Ganhuro 5
Chirevo Chinobatanidza Iwe
1. Neiko vanhu vakakuona kwakaoma kunzwisisa chikonzero nei Mwari akabvumidza ushati pakati pavanhu?
PASINEI HAPO nechishuvo chavose chorugare nokuchengeteka, nhau yomunhu yakashatswa nokuteurwa kweropa nekuvadziko. Bhaibheri zvarinoratidzira kuti Mwari anovenga zvinhu zvakadaro, neiko iye asina kugumisa migariro iyoyi nguva ino isati yasvika? Zvamazvirokwazvo hakungagoni kuva nokuda kwokushaikwa kwokufarira. Bhaibheri, uyewo runako rwebasa rapasi raMwari, zvinopa ufakazi hwakawanda hwokuda kwake nokuitira hanya vanhu. (1 Johane 4:8) Nomutoo unokosha zvikuru, kukudzwa kwezita raMwari amene kunobatanidzwa, migariro iyeyo zvayakaparira vanhu kumuzvidza. Chikonzeroiko chingavapo, ipapoka, nokuda kwokushivirira kwake zviuru zvamakore zvokusaterama namasimba masimba?
2. (a) Ndapapi muBhaibheri patinowana chikonzero nei Mwari akabvumidza migariro yakashata kwenguva refu kudai? (b) Chii chinoita kuti kuoneke kuti nhauro yeBhaibheri pamsoro paAdhama naEvha iidi renhau?
2 Mhinduro yacho inowanwa munhauro yokutanga yeBhaibheri inoreva nezvaAdhama naEvha. Iyi haisati ichingovawo zvayo ngano. Iidi renhau. Bhaibheri rinogovera chinyorwa chakakwana, chinopa ufakazi hwedzinza kuvambira muzana rokutanga ramakore reNguva yaVose kusvikira shure kuvanhu vokutanga. (Ruka 3:23-38; Genesi 5:1-32; 11:10-32) Savakare vedu vokutanga, Adhama naEvha vakava netapuro chaiyoiyo patiri. Uye izvo Bhaibheri rinotizivisa pamsoro pavo zvinotibetsera kunzwisisa migariro inotapura upenyu hwedu nhasi.
3. Ko Mwari akaitira vanhu pakutanga rudzii rwegadziriro?
3 Bhaibheri rinozivisa kuti gadziriro dzose dzaMwari nokuda kwavaviri vokutanga vohunhu dzakanga dzakanaka. Ivo vakanga vane chinhu chiri chose nokuda kwoupenyu hunofadza—musha wakaita sebindu muEdheni, mhatsa dzakawanda dzezvokudya, basa rinogutsa, kariro yokuona mhuri yavo ichiwedzera ndokuzadza pasi, nechikomborero choMusiki wavo. (Genesi 1:28, 29; 2:8, 9, 15) Ko ndiani hake nenzira ino mufungo aigona kukumbira nokuda kwezvimwe?
4. (a) Pakusikwa kwavo, vanhu vakanga vakasiana nezvimwe zvisikwa zvapasi munzirai? (b) Ko nhungamiro yakagoverwa kwavari yakanga ichidikanwa munzirai?
4 Chinyorwa chakafuridzirwa chiri muna Genesi chinozivisa kuti vanhu vaiva nenzvimbo inoisvokosha pasi pano. Mukusafanana nemhuka, ivo vakanga vane pfungwa yeperero uye vakapiwa rusununguko rwokuzvisarudzira. Ndokusaka ivo vakanga vakashongedzwa namasimba okurangarira nokusarudza. Kuti agovatungamirira, Mwari akaisa mumurume nomumukadzi simba rehana kuti, savanhu vakakwana, murangariro wavo wenguva dzose ugova wakanangidzirwa kune chakanaka. (VaRoma 2:15) Kunze kwaikoku kwose, Mwari akavaudza chikonzero nei vaiva vapenyu, chavaizoita, nouyo akanga agovera zvinhu zvose zvakaisvonaka zvakavapota. (Genesi 1:28-30) Ko zvino, tinotsanangura sei chikonzero nei migariro yakashata yakadaro iripo zvino?
