Chitsauko 2
Baba Nevanakomana Vavo Vanopandukira
1, 2. Tsanangura kuti Jehovha akasvika sei pakuva nevanakomana vanopandukira?
AIPA vana vake zvakakwana, sezvaingozoitawo mubereki wose ane rudo. Kwemakore akawanda akava nechokwadi chokuti vaipiwa zvokudya, zvokupfeka, nepokugara. Pazvainge zvichikodzera, aivaranga. Asi chirango chavo chakanga chisingambopfuuri mwero; nguva dzose chaiitwa “kusvika pamwero wakafanira.” (Jeremia 30:11, NW) Saka tinogona kungofungidzira kurwadziwa kunoita baba ava vane rudo sezvavanofanira kutaura mashoko okuti: “Ndakarera nokukurisa vana, asi vakandimukira.”—Isaya 1:2b.
2 Vanakomana vanopandukira vari kutaurwa nezvavo pano vanhu venyika yeJudha, uye baba vari kurwadziwa ndiJehovha Mwari. Zvinosiririsa sei! Jehovha akatarisira vaJudha ndokuvakwidziridza kuva panzvimbo yakakwirira pakati pamarudzi. “Ndakakufukidzawo nezvakarukwa, ndikakupfekedza shangu dzamatehwe amatenhe, ndakakusunga chiuno nomucheka wakaisvonaka, ndikakufukidza nesiriki,” gare gare anovayeuchidza kudaro achishandisa muprofita Ezekieri. (Ezekieri 16:10) Asi, kazhinji, vanhu venyika yeJudha havaongi zvavakaitirwa naJehovha. Asi vanopanduka, kana kuti kumukira.
3. Nei Jehovha achidana matenga nepasi kuti zvipupurire kumukira kwenyika yeJudha?
3 Nokuda kwechikonzero chinonzwika, Jehovha anotanga mashoko aya pamusoro pevanakomana vokupandukira nemashoko okuti: “Inzwa denga rose, teerera iwe nyika, nokuti Jehovha wakataura.” (Isaya 1:2a) Mazana emakore akanga apfuura matenga nepasi zvakanzwa, nenzira yokufananidzira, vaIsraeri vachigamuchira nyevero dzakajeka pamusoro pemigumisiro yokusateerera. Mosesi akati: “Ini ndinodana denga napasi zvikupupurirei nhasi, kuti muchakurumidza kuparadzwa chose panyika yamunoyambukira Joridhani kuti muende kwairi kuiita yenyu.” (Dheuteronomio 4:26) Zvino muzuva raIsaya, Jehovha anodana matenga asingaoneki nepasi rinooneka kupupurira kumukira kwenyika yeJudha.
4. Jehovha anosarudza kuzviratidza sei kunyika yeJudha?
4 Kukomba kwemamiriro acho ezvinhu kunoda kuti nyaya yacho ingonangwa. Zvisinei, kunyange mumamiriro aya ezvinhu akaoma, zvinokosha—uye zvinofadza—kuti Jehovha anozvitaura somubereki ane rudo kunyika yeJudha panzvimbo pomuridziwo zvake avatenga. Chaizvoizvo Jehovha ari kukumbira vanhu vake kufunga nhau yacho nemaonere ababa vari kushushikana pamusoro pevanakomana vake vakapanduka. Pamwe vamwe vabereki vemunyika yeJudha vanogona kutozvifunga vari ivo vari munguva yakaoma kudaro uye vanorwadziwa mwoyo nemuenzaniso wacho. Zvisinei, Jehovha ave pedyo nokutaura nhau yake yaanayo nenyika yeJudha.
