongwa hworudo hwakaitwa neDare Rinodzora hwakachinja zvinhu chose. Zviziviso zvokuti pakanga paumbwa Homwe yeDzimba dzoUmambo zvakapiwa muUnited States neCanada, uye isiri nguva refu pashure pacho, Philippines yakabatsirikana nemari yakanga yapiwa kuti ishandiswe pakuvakwa kweDzimba dzoUmambo. Urongwa uhu hunowirirana nemashoko okuti “pave nokuenzanisa,” zvichiita kuti mari yokukwereta ivepo. (2 VaK. 8:14, 15) Zvinhu zvakatanga zvishoma nezvishoma, asi kunzwa kuti urongwa uhu hwakanga huri kushanda sei kune dzimwe nzvimbo kwakakurudzira hama kuti dziedzewo kuva neImba yoUmambo.

Urongwa uhu hwakabatsira zvikuru! Nezvemari yeDzimba dzoUmambo, hofisi yebazi inoshuma kuti: “Pamwe chete, pange pane dzinodarika Dzimba dzoUmambo 1 200 dziri kuvakwa. Zvechokwadi izvi zviri kuoneka munyika ino yose.” Kunyange zvazvo pakutanga mari yakawanda yacho yakanga iri kubva kune dzimwe nyika, nokufamba kwenguva hama dzomuPhilippines dzakanga dzava kukwanisa kutsigira chirongwa chavo. Maererano neizvi, hofisi yebazi inoti: “Kwemakore anoverengeka zvino, mari yose iri kushandiswa pakuvaka Dzimba dzoUmambo yave ichibva pamari yezvikwereti iri kubhadharwa uye pamipiro iri kuitwa nehama dzomuPhilippines. Izvi zvinoratidza kuti kunyange munyika dzakaomerwa mune zvemari, panogona kuitwa zvakawanda zvinobatsira kana mari yacho ikaunganidzwa pamwe chete.”

Ungano dzakawanda dzava neDzimba dzoUmambo. Mune ungano dzinoda kusvika 3 500 munyika ino, uye pane dzichiri kudawo nzvimbo yadzo yokuunganira. Zvisinei, dzinenge ungano 500 dzine vaparidzi vari pasi pe15 uye hadzikwanisi kuwana mari yechikwereti yokuvaka Imba yoUmambo. Naizvozvo ungano dziri kukurudzirwa kubatana kuita kuti zvive nomusoro kuva neDzimba dzoUmambo.

Kuchinja Maonero Maererano Nenguva Yokuita Misangano

Dzimwe ungano, dzingave dziine Imba yoUmambo yadzo kana kuti dzisina, dziri kunzvimbo dziri kure. Hama dzinofanira kufamba kwemaawa maviri, mana, kunyange anodarika nomunzvimbo dzisina kuti sandara kuti dzisvike kumisangano. Saka, kune dzimwe nzvimbo uko zvisingaiti kuungana kanodarika kamwe pavhiki nokuda kwemisangano. Saka, zhinji dzeungano idzi dzaiita misangano yadzo yose zuva rimwe chete kusiya kweChidzidzo Chebhuku Cheungano. Hama dzaiuya dzakagadzirira kupinda misangano mina. Dzaiuya nezvokudya zvemasikati. Kuita izvi kwakaita kuti vafambe daro refu rokuenda kumisangano kamwe chete pavhiki, uku rimwe basa, rakadai soushumiri hwomumunda, richiitwa mamwe mazuva kunzvimbo dzinogara hama dzakasiyana-siyana.

Muma1980, izvi zvakatanga kuitwawo kune dzimwe ungano dzakanga dzisiri kure neImba yoUmambo zvakanyanya, kunyange dzimwe dzaiva mumaguta. Zvichida kushaya mari kwakaita kuti vamwe vafunge nzira dzokuchengetedza nadzo mari. Mazuva mashoma okuita misangano aireva kuti vaizofamba kashoma uye vaizoshandisa mari shoma. Dzimwe hama dzakanyanya kufunga zvakadzinakira idzo, zvichida kushandisa nguva yemamwe mazuva kuita zvinhu zvadzinoda, zvakadai sokuenda kuchikoro kana kubasa rokunyika.

Ungano dzakawanda dzakatanga kuita misangano mina musi mumwe chete, uye dzimwe ungano dzaitoita misangano yose iri mishanu! Zvisinei, izvi zvaireva kuti ungano dzomuPhilippines dzakanga dziri kuenda zvishoma nezvishoma kure nenzira iyo zvinhu zvinoitwa nayo noruzhinji rwevanhu vaJehovha pasi pose, avo vanoita misangano mazuva matatu pavhiki. Apa hama dzakanga dzati rasikei. Pakauya mutariri wenyika muna 1991, akaudzwa izvi. Zvadaro, Dare Rinodzora rakabvunzwa. Vakapindura vachiti: “Hatifungi kuti uyu muitiro wakanaka kunze kwokuti kana pasitorina zvokuita zvachose.” Hama dzakaudzwa mashoko aya, kutanga mumaguta uye tevere kumamisha.

Zvakataurwa kuti kunze kwokuwirirana nourongwa hwemisangano huri kuitwa pasi pose, ungano dzaizobatsirwa zvikuru kana misangano ikaitwa panguva dzakasiyana pane kuedza kuita yose mumaawa matatu nechidimbu kusvika kumaawa mana. Izvi zvakanga zviri kuomera vana vaduku uye vanhu vanofarira. Vakuru vaizogadzirira hurukuro dzakaisvonaka kana vachigadzirira misangano mumwe kana miviri pane kugadzirira yakawanda.

Ungano dzakaita sei pakapiwa zano iri? Zhinji dzakaita zvakataurwa, dzichikurumidza kuchinja zvinhu kuti dzive nemisangano pakati pevhiki. Iye zvino, kusiya kweungano dziri kunzvimbo dziri kure chaizvo, ungano zhinji dzinoita misangano zvakanaka vhiki imwe neimwe.

Dzimba Dzemagungano

Kwemakore, matunhu aiitira magungano munhandare dzezvikoro, mudzimba dzokurovedza muviri, nhandare dzokumhanyira, uye zvimwe zvivako zvoruzhinji. Pasinei nokunetsa kwazvaiita, hama dzakanga dzichikoshesa zvikuru mikana iyi yokuwadzana kunofadza.

Kufanana neDzimba dzoUmambo, kuwana Dzimba Dzemagungano kwakanga kusiri nyore. Mari yakanga iri kushayika zvekare. Kunyange zvakadaro, matunhu akawanda akanga achida chaizvo kuva nenzvimbo dzawo dzokunamatira. Naizvozvo, Dzimba Dzemagungano dzakati kuti dzakanaka dzakavakwa. Kazhinji kacho dzinoshandiswa nedunhu rimwe chete kana kuti maviri, kwete matunhu anoverengeka sezvinoitwa kune dzimwe nyika. Kakawanda kacho, nzvimbo yaiita zvokupiwa sechipo kana kuti kutengwa nemari iri nani, kunyanya kumamisha. Hama dzaibva dzabatanidza mipiro yadzo dzovaka chivako chisina kunyanya kuoma—kazhinji kacho chivako chinenge chisina madziro kumativi chinenge chiine denga chete rokuvharira vateereri, uriri hwesamende, chikuva uye zvigaro.

MuMetro Manila, kunyange izvozvo zvakanga zvisingaiti, zvikurukuru nokuti nzvimbo dzacho dzaidhura chaizvo uye kuvaka chivako chakakodzera muguta kwaidaidza mari yakawanda. Ungano dzomunharaunda yacho dzakapa mipiro kuhomwe yokuvaka, asi mari yakagamuchirwa yakanga iri shoma zvikuru pane yaidiwa kungotenga nzvimbo chete. Muma1970, ma1980, uye makore anoverengeka ema1990, magungano muMetro Manila akaramba achiitirwa muzvikoro, munhandare, uye dzimwe nzvimbo dzakada kudai.

Izvi zvichiitika, ungano nematunhu muMetro Manila zvakaramba zvichiwedzera, zvichiita kuti padiwe Imba Yemagungano chaizvo. Nzvimbo yakakodzera yakatanga kutsvakwa. Ungano dzakatumirwa tsamba dzichiudzwa kuti dzaiva neropafadzo yokutsigira chirongwa ichi nemari. Muna 1992 anenge maeka 15 enzvimbo akawanika pedyo noruwa rweLagro nechokuchamhembe kweMetro Manila.

Ungano dzomuMetro Manila dzakatsigira chirongwa ichi nokutumira mipiro uye vashandi vaizvipira. Vashandi vokune dzimwe nyika vakauya kubva kunyika dzinoverengeka kuzobatsira kuita basa. Mumwe wavo, Ross Pratt wokuNew Zealand, anoti: “Muna March 1997 takawana mvumo kubva kuBrooklyn yokutanga kuvaka. Rakanga riri basa guru rokuchera pasi, uye ivhu rakawanda chose rakabviswa kuti paizoiswa zvivako pagadzirwe. Paiva nevashandi 50 kusvika ku60 venguva dzose. Imba Yemagungano yakapedzwa muna November 1998.” Yakabva yatsaurirwa. Sezvo imba yacho yakagadzirwa kuti ikwane vanhu 12 000, kokorodzano dzoruwa dzinokwanisa kuitirwa imomo zvekare. Mativi akashama eImba Yemagungano iyi anoita kuti mhepo ifefetere vanhu pavanenge vachiteerera purogiramu mukati. Matunhu gumi nematanhatu muMetro Manila nomunzvimbo dzakapoteredza iye zvino anova nepurogiramu dzokumudzimu muimba iyi.

Zvimwe Zvivako Zvebazi

Sezvo nhamba yeungano nematunhu mundima yakawedzera, basa repabazi rakawedzerawo. Muna 1980 makanga mune vaparidzi vanenge 60 000 mumunda. Makore gumi asati apera, Philippines yakanga yava kuzoverengwa pamwe chete nedzimwe nyika dzakanga dzava nevaparidzi vanodarika 100 000. Panguva iyi, nhamba yemhuri yeBheteri yakakura kubva pa102 kusvika ku150. Zvisinei, kunyange mumavambo ema1980, nzvimbo pahofisi yebazi yakanga yava kuva duku. Pakanga pava kudiwa dzimwe dzimba dzokugara.

Dare Rinodzora rakapa mirayiridzo yokuti imwe nzvimbo itsvakwe. Felix Fajardo anotaura zvakaitika achiti: “Takaenda paimba nemba tichitsvaka kana pakanga paine nzvimbo yakanga iri kutengeswa pedyo neBheteri. Vanhu vomuPhilippines nemaChina vaiva varidzi venzvimbo vaiti vakanga vasiri kutengesa nzvimbo dzavo. Mumwe muridzi wenzvimbo akataura nechivimbo kuti: ‘MaChina hatitengesi. Tinotenga. Hatifi takatengesa.’” Naizvozvo, panguva iyoyo, zvaiita sokuti hapana chakanga chichikwanisa kuwanika pedyo nepaiva nebazi repakutanga.

Nzvimbo yakatsvakwa kumwewo. Kana zvaiita, hofisi yebazi yaizobva muguta. Nzvimbo dzinoverengeka dzakawanikwa mumaruwa akapoteredza. Dare Rinodzora rakanyanya kufarira imwe nzvimbo huru yakanga iri pedyo neSan Pedro, Laguna, iyo yakanga iri kutengeswa neimwe hama nemari iri nani. Vakabvumirwa kutenga nzvimbo iyi. Pakatanga kurongwa kuvaka mahofisi, Musha weBheteri, uye fekitari panzvimbo iyoyo. Zvisinei, sezvo nguva yakafamba, zvakaita sokuti kuendesa zvinhu panzvimbo iyi kwakanga kusiri kuda kwaJehovha. Kwakanga kusina tambo dzenhare, mugwagwa wakanga wakashata, uye nzvimbo yacho yakanga isina kunyatsochengeteka. Zvakava pachena kuti nzvimbo iyi yakanga isiri iyo yakanakisisa yokuisa bazi. Saka yakaitwa purazi rokubatsira mhuri yeBheteri nezvokudya. Kunyange zvakadaro, izvi hazvina kupedza dambudziko rokuda imwe nzvimbo yokuisa hofisi yebazi.

