Chitsauko 17
“Bhabhironi Rawa!”
1, 2. (a) Ndoupi uri musoro mukuru weBhaibheri, asi ndoupi mumwe musoro muduku unokosha unobuda muna Isaya? (b) Bhaibheri rinosimudzira sei musoro wokuwa kweBhabhironi?
BHAIBHERI ringafananidzwa nerwiyo runonakidza rune musoro mukuru nemisoro miduku inowedzerwa kuti rwose rwuchinyatsobuda. Nenzira yakafanana, Bhaibheri rine musoro mukuru—kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha nehurumende yoUmambo hwaMesiya. Rinewo mimwe misoro inokosha, inoramba ichibuda. Mumwe waiyoyi ndewokuwa kweBhabhironi.
2 Musoro iwoyo unotanga kutaurwa muna Isaya chitsauko 13 ne,14. Unobuda zvekare Isa muchitsauko 21 uyezve Isa muchitsauko 44 ne,45. Kwapfuura makore zana, Jeremia anowedzera mamwe mashoko pamusoro iwoyo, uye bhuku raZvakazarurwa rinougumisa nomutinhimira. (Jeremia 51:60-64; Zvakazarurwa 18:1–19:4) Mudzidzi wose anodzidza zvakadzama nezveBhaibheri anofanira kufarira musoro muduku uyu unokosha weShoko raMwari. Isaya chitsauko 21 chinobetsera panhau iyi, nokuti chinopa mashoko akazara anoshamisa pamusoro pokuwa kwakafanoprofitwa kwesimba iroro renyika guru. Gare gare, tichaona kuti Isaya chitsauko 21 chinosimbisa mumwe musoro weBhaibheri unokosha—uyo unotibetsera kuongorora kungwaririra kwedu sevaKristu nhasi.
“Chiratidzo Chinochemedza”
3. Nei Bhabhironi richinzi “renje romugungwa,” uye zita racho rinorevei nezvenguva yaro yemberi?
3 Isaya chitsauko 21 chinotanga nemashoko ane zvaanoreva: “Chirevo pamusoro perenje regungwa. Zvinobva kurenje, kunyika inotyisa, sezvamupupuri zvinopfuura kurutivi rweZasi.” (Isaya 21:1) Bhabhironi rakatanyanga rwizi rwaYufratesi, hafu yaro yokumabvazuva iri munharaunda iri pakati penzizi huru Yufratesi neTigirisi. Pane chinhambwe kubva pagungwa chairo. Nei zvino ichinzi “renje regungwa”? Nemhaka yokuti nharaunda yeBhabhironi yaiwanzofashamira gore negore, ichiita “gungwa” guru remachakwi. Zvisinei, vaBhabhironi vakadzora renje remvura iri nokuita migero, tunzizi tunovharwa, kana makoronga anofambisa mvura akanyatsogadzirwa. Vanoshandisa mvura iyi nouchenjeri segadziriro yeguta racho yokuzvidzivirira. Kunyange zvakadaro, hakuna kuedza kwevanhu kuchaponesa Bhabhironi pakutonga kwaMwari. Rakanga riri renje—richava renje zvekare. Nhamo iri kuuya kwariri, ichirongana semamwe emadutu anotyisa anombotsvaira Israeri achibva murenje rinotyisa achienda zasi.—Enzanisa naZekaria 9:14.
4. Ko chiratidzo che“Bhabhironi Guru” chaZvakazarurwa chinobatanidza sei “mvura” ne“renje,” uye “mvura” inorevei?
4 Sezvatadzidza muChitsauko 14 chebhuku rino, Bhabhironi rekare rine warinofananidzira womuzuva razvino—“Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema. Muna Zvakazarurwa, Bhabhironi Guru rinotaurwa rakabatana ne“renje” ne“mvura.” Muapostora Johani anoendeswa kurenje kuti anoratidzwa Bhabhironi Guru. Anoudzwa kuti “rinogara pamvura zhinji” inomirira “vanhu nemapoka evanhu nemarudzi nendimi.” (Zvakazarurwa 17:1-3, 5, 15) Kutsigirwa nevoruzhinji kwagara kuri iko kuri kuponesa chitendero chenhema, asi “mvura” iyoyo haizochidziviriri pakupedzisira. Kufanana nechimwe chacho chekare, chichaguma chisisina chinhu, chasiyiwa, uye chava dongo.