5. (a) Ko Mwari akagadza nokuda kwavaviri vokutanga vohunhu chinodikanwai chakapfava, uye nokuda kwechikonzeroi? (b) Neiko kariro dzavo dzoupenyu nokuda kwenguva yemberi dzaibatanidzwa nomutoo wakarurama?
5 Chinyorwa chaMagwaro chinoratidzira kuti chirevo chakamuka—icho chinobatanidza mumwe nomumwe wedu nhasi. Chakaparirwa nemigariro yakakudziridzika isati iri nguva refu pashure pokusikwa kwavaviri vokutanga vohunhu. Mwari akapa murume nomukadzi banza rokuratidzira kuonga kworudo Mwari wavo kupfurikidza nokuteerera chinodikanwa. Chinodikanwa chacho chakanga chisati chiri chimwe chinhu chaizoratidzira kuti ivo vakanga vane mirangariro yakashata yaitofanira kudziviswa. Kunze kwezvo chaibatanidza chimwe chinhu icho machiri chimene chakanga chiri chenguva dzose uye chakafanira—kudya zvokudya. Sokuudza kwakaita Mwari munhu, kuti: “Ungadya hako pamuti uri wose womubindu kusvikira pakuguta. Asi kana uri muti wokuziva chakanaka nechiri chakashata iwe hausati uchifanira kudya pauri, nokuti muzuva raunodya pauri uchafa zvamazvirokwazvo.” (Genesi 2:16, 17) Ichi chinodikanwa hachina kunyima vaviri vokutanga chinhu chipi nechipi chiri madikanwa nokuda kwoupenyu. Vaigona kudya pamimwe miti yose yomubindu. Asi kariro dzavo dzoupenyu nokuda kwenguva yemberi dzakanga dzichibatanidzwa chaizvoizvo, uye kwaidaro nomutoo wakarurama. Neiko? Nokuti Uyo akakumbira kuteererwa akanga ari Manyuko amene noMutsigiri woupenyu hwohunhu.
6. (a) Vabereki vedu vokutanga vaigona kudai vakararama nokusingaperi kudai ivo vakanga vaita mutsinhirano nezvokwadii yehwaro pamusoro poubati ushe? (b) Neiko vaifanira kuva vainzwa vachikuchidzirwa kuteerera Mwari?
6 Donzo raMwari rakanga risati riri rokuti vanhu vafe. Hapana kududzwa kworufu kwakaitwa kuna Adhama naEvha kunze bedzi nokuda kwokusateerera. Vabereki vedu vokutanga vakanga vane kariro yokurarama nokusingaperi pamberi pavo mumusha wavo une rugare, wakafanana nomunhanga. Kuti vagowana ikoko, chii chakanga chichidikanwa kwavari? Ivo vaitofanira kuziva kuti pasi iro ivo vakanga vachigara pariri rakanga riri roUyo akariita, uye kuti, soMusiki, pamaruramiro Mwari ane chiremera pamsoro pechisiko chake. (Pisarema 24:1, 10) Zvamazvirokwazvo Iyeyu, uyo akanga apa munhu chinhu chiri chose chaaida, kubatanidza noupenyu humene, aifanirwa nokuteererwa pachinhu chipi nechipi chaaivakumbira. Zvisinei, iye haana kuda kuti kuteerera ikoko kuve kunogombedzerwa. Panzvimbo pakwo, kwaifanira kuva kunobva pamwoyo inodisisa, inokuchidzirwa norudo. (1 Johane 5:3) Asika vabereki vedu vokutanga vohunhu vakakundikana kuratidzira rudo rwakadaro. Ko ikoku kwakaitika sei?
Mavambo Okushorwa Kwoubati Ushe Hwoumwari
7. (a) Mukuwirirana neBhaibheri, ko kushorwa kwoubati ushe hwaMwari kwakavamba kupi? (b) Neiko kuri kuno mufungo kudavira nzvimbo yomudzimu?