Kuchinja kwezvinhu kusingatarisirwi kwakaita sokwairatidza nhungamiro yaJehovha. Felix anoenderera mberi achiti: “Sokutamba, mumwe muvakidzani wedu akati: ‘Tiri kutengesa nzvimbo yedu—yakakura 1 000 sq m. Tingada kukutengeserai.’ Naizvozvo Dare Rinodzora rakatiudza kuti tiitenge. Takafunga kuti yakanga yakakura zvakakwana, asi apo takapa mapurani edu okuvaka kumuzinda wepasi pose, takaudzwa kuti: ‘Zvichida mungatsvaka imwezve nzvimbo. Munoda kuwedzera imwe yakati kurei.’”

“Pashure chaipo peizvi, mumwe chiremba nerimwe gweta vakauya vakati: ‘Tinoda kukutengeserai nzvimbo yedu.’ Yakanga yakakura zvekare 1 000 sq m. Zvadaro, mumwe mudzimai watakanga takavakidzana naye akanga aine maeka maviri nehafu akanga achida kutengesa. Akaitengesa nemari yakanaka zvikuru. Takafunga kuti takanga tava nenzvimbo yakakura zvakakwana. Asi muzinda wakati: ‘Tsvakai imwe.’”

Takabva tazobatsirwa tisingazvifungiri. Chiremba uya negweta vakanga vatitengesera nzvimbo yavo vakaenda kune vamwe vavakidzani vachivaudza kuti vatengese nzvimbo dzavo. Mumwe nomumwe akatengesera bazi nzvimbo yake. Pashure pokunge dzinenge nzvimbo dzose dzaiva pedyo dzatengwa, takatumira chimwe chikumbiro kumuzinda. Zvekare mhinduro yakadzoka ichiti: “Munoda imwe nzvimbo.” Hama dzakatanga kufunga kuti: ‘Toendepi zvino? Taedza nzvimbo dzose dzinokwanisa kutengeka.’

Panenge panguva ino, takagamuchira runhare maererano nenzvimbo yomuzvinabhizimisi uya akanga amboti “MaChina hatitengesi.” Yakanga yava kutengeswa! Felix anotsanangura kuti: “Ini naHama Leach takaziva kuti hapana mumwe munhu akanga achida nzvimbo yacho. Saka takaitenga nemari yakaderera chaizvo. Zvinoita sokuti ruoko rwaJehovha rwakanga ruri kutungamirira zvinhu.” Mamwe maeka maviri nehafu akanga awanika, uye pakupedzisira, muzinda wakati: “Mava nenzvimbo yakakwana yokutanga kuronga zvokuvaka.”

Nguva zvayakafamba uye zvinhu zvichichinja, zvakava pachena kuti purazi rokuSan Pedro rakanga risisiri kudiwa. Zvakawanda zvezvokudya zvemhuri yeBheteri zvaikwanisa kutengwa zvakawanda nemari shoma pane inodiwa kuzvirima papurazi. Naizvozvo chisarudzo chakaitwa chokutengesa purazi racho. Pakazosvika 1991 rakanga rava romumwe munhu. Mari yakawanikwa parakatengeswa yakashandiswa kubhadhara imwe yemari yaishandiswa kuvaka zvivako zvitsva zvebazi.

Kuvaka Zvivako Zvitsva Zvebazi

Nzvimbo yakanga yava yebazi yakanga yakura zvinodarika zvakapetwa katatu kupfuura iya yakatengwa muna 1947, iyo yaiva maeka maviri nehafu. Tichibatsirwa neRegional Engineering Office yebazi reZvapupu zvaJehovha reJapan, mapurani akanyorwa, uye basa rokugadzirira nzvimbo yacho rakatangwa pakati pa1988. Zvimwe zvivako zvemapango zvekare zvaifanira kuputswa. Zvivako zvitsva zvaizosanganisira chivako chokugara chine nhurikidzwa 11 uye chivako chihombe chefekitari chine nhurikidzwa mbiri. Imba yoUmambo yaifanira kuvakwa panzvimbo iyi.

Kunze kwevakapedza kudzidza kuGiriyedhi vakatumwa kuzobatsira, hama nehanzvadzi vanoda kusvika 300 vakabva kunyika dzinenge shanu vakauya kuzoshanda sevashandi vokune dzimwe nyika venguva refu uye sevazvipiri venguva pfupi pabasa racho. Vanhu vomunharaunda vakashamiswa pavakaona vanhu vokune dzimwe nyika vachiuya kuzobatsira. Vakatoshaya romuromo pavakaziva kuti vazhinji vacho vakanga vauya vachishandisa mari yavo pachavo! Hama nehanzvadzi dzomuno dzakawedzera kuita kuti kubatana kwevanhu vomunyika yose kuonekwe.

Kufanana nepaitengwa nzvimbo, nhungamiro yaJehovha yakaonekawo sezvo basa rokuvaka raifambira mberi. Somuenzaniso, kambani imwe chete muPhilippines ndiyo yaigadzira marata akanga achidiwa pazvivako izvi. Zvisinei, odha yebazi yemarata aya yakanga iri yechi301 paodha dzakanga dzakamirira kuitwa nekambani iyi! Hama dzakakumbira kutaura nomutevedzeri womutungamiriri wekambani iyi pachake, uye dzakatsanangura urongwa hwokuzvipira hwevashandi vedu. Vakuru vakuru vekambani iyi vakaita musangano, vakabvuma chikumbiro chehama, vakaisa odha yadzo panhamba yokutanga pane zvaifanira kugadzirwa. Nokukurumidza pashure pokunge zvinhu izvi zvakatumirwa, vashandi vekambani iyi vakaramwa basa.

Pane chinhu chakanaka zvikuru chakaitwa nehama zhinji dzaibatanidzwa muchirongwa chokuvaka bazi. Vanenge vazvipiri 600 vhiki imwe neimwe vaibva kuungano dzepedyo kuti vazobatsira. Chokwadi, inenge 30 kubva muzana yebasa rose yakaitwa nehama idzi.

Zvinodiwa zvakakwirira pakuvaka ndizvo zvakanga zviri kuitwa. Sezvo zvitsuwa zvePhilippines zviri munzvimbo yenyika inodengenyeka, hama dzaitarisira kuvaka kwacho dzakava nechokwadi chokuti chivako chine nhurikidzwa 11 chaizokwanisa kuramba chakamira pakunodengenyeka zvine simba. Zvivako izvi zvakaisvonaka zvikuru zvakanga zvakasiyana zvachose nezvakanga zviripo, chimwe chacho chakanga chavakwa muma1920! Zvitsaru zvakadhiriswa kuti pavakwe zvitsva.

Pakupedzisira, musi waApril 13, 1991, purogiramu yokutsaurira bazi yakaitwa. John Barr weDare Rinodzora akapa hurukuro yokutsaurira kuvateereri 1 718. Hama nehanzvadzi dzakanga dzichishumira Jehovha kwemakore anodarika 40 dzakakokwa kupurogiramu yacho uye dzakanakidzwa nayo pamwe chete nevaenzi vakabva kunyika gumi. Zuva rakatevera racho, 78 501 vakabatsirwa nepurogiramu inosimbisa mumudzimu iyo yakaendeswa netambo yenhare kunzvimbo nhanhatu pazvitsuwa zvacho zvose.

VomuPhilippines Vanoenda Kunovaka Kune Dzimwe Nyika

Panguva yaivakwa bazi, vashandi vokune dzimwe nyika vakadzidzisa hama dzomuPhilippines kuita mabasa akasiyana-siyana. Hubertus Hoefnagels, uyo akadzidzisa vamwe, anoti: “Hama zhinji dzomuno dzinoshingaira zvikuru, uye dzaikwanisa kushandisa zvadzakanga dzadzidza.” Somugumisiro, apo basa rokuvaka muPhilippines rakapera, dzimwe hama idzi dzakanga dzadzidziswa basa dzakakwanisa kuenda kune dzimwe nyika kunobatsira kuvaka mapazi, kunyanya kuSoutheast Asia.

Joel Moral, anobva kuQuezon Province, akanga ari mumwe wavo. Akatanga kuuya kuchirongwa chokuvaka bazi muManila aine pfungwa yokushanda kwevhiki imwe chete. Zvisinei, rubatsiro rwake rwaidiwa, uye akakumbirwa kuramba achishanda. Kunyange zvazvo akanga asina ruzivo rwenguva refu mubasa rokuvaka, kushanda pakuvaka bazi kwakaita kuti akwanise kuwana unyanzvi nokukurumidza kuburikidza nokudzidza kubva kune vashandi vokune dzimwe nyika.

Kunyange apo kuvaka muPhilippines kwakanga kusati kwapera, pakadiwa vanobatsira kuvaka bazi idzva muThailand. Joel anoti: “Ndakanga ndisiri kuzvitarisira, asi ndakakumbirwa kuenda kuThailand. Ruzivo rwangu pakuvaka muPhilippines rwakandibatsira zvikuru kugadzirira nokuda kwebasa rokuvaka mune dzimwe nyika.” Akagara kwerinodarika gore achibatsira kuvaka muThailand.

Joshua naSara Espiritu vakatanga kuzivana apo vose vakanga vari kushanda pakuvaka bazi muPhilippines. Vakaroorana pashure pokutsaurirwa kwebazi uye vakava nevavariro yokushanda vose vachivaka mune dzimwe nyika. Pashure pemwedzi mishoma, vakadaidzwa kunoshanda kune dzimwe nyika. Kubvira ipapo, vakashanda munyika shanu: nhatu kuAsia uye mbiri muAfrica. Maererano noruzivo rwaakawana achiri muPhilippines, Joshua anoti: “Patakanga tiri kushanda nehama dzaibva kune dzimwe nyika, takadzidza zvinhu zvakawanda. Iye zvino takanga tava kuziva zvokuti taikwanisa kudzidzisawo vamwe.” Pavakatumwa kune dzimwe nyika, vakaudza hama dzeko kuti: “Hatisi kuzova kuno zvachose. Munguva yemberi mucharamba muchiita basa racho.” Nezvevavariro yake apo aienda kune dzimwe nyika, anoti: “Hatiendi ikoko kunoshanda chete, asi tinoedza nomwoyo wose kudzidzisa hama.”

Chokwadi, kuenda kunyika dzakasiyana-siyana kunoda kunzwisisa. Jerry Ayura akatumirwa kunyika dzinoverengeka, kusanganisira Thailand, Western Samoa, neZimbabwe. Anotsanangura kuti: “Ndakadzidza kuti Jehovha anoshandisa vanhu vemarudzi ose. Tinovada nokuti Jehovha anovada.” Hama idzi dzomuPhilippines dzinofara zvikuru kuti dzakakwanisa kuita basa raJehovha munyika dzakawanda!

Mhirizhonga Haimisi Basa

Kuita kuti mufaro waJehovha uve nhare yedu kunosanganisira kuramba takavimbika kwaari, kunyange munguva dzakaoma. Pave paine mikana yakawanda yokuti vanhu vaJehovha vomuPhilippines varatidze izvi.

Kunyange zvazvo mutemo wechiuto wakapera musi waJanuary 17, 1981, mhirizhonga yakaramba irimo muma1980. Muna February 1986, hurumende yakatsiviwa. Zvisinei, kuchinja kwehurumende kwakanga kuine runyararo rwakati kuti, uye kunyange ungano dzakanga dziri kunzvimbo iyo kumukira kwe“People’s Power” kwakaitikira dzakaramba dzichipinda misangano uye kuparidzira pasina kuvhiringidzwa. Pavakanga vachipfuura paiva neboka revanhu ve“People’s Power,” vaparidzi vakaona vapristi navanasisita vari pakati pevanhu ava vachivakurudzira kuratidzira.

Hurumende itsva yakakurumidza kuchinja zvinhu zvakati kuti. Zvisinei, mhirizhonga haina kupera. Mumakore matatu okutanga pashure pokunge hurumende itsva yatanga kutonga, pane vanhu vakaedza kupidigura hurumende kanoverengeka, uye pamwe pacho vanhu vachiurayiwa. Pane chimwe chiitiko apo bazi rakanga riri kuvakwa, vashandi vomuno uye vokune dzimwe nyika vakashamiswa kutarira mhiri kweguta ndokuona varwi vakapanduka vachibhomba muzinda wavo pachavo. Zviitiko zvakadai zvaiitika kashoma, asi zvakaita kuti zvive zvakakodzera kukurudzira dzimwe ungano kupindira paDzimba dzoUmambo dzakanga dziri kunzvimbo dzine runyararo.

