Chitsauko 6
Jehovha Mwari Anonzwira Tsitsi Vakasara
1, 2. Muprofita Isaya anofanotaura chii pamusoro penyika yeJudha neJerusarema?
DUTU rinoparadza rinorova nharaunda inogara vanhu vazhinji. Mhepo ine simba, dzvotsvotsvo remvura, nemafashamo makuru zvinotora ndima yakafara kwazvo panzvimbo yacho, zvichiparadza misha, kuuraya zvirimwa, nokuuraya vanhu. Asi nokukurumidza dutu racho rinopfuura, uye rapera panotevera nguva yorunyararo. Kune vapona, inguva yokuvakazve nokumutsiridza.
2 Muprofita Isaya anofanotaura chimwe chinhu chakafanana pamusoro penyika yeJudha neJerusarema. Makore edutu ekutonga kunoitwa naMwari ari kuswedera achiratidza kuti hakuna chakanaka—uye nokuda kwechikonzero chinonzwika! Mhosva yerudzi rwacho yakakomba. Vatongi nevanhu vacho zvose vakazadza nyika nokusaruramisira nokuteura ropa. Achishandisa Isaya, Jehovha anobudisa pachena mhosva yenyika yeJudha uye anonyevera kuti Achatonga rudzi irworwo rusingateereri mutemo. (Isaya 3:25) Nyika yeJudha ichasiyiwa yava dongo chairo panogasa mvura zhinji ine dutu iyi. Kutarisira zvakadaro kunofanira kusuruvarisa Isaya.
3. Mashokoi akanaka ayo shoko rakafuridzirwa riri pana Isaya 4:2-6 rinawo?
3 Asi kune mashoko akanaka! Dutu rokutonga kwakarurama kunoitwa naJehovha richapfuura, uye pane vanosara vachapona. Hungu, kutonga kwaJehovha panyika yeJudha kuchavawo kune tsitsi! Shoko rakafuridzirwa raIsaya rakanyorwa pana Isaya 2:2-6 rinotarisira nguva iyi yakakomborerwa. Zvinoita sokuti zuva rinobudawo mumakore; nyaya yacho inochinja kubva pakuona nokunzwa ruzha rwokutonga—runorondedzerwa pana Isaya 2:6–4:1—kuenda kunyika yakagadzirwa patsva zvakaisvonaka pamwe nevanhu.
4. Nei tichifanira kutaura nezveuprofita hwaIsaya hwokudzorerwa kwevakasara?
4 Uprofita hwaIsaya pamusoro pokudzorerwa kwevakasara nokuzochengetedzwa kwavo zvinozadzikawo munguva yedu—“mazuva okupedzisira.” (Isaya 2:2-4) Ngatimbotaurai nezveshoko iri rinowirirana nenguva, kwete nokuti rine uprofita hunokosha chete, asi rinotidzidzisawo nezvetsitsi dzaJehovha uye kuti isu somunhu mumwe nomumwe tingadzigamuchira sei.
‘Kubukira kwaJehovha’
5, 6. (a) Isaya anorondedzera sei nguva yorugare inotevera dutu riri kuuya? (b) Shoko rokuti “bukira,” rinorevei, uye izvi zvinoratidzei pamusoro penyika yeJudha?
5 Mataurire aIsaya anova anofadza sezvaanotarisira nguva yorugare rukuru inotevera dutu guru riri kuuya. Anonyora kuti: “Nezuva iro bukira [“kubukira (bukira) raJehovha,” mashoko omuzasi, NW] richanaka nokubwinya, uye zvibereko zvenyika zvichava zvakaisvonaka nezvinorumbidzwa kune vakapukunyuka vaIsraeri.”—Isaya 4:2.
6 Isaya pano anotaura nezvokudzorera. Zita rechiHebheru rinoshandurwa kuti “bukira” rinoreva ‘chinobuda, nhungirwa, bazi.’ Rinobatanidzwa nokubudirira, kuwedzera, nezvikomborero zvinobva kuna Jehovha. Saka Isaya anorondedzera tariro yakajeka—kuparadza kuri kuswedera hakuzogari nekusingaperi. Nechikomborero chaJehovha, nyika yaimbova yakapfuma yeJudha ichabudisa zvakare zvibereko zvakawanda.a—Revhitiko 26:3-5.
