Chitsauko 8
Kununurwa Mukanwa meShumba!
1, 2. (a) Dhariusi muMedhia akaronga sei umambo hwake hwakanga hwakura? (b) Rondedzera mabasa nesimba remachinda.
BHABHIRONI rakanga rakundwa! Runako rwaro rwemazana emakore sesimba renyika yose rwakanga rwatsakatika mumaawa mashomanene. Nguva itsva yakanga yava kutanga—yevaMedhia navaPersia. Dharius muMedhia akatora chigaro chaBhershazari, zvino akanga ava nebasa rakaoma rokuronga umambo hwake hwakanga hwawedzera kukura.
2 Rimwe remabasa okutanga akaitwa naDhariusi rakanga riri rokugadza machinda 120. Zvinofungidzirwa kuti vanhu vaishanda basa iri pane dzimwe nguva vaisarudzwa pakati pehama dzamambo. Zvisinei, muchinda mumwe nomumwe aitonga ruwa rwakakura kana kuti chikamu chiduku choumambo hwacho. (Dhanieri 6:1) Mabasa ake aibatanidza kuteresa nokutumira mitero yacho kumuzinda wamambo. Kunyange zvazvo aigona kubvunzwa nomumiririri wamambo aivashanyira, muchinda aiva nesimba rakati kuti. Zita rake rebasa raireva kuti “muchengeti weUmambo.” Muruwa rwake muchinda wacho aionekwa somubati wechigaro chamambo, ane simba rose rachangamire.
3, 4. Nei Dhariusi aida Dhanieri, uye mambo akamugadza munzvimbo ipi?
3 Dhanieri aizoita basa rei mugadziriro itsva iyi? Dharius muMedhia aizozorodza uyu muprofita wechiJudha akanga akwegura pabasa here uyo zvino akanga ava kumakore ekumakumi mapfumbamwe? Kana! Pasina mubvunzo Dhariusi akaona kuti Dhanieri akanga afanotaura nenzira yakarurama kukundwa kweBhabhironi uye kuti kufanotaura kwakadaro kwakanga kuchida nzwisiso inopfuura yomunhu. Mukuwedzera, Dhanieri akanga agara nebasa rokubata nemapoka evanhu akasiyana-siyana vakanga vatapwa neBhabhironi kwemakore. Dhariusi akanga achida kuchengeta rugare nevanhu vake vaakanga achangobva kukunda. Naizvozvo, sezviri pachena, aizoda kuti ave pedyo nomumwe munhu akachenjera uye aiziva basa saDhanieri. Achishanda saani?
4 Zvaizodai zvakashamisa kwazvo kudai Dhariusi akanga agadza nhapwa yechiJudha Dhanieri kuva muchinda. Asi chimbofungidzira bongozozo rakamuka apo Dhariusi akazivisa chisarudzo chake chokuita Dhanieri mumwe wevakuru vakuru vatatu vaizotarisira machinda! Kwete izvozvo zvoga asi Dhanieri “wakapfuura vamwe,” achiratidza kuti akanga ari mukuru kune vamwe vake vaiva vakuru vakuru. Zvechokwadi, “mweya wakanaka kwazvo” wakanga uri maari. Dhariusi akanga achitoda kumupa nzvimbo yokuva puraiminisita.—Dhanieri 6:2, 3.
5. Vamwe vakuru vakuru nemachinda vanofanira kuve vakaita sei nokugadzwa kwaDhanieri, uye nei?
5 Vamwe vakuru vakuru nemachinda vanofanira kuve vakafa neshungu. Chokwadi, vaisagona kutsungirira pfungwa yokuti Dhanieri—uyo akanga asiri muMedhia kana kuti muPersia kana kuti weimba youshe—ave munzvimbo yesimba pavari! Dhariusi aigona sei kusimudzira mubvakure kusvika pakakwirira kudaro, achisiya vanhu vomunyika yake kunyange vemhuri yake pachake? Kuita kwakadaro kunofanira kuva kwakaita sokusina kururamisira. Uyezve, sezviri pachena machinda aiona kuvimbika kwaDhanieri sechinhu chakaipa chaizovavhiringa pamiitiro yavo yokubiridzira uye yeuori. Asi, vakuru vakuru nemachinda havana kushinga kunotaura naDhariusi nezvenhau yacho. Pamusoro pazvo, Dhariusi airemekedza Dhanieri zvikuru.
