Jehovha Anounganidza Ndokushongedzera Vanhu Vake Nokuda Kwebasa
Mumazana ose amakore, kuwa pakutenda kwakanga kwapararira mupasi rose. Mapoka mazhinji amachechi akanga ane dzidziso dzakati kuti dzeBhaibheri asi zvikurukuru aitevera magamuchidzanwa avanhu nemiitiro mizhinji yemviro-mviro dzechiHedheni. Kariro pamsoro pokudzoka kwaKristu dzaiwanzorerutswa.—Enzanisa Mateo 13:24-30, 37-43.
Zvisinei, Jesu akanga ataura kupfuurira kurinda nokuda kwokudzoka kwake! Rimwe boka raiita ikoku rakanga richiwanwa muAllegheny, Pennsylvania, U.S.A. Muma 1870 apakuvamba Charles Taze Russell nedzimwe shamwari dzake vakavamba kwazvo, kufunda kusati kuri kweboka rorudzidziso Bhaibheri pamsoro pokudzoka kwaKristu. Vakavambawo kutsvaka zvokwadi yeBhaibheri pamsoro pedzimwe dzidziso zhinji dzehwaro. Iwawa ndiwo akanga ari mavambo emibato yomuzuva razvino uno yeZvapupu zvaJehovha.—Mateo 24:42.
Iri boka rakasvika pakunzwisisa kuti dzidziso yoUtatu haisati iri yeBhaibheri asi Jehovha oga bedzi ndiye Mwari Wamasimba ose noMusiki; Jesu Kristu ndiye chisikwa Chake chokutanga noMwanakomana akaberekwa ari mumwe oga, uye mudzimu mutsvene hausati uri munhu asi isimba rinobate basa risingaoneki raMwari. Iri boka rakaona kuti mweya hausati uri usingafi asi unofa, kuti tariro yavakafa ndirwo rumuko, uye kuti chirango chavakaipa vasingapfidzi hachisati chiri kutambudzwa kusingagumi asi kuparadzwa.
Kupa kwaJesu upenyu hwake sorudzikinuro nokuda kwavanhu kwakaonwa kuva dzidziso yehwaro yeBhaibheri. Kutanga, varume navakadzi vane 144 000, vakasarudzwa muzana rokutanga ramakore kuburukira kunguva yedu, vaizodzikinurwa kupasi kuti vave vadyi nhaka pamwe chete naKristu muUmambo hwokudenga. Ipapo kupfurikidza norudzikinuro rwaJesu mabhirioni avanhu, vazhinji vaavo vanomutswa, vachasvika kukwana kwohunhu vaine tariro youpenyu husingagumi pasi pano muubati ushe ihwohwo hwoUmambo.
Russell neshamwari dzake vakaonawo kuti kuvapo kwaKristu kwaizova kusingaoneki, mumudzimu. Nguva dzaVamarudzi, iri nhambo iyo uchangamire hwaMwari hwakanga husingaratidzirwi mairi kupfurikidza nehurumende ipi neipi pasi pano, dzaizoguma muna 1914. Ipapo Umambo hwaMwari hwaizogadzwa mudenga. Idzi dzidziso dzinotsauranisa Zvapupu zvaJehovha nhasi.
Russell neshamwari dzake vakazivisa zvokwadi idzi kure nokwakafara kupfurikidza nehurukuro namabhuku. Muna July 1879 Russell akavamba kubudisa Zion’s Watch Tower (zvino yonzi Nharireyomurindi). Iye akarunda kuti mibato yokuparidzira yaVadzidzi veBhaibheri inofanira kutsamira chose chose pamipiro yokuzvidira uye kuti hapana ndiro dzemipiro dzinofanira kufambiswa. Zvakare, shoko rinofanira kuparadzirwa kupfurikidza namabasa asingaripirwi, okuzvidira aavo vaidavira. Russell amene akapira kubva mumitoo yokurarama nayo yaakanga aunganidza mubhizimisi kusvikira panguva iyoyo.
Vadzidzi veBhaibheri vaiungana pamwe chete mumapoka, sokuidzwa kwaiitwa ungano dzavo panguva iyeyo. Vaiungana kusvikira kukatatu pavhiki, nokuda kwehurukuro, kufundwa kwaMagwaro, nemisangano yechipupuriro. Vaigarosarudza varume vanovimbika kuva vakuru vokutarisira mibato yomudzimu yeboka rimwe nerimwe.
