Ganhuro 1
Unogona Kuva Neramangwana Rinofadza!
KUMBUNDIRA kwoushamwari kwomumwe munhu waunoda. Kuseka kukuru mukati mezvokudya zvakanaka neshamwari dzinodiwa. Mufarwa wokutarira vana vako vachitamba nomufaro. Nguva dzakafanana neidzi inhambo dzinofadza muupenyu. Nokuda kwavakawanda, zvisinei, upenyu hunoratidzika kuva hunopa chinetso chimwe chakakomba pashure pechimwe. Kana ikoko kwave kuri chinoitika chako, shinga.
2 Kuda kwaMwari kuti ufarikanye mufarwa usingagumi mumamiriro ezvinhu akanakisisa mumhoteredzo dzakaisvonaka. Ichi hachisati chiri chirotowo zvacho, nokuti Mwari anokupa chaizvoizvo kiyi yeramangwana rinofadza rakadaro. Kiyi iyoyo izivo.
3 Tiri kutaura pamusoro porudzi chairwo rwezivo iri huru zvikuru kupfuura uchenjeri hwavanhu. Ndiko “kuziva Mwari kumene.” (Zvirevo 2:5, NW) Anodokusvika makore 2 000 apfuura, mumwe munyori weBhaibheri akati: “Imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi iye, wakavaka zvose, ndiye Mwari.” (VaHebheru 3:4) Funga nezvezivo iyo Muiti wezvinhu zvose anofanira kuva nayo! Bhaibheri rinotaura kuti Mwari anoverenga uye anotumidza mazita nyeredzi dzose. Mufungo unokatyamadza zvakadini, sezvo kune mazana amabhiriyoni enyeredzi mugwara redu timene renzou, uye nyanzvi dzemitumbi yomudenga dzinotaura kuti kune anenge mamwe makwara enzou ane mabhiriyoni zana! (Pisarema 147:4) Mwari anozivawo zvose pamusoro pedu, naizvozvo ndianizve angagona kugovera mhinduro dziri nani kumibvunzo inokosha youpenyu?—Mateo 10:30.
4 Fungidzira varume vaviri vari kuedza kugadzira motokari dzavo. Akangaidzwa, murume mumwe anokandira pasi maturusi ake. Mumwe wacho anoruramisa chinetso chacho nenzira yakaterama, anotenderedza kiyi yeinjini, uye anonyemwerera sezvo injini inotanga uye inorira zvakanaka. Haungavi nenguva yakaoma yokufungidzira kuti ndoupi wavarume vaviri aiva nebhuku remirayiridzo rakabva kumugadziri. Hakuna mufungo here kuti Mwari aizogovera mirayiridzo yokutitungamirira muupenyu? Sezvaungaziva, Bhaibheri rinotaura kuva izvozvo chaizvo—bhuku romurayiridzo nenhungamiro rakabva kuMusiki wedu, rakagadzirirwa kupa kuziva Mwari.—2 Timotio 3:16.
5 Kana kutaura kweBhaibheri kuri kwechokwadi, funga nezvokuti ipfumai yezivo iyo bhuku iroro rinofanira kuva nayo! Pana Zvirevo 2:1-5 (NW), rinotikurudzira kutsvaka uchenjeri, kuhuchera sezvataizoita nokuda kwepfuma yakavanzwa—kwete muvhu rokufunga kwavanhu, asi muShoko raMwari amene. Kana tikanzvera imomo, tichawana “kuziva Mwari kumene.” Sezvo Mwari achinzwisisa ganhuriro dzedu nezvinodikanwa, anotipa murayiridzo uchatibetsera kurarama upenyu hune rugare, hunofadza. (Pisarema 103:14; Isaya 48:17) Kupfuurirazve, kuziva Mwari kunotipa mashoko akanaka anofadza.
UPENYU HUSINGAPERI!
6 Munhu wenhau anosanozivikanwa zvikuru Jesu Kristu akarondedzera rutivi urwu rwokuziva Mwari mumashoko akajeka. Iye akati: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.” (Johane 17:3, kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) Fungidzira—zivo inotungamirira kuupenyu husingaperi!