7. Munzirai umo kubukira kwaJehovha kuchava kwaka“naka nokubwinya”?
7 Isaya anoshandisa mashoko akajeka kurondedzera ukuru hwokushanduka kuri mberi. Kubukira kwaJehovha ku“chanaka nokubwinya zvakaisvonaka nezvinorumbidzwa.” Shoko rokuti “richanaka” rinotiyeuchidza nezvemanakire akanga akaita Nyika Yakapikirwa apo Jehovha akaipa kuna Israeri mazana emakore aive apfuura. Yakanga yakanaka kwazvo zvokuti yaionekwa iri “ukomba [“yakanakisisa,” Bhaibheri Rinoyera] hwenyika dzose.” (Ezekieri 20:6) Saka mashoko aIsaya anovimbisa vanhu vacho kuti nyika yeJudha ichadzorerwa kurunako nembiri zvayo zvokutanga. Zvechokwadi, ichava yakanakisisa pasi pano.
8. Ndivanaani vachave varipo kuti vanakidzwe norunako runenge rwadzorerwa rwenyika, uye Isaya anorondedzera sei manzwire avo?
8 Zvisinei, ndivanaani vachave varipo kuti vaone havo runako rwenyika yacho runenge rwadzorerwa? “Vakapukunyuka vaIsraeri,” anonyora kudaro Isaya. Hungu, vamwe vachapukunyuka kuparadzwa kunonyadzisa kwafanotaurwa. (Isaya 3:25, 26) Vakasara vakapukunyuka vachadzokera kunyika yeJudha ndokubetserawo pakudzorerwa kwayo. Nokuda kwevanodzoka ava—“vakapukunyuka”—mafashafasha ezvibereko zvenyika yavo ichadzorerwa achava “chinhu chokudada nacho nechinhu chakaisvonaka.” (Isaya 4:2, NW, mashoko omuzasi) Pfungwa itsva yokufara ichatsiva kunyadziswa nematongo.
9. (a) Mukuzadzika kwemashoko aIsaya, chii chakaitika muna 537 B.C.E.? (b) Nei zvinganzi “vakapukunyuka” vanobatanidza vamwe vakaberekerwa kuutapwa? (Ona mashoko omuzasi, NW.)
9 Semashoko aIsaya, dutu rokutonga rakasvika muna 607 B.C.E. vaBhabhironi pavakaparadza Jerusarema vaIsraeri vazhinji vakatsakatika. Vamwe vakapukunyuka uye vakatapwa vachiendwa navo kuBhabhironi, asi dai dzakanga dzisiri tsitsi dzaMwari, pangadai pasina kana vakapona zvachose. (Nehemia 9:31) Pakupedzisira, nyika yeJudha yakasiyiwa yave dongo chairo. (2 Makoronike 36:17-21) Saka, muna 537 B.C.E., Mwari wetsitsi akabvumira “vakapukunyuka” kudzokera kunyika yeJudha kuitira kuti vadzorere kunamata kwechokwadi.b (Ezra 1:1-4; 2:1) Kupfidza kwemwoyo wose kwenhapwa dziri kudzoka idzi kunorondedzerwa zvakanaka kwazvo muPisarema 137, iro pamwe rakanyorwa munguva yokutapwa kana kuti chinguva pashure pacho. Dzadzoka munyika yeJudha makare dzakarima ivhu dzikadyara mbeu. Funga kuti dzinofanira kuva dzakanzwa sei padzakaona kuti Mwari akanga achikomborera basa radzo, achiita kuti nyika yacho ibukire se“munda weEdheni” unoita zvibereko!—Ezekieri 36:34-36.
10, 11. (a) Vadzidzi veBhaibheri vakanga vari nhapwa mu“Bhabhironi Guru” munzirai pakutanga kwezana remakore rechi20? (b) Jehovha akakomborera sei vakasara vevaIsraeri vomudzimu?
