Dzivisa Guhwa!
“Mumashoko mazhinji hamungakoni kuva nokudarika, asi anoramba achidzora miromo yake anoita nenzira youchenjeri.”—ZVIREVO 10:19, “NW.”
1. Guhwa rinokuvadza sei, kana kuti kuchera?
HAPANA chinhu chinogona kuchinja uturu hunouraya kuva chinwiwa chinopa utano hwakanaka. Guhwa, kana kuti kuchera, rakasanofananidzwa nechepfu, iro rinogonawo kubira munhu akarurama zita rake rakanaka. Mudetembedzi weRoma Juvenal akadana kuchera kuti “chakaipa zvikurusa chiya chechepfu dzose.” Uye munyori wezvinoitika weEngland William Shakespeare akaisa awa mashoko mumuromo mumumwe wavatambi vake: “Iye anondibira zita rangu rakanaka anondibira icho chisingamupfumisi uye anondiita murombo zvamazvirokwazvo.”
2. Mibvunzoi inofanirwa nerangariro?
2 Asi guhwa chii chaizvo? Ringasiana sei nokuchera? Kudzivisirei guhwa? Uye ikoku kunogona sei kuitwa?
Kusiana Kwazvakaita
3. Chii chiri musiano pakati peguhwa nokuchera?
3 Guhwa “kubvotomoka, kusiri kwechokwadi nguva dzose, pamusoro pavamwe vanhu nezvinhu zvavo.” Iro “kutaura kana kuti kunyora kwenhando, kwakarovedzeka.” Sezvo tose zvedu tichifarira vanhu, isu pane dzimwe nguva tinotaura zvinhu zvakanaka, zvinovaka pamusoro pavamwe. Kuchera kwakasiana. Iko “mushumo wenhema unorehwa kuita kuvadziko kuzita rakanaka nomukurumbira zvomumwe.” Kutaura kwakadaro kunowanzova kwakaipa uye hakusi kwechiKristu.
4. Mukuwirirana nomumwe munyori, kuchera kungavamba sei, uye iko kunobva muchii?
4 Guhwa risingakuvadzi ringava kuchera kwakaipa. Akadaro munyori Arthur Mee: “Kazhinji kazhinji kuchera uko kunokuvadza munhu, uye kungaparira kuvadziko yake, kunovamba muguhwa, guhwa iro rinouya, zvichida, richibva muchinhu chisina kuipa zvikuru pakutanga kupfuura kubvotomoka. Ndichimwe chezvakaipa zvikurusa munyika, asi rinobva, kazhinji kazhinji, mukusaziva. Tinoriwana zvikurukuru pakati paavo vane zvishomanene zvokuita, uye vasina donzo rakati muupenyu.”
5. Chii chiri pfundo rinokosha rezano raPauro riri pana 1 Timotio 5:11-15?
5 Sezvo kubvotomoka kungatungamirira kukuchera, muapostora Pauro akashora vatauri vamakuhwa vakati. Pashure pokududza chirikadzi dzakakwaniriswa nokuda kwebetsero yeungano, iye akanyora, kuti: “Asi urambe chirikadzi kana vachiri vakadzi vaduku, [nokuti apo zvishuvo zvavo zvevatano zvinovaparadzanisa naKristu, NW], . . . uyezve, dzinodzidza kuva nousimbe dzichipota nedzimba; hadzizi simbe bedzi, asi vaitiwo vamakuhwa, dzisingaregi zvavamwe, dzichitaura zvisakafanira. Naizvozvo ndinoda kuti chirikadzi duku dziwanikwe, dzibereke vana, dzichengete dzimba dzadzo, kuti dzirege kutongopa muvengi nzira yokubvumira nayo. Nokuti vamwe vanotsauka vachitevera Satani.”—1 Timotio 5:11-15.
6. Chii chinofanira kuitwa kukurira utera hwomunhu oga hworudzi rwokutaura makuhwa rungatungamirira kukuchera?
6 Sezvo Pauro akanyora mufuridziro youmwari, akanga asiri kuita tsinhiro dzisakanaka pamusoro pavakadzi ivavo. Izvo akataura ndezvokufunga kwakakomba zvikuru. Hakuna mukadzi woumwari anoda ku‘tsauka ndokutevera Satani.’ Bva, zvakadiniko kana mukadzi wechiKristu akawana kuti ane utera hworudzi rwokutaura rungagona kumuita ane mhaka yokuchera? Ipapo iye anofanira kuteerera nokuzvininipisa zano raPauro: “Vakadzi ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe.” Iye akati: “Vakadzi vakuru ngavave nomufambire wakafanira vatsvene, vasingacheri.” (1 Timotio 3:11; Tito 2:3) Hamawo dzinofanira kushandisa zvakakomba zano iroro rokuchenjera.
