Chokwadi Pamusoro Pokureva Nhema
“IWE murevi wenhema!” Mashoko iwayo anorwadza akambokandirwa kwauri here? Kana zvakadaro, pasina mubvunzo unoziva kutapura kwaanoita mirangariro.
Kungofanana nevhasi rinodikanwa ringaputsika kana rikadonhedzerwa pauriri, naizvozvo ukama hunokosha hunogona kuparadzwa nokureva nhema. Chokwadi, munhambo yenguva, ungakwanisa kugadzira kukuvara kwacho, asi ukama hwacho hungasatongovazve humwe chetehwo.
“Avo vanoziva kuti vakareverwa nhema,” rinodaro bhuku rinonzi Lying—Moral Choice in Public and Private Life, “vanongwarira nhamburiko itsva. Uye vanotarira shure pazvavaidavira munguva yakapfuura uye zviito muchiedza chitsva chenhema dzakawanwa.” Pashure pokunge unyengeri hwafumurwa, ukama hwaichimbozadzwa nekurukurirano yakajeka nechivimbo hungadziviswa nenyumwiro uye kusava nechokwadi.
Nemirangariro yose isingafadzi yakabatanidzwa nokureva nhema, tinofanira kubvunza kuti, ‘Muitiro wakadaro wokunyengera wakatanga sei?’
Nhema Dzekutanga
Apo Jehovha Mwari akasika vanhu vaviri vekutanga, Adhama naEvha, akavaisa mumusha webindu rakaisvonaka. Musha wavo wakanga usina rudzi rupi norupi rwokunyengera kana kuti unyengeri. Zvirokwazvo wakanga uri paradhiso!
Pane imwe nguva pashure pekusikwa kwaEvha, zvisinei, Satani Dhiyabhorosi akamusvika nechikarakadzo chinoedza. Evha akaudzwa kuti kana aizodya “michero yomuti,” iyo Mwari akarambidza, aisazofa seizvo Mwari akanga ataura kuti aizoita. Panzvimbo pezvo, aizo“va saMwari, [a]chiziva zvakanaka nezvakaipa.” (Genesi 2:17; 3:1-5) Evha akadavira Satani. Akatora muchero, akaudya, uye ipapo akapa mumwe kumurume wake. Asi panzvimbo pokuva saMwari seizvo Satani akanga apikira, Adhama naEvha vakava vatadzi vasingateereri, varanda veushati. (2 Petro 2:19) Uye kupfurikidza nokutaura nhema idzodzo dzekutanga, Satani akava “baba venhema dzose.” (Johane 8:44, Today’s English Version) Pashure penguva yakati, ava vatatu vanotadza vakaziva kuti hakuna vakundi apo munhu anoreva nhema kana kuti anoisa chivimbo munhema.
Migumisiro Inourayisa
Jehovha aida kuti chisiko chake chose—mudenga uye pasi pano—chizive kuti kusateerera kwemaune kwaizorangwa. Akaita chiito nokukurumidza kupfurikidza nokutongera chisikwa chomudzimu chakapanduka kurarama hwasara hwoupenyu hwacho hwose kunze kwesangano dzvene raMwari. Uyezve, Jehovha Mwari pakupedzisira achava nechokwadi chokuti Satani aparadzwa chose chose. Ikoku kuchaitika apo “mbeu” iyo Mwari akapikira kugovera inoparira ronda remumusoro rinouraya.—Genesi 3:14, 15, NW; VaGaratia 3:16.
Kana vari Adhama naEvha vakadzingwa mubindu reEdheni. Mwari akatonga Adhama, achiti: “Uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira uchidzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.” Pashure penguva yakati, vose vari vaviri iye naEvha vakafa, kunyange seizvo Mwari akanga afanotaura.—Genesi 3:19.
Sevazukuru vaAdhama, mhuri yose yorudzi rwomunhu ya“katengeswa pasi pezvivi.” Vanhu vose vakagara nhaka kusakwana kunotungamirira kurufu. (VaRoma 5:12; 6:23; 7:14) Migumisiro yenhema idzodzo dzekutanga yave ichityisa sei!—VaRoma 8:22.
