Nguva Yemberi Yakachengeteka—Mawanire Aunogona Kuiita
1. Rudzii rwechengeteko rwaungada nokuda kwako umene navadiwa vako?
VANHU vemifambiro yose youpenyu vane chishuvo chaichoicho chechengeteko. Zvamazvirokwazvo iyeyo ndiyo yaunoda nokuda kwako umene navadiwa vako. Vanhu vazhinjisa vanoda zvinopfuura bedzi chipikirwa chemigariro iri nane ichasvika pane imwe nguva isingazivikanwi, yemberi. Kune zvinetso zvekurumidziro zvoupenyu zvinonangana nesu iko zvino. Chinodikanwa ndicho chimwe chinhu chinogovera chengeteko yechokwadi zvino uye chicharamba chichiita kudaro mumakore anouya. Chengeteko yakadaro inobvira here?
2. (a) Bhaibheri rinotii, pana Isaya 32:17, 18, pamusoro pechengeteko? (b) Migariro yakadaro inokufadza here?
2 Kune vanhu vamadzinza ose, vanogara mumativi ose apasi, vanodavira kuti inobvira. Chengeteko inovafadza yakarondedzerwa kare kare nomuporofita akafuridzirwa waMwari uyo akanyora, kuti: “Basa rokururama kwechokwadi rinofanira kuva rugare; uye basa rokururama kwechokwadi, runyararo nechengeteko kusvikira kunguva isingazivikanwi. Uye vanhu vangu vanofanira kugara munzvimbo yokugara ine rugare nomumisha yechivimbo chizere nomunzvimbo dzokuzorora dzisingadzongonyedzwi.” (Isaya 32:17, 18)a Mazana ezviuru zvavanhu mumativi ose apasi ari kutovamba kufarikanya chengeteko ine rugare pasinei zvapo nenyongano yenyika yazvino, uye vane chikonzero chokutarira mberi kunguva yemberi yakatojeka zvikuru. Iwewo unogona kugoverana betsero dzakadaro navo.
3. Ko pane chinhu chipi nechipi icho Bhaibheri rinopikira kuti chichaguma nechengeteko nokuda kworudzi rwomunhu here? (Zvakazarurwa 21:4, 5)
3 Vanhu ivava vanokarira nguva, zvino yava pedyo zvikuru, apo ‘kuchava kusina munhu upi noupi unoita kuti vanhu vadedere’—nguva apo kuchava nomugumo woutsotsi, mugumo wengozi kupfuma yomunhu uye kumunhu iye amene. (Mika 4:4) Vane chikonzero chakanaka chokudavira kuti vanhu vazhinji vanorarama zvino vachaona zuva apo nzara isati ichizotongovapo, nemhaka yokuti “kuchava nezviyo zvizhinji papasi.” (Pisarema 72:16) Uye vanotarira mberi kukuzvionera ivo vamene zadziko yechipikirwa chokuti ‘Mwari achapukuta musodzi uri wose pamaziso avo, uye rufu haruchatongovipo, kunyange kuchema kana kuti kurira kana kuti kurwadziwa hazvichazotongovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.’ (Zvakazarurwa 21:3, 4) Vanogona sei kuva nechokwadi zvikuru chokuti zvinhu zvakadaro zvichaitika chaizvoizvo? Nemhaka yokuti izvi zvipikirwa zvinowanwa muShoko raMwari amene, Bhaibheri.
4. Kunyange zvazvo vanhu vakashandiswa kunyora, neiko zvinhu zvakanyorwa muBhaibheri zvakabva chaizvoizvo kuna Mwari? (2 Timotio 3:16, 17)
4 Chinotaura Bhaibheri pamusoro penguva yedu yemberi hachisati chiriwo zvacho muuyo wenhamburiko dzohunhu dzokududzira zvinoitika zvenhau. Vanhu vakashandiswa kunyora, asi ndangariro dzavo dzakatungamirirwa nomudzimu waMwari. Nokudaro shoko racho rinobva kuna Mwari. Pamusoro pamanyuko ezviri mukati maro, Bhaibheri iro rimene rinoti: “Hakuna uporofita hwoRugwaro hunobva mududziro ipi neipi iri yoga. Nokuti uporofita hahuna kutongobudiswa nokuda kwomunhu, asi vanhu vakataura zvinobva kuna Mwari sezvo ivo vaitsigirwa nomudzimu mutsvene.” (2 Petro 1:20, 21) Hakufaniri kutiomera nhasi kunzwisisa kuti Mwari aigona sei kuita ikoku. Kunyange vanhu vanofamba kunze muchadenga vakatumira mashoko shure kupasi, uye iwawa akagamuchirwa nokujeka kunooneka. Ko Mwari ari mudenga, nomutoo wakakwirira zvikuru kwazvo, aisagona kutumira mashoko kuna vanhu vakatendeka vaitsinhirana naye here? Zvirokwazvo! Nechikonzero chakanaka, ipapoka, tinokukoka kunzvera chinotaurwa neBhaibheri pamusoro pamawanire aunogona kuita nguva yemberi yakachengeteka.
Uko Betsero Chaiyoiyo Inogona Kuwanwa
5. Bhaibheri rinotikurudzira kuva nomurangariroi chaiwoiwo kumari nezvimwe zvinhu zvokunyama? (Muparidzi 7:12)
5 Bhaibheri rinotibetsera kutarira upenyu nomutoo chaiwoiwo. Nomurangariro wegarikano yedu inogarisa, rinotikurudzira kuisa chivimbo chedu mune zvichagara narini. Nhasi mamirioni avanhu anoisa chivimbo chawo muzvinhu zvokunyama. Kunyange zvazvo richibvuma ukoshi hwemari nezvimwe zvinhu zvokunyama, Bhaibheri rinoratidzira kuti izvozvi hazvisati zviri chinhu chikuru muupenyu. Rinotaura zvokwadi isingarambiki yokuti “kunyange kana munhu aine zvakawanda upenyu hwake hausati huchibva muzvinhu zvaanazvo.” (Ruka 12:15) Zvinhu zvinogona kurasikirwa noukoshi hwazvo. Zvinogona kubiwa kana kuti kuparadzwa. Upenyu hwomuridzi hungatoiswa pangozi nomumwe munhu anoedza kuba mari yake. Chengeteko chaiyoiyo inofanira kuva iri kumwewo zvakwo. Asi kupiko?
6. Neiko kuri kusina mufungo kuvakira tariro dzedu dzose dzomunguva yemberi pane zvinopikirwa navatungamiriri vavanhu?
6 Kune vanhu vanovakira tariro dzavo dzose dzenguva yemberi pane zvinopikirwa navatungamiriri vohunhu. Asi iwe unofanira kudaro here? Pasina kunyange kupanikira pamusoro pokuti vatungamiriri vamwe navamwe vakatendeka kana kuti vanokwanisa here, Bhaibheri rinosvika pamwoyo penhau iyoyo kupfurikidza nokutiyeuchidza kuti ivo vose vanofa. Nomutoo wokuchenjera rinotinyevera, kuti: “Musaisa chivimbo chenyu muvanokudzwa, kana kuti mumwanakomana womunhu wapasi, uyo asina ruponeso maari. Mudzimu wake unobuda, iye anodzokera kupasi rake; muzuva iroro mifungo yake inoparara.” (Pisarema 146:3, 4) Naizvozvo, kazhinji kazhinji, vatungamiriri vohunhu vanopesvedzera zvinoitika zvechikamu chorudzi rwomunhu kwamakore mashomanene bedzi. Kana iri chengeteko yenguva refu, ivo havangagoni kuipa kwauri kupfuura iyo vanogona kugovera nokuda kwavo vamene.
7. (a) Ndiani chaizvoizvo anokwanisa kutigovera chengeteko yenguva refu, uye nei? (Mabasa 17:28) (b) Chii chatinoda kana tichizofarikanya chengeteko iyoyo?
7 Asi pane Mumwe anogona kuipa. Iye ndiye Musiki wamatenga napasi. Pasi rino risati raumbwa, iye aivapo; uye nguva refu pashure pokunge zana rino rechimakumi maviri ramakore rapfuura, iye achapfuurira kuvapo. Sokutaura kunoita Pisarema 90:2 kwaari, kuti: “Kunyange kubvira panguva isingazivikanwi kusvikira kunguva isingazivikanwi imi muri Mwari.” Iye ndiye Manyuko oupenyu uye Uyo akapa Pasi simba rokutsigira zvinhu zvipenyu. Nokudaro, garikano yedu yazvino uno nekariro dzedu dzomunguva yemberi zvinotsamira paari. Ndicho chikonzero nei tichida ukama hwakanaka naye kana tichizofarikanya chengeteko ipi neipi chaiyoiyo.