10 Kudzorera kwakafanana kwakaitika muzuva redu. Pakutanga kwezana remakore rechi20, Vadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiita Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo, vakapinda muusungwa hwomudzimu mu“Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema. (Zvakazarurwa 17:5) Kunyange zvazvo vakanga varamba dzidziso dzechitendero chenhema zhinji, Vadzidzi veBhaibheri vakanga vachakasvibiswa nedzimwe pfungwa dzeBhabhironi nemiitiro. Nemhaka yokushorwa kwaikuchidzirwa nevafundisi, vamwe vavo vakatoiswa mujeri chaimo. Nyika yavo yomudzimu—nyika yavo yechitendero, kana kuti yomudzimu—yakasiiwa yava dongo.
11 Asi muchirimo cha1919, Jehovha akanzwira tsitsi vaIsraeri vomudzimu vakasara ava. (VaGaratiya 6:16) Akaona kupfidza kwavo nechido chavo chokumunamata muchokwadi, naizvozvo akaita kuti vasunungurwe muusungwa chaihwo, uye chinotokosha zvikuru, mukutapwa kwomudzimu. “Vakapukunyuka” ava vakadzorerwa kunyika yavo yomudzimu yavakapiwa naMwari, iyo akaita kuti ibukire zvikuru kwazvo. Nyika yomudzimu iyi ine chitarisiko chinofadza, chinokwezva chakakweva mamiriyoni evamwe vanhu vanotya Mwari kuti vabatane nevakasara mukunamata kwechokwadi.
12. Mashoko aIsaya anoratidza sei ukuru hwetsitsi dzaJehovha kuvanhu vake?
12 Mashoko aIsaya pano anoratidza ukuru hwetsitsi dzaMwari kuvanhu vake. Kunyange zvazvo vaIsraeri serudzi vakapandukira Jehovha, akanzwira tsitsi vakasara vakapfidza. Tinogona kunyaradzwa nokuziva kuti kunyange vanokanganisa zvakakomba vanogona kudzokera kuna Jehovha netariro. Vanopfidza havafaniri kunzwa kuti havachakodzeri tsitsi dzaJehovha, nokuti haarasi mwoyo unochema. (Pisarema 51:17) Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Jehovha une tsitsi nenyasha, haachimbidziki kutsamwa, une ngoni zhinji. Sokunzwira tsitsi kwababa vana vake, saizvozvo Jehovha unonzwira tsitsi vanomutya.” (Pisarema 103:8, 13) Zvechokwadi, Mwari ane tsitsi kudaro akakodzerwa nokurumbidza kwedu kwose!
Vakasara Vanova Vatsvene Kuna Jehovha
13. Sezvakanyorwa pana Isaya 4:3, Isaya anorondedzera sei vakasara vachanzwirwa tsitsi naJehovha?
13 Tatoudzwa nezvevakasara vaizonzwirwa tsitsi naJehovha, asi zvino Isaya anovarondedzera achipa mashoko akazara. Anonyora kuti: “Vakasiyiwa paZioni, navakasara paJerusarema, ivo vachanzi vatsvene, ani nani wakanyorwa pakati pavapenyu muJerusarema.”—Isaya 4:3.
14. “Vakasara” ne“vakasiyiwa” ndivanaani, uye nei Jehovha achavanzwira tsitsi?
14 Ndivanaani “vakasiyiwa” uye “vakasara”? Ndivo vakapukunyuka vanotaurwa mundima yechipiri—nhapwa dzechiJudha dzichabvumirwa kudzokera kunyika yeJudha. Zvino Isaya anoratidza kuti nei Jehovha achavanzwira tsitsi—vachava “vatsvene” kwaari. Utsvene hunoreva “kuchena pachitendero, kana kuti kusava netsvina; kuyera.” Kuva mutsvene kunosanganisira kuva akachena, asina tsvina, mushoko nechiito, kana kuti kusvika pamwero waJehovha wezvakanaka nezvakafanira. Hungu, Jehovha achanzwira tsitsi “vatsvene” kwaari ava, uye achavabvumira kudzokera ku“guta dzvene,” Jerusarema.—Nehemia 11:1.