7 Bhaibheri rinoratidzira kuti kushorwa kwoubati ushe hwaMwari kwakatanga kuvamba, pasati pari pasi pano, asi munzvimbo isingaoneki nameso ohunhu. Ko isu, savazhinji, tinofanira kupanikira kuti nzvimbo yakadaro iriko nemhaka bedzi yokuti isu hatigoni kuiona here? Eya, simba rinokwevera zvinhu pasi harigoni kuonwa, ndozvinoitawo mhepo. Asika mishando yazvo inogona kuonwa chaizvoizvo. Saizvozvowo, mishando yenzvimbo isingaoneki inogona kucherekedzwa. Kunyange zvazvo “Mwari ari Mudzimu,” mabasa ake okusika anogona kuonwa akatipota pose pose. Kana tichimudavira, tinogombedzerwa kudavira nzvimbo yomudzimu. (Johane 4:24; VaRoma 1:20) Asika munhu upi noupiwo zvake anogara munzvimbo iyoyo here?
8. Ko ngirozi vanhu vorudzii?
8 Mukuwirirana neBhaibheri, mamirioni evanhu vomudzimu, ngirozi, vakaitwa kuti vavepo pamberi pomunhu. (Jobho 38:4, 7; Pisarema 103:20; Dhanieri 7:10) Ivava vose vakasikwa vakakwana, vasina mirangariro yakashata. Asika, sechisiko chapashure chaMwari, munhu, ivo vakapiwa rusununguko rwokusarudza. Naizvozvo ivo vaigona kusarudza nzira yokutendeseka kana kuti yokusatendeseka kuna Mwari.
9, 10. (a) Ko kunobvirira sei chisikwa chakakwana chomudzimu kunzwa chichikombamira kukuita chisinokururama? (b) Naizvozvo, ko imwe yengirozi yakazova sei Satani?
9 Asika mubvunzo unobvunzwa navazhinji ndouyu: Ko, sezvisikwa zvakakwana, vapi navapi vavo vaigona sei kunyange kunzwa vakakombamira kukuita chisina kururama? Eya, kazhinji kangani muupenyu hwedu timene kanomuka migariro inonangana nesu ine bviro dzakasiana-siana—mimwe yakanaka, mimwe yakashata? Kuva noungwaru mukucherekedza bviro dzakashata hakusati kuchingoerekana kwatiita vakashata, kunodaro here? Mubvunzo chaiwoiwo ndouyu: Ko isu tichagadza ndangariro yedu nomwoyo wedu panzira ipi? Kana tikanangidzira pamifungo inokuvadza, tingapinzwa mukukudziridza chishuvo chisinokururama mumwoyo yedu. Chishuwo chakadaro chingatikuchidzira pakupedzisira kuita zviito zvisina kururama. Iyi nhevedzano yezvinoitika zvinoparadza yakarondedzerwa nomunyori weBhaibheri Jakobho: “Munhu mumwe nomumwe anoedzwa kupfurikidza nokupesvedzerwa ndokunyengerwa noruchiva rwake amene. Ipapo ruchiva, parunenge rwakura, rwunobereka chivi; chiviwo, pachinenge chaitwa, chinobereka rufu.”—Jakobho 1:14, 15.
10 Magwaro anozivisa kuti ikoku kwakaitika kuno mumwe wavanakomana vomudzimu vaMwari. Iye akanyengedzwa nokuchiva kwake amene. Akaona bviro muchisiko chavanhu chaMwari. Ko ivo vaigona kuzviisa pasi pake panzvimbo pokwaMwari here? Sezvinooneka iye akavamba kuchiva unenge mugove mukunamatwa kuri kwaMwari. (Ruka 4:5-8) Achibatira pakuchiva kwake, iye akava mushori waMwari. Nokuda kwechikonzero ichocho iye anotaurwa nezvake muBhaibheri kuva Satani, uko kunoreva kuti Mushori.—Jobho 1:6.