Muna 1884 Zion’s Watch Tower Tract Society yakanyoreswa pamutemo kuva sangano risingawani mhindu muPennsylvania. Purezidhendi wesangano rapamutemo aizosarudzwa gore negore. Ikoku kwakagovera chishandiswa chapamutemo, chisati chichitsamira paupenyu hwomunhu upi noupi, kufambisira mberi basa redzidzo yeBhaibheri. Charles T. Russell akasarudzwa kuva prezidhendi, uye hofisi yake yaionekwa sedzimbahwe.
Nhamburiko huru dzakaitwa kufutunurira basa kudzimwe nyika. Rakasvika Canada neEngland mukuvamba kwama 1880. Muna 1891 Russell akaita chakairo yeEurope neMiddle East kundorangarira zvingagona kuitwa kundopfuudzirazve kuparadzirwa kwezvokwadi ikoko. Mukuvamba kwama 1900, hofisi dzamapazu dzeSosaiti dzakagadzwa muBritain, Germany, neAustralia.
Muna 1909 dzimbahwe reWatch Tower Society rakatamisirwa kuBrooklyn, New York, kundopfuurazve kufutunura basa rokuparidzira pamwero wamarudzi ose. Kwakava kuri madikanwa kuumba rimwe sangano pasi pomutemo weHurumende weNew York, iro zvino rozivikanwa seWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc. Muna 1914 International Bible Students Association rakaumbwa muLondon, England, kufambisira mberi mibato yaVadzidzi veBhaibheri muCommonwealth yose yeBritain. Panguva ino masangano namapoka apamutemo ane 70 akaumbwa munyika zhinji kupota nyika ari kubatira madonzo eWatch Tower Society. Ose ndeegarikano yavanhu, achiva anotsigirwa kupfurikidza nemipiro yokuzvidira navashandi vanozvipira.
Muna 1916 Charles Taze Russell akafa, uye Joseph Franklin Rutherford akamutsiva saprezidhendi weWatch Tower Society. Mumakore okupedzisira eHondo yeNyika I, Vadzidzi veBhaibheri vakaedzwa zvakakomba zvikuru nechitambudzo, kuchiguma nokupfigirwa mutorongo kusina kururama kwehama sere dzaibatira munzvimbo dzinomutoro padzimbahwe reSosaiti muAmerica. Basa raVadzidzi veBhaibheri rakaratidzika kuva riri mungozi. Zvisinei, muna 1919 idzi hama dzakasunungurwa uye dzakanunurwa, uye ipapo zvino dzakavamba futunuko yakakura zvikuru yebasa rokuparidzira.
Kupfurikidza nedzimbahwe reSosaiti, mutumbi wakabatana waVadzidzi veBhaibheri vechiKristu vakazodzwa vakapfuurira kugovera zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira nokuda kwavanhu vose vakabatana nesangano. Ungano yamaKristu akazodzwa omuzana rokutanga ramakore zvayaiumba “muranda akatendeka nowakangwara” anodudzwa naJesu, naizvozvowo boka rakazodzwa ravadzidzi veBhaibheri vakazvitsaurira, vanobatikana mubasa roUmambo, rinoumba boka ro“muranda akatendeka nowakangwara” munguva yedu. Pakuuya kwaJesu kuzonzvera unganoyo, iye akawana iri boka kuva rinogovera zvokudya nokuda kwevemhuri yeimbayo; iye ipapo akarigadza pazvinhu zvake zvose.—Mateo 24:45-47; Ruka 12:42.
Nokukurumidza pashure peHondo yeNyika I, kwakasanooneka kuti Umambo hwaMwari hunodzorwa naKristu Jesu hwakanga hwagadzwa mumatenga muna 1914. Naizvozvo mashoko aJesu zvino aigona kuva nokuzadzika kwawo kwakakwana: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.” Joseph F. Rutherford akatanga kuita kuti iri shoko roUmambo riwanikwe kunyange kuchiverengero chikuru chavanhu.—Mateo 24:14.
