Nzira Yokudzokera kuParadhiso
NEMHAKA yokushuva Paradhiso kwomunhu uye kuedza kwose kuri kuviri kukuru nokuduku kuigadzirazve, munhu aizofunga kuti kusvika panguva ino pasi raizove rava paradhiso chaiyo. Asi harisi.
Rudzi rwomunhu, zvisinei, rwakapa makaro nzvimbo yokutanga, ayo anowanzodzora pakukuvara kwemhoteredzo nemhatsa yayo yezvinhu zvipenyu. Vachidavira kuti pfuma yezvinhu zvokunyama ichahwina, vanhu vazhinji vakarasikirwa netariro yose yokuti pasi rino richazomboshandurwa kuva paradhiso yeEdheni. Panzvimbo pezvo, vanotarira kuupenyu pashure porufu mudenga setariro yavo bedzi yeParadhiso. Uyu murangariro unoreva, kutanga, kuti kushuva kwedu Edheni kwomunhu kuchakundikana nokusingaperi uye, chechipiri, kuti Mwari akasiyira pasi rino kuuipi nemakaro zvomunhu. Ndozvazviri here? Nguva yemberi inei chaizvoizvo? Uye nguva yemberi iyoyo ichava kupi?
Paradhiso—Mudenga Kana Kuti Pasi Pano Here?
Anenge makore 2 000 akapfuura, achitaura kumbavha inopfidza yakaroverwa kurutivi rwake, Jesu Kristu akati: “Uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:43) Jesu akareva here kuti mbavha yacho yaizoenda kudenga naye? Aiwa.
Mutadzi wacho angava aisatongova nepfungwa iyeyo. Kuregererei? Nemhaka yokuti zvimwe angave akanga akarovedzana nezvikamu zviri muMagwaro echiHebheru, zvaivapo muzuva rake, zvakadai sorutivi rwokutanga rwaPisarema 37:29 runoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika.” Jesu akadzidzisa chokwadi chimwe chetecho, achizivisa kuti: “Vakaropafadzwa vanyoro; nokuti vachagara nhaka yenyika.” (Mateo 5:5) Urwu rugwaro rwunotsinhirana neunowanzodanwa kuti Munyengetero waShe, uyo unoti: “Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.”—Mateo 6:9, 10.
Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari akasika pasi, kwete denga, somusha wemhuri yomunhu. Shoko rake rinotaura kuti “akasaisika [nyika] kuti rive dongo, asi wakaiumba kuti igarwe.” (Isaya 45:18) Kwenguva refu sei? “Wakateya nheyo dzapasi; kuti parege kuzununguswa nokusingaperi.” (Pisarema 104:5) Hungu, “pasi panongogara nokusingaperi.”—Muparidzi 1:4.
Idonzo raMwari nokuda kwevoruzhinjisa vaavo vanomubatira kuita pasi rino musha wavo nokusingaperi. Cherechedza nzira iyo Shoko raMwari, Bhaibheri, rinotsinhira nayo pana ikoku. Pisarema 37:11 inofanotaura kuti: “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” Kwenguva refu sei? Pisarema 37:29 inoti: “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” Panguva iyeyo rugwaro ruchazadzikwa urwo rwunozivisa kuti: Mwari “munotadzanura ruoko rwenyu, ndokugutisa zvipenyu zvose,” ndiko kuti, chishuvo chiri mutsinhirano nokuda kwaMwari.—Pisarema 145:16.
Zvakadiniko nezvaavo vasina chishuvo chokuita kuda kwaMwari? Zvirevo 2:21, 22 inozivisa kuti: “Vakarurama vachagara panyika, vakakwana vacharambirapo. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.”
Paradhiso Inodzorerwa
Nokukurumidza zvino, rutongeso rwaMwari rwuchaitwa mukurwisana nenyika ino yakaipa. (Mateo 24:3-14; 2 Timotio 3:1-5, 13) Asi Mwari achachengetedza “boka guru” ravanhu kupfuura nomuruparadziko irworwo rwuri kuuya richipinda munyika itsva yaachaita.—Zvakazarurwa 7:9-17, NW.
Ipapo, Mwari achatungamirira basa rinofadza iro vanhu vake vaanodzora vachava naro rokushandura pasi rose kuva musha weparadhiso nokuda kworudzi rwomunhu. Bhaibheri rinopikira kuti: “Renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva. . . . Nokuti mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova dzemvura musango.”—Isaya 35:1, 6.