8. (a) Mwari ari kutsvaka vanhu vorudzii? (b) Naizvozvo, isu savanhu vamwe navamwe tinofanira kudisisa kuitei kuti tigosvitsa chinodikanwa ichecho? (Mateo 7:21-23)
8 Ko ikoku kunoreva here kuti zvose zvinongodikanwa ndiko kuva norudzidziso rwakati muupenyu hwako? Chaizova chikanganiso kutaura kudaro. Avo Mwari anopa ukama hwakanaka naye amene rudzi rwakati rwavanhu. Rudziiko? Bhaibheri rinovarondedzera neiyi nzira: “Vanamati vechokwadi vachanamata Baba nomudzimu nezvokwadi, nokuti, zvamazvirokwazvo, Baba vanotsvaka vakadarovo kumunamata. Mwari Mudzimu, uye avo vanomunamata vanofanira kumunamata nomudzimu nezvokwadi.” (Johane 4:23, 24) Iwe uri munhu anonamata Mwari ‘nezvokwadi’ here? Wakanzvera zvitendero zvako uchibetserwa neShoko raMwari, kuona kana zvichibvumirana zvizere nezvakarogwa imomo na“Mwari wezvokwadi” here? (Pisarema 31:5) Unodisisa kuita saizvozvo here? Dzidziso nemiitiro zvisati zvichiwirirana nezvokwadi hazvina betsero inogarisa kumunhu upi noupi. Zvinoparira vanhu kufuratira nzira iyo zvinhu zviri chaizvoizvo; zvinotungamirira vanhu munzira isina kururama. Gutsikano inouya nechengeteko yechokwadi zvinogona kuwanikwa bedzi kana munhu achida zvomenemene kuziva zvokwadi, uye achidisisa kuita gadziridzo pakuri madikanwa kuti agowiriranisa upenyu hwake nezvokwadi. Imwe yezvokwadi dzinokosha zvikuru inobatanidza zivikanwo yaMwari amene.
9. (a) Zita raMwari chairoiro rinonzi ani? (b) Rugwaroi rwawaizoshandisa kubvumikisa kushamwari riri zita raMwari?
9 Unoziva zita rake chairoiro here? Harisati riri “Mwari” kana kuti “Ishe.” Iwawo mazita echiremera, kungofanana na“Changamire” na“Mambo” ari mazita echiremera. Zvisinei, mukuwirirana neAuthorized Version of the Bible (rakashandurwa muna 1611 N.V.), Pisarema 83:18 rinoti: “Imi, mune zita bedzi rinonzi JEHOVHA, ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwapasi rose.” Iri harisati riri zita iro vanhu vakapa kuna Mwari. Sezvinoratidzwa muRevised Version of the Bible (American Standard Edition, yakabudiswa muna 1901 N.V.), Mwari anozvitaurira iye amene paanoti: “Ini ndini Jehovha, iroro ndiro zita rangu.” (Isaya 42:8) Dzimwe shanduro dzaMagwaro echiHebheru apakuvamba dzinoshandura zita iroro sa“Yahwe.”
10. (a) Kunokosha chaizvoizvo kuziva ndokushandisa zita raMwari here? (Mabasa 15:14) (b) Kana tichida Jehovha, tinofanira kushandisa sei zita irero somunhu oga? (Isaya 43:10)
10 Vashanduri vakati vangafunga kuti vanoita kuti Bhaibheri rive rinogamuchirika kuna vanhu vakawanda kupfurikidza nokusashandisa zita raMwari amene, asi vari kuva vakatendeka savashanduri here apo ivo vanoedza kuvanza zita rinooneka kazhinji kazhinji kwazvo kupfuura rimwe ripi neripi riri mumanyoro emitauro yapakuvamba? Mwari wechokwadi anoda kuti vanhu vazive zita rake. Akajekesa ikoku paakaudza mubatiri wake Mosesi kuzivisa mutongi weEgipita yekare pamusoro pechikonzero nei Mwari akanga amuchengeta kusvikira panguva iyeyo. Neiko kwakanga kwakadaro? “Nokuda kwokuratidza simba rangu uye nokuda kwokuita kuti zita rangu riziviswe mupasi rose,” Mwari akadaro. (Eksodho 9:16) Kunokosha kuti tishandise zita raMwari, tichiita kudaro noruremekedzo. Uye kana tichida zvokwadi, hatisati tichizozengurira kuzvizivisa timene savanamati vaJehovha, Mwari wechokwadi bedzi.
11. Mwari anorangarira sei kushandiswa kwemifananidzo mukunamata? (Pisarema 115:3-8; Dheuteronomio 7:25)
11 Tinofanira kuva vanongwarira, zvisinei, kuti tisabatanidze zita raMwari nechimwe chinhu icho iye asati achitendera. Yeuka, “Mwari Mudzimu, uye avo vanomunamata vanofanira kumunamata nomudzimu nezvokwadi.” (Johane 4:24) Kana tikanzwisisa idi rokuti “Mwari Mudzimu,” uye kana tikamunamata “nomudzimu,” ndiko kuti, munzira dzomudzimu, hatisati tichizoshandisa zvinhu zvokunyama kumirira Mwari. ‘Hakuna munhu akatongoona Mwari,’ mukuwirirana naJohane 1:18, naizvozvo hakusati kuchibvira kuita mufanikiso upi noupi kana kuti chimiro chake chakavezwa. Mufananidzo usingagoni kuona kana kuti kunzwa kana kuti kutaura, usingagoni kusimudza kunyange munwe kubetsera avo vanonamata pamberi pawo, haungatongogoni kumirira nomutoo wakafanira Mwari mupenyu. Chokwadika, zvimwe zvifananidzo hazvisati zvichiitirwa kumirira Mwari iye amene, asi mubvunzo ndowokuti, Izvo zvinhu zvokuzvipira kworudzidziso here? Apo Mwari akapa Mirairo Gumi, iye akataura nomutoo wakananga kuti hapana mifananidzo yaifanira kuitwa nokuda kwedonzo rakadaro. Iye akaraira, kuti: “Iwe haufaniri kuzviitira umene mufananidzo wakavezwa kana kuti mufananidzo upi noupi wechinhu chipi nechipi . . . iwe haufaniri kuzvipfugamira kana kuti kuzvibatira.” (Eksodho 20:4, 5, Jerusalem Bible reKaturike) Panzvimbo pokushandisa kwedu zvinhu izvo Jehovha asati achitendera, rudo rwezvokwadi ruchatiyamura kusvika pakuziva Mwari sezvaari iye chaizvoizvo.
12. (a) Jehovha ndiMwari worudzii? (b) Nderipi ramavara ake rinokufadza zvikurukuru?
12 Mavara ake ndaaye okuti iwo anowana chivimbo chomunhu ari wose anoda kururama. Mamwe aaya mavara, akadai sesimba gurusa nouchenjeri hunopfuura zvikuru uhwo hwomunhu upi noupi, anooneka mumabasa ake echisiko chezvinhu. Uye hausati uchibvuma here kuti runako rwokunyura kwezuva, rwiyo runonakidza rweshiri, kunhuwira kwamaruva, uye kunaka kuzhinji kwaunofarikanya zvose zvinoratidzira rudo rwaMwari nokuda kworudzi rwomunhu? Asi Bhaibheri rinopfuura ikoku, richitiudza zvakawanda pamusoro paMwari. Rinozivisa kuti Jehovha anotsigira chiri chakarurama, asi kuti iye anonzwirawo ngoni uye anorangarira. Rinomurondedzera neiyi nzira: “Jehovha, Jehovha, Mwari ane mutsa naane nyasha, anononoka kutsamwa naazere netsitsi dzorudo nezvokwadi, anochengeta tsitsi dzorudo nokuda kwavane zviuru, achiregerera zvikanganiso nokudarika nechivi, asi haazotongoregi kuranga.” (Eksodho 34:6, 7) Uye Bhaibheri rinotaura nezvokubata kwaMwari kwamazana amakore mazhinji norudzi rwaIsraeri wakare, kubata kunoratidzira mavara iwayo nomutoo wakasamarara. Chinyorwa ichocho chakanyorwa chinobvumikisawo kuti “Mwari haazati achisarura, asi murudzi rwuri rwose munhu anomutya ndokuita zvakarurama anogamuchirika kwaari.” (Mabasa 10:34, 35) Anoda kuti marudzi ose avanhu afarikanye ukama hwakanaka naye, uye nenzira yomutsa iye akaita gadziriro yokuti ikoku kubvire.