6. Vamwe vakuru vakuru nemachinda vakaedza sei kuchera Dhanieri, uye nei kuedza uku kusina kushanda?
6 Naizvozvo vezvamatongerwe enyika vane godo ava vakarangana. Vakaedza “kutsvaka mhosva yava[izo]pomera Dhanieri pamusoro poushe.” Pangave nechinhu chakanga chisina kunaka panzira yaaiita nayo basa rake here? Akanga asina kutendeseka here? Ava vakuru vakuru nemachinda vakashaya paimboregeredzwa kana uori hwaiitwa naDhanieri mukuita basa rake. “Hatingatongowani shoko pamusoro paDhanieri uyu, kana tisingamutsvakiri iro pamusoro pomurayiro waMwari wake.” Naizvozvo zvakaitika kuti ava varume vakaipa vakaruka zano. Vakafunga kuti raizoparadza Dhanieri zvokusazoonekwazve.—Dhanieri 6:4, 5.
ZANO ROKUURAYA RINOTANGWA
7. Vakuru vakuru nemachinda vakakumbira kuti mambo aitei, uye vakazviita sei?
7 Dharius akavingwa neboka revakuru vakuru nemachinda “vari vazhinji.” Shoko rechiAramaic riri pano rine pfungwa yemheremhere yakaita seyemheni. Sezviri pachena, varume ava vakaita kuti zviite sokuti vakanga vane nhau yokukurumidzira yavakanga vachida kupira kuna Dhariusi. Vangave vakafunga kuti aisazombobvunza chikumbiro chavo kana vaizochitaura sevane chokwadi nacho uye sechimwe chinhu chaida kuitwa nokukurumidza. Saka, vakananga panyaya yacho vachiti: “Vakuru vose voushe, navarayiri namachinda namakurukota namadzishe vakarangana kuti mambo aite murayiro nokutema chirevo chakasimba, kuti ani nani unokumbira chinhu kuna mwari upi noupi kana munhu upi noupi namazuva ane makumi matatu, asi kwamuri, imi mambo, awisirwe mugomba reshumba.”a—Dhanieri 6:6, 7.
8. (a) Nei Dhariusi aizowana mutemo wakanga wakarakadzwa uchifadza? (b) Ndeipi yaiva vavariro yechokwadi yevakuru vakuru nemachinda?
8 Zvinyorwa zvenhau dzakaitika zvinoratidza kuti zvaiwanzoitika kuti madzimambo eMesopotamia aonekwe nokunamatwa savanamwari. Naizvozvo Dharius pasina mubvunzo akabatwa kumeso neichi chikumbiro chavo. Angavewo akaona zvazvakanga zvakanakira. Yeuka, kune vaigara muBhabhironi, Dhariusi akanga ari mubvakure uye mutsva. Mutemo mutsva uyu waizoshanda kumusimbisa samambo, uye waizokurudzira vazhinji vaigara muBhabhironi kuratidza pachena kuvimbika kwavo nokutsigira kwavo hurumende itsva. Mukukarakadza mutemo wacho, zvisinei, vakuru vakuru vacho nemachinda vakanga vasina kana basa nokuti zvinakire mambo. Vavariro yavo yechokwadi yakanga iri yokubata Dhanieri, nokuti vaiziva nezvetsika yake yokunyengetera kuna Mwari katatu pazuva ari pamberi pemahwindo akavhurwa ekamuri rake rapamusoro.
