Chitsauko 12
Musatya muAsiria
1, 2. (a) Mukuona kwomunhu, nei Jona aiita seaive nechikonzero chakanaka chokusada kugamuchira basa rake rokuparidza kuvaAsiria? (b) VaNinevhe vakaita sei neshoko raJona?
PAKATI pezana remakore rechipfumbamwe B.C.E., muprofita wechiHebheru Jona, mwanakomana waAmitai, akashinga kupinda muNinevhe, guta guru roUmambo hweAsiria. Akanga ane shoko gukutu raaifanira kupa. Jehovha akanga amuudza kuti: “Simuka, uende Ninevhe, riya guta guru, undoriparidzira, nokuti kuipa kwavo kwakwira pamberi pangu.”—Jona 1:2, 3.
2 Paakatanga kugamuchira basa iri, Jona akamhanya achitiza, akananga kuTarshishi. Sokuona kwomunhu, Jona akanga ane chikonzero chokusada. VaAsiria vakanga vari vanhu vane utsinye. Ona kuti mumwe mambo weAsiria akabata sei vavengi vake: “Ndakagura vakuru vakuru vacho makumbo. . . . Nhapwa zhinji pakati pavo ndakapisa nemoto, uye vazhinji ndakatora senhapwa vari vapenyu. Vamwe ndakavagura maoko nezvigunwe zvavo, uye vamwe ndakavacheka mhino dzavo.” Kunyange zvakadaro, Jona paakazotaura shoko raJehovha pakupedzisira, vaNinevhe vakapfidza zvivi zvavo uye Jehovha akazorega kuparadza guta racho panguva iyoyo.—Jona 3:3-10; Mateu 12:41.
Jehovha Anotora “Shamhu”
3. Kuita kwevaIsraeri pamusoro penyevero yevaprofita vaJehovha kunosiyana sei nekwavaNinevhe?
3 Ko vaIsraeri avo Jona akaparidzirawo vanoita chimwe chinhu here? (2 Madzimambo 14:25) Aiwa. Vanopira makotsi kunamata kwakachena. Zvechokwadi, vanotosvika paku“namata hondo yose yokudenga, vakashumira Bhaari.” Zvakatoipa kwazvo, “vakapinza vanakomana navakunda vavo mumoto, vakauka nokuita uroyi hwavo, vakazvitengesa kuti vaite zvakaipa pamberi paJehovha, vakamutsamwisa.” (2 Madzimambo 17:16, 17) Kusiyana nevaNinevhe, vaIsraeri havaiti chimwe chinhu apo Jehovha anotumira vaprofita kunovanyevera. Naizvozvo Jehovha anosarudza kutora matanho akasimba.
4, 5. (a) Kuti “muAsiria” zvinorevei, uye Jehovha achamushandisa sei se“shamhu”? (b) Samaria inokundwa rini?
4 Kwenguva yakati rebei Jona ashanyira Ninevhe, pane kuderera kwezviito zvechisimba zveAsiria.a Zvisinei, pakutanga kwezana remakore rechisere B.C.E., Asiria inozvizivisa zvakare sesimba rehondo, uye Jehovha anoishandisa nenzira inoshamisa. Muprofita Isaya anopa nyevero inobva kuna Jehovha ichienda kuumambo hwokumusoro hwaIsraeri achiti: “Nhaiwe Asiria, shamhu yokutsamwa kwangu, wakabata muruoko rwake tsvimbo yeshungu dzangu! Ndichamutuma kundorwa norudzi runomhura Mwari, ndichamurayira kundorwa navanhu vandinotsamwira, kuti andotora zvakapambwa, andotora zvakatapwa, azvitsikire pasi sedope riri munzira dzomumusha.”—Isaya 10:5, 6.
5 Kunyadziswa kwakadini kwevaIsraeri! Mwari anoshandisa rudzi rwevahedheni—“Asiria”—se“shamhu” yokuvaranga. Muna 742 B.C.E., Mambo Sharmaneseri V weAsiria anokomba Samaria, guta guru rerudzi rwakaramba kutenda rwaIsraeri. Iri panzvimbo yayo inokosha yepachikomo chakakwirira anenge mamita 90, Samaria inodzingira muvengi kure kweanenge makore matatu. Asi hapana zano remunhu rinogona kumisa chinangwa chaMwari. Muna 740 B.C.E., Samaria inokundwa, inotsikwa pasi petsoka dzemuAsiria.—2 Madzimambo 18:10.