11. Hwaroi hwakanaka huripo hwokudavira kuti Satani aripo zvomenene?
11 Muzana rino ramakore rokudavira zvinooneka rechi 20, kudavira munhu womudzimu akadai saSatani hakusati kwakakurumbira. Asi, ipapoka, ko kufunga kwakakurumbira kwakambova nhungamiro yechokwadi yezvokwadi here? Pakati paavo vanofunda hosha kwaichimbova kusina kukurumbira kudavira kuti utachiona husingaoneki hwaiva hwechokwadi. Asika zvino simba rahwo rinosanozivikanwa. Zvamazvirokwazvo, ipapoka, kusava nomukurumbira kwechimwe chinhu hakusati kuchireva kuti chinogona hacho kufuratirwa. Jesu Kristu amene akanga abva munzvimbo yomudzimu nokudaro aigona kutaura nechiremera pamsoro poupenyu ikoko. Iye akazivisa chaizvoizvo Satani kuva munhu akashata womudzimu. (Johane 8:23; Ruka 13:16; 22:31) Kunobvira kunzwisisa matangire akaita migariro yakashata papasi rino kupfurikidza bedzi nokurangarira kuvapo kwouyu muvengi womudzimu.
12. Ko Satani akakurukura sei nomukadzi Evha, uye neiko nenzira iyeyo?
12 Chinyorwa chakafuridzirwa, chiri muna Genesi ganhuro 3, chinorondedzera mavambire akaita Satani kugutsa chishuvo chake chisina kururama. Mubindu reEdheni iye akasvika mukadzi Evha nomutoo wokuvanza kuzivikanwa kwake chaikoiko. Akashandisa mhuka yaiwanzoonwa navaviri vohunhu—nyoka. Sezvinooneka achishandisa chataizoidza kuti mashiripiti, akakuita kuti kuratidzike sokunge kuti mashoko ake aibuda mune ichi chisikwa. Mutoo wacho wokuchenjera womusikirwo wakasanokodzerana nomufungo uyo Satani akanga achida kuita.—Genesi 3:1; Zvakazarurwa 12:9.
13. Ko Satani akatii kuna Evha, uye nevavariroi inooneka?
13 Panzvimbo pokuita kukumbira kwakananga kwokuti mukadzi avimbe naye somubati ushe wake, Satani akatanga kutsvaka kudyara panikiro mundangariro make, achibvunza, kuti: “Ko ndizvo chaizvoizvo here kuti Mwari akati imi hamuzati muchifanira kudya pamuti uri wose womubindu?” Chaizvoizvo, iye akanga achitaura, kuti: ‘Kunonzwisa urombo kuti Mwari akati imi hamungadyi pamiti yose yomubindu.’ Kupfurikidza naikoku iye akaratidzira kuti Mwari zvimwe akanga achinyima chimwe chinhu chakanaka. Evha akapindura kupfurikidza nokunokora mashoko kurambidza kwaMwari, uko kwaibatanidza muti mumwe bedzi, uyewo kutaura kuti chirango chokusateerera chakanga chiri rufu. Pana ikoko, Satani akatamburira kusekesa kuremekedza kwake mutemo waMwari, achiti: “Zvamzvirokwazvo imi hamusati muchizofa. Nokuti Mwari anoziva kuti muzuva rimene rokuudya kwenyu meso enyu achasvinudzwa uye imi muchava vakafanana naMwari, muchiziva chakanaka nechakashata.” (Genesi 3:1-5) Wanangana nomugariro wakadaro, waizodai wakaita sei?
14. (a) Ko nei Evha akava nyajambwa kuna Satani? (b) Ko Adhama akaitei?
14 Evha akazvibvumidza amene kuva anonyengedzwa noruchiva rwamakaro. Iye akadya icho Mwari akanga arambidza. Pashure pacho, mukukuchidzira kwake, murume wake Adhama akadyawo. Iye akasarudza kugoverana naye panzvimbo poMusiki wake. (Genesi 3:6; 1 Timotio 2:14) Chii chakava muuyo?
15. Naizvozvo, ipapoka, chii chinoparira utsotsi namasimba masimba, uye hosha norufu, zvakaratidzira kuvapo kwomunhu?
15 Mhuri yose yohunhu yakapinzwa muchivi nokusakwana. Zvino Adhama naEvha havati vaigona kupfuudzira kuvana vavo kukwana kwavaichimbova nako. Kungofanana nezvitina zvinobva muforoma ine munembo zvose zvinokanyirwa mairi zvinova nomunembo mumwe chetewo, naizvozvo vana vavo vose vakaberekerwa muchivi, vane kombamiro yakagarwa nhaka yamakaro. (Genesi 8:21) Iyi kombamiro, yakaregwa isingadziviswi, yakaparira ushati hwakabvisa rugare nokuchengeteka pavanhu. Ndikoku kugarwa nhaka kwechivi kwakaparirawo hosha norufu.—VaRoma 5:12.