13. Upenyu hwomunhu hunotapurwa sei apo iye anoisa chaizvoizvo chivimbo chake muna Jehovha? (Zvirevo 3:5, 6)
13 Sezvo munhu anokudziridza kunzwisisa nokuda kwamavara mazhinji akaisvonaka aMwari wechokwadi, chii chinoitika? “Zita” raMwari rinokura murevo kwaari. Anoisa chivimbo chake muna Jehovha, achiita zvinhu munzira yaMwari uye, somuuyo, iye anowana dziviriro. Kuri sokutaura kunoita Zvirevo 18:10, kuti: “Zita raJehovha ishongwe yakasimba. Wakarurama unomhanyira mariri uye anopiwa dziviriro.”
14. (a) Neiko nguva yedu yemberi ichitsamira pana Jehovha? (b) Chisarudzoi chakakomba chinonangana nomunhu mumwe nomumwe? (Dheuteronomio 30:19, 20)
14 Dziviriro iyeyo inobatanidza kariro dzomunhu nokuda kwenguva yemberi. Zvomenemene, nguva yemberi inotsamira pana Jehovha. Neiko? Nemhaka yokuti pasi rino chisiko chake uye vose avo vanogara pariri vanotsamira pagadziriro dzake dzokutsigira upenyu. Iye akataura donzo rake muBhaibheri rokugovera migariro yokurarama kwakachengeteka, kunofadza nokuda kwavanhu vake. Hapana chinhu chiri mudenga kana kuti pasi chinogona kudzivisa Mwari Wamasimba ose kuita donzo rake. Zvisinei, donzo irero harinyimi rusununguko. Iro harigadzi mugumo unodeya kutemwa womumwe nomumwe wedu pasina kuva kwedu nechokutaura chipi nechipi munhau yacho. Asi rinotipa chisarudzo chakakomba: Ko kuonga nokuda kwezvose izvo Jehovha akatiitira, uye zvaachaitazve munguva yemberi, hakutisunde kutsinhiranisa upenyu hwedu nokuda kwake here? Kukundikana kwomunhu kudavira hakusati kuchizochinja idi rokuti Jehovha ndiMwari wechokwadi, kana kuti kuchinja donzo Rake. Asi kunogona kutema kana munhu achibetserekana somunhu oga nedonzo irero rorudo. Chaizvoizvo chisarudzo chacho chiri pakati poupenyu uye rufu.
Chikonzero Nei Kusachengeteka Kuchiparadza Upenyu Hwavanhu
15. Ndezvimwe zvinhui zvinoita kuti upenyu huve husina kuchengeteka nhasi?
15 Kuti tinzwisise nzira iyo donzo raJehovha rinoguma nayo nechengeteko yechokwadi, tingatanga kuzviyeuchidza timene nomutoo unobetsera nezvezvimwe zvezvinhu zvinoita kuti upenyu huve husina kuchengeteka nhasi. Pakati paizvozvi pane shaikwo yorudo, kuzvidzwa kwomutemo, kukundikana kuremekedza zvinhu zvavamwe, uye kushandisa nhema namasimba masimba kuti munhu awane zvaanoda. Mukuwedzera, hatingagoni kufuratira urwere nokuzivikanwa kwokuti nokukurumidza zvikuru vanhu vanofa. Kubva muzvose zviri zviviri ruzivo rwokuzviwanira rwomunhu oga necherekedzo, tinoziva matapurire anoita zvinhu izvozvi upenyu hwohunhu. Asika zvose izvozvi zvakaitika sei? Mhinduro yacho inowanwa muBhaibheri.
16. Pakuvamba, chii chakapira kuchengeteko yaifarikanywa naAdhama naEvha? (Genesi 1:31; 2:8, 15)
16 Bhuku rokutanga chairo reBhaibheri rinotizivisa kuti apo Jehovha akasika vabereki vedu vokutanga vohunhu, Adhama naEvha, basa rake rakanga rakanaka zvikuru. Mukuitwa kwavo makanga musina urema hwaizoparira urwere; pamberi pavo vakanga vaine kariro yokurarama nokusingaperi. Nenzira yorudo, Mwari akavapa bindu romunhanga, paradhiso iri muEdheni, somusha wavo. Nenzira yorupo iye akabatanidza mumusha wavo webindu zvirimwa zvizhinji zvinobereka mbeu uye miti inobereka michero kuti zvigovatsigira. Akazadzawo upenyu hwavo nedonzo kupfurikidza nokuvarairidza kushandisa udzori pahove, shiri uye mhuka dzose, uye kurima pasi ndokurizadza navana vavo kutozosvikira denderedzwa rose renyika yapasi rafanana neparadhiso umo iye akanga avaisa. Mumhoteredzo dzakadaro kunzwa kwokuchengeteka kwakanga kuchingova bedzi kwomuzvarirwo. Asi chimwe chinhu chaidikanwa kwavari kana ivo vaizopfuurira kufarikanya chengeteko iyeyo.
17. (a) Chii chaidikanwa kuna Adhama naEvha kudai ivo vaizopfuurira kuva vakachengeteka? (b) Jehovha akaedza sei teerero yavo, uye nei iyoyi yaiva nhau inokosha? (Ruka 16:10)
17 Ivo vaifanira kuziva nzvimbo yavo muukama naMwari. Pasi nezvinhu zvose zviri mariri zvaiva zvoMusiki wavo, naizvozvo iye akanga aine maruramiro okusarudza mashandisirwe azvaizoitwa. Upenyu humene hwaiva chipo chinotsamira pamugariro; ndiko kuti, Adhama naEvha vaigona pfuurira kuchifarikanya pamugariro wokuti ivo vapfuurire kusvitsa chinodikanwa cheteerero yorudo kuna Baba wavo wokudenga. Kusimbisa kukomba hweichi chinodikanwa, Jehovha akaisa murairo uyu pane munhu: “Ungadya hako pamuti uri wose webindu kusvikira pakuguta. Asi kana uri muti wezivo yechakanaka nechakashata hausati uchifanira kudya pauri, nokuti muzuva raunodya pauri uchafa zvirokwazvo.” (Genesi 2:16, 17) Teerero yaizoratidzira kugamuchira kwomunhu Mwari soMutongi; kusateerera kwaizoreva kurambwa kwokuda kwaMwari kwakakwana. Mutemo iwoyu hauna kubatanidza chinetso; hauna kutorera munhu chinhu chipi nechipi chaaida, asi wakapa muedzo wakapfava, kunyange zvazvo waishanda, uyo wakanga wakakodzera kumigariro iyo iye airarama mairi. Wakapa Adhama nomudzimai wake Evha banza rokuratidzira rudo nokuda kwaBaba wavo wokudenga.
18. (a) Zvinhui zvinoparira kusachengeteka zvakatanga kuoneka mubatano nechivi chaAdhama naEvha napashure pacho? (b) Sezvinorondedzerwa pana VaRoma 5:12, vana vose vaAdhama vakatapurwa sei?
18 Chinyorwa cheBhaibheri chiri muna Genesi ganhuro yechitatu chinoratidza kuti vakakundikana. Nenzira youne ivo vakadya pamuti uyo Mwari akanga a“rambidza.” Chengeteko yaichimbofarikanywa navaviri vohunhu yakaputsanywa. Zvinhu chaizvo zvinoparira kusachengeteka nhasi zvakavapo kwenguva yokutanga shure panguva iyeyo. Kwaiva nokushaikwa kworudo nokuda kwaMwari, kuzvidzwa kwomutemo wake, kukundikana kuremekedza zvinhu zvake. Varambwa naMwari, Adhama naEvha vakadzingwa muEdheni. Kunze kweparadhiso, vazhinji vavana vavo, kubatanidza mwanakomana wavo vamene Kaini, vakava vakaderedzwazve sezvo ivo vakatendeukira kumasimba masimba. Kunyange avo vasina kufuratira noune mutemo waMwari vakanzwa tapuro dzechivi chakagarwa nhaka mumiviri yavo vamene. Sokutsanangura kunoita VaRoma 5:12: “Kupfurikidza nomunhu mumwe [Adhama] chivi chakapinda munyika uye rufu kupfurikidza nechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti ivo vose vakanga vaita chivi.”