Kwemakore akawanda, mhirizhonga pakati pemauto ehurumende nevapanduki yakaramba iripo mune dzimwe nzvimbo dzeMindanao. Dziri kuita ushimiri hwadzo, hama dzeikoko dzaifanira kuchenjerera uye kuvimba naJehovha. Renato Dungog, uyo akapedza kudzidza paChikoro Chokurovedza Vashumiri uye iye zvino ari mutariri wedunhu, akashanda kunzvimbo yave ine kurwisana munzvimbo dzose. Pane imwe nguva, apo Renato akanga akamirira chikepe, musoja akamubvunza kuti: “Uri kuenda kupi?”

Renato akatsanangura kuti: “Ndiri mushumiri anofambira weZvapupu zvaJehovha. Ndinoshanyira hama kaviri pagore kuti ndidzisimbise uye ndinoenda kunoparidzira nadzo.”

Musoja wacho akati: “Mwari anewe, dai zvisizvo ungadai waurayiwa.” Naizvozvo pasinei nemhirizhonga, hama dziri kuita basa radzo, dzichivimba naJehovha, uye dzinoremekedzwa zvikuru nokuda kweizvi.

Kudzokera Kudare Nenyaya Yomureza

Vechiduku vakaedzwa kuvimbika kwavo kuna Jehovha. Musi waJune 11, 1955, Mutungamiriri wenyika Ramon Magsaysay akasaina Republic Act No. 1265 kuti uve mutemo waiti vana vose vanodzidza muzvikoro zvehurumende uye zvisiri zvehurumende vakwazise mureza wePhilippines. Vana veZvapupu zvaJehovha vakaramba nemhaka yehana dzavo, sezvinoitwa nevechiduku vose vari Zvapupu pasi pose. (Eks. 20:4, 5) Kunyange zvazvo vachiremekedza chiratidzo chenyika ichi, hana dzavo hadzivabvumiri kuita zvinhu zvavanofunga kuti zvine chokuita nokunamata chinhu chipi nechipi. Apo vana vokwaGerona muMasbate vakadzingwa chikoro nemhaka yokusakwazisa mureza, zvakaguma nenyaya yakaendeswa kuDare Repamusorosoro rePhilippines muna 1959. Zvisinei, dare harina kuremekedza zvinodavirwa neZvapupu zvaJehovha. Rakataura kuti mureza “hausi chidhori” uye kuti “mureza hauna chokuita zvachose nechitendero.” Naizvozvo dare rakazviti ndiro rinotema zvinonzi ndezvechitendero kana kuti zvisiri zvechitendero.

Chokwadi, izvi hazvina kuchinja zvinodavirwa neZvapupu. Hama dzakaramba dzichitsigira zvinodzidziswa neMagwaro. Ichokwadi kuti chisarudzo chedare chakaparira zvinetso, kunyange zvazvo zvakanga zvisina kunyanya kuoma sezvaitarisirwa.

Nyaya yokukwazisa mureza haina kuzonetsa zvekare kusvikira chisarudzo chedare chaiswa muAdministrative Code ya1987. Pashure pacho, muna 1990 vana veZvapupu zvaJehovha vanoverengeka muCebu vakadzingwa chikoro. Mukuru wechikoro akanga akaomesa musoro chaizvo pakuita kuti mutemo uyu uteverwe. Vana vakawanda vokune dzimwe nzvimbo vakatangawo kudzingwa.

Kudzingwa uku kwakabuda munhau. Zvadaro komiti yekodzero dzevanhu yakaratidza kuva nehanya nevana ava, vairambidzwa kudzidza. Zvaiita sokuti mafungiro akanga achinja kusiyana neaya omuna 1959. Yakanga yava nguva yaJehovha yokuti nyaya yacho ichibudiswazve pachena here? Ernesto Morales, aiva mukuru panguva iyoyo muCebu, akati: “Vapepeti venhau, varidzi vemapepanhau, vadzidzisi, uye vamwe vose vakatikurudzira kuendesa nyaya yacho kumatare.” Dhipatimendi Rezvemitemo rokumuzinda wepasi pose rakabvunzwa. Chisarudzo chakaitwa chokuti nyaya yacho ikwidzwe mudare.

Zvisinei, matare anoti reRegional Trial Court, uye pashure pacho reCourt of Appeals, akapa zvisarudzo zvisingafadzi. Akanga asingadi kupikisa zvakanga zvataurwa nedare reSupreme Court muna 1959 panyaya yekwaGerona. Chakanga chasara apa kukwidza nyaya yacho kudare reSupreme Court zvekare. Vaizoda kunzwa nyaya iyi here? Mhinduro yakabva kudare reSupreme Court yakanga iri yokuti hungu! Felino Ganal, gweta uye Chapupu, akatungamirira mukuendesa nyaya yacho kudare iri repamusorosoro. Mumazuva mashomashoma, Dare Repamusorosoro rakapa murayiro waiti vana vose vakanga vadzingwa vadzorerwe kuzvikoro, vachimirira chisarudzo chaizoitwa panyaya yacho.

Mativi maviri akataura zvaaifunga. Pashure pokuongorora zvakakwana, Dare Repamusorosoro rakachinja chisarudzo cha1959 uye rakati vana veZvapupu zvaJehovha vane kodzero yokurega kukwazisa mureza, kutaura mashoko okuvimbika kunyika, uye kuimba rwiyo rwenyika. Dare rakatsanangura chisarudzo chacho chikuru, richiti: “Pfungwa yokuti mumwe munhu anogona kumanikidzwa kukwazisa mureza, . . . kana akasadaro . . . odzingwa chikoro, haina kunaka zvachose kuvanhu vemazuva ano vomuPhilippines avo vanoremekedza Bill of Rights iyo inosimbisa kodzero dzavo dzokutaura zvaunoda wakasununguka uye kusarudza zvaunoda kunamata.” Dare rakataurawo kuti kudzingwa kwevana veZvapupu zvaJehovha muzvikoro kwaizo“rwisana nekodzero yavo, . . . , pasi peBumbiro Romutemo ra1987, yokudzidza vakasununguka.” Manila Chronicle yakati: “Dare Repamusorosoro rinogadzirisa kusaruramisira kwaiitirwa Zvapupu zvaJehovha kwemakore 35.”

Vapikisi vakakumbira kuti nyaya yacho iongororwe patsva, asi musi waDecember 29, 1995, Dare reSupreme Court rakaramba izvozvo. Nokudaro, chisarudzo chakaitwa chichiri kushanda. Vanhu vaJehovha vakakunda zvechokwadi!

Basa Rinoenderera Mberi Pasinei Nenjodzi

Sezvataurwa pakutanga kwomushumo uno, Philippines inogara yakawirwa nenjodzi. Ngatitarisei dzimwe njodzi dzakawira hama.

Kudengenyeka kwepasi: Sezvo zvitsuwa izvi zviri pakati nepakati petectonic plates (nheyo dzakasimbisa nyika), nyika iyi inogara yakava nokudengenyeka kwepasi. Rimwe bhuku rinoti kudengenyeka kwepasi kushanu kunoitika zuva roga roga, kwozotiwo kudengenyeka kuduku kwakawanda kusinganzwiki nevanhu. Kuzhinji kwacho hakukanganisi upenyu, asi apo neapo, kudengenyeka kwepasi kukuru kunoparadza zvikuru.

Nenguva dza4:26 zuva rovira musi waJuly 16 1990, kumwe kudengenyeka kwepasi kwakadaro kune simba kwakaitika muCabanatuan, guta riri nechepakati peLuzon. Ruwa rweBenguet rwakavawo nenjodzi huru. Zvikoro zvinoverengeka nemahotera zvakadhirika, zvichiguma nokurasika kwoupenyu.

Panguva iyoyo Julio Tabios, uyo akanga ari kushanda somutariri woruwa ikoko, akanga achienda nomudzimai wake kugungano redunhu kunzvimbo ine makomo yeBenguet. Imwe hama yakanga yakatakura muriwo wokutengesa muBaguio yakavatakura nemotokari yayo. Vapedza kutenderera mumakomo, vakasvika panzvimbo yakamanikana apo vaifanira kurega imwe motokari yakanga iri kuuya kuti itange kupinda. Ipapo, matombo akatanga kudonha kubva mugomo. Vakaona kuti kwakanga kuri kudengenyeka kwepasi kune simba. Julio anoti: “Hama iya yakakwanisa kudzosa motokari kuenda kwakanga kwakafara, rimwe dombo guru rikabva rawira panzvimbo chaipo patakanga tabva. Takafara kuti takanga tiri vapenyu. Muchinguvana, kumwe kudengenyeka kwakaitika, uye takaona rimwe dombo guru raiva pedyo nesu richindengendeka sokunge rakanga riri kutamba.” Matombo makuru akakunguruka kubva mugomo riya.

Madhaka akanga avhara mugwagwa. Nzira chete yakanga yasara kuti tisvike kwaiitirwa gungano, kana kuti chero imwe nzvimbo zvayo, kwakanga kuri kufamba nomugomo netsoka. Manheru, vakapiwa pokurara pamusha pomumwe munhu ane mutsa. Mangwana acho, vakakwira gomo refu kuti vasvike kwavaienda. Vari munzira, vakasangana nehama dzinoverengeka dzakanga dziri kubatsirana kuti dzikwanise kubata nokudengenyeka kuya. Pakupedzisira, pashure pokufamba munzira dzine ngozi mugomo, vakasvika kuNaguey, kwakanga kuchizoitirwa gungano. Julio anoti: “Hama zhinji dzakachema nomufaro, sezvo dzakanga dzisisafungi kuti taizosvika! Kunyange zvazvo takanga tati rukutu, takazorodzwa apo takaona hama zhinji nehanzvadzi dzakawanda dzichifara kutigamuchira.” Pasinei nokudengenyeka kwepasi, vazhinji vakanga vauya, vachiratidza kuti vanokoshesa zvikuru zvokunamata.

Ungayeuka kuti zvivako zvitsva zvebazi zvakanga zviri kuvakwa panguva iyoyo. Kunyange zvazvo dzimba dzokugara dzakanga dzisati dzapera, kudengenyeka kwepasi kwakaitika muna 1990 ndiko kwakatanga kuedza kana zvivako izvi zvakanga zvakasimba. Kuzungunuka kwakanga kuchiita chivako chacho kwakaita kuti vamwe vashandi vepaBheteri vanetseke, asi chivako chacho chakaita zvachakanga chagadzirirwa kuti chiite, uye chakakwanisa kuramba chakamira apo kudengenyeka kune simba kwakaitika.

Mafashamo: Nemhaka yokuti kunopisa, nzvimbo dzakawanda dzokuno dzinonaya mvura zhinji. Dzimwe nzvimbo dzinogara dziine mafashamo. Leonardo Gameng, ave ari mubasa renguva yakazara kwemakore anodarika 46, anoti: “Taifanira kufamba kwemakiromita matatu, madhaka achisvika mumabvi.” Juliana Angelo ave ari piyona chaiye muruwa rwePampanga kunoitika mafashamo kakawanda. “Kuti tisvike kune vanofarira nemashoko oUmambo,” anodaro, “taifamba nezvikepe zviduku. Hama inenge ichikwasva inofanira kuva yakasvinura chaizvo kuti isasvike pedyo nemiti inenge iine nyoka dzakahwandira, idzo dzingawira muchikepe.” Corazon Gallardo, piyona chaiye kubvira muna 1960, akapedza makore akawanda ari mundima yePampanga. Dzimwe nguva, pakanga pasina chikepe chokushandisa, uye anoyeuka kuti aifamba nomumvura yemafashamo ichisvika pamapfudzi ake. Pasinei nematambudziko aya, achiri nemaonero akanaka. Akadzidza kurarama mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana uye kuvimba naJehovha, achiziva kuti haasiyi vakavimbika vake.

Kubvira panguva iyo madhaka akabva pakaputika Gomo rePinatubo akazadza nzvimbo zhinji dzakaderera, mafashamo muPampanga anyanya kuipa nokuti mvura yacho iye zvino inorasikira kune dzimwe nzvimbo. Generoso Canlas, mutariri wedunhu ikoko, anoti nemhaka yemvura, dzimwe nguva vaifanira kupfeka shangu refu kana kutofamba vasina shangu mubasa romumunda. Zvisinei, hama dziri kuenderera mberi nebasa pasinei nematambudziko.