MuParadhiso iyoyo inenge ichikura, kuchave kusisinazve nzara, urombo, zvitangwena, vanhu vasina misha, kana kuti nzvimbo dzakazadzwa noutsotsi. “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi.” (Pisarema 72:16) “Miti iri kusango ichabereka zvibereko zvayo, nenyika ichabereka zvayo.” (Ezekieri 34:27) “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya.” (Isaya 65:21, 22) “Mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna ungazovatyisa.”—Mika 4:4.
Chikonzero Nei Vamwe Vachienda Kudenga
Vanhu vazhinjisa sezvinobvira vachabvuma kuti vane chishuvo cheparadhiso yepasi. Ndekwemuzvarirwo, nokuti Mwari haana kumboisa mavari chishuvo chokudenga; havagoni kunyange kufungidzira kuti upenyu mudenga hwakaita sei. Somuenzaniso, mukurukurirano nomufundisi wake weChechi yeEngland, Pat, kunyange zvazvo ari mutezo wechechi wakazvipira, wakati: “Handina kutongova nemifungo ipi neipi pamusoro pokuenda kudenga. Handidi kuenda, uye zvisinei chii chandichazoita ikoko?”—Enzanisa naPisarema 115:16.
Chokwadi, Bhaibheri rinodzidzisa kuti nhamba yakaganhurirwa yavanhu, 144 000, vanoenda kudenga. (Zvakazarurwa 14:1, 4) Rinotsanangurawo chikonzero nei: “Mukavaitira Mwari wedu, kuti vave ushe navaprista, vabate ushe panyika.” (Zvakazarurwa 5:9, 10) Pamwe chete naMambo wavo, Jesu Kristu, ivava vanoumba “ushe,” hurumende itsva yokudenga yepasi, iyo vaKristu vanonyengeterera. Iyi hurumende ichatarisira kudzorerwa chose chose kumugariro wokutanga kwepasi uye rudzi rwomunhu.—Dhanieri 2:44; 2 Petro 3:13.
Zvisinei, sezvo chishuvo chokurarama mudenga chisimo nenzira yomuzvarirwo muvanhu, kushanda kwechienzi kwomudzimu waMwari ku“nopupurira” vane 144 000 zvokuti vanonzwa uku “kudana [chaiko] . . . kunobva kudenga.” (VaRoma 8:16, 17; VaFiripi 3:14) Sezviri pachena, kunyange zvakadaro, hapana kushanda kwomudzimu mutsvene kwakadaro kunodikanwa nokuda kworudzi rwomunhu rwose zvarwo nemhaka yokuti musha wavo usingagumi uchava paparadhiso yepasi.
Paradhiso Yomudzimu Inogadzirira Nzira
Munhu anokwanirisa sei nokuda kwoupenyu husingagumi muParadhiso pasi pano? “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi,” Jesu akadaro, “kupinza kwavo zivo yenyu, Mwari bedzi wechokwadi, neyouyo wamakatuma, Jesu Kristu.” (Johane 17:3, NW) Ichibatanidza ukama hwomunhu hune rugare nokuziva Mwari, Isaya 11:9 inoti: “Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”—Enzanisa naIsaya 48:18.
Iyi zivo, chokwadika, haisi zivo yomumusoro bedzi. Inopesvedzera unhu hwomunhu ndokusakurira mavara oumwari, akadai se“rudo, nomufaro, norugare, nomwoyo murefu, nomwoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka, nounyoro, nokuzvidzora.” (VaGaratia 5:22, 23) Zvapupu zvaJehovha zvinovavarira kusakurira aya mavara, uye nokudaro, kunyange zvino, zvakakomborerwa neparadhiso yomudzimu yakanaka.—Isaya 65:13, 14.
Musiyano wakadini mamiriro avo ezvinhu omudzimu ari kune ayo enyika, iyo inoramba ichinyura mukusava voumwari uye ushati! Nokukurumidza, zvisinei, nyika ino yakaipa ichaparadzwa naMwari. Munguvayi, Zvapupu zvaJehovha zvinokukoka kushanyira—hungu, kunzvera—paradhiso yomudzimu yazvinofarikanya. Zvionere umene kuti ikozvino Jesu, Mambo wokudenga asingaoneki, ari kutungamirira chinyararire vagari vomunguva yemberi venyika itsva iyoyo munzira yakamanikana inoenda kuParadhiso yepasi noupenyu husingagumi!—Mateo 7:13, 14; Zvakazarurwa 7:17; 21:3, 4.
[Mufananidzo uri papeji 8, 9]
Vapukunyuki vomugumo wenyika ino vachafarikanya kutora rutivi mukushandura pasi kuva paradhiso