7. PaMagwaro, neiko ungataura kuti tose zvedu tinofanira kudzora chatinotaura?
7 Padzimwe nguva, chokwadika, tose zvedu tinotaura pamusoro pavamwe vanhu, zvinoitika zvavo muushumiri, uye zvichingodaro. Zvisinei, ngatiregei kutongo‘gara ndokutuka hama yedu.’ (Pisarema 50:19, 20) Zvamazvirokwazvo, kuchenjera kusataura zvakawanda zvikuru nemhaka yokuti “mumashoko mazhinji hamungakoni kuva nokudarika, asi anoramba achidzora miromo yake anoita nenzira youchenjeri.” (Zvirevo 10:19, NW) Naizvozvo tinofanira kudzivisa guhwa, kunyange kana risingaratidziki kuva rinokuvadza. Hatina dikanwo yokutaura pamusoro pavanhu nguva yose, sezvo tine mhatsa yakaisvonaka yemisoro kana tikarangarira zvinhu zvakarurama, zvakachena, zvinodikanwa, zvakanaka, uye zvinorumbidzwa.—VaFiripi 4:8.
Nzira Iyo Guhwa Rinova Nayo Kuchera
8. Neiko kusina kuipa nguva dzose kutaura pamusoro pamaKristu biyedu?
8 Hapana chinokuvadza mukutaura pamusoro poushumiri hwomumunda nemimwe mibato youmwari yavatendi biyedu kana takarurama uye pasina kuvadziko inobva muzvatinotaura. Kutaura idi, tsinhiro dzakanaka dzorudzi urwu dzingakurudzira vamwe. (Enzanisa naMabasa 15:30-33.) Mamwe maKristu akataura pamusoro pomutana akatendeka Gayo, kwaari muapostora Johane akanyora, kuti: “Mudikanwa, unobate basa rakatendeka pazvinhu zvose zvaunoitira hama navaeniwo; vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke.” (3 Johane 5, 6) Naizvozvo hakuna kuipa nguva dzose kutaura pamusoro pamaKristu biyedu.
9. (a) Kutaura kwenhando kungava sei kucherwa kwavakarurama? (b) Mibvunzoi yatingazvibvunza timene nenzira yakafanira?
9 Zvisinei, kutaura kwenhando kunogona kuva kucherwa kwavakarurama kana tikapinda muzvinhu zvavo zvomunhu oga, kupanikira vavariro dzavo, kana kuti kunyandura nyumwiro pamusoro pomufambiro wavo. Tingapinda mumuitiro wokuzvibvunza timene mibvunzo, yakadai: Kutaura kwangu kungakuvadza mukurumbira womumwe munhu here? Zvandinotaura ndezvechokwadi here? (Zvakazarurwa 21:8) Ndaizotaura chinhu chimwe chetecho here iye aripo? Kungadyara here kusawirirana muungano? Kutaura kwangu kungamuparira kurasikirwa namaropafadzo ebasa here? Ruchochoro rungagona kuva mumwoyo mangu here? (VaGaratia 5:25, 26; Tito 3:3) Chibereko chetsinhiro dzangu chingava chakanaka kana kuti chakaipa here? (Mateo 7:17-20) Ndingadai ndakataura zvinhu zvakafanana here pamusoro pavaapostora? (2 VaKorinte 10:10-12; 3 Johane 9, 10) Kutaura kwakadaro kunobetsera avo vanoremekedza Jehovha here?
10, 11. Mukuwirirana nePisarema 15:1, 3, chii chatisati tichizoita kana tichishuva kuva vashanyi vaMwari?
10 Ichinongedzera kuavo vanoremekedza Mwari, Pisarema 15:1 inobvunza, kuti: “Jehovha, ndianiko ungatsaukira mutende renyu? Ndianiko ungagara pagomo renyu dzvene?” Pamusoro pomunhu akadaro, wezvamapisarema Dhavhidhi anopindura, kuti: “Iye usina [kuchera norurimi rwake, NW]. Usingaitiri shamwari yake zvakaipa; usingatuki waagere naye.” (Pisarema 15:3) Pano shoko rokuti “kuchera” rinobva muchiito chechiHebheru chinoreva “kufamba” uye nokudaro “kufamba-famba.” VaIsraeri vakarairwa, kuti: “Usafamba-famba uchiparadzira kuchera pakati pavanhu vako.” (Revhitiko 19:16, New International Version) Munhu upi noupi ‘anofamba-famba achiparadzira kuchera’ haasi mushanyi waMwari neshamwari.