15. (a) Mashoko okuti va“kanyorwa pakati pavapenyu muJerusarema” anotiyeuchidza nezvetsika ipi yechiJudha? (b) Inyeveroi inopengenutsa inorehwa nemashoko aIsaya?
15 Vakasara vakatendeka ava vacharamba varipo here? Vacha“nyorwa pakati pavapenyu muJerusarema,” anovimbisa kudaro Isaya. Izvi zvinotiyeuchidza nezvetsika yechiJudha yokunyatsochengeta mabhuku emazita emhuri dzevaIsraeri nendudzi. (Nehemia 7:5) Kunyorwa mubhuku remazita kwaireva kuva mupenyu, nokuti munhu paaifa zita rake raibviswa. Mune dzimwe nzvimbo dzeBhaibheri, tinorava nezvebhuku remazita rokufananidzira, kana kuti bhuku, rine mazita eavo Jehovha anokomborera noupenyu. Asi bhuku iri harina mazita ose ose, nokuti Jehovha anogona ‘kudzima’ mazita. (Eksodho 32:32, 33; Pisarema 69:28) Saka, mashoko aIsaya, anoreva nyevero inopengenutsa—vakadzoka vacho vangaramba vachirarama munyika yavo yavakadzorerwa kana bedzi vakaramba vari vatsvene mukuona kwaMwari.
16. (a) Jehovha aidei kuavo akabvumira kudzokera kunyika yeJudha muna 537 B.C.E.? (b) Nei zvichigona kutaurwa kuti tsitsi dzaJehovha pavakasara vakazodzwa ne“mamwe makwai” hadzina kuratidzirwa pasina?
16 Muna 537 B.C.E. vakasara vakadzoka kuJerusarema vakaita kudaro nevavariro yakanaka—yokudzorera kunamata kwechokwadi. Hapana akanga akasvibiswa nemiitiro yezvitendero zvechihedheni kana kuti nomufambiro usina kuchena uyo Isaya akanga anyevera zvine simba kudaro akanga ane kodzero yokudzokera. (Isaya 1:15-17) Avo bedzi Jehovha aiona sevatsvene vaigona kudzokera kunyika yeJudha. (Isaya 35:8) Nenzira yakafanana, kubva pakusunungurwa kwavo pausungwa hwomudzimu muna 1919, vakasara vakazodzwa, zvino vakabatana nemamiriyoni e“mamwe makwai”—ayo ane tariro youpenyu husingaperi pasi pano—akaita zvose zvaanogona kuti ave matsvene mukuona kwaMwari. (Johane 10:16) Vakasiya dzidziso dzeBhabhironi nemiitiro. Somunhu mumwe nomumwe, vanoedza kuomerera kumwero wakanaka kwazvo waMwari wetsika. (1 Petro 1:14-16) Tsitsi dzaJehovha pavari dzakaratidzirwa zviripo.
17. Mazita avanaani ayo Jehovha anonyora mu“bhuku” rake “roupenyu,” uye tinofanira kutsunga kuitei?
17 Yeuka kuti Jehovha akaona vakanga vari muna Israeri vakanga vari vatsvene uye kuti ‘akanyora mazita avo kuti vawane upenyu.’ Nhasiwo, Jehovha anoona kuedza kwedu kuva vakachena mupfungwa nemumuviri sezvatino‘pa miviri yedu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari.’ (VaRoma 12:1) Uye vose vanotevera mararamire akadaro vanonyorwa naMwari mu“bhuku” rake “roupenyu”—chinyorwa chokufananidzira chine mazita evari mumutsara wokugamuchira upenyu husingaperi, kungave kudenga kana kuti pano pasi. (VaFiripi 4:3; Maraki 3:16) Saka, ngatiitei zvose zvatinogona kuti tirambe tiri vatsvene mumeso aMwari, nokuti nokudaro tingachengeta mazita edu ari mu“bhuku” iroro rinokosha.—Zvakazarurwa 3:5.
Chipikirwa Chokutarisira Norudo
18, 19. Maererano naIsaya 4:4, 5, kuchenesai kunofanira kuitwa naJehovha, uye kuchaitwa sei?