Chirevo Chakamutswa
16, 17. (a) Kunzwisisa chikonzero nei Mwari akashivirira uyu mugariro kwenguva refu kudai, chii chatinofanira kuonga? (b) Chii chaizvoizvo chiri chirevo chakamutswa?
16 Mukubetserwa naaya maidi, ndangariro dzedu dzinodzokera kumubvunzo wechikonzero nei Mwari akashivirira uyu mugariro, achiubvumidza hake kukudziridzika kusvikira kutambanuko yawakasvika. Kuri nokuda kwechirevo chakakomba chakamutswa nomuuyo wacho pachisiko chose chapose pose. Kwakadaro sei ikoko?
17 Kupfurikidza nokupokanidza kwake kwokuti mutemo waMwari wakapiwa Adhama naEvha wakanga usina kunaka nokuda kwavo uye kupfurikidza nokuramba muuyo wakataurwa naMwari nokuda kwokusateerera, Satani akanga achipanikira ubati ushe hwaMwari. Aiwa, iye haana kupanikira idi rokuti Mwari mubati ushe. Panzvimbo pakwo, chirevo icho Satani akamutsa chaiva maruramiro oubati ushe hwaJehovha, uchangamire Hwake, nokururama kwenzira Dzake. Nomutoo wokunyengera, Satani akapokanidza kuti vanhu vaizoita zviri nani kupfurikidza nokuita nomutoo wokuzvimirira, vachiita zvisarudzo zvavo vamene panokuzviisa pasi penhungamiro yaMwari. (Genesi 3:4, 5) Zvisinei, zvamazvirokwazvo kupfurikidza nokuita kudaro ivo vaizove vachitevera kutungamirira kwomuvengi waMwari.
18. (a) Ndichimwei chirevo chakabatanidzwa, uye ichochi chinoratidzirwa papi muBhaibheri? (b) Ko ichi chirevo chinotibatanidza sei?
18 Chimwe chirevo chakabatanidzwa. Izvi zvisikwa zvaMwari zvazvakamupandukira imomo muEdheni, ko zvimwe zvaizoitei? Gare gare, mumazuva omunhu Jobho, Satani akapomera nomutoo uri pamhene kuti avo vanobatira Jehovha vaiita kudaro, kusati kuri nokuda kwokuda Mwari noubati ushe hwake, asi nomutoo woudyire, nokuti Mwari anogovera chinhu chiri chose nokuda kwavo. Satani akaratidzira kuti hakuna munhu akadzvinyirirwa aizotsigira nomutoo wokuvimbika uchangamire hwaJehovha. Naizvozvo kuvimbika nokuteerera kwechisikwa chiri chose chakangwara chiri mudenga napasi pano zvakapanikirwa. Nokudaro chirevo chinokubatanidza.—Jobho 1:8-12; 2:4, 5.
19, 20. Kupfurikidza nokusaparadza vapanduki pakarepo, Jehovha Mwari akapa zvisikwa zvake banzai, zvose zviri zviviri zvomudzimu nezvohunhu?
19 Anangana nokupokanidza kwakadaro, Jehovha aizoiteiko? Iye nomutoo uri nyore aigona kudai akaparadza Satani naAdhama naEvha. Ikoku kwaizodai kwakaratidzira simba rouchangamire hwaJehovha. Asika kwaizodai kwakapindura mibvunzo yakamutswa nguva iyeyo mundangariro dzezvisikwa zvose zvaMwari zvakanga zvacherekedza zvinoitika izvozvo here? Rugare rusingagumi nokuchengeteka kwechisiko chapose pose kwaida kuti mibvunzo igogadzikiswa chose chose, zvokusatongozovapozve. Kunze kwaikoko, kuperera nokuvimbika kwechisiko chose chakangwara chaMwari kwakanga kwapanikirwa. Kana ivo vaimuda, ivo vaizozvipindurira vamene kupomera ikoko kwenhema. Jehovha akavapa banza rokuita izvozvo chaizvoizvo. Uyewo, kupfurikidza nokubvumira Adhama naEvha kubereka vana (kunyange zvazvo vasina kukwana), Mwari aizodzivisa kutsakatika kwemhuri yohunhu—mhuri iyo yakazobatanidza isu tose vapenyu nhasi. Ikoku kwaizopa ava vazukuru banza rokuzvisarudzira vamene kana ivo vaizoteerera ubati ushe hwoumwari. Chisarudzo ichocho ndicho icho zvino chakanangana newe!