9. Nei mutemo mutsva waisazonetsa vanhu vazhinji vakanga vasiri vaJudha?
9 Kudziviswa kwemunyengetero uku kwaizoparira chinetso vanhu vose vaiti vanonamata vemuBhabhironi here? Kwete hazvo, kunyanya sezvo kurambidza kwacho kwakanga kuri kwemwedzi bedzi. Uyezve, vashomanene vakanga vasiri vaJudha vaizoona kunamata munhu kwechinguva chakati kuti sekubvumirana nezvisina kufanira. Imwe nyanzvi yeBhaibheri inoti: “Kunamata mambo kwaisareva kuita zvinoshamisa kuvanhu vainamata zvidhori zvikurusa; uye naizvozvo vaBhabhironi pavakakumbirwa kunamata akanga akunda—Dhariusi muMedhia—zvinofanira kuitwa mwari, vakabvuma zvakarayirwa zvacho. VaJudha bedzi ndivo vakaramba chikumbiro chakadaro.”
10. VaMedhia navaPersia vaiona sei mutemo wainge wagadzwa namambo wavo?
10 Zvisinei, vashanyi vaDhariusi vakamukurudzira kuti “temai chirevo, imi mambo, muise zita renyu parunyoro, kuti chirege kuzoshandurwa, nomurayiro wavaMedhia navaPersia usingashandurwi.” (Dhanieri 6:8) KuMabvazuva ekare, zvido zvamambo zvaiwanzorangarirwa sezvisingabvunzwi. Izvi zvakaparira pfungwa yokuti akanga asingakanganisi. Kunyange mutemo waiparira kufa kwevanhu vasina mhaka waifanira kuramba uchishanda!
11. Dhanieri aizotapurwa sei nomutemo waDhariusi?
11 Asina kumbofunga nezvaDhanieri, Dhariusi akasaina chirevo chacho. (Dhanieri 6:9) Nokuita kudaro, akasaina rugwaro rwokubvumira kuuraya mumwe wevakuru vakuru vake vanokosha zvikurusa asingazvizivi. Hungu, zvechokwadi Dhanieri aizotapurwa nomutemo uyu.
DHARIUSI ANOMANIKIDZWA KUTONGA ZVAKAOMARARA
12. (a) Dhanieri akaitei paakangoziva nezvomutemo mutsva? (b) Ndivanaani vakanga vachitarira Dhanieri, uye nei?
12 Nokukurumidza Dhanieri akaziva nezvemutemo wairambidza kunyengetera. Nokukurumidza, akapinda mumba yake ndokuenda mukamuri rake repamusoro, umo mahwindo acho aive akatarisa Jerusarema akanga akavhurwa.b Imomo Dhanieri akatanga kunyengetera kuna Mwari “sezvaaisiita.” Dhanieri angave akafunga kuti akanga ari oga, asi vaimurangana vakanga vakamutarisa. Kamwe kamwe, “vakaungana vari vazhinji,” pasina mubvunzo nenzira imwe chete yechivhundumukira yavakanga vasvika nayo kuna Dhariusi. Zvino vakanga vava kuzvionera—Dhanieri akanga “achikumbira nokunyengetera pamberi paMwari wake.” (Dhanieri 6:10, 11) Vakuru vakuru nemachinda vakanga vane uchapupu hwose hwavaida kuti vapomere Dhanieri pamberi pamambo.
13. Vavengi vaDhanieri vakaudza mambo kuti chii?
13 Vavengi vaDhanieri nounyengeri vakabvunza Dhariusi kuti: “Hamuna kuisa zita renyu pachirevo, kuti ani nani unokumbira chinhu kuna Mwari upi noupi kana munhu uipi noupi namazuva anamakumi matatu, asi kwamuri imi mambo, awisirwe mugomba reshumba here?” Dhariusi akapindura achiti: “Ishoko razvokwadi, nomurayiro wavaMedhia navaPersia, usingashandurwi.” Ipapo vanyakurangana vacho vakakurumidza kunanga. “Uya Dhanieri wavana vaJudha vakatapwa, haane hanya nemi, imi mambo, kana nechirevo chamakaisa zita renyu, asi unokumbira katatu nezuva.”—Dhanieri 6:12, 13.