Mhuka Dzisingafungi Dzinoziva Zviri Nani
5. Kusiyana naIsraeri, mupfungwai umo nzombe nembongoro zvinoratidza kutendeseka kwakati kuti?
5 Achishandisa Isaya, Jehovha anoti: “Nzombe inoziva mwene wayo, nembongoro inoziva chidyiro chavatenzi vayo; asi Israeri havazivi, vanhu vangu havarangariri.” (Isaya 1:3)a Nzombe nembongoro imhuka dzokushandisa kutakura zvinhu dzinozivikanwa nevanhu vanogara kuMiddle East. Zvechokwadi, vaJudha vaisazoramba kuti kunyange mhuka dzakaderera idzi dzinoratidza kutendeseka kwakati kuti, kuziva chaiko kuti dzina vatenzi. Panhau iyi, imbofunga zvakaonekwa nomumwe muongorori wezvinhu zveBhaibheri mukunopera kwezuva murimwe guta rokuMiddle East: “Boka rezvipfuwo rakangoti richipinda mukati merusvingo pakarepo richibva rapararira. Nzombe imwe neimwe yainyatsoziva mwene wayo, uye nzira yokuenda kumba kwake, yaisambovhiringidzika kwechinguva nemhaka yetunzira twakawanda twakamonereka-monereka. Kana iri mbongoro, yakananga pasuo chaipo, uye kunosvika ‘padanga remwene wayo.’”
6. Vanhu venyika yeJudha vakakundikana sei kuita nokurangarira?
6 Sezvo kuona zvinhu zvakadaro sezviri pachena kuchingogaroitika muzuva raIsaya, pfungwa yeshoko raJehovha yakajeka: Kana kunyange mhuka isingafungi ichiziva tenzi wayo, nechidyiro chayo, vanhu venyika yeJudha vangazvipembedza nei, nokuda kwokusiya Jehovha? Zvechokwadi, vakanga vasinga“rangariri.” Zviri kuita sokuti havazivi kuti kubudirira kwavo nokurarama chaiko ndiJehovha. Zvechokwadi uchapupu hwetsitsi kuti Jehovha achiri kudana vaJudha achiti “vanhu vangu”!
7. Ndedzipi dzimwe nzira dzatingaratidza nadzo kuti tinoonga zvatinopiwa naJehovha?
7 Hatizombodi kuita nokusarangarira nokukundikana kuratidza kuonga zvose zvatakaitirwa naJehovha! Asi, tinofanira kutevedzera munyori wepisarema Dhavhidhi, uyo akati: “Ndichaonga Jehovha nomwoyo wangu wose; ndichaparidza mabasa enyu ose anoshamisa.” (Pisarema 9:1) Kuramba tichipinza zivo yaJehovha kuchatikurudzira panhau iyi, nokuti Bhaibheri rinotaura kuti “kuziva mutsvene ndidzo njere.” (Zvirevo 9:10) Kufungisisa mazuva ose zvikomborero zvaJehovha kuchatibetsera kuva vanoonga uye kusarerutsa Baba vedu vokudenga. (VaKorose 3:15) “Munhu, unobayira chibayiro chokuonga, unondikudza,” unodaro Jehovha, “uye unogadzira nzira yake zvakanaka ndichamuratidza kuponesa kwaMwari.”—Pisarema 50:23.
Kuzvidza “Mutsvene waIsraeri” Kunotyisa
8. Nei vanhu venyika yeJudha vachigona kunzi “rudzi runotadza”?
8 Isaya anopfuurira neshoko rake achitaura mashoko makukutu kurudzi rwenyika yeJudha achiti: “Haiwa, rudzi runotadza, vanhu vakaremerwa nezvakaipa, vana vavaiti vezvakaipa, vana vanoita zvakaora! Vakasiya Jehovha, vakashora Mutsvene waIsraeri, vadzokera shure.” (Isaya 1:4) Mabasa akaipa anogona kuramba achiwanda kusvika pokuti anoita semusengwa unorema. Muzuva raAbrahama Jehovha akarondedzera zvivi zveSodhoma neGomora se“zvairema kwazvo.” (Genesi 18:20, NW) Chimwe chinhu chakafanana iye zvino chava kuoneka muvanhu venyika yeJudha, nokuti Isaya anotaura kuti “vakaremerwa nezvakaipa.” Pamusoro pazvo, anovadana kuti “vana vavaiti vezvakaipa, vana vanoita zvakaora.” Hungu, vaJudha vakaita sevana vakasindimara. “Vadzokera shure,” kana sokutaura kunoita Bhaibheri Rinoyera, “vakadududza” vachibva kuna Baba vavo.