18 Isaya anotevera kuratidza kuti vagari venyika ichadzorerwa vachava vatsvene sei uye kuti zvikomborero zvipi zvakavamirira. Anoti: “Kana Ishe ashambidza tsvina yavakunda veZioni, anatsa ropa reJerusarema achiribvisa mukati maro, nomweya wokururamisa uye nomweya wokupisa. Zvino Jehovha uchasvika pamusoro peimba imwe neimwe pagomo reZioni, napamusoro peungano dzaro, gore noutsi masikati, nokupenya kwomoto unopfuta usiku; nokuti pachava nechitaviridzo pamusoro pokubwinya kwose.”—Isaya 4:4, 5.
19 Isaya akanga ambotuka “vakunda veZioni,” vane kuora kwetsika kwakanga kuchivharidzirwa nezvishongo zvavo zvokuvhaira. Akafumurawo kuva nemhaka yeropa kwevanhu vose zvavo, achivakurudzira kuzvishambidza. (Isaya 1:15, 16; 3:16-23) Zvisinei, pano anotarisira nguva apo Mwari pachake achave a“shambidza tsvina,” kana kuti tsvina yetsika, o‘shambidza mavara eropa.’ (Isaya 4:4, New International Version) Kuchenesa uku kuchaitwa sei? “Nomweya wokururamisa” uye no“mweya wokupisa.” Kuparadzwa kweJerusarema kuri kuuya nokutapwa kwokuBhabhironi kuchava kuputika kwokutonga kwaMwari uye hasha dzinopisa parudzi rusina kuchena. Vakasara vanopona panhamo iyi vodzokera kumusha vachave vaninipiswa, vanatswa. Ndosaka vachava vatsvene kuna Jehovha uye vachigamuchira tsitsi.—Enzanisa naMaraki 3:2, 3.
20. (a) Mashoko okuti “gore,” “utsi,” uye “moto unopfuta” anoyeuchidza nezvei? (b) Nei nhapwa dzakacheneswa dzisingafaniri hadzo kutya?
20 Jehovha, achishandisa Isaya, anovimbisa kuti achatora vakasara vakacheneswa ava kuti avatarisire norudo. Mashoko okuti “gore,” “utsi,” uye “moto unopfuta” anoyeuchidza nezvenzira iyo Jehovha akatarisira nayo vaIsraeri vabva kuIjipiti. “Shongwe yomoto neyegore” zvakavadzivirira pavaIjipiti vakanga vachivatevera; zvakavatungamirawo murenje. (Eksodho 13:21, 22; 14:19, 20, 24) Jehovha paakazviratidza paGomo reSinai, gomo racho raka‘pfungaira rose.’ (Eksodho 19:18) Saka nhapwa dzakacheneswa idzi, hadzizofaniri hadzo kutya. Jehovha achava Mudziviriri wadzo. Achava nadzo pangave padzinoungana mumisha yadzo kana kuti kusangana pakokorodzano tsvene.
21, 22. (a) Dumba, kana kuti chirindo chaiwanzovakirwei? (b) Itariroi inopiwa vakasara vakacheneswa?
21 Isaya anogumisa rondedzero yake yokudzivirirwa naMwari nokutaura nezveupenyu hwezuva nezuva. Anonyora kuti: “Kuchavapo ne[“dumba,” NW] richava mumvuri masikati kana zuva richipisa, noutiziro nechivando kana pane dutu nemvura.” (Isaya 4:6) Dumba kana kuti chirindo chaiwanzovakwa mumunda wemizambiringa kana kuti mumunda kuti chive pokuvanda zuva rinopisa remwaka wokupisa uye chando nemadutu emumwaka wemvura.—Enzanisa naJona 4:5.
22 Pavanotarisana nezuva rinopisa rechitambudzo nemadutu echishoro, vakasara vakacheneswa vachawana Jehovha kuva Mudziviriri, Murindi, neUtiziro hwavo. (Pisarema 91:1, 2; 121:5) Saka vanopiwa tariro yakaisvonaka: Kana vakasiya zvavanodavira netsika dzeBhabhironi zvisina kuchena, vakabvuma kuchenesa kwokutonga kwaJehovha, uye voedza kuramba vari vatsvene, vacharamba vakachengeteka, sokunge vari mu“dumba” rokudzivirira kwaMwari.