14. Sezviri pachena, nei vakuru vakuru nemachinda vakataura nezvaDhanieri seaiva “wavana vaJudha vakatapwa”?
14 Zvinoreva chimwe chinhu kuti vakuru vakuru vacho nemachinda vakataura nezvaDhanieri seaiva “wavana vaJudha vakatapwa.” Sezviri pachena vakanga vachida kusimbisa kuti Dhanieri uyu uyo Dhariusi akanga akwidziridza kusvika pakuva akakurumbira kudaro chaizvoizvo aingovawo zvake nhapwa yechiJudha. Vaifunga kuti sezvo aiva akadaro, aifanira kuteerera mutemo—pasinei zvapo nokuti mambo aifungei pamusoro pake!
15. (a) Dhariusi akaita sei nemashoko ayo vakuru vakuru nemachinda vakauya nawo? (b) Vakuru vakuru nemachinda vakawedzera sei kuratidzira kuvenga kwavo Dhanieri?
15 Zvichida vakuru vakuru vacho nemachinda vakanga vachitarisira kuti mambo aizovapa mubayiro webasa ravo rokufeya feya nokungwarira. Kana zvakadaro, vakanga vachizoshamiswa. Dhariusi akanetseka kwazvo nemashoko avakamuunzira. Panzvimbo pokutsamwira Dhanieri kana kuti kukurumidza kumuti awisirwe mugomba reshumba, Dhariusi akapedza zuva rose achitamburira kumununura. Asi kuedza kwake hakuna kubetsera. Nenguva isipi, vanyakurangana vaya vakadzoka, uye nokusanyara kwavo vakati Dhanieri ngaaurawe.—Dhanieri 6:14, 15.
16. (a) Nei Dhariusi airemekedza Mwari waDhanieri? (b) Dhariusi aiva netariro yei pamusoro paDhanieri?
16 Dhariusi akafunga kuti hapana zvaaigona kuita panhau yacho. Mutemo wacho wakanga usingagoni kushandurwa, uye “kudarika” kwaDhanieri kwakanga kusingagoni kuregererwa. Dhariusi zvaaigona kutaura chete kuna Dhanieri ndezvokuti “Mwari wako waunosishumira nguva dzose, uchakurwira.” Dhariusi anenge airemekedza Mwari waDhanieri. Akanga ari Jehovha akanga apa Dhanieri unyanzvi hwokufanotaura nezvokukundwa kweBhabhironi. Mwari akanga apawo Dhanieri “mweya wakanaka kwazvo,” waimusiyanisa nevamwe vakuru vakuru. Zvichida Dhariusi aizviziva kuti makumi amakore akanga apfuura Mwari mumwe chete iyeyu akanga anunura majaya matatu echiHebheru muchoto chinopfuta kwazvo. Zvichida, mambo akanga achitarisira kuti Jehovha zvino aizonunura Dhanieri, sezvo Dhariusi akanga asingakwanisi kushandura mutemo waakanga asaina. Saka, Dhanieri akakandirwa mugomba reshumba.c Ipapo, “ibwe rikauyiswa, rikaiswa pamuromo wegomba, mambo akarisimbisa nechidhori chake uye nechindori chamadzishe ake; kuti kurege kuva nechinhu chimwe pamusoro paDhanieri chingashandurwa.”—Dhanieri 6:16, 17.
KUCHINJA KWEZVINHU KUNOSHAMISA
17, 18. (a) Chii chinoratidza kuti Dhariusi akatambura nezvakaitika kuna Dhanieri? (b) Chii chakaitika apo mambo akadzokera kugomba reshumba mangwanani akatevera acho?
17 Dhariusi akanga apera simba akadzokera kumuzinda wake. Hapana vaimbi vakaunzwa pamberi pake, nokuti zvekuvaraidzwa zvaiva kure naye. Panzvimbo paizvozvo, Dhariusi akarara akasvinura usiku hwose, achitsanya. “Hope dzake dzikatiza.” Mashambanzou, Dhariusi akamhanyira kugomba reshumba. Akadana nenzwi romunhu akasuruvara: “Nhai Dhanieri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako waunosishumira nguva dzose, une simba rokukurwira pashumba here?” (Dhanieri 6:18-20) Zvakamushamisa—uye zvakamuzorodza—akapindurwa!