9. Mashoko okuti “Mutsvene waIsraeri” anomborevei?
9 Nenzira yavo yokutsauka, vanhu venyika yeJudha vari kuratidza kusaremekedza kukuru “Mutsvene waIsraeri.” Mashoko iwaya anomborevei, anowanikwa kanenge ka25 mubhuku raIsaya? Kuva mutsvene kunoreva kuva akachena, asina tsvina. Jehovha mutsvene pamwero mukuru kwazvo. (Zvakazarurwa 4:8) VaIsraeri vanoyeuchidzwa chokwadi ichi nguva imwe neimwe yavanoona mashoko akanyorwa pahwendefa rendarama rinobwinya riri pakorona yomupristi mukuru okuti: “Mutsvene kuna Jehovha.” (Eksodho 39:30) Saka nokutaura nezvaJehovha se“Mutsvene waIsraeri,” Isaya anoratidza kukomba kwechivi chenyika yeJudha. Inga vapanduki ava vari kuputsa zvakananga mutemo wakapiwa kumadzibaba avo wokuti: “Zvitsaurei, muve vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene”!—Revhitiko 11:44.
10. Tingadzivisa sei kuratidza kuzvidza “Mutsvene waIsraeri”?
10 VaKristu nhasi vanofanira kuedza nepose pavanogona napo kudzivisa kutevera muenzaniso wenyika yeJudha wokuzvidza “Mutsvene waIsraeri.” Vanofanira kutevedzera utsvene hwaJehovha. (1 Petro 1:15, 16) Uye vanofanira ku‘venga zvakaipa.’ (Pisarema 97:10) Miitiro isina kuchena yakadai sounzenza, kunamata zvidhori, umbavha, neudhakwa zvinogona kukanganisa ungano yechiKristu. Ndosaka vaya vanoramba kurega zvinhu izvi vachidzingwa muungano. Pakupedzisira, avo vanotevera nokusapfidza nzira isina kuchena vachabviswa pakuwana zvikomborero zvehurumende yoUmambo hwaMwari. Chokwadi, mabasa ose akaipa kudaro anobatanidza kuzvidza “Mutsvene waIsraeri” kunotyisa.—VaRoma 1:26, 27; 1 VaKorinde 5:6-11; 6:9, 10.
Kurwara Kubva Kumusoro Kusvika Kurutsoka
11, 12. (a) Rondedzera mamiriro akaipa enyika yeJudha. (b) Nei tisingafaniri kunzwira urombo vanhu venyika yeJudha?
11 Isaya anotevera kuedza kuita kuti vanhu venyika yeJudha vafunge nokuvaratidza kurwara kwavo. Anoti: “Munoda kugara muchiroverweiko, zvamunongoramba muchimukira Jehovha?” Namamwe mashoko, Isaya ari kuvabvunza kuti: ‘Hamuna kutambura zvakaringana here? Nei muchida kuwedzera kuzvikuvadzisa nokuramba muchipandukira?’ Isaya anopfuurira: “Musoro wose unorwadza, nomwoyo wose waziya. Kubvira parutsoka kusvikira kumusoro hapana pakukutu pauri.” (Isaya 1:5, 6a) Vanhu venyika yeJudha vari kusemesa nokurwara—kurwara mumudzimu kubva kumusoro kusvika kurutsoka. Vari kutosiririsa kwazvo!
12 Tinofanira kunzwira vanhu venyika yeJudha urombo here? Kana! Mazana emakore akanga apfuura rudzi rwose rwaIsraeri rwakambonyeverwa nezvomubayiro wokusateerera. Zvimwe zvezvavakaudzwa ndezvokuti: “Jehovha uchakurova pamabvi ako, napamakumbo ako, namamota anorwadza, acharamba kupora, kubva parutsoka kusvikira pamusoro pomusoro wako.” (Dheuteronomio 28:35) Nenzira yokufananidzira, vanhu venyika yeJudha zvino vava kutambura migumisiro iyoyi chaiyo yenzira yavo yokusateerera. Uye izvi zvose zvingadai zvakadziviswa kudai vanhu venyika yeJudha vakanga vangoteerera Jehovha.
13, 14. (a) Kukuvadzwa kworudzii kwakaitwa nyika yeJudha? (b) Kutambura kwevanhu venyika yeJudha kunovaparira kufungazve pamusoro penzira yavo yokupandukira here?