6. MuAsiria anoita zvinopfuura zvaari kufungirwa naJehovha sei?
6 Kunyange zvazvo vakashandiswa naJehovha kudzidzisa vanhu vake chidzidzo, vaAsiria pachavo havazivi Jehovha. Ndosaka achienderera mberi achiti: “Asi iye [muAsiria] haafungi kuita izvozvo, nomwoyo wake haurangariri zvakadaro; asi iye unorangarira kuparadza nokupedza marudzi mazhinji.” (Isaya 10:7) Jehovha anoda kuti muAsiria ave chishandiso chiri muruoko rwake. Asi muAsiria anonzwa kuda kuva chimwe chinhu. Mwoyo wake unomutuma kuronga chimwe chinhu chikuru—kukunda nyika yose yaizivikanwa panguva iyoyo!
7. (a) Tsanangura mashoko okuti “Ko machinda angu ose haasi madzimambo here?” (b) Avo nhasi vanosiya Jehovha vanofanira kuzivei?
7 Mazhinji emaguta asiri evaIsraeri akakundwa nemuAsiria aimbotongwa nemadzimambo. Aichimbova madzimambo aya zvino anofanira kuzviisa pasi pamambo weAsiria semachinda anotonga ari pasi pake, naizvozvo anogona zvechokwadi kuzvitutumadza achiti: “Ko machinda angu ose haasi madzimambo here?” (Isaya 10:8) Vanamwari venhema vemaguta akakurumbira emarudzi havana kugona kuponesa vanamati vavo pakuparadzwa. Vanamwari vanonamatwa nevagari veSamaria, vakadai saBhaari, Moreki, nemhuru dzendarama, havazodziviriri guta iroro. Pashure pokusiya Jehovha, Samaria haina kodzero yokumutarisira kupindira. Nhasi vose vanosiya Jehovha ngavazive zvakawira Samaria! MuAsiria angazvitutumadza hake pamusoro peSamaria nemamwe maguta aakunda achiti: “Ko Karno harina kuitirwa zvakaitirwa Karkemishi here? NeHamati seArpadhi here? NeSamaria seDhamasiko here?” (Isaya 10:9) Vose vakangofanana kumuAsiria—zvakapambwa zvokuti atore.
8, 9. Nei kuri kuti muAsiria anonyanyisa paanokanda ziso rake paJerusarema?
8 Zvisinei, muAsiria anonyanyisa kuzozvitutumadza. Anoti: “Ruoko rwangu sezvarwakasvikira ushe hwezvifananidzo, kunyange zvifananidzo zvavo zvakavezwa zvakanga zvichipfuura zvapaJerusarema neSamaria, handingaitiri Jerusarema nezvifananidzo zvaro sezvandakaitira Samaria nezvifananidzo zvaro here?” (Isaya 10:10, 11) Umambo hwakatokundwa nemuAsiria hwaiva nezvifananidzo zvakawanda kwazvo kupfuura Jerusarema kana kuti kunyange Samaria. ‘Chii,’ anofunga kudaro, ‘chichanditadzisa kuitira Jerusarema zvandakaitira Samaria?’
9 Mudadi! Jehovha haasi kuzomubvumira kutora Jerusarema. Chokwadi, nyika yeJudha haina mukurumbira wokusava nemhosva mukutsigira kunamata kwechokwadi. (2 Madzimambo 16:7-9; 2 Makoronike 28:24) Jehovha akanyevera kuti nemhaka yokusatendeka kwayo, nyika yeJudha ichatambura zvikuru munguva yokupinda nechisimba kweAsiria. Asi Jerusarema richapona. (Isaya 1:7, 8) MuAsiria paachapinda nechisimba, Hezekia ndiye mambo muJerusarema. Hezekia haana kufanana nababa vake, Ahazi. Chokwadi, mumwedzi wokutanga chaiwo wokutonga kwake, Hezekia anovhurazve masuo etemberi ndokutangazve kunamata kwakachena!—2 Makoronike 29:3-5.