18 “Imi mambo raramai nekusingaperi.” Nokukwazisa uku kwokuremekedza, Dhanieri akaratidza kuti akanga asina kutsamwira mambo. Akaziva kuti aimutambudza chaiyeiye akanga asiri Dhariusi, asi vakuru vakuru nemachinda vaiva negodo. (Enzanisa naMateo 5:44; Mabasa 7:60.) Dhanieri akapfuurira achiti: “Mwari wangu wakatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba, dzikasandikuvadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handina mhosva, napamberi penyuwo, imi mambo, hakuna chakaipa chandakaita.”—Dhanieri 6:21, 22.
19. Dhariusi akanga anyengedzwa nokushandiswa sei nevakuru vakuru nemachinda?
19 Mashoko iwayo anofanira kuva akanetsa hana yaDhariusi sei! Akanga agara achizviziva kuti Dhanieri hapana chaakanga aita chaimuita kuti akodzere kukandwa mugomba reshumba. Dhariusi ainyatsoziva kuti vakuru vakuru nemachinda vakanga varangana kuurayisa Dhanieri uye kuti vakanga vashandisa mambo kuti zvivanakire. Nokuramba kwavo vachiti “vakuru vose voushe” vakanga varumbidza kuitwa kwomutemo wacho, vakatoreva kuti naDhanieriwo akanga abvunzwa nezvenhau yacho. Dhariusi aizobata nevarume vakaipa ava pave paya. Kutanga, zvisinei, akarayira kuti Dhanieri anobudiswa mugomba reshumba. Chishamiso, Dhanieri akanga asina kana kumbonzi pferenyu!—Dhanieri 6:23.
20. Chii chakaitika kuvavengi vaDhanieri vaiva noutsinye?
20 Zvino sezvo Dhanieri akanga asisina chinomuwana, Dhariusi akanga ane rimwe basa rokuzoita. “Ipapo mambo akarayira, vakauya navaya vanhu vakanga vapomera Dhanieri, vakavawisira mugomba reshumba, ivo, navana vavo, navakadzi vavo; shumba dzikavakunda, dzikavavhuna-vhuna mapfupa avo, vachigere kusvika pasi mugomba.”d—Dhanieri 6:24.
21. Mukubata nevanhu vemhuri yevaikanganisa, musiyanoi wakanga uripo pakati poMutemo waMosesi nemitemo yedzimwe tsika dzekare?
21 Kuuraya kwete vanyakurangana bedzi asiwo nevadzimai vavo nevana kungaratidzika seukasha husingaratidzi kufunga. Mukusiyana naizvozvo, Mutemo uyo Mwari akapa nokumuprofita Mosesi waiti: “Madzibaba haafaniri kuurawa pamusoro pavana vavo, navana havafaniri kuurawa pamusoro pamadzibaba avo; munhu mumwe nomumwe anofanira kuurayirwa zvivi zvake.” (Dheuteronomio 24:16) Kunyange zvakadaro, mune dzimwe tsika dzekare, zvakanga zvisingashamisi kuti vamwe vemumhuri vaurawe pamwe chete neanenge akanganisa, kana paitwa mhaka yakakomba. Pamwe izvi zvaiitirwa kuti vamwe vemhuri yacho vasazokwanisa kutsiva gare gare. Zvisinei, chiito ichi chakaitwa kumhuri dzevakuru vakuru nemachinda sezviri pachena hachina kuparirwa naDhanieri. Zvichida, akatotambura nemhaka yengwavaira iyo varume vakaipa ava vakanga vaunzira mhuri dzavo.
22. Murayiroi mutsva uyo Dhariusi akagadza?
22 Vakuru vakuru nemachinda vakamurangana vakanga vatsakatika. Dhariusi akabudisa murayiro waiti: “Ndinotema chirevo, kuti panyika yose youshe hwangu vanhu vose vadedere vatye pamberi paMwari waDhanieri; nokuti ndiye Mwari mupenyu, uripo nokusingaperi, ushe hwake haungaparadzwi; kubata kwake ushe kuchavapo kusvikira pakuguma. Ndiye unorwira nokusungungura, ndiye unoita zviratidzo nezvishamiso kudenga napanyika, ndiye wakarwira Dhanieri pasimba reshumba.”—Dhanieri 6:25-27.