19. (a) Kupandukira muEdheni kwakavamba naani? (Zvakazarurwa 12:9) (b) Iye akava sei Satani Dhiabhorosi? (Jakobho 1:14, 15)
19 Kunofanira kucherekedzwa, zvisinei, kuti nhano yokutanga kukupanduka haina kutangwa naAdhama kana kuti mudzimai wake. Bhaibheri rinodudza “nyoka” seinotaura kuna Evha, ichimurunzira kupfurikidza nenyengedzo kuti aputse mutemo waMwari. Chokwadika, nyoka chaiyoiyo haigoni kutaura; uye gare gare Bhaibheri rinozivisa simba raiva seri kwenyoka iyoyo kuva munhu womudzimu asingaoneki. Uyu munhu womudzimu akanga asina kusikwa kuti agova akaipa. Asi, kungofanana nezvakwakanga kwakaita kuvanhu, uyu mwanakomana womudzimu waMwari akanga aine rusununguko, mano okusarudza nzira yaaizoshandisa nayo njere dzake. Kupfurikidza nokurangarira zvishuvo zvisina kururama, iye akakudziridza rudado; aida kuti zvimwe zvisikwa zvigomunamata samwari. Kupfurikidza nenzira yaakaronda kuti agosvitsa nharidzano yake iye akazviita amene mushori waMwari, Satani, uye mucheri, Dhiabhorosi.
20. (a) Pakutaura kuna Evha, Satani akaita kutaurai? (b) Neiko asina kuvandudza mugariro wake kupfurikidza nokuita chinhu paicho Satani akataura?
20 Iye akasvika Evha, achitanga kubvunza mibvunzo uye ipapo achipokanidza Mwari zvakananga kupfurikidza nokuudza Evha, kuti: “Zvamazvirokwazvo imi hamusati muchizofa [kana mukadya pamuti wakarambidzwa]. Nokuti Mwari anoziva kuti muzuva chairo rokudya kwenyu pauri meso enyu achasvinudzwa uye imi muchava vakafanana naMwari, muchiziva chakanaka nechakashata.” (Genesi 3:1-5) Kumukadzi ikoku kwakanzwika sechimwe chinhu chiri nani kupfuura zvaakanga anazvo. Asika kupfurikidza nokukudavira, iye akawana zvomenemene chengeteko huru zvikuru here? Ko murume wake akavandudza mutoro wake kupfurikidza nokumukumbanira mukudarika here? Nyangwe; kwose kwaiva nhema. Ikoku kwakabvumikiswa nenzira inopwisa apo ivo vakafa, uye kusvikira kuzuva rino vanhu vanopfuurira kufa.
21. (a) Inhaui dzinokosha dzakamutswa muEdheni imomo, uye idzodzi dzinotapura sei chengeteko yechisiko chose? (b) Mumazuva aJobho, ipomeroizve yakaitwa, uye iyo yakarevei? (Jobho 1:7-12; 2:1-5)
21 Nhau dzinokosha dzakamutswa muEdheni imomo, uye idzodzi dzinotapura chengeteko yechisiko chose. Uzvokwadi hwaMwari hwakadenhwa, uye ikoku kwakapanikirisa kuva namaruramiro uye kururama kwoubati ushe hwake. Kwakakarakadzwa kuti munhu aizova ari nani zvikuru mukuita zvisarudzo zvake amene pamusoro pechiri chakanaka nechiri chakashata, achigadza mipimo yake amene, achishanda somutongi wake amene. Kupanduka kwaSatani nokukundikana kwavaviri vokutanga vohunhu kubvumikisa kuva vakavimbika kuna Mwari kwakamutsa mubvunzo pamusoro pechaizoitwa nezvimwe zvisikwa zvakangwara zvaMwari. Ko ani naani aizoramba akavimbika kuna Mwari here? Gare gare, mumazuva omunhu Jobho, Satani akapomera mhaka kuti avo vaibatira Mwari vaiita kudaro nemhaka bedzi yemirangariro youdyire, kusati kuri nokuda kworudo. “Jobho akatya Mwari pasina chinhu here?” akadaro Satani. (Jobho 1:9) Iye aireva kuti hakuna munhu aizochengeta perero kuubati ushe hwaJehovha kana iye, muvengi waMwari, akabvumidzwa kumuedza. Rudzi rwomunhu harusati rwaizombofarikanyazve chengeteko yakakwana kutozosvikira nhau idzodzi dzagadzikiswa. Zvisinei, Jehovha akaziva kuti zvirevo izvozvo zvaigona kugadzikiswa kusvikira pagutsikano izere yavadi vose vokururama, uye iye akaita gadziriro achirangarira ikoku.
Gadziriro Dzinoita Kuti Nguva Yemberi Yakachengeteka Ive Inobvira
22. (a) Pakuita rutongeso pavabereki vedu vokutanga, chii icho Jehovha akaita kuti chitibvirire? (2 Petro 3:9) (b) Gadziriro yaJehovha nokuda kwenguva yemberi yorudzi rwomunhu inovakirwa pana ani?
22 Apo rutongeso rwakaitwa pavabereki vedu vokutanga nokuda kwokupandukira kwavo Mwari, Jehovha haana kukanganwa vana vavo vakanga vasati vaberekwa. Nenzira yorudo iye akaita donzo iro rinoita kuti kubvirire mumwe nomumwe wedu kuzvisarudzira timene kana tichida kurarama muubati ushe hwoumwari. Donzo iroro rinovakirwa paMwanakomana waMwari Jesu Kristu.
23. (a) Jesu aiva norudzii rwoupenyu pamberi pokuva kwake munhu? (b) Neiko tisingafaniri kutaura nezvake saMwari kana kuti souyo akaenzana naMwari? (Johane 17:3)
23 Uyu Mwanakonama ndiye akanga ari wokutanga chaiyeiye wechisiko chaJehovha munzvimbo yokudenga. “Kupfurikidza naye zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa mumatenga napasi pano,” Bhaibheri rinotizivisa kudaro. (VaKorose 1:15-17) Asi panguva yakagadzwa yaMwari, Mwanakomana wake akasiya shure mbiri yake yokudenga uye akaberekwa nomutoo wenenji somunhu pasi pano. Ngirozi Gabrieri, iyo yakatumwa pachine nguva mberi kundozivisa nezvokuberekwa, haina kutaura kuti mwana aizoberekwa aizova Mwari. Panzvimbo pezvo, iyo yakakuzivisa sokuberekwa kwo“Mwanakomana waMwari.” (Ruka 1:35) Jesu amene haana kutaura kuva Mwari. Iye haana kuita saSatani, uyo akatsvaka kunamatwa kwake amene. Nenzira yechokwadi iye akati: “Baba vakuru zvikuru kupfuura zvandiri.” (Johane 14:28) Naizvozvo, kuti tigofarikanya ukama hwakarurama naMwari wezvokwadi, isu hatifaniri kupa nzvimbo yakasiana kuMwanakomana wake, tichitaura nezvake saMwari kana kuti souyo akaenzana naMwari.
24. Chii chakapedzwa nokubvumikisa kwaJesu perero yake mudzvinyiriro huru somunhu pasi pano?
24 Pano pasi pano Jesu akasangana nezvinoitika zvaasina kutongova nazvo nakare kose. Mudenga iye akanga ave asina mhaka mukuita kuda kwaBaba vake. Asika aizopfuurira kubvumikisa kuva akavimbika somunhu pasi pano, zvikurukuru kana aizoitwa kuti anzwe marwadzo uye kuzvidzwa kusina kufanira here? Satani akanga akatsunga kubvumikisa kuti hakuna munhu, kwete kunyange uyu Mwanakomana waMwari wokutangisisa, aizova akatendeka pakuedzwa. Asi Jesu noruvimbiko akaomerera kuShoko raMwari, achitsamira pariri senhungamiro yake, achirinokora mashoko mukudzivisa muedzo. Nomutoo wakatsiga akaramba dzvinyiriro yokuita chisina kururama, achiti: “Ibva, Satani! Nokuti kwakanyorwa kuchinzi, ‘NdiJehovha Mwari wako waunofanira kunamata, uye ndokwaari bedzi kwaunofanira kuitira basa rinoyera.’” (Mateo 4:10) Kusvikira chaizvoizvo kurufu Jesu akachengeta ruvimbiko rwake kuna Jehovha soMutongi, uye ikoku mumiedzo yakakomba zvikuru kwazvo kupfuura ipi neipi iyo Adhama akatarisana nayo. Neiyi nzira Jesu akachenesa zita raBaba vake papomero dzenhemanhema idzo dzakanga dzaitwa naSatani. Kupfurikidza nomuenzaniso wake Jesu akatiratidza nzira yokukurira nayo miedzo, uye maratidzire atingaita kuti isuwo tiri vatsigiri vakavimbika voubati ushe hwaJehovha.