13 Isaya anopfuurira kurondedzera kunzwisa urombo kwevanhu venyika yeJudha achiti: “Maronda, napakakuvara, namavanga matsva; haana kusvinwa, haana kuputirwa, kana kunyoroveswa namafuta.” (Isaya 1:6b) Pano muprofita anotaura nezvemarudzi matatu ekukuvara: maronda (maronda, seokuchekwa nomunondo kana kuti nebanga), pakakuvara (kuzvimba nokurohwa), uye mavanga matsva (maronda achangobva kuitika anoratidza seasingapori). Pfungwa inopiwa ndeyomunhu arangwa zvakakomba nenzira dzose dzatingafungidzira, pasina nhengo yomuviri wake inosara isina kukuvara. Vanhu venyika yeJudha zvechokwadi vapererwa nezano rose.
14 Mamiriro ezvinhu anosiririsa evanhu venyika yeJudha anovaita kuti vadzokere kuna Jehovha here? Nyangwe! Vanhu venyika yeJudha vakaita semupanduki anorondedzerwa pana Zvirevo 29:1 kuti: “Munhu wakarayirwa kazhinji achiomesa mutsipa wake, uchaparadzwa pakarepo, kusina chingamubatsira.” Rudzi rwacho runoratidza sorusingacharapiki. Sokutaura kunoita Isaya, maronda ake “haana kusvinwa, haana kuputirwa, kana kunyoroveswa namafuta.”b Neimwe nzira, vanhu venyika yeJudha vakafanana neronda risati ravhara, risina kuputirwa, rinonyenga.
15. Tingazvidzivirira pakurwara kwomudzimu munzirai?
15 Tichitora chidzidzo kubva kuna Judha, tinofanira kugara takangwarira kurwara mumudzimu. Kufanana nokurwara chaiko, kunogona kuitika kuna ani naani zvake wedu. Pamusoro pazvo, ndiani wedu asinganzwi zvido zvenyama? Kukara nokuda mafaro kunogona kudzika midzi mumwoyo yedu. Saka, tinofanira kuzvidzidzisa ku“sema . . . zvakaipa” uye ku“namatira . . . kune zvakanaka.” (VaRoma 12:9) Tinofanirawo kukudziridza zvibereko zvomudzimu waMwari muupenyu hwedu hwezuva nezuva. (VaGaratiya 5:22, 23) Nokuita kudaro, tichadzivisa hosha yakarova vanhu venyika yeJudha—yokurwara mumudzimu kubva kumusoro kusvika kurutsoka.
Nyika Yakaparadzwa
16. (a) Isaya anorondedzera sei mamiriro enyika yeJudha? (b) Nei vamwe vachiti mashoko aya pamwe akataurwa munguva yokutonga kwaAhazi, asi tingaanzwisisa sei?
16 Isaya zvino anosiya muenzaniso wake wezvokurapa otarira kumamiriro enyika yeJudha. Achiita seari kutarira nyika yasakadzwa nehondo, anoti: “Nyika yenyu yaparadzwa, maguta enyu apiswa nomoto, nyika yenyu yopedzwa navatorwa imi muripo, yaparadzwa, sezvinoparadza vatorwa.” (Isaya 1:7) Dzimwe nyanzvi dzinotaura kuti kunyange zvazvo mashoko aya achiwanika kwokutanga kwebhuku raIsaya, anenge akazotaurwa gare gare mubasa romuprofita, zvimwe munguva yokutonga kwaMambo akaipa Ahazi. Dzinoti kutonga kwaUziya kwakanga kwakanyanya kubudirira zvokusakodzera kurondedzera kusina tariro kwakadaro. Pasina mubvunzo, hazvigoni kutaurwa nechivimbo kana bhuku raIsaya rakanyorwa zviitiko zvacho zvichitevedzana. Zvisinei, mashoko aIsaya pamusoro pokuparadzwa zvimwe ndeouprofita. Paanotaura mashoko ari pamusoro apa, pamwe Isaya ari kushandisa chidavado chinowanikwa mune dzimwe nzvimbo muBhaibheri—chokurondedzera chiitiko chomunguva yemberi sechatoitika kare, nokudaro achisimbisa kuzadzika kwechokwadi kwouprofita hwacho.—Enzanisa naZvakazarurwa 11:15.