BATIRA MWARI NGUVA DZOSE
23. Muenzanisoi wakagadzwa naDhanieri pamusoro pebasa rake renyika, uye tinogona sei kuita saiye?
23 Dhanieri akasiira vabatiri vaMwari vose vanhasi muenzaniso wakanaka kwazvo. Mufambiro wake wakanga usina mhosva nguva dzose. Mubasa rake renyika, Dhanieri “wakanga akatendeka, uye kwakanga kusina kutadza kana mhosva kwaari.” (Dhanieri 6:4) Nenzira yakafanana, muKristu anofanira kushanda nesimba kubasa kwake. Izvi hazvirevi kuva munhu ane utsinye pabasa anonyanyoda kutevedza upfumi hwenyika kana kuti anoshandisa vamwe kuti akwire pachinzvimbo chapamusoro pabasa. (1 Timotio 6:10) Magwaro anoda kuti muKristu aite basa rake renyika nenzira yokutendeseka uye nenzira yemwoyo wose, “sokuna Jehovha.”—VaKorose 3:22, 23, NW; Tito 2:7, 8; VaHebheru 13:18.
24. Dhanieri akaratidza sei kuva asingabvumirani nezvisina kufanira mune zvokunamata?
24 Mukunamata kwake, Dhanieri akanga asingabvumirani nezvisina kufanira. Tsika yake yokunyengetera inhau yaitozivikanwa nevanhu vose. Uyezve, vakuru vakuru nemachinda vainyatsoziva kuti Dhanieri aikoshesa kunamata kwake. Zvechokwadi, vakanga vane chokwadi chokuti aizoramba achiita tsika iyi kunyange kana mutemo waizvirambidza. Muenzaniso wakanaka sei kuvaKristu vomuzuva ranhasi! Ivowo vane mukurumbira wokuisa kunamatwa kwaMwari munzvimbo yokutanga. (Mateo 6:33) Izvi zvinofanira kuonekwa zviri nyore nevanotarisa, nokuti Jesu akarayira vadzidzi vake kuti: “Saizvozvo chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze Baba venyu vari kudenga.”—Mateo 5:16.
25, 26. (a) Vamwe vangatii pamusoro pezvakaitwa naDhanieri? (b) Nei Dhanieri akaona kuti kuchinja kwomuitiro wake kwaizova kwakafanana nokubvumirana nezvisina kufanira?
25 Vamwe vangataura kuti Dhanieri angagona kudai akadzivisa kutambudzwa nokunyengetera kuna Jehovha pakavanda kwemazuva 30. Pamusoro pazvo, hapana chimiro kana kuti nzvimbo zvinodiwa kuitira kuti munhu anzwiwe naMwari. Anogona kunyange kunzwisisa zviri kufungisiswa nemwoyo. (Pisarema 19:14) Kunyange zvakadaro, Dhanieri akaona kuchinja kupi nokupi muitiro wake kuva kubvumirana nezvisina kufanira. Nei?
26 Sezvo tsika yaDhanieri yokunyengetera yakanga ichinyatsozivikanwa, zvaizorevei kuvanhu kudai akanga angoirega kamwe kamwe? Vaiona vangadai vakangopedzisira voti Dhanieri aitya vanhu uye chirevo chamambo chaipfuura mutemo waJehovha. (Pisarema 118:6) Asi Dhanieri akaratidza nezviito zvake kuti Jehovha ndiye woga waainamata. (Dheuteronomio 6:14, 15; Isaya 42:8) Chokwadi, nokuita izvi Dhanieri haana kuramba kuteerera mutemo wamambo nenzira yokusaremekedza. Asi, haanawo kuva mbwende nokubvumirana nezvisina kufanira. Dhanieri akangopfuurira kunyengeterera mukamuri rake rapamusoro, “sezvaaisiita” mutemo wamambo usati wavapo.