23. Nei Jehovha akakomborera vakasara vakazodzwa neshamwari dzavo?
23 Ona kuti kunotanga kucheneswa, kwozouya zvikomborero. Izvi zvave zviri zvechokwadi muzuva redu. Kare muna 1919 vakasara vakazodzwa vakabvuma kunatswa nokuzvininipisa, uye Jehovha aka“shambidza” kusachena kwavo. Kubva ipapo, “boka guru” remamwe makwai rakazvibvumirawo kucheneswa naJehovha. (Zvakazarurwa 7:9) Saka vacheneswa, vakasara nevamwe vavo vakakomborerwa—Jehovha ari kuvatarisira nokuvadzivirira. Haaiti chishamiso chokudzivisa kupisa kwechitambudzo kana kuti madutu ekushora kuwira pavari. Asi anovadzivirira, sokunge ari kumisa pamusoro pavo ‘dumba romumvuri nerokuvanda chimvuramahwe.’ Sei?
24. Zvinooneka sei kuti Jehovha akakomborera vanhu vake sesangano?
24 Imbofunga kuti: Dzimwe dzehurumende dzakasimba kwazvo dzati dzambovapo dzakarambidza basa rokuparidza reZvapupu zvaJehovha kana kuti dzakaedza kuvabvisa zvachose. Asi Zvapupu zvakaramba zvakatsiga uye zvakaramba zvichiparidza zvisingaregi! Nei nyika dzine simba dzisina kukwanisa kumisa basa reboka iri duku kwazvo rinoratidza serisina mudziviriri? Nemhaka yokuti Jehovha akaisa vashumiri vake vakachena mu“dumba” rokudzivirira risina munhu anogona kuriputsa!
25. Kuva naJehovha soMudziviriri wedu kunorevei kwatiri somunhu mumwe nomumwe?
25 Zvakadiniko nesu somunhu mumwe nomumwe? Kuva naJehovha soMudziviriri wedu hazvirevi kuti tine upenyu husina chinonetsa mugadziriro ino yezvinhu. VaKristu vakatendeka vazhinji vanotarisana nematambudziko makukutu, akadai seurombo, njodzi dzinoitika dzoga, hondo, urwere norufu. Pakutarisana nenhamo dzakadaro, ngatiregei kumbofa takakanganwa kuti Mwari wedu anesu. Anotidzivirira nenzira yomudzimu achigovera zvatinoda—kunyange “simba rinopfuura romuzvarirwo” rokutsungirira miedzo nokutendeka. (2 VaKorinde 4:7) Takachengeteka pamberi pake, hatifaniri hedu kutya. Pamusoro pezvo, chero bedzi tichiita zvose zvatinogona kuti tirambe tiri vatsvene mukuona kwake, hapana chinhu chicha“tiparadzanisa norudo rwaMwari.”—VaRoma 8:38, 39.
[Mashoko Omuzasi]
a Dzimwe nyanzvi dzinoti mashoko okuti ‘kubukira kwaJehovha’ ari kureva Mesiya, uyo akanga asiri kuzooneka kusvikira Jerusarema radzorerwa. MuShanduro dzechiAramaic, kududzirwa kwemashoko aya kunoti: “Mesiya [Kristu] waJehovha.” Sezvineiwo, zita iroro rechiHebheru (tseʹmach) rinozoshandiswa naJeremia paanotaura nezvaMesiya se“bukira rokururama” rakamutsirwa Dhavhidhi.—Jeremia 23:5; 33:15.
b “Vakapukunyuka” vaibatanidza vamwe vakanga vaberekerwa kuutapwa. Ava vaigona kuonekwa seva“kapukunyuka,” sezvo vangadai vasina kumboberekwa kudai madzitateguru avo akanga asina kupukunyuka kuparadza kwacho.—Ezra 9:13-15; enzanisa naVaHebheru 7:9, 10.
[Mufananidzo uri papeji 63]
Dutu rekutonga kuchaitwa naMwari riri kuuya panyika yeJudha