17. Nei kurondedzera kwouprofita hwokuparadza kusingafaniri kushamisa vanhu venyika yeJudha?
17 Kunyange zvakadaro, kurondedzera kwouprofita kwekuparadzwa kwenyika yeJudha hakufaniri kushamisa kuvanhu ava vakaoma musoro vasingateereri. Mazana emakore akanga apfuura Jehovha akanga ambovanyevera zvaizoitika kana vaizopandukira. Akati: “Ndichaparadza nyika yenyu; vavengi venyu vachagaramo, vachashamiswa nazvo. Ndichakurashanyai pakati pevahedheni, nokuvhomora munondo shure kwenyu; nyika yenyu ichava renje, maguta enyu achava matongo.”—Revhitiko 26:32, 33; 1 Madzimambo 9:6-8.
18-20. Mashoko aIsaya 1:7, 8 anozadzika rini, uye Jehovha anosiya ‘vashoma vakasara’ mupfungwai panguva ino?
18 Mashoko ari pana Isaya 1:7, 8 sezviri pachena anozadzika munguva dzokupindirwa nechisimba neAsiria kunoguma nokuparadzwa kwaIsraeri nokuparadzwa kwakapararira nokutambura munyika yeJudha. (2 Madzimambo 17:5, 18; 18:11, 13; 2 Makoronike 29:8, 9) Zvisinei, vanhu venyika yeJudha havaparadzwi zvachose. Isaya anoti: “Mukunda weZioni wasiyiwa sedumba mumunda wemizambiringa, sechirindo mumunda wamagaka, seguta rakakombwa nehondo.”—Isaya 1:8.
19 Mukati mokuparadza uku kwose, “mukunda weZioni,” Jerusarema, achasiyiwa akamira. Asi acharatidza seasina kudzivirirwa zvikuru—kufanana nechirindo chiri mumunda wemazambiringa kana kuti chitumba chomurindi mumunda wamagaka. Ichifamba ichidzika nerwizi rwaNire, imwe nyanzvi yomuzana remakore rechi19 yakayeuka mashoko aIsaya payakaona matumba akadaro, ayo yakarondedzera se“asina kumbonyanyosiyana noruzhowa rwokungovharira mhepo inobva kumusoro.” Munyika yeJudha paipera kukohwa, matumba aya airegwa achiwa oparara hawo. Zvisinei, kunyange zvinhu zvichiita sezvisina kumira zvakanaka muJerusarema pamberi peuto rinokunda zvachose reAsiria, richapona.
20 Isaya anopedzisa shoko rake rouprofita achiti: “Dai Jehovha wehondo asina kutisiyira vakasara vashomashoma, tingadai takafanana neSodhoma, takaita seGomora.” (Isaya 1:9)c Mukurwisana nesimba reAsiria, Jehovha pakupedzisira achabetsera nyika yeJudha. Kusafanana neSodhoma neGomora, nyika yeJudha haisi kuzoparadzwa zvachose. Ichapona.
21. Bhabhironi raparadza Jerusarema, nei Jehovha ‘akasiya vashoma vakasara’?
21 Anopfuura makore 100 gare gare, nyika yeJudha yakanga yava mungozi zvakare. Vanhu vakanga vasina kudzidza pachirango chakanga chapiwa nokushandisa Asiria. “Asi vakaseka nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake, vakadadira vaprofita vake.” Saka “Jehovha atsamwira vanhu vake, kusvikira vasichagoni kurapwa.” (2 Makoronike 36:16) Mambo weBhabhironi Nebhukadhinezari akakunda nyika yeJudha, uye panguva ino, hapana chakasara chakaita “sedumba mumunda wemizambiringa.” Kunyange Jerusarema rakaparadzwa. (2 Makoronike 36:17-21) Kunyange zvakadaro Jehovha ‘akasiya vashoma vakasara.’ Kunyange zvazvo, vanhu venyika yeJudha vakatsungirira makore 70 vari nhapwa, Jehovha akaita kuti rudzi rwacho rupfuurire uye kunyanya rudzi rwaDhavhidhi, rwaizobudisa Mesiya akapikirwa.