7 Usakurumidza kuramba upenyu husingaperi sechirotowo zvacho. Panzvimbo pezvo, tarira nzira yakaitwa nayo muviri womunhu. Wakagadzirwa zvakaisvonaka kuti uravidze, unzwe, unhuwidze, uone, uye unzwe nokubata. Kune zvakawanda kwazvo pasi pano zvinofadza pfungwa dzedu—zvokudya zvinonaka, rwiyo rweshiri runonakidza, maruva anonhuwira, chiono chakaisvonaka, ushamwaridzani hunofadza! Uye uropi hwedu hunoshamisa hunopfuura zvikuru komupiyuta ine simba zvikuru, nokuti hunotigonesa kunzwisisa ndokufarikanya zvinhu zvose zvakadaro. Unofunga kuti Musiki wedu anoda kuti tife ndokurasikirwa nezvose izvozvi here? Hakungavi kune mufungo zvikuru kugumisa kuti iye anoda kuti tirarame nomufaro nokufarikanya upenyu nokusingaperi here? Eya, izvozvo ndizvo izvo kuziva Mwari kunogona kureva nokuda kwako.
UPENYU MUPARADHISO
8 Chinotaura Bhaibheri pamusoro penguva yemberi yapasi norudzi rwomunhu chingapfupikiswa mushoko rimwe—Paradhiso! Jesu Kristu akataura nezvayo apo akaudza murume akanga ofa, kuti: “Uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:43) Kududzwa kweParadhiso pasina kupokana kwakayeuchidza murume iyeyo mamiriro ezvinhu anofadza avabereki vedu vokutanga, Adhama naEvha. Apo Mwari akavasika, vakanga vakakwana uye vaigara mupaka yakafanana nebindu iyo Musiki akanga agadzira ndokutanga. Yakanzi nenzira yakakodzera bindu reEdheni, riri zita rinoratidzira mufaro.
9 Bindu iroro rakanga richifadza sei! Rakanga riri paradhiso chaiyoiyo. Pakati pemiti yaro yakaisvonaka paiva neiyo yaibereka michero inonaka. Sezvo Adhama naEvha vaiongorora nzvimbo yavo, vainwa mvura dzayo dzinonaka, uye vaitanha michero mumiti yayo, vakanga vasina chikonzero chokufunganya kana kuti chokutya. Kunyange mhuka dzaisatyisidzira, nokuti Mwari akanga aisa murume nomudzimai wake muudzori hune rudo padziri dzose. Mukuwedzera, vanhu vaviri vokutanga vaiva noutano hunofadza. Chero bedzi vairamba vachiteerera Mwari, nguva yemberi isingagumi, inofadza yaiva mberi kwavo. Vakapiwa basa rinogutsa rokutarisira musha wavo wakaisvonaka weParadhiso. Uyezve, Mwari akapa Adhama naEvha murayiro wokuti “muzadze nyika, mubate ushe pairi.” Ivo navana vavo vaifanira kutambanudza miganhu yeParadhiso kutozosvikira pasi redu rose rava nzvimbo yakaisvonaka neinofadza.—Genesi 1:28.
10 Apo Jesu akadudza Paradhiso, zvisinei, akanga asiri kukumbira murume ofa kufunga pamusoro penguva iri kure yakapfuura. Aiwa, Jesu akanga ari kutaura pamusoro peramangwana! Iye aiziva kuti musha wedu wose wapasi waizova paradhiso. Mwari nokudaro aizozadzika chinangwa chake chapakuvamba nokuda kworudzi rwomunhu nepasi redu. (Isaya 55:10, 11) Hungu, Paradhiso ichadzorerwa! Uye ichava yakaita sei? Shoko raMwari, Bhaibheri Dzvene, ngaripindure.
UPENYU MUPARADHISO ICHADZORERWA
11 Chirwere, ukweguru, uye rufu hazvisati zvichizovapozve. “Ipapo meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. Ipapo unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve ruchaimba.” (Isaya 35:5, 6) “Mwari amene uchava [norudzi rwomunhu], ave Mwari wavo. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.
12 Utsotsi, masimba masimba, uye uipi zvichaparadzwa nokusingaperi. “Vanoita zvakaipa vachagurwa; . . . Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo. . . . Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika.” (Pisarema 37:9-11) “Vakaipa vachaparadzwa panyika; vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.”—Zvirevo 2:22.
13 Rugare ruchatekeshera mupasi rose. “[Mwari] unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika; unovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo.” (Pisarema 46:9) “Wakarurama uchakura zvakanaka; rugare rwakawanda ruchavapo, kusvikira mwedzi waguma.”—Pisarema 72:7.
14 Dzimba dzichava dzakachengeteka uye basa richigutsa. “Vachavaka dzimba nokugaramo. . . . Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo; havangasimi, mumwe achizodya; nokuti samazuva omuti, ndizvo zvichaita mazuva avanhu vangu; vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo. Havangabatiri zvisina maturo, kana kubereka vana, vachakurumidza kuparadzwa.”—Isaya 65:21-23.
