Kuchengeta Humwe Hwedu hwechiKristu
“FUNGIDZIRA kuti unodanwa kunzi hama kana kuti hanzvadzi,” akanyora kudaro munyori weKaturike Domenico Mosso, “kwete nomuprista, asi nomurume wezera rapakati ari pedyo newe kana kuti nomukadzi muduku akanaka uyo achangobva kusvika parudyi rwako. ‘Watii?’ ‘Ndati, mangwanani akanaka hama.’ ‘Kubva wadaro . . . handitombokuzivi, naizvozvo neiko pane iyi rovedzano yose? Kunze kwezvo, tiri muchechi.’”
Pfungwa chaiyoiyo youhama zvamazvirokwazvo haipo mukati mechechi dzechiKristudhomu. Ikoku kunoratidzira kushaiwa kwavo chinzwano chechiKristu. Zvisinei, hakuna kudaro neZvapupu zvaJehovha. Kufanana navateveri vapakuvamba vaJesu, tinodana norusununguko kuti hama nehanzvadzi. (2 Petro 3:15) Hazvinei hazvo nekwatinoenda munyika, kugamuchirwa kwoushamwari, kwouhama kwakaita sokwapaHoro yoUmambo yapedyosa. Chinzwano chinoonekawo muidi rokuti ungano dzose dzinotevera mutoo mumwe chetewo womuraidzo uye kuti Zvapupu zvose zvakabatikana mukuparidzirwa kwa“mashoko akanaka oumambo.”—Mateo 24:14, NW.
Pausiku asati afa, Jesu Kristu akanyengetera, kuti: “Ndinokumbira . . . pamusoro paavo [vanonditenda (NW)] neshoko ravo, kuti vose vave vamwe; semi Baba muri mandiri, neni mamuri.” (Johane 17:20, 21) Chinyorwa cheBhaibheri chinoratidza kuti Jehovha Mwari akapindura munyengetero waJesu. Pakati pamaKristu apakuvamba, ruvengo rwenguva refu pakati pavaJudha naVamarudzi rwakapera kupfurikidza nesimba rinobatanidza redzidziso dzaKristu.—VaGaratia 3:28.
Zvisinei, kuchengeta ichi chinzwano kwakada nhamburiko. Muapostora Pauro akakumbira vashandi biyake kuti “vafambe zvakafanira kudana [kwokudenga] . . . vachiedza zvapachokwadi kuchengeta humwe hwomudzimu muchisungo chinobatanidza chorugare.” Ivo vakanga vasingafaniri kuparadzana kuva masekete akasiana-siana. Aiwa, “kune muviri mumwe, uye mudzimu mumwe, kunyange sezvamakadanwa mutariro imwe yamakadanirwa kwairi; Ishe mumwe, kutenda kumwe, rubhapatidzo rumwe; Mwari mumwe naBaba wavose.” Vaapostora, vafudzi, uye vadzidzisi muungano vakagoverwa kubetsera “vose kuti vasvike kuhumwe mukutenda.”—VaEfeso 4:1-6, 11-14, NW.
Zvapupu zvaJehovha munguva dzazvino uno zvakachengeta zvinobudirira “humwe” ihwohwu. Zvisinei, zvinhu zvakasiana-siana—mudzimu wouzvimiriri, misiano yeshambidziko neyedzinza, zvikanganiso zvakasiana-siana nokusakwana pakati pamaKristu biyavo—zvingagona kutyisidzira “humwe [hwedu] mukutenda.” Hunogona sei kuchengetwa?
Kudyira Patafura Imwe Cheteyo
Jehovha haasati achivhenekera muKristu mumwe nomumwe somunhu oga. Panzvimbo pezvo, Kristu akagadza boka ro“muranda akatendeka nowakachenjera” kuti rinogovera mashoko okufunda apaMagwaro nezano rakakodzera nguva kumaKristu munyika yose. (Mateo 24:45-47, NW) Nharireyomurindi nokudaro inobudiswa mumitauro 103 kubetsera kuita chinodikanwa ichocho chenyika yose.