11 Shamwari dzaMwari hadziiti chinhu chakashata kuvafambidzani vavo uye hadzisati dzichizogamuchira, kana kuti kutambira seyechokwadi, nhau dzipi nedzipi dzinozvidza pamusoro pavazivikanwi vakarurama. Panzvimbo pokuparadzira nhau dzenhema pamusoro pavatendi biyavo nokuwedzera kuruzvidzo rwakaipa runoitwa navasiri voumwari urwo vanototsungirira, tinofanira kutaura zvakanaka nezvavo. Hatitongodi kuwedzera mitoro yehama nehanzvadzi dzedu dzakatendeka kupfurikidza nokutaura zvinhu zvinomhura pamusoro pavo.
Apo Zvitambudzo Zvinomuka
12. Mabasa 15:36-41 ingatibetsera sei kana tikaedzwa kutaura guhwa pamusoro pomumwe tine kusabvumirana naye?
12 Zvatisina kukwana, tingaedzwa kushora mumwe munhu watakava nokusabvumirana kwakakomba naye. Asi rangarira chakaitika apo muapostora Pauro akanga odokutanga parwendo rwake rwechipiri rwoufundisi. Kunyange zvazvo Bharnabhasi akanga akatsunga kuita kuti Marko avaperekedze, Pauro haana kubvuma, “wakambovasiya [Marko] paPamfiria, akasaenda naye kubasa.” Pana ikoko, “kutsamwirana” kukavapo, uye ivo vakaparadzana. Bharnabhasi akaenda naMarko kuKupro, nepo Pauro akaita kuti Sirasi aende naye nomuSiria neKirikia. (Mabasa 15:36-41) Gare gare, kusabvumirana pakati paPauro, Bharnabhasi, uye Marko sezviri pachena kwakapedzwa, nokuti Marko akanga ane muapostora wacho muRoma, uye Pauro akataura zvakanaka nezvake. (VaKorose 4:10) Kunyange zvazvo pakanga pave pane kusabvumirana, hapana ufakazi hwokuti maKistu iwayo akanga afamba-famba achitaurirana guhwa pakati pavatendi biyavo.
13. Pauro akadzivisa muedzo unobvira wokutaura guhwa pamusoro pomuKristu biyake mumugariroi unobatanidza Petro?
13 Pauro akadzivisawo muedzo unobvira wokutendeukira kuguhwa apo akatsiura Kefasi (Petro), uyo akanga anyara kudya navatendi vaVamarudzi ndokusonganirana navo nemhaka yokuvapo kwamaKristu akati echiJudha akabva Jerusarema. Panzvimbo pokutaura pamusoro paPetro pachivande, Pauro “akamudzivisa pachena,” kutaura “pamberi pavose.” (VaGaratia 2:11-14) Petro haana kutaurawo guhwa pamusoro pomutsiuri wake. Kutaura idi, iye gare gare akanongedzera kwaari sa“Pauro, hama yedu inodikanwa.” (2 Petro 3:15) Naizvozvo kunyange kana mutendi biyedu achida kururamiswa, ikoku hakugoveri pembedzo yokutaura guhwa pamusoro pake. Kune zvikonzero zvakanaka zvikuru zvokudzivisa kutaura kwakadaro nokudzivisa muedzo wokuparadzira guhwa.
Kungwaririrei?
14. Ndechipi chiri chikonzero chikuru chokusateerera kana kuti kuparadzira guhwa?
14 Chikonzero chikuru nei tichifanira kusateerera guhwa kana kuti kugovera mukuriparadzira ndechokuti tinoda kufadza Jehovha, uyo anoshurikidza kuchera. Sezvacherechedzwa, nzira iyo Mwari anorangarira nayo kutaura kwakadaro yakajekeswa apo vaIsraeri vakarairwa, kuti: “Usafamba-famba pakati pavanhu vokwako, uchivachera; usapupurira ropa rowokwako; ndini Jehovha.” (Revhitiko 19:16) Kana tichizofarikanya nyasha dzoumwari, ipapoka, tinofanira kusachera munhu upi noupi watingadudza mukurukurirano dzedu.