22, 23. Muzana rokutanga remakore, nei Jehovha ‘akasiya vashoma vakasara’?
22 Muzana rokutanga remakore, vaIsraeri vakapinda munhamo yavo yokupedzisira sevanhu vaMwari vesungano. Jesu paakauya kwavari saMesiya akapikirwa, rudzi rwacho rwakamuramba, uye somugumisiro, Jehovha akavaramba. (Mateu 21:43; 23:37-39; Johani 1:11) Uku ndiko kwakanga kuri kuguma kwaJehovha kuva norudzi rwakasarudzwa pasi pano here? Aiwa. Muapostora Pauro akaratidza kuti Isaya 1:9 yaizozadzikazve. Achitora mashoko emushanduro yeSeptuagint, akanyora kuti: “Sokutaura kwakanga kwaita Isaya kare achiti: ‘Kudai Jehovha wemauto asina kutisiyira mbeu, tingadai takava seSodhoma, uye tingadai takaitwa seGomora.’”—VaRoma 9:29.
23 Panguva ino vakapukunyuka vakanga vari vaKristu vakazodzwa, vaitenda Jesu Kristu. Pakutanga, ava vakanga vari vaJudha vaitenda. Gare gare Vemamwe Marudzi vaitenda vakabatana navo. Pamwe chete vakaumba Israeri mutsva, “Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16; VaRoma 2:29) “Mbeu” iyi yakapukunyuka kuparadzwa kwegadziriro yezvinhu yechiJudha muna 70 C.E. Zvechokwadi, “Israeri waMwari” achinesu nhasi. Iye zvino mamiriyoni evanhu vanotenda vemamwe marudzi, vanoumba “boka guru revanhu, . . . vasina munhu a[no]kwanisa kuverenga, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi,” vakabatana naye.—Zvakazarurwa 7:9.
24. Vanhu vose vanofanira kuzivei kana vachida kupona nhamo huru kwazvo yevanhu iri kuuya?
24 Nokukurumidza nyika ino ichatarisana nehondo yeAmagedhoni. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Kunyange zvazvo iyi ichava nhamo huru kune yokupinda nechisimba kweAsiria kana kuti Bhabhironi munyika yeJudha, huru kunyange kupfuura kuparadzwa kwakaitwa Judhea neRoma muna 70 C.E., ichava nevanopona. (Zvakazarurwa 7:14) Saka zvinokosha sei zvino kuti vose vanyatsofungisisa mashoko aIsaya kunyika yeJudha! Aireva upenyu kuvanhu vakatendeka kareko. Uye anogona kureva upenyu kune vanotenda nhasi.
[Mashoko Omuzasi]
a Pano apa, “Israeri” anoreva umambo hwendudzi mbiri hwenyika yeJudha.
b Mashoko aIsaya anoratidza muitiro wokurapa womuzuva rake. Muongorori wezvinhu zvemuBhaibheri E. H. Plumptre anoti: “Ku‘vhara’ kana kuti ku‘svina’ ronda riri kunyenga ndizvo zvaiedzwa pakutanga kuitira kubvisa urwa; rozo‘putirwa’ nomucheka, waitanga wazorwa zvimwe zvinhu sezvakaitwa raHezekia (chitsauko xxxviii. 21), ipapo mamwe mafuta okukurumidzisa kupora kana kuti mushonga wemaronda, zvichida, sezviri muna Ruka x. 34, mafuta newaini zvaishandiswa, kugeza ronda racho.”
c Commentary on the Old Testament, yakanyorwa naC. F. Keil naF. Delitzsch, inoti: “Mashoko omuprofita pano asvika panogumira chikamu chino. Pfungwa yekuti akaparadzana pano kuva zvikamu zviviri zvakaparadzana, inoratidzwa mumashoko acho nenzvimbo inosiyiwa pakati pendima 9 ne10. Uyu mutoo wokuparadzanisa zvikamu zvikuru nezviduku, kungava nokusiya nzvimbo kana kuti nokugura mutsetse wacho, wagara kupfuura wenzvimbo dzemavhawero nemataurire, uye unobva patsika yagara nguva refu.”
[Mufananidzo uri papeji 20]
Kusiyana neSodhoma neGomora, nyika yeJudha haizogari iri dongo nekusingaperi