Nokudaro, Sosaiti yakasarudza kuita kutsikirira kwayo imene ichishandisa vashandi vanozvipira vakanga vari vanhu vakazvitsaurira, nokuda kwokusimbisira kubudiswa kunopfuurira kwamabhuku eBhaibheri pamutengo unobvira wakaderera zvikurusa. Vadzidzi vose veBhaibheri vakakurudzirwa kugaropinda mukuparidzira mashoko akanaka oUmambo. Nhepfenyuro yokutepfenyura hurukuro dzeBhaibheri yakashandiswa muchiverengero chakati chenyika.
Pamberi pa 1918 Vadzidzi veBhaibheri vakanzwisisa kuti donzo ravo mukuparidzira rakanga riri rokuunganidza vakasarira vaavo vakasarudzwa kuva pamwe chete naKristu mudenga uye kunyevera nyika nezvokutonga kunouya kwaMwari. Ngwariro huru haina kupiwa kukuunganidzwa kwaavo vaizopukunyuka mugumo wetsika yakaipa iripoyi kuzorarama pasi pano. Ipapo kubvira muna 1918 zvichienda mberi hurukuro yaiti “Mamirioni Anorarama Zvino Haangatongofi!” yakakurukurwa kwakafara.
Muna 1923 kufundwa kwomufananidzo waJesu wamakwai nembudzi uri pana Mateo 25:31-46 kwakaratidzira kuti pamberi peArmagedhoni vanhu vane ndangariro yakarurama vasati vaizova voUmambo hwokudenga vaizowanawo nyasha dzaMwari uye vaizopukunyuka Armagedhoni. Muna 1935 kumwezve kufunda kwakaratidzira ava vanhu vakafanana namakwai kuva vakabatana neboka guru, risingaverengwi ravanhu vanorondedzerwa pana Zvakazarurwa 7:9-17. Ivava vaizounganidzwa vachibva mumarudzi ose uye kuti vaizova nekariro yokupukunyuka Dambudziko Guru uye vachiwana upenyu husingaperi pasi pano. Uku kunzwisisa kwakapa kukuchidzira kukuru kubasa rokuparidza.—Johane 10:16.
Muna 1931 Vadzidzi veBhaibheri vakagamuchira zita rokuti Zvapupu zvaJehovha. Pamberi paikoku ivo vaizivikanwa saVadzidzi veBhaibheri, Vadzidzi veBhaibheri Vamarudzi Ose, vanhu Vamavambo Amakore Ane Chiuru, navanhu veWatch Tower. Ivo vakatotumidzwa kuti vaRuseri navaRutherford. Kwakanga kwakajeka kuti hapana nerimwe raaya mazita rakavazivisa zvakakodzera. Kunyange zita rokuti muKristu, rakapiwa kuvadzidzi vaJesu negadziriro youmwari muzana rokutanga ramakore, rakanga richishanda chaizvoizvo, rakanga richishandiswawo namapoka mazhinji anotevera dzidziso dzenhema. Kuzvitsauranisa vamene namamirioni amaKristu nezita bedzi, paitofanira kuva nezita raizoratidzira chaizvoizvo vateveri vechokwadi vaKristu muzuva rino.
Kurangarirwa kwaMagwaro kwakajekesa kuti Jehovha zvaakanga aidza Israeri vanhu vake kuti zvapupu zvake, saizvozvowo vanhu vake pamhedziso yetsika yezvinhu, avo vakanga vakazvitsaurira kukuzivisa zita rake nedonzo, vaifanira nomutoo wakarurama kunzi Zvapupu zvaJehovha. Zita irori rakasanotsauranisa vanamati vechokwadi vechiKristu vaJehovha navamwe vose vanokambira kuva vechiKristu nhasi.—Pisarema 83:18; Isaya 43:10-12.
Muna 1942, mukati meHondo yeNyika II, Joseph F. Rutherford akafa, uye Nathan H. Knorr akamutsiva saprezidhendi weWatch Tower Society. Zviporofita zvino zvakaonwa kuve zvairatidzira zvakajeka kuti kwaizova nenhambo yapashure pehondo yorugare norusununguko rwakati kuti rwaizobvumira kufutunurwa kukuru kwebasa rokuparidza pamberi pomugumo wetsika ino. Muna February 1943 Watch Tower Bible School of Gilead yakatangwa kurovedza vashumiri venguva yakazara nokuda kwebasa roufundisi munyika dzokumwe. Gare gare mugore iroro, purogiramu chaiyo yerovedzo youshumiri yakawedzerwa kurudungwe rwemisangano yevhiki nevhiki yeZvapupu zvaJehovha.
Muna 1950 Sosaiti yakavamba kubudisa zvikamu zveNew World Translation of the Holy Scriptures, shanduro yeBhaibheri yechiNgezi chazvino uno yakaitwa kubva mumagwaro omutauro wapakuvamba. Iri Bhaibheri rakashandurwa nomutoo wakarurama, riri nyore kunzwisiswa, rakabudiswa pamutengo wakaderera pazvitsikiririso zveSosaiti, rave riri yamuro huru mubasa rokuparidza. Kusvikira kumusi uno anopfuura makopi ana mamirioni 40 akabudiswa mumitauro 11.
Pakuzosvika pamugumo wa 1985, zvinopfuura Zvapupu zvaJehovha zvina mamirioni matatu zvaipinda mubasa rokuparidza mudzinopfuura nyika dzine 200 nezvitsuwa zvegungwa. Nokuda kweChirangaridzo chorufu rwaKristu, musangano une chiverengero chikurusa chavapindi kupinda upi noupi wakamboitwa muungano dzazvo dzine 49 716 muna 1985, hwerengedzo yavanhu vane 7 792 109 vaivapo.
Kuti Mwari ari kushandisa zvomenemene Zvapupu zvaJehovha kunoonwa mukupfuurira kwazvo kuramba zvichishingaira mubasa rake, muchinzwano chazvo chenyika yose, mukushingaira kwazvo nokuda kwokutsigira zita raJehovha nokuparidzira Umambo hwake, mumipimo yazvo yakachena yetsika, mukugamuchira kwazvo Bhaibheri rose seShoko raMwari risingakanganisi, nomukuparadzana kwazvo nokudavira mashura nokutaura nemidzimu.
Zvikamu zvinotevera zvinoratidzira kubetserekana kwaunogona kuita nokudzorerwa kwokunamatwa kwechokwadi kwaMwari.
• Idzidzisoi dzehwaro dzeBhaibheri dzakatsauranisa Vadzidzi veBhaibheri namapoka amachechi?
• Ndizvinoitikai zvesangano zvakaonwa naVadzidzi veBhaibheri kusvikira kuna 1918?
• Kunogona sei kutaurwa kuti boka ravadzidzi veBhaibheri vakazodzwa rakaumbwa no“muranda akatendeka nowakangwara” waMateo 24:45-47?
• Kunzwisiswai kwedonzo raMwari kwakapa kuchidziro huru kukufutunura basa rokuparidza?
• Ko zita rokuti Zvapupu zvaJehovha rinobatira donzoi?
• Ndohupi ufakazi hwokuti Mwari ari kushandisa zvomenemene Zvapupu zvaJehovha?
[Mifananidzo iri papeji 8]
C. T. Russell muna 1879
Chinyorwa chaJuly 1879
Boka Rapakuvamba raVadzidzi veBhaibheri, Pittsburgh, Pa.
[Mifananidzo iri papeji 9]
Dzimbahwe, 1889-1909, Pittsburgh, Pa.
Hofisi huru, 1909-1918, Brooklyn, N.Y.
Nzvimbo yokugara yedzimbahwe kubvira muna 1909-1926, Brooklyn, N.Y.
[Mifananidzo iri papeji 10]
Dzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha, Brooklyn, New York, U.S.A.
Pamusoro nechekuruboshwe: Makamuri akawanda amahofisi
Pamusoro nechokurudyi: Zvivako zvedzimba dzokugara
Pasi nechokuruboshwe: Makamuri akawanda efekitari
Pasi nechokurudyi: Nzvimbo yokutumira mabhuku
[Mifananidzo iri papeji 11]
Kutepfenyura munhepfenyuro kwakaitwa naJ. F. Rutherford
Muchina wokutsikirira wokutanga weWatchtower Society, waishandiswa navashandi vanozvipira
Bhaibheri reNew World Translation, zvino robudiswa mumitauro 11