10. Chii icho Jehovha anopikira nezvomuAsiria?
10 Naizvozvo kuda kurwisa Jerusarema kweAsiria hakutenderwi naJehovha. Jehovha anovimbisa simba renyika iroro rinodada kuzozvidavirira achiti: “Saka zvino kana Ishe apedza basa rake rose pagomo reZioni napaJerusarema, ndicharova zvibereko zvomwoyo unozvikudza wamambo weAsiria, namanyawi okuzvikudza kwake.”—Isaya 10:12.
Kuenda Kunyika yeJudha neJerusarema!
11. Nei muAsiria achifunga kuti Jerusarema richava nyama yemagora?
11 Makore masere pashure pokunge umambo hwokumusoro hwakundwa muna 740 B.C.E., mambo mutsva weAsiria, Seniheribhi, anofamba akananga kuJerusarema. Isaya nenzira yenhetembwa anorondedzera zano rorudado raSeniheribhi achiti: “Ndakabvisa miganhu yavanhu, ndakapamba pfuma yavo; semhare ndakawisira pasi vaigara pazvigaro zvoushe; ruoko rwangu rwakawana pfuma yamarudzi avanhu sedendere; ndakaunganidza nyika yose, somunhu unounganidza mazai akasiyiwa; hapana wakapfakanyisa bapiro, kana kushamisa muromo, kana kurira.” (Isaya 10:13, 14) Seniheribhi anofunga kuti mamwe maguta akakundwa uye Samaria hakuchina, naizvozvo Jerusarema richava nyama yemagora! Guta racho ringarwa rine mwoyo miviri, asi pasina kana kurira, vagari varo vachakundwa nokukurumidza, zvinhu zvavo zvichabviswa semazai mudendere rakasiyiwa.
12. Chii icho Jehovha anoratidza kuva nzira yakarurama yokuona nayo zvinhu pamusoro pokuzvikudza kwomuAsiria?
12 Zvisinei, Seniheribhi ari kukanganwa chimwe chinhu. Samaria yakaramba kutenda yakanga yakakodzerwa nechirango chayakawana. Zvisinei, mukutonga kwaMambo Hezekia, Jerusarema razova zvakare nhare yokunamata kwakachena. Chero ani zvake anoda kubata Jerusarema achazvidavirira kuna Jehovha! Nehasha, Isaya anobvunza kuti: “Ko sanhu ringazvirumbidza pamusoro pounotema naro here? Kana jeko ringazvirumbidza pamusoro pounobata naro here? Zvaifanana netsvimbo inozunungusa vanorova nayo, kana mudonzvo unosimudza chinhu chisati chiri huni.” (Isaya 10:15) Umambo hweAsiria, hunongovawo zvahwo chokushandisa chiri muruoko rwaJehovha, kungofanana nesanhu, jeko, tsvimbo, kana kuti mudonzvo zvingashandiswa nomuvezi, mucheki wemapuranga, kana kuti mufudzi. Zvinoita sei zvino kuti tsvimbo yava kuzvikudza pamusoro pounoishandisa!
13. Taura kuti ndiani uye chii chinoitika kune (a) “vakakora.” (b) ‘masora nemakwenzi eminzwa.’ (c) “kubwinya kwedondo rake.”
13 Chii chichaitika kumuAsiria? “Naizvozvo Ishe, Ishe wehondo, uchatuma [“hosha inoonza,” NW] pakati pavakakora vake; pasi pokubwinya kwake pachabatidzwa chinopisa chakafanana nokupisa kwomoto. Chiedza chavaIsraeri chichava moto, noMutsvene wake murazvo womoto; uchapisa nokupedza minzwa yake norukato rwake nezuva rimwe. Uchapedza kubwinya kwedondo rake, nokwomunda wake wakaorera, mweya nomuviri kamwe, zvifanane nendonda inongoramba ichipera simba. Miti yakasara yedondo rake ichava mishoma, inganyorwa nomwana.” (Isaya 10:16-19) Hungu, Jehovha achachekerera “shamhu” yemuAsiria iyoyo kusvika paurefu hwakakodzera! “Vakakora” veuto remuAsiria, varwi vake vakobvu, vacharohwa ne“hosha inoonza.” (NW) Havazoratidziki sevakasimba! Kufanana nemasora akawanda kwazvo nemakwenzi eminzwa, mauto ake apasi achapiswa neChiedza chaIsraeri, Jehovha Mwari. Uye “kubwinya kwedondo rake” vakuru vake vehondo yake, pavo pachavaperera. Pashure pokunge Jehovha apedzerana nemuAsiria, varwi vashomanene vachasara zvokuti kakomanawo zvako kachakwanisa kuvaverenga neminwe yako.—Onawo Isaya 10:33, 34.