15 Zvokudya zvakanaka zvichawanika zvakawanda. “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.” (Pisarema 72:16) “Pasi pakabereka zvibereko zvapo; Mwari, iye Mwari wedu, uchatiropafadza.”—Pisarema 67:6.
16 Upenyu husingaperi muparadhiso yapasi huchava hunofadza. “Vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagaramo nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) “Renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva.”—Isaya 35:1.
ZIVO NERAMANGWANA RAKO
17 Kana upenyu muParadhiso huchifadza kwauri, usarega chinhu chichikudzivisa kuziva Mwari. Anoda rudzi rwomunhu uye achaparira chinjo dzinodikanwa kuita kuti pasi rive paradhiso. Pashure pokurangarira zvose, kudai iwe waiva nesimba rokugumisa nhamo nokusaruramisira zvakapararira kwazvo munyika, waisazoita saizvozvo here? Tingakarira Mwari kuita zvishomanene here? Chaizvoizvo, Bhaibheri rinotaura namashoko akajeka nezvenguva apo Mwari achabvisa tsika ino yakazadzwa nenhamo ndokuitsiva nokutonga kwakakwana, kwakarurama. (Dhanieri 2:44) Asi Bhaibheri rinoita zvakawanda zvinopfuura kutiudza pamusoro pezvose izvozvi. Rinotiratidza kuti tinogona kupukunyuka sei ndokupinda munyika itsva yakapikirwa yaMwari.—2 Petro 3:13; 1 Johane 2:17.
18 Kuziva Mwari kunogonawo kukuitirawo zvakawanda iko zvino. Mibvunzo mikurusa neinovhiringidza zvikurusa youpenyu inopindurwa muBhaibheri. Kugamuchira nhungamiro yaro kuchakubetsera kutanga ukama naMwari. Iropafadzo yakaisvonaka zvakadini! Uye ikoku kuchakugonesa kufarikanya rugare urwo Mwari oga anogona kupa. (VaRoma 15:13, 33) Sezvaunovamba kupinza iyi zivo inokosha, uri kutanga basa rinokosha nerinotusa zvikurusa roupenyu hwako. Hausati uchizotongodemba kuziva Mwari uko kunotungamirira kuupenyu husingaperi.
19 Tanongedzera kuBhaibheri sebhuku rinozivisa Mwari. Bva, tinoziva sei kuti iro, harisati riri bhuku rouchenjeri hwavanhu, asi chimwe chinhu chikuru zvikuru? Ticharangarira uyu mubvunzo muganhuro rinotevera.
EDZA ZIVO YAKO
Nei kuziva Mwari kuchigona kukutungamirira kumufarwa usingagumi?
Upenyu huchava hwakaita sei muParadhiso yapasi iri kuuya?
Nei uchabetserwa nokuziva Mwari zvino?
[Mibvunzo Yechidzidzo]
1, 2. Musiki wako anodei nokuda kwako?
3. Izivoi iri kiyi yomufarwa, uye nei tichigona kuva nechokwadi chokuti Mwari anogona kugovera zivo iyoyo?
4. Nei tichifanira kukarira Mwari kugovera mirayiridzo yokutitungamirira, uye ibhukui rinogovera ichi chinodikanwa?
5. Zivo ine Bhaibheri inokosha sei?
6. Jesu Kristu akapa vimbisoi pamusoro pokuziva Mwari?
7. Ufakazi huripo hwokuti Mwari haana kuronga kuti tife?
8. Chii chinotaura Bhaibheri pamusoro peramangwana rorudzi rwomunhu?
9. Kugara muParadhiso yapakuvamba kwakanga kwakadini?
10. Apo Jesu akataura nezveParadhiso, chii chaairangarira?
11. MuParadhiso ichadzorerwa, chii chichaitika kuchirwere, ukweguru, uye rufu?
12. Nei tichigona kuva nechokwadi chokuti hakusati kuchizova noutsotsi, masimba masimba, uye uipi muParadhiso yeramangwana?
13. Mwari achaparira sei rugare?
14, 15. Chii chinotaura Bhaibheri pamusoro pedzimba, basa, uye zvokudya muParadhiso ichadzorerwa?
16. Nei upenyu muParadhiso huchava hunofadza?
17. (a) Chii chaunofanira kuita kana upenyu muParadhiso huchifadza kwauri? (b) Tinoziva sei kuti Mwari achaparira chinjo huru pasi pano?
18. Kuziva Mwari kunogona kukuitirei zvino?
19. Mubvunzoi waticharangarira muganhuro rinotevera?