5. Bhabhironi rinosvika sei pakuva nomukurumbira wokuva “munyengeri” no“muparadzi”?
5 Muzuva raIsaya Bhabhironi harisati rave simba guru renyika, asi Jehovha anotofanoona kuti nguva yaro paichasvika, richashandisa simba raro zvisizvo. Isaya anoenderera mberi achiti: “Ndaratidzwa chiratidzo chinochemedza; munyengeri unoita nokunyengera, nomuparadzi unoparadza.” (Isaya 21:2a) Bhabhironi zvechokwadi richaparadza uye ronyengera nyika dzarinokunda, kubatanidza Judha. VaBhabhironi vachaparadza Jerusarema, vokoromora temberi yaro, votapa vanhu vacho vachienda navo kuBhabhironi. Ikoko, idzi nhapwa dzisingagoni kuzvidzivirira dzichabatwa nounyengeri, dzichasekwa nokuda kwokutenda kwadzo, uye hadzipiwi tariro yokudzokera kunyika yokumusha kwadzo.—2 Makoronike 36:17-21; Pisarema 137:1-4.
6. (a) Kugomera kupi uko Jehovha achagumisa? (b) Inyika dzipi dzakafanotaurwa kuti dzicharwisa Bhabhironi, uye izvi zvinozadzika sei?
6 Hungu, Bhabhironi rakafanira kwazvo “chiratidzo chinochemedza” ichi, icho chichareva nguva yakaoma kwariri. Isaya anoenderera mberi achiti: “Simuka iwe Erami, komba, iwe Medhia; ndagumisa kugomera kwavo kwose.” (Isaya 21:2b) Avo vanodzvinyirirwa noumambo hunonyengera uhwu vachazorora. Pakupedzisira, kugomera kwavo kunoguma! (Pisarema 79:11, 12) Zororo iri richauya sei? Isaya anotaura nyika mbiri dzicharwisa Bhabhironi: Erami neMedhia. Mazana maviri emakore gare gare, muna 539 B.C.E., Koreshi muPersia achatungamirira uto romubatanidzwa wevaPersia nevaMedhia kunorwa neBhabhironi. Kana iri Erami, madzimambo ePersia achatora chimwe chikamu chenyika iyoyo 539 B.C.E. asati asvika.a Mauto ePersia naizvozvo achabatanidza vaErami.
7. Zvakaratidzwa Isaya zvinomuita kuti anzwe sei, zvichirevei?
7 Cherechedza nzira iyo Isaya anorondedzera nayo kuti zvaakaratidzwa zvakamuita kuti anzwe sei: “Saka zviuno zvangu zvizere nokurwadziwa; ndabatwa nokurwadziwa, sokurwadziwa kwomukadzi unosurumuka; ndakotamiswa, saka handigoni kunzwa; ndavhundutswa, saka handigoni kuona. Mwoyo wangu une dzungu, ndavhundutswa nezvinotyisa; rubvunzavaeni rwandaida rwashanduka chinhu chinondidederesa.” (Isaya 21:3, 4) Muprofita wacho, zvinoratidza sokunge anofarira nguva yorubvunzavaeni, nguva yakanakira kufungisisa chinyararire. Asi kutanga kwousiku zvino kwarasa kufadza kwakwo, zvino kwounza bedzi kutya, marwadzo, nokudedera. Anonzwa marwadzo seomukadzi ari kusununguka, uye mwoyo wake “une dzungu.” Imwe nyanzvi inoshandura mashoko aya kuti “mwoyo wangu unorova zvoupengo,” ichitaura kuti mashoko acho anoreva “kurova kwemwoyo kusina kugadzikana uye kusiri kwenguva dzose.” Nei kudyika mwoyo kudaro? Sezviri pachena, kunzwa kwaIsaya ndekwouprofita. Usiku hwaOctober 5/6, 539 B.C.E., vaBhabhironi vachatya saizvozvi.