14. Rondedzera kufambira mberi kwomuAsiria panyika yeJudha panosvika 732 B.C.E.
14 Kunyange zvakadaro vaJudha vari kugara muJerusarema muna 732 B.C.E. vanofanira kuzviwana zvakaoma kudavira kuti muAsiria achakundwa. Uto guru reAsiria riri kuramba richiuya risinganeti. Teerera ndandanda yemaguta enyika yeJudha akundwa: “Wasvika paAiati, . . . Migroni . . . Mikmashi . . . Gebha . . . Rama . . . Gibhea raSauro . . . Garimi . . . Raisha . . . Anatoti . . . Madmena . . . Gebhimi . . . Nobhi.” (Isaya 10:28-32a)b Pakupedzisira vapambi vacho vanosvika Rakishi, makiromita 50 chete kubva kuJerusarema. Nokukurumidza uto guru reAsiria riri kutyisidzira guta racho. “Unozunungusira gomo romukunda weZioni, icho chikomo cheJerusarema, ruoko rwake.” (Isaya 10:32b) Chii chingamisa muAsiria?
15, 16. (a) Nei Mambo Hezekia achida kutenda kwakasimba? (b) Chikonzero chipi chiripo chokuti Hezekia atende kuti Jehovha achamubetsera?
15 Mumuzinda wake muguta, Mambo Hezekia anodyika mwoyo. Anobvarura nguo dzake opfeka masaga. (Isaya 37:1) Anotumira varume kumuprofita Isaya kuti vanobvunza Jehovha vakamirira nyika yeJudha. Vanodzoka nokukurumidza nemhinduro yaJehovha yokuti: “Usatya hako . . . ndichadzitira guta rino.” (Isaya 37:6, 35) Kunyange zvakadaro, vaAsiria vanotyisa uye vane chivimbo kwazvo.
16 Kutenda—ndicho chinhu chichasimbisa Mambo Hezekia munhamo iyi. Kutenda “kuratidzwa kuri pachena kwezvinhu chaizvoizvo kunyange zvisati zvaoneka.” (VaHebheru 11:1) Kunobatanidza kutarira zvinopfuura zvinooneka. Asi kutenda kunoenderana nezivo. Pamwe Hezekia anoyeuka kuti kare Jehovha akambotaura mashoko anonyaradza aya anoti: “Imi vanhu vangu vagere Zioni, musatya muAsiria, . . . Nokuti kwasara chinguva chiduku, kutsamwa kwangu kuchapera, hasha dzangu dzichavaparadza. Jehovha wehondo uchamusimudzira tyava, sapakurohwa kwavaMidhiani padombo reOrebhi; shamhu yake ichava pamusoro pegungwa, uchaisimudza sezvaakaitira Egipita.” (Isaya 10:24-26)c Hungu, vanhu vaMwari vakambopinda mumamiriro ezvinhu akaoma. Madzitateguru aHezekia airatidzika semaduku zvisina tariro pauto reIjipiti paGungwa Dzvuku. Pachine mazana emakore, Gidheoni akatarisana nevanhu vaimupfuura nokure, vaMidhiani nevaAmareki pavakapinda muIsraeri nechisimba. Asi, Jehovha akanunura vanhu vake pazviitiko zviviri izvozvo.—Eksodho 14:7-9, 13, 28; Vatongi 6:33; 7:21, 22.
