Murangariro weBhaibheri
Kusaroora Ndichinodikanwa Chevashumiri vechiKristu Here?
KUSAROORA, chaizvoizvo, kugara usina kuroora. Zvisinei, maererano neThe New Encyclopædia Britannica, shoko racho “rinowanzoshandiswa maererano nebasa remunhu asina kuroora semukuru, nyanzvi, kana kuti mutsigiri akasimba werudzidziso.” Shoko rokuti “asingaroori” rinoreva “avo kusaroora kwavo kuri mugumisiro wemhiko tsvene kana kuti chiito chokuzviramba kana kuti rudaviro rwokuti kwakanakira munhu nemhaka yenzvimbo yake yorudzidziso kana kuti mwero wake wokukoshesa zverudzidziso.”
Pane imwe nguva, mamwe marudzidziso anozivikanwa zvikuru akagamuchira kusaroora sechinodikanwa nokuda kwevashumiri vawo. Asi, hapana rumwe rudzidziso muchiKristudhomu umo kusaroora kwakaitwa chiratidzo chaicho cherudzidziso kunze kwemuchiKaturike. Nhasi, kune nharo dzakati pamusoro pekusaroora kwechiKaturike. The Wilson Quarterly yakataura kuti “kunzvera kwakawanda kwakaitwa makumi emakore achangobva kupfuura kwakagumisa kuti kusaroora kwokumanikidzwa, chinodikanwa chevapristi veKaturike kubvira muzana remakore rechi12, ndiwo mudzi wezvinetso zvechechi mukuwana nekuchengeta vapristi.” Maererano nenyanzvi yenzanga Richard A. Schoenherr, “chokwadi chakazara chenhau nekuchinja kwenzanga zviri kurwisana nekusaroora kwevarume zvikurukuru muupristi hwechiKaturike.” Bhaibheri rine murangariroi wekusaroora?
Kuroora Kana Kuti Kusaroora Here?
Munhau yose varume nevakadzi vakazvipira vasingaverengeki, mumarudzidziso akasiyana-siyana akawanda, vakasarudza kuva vasingaroori. Nei? Muzvinoitika zvakawanda yaiva mhaka yokuti vaidavira kuti zvinhu zvemuviri, zvenyama zvaiva “ugaro wezvakaipa.” Izvi zvakatanga uzivi hwokuti rucheno rwemudzimu rwaibvira bedzi kupfurikidza nekurega muitiro wose wevatano. Zvisinei, uyu, hausi murangariro weBhaibheri. MuBhaibheri, roorano inoonekwa sechipo chakachena, chitsvene chinobva kuna Mwari. Nhoroondo yaGenesi yechisiko inoratidza zvakajeka roorano seya“kanaka” mumaziso aMwari uye sezviri pachena kwete semhinganidzo kuukama naMwari hwakachena mumudzimu.—Genesi 1:26-28, 31; 2:18, 22-24; onawo Zvirevo 5:15-19.
Muapostora Petro nevamwe vabatiri vaMwari vanotenderwa vaiva nenzvimbo dzine chiremera muungano yechiKristu yepamavambo vaiva varume vakaroora. (Mateo 8:14; Mabasa 18:2; 21:8, 9; 1 VaKorinte 9:5) Mirayiridzo yemuapostora Pauro kuna Timotio pamusoro pekugadzwa kwevatariri veungano, kana kuti “mabhishopi,” inojekesa izvi. Anonyora kuti: “Bhishopi anofanira kusawana chaanopomerwa, murume wemudzimai mumwe chete.” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu; 1 Timotio 3:2, Revised Standard Version, Chinyorwa cheKaturike) Cherechedza kuti hapana chinotombokarakadza kuti zvaiva zvisina kufanira munzira ipi neipi kuti “bhishopi” aroore. Pauro aingoratidza bedzi kuti “bhishopi” haafaniri kuva mupariki; kana akaroora, anofanira kuva nemudzimai mumwe bedzi. Chaizvoizvo, Cyclopedia of Biblical, Theological, and Ecclesiastical Literature, yakanyorwa naMcClintock naStrong, inogumisa kuti: “Hapana ndima muT[estamendi] I[tsva] inogona kutsanangurwa seinorambidza kuroora kwevafundisi vari mugadziriro yeEvhangeri.”