20 Naizvozvo, panzvimbo pokuita chirango chorufu pakarepo, Jehovha akabvumira ava vanopandukira kuramba varipo kwenguva yakati kuti. Adhama naEvha vakadzingwa muEdheni, kundofa makore ane chiuru asati apfuura. (Genesi 5:5; enzanisa Genesi 2:17 na 2 Peter 3:8.) Satani aizoparadzwawo munguva yakafanira, sokunge kuti iye aiva nyoka ino musoro wakapwanywa.—Genesi 3:15; VaRoma 16:20.
Chakaziviswa Nokupfuura Kwenguva
21, 22. (a) Kana huri ubati ushe, Satani navanhu vave vachiitei mukati menguva yakabvumirwa naMwari? (b) Ko nhau yohunhu inoratidzirei pamsoro pehurumende dzinotamburira kufuratira Mwari?
21 Chii chakaparirwa nokupanikirwa kwamaruramiro oubati ushe hwaMwari? Ko munhu akazvibetsera amene kupfurikidza nokutamburira kudzora zvinhu zvake amene here? Vanhu vakabvumidzwa kuedza rudzi rwuri rwose rwunofungika rwehurumende. Jehovha haana kunyanyokurumidza zvikuru kugumisa nhamburiko dzomunhu kuti miuyo yakakwana ive inooneka. Kunyange zana ramakore rakapfuura raizova kunyanyokurumidza. Munhu akanga achangobva kupinda mu“zera roruzivo rwokugadzirwa kwezvinhu” uye akanga achivamba bedzi kuita kukambira kukuru pamsoro pechaaizoita.
22 Asika rimwe zana ramakore rinodikanwa here kuona chichava muuyo wenzira yomunhu yokuzvimirira asina Mwari? Kunyange vanhu vakatanhamara vari muhurumende nesayenzi vanobvuma kuti pasi ranangana nengozi hurusa yokuparadzwa. Zvamazvirokwazvo Mwari haasati achida kubvumidza kuparadzwa kwachose chose kuti agobvumikisa kukundikana kwachose chose kwoubati ushe hwokuzvimirira hwomunhu. Kupfurikidza nechipupuriro chamakore ane zviuru zvitanhatu chinopupurira chinoitika apo hurumende inofuratira Mwari, hakungatongogoni kutaurwa kuti kwakanga kusina nguva yakaringanira yokukwanisa ubati ushe hwohunhu. Maidi anoratidzira kuti hakuna hurumende yakazvimirira isina Mwari ingagona kuunza rugare chairwoirwo nokuchengeteka nokuda kwavanhu vose.
23. Chii chichakurumidza kuitika icho chichakura nzira youbati ushe hwakarurama hwapasi hunodzorwa noMwanakomana waMwari?
23 Sezvatichaona gare gare, kare kare pachine nguva mberi uye kupfurikidza nokuchengeta nguva kwakakwana Jehovha Mwari akaratidzira chizvarwa chakati kuti chaizomuona achichenura pachisiko chapose pose kupandukira kwose ubati ushe hwake hwoumwari. Havasati vachingova bedzi vanhu vakaipa vachaparadzwa asi Satani namadhemoni ake vachapfigirwa mugomba rakadzika-dzika, vasingakwanisi kupesvedzera zvinhu zvavanhu kana kuti zvimwe ngirozi. Ikoku kuzarura nzira nokuda kwoubati ushe hwakarurama hwapasi hunodzorwa nehurumende yoMwanakomana waMwari. Mukati menhambo yamakore ane chiuru, hurumende iyoyo ichabvisa kuvadziko yose yakavigirwa nezviuru zvamakore zvoubati ushe hwoudyire hwomunhu. Ichadzorera pasi rino kurunako rweparadhiso ndokudzorera vanhu vanoteerera kukukwana kwaifarikanywa muEdheni.—Zvakazarurwa 20:1, 2; 21:1-5; 1 VaKorinte 15:25, 26.