Muitiro Wakasimba Zvikuru
Sezvo Satani nengirozi dzakamukumbanira mukupandukira Mwari vachigere kuparadzwa, hatifaniri kushamiswa kuti vanopesvedzera vanhu ku“reva nhema.” (1 Timotio 4:1-3) Semugumisiro, kureva nhema kwakasimba zvikuru munzanga yevanhu. “Kureva nhema kwazova kwakarongwa kwazvo,” yakatsinhira kudaro Los Angeles Times, “zvokuti nzanga zvino yazova isingakuitiri hanya zvikurukuru.” Vakawanda nhasi vanobatanidza zvikuru matongerwe enyika uye vezvematongerwe enyika nokureva nhema, asi waiziva here kuti vatungamiriri verudzidziso vari pakati pevarevi venhema vane mukurumbira wakashata zvikurusa?
Vashori verudzidziso vaJesu vakaparadzira nhema pamusoro pake mukati meushumiri hwake hwapasi. (Johane 8:48, 54, 55) Akavatuka pachena, achiti: “Imi muri vababa venyu Dhiyabhorosi, munoda kuita kuda kwakaipa kwababa venyu. . . Kana achireva nhema, unoreva zvake, nokuti ndiye wenhema, uye baba wadzo.”—Johane 8:44.
Unoyeuka here nhema dzakaparadzirwa apo guva raJesu rakawanwa risina chinhu pashure perumuko rwake? Bhaibheri rinotaura kuti vaprisita vakuru “vakapa varwi mari zhinji, vachiti: Taurai muchiti: Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba, isu tivete.” Idzi nhema dzakaparadzirwa kwose kwose, uye vakawanda vakanyengerwa nadzo. Vatungamiriri verudzidziso vakanga vakaipa sei!—Mateo 28:11-15.
Nhema Dzerudzidziso Nhasi
Inhemai dzakakurumbira dzinotaurwa nevatungamiriri verudzidziso nhasi? Dzakafanana neidzo Satani akaudza Evha kuti: “Hamungafi zvirokwazvo.” (Genesi 3:4) Asi Evha akafa, uye akadzokera kupasi, kuguruva iro akagadzirwa naro.
Iye, zvisinei, akaratidzika bedzi kuva akafa ndokupfuurira chaizvoizvo kurarama muchimwe chimiro here? Rufu runongova zvarwo musuo kuumwe upenyu here? Bhaibheri haripi ratidziro yokuti rumwe rutivi runoziva rwaEvha rwakapfuurira kurarama. Mweya wake hauna kupukunyuka. Kupfurikidza nokusateerera Mwari, akatadza, uye Bhaibheri rinoti: “Mweya unotadza, uchafa.” (Ezekieri 18:4) Evha, semurume wake, akasikwa ari mweya mupenyu, uye upenyu hwake semweya mupenyu hwakaguma. (Genesi 2:7) Nezvemugariro wevakafa, Bhaibheri rinoti: “Vakafa havana chavanoziva.” (Muparidzi 9:5) Chii, kunyange zvakadaro, chinowanzodzidzisa machechi?
Machechi kazhinji kazhinji anodzidzisa kuti vanhu vane mweya usingafi uye kuti rufu runousunungura kuti uwane humwe upenyu—hwomufaro kana kuti zvimwe hwokutambudzwa. The Catholic Encyclopedia, somuenzaniso, inoti: “Chechi inodzidzisa zvakananga kusaguma kwemarwadzo ehero sechokwadi chokutenda chisina munhu anogona kuramba kana kuti kubvunza pasina kuramba kutenda kuri pachena.”—Vhoriyamu 7, peji 209, chinyorwa cha1913.
Dzidziso iyoyo yakasiyana sei neizvo Bhaibheri rinotaura nenzira yakajeka! Bhaibheri rinodzidzisa kuti apo munhu anofa, ano“dzokera pasi pake; nezuva iro mano ake anopera.” (Pisarema 146:4) Naizvozvo, maererano neBhaibheri, vakafa havagoni kutambura kurwadziwa kupi nokupi, nokuti havatongozivi chinhu chipi nechipi kunyange zvodini. Naizvozvo, Bhaibheri rinokurudzira kuti: “Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nokuti hakuna basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori [guva ravose rorudzi rwomunhu] kwaunoenda.”—Muparidzi 9:10.