27. Vabatiri vaMwari nhasi vanogona sei kuita saDhanieri (a) mukuzviisa pasi pemasimba makuru? (b) mukuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu? (c) mukuedza kugara norugare nevanhu vose?
27 Vabatiri vaMwari nhasi vanogona kudzidza pamuenzaniso waDhanieri. Vanoramba vachi“zviis[a] pasi pamasimba makuru,” vachiteerera mitemo yomunyika yavanogara. (VaRoma 13:1) Zvisinei, apo mitemo yomunhu inorwisana neyaMwari, vanhu vaJehovha vanoita sezvakaita vaapostora vaJesu, avo vakataura noushingi kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.” (Mabasa 5:29) Mukuita kudaro, vaKristu havasi kupandukira kana kuti kumukira. Panzvimbo paizvozvo, chinangwa chavo ndechokugara nerugare nevanhu vose kuitira kuti va“gare norugare nokunyarara pakunamata Mwari kwose, nomugarire unokudzwa.”—1 Timotio 2:1, 2; VaRoma 12:18.
28. Dhanieri akabatira Jehovha “nguva dzose” sei?
28 Kaviri Dhariusi akatsinhira kuti Dhanieri aibatira Mwari “nguva dzose.” (Dhanieri 6:16, 20) Shoko rinobva mushoko rechiAramaic rinoshandurwa kuti “nguva dzose” rinoreva “kufamba uchitenderera.” Rinopa pfungwa yokuramba uchitenderera, kana kuti chimwe chinhu chisingagumi. Ndizvo zvakanga zvakaita kuvimbika kwaDhanieri. Kwaitevedza nzira inozivikanwa. Pakanga pasina mubvunzo pamusoro pokuti Dhanieri aizoita sei paakatarisana nemiedzo, ingava mikuru kana kuti miduku. Aizoramba achifamba nenzira yaakanga atanga makumi amakore akanga apfuura—yokuvimbika nokutendeka kuna Jehovha.
29. Vabatiri vaJehovha nhasi vanogona sei kubetserwa nenzira yokutendeka yaDhanieri?
29 Vabatiri vaMwari vemuzuva ranhasi vanoda kutevera nzira yaDhanieri. Zvechokwadi, muapostora Pauro akakurudzira vaKristu vose kurangarira muenzaniso wevarume vekare vaitya Mwari. Nokutenda, vaka“ita zvakarurama, vakapiwa zvipikirwa,” uye—sezviri pachena achitaura nezvaDhanieri—“vakadzivirira miromo yeshumba.” Sevabatiri vaJehovha nhasi, ngatiratidzei kutenda tichidaro nguva dzose saDhanieri “timhanye nokutsungirira nhangemutange yatakaisirwa.”—VaHebheru 11:32, 33; 12:1.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuvapo kwe“gomba reshumba” muBhabhironi kunotsigirwa neuchapupu hwezvinyorwa zvekare zvinoratidza kuti vatongi vekuMabvazuva kazhinji vaichengeta mhuka dzemusango.
b Kamuri repamusoro rakanga riri kamuri riri roga umo munhu aigona kupinda orara kana aisada kudzongonyedzwa.
c Gomba reshumba ringangodaro raiva ninga yaiva pasi pevhu ine muromo pamusoro nepakavhurika kurutivi paivharwa neibwe. Pamwe yaiva nemasuo kana kuti mazariro aigona kusimudzwa kuti mhuka dzipinde.
d Shoko rokuti “pomera” kushandurwa kweshoko rechiAramaic rinogonawo kushandurwa kuti “kuchera.” Izvi zvinoratidza vavariro youtsinye yevavengi vaDhanieri.
WANZWISISEI?
• Nei Dhariusi muMedhia akasarudza kushandisa Dhanieri munzvimbo yapamusoro?
• Kuranganai kwakaipa uko vakuru vakuru nemachinda vakaronga? Jehovha akanunura Dhanieri sei?
• Wadzidzei pakufungisisa muenzaniso waDhanieri wokutendeseka?
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 114]
[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 121]
[Mufananidzo uri papeji 127]
Dhanieri aibatira Jehovha “nguva dzose.” Ndizvo zvaunoita here?