Kunzvimbo dzinoitika mafashamo akanyanya kuipa uye anoparadza nzvimbo dzakakura, Zvapupu zvaJehovha zvinobatsirana uye zvinobatsira vamwe vasiri Zvapupu. Pakaitika izvi muDavao del Norte, kumaodzanyemba kwePhilippines, vakuru veguta vakaonga zvikuru rubatsiro rwakapiwa zvokuti vakataura mashoko okuonga.

Kuputika kwemakomo: Kune makomo akawanda anoputika muPhilippines, asi rakanyanya kuzivikanwa pasi pose iGomo rePinatubo. Muna June 1991 gomo iri rakaputika richibudisa mavhu aiita kunge gore. Masikati akaita kunge usiku. Vamwe vakafunga kuti kwakanga kuri kutanga kweAmagedhoni. Madota akandowira kure kumavirira zvokusvika kuCambodia. Munguva pfupi, Gomo rePinatubo rakabudisa madhaka anorema makirogiramu mabhiriyoni 235. Madota anorema akaita kuti matenga edzimba uye zvimwe zvivako zviwire mukati. Zvizhinji zvacho zvakava madhaka anoyerera achitsvaira dzimba nokufushira dzimwe dzacho. Madota nemadhaka zvakaparadza uye kudhirisa Dzimba dzoUmambo uye dzimba dzehama. Julius Aguilar, aiva piyona wenguva dzose muTarlac panguva iyoyo, anoti: “Imba yedu yakafushirwa yose nemadota.” Mhuri yacho yaitofanira kutama.

Pedro Oandasan akanga ari mutariri wedunhu munzvimbo iyoyo. Anoti: “Hama hadzina kurega kuungana pamwe chete uye kuita basa raJehovha. Nguva dzose vanhu vose vakanga vachiuya kumisangano. Uyezve, madhaka haana kuderedza rudo rwehama kubasa rokuparidza. Takaramba tichiparidza kuvanhu vakanga vanunurwa uye kunyange kunzvimbo dzakanga dzaparadzwa.”

Njodzi dzakadaro dzinopa mukana wokuratidza rudo rwechiKristu nemabasa. Gomo rePinatubo paraiputika uye pashure pacho, hama dzakabatsirana kutiza. Hofisi yebazi yakakurumidza kutumira rori yakazara nemupunga, uye pashure pokunge waburuswa, rori yacho yakashandiswa kununura hama kubva mumaguta akanga aine njodzi. Hama dzomuManila padzakaziva kuti paidiwa rubatsiro, dzakakurumidza kutumira mari nezvipfeko. MuBetis, muRuwa rwePampanga, hama dzechiduku dzakarongana kuti dzibatsire vainge vawirwa nenjodzi. Mumwe wavakabatsira akanga ari mumwe mudzimai aifarira aiva nomurume akanga asingafariri chokwadi. Hama dzechiduku idzi padzakabatsira vaviri ava kuvaka zvekare imba yavo, murume wacho akafara zvikuru zvokuti panguva ino ava Chapupu!

Mvura ine dutu: Kana totaura nezvokuparadza kunoitwa nemamiriro okunze munyika ino, mvura inonaya ine madutu ndiyo inonyanya kuparadza. Paavhareji, madutu anenge 20 anoitika pazvitsuwa izvi gore rimwe nerimwe. Madutu akadaro anosiyana kukura kwawo, asi ose anenge aine mhepo ine simba uye mvura inonaya zvine simba. Kazhinji izvi zvinenge zviine simba rokukwanisa kudhirisa zvivako. Uyezve, madutu anoparadza zvirimwa, zvichiita kuti upenyu hwevarimi huome.

Kazhinji, dzimba dzeZvapupu uye zvirimwa zvavo zvakaparadzwa. Zvinoshamisa kuti kazhinji hama dzinokwanisa kuvaka zvekare kwava kuenderera mberi noupenyu. Kune dzimwe nzvimbo dzenyika, madutu anoitika kakawanda zvikuru zvokuti zvinoita sokuti ndiwo mugariro wacho. Chinhu chinorumbidzwa kuti hama dzakakwanisa kurarama nazvo, uye dzinokunda zvinetso zvezuva rimwe nerimwe parinomuka. (Mat. 6:34) Chokwadi, hama dzepedyo padzinonzwa kuti kune vamwe vari kuda rubatsiro, vanozvipira kutumira zvokudya kana mari kuti vabatsire. Apo neapo, kana kuchinge kwaitika mvura yakasimba zvikuru, vatariri vanofambira vanoudza hofisi yebazi, iyo inofara kuronga zvinhu zvokuyamura.

Kuendesa Mabhuku eBhaibheri

Nemhaka yokuti Philippines inyika ine zvitsuwa zvakawanda, nguva dzose chave chiri chinetso kuita kuti mabhuku asvike kuungano nenguva uye akanaka. Kwemakore akawanda, paishandiswa posvo. Zvisinei, kazhinji Nharireyomurindi neUshumiri Hwedu hwoUmambo zvaisasvika nenguva kuti zvidzidzwe pamisangano.

Jehu Amolo, anoshanda muDhipatimendi Rokutumira Mabhuku pabazi, anoyeuka chakaita kuti zvinhu zvichinjwe. Anotsanangura kuti: “Kusiya kwechikonzero chokuti zvinhu zvainonoka kusvika kuhama, muna 1997 mari dzeposvo dzakakwira chaizvo.” Tichifunga nezvokuti magazini 360 000 akanga achitumirwa vhiki mbiri dzoga dzoga, mari yakawanda yakanga iri kushandiswa.

Chikumbiro chakaitwa kuDare Rinodzora kuti hama dzepabazi dzitumire mabhuku edu. Izvi zvakabvumwa pashure pokunyatsoongorora. MuLuzon, motokari dzinoenda dzichibva pabazi chaipo. Zvisinei, sezvo dzimwe nzvimbo dzakaparadzaniswa nemvura, bazi rinoshandisa imwe kambani yakavimbika inotakura zvinhu kuendesa mabhuku nechikepe kunzvimbo dzakasiyana-siyana pazvitsuwa zvacho zvose. Kubva ikoko, hama dzinotyaira dzichiendesa mabhuku aya kwaanotorerwa. Kana vatyairi vari kure nekwavabva, hama dzinofara kuvapa pokurara kuitira kuti vatyairi varare zvakanaka vozoenderera mberi norwendo.

Kusiya kwokuti zvinochengetedza mari, hama dzinofara kuva nemabhuku adzinoda panguva uye akanaka zvikuru. Chimwewo chazvakanakira ndechokuti dzinonzwa dziri pedyo nesangano nokuti dzinogara dzichionana nehama dzinobva kubazi. Vazhinji vanokurudzirwa nokungoona motokari ichidarika iine zita rokuti Watch Tower.

Urongwa uhu hwakapa uchapupu mune dzimwe nzira. Somuenzaniso, pane imwe nguva kwakaitika mafashamo muBicol, kumaodzanyemba kweLuzon, apo hama dzakanga dzichiendesa mabhuku. Motokari dzakamiswa nemvura yakanga yakakwirira zvikuru mumugwagwa. Zvakaitika kuti motokari yemabhuku yakamira pamberi pemba yehama. Mhuri yacho payakaiona, yakaudza vatyairi kuti: “Uyai mumba mudye mugare pano kusvikira mafashamo aserera.”

Vatyairi vasiri Zvapupu vakanga vasingazivi kuti vaizodyei kana kuti kurara kupi. Pavakaona zvakanga zviri kuitika, vakabvunza vatyairi vokuBheteri kuti: “Munozivirana kupi nevanhu ava?”

Hama dzakapindura kuti: “Ihama dzedu dzatinonamata nadzo.”

Vatyairi vaya vakapindura vachiti: “Saka ndizvo zvinoitwa neZvapupu nhai! Kunyange zvazvo mangosangana pano, munovimbana.”

Kunze Kwenyika

Zvino ngatimbotarisai kunze kwenyika tione vanhu vomuPhilippines vari kune dzimwe nyika. British Empire ichatonga zvine mbiri, vanhu vaiti “zuva harinyuri munyika” dzayaitonga. Iye zvino vamwe vava kuti: “Zuva harinyuri kuvanhu vokuPhilippines.” Kunyange zvazvo Philippines iri nyika duku, vanhu veko vakazara pasi pose. Nemhaka yebasa nezvimwe zvikonzero, mazana ezviuru zvevanhu vokuPhilippines akaenda kune dzimwe nyika. Izvi zvakaguma sei nokudzidza chokwadi cheBhaibheri kwevamwe? Kune vaya vakanga vatori Zvapupu, vakabatsira vamwe sei?

Ricardo Malicsi aishanda panhandare yendege. Sezvo basa rake raimuendesa kunyika dzakawanda, iye nomudzimai wake vakashandisa mukana wacho kuparadzira mashoko akanaka kunyika dzakanga dziine vaparidzi vashoma chaizvo. Kutaura chokwadi, kune dzimwe nyika dzacho, basa rokuparidza rakanga richirambidzwa. Pavakanga vari kunyika dzakadai seBangladesh, Iran, Tanzania neUganda, vakafara kubatsira vanoverengeka kuziva Jehovha. Mune zvimwe zvinoitika, vakashanda zvakaoma kuti vaumbe ungano. Dzimwe nyika dzavakashanda uye kuparidzira iLaos, Myanmar neSomalia. Vakaita izvi kwemakore 28, kusvika Ricardo arega basa. Vanofara zvikuru kuti vakakwanisa kushanda kuparadzira mashoko akanaka kunzvimbo dziri kure chaizvo!

Vamwe vakanga vasiri Zvapupu pavakabva muPhilippines vachienda kunoshanda kumwe, asi ikoko ndiko kwavakawana chokwadi. Rowena, muKaturike, akatanga kuenda kunoshanda kuMiddle East. Ari ikoko, akatanga kuverenga Bhaibheri. Pave paya, akawana basa muHong Kong, umo zviuru zvevanhu vokuPhilippines vanoita mabasa omumba. Anoti: “Ndainyengetera kuna Mwari usiku hwoga hwoga kuti atumire vanhu vakarurama vaizondiratidza nzira yokuUmambo hwaMwari.” Munyengetero iwoyo wakapindurwa apo mamishinari maviri, John naCarlina Porter vakaenda kunoona Rowena uye vakamubatsira kudzidza Bhaibheri. Rowena akanyora tsamba kubazi rePhilippines achitaura zvakaitika kwaari uye achikumbira kuti mumwe munhu aende anodzidza nomurume wake akanga achiri muPhilippines, kuti amutsanangurire zvinotaurwa neBhaibheri.

Vanhu vokuPhilippines vakaenda kune dzimwe nyika vawanda kunyika idzodzo. Mumavambo ema1900, kwaiva nevashandi vomuminda vashoma kuHawaii. Vanhu vazhinji vokuPhilippines vakanoita basa racho. Vamwe vakatanga kudzidza chokwadi muHawaii vakanga vari vanhu vakabva kuPhilippines. Nhasi, kune ungano gumi dzinotaura chiIloko uye imwe chete inotaura chiTagalog muHawaii.

Zviuru zvevanhu vokuPhilippines zvinogara muUnited States. Kune Zvapupu zvakawanda pavanhu ava. Ungano yokutanga yevanhu vokuPhilippines yakaumbwa muStockton, California, muna 1976. Bazi reUnited States rinoshuma kuti: “Ndima yevanhu vokuPhilippines iri kufambira mberi zvikuru, uye musi waSeptember 3, 1996, dunhu rokutanga revanhu vokuPhilippines rakaumbwa.” Pakazosvika gore rebasa ra2000, kwakanga kwava neungano 32 dzemitauro yokuPhilippines dzine vaparidzi 2 300 vachishanda pasi penhungamiro yebazi reUnited States. Kunewo ungano dzinotaura chiTagalog muAlaska, Australia, Austria, Canada, Germany, Guam, Italy, neSaipan.

Kunyange zvazvo vanhu ava vokuPhilippines vari kune dzimwe nyika, kuwana kwavo zvokudya zvomudzimu kunobatanidza hama dzavo dziri kuPhilippines, sezvo mabhuku ose achishandurwa mumitauro yomuPhilippines pabazi riri muManila. Uyezve, dzimwe nyika, kusanganisira Guam, Hawaii neUnited States, dzine purogiramu dzadzo dzekokorodzano mumitauro yechiIloko kana chiTagalog. Hurukuro nemabhuku ose anenge ashandurwa epurogiramu idzi, kusanganisira mitambo inenge yarekodwa, zvinobva kuPhilippines.