25. Chiizve chakava muuyo worufu rwaJesu somunhu akakwana, uye ikoko kunoita kuti chii chitibvirire? (1 Timotio 2:3-6)
25 Zvisinei, chinopfuura muenzanisowo zvawo wakaisvonaka chakagoverwa nokuda kwedu noMwanakomana waMwari. Jesu amene akatsanangura kuti iye akauya “kuzopa mweya wake sorudzikinuro mutsinhano navazhinji.” (Marko 10:45) Ikoku kwakanga kuri madikanwa kana rudzi rwomunhu rwaizobvisirwa chivi, uye chirwere norufu zvinoparirwa nechivi. Mukuwirirana nomutemo waMwari, mutengo worudzikinuro unofanira kuva upenyu hwakakwana hwomunhu, kuti hugowirirana noupenyu hwakakwana hwomunhu hwakaraswa naAdhama. Hapana muzukuru asina kukwana waAdhama aigona kuve akahupa. Nenzira yorudo Jehovha amene akaita gadziriro yacho. Akatumira Mwanakomana wake amene kupasi. Ipapo, pashure porufu rwaJesu, Mwari akamumutsirazve kuupenyu, zvino somunhu womudzimu, uye akagamuchira ukoshi hwoupenyu hwake hwohunhu sechibairo nokuda kworudzi rwomunhu. Ikoku kwakazarura banza rokuti tiwanezve chakaraswa naAdhama. Sokutsanangura kunoita Bhaibheri: “Mwari akada nyika zvikuru kwazvo kuti iye akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti ari wose anoshandisa kutenda maari agorega kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johane 3:16) Ikariro dzinoshamisa zvakadini dzinoita kuti kutibvirire, kana bedzi tikashandisa kutenda muMwanakomana waMwari, tichidzidza zvaakadzidzisa ndokurarama mutsinhirano izere nazvo!
26. Neiko Jesu asina kubatanidzwa munhau dzezvamatongerwe enyika? (Johane 18:36) (b) Jesu akadzidzisa vateveri vake kuva nechimiroi pamusoro pehurumende? (Mateo 22:17-21)
26 Kutenda kwakadaro kunobatanidza nzwisiso yenzvimbo iyo Jehovha akapa kune Mwanakomana wake muhurumende. Jesu haana kubatanidzwa mune nhau dzezvamatongerwe enyika zvomuzuva rake; aiziva kuti hakuna hurumende yohunhu yaitsigira ubati ushe hwaJehovha. Pasinei zvapo nezvingataurwa navabati ushe vakadaro pamusoro pokudavira muna Mwari, ivo vose vakanga vachigadza mipimo yavo vamene pamusoro pechakanaka nechakashata. Nokudaro, kana ivo vose vakanga vachibvuma kana kuti kwete, ivo vose vakanga vachitevera nhungamiro yomuvengi waMwari, Satani Dhiabhorosi, uyo Bhaibheri rinozivisa so“mutongi wenyika.” (Johane 14:30) Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kuripa mitero yavo, kuva vanoteerera mitemo, chero bedzi Mwari aizobvumidza hurumende dzavanhu kuvapo. Asi akakujekesa kuti tariro bedzi nokuda kwenguva yemberi yakachengeteka iri kupfurikidza noUmambo hwaMwari, hurumende yakarurama zvirokwazvo inoshanda iri mudenga mumene uye ichishandisa chiremera parudzi rwose rwomunhu. Naizvozvo, iye akavadzidzisa kunyengetera kuna Mwari, kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitike, sezviri kudenga, napasi panowo.” Jesu akavakurudzira kurarama mutsinhirano nemitemo yoUmambo ihwohwo seyakarongwa muBhaibheri. Uye iye akavatuma kuti vaparidzire “aya mashoko akanaka oUmambo” kuvanhu vari kunzvimbo iri yose.—Mateo 6:10; 24:14.
27. Chii chiri Umambo hwaMwari, uye tinogona sei kuratidza kuonga kwedu nokuda kwahwo? (Mateo 6:33)
27 Umambo ihwohwo ndihwo mukoto waJehovha wokuita nawo kuda kwake. Huchabatanidzazve chisiko chose chakangwara muUmambo hwaJehovha. Vanobatanidzwa muumutezo hwehurumende iyeyo yokudenga vachava vanhu vanotorwa kubva pasi pano avo vakabvumikisa kutsigira kwavo kwokuvimbika uchangamire hwaJehovha, ubati ushe hwake. Ivava vanotaurwa nezvavo se“boka duku.” (Ruka 12:32) Bhuku rokupedzisira reBhaibheri rinoratidza kuti ivo vakaganhurirwa ku“zviuru zvine zana namakumi mana nezvina, vakatengwa kubva pasi.” (Zvakazarurwa 14:1, 3) Zvisinei, mukuru wacho uyo simba roUmambo rinoronzeswa, Mwanakomana waMwari amene Jesu Kristu. Muzadziko youporofita hwoumwari, iye ndiye uyo Jehovha anopa kwaari “ubati ushe nechiremera noUmambo, kuti vanhu, mapoka amarudzi nemitauro vose vanofanira kubatira kunyange iye.” (Dhanieri 7:13, 14) Kunokosha kune munhu mumwe nomumwe wedu kurarama mutsinhirano izere negadziriro iyeyo youmwari. Avo vanoramba kuita kudaro havasati vachizobvumidzwa kuparadza nokusingaperi chengeteko yavamwe.
28. (a) Ubati ushe hwavanhu hwave huripo kwenguva yakareba zvakadini, uye neiko husati huchizopfuurira kwenguva refu zvikuru zvino? (Jeremia 17:5) (b) Ikoku kucharevei nokuda kwaSatani? (c) Chii chichaitika kuhurumende dzavanhu? (d) Chii chichaitika kuna vanhu vakaipa? (e) Chii chichaitika kuna avo vasingaitiri hanya ubati ushe hwaJehovha? (2 VaTesaronika 1:6-9)
28 Chifo chorupandukiro muEdheni, vanhu vakava neanenge makore ane zviuru zvitanhatu okuedza chibereko choubati ushe hwavanhu. Yave iri ngwavaira. Nenzira yakakodzera, Bhaibheri rinonongedzera kuchizvarwa chino seicho Mwari achaita marutongeso ake machiri. Ikoku kucharevei nokuda kwomuvengi mukuru worudzi rwomunhu, Satani Dhiabhorosi? Iye namadhemoni ake vacharegedzeswa chose chose kushanda, ‘vakandirwa mugomba rakadzika-dzika,’ vasingakwanisi kutsausa rudzi rwomunhu. (Zvakazarurwa 20:1-3) Kuitwa kwamarutongeso aMwari kucharevei nokuda kwehurumende dzavanhu? Bhaibheri rinodeya kutaura, kuti “Umambo . . . huchaputsanya ndokugumisa maumambo iwawo ose [avanhu], uye ihwo humene huchamira kusvikira kunguva dzisingazivikanwi.” (Dhanieri 2:44) Ikoko kucharevei nokuda kwavarevi venhema, mbavha, uye avo vanoshandisa masimba masimba? “Wakaipa haasati achizovapozve; uye iwe uchapa ngwariro zvamazvirokwazvo nzvimbo yake, uye haasati achizovapo.” (Pisarema 37:10) Kucharevei nokuda kwaavo vanofuratira nomutoo wokusaitira hanya ubati ushe hwaJehovha? Mumazuva aNoa, “havana kucherekedza kusvikira murove wasvika ndokuvatsvaira vose vose,” uye kuchava kwakafanana zvino apo Mwari anoshandisa Mwanakomana wake kuita ruramisiro.—Mateo 24:39.