Kudyira patafura imwe cheteyo yomudzimu kwakaita zvakawanda kuparira nokuchengeta humwe hwokutenda. Padzimwe nguva, zvisinei, rimwe rezano ringasaratidzika kuva rinoshanda munyika dzakati. Tinofanira kunzwa here kuti hatidi aya mashoko? Nyangwe. Dzimwe dzenyevero dzaPauro kumaKristu aigara muguta routere, rinonamata zvidhori reKorinte ringave risina kuratidzika kuva rinoshanda zvizere kumaKristu aigara mumaruwa. (1 VaKorinte 6:15, 16; 10:14) Bva, maKristu munzvimbo iri yose akarangarira manyoro aPauro sorutivi rwa“Magwaro.”—2 Petro 3:16.
Nenzira yakafanana nhasi, nyaya dzakati dzingasaratidzika sedzinoshanda kumigariro yomunzvimbomo sezvinoita dzimwe. Tinongofanira kugamuchira nyevero yapachine nguva mberi, tichiziva kuti munguva yedu yekurukurirano inokurumidza, kombamiro dzisina kunaka dzinotangwa murutivi rumwe rwenyika dzinogona kupararira nokukurumidza!
Kusakwana Nokunyanyisa Kwomurangariro
Mudzidzi Jakobho akati: “Nokuti tinogumburwa tose pazvinhu zvizhinji.” (Jakobho 3:2) Nemhaka yokusakwana, vanhu vanokombamirawo kukunyanyisa. Ikoku kungasaratidzika kuva chinetso kana vanhu vachigoverana mirangariro mimwe cheteyo. Somuenzaniso, vanhu vaviri vanongwarira zvikuru kwazvo vangagara zvakaisvonaka. Asi kana mumwe asingangwariri uye mumwe achingwarira, hakungagoni kuva nomugumo wokupopotedzana!
Zvapupu zvaJehovha “zvinobva mumarudzi ose namadzinza navanhu nendimi.” (Zvakazarurwa 7:9, NW) Somuuyo, vanhu vari pakati pedu vangava nepfungwa dzakasiana zvikuru kwazvo pamusoro pezvinhu zvakadai sezvokudya, zvipfeko, tarisirwo youtano, uye kunyange mitemo yokufambidzana. Mirangariro inosiana yakadaro haidikanirwi kutiparadzanisa. Bhaibheri rinonyevera pamusoro pokunyanyisa uye rinotikurudzira kushanda takananga kudzikamo nokuva nomufungo. “Uchenjeri hunobva kumusoro . . . hune rugare, hune mufungo,” rinodaro Bhaibheri.—Jakobho 3:17, NW.
Chokwadi, Bhaibheri rinoshurikidza zvakananga zvikuru miitiro yakati. Asi kazhinji kazhinji rinotikurudzira kuva pakati pokunyanyisa kuviri. Rangarira chinotaura Bhaibheri pamusoro penhau dzinotevera:
Basa Rokunyika: “Usimbe hunowisira munhu pahope huru; munhu usingabati uchafa nenzara.” (Zvirevo 19:15) “Hamungabatiri Mwari nePfuma.”—Mateo 6:24.
Kutaura: “Unodzora miromo yake, une uchenjeri.” (Zvirevo 10:19) “Chinhu chimwe nechimwe chino musi wacho . . . nguva yokunyarara, nenguva yokutaura.”—Muparidzi 3:1, 7.
Kufambidzana: “Kupfurikidza naikoku vose vachaziva kuti imi muri vadzidzi vangu, kana muno rudo pakati penyu mumene.” (Johane 13:35, NW) “Rutsoka rwako ngarurege kuwanza kupinda paimba yowokwako; arege kuzoneta newe.”—Zvirevo 25:17.
Kurera Vana: “Unorega shamhu unovenga mwanakomana wake; asi unomuda, unomuranga zvakanaka.” (Zvirevo 13:24) “Regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.”—VaKorose 3:21.
Kana mirangariro yedu yakadzikama zvikuru panzvimbo pokunyanyisa, tichawana rwisano shoma namamwe maKristu. Asi zvakadiniko kana kusabvumirana kukangooneka nemhaka yokusakwana? Yeuka mashoko aPauro ari pana VaKorose 3:13, anoti: “Muitirane mwoyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu ane mhosva nomumwe.”