Kubatsira Vemimwe Mitauro

Pazvitsuwa zvacho zvose, kazhinji vanhu vanotaura mitauro yemo vakaparidzirwa mashoko akanaka. Zvisinei, mumakore achangobva kudarika aya zvakaedzwa kuti vamwe vakanga vasina kumboparidzirwa vapiwe uchapupu hwakakwana.—VaR. 15:20, 21.

Kwemakore akawanda kwakanga kuine ungano shoma dzinotaura chiRungu muPhilippines. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vomuPhilippines vachinzwa chiRungu zvishoma, vazhinji havachitauri zvakatsetseka. Asi, kune dzimwe nzvimbo kwaidiwa kuti misangano iitiswe nechiRungu. Pakunopera kwema1960, hama dzakaona kuti ichi chakanga chiri chinetso pedyo neClark Air Base muPampanga. Hanzvadzi dzakanga dzakaroorwa nevarume vaiva mauto eUnited States aishanda ipapo dzakanga dzisingatauri mitauro yomuno. Hama dzakabatsira kuronga kuti pave nemisangano muchiRungu, uye iyi yakabatsira zvikuru kwemakore mazhinji vaya vaigara munzvimbo iyoyo.

Chinetso chakaita seichi chakamukawo muMetro Manila. Imwe hanzvadzi yakabva kuAmerica yaigara imomo pakunopera kwema1970 uye kuvamba kwema1980. Pacifico Pantas, mukuru muungano inotaura chiTagalog kwaipinda hanzvadzi iyi, anoti: “Ndaivanzwira urombo nokuti nguva dzose vaiuya kumisangano asi vakanga vasingakwanisi kunzwisisa zvakawanda kubva mumisangano.” Mushure menguva pfupi, vamwe vanhu vakabva kuAmerica vakauya muungano yacho. Pane pfungwa yakataurwa yokuti hurukuro yavose uye Chidzidzo cheNharireyomurindi zviitiswe nechiRungu. Izvi zvakarongwa, uye Hama Pantas vakatungamirira. Pakupedzisira, mimwe misangano yakawedzerwa, uye vamwe vakakumbirwa kuzobatsira. David naJosie Ledbetter, vakanga vari kushanda pabazi, vakabvuma chikumbiro chacho. Zvinhu zvafamba zvakanaka zvikuru mumakore ose aya, uye boka duku rimwe chete iroro rakura kuva ungano mbiri dzinotaura chiRungu.

Kuva neungano dzechiRungu kwabatsira vanhu vakawanda. Monica, anobva kuCalifornia, ndomumwe wavo. Akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha ikoko. Vabereki vake—vaKaturike vakazvipira chose—vakanga vasingadi kana kuzvinzwa. Vakasarudza kuti Monica aende ‘kunyika yevaKaturike’ kuPhilippines. Amai vaMonica vakamuperekedza kuManila vakamusiya ikoko naambuya vake muKaturike vakabva vamusiya asina pasipoti yake. Kunyange apo Monica aikwanisa kuwana ungano, akanga asingakwanisi kuenderera mberi nokudzidza kwake, sezvo akanga asingazivi chiTagalog, nokuti akanga akurira kuUnited States. Zvisinei, hanzvadzi yakadzidza naye kuCalifornia yakafonera Josie Ledbetter kuti ive nechokwadi chokuti mumwe munhu aenda kunoona Monica. Josie akamuudza kuti iye zvino kwakanga kwava neungano yechiRungu. Izvi ndizvo chaizvo zvakanga zvichidiwa naMonica! Josie anoti: “Mumwedzi mitanhatu iyo Monica akanga ari ‘kuutapwa’ muPhilippines, akabhabhatidzwa. Mavhiki maviri pashure pokubhabhatidzwa kwaMonica, amai vake vakati: ‘Heyi pasipoti yako. Dzoka kumba.’ Monica akanga atova Chapupu.” Monica akafara zvikuru kuti pakanga paine ungano iyoyo yechiRungu!

Panewo chinhu chinobatsira chakavapo. Hama dzakasvika kune dzimwe nzvimbo dzakanga dzisina kumbosvikwa kare. Kune dzimwe nzvimbo duku dzakawanda muMetro Manila kunogara shoroma, uye zhinji dzacho dzinotaura chiRungu. Naizvozvo, chiRungu chakaita kuti vanhu ava vakwanise kuparidzirwa.

Panewo urongwa hwakaitwa hwokuparidza kuvanhu vanotaura mutauro wemaChina. Pakati pema1970, boka rechidzidzo chebhuku chomutauro wemaChina rakaumbwa. Chidzidzo chebhuku chaiitirwa mune chimwe chitoro cheshangu chaishandiswa naCristina Go. Zvisinei, boka racho rakanga riri duku zvikuru uye rakanga richida rubatsiro.

Elizabeth Leach, uyo akauya kuPhilippines paakaroorwa nomumishinari anonzi Raymond Leach, akanga ashanda muHong Kong kwemakore 16. Ruzivo rwaElizabeth rwomutauro weCanton uye mukubatsira maChina kudzidza chokwadi rwakabatsira zvikuru. Panenge panguva iyoyo, Esther Atanacio (iye zvino ava kunzi Esther So) akanga ari mumwe wemapiyona chaiwo maviri akanga anzi ashande ndima iyoyo. Esther anoyeuka zvakaitika achiti: “Patakatanga kushanda munzvimbo iyi, vanhu vakanga vasingazivi kuti Zvapupu zvaJehovha ndivanaani.” Kunyange zvakadaro, maChina omuManila akatanga kuudzwa zita raJehovha uye vanhu vake.

Kunyange zvazvo mapiyona acho akanga achiziva mutauro weCanton, aifanira kudzidza mumwe mutauro, sezvo mutauro wemaChina mazhinji omuManila uri Fujian. Ching Cheung Chua, mumwe murume wechiduku akanga ari mutsva muchokwadi, akatanga kusongana neboka iri. Nokuti aiziva mutauro weFujian, akashandiswa kuturikira pamisangano mumazuva okutanga.

Boka racho rakakura zvishoma nezvishoma. Ungano duku yakaumbwa muna August 1984. Pachine matambudziko akawanda, asi vaya vari kubatsira vanoti mufaro chaiwo kuparidza mundima iyi yakanga isina kumboparidzirwa zvakakwana.

Kunyange Vaya Vasinganzwi “Vanonzwa”

Nguva zvayaifamba, zvakaita sokuti kwakanga kuri kuda kwaJehovha kuti vamwe vanhu nendima iparidzirwe—matsi. Kunyange mumavambo ema1990, pakanga pasina urongwa hupi nohupi muPhilippines hwokubatsira matsi kudzidza nezvaJehovha. Nepo matsi shoma dzakanga dziri kusongana neungano, pane zvimwe zvakanga zvisiri kuitika. Somuenzaniso Manuel Runio, aiva naamai vaiva Chapupu, akabatsirwa kudzidza chokwadi cheBhaibheri nehanzvadzi yakadzidza naye ichiita zvokunyora papepa, uye izvi zvakanga zvakaoma zvikuru. Akabhabhatidzwa muna 1976. Pachitsuwa cheCebu, mapatya anonzi Lorna naLuz vose vakanga vari matsi uye vakadzidziswa chokwadi cheBhaibheri nasekuru wavo vaiva bofu, hanzvadzi yaamai. Ko piyona bofu akadzidzisa sei matsi? Achibatsirwa nomumwe, aishandisa mifananidzo. Uyewo, hanzvadzi yake yaiturikira zvaaitaura nemasaini kuti mapatya anzwisise, sezvo mapatya aya akanga asina kumbodzidza masaini kuchikoro. Ose akabhabhatidzwa muna 1985. Zvisinei, izvi zvakanga zvisingaitiki nguva dzose.

Pane zvinhu zvakawanda zvakaita kuti ndima iyi ivhurwe. Apo mamishinari Dean naKaren Jacek vakanga vari paBheteri yeBrooklyn kuti vadzidziswe basa pakati pa1993, hama dzakanga dziri kuTranslation Services dzakabvunza zvakanga zviri kuitwa kubatsira matsi muPhilippines. Imwe hanzvadzi yechiduku muPhilippines yakanga yanyoresa kupinda chikoro chemasaini, iine chinangwa chokudzidza kukurukura neshamwari yayo yaiva matsi yaibva mumhuri yeZvapupu. Uyewo, Liza Presnillo nevamwe vaaipayona navo muNavotas, Metro Manila, vaisangana nematsi vari mubasa romumunda uye vakanga vasingazivi kuti vokurukura nadzo sei. Mapiyona acho akanga ari kufunga zvokudzidza mutauro wemasaini kuti akwanise kukurukura nematsi mashoko oUmambo.

Bazi rakaziva kuti Ana Liza Acebedo, piyona wenguva dzose muManila, aishanda pachikoro chematsi uye akanga ari mumwe weZvapupu zvishoma muPhilippines vakanga vachiziva zvakanyanya mutauro wemasaini. Akabvunzwa kuti: “Ungada kudzidzisa mutauro wemasaini kuvamwe vashandi vepaBheteri here?”

Mhinduro yake yakanga iri yokuti hungu! Akanga asina chokwadi kuti matsi dzakawanda zvakadaro dzaizoziviswa mashoko akanaka sei. Kirasi yakatangwa yakanga iinewo vashandi vepaBheteri uye mamwe mapiyona enguva dzose epedyo. Hanzvadzi dzakanga dziri muNavotas dzakanga dzatonyoresa kupinda chikoro chomutauro wemasaini, uye dzakaenderera mberi nechikoro.

Zvinhu zvakabva zvatanga kufamba nokukurumidza. Mumwedzi mitanhatu, kuturikira mutauro wemasaini kwakanga kwava kuitwa muungano nhatu muMetro Manila. Muna 1994 kuturikira kwakarongwa kuti kuitwe kokutanga pamagungano nekokorodzano. Chimwe chezvinangwa zvokutanga chakanga chiri chokubatsira vana veZvapupu vaiva matsi. Vakati wandei vacho vakanga vari pakati pevakatanga kubhabhatidzwa. Manuel Runio, uyo akanga apinda misangano yose kwemakore pasina kuturikirwa mumutauro wemasaini, akafara kubatsirwa nourongwa uhwu.

Nenguva isipi, dzimwe nzvimbo dzomunyika ino dzakanga dzava kukumbira kuti dzivewo nourongwa hwakadaro. Liza Presnillo akatumwa nomumwe piyona kuenda kuOlongapo kunoshanda ikoko kwenguva pfupi semapiyona chaiwo mundima yematsi. Vazhinji vakabatsirwa. Pakazosvika pakati pa2002, mapoka omutauro wemasaini akanga aumbwa munzvimbo 17 kunze kweManila. Chinhu chikuru chakaitika kwakanga kuri kuumbwa kweUngano Yomutauro Wemasaini yeMetro Manila muna April 1999, yokutanga munyika muno. Joel Acebes, mumwe wevashandi vepaBheteri vakapinda kirasi yokutanga yezvidzidzo zvemasaini uye zvino ava mukuru muungano iyoyo, anoti: “Tiri kufara kuti takashandiswa naJehovha mubasa iri rinokosha zvikuru.” Chokwadi, kunyange matsi dziri “kunzwa” mashoko oUmambo. Kuona kufambira mberi kuri kuitika mundima iyi yakanga isiri kushanda zvechokwadi kunofadza.

Zvivako Zvakakura Zvinodiwa

Nemhaka yokuti ndima itsva dzakanga dziri kushandwa muma1990 uye dzimwe dzekare dziri kunyanya kushandwa, pave paine kuwedzera kunooneka kwenhamba yevaparidzi uye vatsva vari kusonganira neungano. Magazini akawanda ave kudiwa, uye mabhuku akawanda nemabhurocha akashandurirwa mumitauro yomuPhilippines zvisina kumboitika kare. Mugumisiro wacho wave uri wokuti nhamba yevashandi vepabazi yakawedzera—vanodhinda, kushandura, uye kuverenga zvashandurwa nokuita mamwe mabasa anodiwa okubatsira hama neungano. Isiri nguva refu pashure pokunge chivako chitsva chokugara chapera muna 1991, chakanga chazara. Chakanga chavakwa kuti chigare vanhu 250. Pakazosvika 1999, mhuri yeBheteri yakanga yava kusvika 350.