29. Ikoku kwose kucharevei nokuda kwavatsigiri vakavimbika voubati ushe hwaJehovha? (Zvakazarurwa 7:9, 10, 13, 14)
29 Asi kwose ikoku kucharevei nokuda kwaavo vakabvumikisa kuti ivo vatsigiri vakavimbika voubati ushe hwaJehovha? Kuchareva kununurwa ndokupinda muayika itsva yaMwari yakarurama. Mukubata kwaMwari norudzi rwakare rwaIsraeri, muenzaniso wetapuro iyo ikoku kuchava nayo paupenyu hwakagoverwa. Kwakaitika kungofanana nokurairidza kwakanga kwaita Mwari Mosesi kuti: “Imi munofanira . . . kugara munyika iyo Jehovha Mwari wenyu ari kukupai seyenyu, uye iye achakupai imi zvamazvirokwazvo zororo pavavengi venyu vose vakakupoteredzai, uye zvamazvirokwazvo imi muchagara muchengeteko.” (Dheuteronomio 12:10) Pamusoro pemigariro mukati mokutonga kwaMambo Soromoni, kwakanyorwa, kuti: “Judha naIsraeri vakapfuurira kugara muchengeteko, munhu ari wose pasi pomunda wemizambiringa wake amene napasi pomuti womuonde wake amene, kubvira kuna Dhani [kure kuchamhembe] kusvikira kuna Bheeri-shebha [mumaodzanyemba].” (1 Madzimambo 4:25) Mukuwirirana nomutemo waMwari, imba iri yose yaiva nenzvimbo yayo imene yokurima neyokugara pairi. Kuteerera Mwari kwakaguma nechikomborero chake, uye, sokupikira kwaakanga aita, ichochi chakabatanidza ‘mvura nokuda kwenyika iyeyo panguva yayo yakagadzwa.’ (Dheuteronomio 11:13-15) Kwaiva nechengeteko yemari.
30. Sezvinorondedzerwa paPisarema 72, migariroi inopira kuchengeteko ichapararira mupasi rose muUmambo hwaMwari?
30 Ikoku kwakanyorwa muBhaibheri, kwete senhauwo zvayo yechinyorwa chenhau, asi nokuda kwokukurudzirwa kwedu. Ishe Jesu Kristu, uyo Jehovha akagadza kuva mambo pamusoro papasi rose, anotaurwa nezvake muMagwaro se“chimwe chinhu chinopfuura Soromoni.” (Ruka 11:31) Mukutonga kwaKristu, migariro inotova iri nani zvikuru kupfuura iya yaiva muna Judha naIsraeri mukati mamazuva aSoromoni ichitambanukira kupote pasi. Pisarema 72 inosanorondedzera zvikomborero zvacho neiyi nzira: “Mumazuva ake wakarurama uchakura, uye kuwanda kworugare kutozosvikira mwedzi uchisiripozve. Uye iye achava navadzorwi kubvira kugungwa kusvikira kugungwa uye kubvira kuRwizi [Yufratesi] kusvikira kumigumo yapasi. Iye uchadzikinura mweya wavo padzvinyiriro napamasimba masimba, uye ropa ravo richava rinokosha mumeso ake. Pasi pano pachava nezviyo zvizhinji; pamusoro pamakomo pachava nefashukiro.” (Pisarema 72:7, 8, 14, 16) Mugariro uchatekeshera uchava chakarondedzerwa naJesu Kristu kumunhu uyo akanga akumbira kuyeukwa apo Jesu aizopinda muUmambo hwake. Jesu akataura, kuti: “Iwe uchava neni muParadhiso.”—Ruka 23:43.
31. (a) Kuchava kunobvirira sei kunyange vakafa kubetsereka negadziriro huru idzodzi? (b) Vanomutswa vanenge vachidzokera kubva kupi? (Ezekieri 18:4; Jobho 14:13)
31 Avo vangave vakatofa nemhaka yokugara nhaka kwavo chivi chakabva kuna Adhama ipapo havasati vachizokanganwiwa. Ivo vanobatanidzwawo muchibairo chorudzikinuro choMwanakomana waMwari. Nenzira inokurudzira Bhaibheri rinodeya kutaura, kuti: “Kuchava norumuko rwavose vari vaviri vakarurama navasina kururama.” (Mabasa 24:15) Ikoku kunorevei? Bhaibheri rinoti “vapenyu vanoziva kuti vachafa; asi kana vari vakafa, havatongozivi chinhu chipi nechipi.” (Muparidzi 9:5) Ivo havana upenyu muguva. Rumuko, ipapoka, runoreva kudzokera kuupenyu. Kunze kwaavo ve“boka duku” avo vachagoverana upenyu hwokudenga naJesu Kristu, vose avo vanomutswa vachava muchimiro chohunhu, vane kariro pamberi pavo yokurarama nokusingagumi pasi pano chaipo.
32. (a) Urwere norufu zvichabviswa kupfurikidza nomutooi? (Marko 2:1-12) (b) Unoda kubetserwa somunhu oga negadziriro idzodzi idzo Jehovha akaita nokuda kwenguva yemberi yakachengeteka here?
32 Iyi ichava nguva yokuvandudzwa kwemhuri yohunhu. Munhungamiro yoUmambo hwokudenga chiratidziro chiri chose chechivi netapuro dzacho zvichabviswa kupfurikidza nokushandisa ukoshi hwechibairo chaJesu kuna vose vanoshandisa kutenda. Paaiveri pasi pano, Jesu akaratidzira icho ikoku kwaizoreva nokuda kworudzi rwomunhu. Akarapa rudzi rwuri rwose rwechirwere, kunyange kudzorera kuona kumapofu uye kuporesa zvirema. Munyika itsva yaMwari pasi richazadzwa navanhu vachawana zvikomborero zvakadai. Chipikirwa choumwari ndeichi: “Iye achapukuta musodzi uri wose mumaziso avo, uye rufu haruchatongovipozve, kunyange kuchema kana kurira kana marwadzo hazvichatongovipozve. Zvinhu zvokutanga zvaparara.” (Zvakazarurwa 21:4) Hungu, zvinhu zvose zvakaita kuti upenyu huve husina chengeteko zvichave zvaparara. Iyeyo ikariro yakaisvonaka sei!
33. Ko kune chengeteko chaiyoiyo ipi neipi here inogona kufarikanywa iye zvino chaiye?
33 Asika hachisati chiri chinhu chiri chose chinoguma nechengeteko chakachengeterwa nguva yemberi. Zvizhinji zvinogona kufarikanywa iye zvino chaiye.
Chengeteko Inogona Kufarikanywa Zvino
34. Zvinhui zvinodudzwa pano zvichaguma nechengeteko yomunhu oga ine mufungo?
34 Pasinei zvapo nemimwe migariro muupenyu iyo mumwe anofanira kutarisana nayo, vanhu vazhinjisa vaizobvuma kuti munhu upi noupi uyo zvokudya zvezuva nezuva nezvipfeko zvakaringanira kwaari ane mwero wakakwirira wechengeteko. Mukuwedzera, kana vanhu vaanosonganirana navo vaine rudo chairwoirwo nokuda kwomumwe nomumwe, ikoko kwaizowedzera humwe hukuru kuchengeteko iyeyo. Uye kana aiziva chine nguva yemberi, ikokuwo, kwaizobetsera kudukupisa murangariro upi noupi wokusatsarukana. Asi voruzhinji vavanhu havasi kufarikanya murangariro wakadaro wechengeteko. Ikoko kunoreva kuti zvipikirwa zvechengeteko zvinopiwa muShoko raMwari zvichazadzika munguva yemberi bedzi? Kana kuti vanhu kunyange zvino vanogona kuwana chengeteko kupfurikidza nokuisa kutenda muzvipikirwa izvozvo ndokuita mutsinhirano nazvo here? Ko kune vanhu vanoita kudaro zvino nenzira yakabatana here?