17. Joko reAsiria rino“paradzwa” sei, uye nemhaka yei?
17 Jehovha achaitazve here zvaakamboita muzviitiko izvozvo zvakapfuura? Hungu. Jehovha anovimbisa kuti: “Zvino nezuva iro mutoro wake uchabviswa pamafudzi ako, nejoko rake pamutsipa wako, joko richaparadzwa nokuda kwamafuta.” (Isaya 10:27) Joko reAsiria richabviswa pafudzi nemutsipa wevanhu vaJehovha vesungano. Zvechokwadi, joko racho richa“paradzwa”—uye zvechokwadi rinoparadzwa! Nousiku humwe, ngirozi yaJehovha inouraya vaAsiria 185 000. Hapasisina chinotyisa, uye vaAsiria vanobva munyika yeJudha nokusingaperi. (2 Madzimambo 19:35, 36) Nei? “Nokuda kwamafuta.” Izvi zvingangoreva mafuta akashandiswa kuzodza Hezekia samambo mudzinza raDhavhidhi. Naizvozvo, Jehovha anozadzisa chipikirwa chake chokuti: “Ndichadzitira guta rino ndirirwire nokuda kwangu, uye nokuda kwomuranda wangu Dhavhidhi.”—2 Madzimambo 19:34.
18. (a) Uprofita hwaIsaya hunozadzika kanopfuura kamwe here? Tsanangura. (b) Isangano ripi nhasi rakaita seSamaria yekare?
18 Nhoroondo yaIsaya inokurukurwa muchitsauko chino ndeyezviitiko zvemunyika yeJudha zveanopfuura makore 2 700 adarika. Asi zviitiko izvozvo zvakakodzera zvikuru nhasi. (VaRoma 15:4) Izvi zvinoreva here kuti vatambi vakuru venyaya inofadza iyi—vagari veSamaria neJerusarema pamwe nevaAsiria—vane vavanomirira vomuzuva ranhasi? Hungu, ndizvozvo. Kufanana neSamaria inonamata zvidhori, chiKristudhomu chinoti chinonamata Jehovha, asi ndipo pamusha pekuramba kutenda. John Henry Cardinal Newman weRoma Katurike muAn Essay on the Development of Christian Doctrine, anobvuma kuti zvinhu izvo chiKristudhomu chakashandisa kwemazana emakore, zvakadai sezvinonhuwira, makenduru, mvura tsvene, zvipfeko zvevapristi, nezvifananidzo, “zvose zvakabva kuchihedheni.” Jehovha haafari nokunamata kwechihedheni kwechiKristudhomu sezvaaingoitawo nokunamata zvidhori kweSamaria.
19. ChiKristudhomu chakanyeverwa nezvechii, uye naani?
19 Kwemakore, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichinyevera chiKristudhomu nezvokusafara kwaJehovha. Muna 1955, somuenzaniso, hurukuro yavose yaive nemusoro waiti “ChiKristudhomu kana kuti chiKristu—Ndechipi Chiri ‘Chiedza Chenyika’?” yakapiwa munyika yose. Hurukuro yacho yakanyatsotsanangura nzira iyo chiKristudhomu chakanga chatsauka nayo padzidziso netsika dzechiKristu chechokwadi. Pashure pacho, makopi ehurukuro ine simba iyi akatumirwa kuvafundisi munyika zhinji. Sesangano, chiKristudhomu chakakundikana kuteerera nyevero. Jehovha hapana zvimwe zvaangaita nacho kunze kwokuranga ne“shamhu.”
20. (a) Chii chichaita somuAsiria womuzuva ranhasi, uye chichashandiswa sei seshamhu? (b) ChiKristudhomu chicharangwa zvakadini?
20 Ndiani uyo Jehovha achashandisa kuranga chiKristudhomu chinopandukira? Tinowana mhinduro muchitsauko chechi17 chaZvakazarurwa. Imomo tinoudzwa nezvehure, “Bhabhironi Guru,” rinomirira zvitendero zvenhema zvenyika yose, kubatanidza chiKristudhomu. Hure racho rakatasva chikara chitsvuku chine misoro minomwe nenyanga gumi. (Zvakazarurwa 17:3, 5, 7-12) Chikara chinomirira Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose.d Kungofananawo nomuAsiria wekare akaparadza Samaria, chikara chitsvuku chi“chavenga hure uye [chi]chariparadza nokuriita mushutu, uye [chi]chadya mativi aro ane nyama zhinji uye [chi]chariroromesa nemoto.” (Zvakazarurwa 17:16) Naizvozvo muAsiria womuzuva ranhasi (nyika dzakabatana neUN) dzicharakasha chiKristudhomu uye dzichachigumisa kuvapo.
21, 22. Ndiani achakurudzira chikara kurwisa vanhu vaMwari?
21 Zvapupu zvakatendeka zvaJehovha zvichatsakatikawo pamwe neBhabhironi Guru here? Aiwa. Mwari haagumburwi nazvo. Kunamata kwakachena kuchasara kuripo. Zvisinei, chikara chinoparadza Bhabhironi Guru chinotarisawo vanhu vaJehovha neziso rakasara munzara. Mukuita kudaro, chikara chinoita, kwete zvinofunga Mwari, asi pfungwa dzomumwe munhu. Ani? Satani Dhiyabhorosi.
22 Jehovha anofumura mazano okudada aSatani achiti: “Nezuva iro mwoyo wako [Satani] uchapindwa nemirangariro, uchafunga zano rakaipa; uchati: Ndichaenda kune vane rugare, vagere zvakanaka vose vagere vasina masvingo, [anodzivirira] . . . nditoreko zvandingapamba nezvandingatapa.” (Ezekieri 38:10-12) Satani achafunga kuti, ‘Hungu, kuregerei kunyandura marudzi kuti arwise Zvapupu zvaJehovha? Vari pachena, havana kudzivirirwa, havana simba rezvematongerwe enyika. Havangadzoreri. Zvichava nyore sei kuvatora semazai kubva mudendere risina kudzivirirwa!’
23. Nei muAsiria womuzuva ranhasi achakundikana kuitira vanhu vaMwari zvaanoitira chiKristudhomu?
23 Asi muchenjere, imi marudzi! Zivai kuti kana mukabata vanhu vaJehovha, munofanira kuzvidavirira kuna Mwari pachake! Jehovha anoda vanhu vake, uye achavarwira zvechokwadi sezvaakarwira Jerusarema mumazuva aHezekia. Apo muAsiria womuzuva ranhasi anoedza kuparadza vashumiri vaJehovha, chaizvoizvo achave achirwa naJehovha Mwari neGwayana, Jesu Kristu. Iyoyo ihondo iyo muAsiria asingagoni kukunda. “Gwayana richaakunda,” rinodaro Bhaibheri, “nokuti ndiShe wemadzishe naMambo wemadzimambo.” (Zvakazarurwa 17:14; enzanisa naMateu 25:40.) Kufanana nomuAsiria wekare, chikara chitsvuku chicha‘enda kunoparadzwa.’ Hachizotyiwizve.—Zvakazarurwa 17:11.
24. (a) VaKristu vechokwadi vakatsunga kuitei kuti vagadzirire nguva yemberi? (b) Isaya anotarira sei zviri mberi mberi? (Ona bhokisi riri papeji 155.)
24 VaKristu vechokwadi vanogona kutarisira zvichauya vasingatyi kana vakachengeta ukama hwavo naJehovha hwakasimba uye kana vakaita kuti kuita kuda kwake chive chinhu chikuru muupenyu hwavo. (Mateu 6:33) Naizvozvo hava“tongotyi zvakaipa.” (Pisarema 23:4) Nemaziso avo okutenda, vachaona ruoko rune simba rwaMwari rwakasimudzwa, kwete kuti ruvarange, asi kuvadzivirira pavavengi vake. Uye nzeve dzavo dzichanzwa mashoko anopa chivimbo aya “Musatya.”—Isaya 10:24.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona Insight on the Scriptures, Vhoriyamu 1, peji 203.
b Kuti zvijeke, Isaya 10:28-32 inotanga kukurukurwa Isaya 10:20-27 isati.
c Nokuda kwokukurukurwa kwaIsaya 10:20-23, ona “Isaya Anotarira Zviri Mberi Mberi,” papeji 155.
d Mamwe mashoko pamusoro pokuzivikanwa kwehure nechikara chitsvuku anowanikwa muChitsauko 34 ne35 chebhuku raZvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 155, 156]
ISAYA ANOTARIRA ZVIRI MBERI MBERI
Chitsauko 10 chaIsaya chinonyanya kutaura zvikuru nezvenzira iyo Jehovha achashandisa nayo kurwisa kwemuAsiria kutonga Israeri uye pachipikirwa chake chokudzivirira Jerusarema. Sezvo Isa 10 ndima 20 kusvika ku23 dziri pakati pouprofita uhwu, dzinogona kuonekwa sedzinozadzikawo panguva imwe chete. (Enzanisa naIsaya 1:7-9.) Zvisinei, matauriro acho anoratidza kuti ndima idzi dzinonyatsoshanda zvakananga kunguva dzakazotevera apo Jerusarema rinofanirawo kuzvidavirira nokuda kwezvivi zvevagari varo.
Mambo Ahazi anoedza kutsvaka dziviriro nokuda kunotsvaka kubetserwa neAsiria. Muprofita Isaya anofanotaura kuti munguva yemberi, vachapukunyuka veimba yaIsraeri havazofizve vatevera nzira youpenzi kudaro. Isaya 10:20 inotaura kuti vacha“sendamira kuna Jehovha, Mutsvene waIsraeri, nezvokwadi.” Zvisinei, Isa 10 ndima 21 inoratidza kuti, nhamba duku bedzi ichadaro: “Vakasara vachadzoka.” Izvi zvinotiyeuchidza nezvemwanakomana waIsaya Sheari-jashubhi, uyo ari chiratidzo muna Israeri ane zita rake rinoreva kuti “Vakasara Vachadzoka.” (Isaya 7:3) Isa 10 Ndima 22 yechitsauko 10 inonyevera nezvoku“paradzwa kuzere” kwakasarudzwa. Kuparadzwa kuzere ikoko kuchava kwakarurama nokuti chirango chakarurama pavanhu vanopandukira. Somugumisiro, kubva parudzi rwevanhu vazhinji kwazvo, ndiko kuti “vakaita sejecha regungwa,” vakasara bedzi vachadzoka. Isa 10 Ndima 23 inonyevera kuti kuparadzwa kuzere kuri kuuya uku kuchatapura nyika yacho yose. Jerusarema harizosari panguva ino.
Ndima idzi dzinorondedzera zvakanaka kwazvo zvakaitika muna 607 B.C.E. Jehovha paakashandisa Umambo hweBhabhironi se“shamhu” yake. Nyika yacho yose, kubatanidza Jerusarema, yakatorwa nemuvengi. VaJudha vakatorwa senhapwa kuenda kuBhabhironi kwemakore 70. Zvisinei, pashure paizvozvo, vamwe—kunyange vachingova “vakasara”—vakadzoka kuti vamutsiridze kunamata kwechokwadi muJerusarema.
Uprofita huri pana Isaya 10:20-23 hwakazadzikazve muzana rokutanga remakore, sezvinoratidzwa pana VaRoma 9:27, 28. (Enzanisa naIsaya 1:9; VaRoma 9:29.) Pauro anotsanangura kuti mupfungwa yomudzimu, “vakasara” vevaJudha ‘vakadzokera’ kuna Jehovha muzana rokutanga remakore C.E., kungofanana nenhamba duku yevaJudha vakatendeka vakava vateveri vaJesu Kristu ndokutanga kunamata Jehovha “nomudzimu nechokwadi.” (Johani 4:24) Gare gare vaMamwe Marudzi vaitenda vakabatana navo, vachiumba rudzi rwomudzimu, “Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16) Panguva iyi mashoko aIsaya 10:20 akazadzika: ‘Hazvina kuzoitikazve’ kuti rudzi rwakazvitsaurira kuna Jehovha rutsauke paari ruchienda kuvanhu kunotsvaka kutsigirwa.
[Mufananidzo uri papeji 147]
Seniheribhi anofunga kuti kuunganidza marudzi kuri nyore sokutora mazai ari mudendere