Nzvimbo yokuvaka yakanga ichiripo pabazi, naizvozvo Dare Rinodzora rakabvuma kuti pavakwe chimwe chivako chokugara, chakafanana zvikuru nechakavakwa muna 1991. Basa rakatanga muna 1999 uye rakapedzwa muna 2001. Chivako chacho chakada kukura zvakapetwa kaviri changa chiripo nechekare. Pava nemamwe mahofisi, ayo akanga ava kudiwa zvakanyanya kuti basa rakawedzera mundima rikwanise kutarisirwa. Dzimwe dzimba dzakavakwa dzinoti imba yokuwachira yakakura, kirasi yeChikoro Chokudzidzisa Vashumiri, uye raibhurari iri nani. Vashandi vomuno vane unyanzvi uye vashandi vokune dzimwe nyika vakabatana nemhuri yeBheteri kwechinguva kuti basa riitwe. Pashure pokupedza chivako chitsva, vazvipiri ava vakaramba varipo kuti vabatsire kugadzirisa chakanga chavakwa muna 1991. Basa guru rinoitwa pakuvaka kwakadaro, asi chinangwa chinenge chiri chimwe chete—kuti pave nezvivako zvinotsigira kuparadzirwa kwechokwadi chinopa upenyu.

Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri Chinoita Zvaidiwa

Apo Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri chakatangwa muUnited States muna 1987, hama zhinji dzomuPhilippines dzakatanga kufunga kuti, ‘Zvichafa zvakaitika here kuti tibatsirwewo nechikoro chakadaro?’ Mhinduro yacho yakauya muna 1993. Zvakaziviswa kuti chikoro chaizotanga muPhilippines gore raitevera. Chikoro chaizoita kuti pave nezvidzidzo zvokuwedzera kuhama dzinokwanisa dzinoziva kuronga zvinhu sevakuru kana vashumiri vanoshumira. Mazana ehama akanyora achikumbira kupinda chikoro ichi.

Vatariri vanofambira vaviri nomumwe mumishinari vakadzidziswa kuti vave varayiridzi. Kirasi yokutanga yakaitwa muna January 1994. Vaya vakadzidziswa vava kukwanisa zviri nani kuita mabasa avo kubatsira hama muungano. Imwe ungano yakanyora zvinotevera maererano nomumwe akapinda chikoro ichi ari muungano iyoyo: “Tichienzanisa nenguva yaakanga asati apinda chikoro ichi, pave nomusiyano mukuru pamaitisire aanoita misangano iye zvino.”

Vadzidzi vazhinji vakasiya zvinhu zvakawanda kuti vakwanise kudzidziswa mumudzimu seizvi. Ronald Moleño akanga adzidzira basa rouinjiniya. Akadaidzwa kuchikoro ichi, asi panguva iyoyo, imwe kambani yakamupa basa raizomupa mari yakawanda, imba, inishuwarenzi nezvimwe zvinhu. Ronald akafungisisa nezvemikana miviri iyi akabva asarudza une chokuita nokunamata. Akapedza kudzidza mukirasi yechi18 uye akaenderera mberi nebasa rake roupiyona. Munguva pfupi yadarika iyi, Ronald akadaidzwa kuti azoita basa roumishinari muPapua New Guinea.

Wilson Tepait aifanira kuita chisarudzo pashure pokupinda kirasi yokutanga. Akanga aine basa rakanaka roudzidzisi, asi zvino akanga ava kudaidzwa kuti anova piyona chaiye kwakanga kuchidiwa vaparidzi vakawanda. Anoti: “Ndaifarira basa rangu rokudzidzisa, asi ndaizivawo kuti basa roUmambo rinofanira kuva rokutanga muupenyu hwangu.” Akabvuma ropafadzo yokuva piyona chaiye uye akaona chikomborero chaJehovha pabasa rake. Pari zvino Wilson ari kushanda ari mutariri woruwa kumaodzanyemba kwePhilippines.

Vadzidzi vazhinji vechikoro chacho ndevomuPhilippines. Zvisinei, Dare Rinodzora rakaita urongwa hwokuti vamwe vadzidzi vabve kune dzimwe nyika dzomuAsia. Nyika dzakatumira vadzidzi dzinosanganisira: Cambodia, Hong Kong, Indonesia, Malaysia, Nepal, Sri Lanka, neThailand. Vamwe vadzidzi vacho vanobva kunyika dzinorambidza basa reZvapupu zvaJehovha. Kudzidza pamwe chete kwavanoita kunobatsira zvikuru vadzidzi ava. Murayiridzi Anibal Zamora anoti: “Vadzidzi vanobva kunyika uko basa redu rinorambidzwa vanotaura kuvimba kwavanoita naJehovha mumamiriro ose ezvinhu. Izvi zvinosimbisa vadzidzi vomuPhilippines.” Ukuwo, vadzidzi vokune dzimwe nyika vanodzidza kuti hama dzomuPhilippines dzinobva kumhuri dzakaderera dziri kushumira Jehovha sei pasi pemigariro yakaoma.

Nidhu David, mudzidzi wokuSri Lanka, akati: “Handifi ndakakanganwa zvakaitika. Yakanga iri mwedzi miviri yokudzidziswa naJehovha Mwari. Yakanga yakanaka zvisingatauriki!”

Chikoro chacho chiri panzvimbo yebazi chaipo. Vadzidzi vanobatsirwa nepurogiramu yakagadzirirwa uye vanobatsirwawo nokuona nemeso avo marongerwo anoitwa basa pabazi. Kushamwaridzana kwavanoita nehama dzakakura mumudzimu dzepaBheteri kunovapa mienzaniso yokutenda yokutevedzera. Uyewo, hama dzinobva kune dzimwe nyika kune vaparidzi vashoma kana kuti kunorambidzwa basa redu dzinokwanisa kuona kukura kwakaita sangano.

Kusvika pari zvino, 870 vakapedza kudzidza mumakirasi 33. Pavadzidzi vomuPhilippines, 72 vari kushanda sevatariri vanofambira uye vamwe vakawanda vanotsiva vatariri vanofambira mumatunhu 193 pazvitsuwa zvacho zvose. Vatanhatu vari kushanda paBheteri, uye gumi vari kushanda semamishinari muPapua New Guinea neMicronesia. Mazana ari kushanda semapiyona enguva dzose kundima yokumisha kwavo kana kuti kunodiwa vaparidzi vakawanda. Mumakore mashanu chete kubva zvakatanga chikoro chacho, vanodarika 42 000 vakabhabhatidzwa munyika muno. Vazhinji vanoda zvikuru kupayona, uye izvi zvinoita kuti pave nokuwedzera muungano. Munhu unobva wangoona woga kuti hama idzi dziri kushandisa zvadzakadzidza kuchikoro, zvichiita kuti pave nokufambira mberi kwakanaka zvikuru.

Kufambira Mberi

Zvinhu zvinoshamisa zviri kuitwa muzvitsuwa zvacho zvose. Hama dzinoshingaira dzinopinda neungano dzinoda kusvika 3 500 dzakabatikana kuzivisa mashoko akanaka ehurumende yakaisvonaka zvikuru, Umambo hwaMwari.

Mishumo ichangobva kuuya inokurudzira zvikuru. Mumwedzi mishanu yokutanga yegore ra2000, nhamba itsva yepamusoro yevaparidzi yaivapo mwedzi nomwedzi. Pakazopera mwedzi waMay, kwakanga kuine 136 396 vakanga vachiendesa mashoko oUmambo kune vamwe. Zita raJehovha uye chinangwa chake zviri kuziviswa kuvanhu vazhinji pazvitsuwa izvi. Vashumiri vaJehovha vave vari kuita chimwe chinhu chakafanana nezvakafanotaurwa pana Isaya 24:15 kuti: ‘Rumbidzai zita raJehovha pazviwi zvegungwa.’

Vamwe vevaparidzi vanoshingaira ava zviuru zvemapiyona enguva dzose. Muna 1950, kwakanga kuine mapiyona 307, asi pakazopera April 2000, kwakanga kwava ne20 269. Wowedzera mapiyona chaiwo 399 pane ava uye mapiyona ebetsero 19 704 mumwedzi iwoyo, nhamba yose yakanga iri 40 372, kana kuti zvikamu 30 kubva muzana zvevaparidzi vose. Vamwe vakawanda vakaratidza kuti vanoda kuva vashumiri vaMwari venguva yakazara. Mugore rebasa ra2000, mapiyona enguva dzose matsva 6 365 akabvumirwa kutanga basa.

Zvose izvi zviri kuunza zvibereko zvakaisvonaka. Zviuru zvevanhu zviri kuramba zvichigamuchira chokwadi. Vakapinda Chirangaridzo muna April 2000 vakanga vari 413 023. Vanoda kusvika 100 000 vari kudzidza Bhaibheri mwedzi nomwedzi. Mumwedzi 11 chete yadarika yegore rebasa ra2000, vadzidzi vatsva 8 604 vakabhabhatidzwa. Muna 1948, kwakanga kuine Chapupu chimwe chete chaifanira kuparidzira vanhu 5 359 munyika muno. Iye zvino chimwe chete pavanhu 557. Panguva ino Jehovha achiri kurega mukana wakazaruka, paine tarisiro yakajeka yokuti zvimwe zviuru zvevanhu zvingangobatana nevarumbidzi vaJehovha muzvitsuwa izvi zvegungwa.

Kutsunga Kuenderera Mberi

Apo C. T. Russell akashanya muna 1912, mbeu shoma dzechokwadi dzakadyarwa muivhu romuPhilippines. Zvishoma nezvishoma, mbeu dzakamera dzikatanga kukura. Dzinobereka michero yakanaka sezvo vamwe vava kutsigira chokwadi ‘mumwaka wakafanira uye mumwaka unotambudza.’ (2 Tim. 4:2) Kunyanya kubvira panguva yeHondo Yenyika II, kukura kwava kukurumidza kuitika mazuva ano, apo makumi ezviuru ari kurumbidza Jehovha nokushingaira. Zvazvakadaro, vanoshanda nomufaro kukudza zita raMwari pamwe chete nevamwe vanodarika mamiriyoni matanhatu pasi pose muungano dzevanhu vaJehovha.

Sezvaratidzwa nomushumo uno, basa racho harina kugara riri nyore. Pasinei norunako rwenyika ino, kusvika kuvagari vezvitsuwa zvakawanda kwakaedza kushingaira kwevazivisi voUmambo. Vamwe vanotsungirira makungwa ane mafungu kuti vasvike kune dzimwe nzvimbo dziri kure. Vazhinji vanofamba nomumatenhere mumakomo kuti vawane vanhu vakafanana nemakwai. Kunyange zvazvo zvitsuwa zvePhilippines zviine mamwe matambudziko—kudengenyeka kwepasi, mafashamo, madhaka anoyerera, uye kuputika kwemakomo, izvi hazvina kumisa basa reZvapupu zvaJehovha zvakavimbika.

Vakafanana nevaIsraeri vakanga vadzoka kunyika yavo kuti vadzorere kunamata kwakachena. Zvinhu zvakanga zvakavaipira, asi mufaro waJehovha wakanga uri nhare yavo. Nhasiwo, Zvapupu zvaJehovha zvaratidza pachena kuti zvinovimba naJehovha. Zvinoziva kuti Jehovha anazvo, uye zvinodavira kuti Pisarema 121:7 inoti: “Jehovha uchakuchengeta pazvakaipa zvose; uchachengeta mweya wako.” Vachitsigirwa naJehovha, vanotarira mberi kubatsira vakawanda sezvinobvira nyika ino isati yaguma. Pashure, vanotarisira kuzodzidzisa mamiriyoni achamutswa muzvitsuwa zvose zviri 7 100. Zvadaro runako runenge rweparadhiso rwenyika ino ruchavapo, zvichirumbidza Musiki.