‘Iye Akandigumbura’
Vamwe vari muungano, zvisinei, vangakombamira kuva vanotapurika zvikuru kwazvo, vachipinza vavariro dzisiri dzomutsa mumashoko asina mhaka nezviito. Zvichida ikoku kuri nemhaka yomugariro wavo wekare. Chipi kana chipi chakuri, kunonzwisa urombo sei apo vanonyanyonyanyisa vakadaro vanozvibvumidza vamene kugumburwa nezvisingakoshi kana kuti, zvakatoipa zvikuru, vanokangaidza vamwe pamusoro penhau yacho kupfurikidza nokudyara mbeu dzokusanzwana!
Chokwadi, Bhaibheri rinoshurikidza mufambiro ungagona kugumbura vamwe vadzidzi. (Ruka 17:1, 2) Uye vakakura mumudzimu vanofanira kungwarira mirangariro yamaKristu biyavo. Panguva imwe cheteyo, Bhaibheri rinotipa zano zvakasimba kwazvo pamusoro pokunyanyova vanotapurika nokukudziridza zvikanganiso mundangariro medu. (Muparidzi 7:9) Kupfuurirazve, kuparadzira kusagutsikana pakati pehama dzedu kupfurikidza nokuratidzira zvikanganiso zvomumwe munhu ndichimwe chezvinhu “Jehovha anovenga.”—Zvirevo 6:16-19.
Mudzimu waMwari unogona kutibetsera kukurira kunyanyotapurika. Panzvimbo pokufungisisa pamusoro pezvikanganiso zvehama dzedu, isu tinogona, nebetsero yomudzimu, kufunga mifungo yakanaka, inovaka. (VaFiripi 4:8) Ikoku kunosimudzira chinzwano.
Chinzwano Hakusi Kufanana
Chinzwano chenyika yose, zvisinei, hachirevi kudzvinyirira kusiana kana kuti kuparadzwa kwokutanga kuita zvinhu. Uko nheyo dzeBhaibheri dzinoshanda, tinofara kurega mitoo yokufunga yokuzvimirira yenyika ino nokugamuchira kutungamirira kwomudzimu waJehovha. Zvisinei, mukuita basa redu savaparidziri, mune nzvimbo huru yokusiana uye, hungu, yokufunga. Zvamazvirokwazvo, hama dzedu kazhinji kazhinji dzinoshandisa unyanzvi hukuru mukuchinjira mitoo yadzo yokupupurira kumigariro yomunzvimbomo.
Ipapoka pane nzvimbo huru yemibato umo nheyo dzapaMagwaro dzisingabatanidzwi zvakananga, kubatanidza tsika dzakati dzomunzvimbomo. Munyika yeEurope, vanhu kazhinji kazhinji vanobatana maoko. Mumativi eFar East, ivo vanokotama. Kumwe nokumwe kunogamuchirika kumaKristu. Kana kuti rangarira mupfekero nokutsvinda. Bhaibheri rinongopa bedzi nhungamiro huru dzokuva nomwero nokudzikama. Mukati maizvozvo, tingatevera zvatinoda zvedu timene, tichishandisa “ndangariro yakanaka.”—1 Timotio 2:9, 10.
Nokudaro, vakuru vanongwarira nguva dzose kupa zano pamusoro pechikonzero chakasimba chenheyo dzeBhaibheri panzvimbo pepamusoro pezvinodiwa nomunhu oga. Chokwadika, pakunouya kuzvinhu zvomudzimu, ivo vachava pamberi pokusimudzira chinzwano chaichoicho. Tinogonawo kuita rutivi rwedu. Tinogona ‘kuramba tichiedza kana tiri mukutenda’ kupfurikidza nefundo yenguva dzose yeBhaibheri nezvinyorwa zvo‘muranda akatendeka.’ (2 VaKorinte 13:5) Tinogona kuchengeta humwe mumabasa kupfurikidza nokuita noushingi “ziviswo yapachena” yokutenda kwedu.—VaHebheru 13:15, NW.
Neiyi nzira tichateerera zano rakafuridzirwa, rinoti: “Zvino ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, nezita raShe wedu, Jesu Kristu, kuti imi mose mutaure chinhu chimwe, kuti pakati penyu kurege kuva nokupesana; asi kuti musonganiswe zvakanaka pamurangariro mumwe nokufunga kumwe.”—1 VaKorinte 1:10.
[Mufananidzo uri papeji 30]
Kuchengeta ukama hwakanaka, kunyange apo mumwe anenge ane hwaro hwokugumbuka, kunokosha kuchinzwano