35. (a) Mumigariroi umo Mwari anotaura kuti iye achagovera zvokudya zvezuva nezuva nezvipfeko iye zvino chaiye? (b) Ndivanaani vanofarikanya chengeteko yakadaro, uye ivo vanowana sei gadziriro idzodzi? (VaEfeso 4:28)
35 MaKristu iwayo anozivikanwa sezvapupu zvaJehovha akawana Shoko raMwari kuva rechokwadi uye akawana kuti kurishandisa muupenyu hwavo kunounza betsero dzakaisvonaka iye zvino chaiye. Betsero idzodzo dzinobva mukupa ukoshi hwakarurama kunhau dzokumudzimu muupenyu hwomunhu hwezuva nezuva. Chokwadika, munhu wose pasi pano, angave ane murangariro wokumudzimu kana kuti kwete, anogona kubetserwa nezvarinoita. Asi Bhaibheri rinoratidzira kuti Mwari ane fariro chaiyo mugarikano yaavo vanoisa basa rake pakutanga. Kuti agosimbisa kutenda kwavadzidzi vake, Jesu akati: “Musatongofunganya ndokuti, ‘Tichadyeiko? kana kuti, ‘Tichanweiko?’ kana kuti, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti zvose izvozvo ndizvo zvinorondwa nokudisa namarudzi. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu izvi zvose. Ipapoka, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” (Mateo 6:31-33) Asi vanowana sei “zvimwe zvinhu” izvozvi, zvinhu zvinodikanwa kuti zvigotsigira munhu nenzira yokunyama? Hakuzati kuri kuti ungano yechiKristu inovatsigira mune zvemari. Panzvimbo pezvo, vose vashandi vanodisa. Uye, apo vanhu vanoita zvirokwazvo umambo hwaJehovha nokururama kwake zvinhu zvikuru muupenyu hwavo, Mwari anokomborera nhamburiko dzavo dzokuwana zvinodikanwa zvoupenyu. Anopindura munyengetero wavo wokuti “tipei nhasi chokudya chedu chezuva rino.” (Mateo 6:11) Jehovha haasati achipikira vabatiri vake zvinhu zvokunyama zvakawanda nepo nyika yazvino ichiripo, asi iye anovapikira kuti vachava nechavanoda chaizvoizvo. Uye hakuna mumwe munhuwo zvake anokwanisa zviri nani zvikuru kuona kuti vanozviwana.
36. (a) Marudzii omufambiro nechimiro zvinoparira kusachengeteka? (b) Zvikurukuru, ivarai rinoshaikwa pakati pavanhu vorudzi irworwo? (c) Jesu akataura kuti rudo rwakadaro rwaizowanwa kupi?
36 Mugoveri mukuru wezvinoshaikwa zvokunyama anoitawo kuti chimwe chinhuwo zvacho chiri chinokosha kuchengeteko zvino chiwanike. Sezvaungagona kusanonzwisisa, kuva nezvinodikanwa zvokunyama zvoupenyu hakusati kuchizoita kuti munhu anzwe akagutsikana uye akachengeteka kana vasonganiri vake vari vanhu vasina fariro chaiyo maari. Kusachengeteka kunoparirwa apo vanhu vanoreva nhema nokunyengera; pavanoshandisa rurimi rwavo neitiro hanya dukusa nokuda kwokunzwa kwavamwe; pavanotonga vamwe pahwaro hwezvavanazvo zvokunyama, ruvara rweganda kana kuti mavambo orudzi; uye apo “tsitsi” dzinokurumidzisa kazhinji kazhinji nevavariro yakavanzwa, youdyire. Chiri chinoshaikwa zvikurusa pakati pavanhu vorudzi irworwo rudo—itiro hanya yapachokwadi isina udyire nokuda kwavamwe vanhu. Ko rudo rwakadaro runogona kuwanika chaizvoizvo here—kwete bedzi pakati pavamwe navamwe vashomanene, asi sevara rakatanhamara rechaunga chose chavanhu? Jesu Kristu anotipikira kuti runogona kuwanwa. Akati: “Kupfurikidza naikoku vose vachaziva kuti imi muri vadzidzi vangu, kana imi muine rudo pakati penyu mumene.” Uye aiziva kuti kwaizova navanhu vakadaro muzuva redu, nemhaka yokuti akaudza vadzidzi vake, kuti: “Tarirai! Ini ndinemi mazuva ose kusvikira kumhedziso yetsika yezvinhu.”—Johane 13:35; Mateo 28:20.
37. Bhaibheri rinotibetsera sei kuziva avo vane rudo rwakadaro? (1 Johane 4:20, 21)
37 Kana wakawana rudo urwu kuva rwunoshaikwa pakati pavasonganiri vako, ipapo unodikanirwa kutarisa kune imwe nzvimbo. Bhaibheri, pana 1 Johane 4:8, rinogovera nhungamiro inodikanwa, richiti: “Iye asati achida haasati asvika pakuziva Mwari, nemhaka yokuti Mwari rudo.” Nokudaro, ndipo pakati pavanhu vano“ziva Mwari” apo rudo rwakadaro runogona kuwanwa. Ikoku hakusati kuchireva zvamazvirokwazvo kuti ucharuwana pakati pavanhu vose vari vorudzidziso; unoziva kuti ikoku hakuna kudaro. Asi ucharuwana pakati paavo vanoziva Jehovha, Mwari bedzi wechokwadi, vanobata zita rake noruremekedzo uye vanoedza zvapachokwadi kutsinhiranisa upenyu hwavo nokuda kwake. Betsero dzinobva musonganiro yakadaro dzinooneka.
38. Kunze kwokungova bedzi pakati pavanhu vakadaro, chiizve chingaita munhu chichapira kuchengeteko yake nokufarikanya kwake upenyu?
38 Chokwadika, nenzira iyoyi haasati achiva asingatapurwi nemiuyo yomufambiro usingadzorwi wavose vasara venyika. Kunyanguvezvo, apo iye anoziva somunhu oga kutsamira kwake amene pana Mwari uye achigamuchira zvizere mupimo waMwari wechakarurama nechisina kururama sezvakarongwa muBhaibheri, anobetserwa zvikuru. Anotaviridzirwa pakubatanidzwa mumibato yaizoguma bedzi namarwadzo omwoyo norusuruvaro. Sokutaura kunoita Zvirevo 1:33, kuti: “Kana ari uyo unonditeerera [ndiko kuti, kuuchenjeri hwoumwari], iye uchagara muchengeteko uye achava asingadzongonyedzwi norutyo rwengwavaira.” Upenyu hwake hunogona kuzadzwa nerevo chaiyoiyo kana iye akahushandisa mutsinhirano nokuda kwoMusiki. Panzvimbo pokuwana vhiringidziko iyo vanhu vazhinji kwazvo vanayo, iye anogona kugoverana mufaro unobva mukubetsera vamwe kudzidza pamusoro pechinyungurutso bedzi chaichoicho chezvinetso zvorudzi rwomunhu—Umambo hwaMwari. Jesu Kristu akadeya kutaura basa rakadaro, achiti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye ipapo mugumo uchasvika.”—Mateo 24:14.
39. Zvapupu zvaJehovha zvinonzwa sei pamusoro penguva yemberi, uye nei? (Ruka 21:28-32)
39 Sezvo avo vanogoverana uyu mubato wokuparidza vachitarisira kunguva yemberi, ivo havazadzwi norutyo. Vakafunda Bhaibheri, uye vachidavira charinoreva, vanoziva chine nguva yemberi. Panzvimbo pokuva vanovhiringidzwa nekudziridziko iri yose isingafadzi munhau dzenyika, vanoona mune zvinhu izvozvi zadziko youporofita hweBhaibheri pamusoro pomugumo wetsika ino yezvinhu. Vanoziva kuti nokukurumidza zvino, muchizvarwa chino, Mwari achaparadza vose vanopfuurira kuzvidza ubati ushe hwake hune maruramiro navanoomerera pakushatisa kufarikanywa kwoupenyu hwavanhu biyavo. Vaine chivimbo ivo vanotarira mberi kuzadziko yetariro yakarongwa pana 2 Petro 3:13, iyo inoti: “Kune matenga matsva nepasi idzva zvatinomirira mukuwirirana nechipikirwa chake, uye kururama kuchagara mazviri.”
40, 41. (a) Naizvozvo, nei kuri kuti zvapupu zvaJehovha zvinofarikanya mwero wakakwirira wechengeteko iye zvino chaiye, kunyange zvazvo vachirarama mukati menyika inonetseka? (b) Ko chengeteko inofarikanywa nezvapupu zvaJehovha ndichimwe chinhu chaunoda here?
40 Irworwo ndirwo rudzi rwechengeteko iri kufarikanywa iye zvino navanamati vechiKristu vaJehovha Mwari, naavo vano“namata Baba nomudzimu nezvokwadi.” Inobva mukuzviisa kwavo pasi pemipimo yakarurama yaJehovha ndokuishandisa muupenyu hwavo. Sezvakadeya kutaurwa pana Isaya 32:17, 18, kuti: “Basa rokururama kwechokwadi rinofanira kuva rugare; uye basa rokururama kwechokwadi, runyararo nechengeteko kusvikira kunguva isingazivikanwi. Uye vanhu vangu vanofanira kugara muzvimbo yokugara ine rugare nomumisha yechivimbo chizere nomunzvimbo dzokuzorora dzisingavhiringidzwi.” Ivo vatsigiri vakavimbika vouchangamire hwaJehovha. Havasati vachigadza mipimo yavo vamene yechakanaka nechakashata. Havasati vari kuedza kugadzikisa zvinetso zvenyika ivo vamene. Nenzira yokuonga vanogamuchira ndokutsigira gadziriro yorudo iyo Jehovha akaita, Umambo hwake mumaoko aJesu Kristu.