Panguva ino, Zvapupu zvaJehovha zvakatsunga kufambira mberi zvichivimba zvakazara kuti Jehovha achakomborera basa razvo. Zvinoedza nomwoyo wose kurarama upenyu hwazvo maererano nemashoko omuprofita waMwari okuti: “Ngavakudze Jehovha, vaparidzire pazviwi kurumbidzwa kwake.”—Isa. 42:12.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 232]

“Mwari anewe, dai zvisizvo ungadai waurayiwa”

[Bhokisi riri papeji 153]

Mbeu Dzokutanga Dzechokwadi Dzinodyarwa

Charles T. Russell neboka rake vakashanyira Philippines muna 1912. Kunyange zvazvo vakanga varivo vamiririri vepamutemo vaibva kudzimbahwe riri kuBrooklyn vakatanga kushanya ikoko, zvinyorwa zvinoratidza kuti vamwe Vadzidzi veBhaibheri vaviri vakanga vatova muPhilippines uye vaibatsira vamwe kudzidza chokwadi cheBhaibheri. Louise Bell, wokuUnited States, akanyora kuti:

“Ini nomurume wangu takaenda kuPhilippines muna 1908 tikashanda sevadzidzisi. Tisu chete vanhu vokuAmerica vaiva mutaundi reSibalom. Takaodha maturakiti eBhaibheri airema mazana emakirogiramu kubva kuBrooklyn. Akatumirwa kubva kuNew York kuenda kuSan Francisco, ndokuzoyambutswa nyanza yePacific achienda kuManila, uye kubva ikoko akazosvitswa kuSibalom nemagwa anofamba pakati pezvitsuwa.

“Takaparadzira maturakiti iwayo tikataura nevanhu vomunharaunda yacho pataiwana nguva nomukana wacho. Hatina kunyora pasi maawa nematurakiti atakagovera. Kunyange zvazvo vanhu vacho vaiva vaKaturike, vakawanda vakatiteerera nomufaro. Taiva vadzidzisi vakadzidzirawo basa rokurapa, asi zvikurukuru taiva nhume dzemashoko akanaka.

“Taifamba netsoka kana kutasva mabhiza mumigwagwa yakaipa. Dzimwe nguva tairara pauriri hwemishenjere yakarukwa uye taidyira hove nomupunga mundiro imwe.

“Apo Pastor Russell vakashanyira Manila muna 1912, takavatumira teregiramu.”

Hanzvadzi Bell vakateerera hurukuro yaHama Russell yaiva nomusoro unoti“Vakafa Varipi?” muManila Grand Opera House

[Bhokisi riri papeji 156]

Ongororo Pfupi Yenyika yePhilippines

Nyika: Zvitsuwa zvinenge 7 100 zvinofukidza nharaunda yakakura 300 000 sq km. Zvitsuwa zvacho zvakareba makiromita anenge 1 850 kubva kuchamhembe kuenda kumaodzanyemba uye makiromita anenge 1 125 kubva kumabvazuva kuenda kumadokero. Zvakasiyana-siyana chaizvo mumakuriro azvo—chikuru chacho chakati kurei kudarika Portugal nepo chiduku chacho chiduku kwazvo zvokuti kana kukaitika mafungu akakura chinofukidzwa.

Vanhu: Vazhinji vacho ndevechiMalay, kunyange zvazvo vamwe vakabva nokuChina, kuSpain, kana kuAmerica.

Mutauro: Pamitauro yakawanda inotaurwa muPhilippines, mitauro yeBicol, Cebuano, Hiligaynon, Iloko, Pangasinan, Samar-Leyte, uye Tagalog iri pakati peinotaurwa nevakawanda. Mitauro yechiRungu nePilipino inonzi ndiyo yepamutemo. Mutauro wePilipino unotorwa zvikurukuru mumutauro weTagalog.

Mararamiro: Mumaguta acho mune vanhu vanorarama nenzira dzakasiyana-siyana zvikuru, asi kumaruwa, vakawanda varimi kana kuti varedzi. Zvirimwa, zvinosanganisira mupunga, nzimbe, mabhanana, makokonati, nezvinanazi, ndizvo zvinorimwa munzvimbo dzakawanda.

Zvokudya: Mupunga unowanzovapo pakudya kwose. Hove nezvimwe zvomugungwa zvinhu zvinogarodyiwa, pamwe chete nemiriwo nemichero inomera munzvimbo dzinopisa.

Mamiriro okunze: Nyika yacho inopisa, uye tembiricha hadziwanzochinja-chinja. Nyika yacho inowanzonaya mvura yakawanda.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 161, 162]

Kubvunzurudza Hilarion Amores

Akaberekwa muna: 1920

Akabhabhatidzwa muna: 1943

Nhoroondo: Akadzidza chokwadi Japan payakatora nyika muHondo Yenyika II. Zvapupu munyika iyi zvaiva zvishoma panguva iyoyo.

Ndakabhabhatidzwa panguva yehondo apo zvakanga zvichiri kuita kuti hama dziparidze paimba neimba. Zvisinei, taifanira kungwarira nokuti vanhu vakanga vachinyumwira zvatakanga tichiita. Pakupedzisira, taifanira kutizira kumaruwa, asi muna 1945 takadzoka kuManila.

Panguva iyoyo, ndaiva neropafadzo yokushandurira Nharireyomurindi mumutauro weTagalog. Izvi zvaida kuti ndishande kusvikira mangwanani-ngwanani kuma2. Paiitwa makopi akawanda emagazini inenge yashandurwa yacho otumirwa kumapoka eZvapupu. Taifanira kuzvipira, asi taifara kwazvo nokuti hama dzaitarisirwa zvakanaka mumudzimu.

Mumakore angu ose ndiri muchokwadi, ndaona kuti Jehovha ane ngoni. Anotarisira vanhu vake zvechokwadi, zvose mumudzimu nokunyama. Ndinoyeuka ruyamuro rwakatumirwa kuPhilippines pashure pehondo. Mukati kuwanda ikoko kwevakapiwa midhebhe, shangu, nezvimwe zvipfeko! Mapiyona akawanda akabatsirwa akaonga kwazvo zvokuti akatowedzera kushanda nesimba mubasa rawo renguva yakazara. Jehovha anotarisira vanhu vake zvechokwadi, achivapa chero zvavanoda.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 173, 174]

Mumishinari Aidikanwa

Neal Callaway

Akaberekwa muna: 1926

Akabhabhatidzwa muna: 1941

Nhoroondo: Akaberekerwa mumhuri yeZvapupu; akatanga ushumiri hwenguva yakazara paakapedza kudzidza kusekondari. Akadaidzwa kukirasi yechi12 yeChikoro cheGiriyedhi; akatumirwa kuPhilippines, kwaakashumira somutariri anofambira.

Neal Callaway aiva mumishinari anoshingaira, aidiwa kwazvo nehama. Aiva akangwarira basa roUmambo uyewo achiratidza kufara; akashanda mumativi ose enyika. Anotaura nezvebasa rake mubasa rokufambira.

“Dzimwe nguva taifamba tichikwira nomuzvikomo kwemaawa maviri kuti tisvike kundima, tichiimba nziyo dzoUmambo sezvataienda. Tiine vanhu 15 kusvika ku20 muboka rimwe, vose vachifamba vakaita mudungwe munzira vachiimba, zvainyatsofadza mwoyo wangu kuti ndakanga ndagamuchira mugove wangu wokune imwe nyika.

“Kuendesa Shoko raMwari kumisha miduku iri kumaruwa, kuona vanhu vanozvininipisa vakagara pauriri vachinyatsoteerera zviri kutaurwa, uye gare gare kuvaona paImba yoUmambo pandinoshanyazve—izvi zvakaita kuti ndide kutoshanda nesimba zvikuru kuti ndiudze vamwe nezvoUmambo hwaMwari.”

Neal akaroora Nenita, imwe hanzvadzi yokuMindoro, uye vakashumira pamwe chete nokutendeka kusvikira Neal afa muna 1985. Hama dzomuPhilippines dzichiri kutaura zvakanaka nezvake. Mumwe akati: “Hama Callaway vaiva murume akanaka aiwirirana nehama. Vaiziva nzira yokuchinja nayo, chero mumamiriro ezvinhu api zvawo.”a

[Mashoko Omuzasi]

a Nyaya youpenyu yaHama Callaway yakabuda mu“Nharireyomurindi” yechiRungu yaAugust 1, 1971.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 177]

Kubvunzurudza Inelda Salvador

Akaberekwa muna: 1931

Akabhabhatidzwa muna: 1949

Nhoroondo: Akatumirwa kuThailand somumishinari muna March 1967.

Ndaifara nokushushikana pamwe chete pandakanzwa kuti ndaizotumirwa somumishinari kuThailand. Ndaifara, ndichiti netsekei, uye ndaiva nemibvunzo yakawanda mupfungwa dzangu.

Waiva musi waMarch 30, 1967, pandakasvika kuno. Kwandiri, mutauro wacho wakanga uchishamisa. Mutauro wokuti pamwe panokwidzwa inzwi, pamwe rinoderedzwa, zvichingochinja-chinja. Zvaiva zvakaoma kudzidza mutauro wacho, asi ndakabatsirwa norudo nehama dzomuno nedzinobva kunze kwenyika.

Kubva muna 1967 kusvika muna 1987, ndaiva muSukhumwit. Ipapo ndakakumbirwa kutamira kuungano itsva. Zvaiita sezvakaoma nokuti ndaifanira kuparadzana nehama nehanzvadzi dzandakanga ndashanda nadzo kwemakore 20. Ndiwo manzwiro andakaita pandakatamira kuThon Buri. Zvisinei, zvose izvi zvinoenderana nepfungwa dzomunhu. Pashure pemakore 12 ndiri muThon Buri, ndakatama ndichidzokazve kuSukhumwit muna 1999. Mamwe mamishinari akati zvaiita sokuti ndakanga ndichidzokera kumusha. Asi kwandiri, ungano ipi neipi yandinogoverwa inogona kuva musha wangu.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 178]

Ndangariro Dzokudzidza Mutauro

Benito naElizabeth Gundayao

Nhoroondo: Benito, achiperekedzwa nomudzimai wake, Elizabeth, akashanda mubasa redunhu muPhilippines. Muna 1980 vakatumirwa kuHong Kong semamishinari. Ikoko vabatsira vanhu 53 kudzidza chokwadi.

Kudzidza mutauro womuCanton wakanga uri muedzo mukuru kwatiri vakanga vasingambozivi mutauro wechiChina. Kuedza nomwoyo wose uye kushingirira pamwe chete nokuzvininipisa zvinodiwa zvechokwadi.

Imwe nguva, ndakanga ndichiedza kutaura kuti, “Ndava kuenda kumusika.” MuchiCanton, ndakaguma ndati, “Ndava kuenda kumadororo ehuku.” Tiri mubasa romumunda mudzimai wangu akataura achifara kuti, “Aa, ndinomuziva,” achitaura imwe hanzvadzi yakanga yanzi nasaimba aiiziva. Asi mashoko omudzimai wangu aireva kuti, “Aa, ndinomudya.” Zvakashamisa saimba zvokuti! Tinokoshesa chaizvo zvinoitika kwatiri mundima iyi inotaura mutauro wechiChina.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 181, 182]

Kubvunzurudza Lydia Pamplona

Akaberekwa muna: 1944

Akabhabhatidzwa muna: 1954

Nhoroondo: Awana unyanzvi sapiyona chaiye muPhilippines, akadaidzwa kunoshandira kuPapua New Guinea muna 1980. Akabatsira vanhu vanodarika 84 kudzidza chokwadi.

Ndakafara kugamuchira mugove wangu nokuti chakanga chagara chiri chido changu kunoshumira kunodiwa vaparidzi zvikuru. Ndakanga ndichinetsekawo nokuti yaizova nguva yangu yokutanga kuparadzana nemhuri yangu. Ndakanga ndisingazivi zvakawanda nezvePapua New Guinea, uye zvishoma zvandaiziva kubva munyaya dzandakanga ndanzwa zvakaita kuti nditye. Amai vakandikurudzira, vachiti: “Jehovha Mwari achatitarisira kwose kwose kwatinenge tichiita kuda kwake.” Ndakanyora tsamba yangu yokubvuma mugove.

Pandakasvika, hama dzaiva nomutsa kwazvo, uye vanhu veko vaiva noushamwari. Ndakagovera mabhuku nemagazini akawanda mwedzi mumwe nomumwe, kudarika andakanga ndambogovera kuPhilippines. Asi mutauro wacho netsika zvakanga zvakasiyana kwazvo nezvangu. Ndakafunga kuti, ‘Haa, ndichangoshanda kuno kwemakore mashomanana ndozodzoka kumba ndopayona naAmai zvakare.’