24. (a) Nei Satani namadhemoni ake vachisunungurwa pakupera kwechiuru chamakore? (b) Chii chichava muuyo wacho?
24 Bhaibheri rinorondedzera kuti pakuguma kwoubati ushe ihwohwo hwechiuru chamakore Satani namadhemoni ake vachasunungurwa mukuganhurirwa kwavo kwenguva pfupi. Neiko? Kuti avo vanorarama panguva iyeyo vagova nebanza rokuzviratidzira vamene kuva vakavimbika kuubati ushe hwouchangamire hwaJehovha. Zviverengero zvisingaverengeki zvichave zvamuka murumuko. Kuvazhinji vavo irori richava banza ravo rokutanga rokuratidzira kuda kwavo Mwari mukuedzwa. Chirevo chichava chakafanana neicho chakamutswa muEdheni—kana ivo vachizotsigira uchangamire hwaJehovha kupfurikidza nokuteerera kwokutendeka. Jehovha anoda bedzi bedzi avo vano rudo rwavo rwunokuchidzira kuvimbika kwakadaro savadzorwi vake. Avo vanoda havo kutsigira muvengi waMwari namadhemoni ake mukuedza kupi nokupi ivava vanoita kuvhiringidzazve rugare rwechisiko chapose pose chaMwari vachava vakasununguka kuita chisarudzo ichocho. Asika kupfurikidza nokuramba nenzira iyeyo hurumende inodzorwa naMwari, ivo vachafanirwa nokuparadzwa. Uye nguva ino kuchakurumidza kusvika, sokunge kuti kupfurikidza nomwoto unobva kudenga. Vapanduki vose, vomudzimu navohunhu, vachave vaparara zvokusazotongovapozve.—Zvakazarurwa 20:7-10.
25, 26. Ko kubata kwaJehovha nezvinhu kwakabatira sei zvomenene nokuda kwokubetserwa kwomumwe nomumwe wedu?
25 Chokwadi, kwezviuru zvamakore vanhu vakatambura zvikuru. Asi ikoku kwakanga kuri nokuda kwechisarudzo chavabereki vedu vokutanga, kwete chaMwari. Mwari akatsungirira ruzvidzo uye akaregerera zvinhu zvinonyangadza kwaari kwenguva iyoyi yose. Asi Mwari, uyo ‘makore ane chiuru ari sezuva rimwe’ anorangarira zvinhu kwenguva refu, uye ikoku kunobatira kubetserwa kwezvisikwa zvake. Sokunyora kunoita muapostora akafuridzirwa, kuti: “Jehovha haasati achinonoka pamsoro pechipikirwa chake, sezvo vamwe vanhu vachikurangarira kuva kunonoka, asi iye anokushivirai nokuti iye haasati achishuwa kuti upi noupi agoparadzwa asi anoshuva kuti vose vasvike pakupfidza.” (2 Petro 3:8, 9) Kudai kwave kusati kuri nokuda kwokushivira kwaMwari nomwoyo murefu, hakuna nomumwe wedu aizodai akava nebanza ripi neripi nokuda kworuponeso.
26 Zvisinei, hatizati hedu tichifanira kutaura kuti mukati mamakore ane zviuru zvitanhatu akapfuura rutivi rwaMwari rwanguve harwo rwusingaiti chinhu. Aiwa, iye ave asati achingoshivirira bedzi uipi, achimirira nguva yake uye asingaiti chiito iye amene. Sezvatichaona, maidi anoratidzira kupesana chaikoiko.
[Mufananidzo uri papeji 51]
Satani akapokanidza kuti mukuedzwa vanhu vose vaizoputsa kuperera ndokuita mukuzvimirira vasina Mwari