8. Sezvakaprofitwa, vaBhabhironi vanoita sei, kunyange zvazvo vavengi vavo vari kunze kwemasvingo?
8 Sezvakunosviba pausiku hwenhamo ihwohwo, kutya ndicho chinhu chisingambofungwi nevaBhabhironi. Mazana maviri emakore zvisati zvaitika Isaya anofanotaura kuti: “Vanogadzira tafura, vanoisa varindi, vanodya, vanonwa.” (Isaya 21:5a) Hungu, Mambo Bhershazari anozvikudza ari pamutambo waakokera. Zvigaro zvakarongerwa zviuru zvemakurukota ake, pamwe nevakadzi vakawanda nevarongo. (Dhanieri 5:1, 2) Zvidhakwa izvi zvinoziva kuti kunze kworusvingo kune uto, asi vanofunga kuti guta ravo haripindiki. Masvingo aro makuru negoronga raro rakadzika zvinoratidza sezvinoita kuti kupambwa kwaro kuve kusingabviri; vanamwari varo vazhinji vanoita kuti zvisafungidzirike. Naizvozvo ngapa‘dyiwe, nokunwiwa!’ Bhershazari anodhakwa, uye pamwe haasiri iye oga. Kuraradza kwevakuru vakuru vacho kunoratidzwa nokudikanwa kwokuvamutsa, sezvinoratidzwa nemashoko anotevera aIsaya nenzira youprofita.
9. Nei zvichizova zvinodikanwa kuti va“zodze nhoo”?
9 “Simukai, imi machinda, muzodze nhoo.” (Isaya 21:5b) Pakarepo mutambo wacho unopera. Machinda acho anofanira kumuka! Muprofita akwegura Dhanieri adanwa kuti auye, uye anoona nzira iyo Jehovha anovhundutsa nayo Mambo Bhershazari weBhabhironi kufanana nezvakarondedzerwa naIsaya. Makurukota amambo anodzungaira mubatanidzwa wemauto evaMedhia, vaPersia, nevaErami sezvaunoputsa chinodzivirira guta racho. Bhabhironi rinowa nokukurumidza! Zvisinei, zvinorevei kuti va“zodze nhoo”? Bhaibheri dzimwe nguva rinotaura nezvamambo wenyika senhoo yayo nemhaka yokuti ndiye mudziviriri nomuchengeti wenyika yacho.b (Pisarema 89:18) Naizvozvo ndima iyi iri muna Isaya pamwe iri kufanotaura nezvekudikanwa kwamambo mutsva. Nei? Nemhaka yokuti Bhershazari anourawa “nousiku uhwo.” Saka, panodikanwa kuti va“zodze nhoo,” kana kuti kugadza mambo mutsva.—Dhanieri 5:1-9, 30.
10. Vanamati vaJehovha vanogona kuwana nyaradzo yechii kubva pakuzadzika kwouprofita hwaIsaya pamusoro peanoita nokunyengera?
10 Vanhu vose vanoda kunamata kwechokwadi vanonyaradzwa nenhoroondo iyi. Bhabhironi romuzuva razvino, Bhabhironi Guru, rinongovawo mumwe munyengeri nomuparadzi serimwe raro rekare. Nanhasi vatungamiriri vezvechitendero vanorangana kuita kuti Zvapupu zvaJehovha zvirambidzwe, zvitambudzwe, kana kuti zviripiswe mutero noutsinye. Asi sezvatinoyeuchidzwa nouprofita uhwu, Jehovha anoona kuita kwokunyengera kwose ikoko, uye haazoregi kupa chirango. Achagumisa zvitendero zvose zvinomumirira zvisizvo nokubata vanhu vake neseri kworuoko. (Zvakazarurwa 18:8) Chinhu chakadaro chinobvira here? Kuti tivake kutenda kwedu, tinofanira kungoona nzira iyo nyevero dzake pamusoro pokuwa kweBhabhironi rekare nerimwe raro romuzuva razvino dzakatozadzika nayo.
“Rawa!”
11. (a) Basa romurindi nderei, uye ndiani ave achishanda somurindi nhasi? (b) Chii chinomirirwa nengoro yehondo yembongoro neyemakamera?
11 Jehovha zvino anotaura nomuprofita. Isaya anoshuma kuti: “Nokuti hezvi zvandaudzwa naShe; Enda, undoisa murindi; ngaareve zvaanoona.” (Isaya 21:6) Mashoko aya anosuma mumwe musoro unokosha wechitsauko chino—wenharire, kana kuti murindi. Izvi zvinofadza vaKristu vechokwadi vose nhasi, nokuti Jesu akakurudzira vateveri vake kuti “rambai makarinda.” “Muranda akatendeka, akangwara” haana kumbomira kutaura zvaanoona pamusoro pokuva pedyo kwezuva raMwari rokutonga uye ngozi dzenyika ino yakaora. (Mateu 24:42, 45-47) Murindi akaratidzwa Isaya anoonei? “Zvino kana achiona boka, navatasvi vamabhiza vakaita vaviri vaviri, neboka rembongoro, neboka ramakamera, ngaateerere zvakanaka-naka.” (Isaya 21:7) Idzi ngoro dzehondo dzine munhu mumwe pamwe dzinomirira mudungwe wengoro dzehondo dziri kuuya dzakagadzirira hondo nokumhanya kwemabhiza akadzidziswa. Ngoro yehondo yembongoro neyemakamera nenzira yakakodzera inomirira masimba maviri, Medhia nePersia, achabatana kuti arwe hondo iyi. Uyezve, nhau dzakaitika dzinoratidza kuti uto revaPersia raishandisa mbongoro nemakamera muhondo.
12. Murindi akaratidzwa Isaya anoratidza unhu hwakadii, uye ndivanaani vanofanira kuva nounhu uhwu nhasi?
12 Murindi wacho zvino anonzwa achida kupa mushumo. “Iye akadanidzira seshumba, achiti: Ishe, ndimire nguva dzose masikati pashongwe yokurinda, nousiku hwose ndimire panzvimbo yangu; zvino tarirai, kwouya boka ravanhu, vatasvi vamabhiza vakaita vaviri vaviri!” (Isaya 21:8, 9a) Murindi womuchiratidzo wacho anodanidzira noushingi, “seshumba.” Zvinoda ushingi kudanidzira shoko rokutonga panyika inotyisa yakadai seBhabhironi. Chimwe chinhu chinodikanwa zvekare—kutsungirira. Murindi wacho anoramba ari panzvimbo yake masikati nousiku, asingambotsimwairi. Nenzira yakafanana, boka romurindi mumazuva ano okupedzisira rakada ushingi nokutsungirira. (Zvakazarurwa 14:12) VaKristu vechokwadi vose vanofanira kuva nounhu uhwu.
13, 14. (a) Bhabhironi rekare rinoonei, uye zvidhori zvaro zvinoputswa mupfungwai? (b) Bhabhironi Guru rakawa zvakafanana sei uye rini?
13 Murindi anoratidzwa Isaya anoona ngoro yehondo ichiramba ichiuya. Kune mashoko api? “Akapindura, akati: Bhabhironi rawa, rawa; mifananidzo yake yose yakavezwa yavamwari vavo yaputsikirwa pasi.” (Isaya 21:9b) Mushumo unofadza sei! Pakupedzisira, muparadzi anonyengera wevanhu vaMwari uyu awa!c Zvisinei, mifananidzo yakavezwa yeBhabhironi nezvidhori zvinoputswa mupfungwai? VaMedhia nevaPersia vari kupinda nechisimba vachafora vachipinda mutemberi dzeBhabhironi voputsa zvidhori zvacho zvisingaverengeki here? Aiwa, hapana chinhu chakadaro chinodiwa. Vanamwari vezvidhori veBhabhironi vachaputswa pakuti vachafumurwa kuti havana simba rokudzivirira guta. Uye Bhabhironi richawa parichakundikana kuramba rakadzvinyirira vanhu vaMwari.
14 Zvakadini neBhabhironi Guru? Nokuronga kudzvinyirirwa kwevanhu vaMwari muHondo Yenyika I, nokudaro rakavachengeta vakasungwa kwechinguva. Basa ravo rokuparidza rakapotsa ramiswa. Purezidhendi nevamwe vamiririri vane mitoro veWatch Tower Society vakaiswa mujeri vachipomerwa zvinhu zvenhema. Asi muna 1919 pakaita kuchinja kunoshamisa. Vamiririri vacho vakabudiswa mujeri, hofisi yedzimbahwe yakavhurwazve, uye basa rokuparidza rakatangwazve. Naizvozvo, Bhabhironi Guru rakawa pakuti kubata kwaro vanhu vaMwari kwakaguma.d Muna Zvakazarurwa, kuwa uku kunoziviswa kaviri nengirozi ichishandisa mashoko okuzivisa ari pana Isaya 21:9.—Zvakazarurwa 14:8; 18:2.
15, 16. Vanhu vaIsaya vanhu “vakapurwa” mupfungwai, uye tingadzidzei pamaonere ayo Isaya anovaita?
15 Isaya anogumisa shoko rouprofita iri nenzira yokunzwira tsitsi vanhu vake. Anoti: “Haiwa, vanhu vangu vakapurwa, zviyo zveburiro rangu, zvandakanzwa kuna Jehovha wehondo, Mwari waIsraeri, ndizvo zvandakakuzivisai.” (Isaya 21:10) MuBhaibheri, kupura kazhinji chiratidzo chokurangwa nokunatswa kwevanhu vaMwari. Vanhu vaMwari vesungano vachava ‘vanakomana veburiro,’ apo mhunga inomanikidzwa kuparadzana nehundi, kuchisara bedzi zviyo zvanatswa, zvinodiwa. Isaya haasi kuti toko waro achiona chirango ichi. Asi ane tsitsi neava ‘vanakomana vepaburiro,’ vamwe vavo vachapedzera upenyu hwavo hwose senhapwa munyika yokumwe.
16 Izvi zvingashanda sechiyeuchidzo chinokosha kwatiri tose. Muungano yechiKristu nhasi, vamwe vangangonzwa vasina tsitsi nevanoita zvakaipa. Uye avo vanogamuchira chirango kazhinji vangave netsika yokuchiramba. Zvisinei, kana tikarangarira kuti Jehovha anoranga vanhu vake kuitira kuti avanatse, hatizozvidzi chirango nevanochigamuchira nokuzvininipisa kana kuti kuchiramba pachinouya kwatiri. Ngatibvumei kurangwa kwatinoitwa naMwari senzira yokuratidza kwake rudo.—VaHebheru 12:6.
Kubvunza Murindi
17. Nei Edhomi nenzira yakakodzera ichinzi “Dhuma”?
17 Shoko rechipiri rouprofita raIsaya chitsauko 21 rinobudisa murindi wacho pachena. Rinotanga richiti: “Chirevo pamusoro peDhuma. Mumwe unondidana, ari paSeiri, achiti: Nhai, murindi, inguva ipi yousiku? Nhai, murindi, inguva ipi yousiku?” (Isaya 21:11) Dhuma iri riri kupi? Sezviri pachena kwaiva kune mataundi anoverengeka aive nezita iroro munguva inotaurwa muBhaibheri, asi hapana nerimwe rawo riri kurehwa pano. Dhuma hariwanikwi muSeiri, iro riri rimwe zita reEdhomi. Zvisinei, “Dhuma” zvinoreva “Kunyarara.” Naizvozvo zvinoratidzika sokuti sezvazvakanga zvakaita muzvirevo zvakapfuura, nharaunda yacho inopiwa zita rine zvarinoreva pamusoro penguva yayo yemberi. Edhomi, rakangogara riri muvengi akasimba kwazvo wevanhu vaMwari, richaguma ranyarara—kunyarara kwokufa. Zvisinei, izvozvo zvisati zvaitika, vamwe vachabvunza vachida kuziva nezvenguva yemberi.
18. Chirevo chokuti, “Mambakwedza osvika, nousikuwo,” chinozadzika sei paEdhomi rekare?
18 Panguva yokunyorwa kwaIsaya, Edhomi riri munzira yeuto rine simba reAsiria. Vamwe vari muEdhomi vanoda kwazvo kuziva kuti usiku hwokudzvinyirirwa huchaguma rini kwavari. Mhinduro yacho? “Murindi ndokuti: Mambakwedza osvika, nousikuwo.” (Isaya 21:12a) Zvinhu hazvirevi chakanaka nokuda kweEdhomi. Kutsvuka kwoutonga hwemambakwedza kuchaonekwa kumabudazuva, asi kuchava kwenguva pfupi, kwokunyengedzera. Usiku—imwe nguva yokudzvinyirirwa—ichatevera nokukurumidza mambakwedza achangopfuura. Kurondedzerwa nomazvo kwakadini kwenguva yemberi yeEdhomi! Kudzvinyirira kweAsiria kuchaguma, asi Bhabhironi richatsiva Asiria sesimba renyika yose uye richaparadza Edhomi. (Jeremia 25:17, 21; 27:2-8) Zvichangodzokororwazve. Kudzvinyirirwa neBhabhironi kuchateverwa nekwevaPersia kwozouya kwevaGiriki. Kuchazova ne“mambakwedza” mapfupi munguva dzeRoma, apo vanaHerodhe—vanobva kuvaEdhomi—vachava nesimba muJerusarema. Asi “mambakwedza” iwayo haazogari. Pakupedzisira, Edhomi richadzika zvachose kwakanyarara, zvokukanganikwa. Zita rokuti Dhuma richarirondedzera zvakakodzera pakupedzisira.
19. Murindi paanoti, “kana muchida kubvunza bvunzai; dzokai, uyai” angave achirevei?
19 Murindi wacho anopedzisa shoko rake pfupi nemashoko okuti: “Kana muchida kubvunza, bvunzai; dzokai, uyai.” (Isaya 21:12b) Mashoko okuti “dzokai, uyai” angagona kureva kutevedzana kusingaperi kwe‘usiku’ kuri mberi kweEdhomi. Kana kuti nemhaka yokuti mashoko acho angashandurwawo kuti “huyaizve,” muprofita wacho angave achireva kuti vaEdhomi vapi nevapi vanoda kutiza nhamo yenyika yacho vanofanira kupfidza ‘vouyazve’ kuna Jehovha. Chero zvazvingava, murindi anobvunza kana pane zvimwe zvokubvunza.
20. Nei chirevo chakanyorwa pana Isaya 21:11, 12 chichikosha kuvanhu vaJehovha nhasi?
20 Chirevo chipfupi ichi chakareva zvakawanda kuvanhu vaJehovha munguva yazvino uno.e Tinonzwisisa kuti vanhu vanyura muusiku hwakati tsva-a hwoupofu hwomudzimu nokuparadzana naMwari kuchatungamirira kukuparadzwa kwegadziriro ino yezvinhu. (VaRoma 13:12; 2 VaKorinde 4:4) Munguva yousiku iyi, chero kutsvuka kwoutonga hwetariro kupi zvakwo uko vanhu vangaunza nakwo neimwe nzira rugare nokuchengeteka, kwakaita sokunjenjemera kunonyengera kwemambakwedza uko kunongoteverwa nenguva yakatosviba zvekare. Mambakwedza echokwadi ari kuswedera—Mambakwedza Okutonga kwaKristu kweMakore Ane Chiuru panyika ino. Asi chero bedzi usiku huchiripo, tinofanira kutevera kutungamirira kweboka romurindi nokuramba takamuka mumudzimu nokuzivisa noushingi kuva pedyo kwomugumo wegadziriro ino yezvinhu ine uori.—1 VaTesaronika 5:6.
Usiku Hunosvika Mubani Romugwenga
21. (a) Kutamba nemashoko kupi kungave kuri kuda kuitwa pamashoko okuti “chirevo pa[“bani romugwenga,” NW]”? (b) Mapoka evafambi eDhedhani chii?
21 Chirevo chokupedzisira chaIsaya chitsauko 21 chinonanga pa“bani romugwenga.” (NW) Chinotanga chichiti: “Chirevo pamusoro pe[“bani romugwenga,” NW]. Musango re[“bani romugwenga,” NW] ndimo mamuchavata, imi mapoka avafambi veDhedhani.” (Isaya 21:13) Bani romugwenga riri kutaurwa sezviri pachena iArabhia, nokuti chirevo chacho chakanangidzirwa kundudzi dzinoverengeka dzechiArabhu. Shoko rokuti “bani romugwenga” dzimwe nguva rinoshandurwa kuti “manheru,” shoko rakada kufanana zvikuru muchiHebheru. Vamwe vanoti uku kutamba nemashoko, sokunge manheru akasviba—nguva yedambudziko—yave pedyo nokuwira nharaunda iyi. Chirevo chacho chinotanga nokutaura zviitiko zvemanheru pachionekwa mapoka avafambi eDhedhani, ndudzi yechiArabhu huru. Mapoka avafambi iwayo anotevedza nzira dzokutengeserana kubva pane mvura mugwenga kuenda pane imwe, akatakura zvinonhuwira, maparera, nezvimwe zvinokosha. Asi pano tinoaona achimanikidzwa kusiya nzira dzawo dzaanogara achifamba kuti apedze usiku akavanda. Nei?
22, 23. (a) Mutoroi unorema wava pedyo nokuwira ndudzi dzechiArabhu, uye nomugumisiroi padziri? (b) Dambudziko iri richauya nokukurumidza zvakadini, uye naani?
22 Isaya anotsanangura kuti: “Vigirai une nyota mvura! Vagere panyika yeTema vakachingamidza vatizi nechingwa chavo. Nokuti vakanga vachitiza minondo, minondo yakavhomorwa, nouta hwakakungwa, nokumanikidzwa kwokurwa.” (Isaya 21:14, 15) Hungu, musengwa unorema wehondo uchawira pamusoro pendudzi dzechiArabhu idzi. Tema, iri pane imwe yenzvimbo dzine mvura kwazvo munharaunda yacho, inomanikidzwa kuuya nemvura nechingwa kuvapoteri vehondo vaita rombo rakaipa. Dambudziko iri richauya rini?
23 Isaya anoenderera mberi achiti: “Nokuti hezvi zvandakaudzwa naJehovha: Gore risati rapera, samakore omunhu unobatira mubayiro, mbiri yose yaKedhari ichapera; vakasara veboka ravanofura nouta, ivo vanhu vane simba vavana vaKedhari, vachava vashoma; nokuti Jehovha, Mwari waIsraeri, wakazvitaura.” (Isaya 21:16, 17) Kedhari indudzi huru kwazvo zvokuti dzimwe nguva inoshandiswa kumirira Arabhia yose. Jehovha aronga kuti vanopfura nouta nevarume vakasimba vendudzi iyi vashomeke kungosara vashomanene. Rini? “Gore risati rapera,” vapera, kungofanana nomushandi asingashandi kupfuura nguva yaanobhadharwa. Kuti zvose izvi zvakanyatsozadzika sei hazvinyatsozivikanwi. Vatongi vaviri veAsiria—Sargoni II naSeniheribhi—vaizviti ndivo vakakunda Arabhia. Zvingadaro kuti mumwe wavo angave akaparadza ndudzi dzechiArabhu dzinozvikudza idzi, sezvakafanotaurwa.
24. Tinogona sei kuva nechokwadi chokuti uprofita hwaIsaya paArabhia hwakazadzika?
24 Zvisinei, tinogona kuva nechokwadi chokuti uprofita uhwu hwakazadzika sezvahuri chaizvo. Hapana chinogona kusimbisa pfungwa iyoyo kupfuura mashoko okupedzisira echirevo chacho anoti: “Jehovha, Mwari waIsraeri, wakazvitaura.” Kuvanhu vomuzuva raIsaya, zvingangoratidza sezvisingaiti kuti Bhabhironi richakwirira kupfuura Asiria rozokoromorwa pasimba pamutambo wemafaro asina kuchena manheru mamwe. Zvingaratidzikawo sezvisingaiti zvekare kuti Edhomi rine simba richaguma rati nhoo rafa kana kuti usiku hwokutambudzika nokuomerwa huchasvikira ndudzi dzakapfuma dzechiArabhu. Asi Jehovha anoti zvichadaro, uye zvinoitika saizvozvo. Nhasi, Jehovha anotiudza kuti umambo hwenyika yose hwechitendero chenhema huchave pasina. Izvi hazvisi zvinhu zvingangoitikawo hazvo; zvichatoitika. Jehovha pachake akazvitaura!
25. Tingatevedzera sei muenzaniso womurindi?
25 Naizvozvo, ngativei somurindi. Ngatirambe takangwarira, sokunge tiri pashongwe yokurinda yakakwirira, tichinyatsotarisa mujengachenga renyika kuti tione kana pane chiratidzo chipi nechipi chengozi yave pedyo. Ngatizviswededze pedyo neboka romurindi rakatendeka, vaKristu vakazodzwa vasara vari pano pasi nhasi. Ngatibatane navo mukudanidzira noushingi zvatinoona—uchapupu hwakawanda kwazvo hwokuti Kristu ari kutonga kudenga; hwokuti nokukurumidza achagumisa usiku hurefu, hwakati tsva-a hwokuparadzana kwevanhu naMwari; uye kuti pashure paizvozvo achaunza mambakwedza echokwadi, Kutonga kweMakore Ane Chiuru muparadhiso yepasi!
[Mashoko Omuzasi]
a Mambo wePersia Koreshi pane dzimwe nguva ainzi “Mambo weAnshan”—Anshan iri nharaunda kana kuti guta raiva muErami. VaIsraeri vomuzuva raIsaya—zana remakore rechisere B.C.E.—vangave vakanga vasinganyatsozivi Persia, asi vangadai vaiziva nezveErami. Izvi zvingangotsanangura kuti nei Isaya achitaura nezveErami pano panzvimbo pePersia.
b Vatsinhiri veBhaibheri vazhinji vanofunga kuti mashoko okuti “muzodze nhoo” anotaura nezvetsika yekare yokuzodza mafuta nhoo dzedehwe hondo isati yatanga kuitira kuti miseve mizhinji igotsvedza. Kunyange zvichibvira kuti uku ndiko kududzira kwacho, zvinofanira kucherekedzwa kuti usiku hwakawa guta racho, vaBhabhironi havana kumbowana nguva yokurwa, chida kugadzirira hondo nokuzodza nhoo dzavo mafuta!
c Uprofita hwaIsaya pamusoro pokuwa kweBhabhironi hwakarurama kwazvo zvokuti vamwe vatsoropodzi veBhaibheri vakatodzidzisa kuti hunofanira kuva hwakanyorwa zvinhu zvacho zvatoitika. Asi sezvinotaura imwe nyanzvi yechiHebheru F. Delitzsch, kufungidzira kwakadaro hakudikanwi kana tichibvuma kuti muprofita anogona kufuridzirwa kuti afanotaura zvinhu zvichaitika pachine mazana emakore.
d Ona Zvakazarurwa—Mugumo Wazvo Une Mbiri Wava Pedyo!, mapeji 164-9.
e Mumakore ayo 59 okutanga kubudiswa, magazini yeNharireyomurindi yaive naIsaya 21:11 pabutiro rayo. Rugwaro irworwo ndirwo rwaiva musoro wehurukuro yokupedzisira yakanyorwa yaCharles T. Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society. (Ona mufananidzo papeji yapfuura.)
[Mufananidzo uri papeji 219]
“Vanodya, vanonwa.”
[Mufananidzo uri papeji 220]
Murindi “akadanidzira seshumba”
[Mufananidzo uri papeji 222]
“Ndimire nguva dzose masikati . . . nousiku”