Zvisinei, pashure pokudzidza mitauro miviri mikuru uye kushandisa dzimwe tsika dzokuno, ndakasvika pakuziva vanhu vacho zviri nani. Mumakore ose anodarika 20 andave ndiri kuno, ndakava neropafadzo yokudzidzisa vakawanda chokwadi, uye vamwe ndakavadzidzisa kuverenga nokunyora kuitira kuti vagone kudzidza zvakanaka voita kuti chokwadi chive chavo. Zvose izvi nezvimwe zvikomborero zvinoita kuti ndifunge kuti Papua New Guinea wava musha wangu zvino. Kana Jehovha achida, ndinofara kushandiswa mubasa rake kusvikira ati basa racho rapera kana kuti kusvikira mazuva angu okugara kuno apera.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 191, 192]

Kubvunzurudza Filemon Damaso

Akaberekwa muna: 1932

Akabhabhatidzwa muna: 1951

Nhoroondo: Akatanga basa renguva yakazara muna 1953. Akazoroora akava mutariri wedunhu. Pashure pokurera vana, akaenderera mberi nebasa renguva yakazara ari piyona chaiye nomudzimai wake. Akaita mabasa akasiyana-siyana muVisayan Islands neMindanao kusvika pari zvino.

Kuoma kwezvinhu kwakaita kuti basa renguva yakazara risava nyore muma1960. Zvokudya zvakanga zviri zvishoma nemhaka yemakonzo akaparadza chibage nomupunga muminda. Takanga tisingachakwanisi kuenda kunoparidza mumaguta nokuti mbatya dzedu neshangu zvakanga zvasakara.

Saka takaenda kuminda, kumakomo, uye kumisha yaiva kure zvikuru—kazhinji tisina shangu. Pane imwe nguva ndakapotsa ndatadza kupa hurukuro pagungano redunhu nokuti ndakanga ndisina mbatya dzakakodzera. Zvisinei, mutariri wedu woruwa, Hama Bernardino, vakandipa shati yavo, uye ndakapa hurukuro yangu. Kutaura chokwadi, kune vamwe vakanga vari varombo zvakanyanya panesu. Nemhaka yokuti takaramba takatsungirira, Jehovha akatikomborera.

Muna 1982, takatarisana nemiedzo nemhaka yokusava nokwatakarerekera. MuMindanao, kumukira hurumende kwakanga kwakapararira. Nemhaka yokuti ndakanga ndichidzidzisa Bhaibheri vainzi vakuru vakuru vevapanduki, masoja ehurumende akanditi “mudzidzisi” wevapanduki ava. Zvisinei, mumwe mukuru wehurumende akatsanangura kuti zvatinodzidzisa zvinobva muBhaibheri chete uye kuti hazvisi zvematongerwe enyika.

Panguva iyoyo, vapanduki havana kundiona zvakanaka nokuti pandakaenda kunoparidza, ndakatanga ndapupurira kuna kaputeni wemauto womunharaunda yacho ndokuzopupurira kumukuru wemasoja. Asi hapana zvavakatiita nokuti mukuru wevapanduki wandakanga ndichidzidza naye akatireverera.

Kwemakumi emakore, Jehovha akatibatsira kuti tipukunyuke mamiriro ezvinhu akaoma uye miedzo. Tinoonga Jehovha nokuda kwenyasha dzake uye nokuda kwokutidzivirira!—Zvir. 18:10; 29:25.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 217, 218]

Kubvunzurudza Pacifico Pantas

Akaberekwa muna: 1926

Akabhabhatidzwa muna: 1946

Nhoroondo: Akapedza kudzidza mukirasi yechi16 yechikoro cheGiriyedhi muna 1951. Iye zvino mukuru muQuezon City.

Panguva yehondo yenyika yechipiri, takanga tiine vavakidzani vakanga vari Zvapupu zvaJehovha muruwa rweLaguna. Vakandikumbira kuti ndiverenge mabhuku akanga ari paraibhurari yavo. Mabhuku acho akanga akanaka: Creation, Vindication, Reconciliation, Religion, Enemies, Children, nemamwe akawanda. Apo varwi vokuJapan vakapisa taundi redu, takaparadzana neZvapupu zviya, asi takazosangana zvekare gore rakatevera muManila. Ndakatanga kupinda misangano, uye pashure pokubhabhatidzwa, ndakabatana nerimwe boka remapiyona. Ndima yedu yakanga iri ruwa rwose rweTayabas, rwakazonzi Quezon. Taishanda tichipinda mumataundi uye tairara mumabhazi asina vanhu, mudzimba dzevanhu vaifarira, nedzimwe nzvimbo dzakangodarowo.

Patakasvika kuMauban, rimwe boka remagandanga aiva vapanduki rakapinda muguta racho. Takanga takarara muimba inoitirwa misangano mutaundi, pauriri hwechipiri. Takamutswa nemhirizhonga iyi. Zvaiita sokuti mapurisa akanga ari pasi pedu akanga akombwa. Takaanzwa achikanda pfuti dzawo pasi.

Varwi vacho vakamhanya vachikwira mudenga. Mumwe wavo akativheneka netochi ndokuti: “Ndimi vanaani?” Takanyepera kurara. Akabvunza zvekare achibva ati: “Hamusi tsori dzabva kumauto ePhilippines here?”

“Kwete, vakuru,” takapindura.

Akati: “Asi makapfeka makaki.”

Takataura kuti mbatya idzi takanga tadzipiwa uye kuti shangu dzedu dzakanga dzabva kuhama dzedu dzokuAmerica dzakanga dzatumira zvinhu zvokuyamura.

Mukuru wavo akabva ati: “Saka ndichatora shangu dzacho.” Naizvozvo ndakabvisa shangu dzangu. Akanga achidawo mbatya dzandakanga ndakapfeka. Nenguva isipi tose takanga tasara nezvipfeko zvomukati chete. Takafara kuti takanga tiine dzimwe mbatya dzakachengetwa pedyo. Takatofara kuti vakatora mbatya dzedu dzekaki. Dai vasina kudaro, guta rose ringadai rakafunga kuti tiri tsori dzevarwi!

Takatenga shangu dzemapuranga, tikadzokera kuManila, tikazoenda kuVisayan Islands kunoenderera mberi nokuparidza.

Hama Pantas vakaita basa renguva yakazara uye vakashanda somuranda wehama (iye zvino ava kunzi mutariri wedunhu) vasati vapinda Chikoro cheGiriyedhi. Pavakadzoka kuPhilippines, vakashanda somutariri woruwa uye pahofisi yebazi vasati varera mhuri.

[Chati/Girafu riri papeji 168, 169]

PHILIPPINES—ZVIITIKO ZVINOKOSHA

1908: Vadzidzi veBhaibheri vaviri vanobva kuUnited States vanotanga kupupurira mutaundi reSibalom.

1910

1912: Charles T. Russell anopa hurukuro muManila Grand Opera House.

1934: Hofisi yeBazi inovhurwa. Kabhuku kanonzi Escape to the Kingdom kanobudiswa mumutauro weTagalog.

1940

1947: Vadzidzi veGiriyedhi vokutanga vanosvika.

1961: Makirasi eChikoro Choushumiri hwoUmambo anotanga.

1964: Mapiyona omuPhilippines anotanga kukokwa kuti aite basa roumishinari munyika dzakavakidzana nayo.

1970

1978: Makirasi eChikoro Chebasa Roupiyona anotanga.

1991: Zvivako zvitsva zvebazi zvinopedzwa zvotsaurirwa kuna Jehovha. Gomo rePinatubo rinoputika.

1993: Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki inobudiswa mumutauro weTagalog.

2000

2000: Shanduro yeNyika Itsva yakazara inobudiswa mumutauro weTagalog.

2002: Vaparidzi 142 124 vari kushingaira muPhilippines.

[Girafu]

(Ona bhuku racho)

Nhamba Yevaparidzi

Nhamba Yemapiyona

150 000

100 000

50 000

1940 1970 2000

[Chati iri papeji 199]

(Ona bhuku racho)

Kuwedzera Kwevaipinda Kokorodzano (1948-1999)

350 000

300 000

250 000

200 000

150 000

100 000

50 000

0

1948 1954 1960 1966 1972 1978 1984 1990 1996 1999

[Mepu dziri papeji 157]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

PHILIPPINES

LUZON

Vigan

Baguio

Lingayen

Cabanatuan

Mt. Pinatubo

Olongapo

Quezon City

MANILA

MINDORO

ZVITSUWA ZVEVISAYAN

Masbate

CEBU

MINDANAO

Surigao

Davao

PALAWAN

El Nido

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 150]

[Mufananidzo uri papeji 154]

Charles T. Russell naWilliam Hall pavakashanyira Philippines muna 1912

[Mufananidzo uri papeji 159]

Joseph dos Santos, anoratidzwa pano aine mudzimai wake, Rosario, muna 1948, akaramba ari muzivisi woUmambo anoshingaira pasinei nokuiswa mujeri noutsinye kwemakore matatu muHondo Yenyika II

[Mufananidzo uri papeji 163]

Hama dzakatanga kutumirwa kubva kuPhilippines kuenda kuChikoro cheGiriyedhi: Adolfo, Dionisio, Savador Liwag, naMacario Baswel

[Mufananidzo uri papeji 164]

Kufamba nomumakomo kuenda kunoparidza

[Mufananidzo uri papeji 183]

Zviuru zvemapiyona zvakabatsirwa neChikoro Chebasa Roupiyona

[Mufananidzo uri papeji 186]

Kushandisa makombiyuta pakugadzira mabhuku nemagazini kwakatanga muna 1980

[Mufananidzo uri papeji 189]

Mashoko akanaka anoitwa kuti awanike mumitauro yakawanda yomuPhilippines

[Mufananidzo uri papeji 199]

Kokorodzano Yemarudzi yo“Kudzidzisa kwouMwari,” muna 1993

[Mufananidzo uri papeji 199]

Kubhabhatidzwa paKokorodzano Yoruwa ye“Varumbidzi Vanofara,” muna 1995

[Mufananidzo uri papeji 200]

Mamishinari omuPhilippines akadzoka kuzoshanya panguva yekokorodzano

[Mufananidzo uri papeji 202]

“Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki” muchiTagalog yakabudiswa pakokorodzano muna 1993

[Mufananidzo uri papeji 204]

Kushandura Bhaibheri norubatsiro rwemakombiyuta

[Mufananidzo uri papeji 205]

Piyona anofara anogamuchira “Shanduro yeNyika Itsva” mururimi rwaamai

[Mufananidzo uri papeji 207]

Dare Rebazi, kubva kuruboshwe kuenda kurudyi: (vakagara) Denton Hopkinson, Felix Salango; (vakamira) Felix Fajardo, David Ledbetter, naRaymond Leach

[Mufananidzo uri papeji 211]

Vapoteri vazhinji vokuVietnam vakadzidza chokwadi vari muPhilippines

[Mufananidzo uri papeji 215]

Natividad naLeodegario Barlaan vakapedza makore anodarika 60 mubasa renguva yakazara mumwe nomumwe

[Mifananidzo iri papeji 222, 223]

Dzimba dzoUmambo dzakavakwa mumakore achangodarika aya

[Mifananidzo iri papeji 224]

Imba Yemagungano muMetro Manila (pamusoro) uye dzimwe Dzimba Dzemagungano, kunze kweManila

[Mufananidzo uri papeji 228]

Kuruboshwe: John Barr anopa hurukuro papurogiramu yokutsaurira bazi muna 1991

[Mufananidzo uri papeji 228]

Pazasi: Zvivako zvebazi muna 1991

[Mufananidzo uri papeji 235]

Kukunda kwakaita Zvapupu zvaJehovha kwakabuda mumapepanhau

[Mifananidzo iri papeji 236]

Kudengenyeka kwepasi, kuputika kwemakomo, uye mafashamo zvinokonzera zvinetso, asi vaparidzi vanoshingaira vanoramba vachiparidza

[Mufananidzo uri papeji 246]

Mapiyona anoshingaira akadzidza mutauro wemasaini kuti abatsire matsi kubatsirwa nepurogiramu dzokunamata

[Mufananidzo uri papeji 246]

Chikoro Chebasa Roupiyona chokutanga munyika ino, vadzidzi vaine varayiridzi, kumavambo kwa2002

[Mufananidzo uri papeji 251]

Kirasi yechi27 yeChikoro Chokudzidzisa choUmambo muPhilippines

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe