Vashumiri Venguva Yakazara Vanotungamirira Basa Rokuparidzira
Zvimwe mumwe wokutanga weZvapupu zvaJehovha akakushanyira akanga ari mushumiri wenguva yakazara ari piona kana kuti mufundisi. Zvapupu zvaJehovha zvazvisingavi noushumiri hunoripirwa, ungave wakashamisika kuti ava vanhu vanogona sei kubatikana muushumiri hwenguva yakazara?
Vose veZvapupu zvaJehovha vakazvitsaurira navakabhapatidzwa vashumiri, asi chiverengero chikuru zvikuru chine mhuri kana kuti mimwe misengwa inovadzivisa kupira anopfuura maawa mashomanene pavhiki muushumiri hwavo. Zvisinei, zviuru zveZvapupu munyika yose zvakaderedza mupimo wazvo wokurarama nawo kuti zvigone kuripira ndyiko dzazvo dzakatapudzwa kupfurikidza nebasa renguva shoma uye ipapo ndokupira maawa 1 000 kana kuti anopfuura pagore muushumiri.
Chokwadi, vashumiri venguva yakazara vari mapiona havasati vane mari zhinji yokupedzera pavari vamene, asi kwavari iyoyi ndiyo nzira yokutanga kutsvaka Umambo hwaMwari. Uye vanowana zvikomborero zvizhinji. Kungova bedzi vanokwanisa kutaura kuvamwe pamsoro peShoko raMwari nokuda kwamaawa 90 kana kuti anopfuura pamwedzi ndichinoitika chakaisvonaka machiri chimene. Mushumiri wenguva yakazara anovandudza unyanzvi hwake muushumiri uyewo ane nguva yokudzokerera pafariro nomutoo wakakodzera. Ikoku kunoparira miuyo inokurudzira zvikuru. Vane zvavanoda mune zvokunyama, uyewo vanoonga zvikuru kwazvo zvavanazvo.—Mateo 6:33.
Muna February 1943, Watch Tower Society yakagadza Watchtower Bible School of Gilead. Donzo rakanga riri rokurovedza vashumiri venguva yakazara vari mapiona vano ruzivo rwokuzviwanira kuti vashumire savafundisi munyika dzokumwe. Fundo yemwedzi mishanu inoumbwa nokufundwa kwokufungisisa kweBhaibheri, nhau yeBhaibheri, sangano raJehovha, nemisoro ine chokuita nokugadzirira basa mumunda wokumwe.
Sosaiti inoripira zvokufambisa kuenda kumugove woufundisi uye inogovera zvokudya zvakaisvonaka nedzimba dzino mwero dzokugara mumisha yavafundisi. Inogovera mufundisi mumwe nomumwe mvumiro shoma nokuda kwendyiko dzomumwe nomumwe. Vafundisi vanoita majanha avo mukushandiswa kwomushawo kupfurikidza nokutenga, kugadzirira zvokudya, nokuchenesa. Nouku kutarisira kuno mwero vafundisi vanokwanisa kupira maawa anenge 140 pamwedzi kukuparidza paimba neimba nokuitisa fundo dzeBhaibheri kuvanhu vanofarira.
Vazhinji vaava vafundisi vanogoverwa zviuru zvamamaira kure nomusha nemhuri. Ivo vaitofanira kuchinjira kumupimo wakasiana wokurarama netsika, kumiitiro mitsva yokudya, kumugariro wokunze wakasiana, nokukutaura mumwe mutauro. Ivo vari kuita iri basa nokuti vanoda vanhu uye vane chishuvo chakasimba chokuvabetsera kudzidza pamsoro poUmambo hwaMwari.
Kubvira muna 1943 kusvikira muna 1985, Watchtower Bible School of Gilead yakaitisa mapoka ane 80 uye yakatumira vafundisi vanopfuura 6 000. Mukutarisira kweSosaiti, ivava vakatungamirira kufutunuka kwedzidzo yeBhaibheri muAfrica yose, Pakati nokuMaodzanyemba kweAmerica, kuMabvazuva, nokuMaodzanyemba kwePacific, uye vakaita zvakawanda muEurope.
Kunyange Zvapupu zvaJehovha zvichipinda muushumiri hwenguva yakazara samapiona kana kuti savafundisi kana kuti nguva isina kuzara, zvinobatira pasina mhindu yemari. Zviri kushandisa nguva yazvo zvimene nemari, uye izvo zvimene, kubetsera vamwe kuwana zivo inotungamirira kuupenyu husingaperi.—Johane 17:3.
• Vamwe veZvapupu zvaJehovha vanokwanisa sei kupira nguva yakazara kuushumiri, uye nei zvichiita ikoku?
• Vashumiri vanorovedzwa sei nokuda kwebasa roufundisi?
• Vafundisi vanotsigirwa sei mumugove wavo wokumwe?
[Mifananidzo iri papeji 22]
Nechokuruboshwe: Kamuri reboka reChikoro cheGireadhi, Brooklyn, N.Y., U.S.A.
Kurudyi: Mufundisi achidzidzisa Shoko raMwari muPapua New Guinea
[Mufananidzo uri papeji 23]
Vashumiri vari mapiona navafundisi vachiparidza Shoko raMwari munyika dzakasiana-siana
Brazil
Dominican Republic
Spain
Sierra Leone, Africa