Kudikanwa Kwekungwarira
Kunyange sezvo vakawanda vakatsauswa nenhema dzevaprisita muzuva raJesu, naizvozvo kune ngozi yekunyengerwa nedzidziso dzenhema dzevatungamiriri verudzidziso vanhasi. Ava vanhu “vakatsinhanha zvokwadi yaMwari nenhema,” uye vanotsigira dzidziso dzenhema dzakadai sekusafa kwemweya wemunhu uye pfungwa yokuti mweya yevanhu ichatambudzwa mumoto wehero.—VaRoma 1:25.
Mukuwedzera, marudzidziso anhasi anowanzoisa gamuchidzanwa revanhu neuzivi pakaenzana nechokwadi cheBhaibheri. (VaKorose 2:8) Nokudaro, mitemo yaMwari ine chokuita netsika—kubatanidza mitemo pamusoro pekutendeseka uye tsika muvatano—inorangarirwa seine mwero, kwete seyakakwana. Mugumisiro wacho uri sezvinorondedzerwa mumagazini yeTime kuti: “Nhema dzinozara mukusava nechokwadi kwenzanga, apo vanhu vanenge vasingachanzwisisi, kana kuti kubvuma, mitemo inodzora mufambiro wavo kune mumwe nomumwe.”—Enzanisa naIsaya 59:14, 15; Jeremia 9:5.
Kurarama mumhoteredzo umo chokwadi chisingakosheswi kunoita kuti kuve kwakaoma kuteerera kurayira kwaMwari kwekusareva nhema. Chii chinogona kutibetsera kuti tive vechokwadi nguva dzose?
Kutsigira Chokwadi
Chishuvo chedu chekupa mbiri Musiki wedu chinotigovera sundo yakanakisisa zvikuru yekusakurira kutaura kwechokwadi. Nenzira inokosha, Bhaibheri rinomuti “Mwari wazvokwadi.” (Pisarema 31:5) Naizvozvo, kana chiri chishuvo chedu kufadza Musiki wedu, uyo anovenga “rurimi runoreva nhema,” tichasundwa kumutevedzera. (Zvirevo 6:17) Tinogona sei kuita ikoku?
Fundo yepachokwadi yeShoko raMwari inogona kutipa simba reku‘taura chokwadi mumwe nomumwe nemuvakidzani wake.’ (VaEfeso 4:25) Zvisinei, kungoziva izvo Mwari anoda kwatiri hakuna kukwana. Kana, sevakawanda munyika nhasi, tave tisingatauri chokwadi nguva dzose, tichafanira kuita nhamburiko chaiyoiyo yokuita saizvozvo. Tingafanira kutevera muenzaniso wemuapostora Pauro ndokuva vakaoma kwatiri timene. “Ndinorwadzisa muviri wangu, ndichiuita muranda,” Pauro akanyora kudaro.—1 VaKorinte 9:27.
Betsero yokuwedzera mukurwa kwekutaura chokwadi panguva dzose munyengetero. Kupfurikidza nokukumbira Jehovha rubatsiro, tinogona kuva “nesimba rinopfuura renguva dzose.” (2 VaKorinte 4:7, NW) Zvirokwazvo, kuchengeta “muromo wezvokwadi” uye kurega “rurimi rune nhema” kungava kurwa chaikoiko. (Zvirevo 12:19) Asi nebetsero yaJehovha kunogona kuitwa.—VaFiripi 4:13.
Nguva dzose yeuka kuti ndiSatani Dhiyabhorosi anoita kuti kuratidzike sokuti kureva nhema chinhu chomuzvarirwo chokuita. Akanyengedza mukadzi wekutanga, Evha, achimurevera nhema nenzira yakaipa. Zvisinei, tinoziva zvakazara migumisiro ine ngwavaira yenzira dzekureva nhema dzaSatani. Kutambura kusingatauriki kwakava pamhuri yevanhu nemhaka yekureva nhema kumwe kweudyire uye vanhu vatatu vane udyire—Adhama, Evha, uye Satani.
Hungu, chokwadi pamusoro pokureva nhema ndechokuti kwakaenzana nechepfu inourayisa. Tinoonga, kunyange zvakadaro, kuti tinogona kuita chimwe chinhu pamusoro pakwo. Tinogona kurega muitiro wokureva nhema ndokufarikanya nokusingagumi nyasha dzaJehovha, Mwari “une tsitsi huru nezvokwadi.”—Eksodho 34:6.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]
Kureva nhema kwakaenzana nechepfu inourayisa
[Mufananidzo uri papeji 17]
Migumisiro yekureva nhema yakafanana nekuputsika kwevhasi