41 Waizoda kugoverana chengeteko yavanofarikanya here? Unogona.
Chaunogona Kuita Pamusoro Pakwo
42. Kupfurikidza nokuenda kuHoro yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha, chii chauchakwanisa kuzvionera umene?
42 Imwe yenhano dzokutanga ndeyokusonganirana navanhu vanofarikanya chengeteko yakadaro. Neiyi nzira unogona kuzvionera umene kana iyoyi iri chaiyoiyo yawave uchitsvaka. Zvapupu zvaJehovha zvinokugamuchira noushamwari kuti uuye kumisangano yazvo paHoro yoUmambo munharaunda yenyu. Uchawana kuti misangano yazvo haina kuzadzwa nomuitiro, uye hapana mipiro inotorwa. Panzvimbo pakwo, pane kurukurirano ine revo yeShoko raMwari namatapurire arinoita upenyu hwedu. Bhaibheri rinopa zano, kuti: “Ngatirangariranei kuti tinyandurirane kurudo namabasa akaisvonaka, tisingaregi kuungana kwedu isu timene pamwe chete, setsika yavamwe, asi kukurudzirana.” (VaHebheru 10:24, 25) Ndiwoyu mudzimu wauchawana paHoro yoUmambo.
43. (a) Kana uchizofarikanya somunhu oga chengeteko yaunoona muupenyu hwavamwe paHoro yoUmambo, chii chaunoda? (b) Neiko pasina nomumwe wedu anogona hake kurerutsa ukama hwakadaro, asika hunogona sei kuwanwa?
43 Kupinda misangano yakadaro kuchakugonesa kuona chengeteko iyo vamwe vanofarikanya, uye pasina panikiro uchafarikanya songaniro. Asi chimwe chinhu chinodikanwa kana iwe pachako uchizova nechengeteko yakadaro. Chinodikanwa chako chikurusa ndicho ukama hunotenderwa naJehovha Mwari. Iye ndiye Uyo zvose zviri zviviri garikano yako yazvino nekariro dzako dzose dzomunguva yemberi zvinotsamira paari. Ukama hwakadaro hausati huri chimwe chinhu icho upi noupi wedu anogona kurerutsa. Hatina kuberekwa tinahwo. Isu tose tiri vazukuru vomutadzi Adhama, naizvozvo takaberekerwa mumhuri yohunhu isina ukama naMwari. Kuti tiwane tendero yaJehovha, tinofanira kuva vanoyananiswa naye, uye ikoku kunobvira bedzi pahwaro hwokutenda mugadziriro yorudo iyo iye akaita kupfurikidza nechibairo choMwanakomana wake. Sokutaura kwakaita Jesu amene: “Ndini nzira nezvokwadi noupenyu. Hakuna munhu anouya kuna Baba kunze kwokupfurikidza neni.”—Johane 14:6.
44. (a) Chii chatinoda pakutanga kuti tinzwisise pamusoro poupenyu namashandisirwe anofanira kuitwa upenyu hwedu? (Zvakazarurwa 4:11) (b) Kuti tifadze Jehovha, tinofanira kunzwa sei isu somunhu oga pamusoro pake? (c) Nei kunyudzwa mumvura kuchikosha, uye chi chiri madikanwa pamberi pokunge munhu agadzirira kubhapatidzwa? (Mateo 28:19, 20)
44 Tinofanira kunzwisisa kuti tine musengwa woupenyu hwedu kuna Mwari uye kuti kukundikana kupi nokupi kwokushandisa upenyu hwedu mukuteerera Mwari hakuna kururama. Kana tikaramba zvapachokwadi kukundikana kupi nokupi kwomunguva yakapfuura kushandisa upenyu hwedu mutsinhirano nokuda kwaMwari ticharamba nzira iyoyo isina kururama ndokutendeuka, tichitsinhiranisa upenyu hwedu nokuda kwaMwari. Ikoku kunobatanidza kuita icho Jesu akati vadzidzi vake vanofanira kuita, ndiko kuti, ‘kuzviramba vamene.’ (Mateo 16:24) Uyo anoita izvozvi haatongotaure kuti iye ane “maruramiro” okurarama upenyu hwake kuti agogutsa hake bedzi zvishuvo zvake amene zvoudyire, asingaitiri hanya kuda kwaMwari. Panzvimbo pezvo, anozvipa iye amene zvizere kukuitwa kwokuda kwaMwari sezvakatungamirirwa noMwanakomana wake. Uye anoita ikoku nemhaka yokuti kwakarurama uye nemhaka yokuti anopwiswa kuti chinhu chiri chose icho Jehovha anoita chine donzo rakanaka nerakarurama, uye kuti icho Mwari anoita chinoguma nezvikomborero nokuda kwedu kana tichida kururama. Iye anoda Jehovha zvirokwazvo ‘nomwoyo wake wose, ndangariro, mweya nesimba.’ (Marko 12:29, 30) Aita kuzvipa kwakadaro mumwoyo wake amene, iye agadzirira kuzvipa iye amene nokuda kwokunyudzwa mumvura kwapamhene, mukutevedzera Jesu Kristu uye mukuteerera mirairidzo yaakapa kuvadzidzi vake. Munzira iyoyi bedzi, yakarongwa muShoko raMwari, iyo munhu anogona kupinda nayo muukama hunotenderwa naMwari wechokwadi ndokugoverana chengeteko iyo vabatiri vake vanofarikanya.
45. Tinoratidzira sei kuti tinoda chaizvoizvo Jehovha soMutongi wedu?
45 Pashure, kunokosha kupfuurira kuratidzira kuti wakaramba zvirokwazvo nzira yokuzvimirira inorumbidzwa naSatani; kuti hausati uchigadza mupimo wako umene wechakanaka nechakashata; kuti unoda chaizvoizvo Jehovha soMutongi wako. Uchafanira kuita sezvinodudzwa pana Zvirevo 3:5, 6, kuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose uye rega kutsamira pakunzwisisa kwako umene. Mucherekedze munzira dzako dzose, uye iye amene acharuramisa makwara ako.” Hungu, achatungamirira nzira dzako munzira yechengeteko yechokwadi neinogarisa.
46. Ichengetekoi inouya kuna avo vanogamuchira zvirokwazvo gadziriro dzorudo dzaJehovha?
46 Zvikomborero zvakaisvonaka sei zvinouya kuna vose vanogamuchira zvirokwazvo gadziriro dzorudo idzo Jehovha akaitira rudzi rwomunhu! Vachiita kumira kwakasimba pasi poubati ushe hwake, vanotaviridzirwa zvino, uye vane kariro dzakavimbika nokuda kwenguva yemberi. Nemhaka yomutsa worudo waJehovha nohuchokwadi hwake, vachagoverana muchengeteko inogutsa zvizere iyo ichauya kurudzi rwomunhu muUmambo hwaMwari huri mumaoko oMwanakomana wake Jesu Kristu.
[Mashoko Omuzasi]
a Kutoti kwakaratidzirwa nomumwe mutoo, kunokorwa kwamashoko aMagwaro ari muchinyorwa chino kunobva muNew World Translation of the Holy Scriptures yomutauro wazvino uno.
[Mufananidzo uri papeji 4]
Vanhu vari kurarama zvino vachaona zuva apo nzara isati ichizovapozve
[Mufananidzo uri papeji 7]
Kariro dzedu nokuda kwenguva yemberi dzinotsamira paUyo akasika matenga napasi
[Mufananidzo uri papeji 13]
Chinyorwa cheBhaibheri pamusoro pavabereki vedu vokutanga chinoratidza chikonzero nei kusachengeteka kuchiparadza upenyu hwavanhu nhasi
[Mufananidzo uri papeji 22]
MuUmambo hwaMwari muchava nomugumo woutsotsi, mugumo wengozi kupfuma yomunhu nokumunhu amene
[Mufananidzo uri papeji 24]
Shoko raMwari rinopikira kuti chirwere norufu zvichabviswa—hungu, kunyange vadiwa avo vakafa vachamutswa kuti vararamazve