Nepo richiremekedza roorano zvikuru, Bhaibheri zvirokwazvo harishori kusaroora kana kukasarudzwa nekuzvidira. Bhaibheri rinokurumbidza sekwakanakira vamwe. (1 VaKorinte 7:7, 8) Jesu Kristu akataura kuti vamwe varume nevakadzi vanosarudza nekuzvidira kugara vasina kuroora. (Mateo 19:12) Nei? Yaisava mhaka yokuti pane chimwe chinhu chisina kuchena nenzira yemuzvarirwo pamusoro peroorano chaizotadzisa kufambira mberi kwavo kwemudzimu. Vanosarudza nzira iyi kungoti vanangidzire bedzi nhamburiko dzavo pakuita kuda kwaMwari mudzavainzwisisa senguva dzekukurumidzira.
Zvakatungamirira Kusaroora Kwokumanikidzwa
Zvinhu zvakachinja, zvisinei, mumazana emakore pashure penguva yaKristu. Mukati memazana emakore matatu okutanga eNguva yedu Yavose, “kwaiva navose vari vaviri vashumiri vakaroora nevasina kuroora,” anotsanangura kudaro David Rice, muDominic akasiya upristi kuti aroore. Ipapo, vaizviti vaKristu vakatanga kutapurwa nezvakarondedzerwa nemumwe munyori worudzidziso se“mubatanidzwa wepfungwa dzechiGiriki nedzeBhaibheri” zvakaburitsa murangariro wakavhiringidzika wevatano neroorano.
Vamwe, chokwadika, vakaramba vachironda kusaroora kuti vango“wana rusununguko rwakazara kuti va[zvi]pire kubasa roumambo hwaMwari.” Vamwe, zvisinei, vakasundwa zvikuru neuzivi hwechihedheni hwavakanga vawana. The New Encyclopædia Britannica inoti: “Rudaviro rwekuti vatano yaisvibisa uye yaisawirirana noutsvene yakavamba [muinozviti chechi yechiKristu] sechinosunda kusaroora chikurusa.”
Muzana remakore rechina, anodaro Rice, chechi “yakarambidza mupristi akaroora vatano usiku hunotangira kupemberera Yukaristiya.” Apo chechi yakavamba Yukaristiya yezuva nezuva, zvaireva kuti vapristi vaifanira kurega vatano zvechigarire. Pashure panguva yakati, roorano dzevapristi dzakarambidzwa zvachose. Nokudaro kusaroora kwakamanikidzwa munhu upi noupi angava mushumiri muchechi.
Muapostora Pauro akanyevera nezvechinoitika chaicho chakadaro. Akanyora kuti: “Mudzimu wakataura zvakajeka kuti mukati menguva dzokupedzisira kuchava nevamwe vachasiya kutenda uye vachasarudza kuteerera midzimu inonyengera nedzidziso dzinobva kuna vanadhiyabhorosi . . . Vachataura kuti roorano inorambidzwa.”—1 Timotio 4:1, 3, Jerusalem Bible.
“Kuchenjera kwakaruramiswa namabasa ako,” akadaro Jesu Kristu. (Mateo 11:19) Upenzi hwokubva pamipimo yaMwari hwakabvumikiswa nemabasa ahwo kana kuti migumisiro. Munyori David Rice akabvunzurudza vapristi vakawanda kupote nyika pamusoro penhau yekusaroora kwekumanikidzwa. Vamwe vaakataura navo vakati: “Gara muupristi, ita chero zvakanaka zvaunogona, uye nokungwarira shandisa kudisisa kuzviita vanowanika nokuda kwevatano kwevakadzi vakazvipira, vanoyemura.”
Achinokora mashoko aMateo 7:20, Rice anotaura kuti: “‘Saka muchavaziva nezvibereko zvavo’ akadaro Jesu.” Ipapo anotsinhira pamusoro pengwavaira yakaparirwa nekusaroora kwokumanikidzwa: “Zvibereko zvekusaroora kwokumanikidzwa ndizvo zviuru zvevarume vanorarama upenyu huviri, zviuru zvevakadzi zvinorarama upenyu husina maturo, zviuru zvevana zvinorambwa navanababa vavo vechipristi, uyewo vapristi pachavo vakakuvara mundangariro.”
Roorano inoremekedzeka chikomborero chinobva kuna Mwari. Kusaroora kwokumanikidzwa kwapedzisira kwava kunokuvadza mumudzimu. Kusaroora kwokuzvisarudzira, kune rumwe rutivi, kunyange zvazvo kusiri madikanwa nokuda kweutsvene kana kuti ruponeso, kwakabvumikisa kuva nzira youpenyu ine mubayiro uye inogutsa mumudzimu nokuda kwevamwe.—Mateo 19:12.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 28]
Life