15. Ndiani ari mucheri mukurusa, uye kutaura guhwa kunogona kuva nomuuyoi paukama hwedu naMwari?
15 Chimwe chikonzero chokusaita guhwa ndechokuti kwakadaro kungagona kutungamirira kukutevedzera Satani, mucheri mukurusa waJehovha. Uyu muvengi mukuru waMwari akapiwa nenzira yakafanira zita rokuti “Dhiabhorosi” (chiGiriki, di·aʹbo·los), iro rinoreva “mucheri.” Apo Evha akateerera kukutaura kunochera kwaSatani pamusoro paMwari ndokuita chimwe chinhu pamusoro pako, vaviri vokutanga vohunhu vakaparadzaniswa neShamwari yavo yakanakisisa. (Genesi 3:1-24) Tisatongotere kumazano aSatani ndokubatanidzwa mukutaura kunokuvadza uko kunofanirwa nokusatendera kwoumwari uye uko kunogona, naizvozvo, kutiparadzanisa neShamwari yedu yakanakisisa, Jehovha Mwari.
16. Mucheri ‘anoparadzanisa [sei] avo vakarovedzana nomumwe nomumwe’?
16 Hatifaniri kuteerera kuvatauri vamakuhwa, sezvo ivo vachiparadzanisa shamwari. Kazhinji kazhinji, vacheri vanokatutsira, vanokwenengera, vanoreva nhema, uye vanotutira makomo amashoko anonyandura. Panzvimbo pokutaura kumumwe munhu vakatarisana, ivo vanoita zevezeve pachivande. Nyumwiro dzisina hwaro kazhinji kazhinji dzinonyandurwa. Nokudaro, “mucheri unoparadzanisa shamwari dzinodana.”—Zvirevo 16:28.
17. Neiko tichifanira kudzivisa kuva vanobatanidzwa zvikuru muguhwa renhando?
17 Tinofanira kudzivisa kubatanidzwa zvikuru kunyange muguhwa risina kukomba. Neiko? Nemhaka yokuti tsinhiro isingarehwi kukuvadza munhu upi ingava inokuvadza apo inodzokororwa. Iyo ingavandudzwa kana kuti kumonyaniswa kutozosvikira yakuvadza mukurumbira womunhu woumwari, kumubira zita rake rakanaka. Kana ikoko kukaitika, waizonzwa sei kudai iwe wakanga watanga nhau yacho kana kuti kunyange kuipfuudza? Vanhu vangakurangarira somumwe munhu sezvingabvira angaita kuvadziko, uye naizvozvo vangasachatsvaka ushamwari hwako.—Enzanisa naZvirevo 20:19.
18. Guhwa ringaita sei kuti munhu ave murevi wenhema?
18 Chimwe chikonzero chokungwarira ndechokuti guhwa ringakuita murevi wenhema. “Mashoko omucheri akaita sezvimedu zvinozipa, zvinoburukira mukatikati momuviri.” (Zvirevo 26:22) Zvakadini kana iwe ukagamuchira nhema ndokudzidzokorora? Eya, kunyange kana uchifunga kuti nhema dzacho ndedzechokwadi, uri kureva nhema apo unodziparadzira. Apo unhema hwadzo hunoziviswa, ungarangarirwa kuva murevi wenhema. Unoda kuti ikoko kuitike here? Ko Mwari haarangariri vadzidzisi venhema kuva vane mutoro nokuda kwenhema dzorudzidziso here? Hungu, uye iye anorangarirawo vacheri vanoreva nhema kuva vane mutoro. Jesu akanyevera, achiti: “Shoko risina maturo riri rose iro vanhu vachataura vachazvidavirira nokuda kwaro pazuva rorutongeso; nokuti uchawanikwa usina mhaka pamashoko ako umene uye kushurikidzwa pamashoko ako umene.” (Mateo 12:36, 37, Byington) Sezvo “mumwe nomumwe wedu achazvidavirira nokuda kwake amene kuna Mwari,” ungada here kumuita kuti akushurikidze somucheri anoreva nhema?—VaRoma 14:12, NW.
19. Neiko kuchigona kutaurwa kuti guhwa rinogona kuva rinouraya?
19 Chimwezve chikonzero chokusaparadzira guhwa ndechokuti rinogona kuva rinouraya. Hungu, rinogona kuva rinouraya, richiparadza mukurumbira wakanaka womunhu asina mhaka. Dzimwe ndimi ‘mashoko akapinza,’ uye mashoko akakasharara akafanana nemiseve inopfurirwa vasina mhaka pakavanda. Dhavhidhi akanyengetera, achiti: “Ndivanzei, [Jehovha] pakurangana kwakavanda kwavanoita zvakaipa; pabope ravanobata zvakaipa; ivo vakarodza rurimi rwavo somunondo, vakashumba miseve yavo, iwo mashoko anovava; kuti vafure wakarurama, vakavanda ivo.” (Pisarema 64:2-4) Iwe ungada here kuva nomutoro wokutaura zvinhu zvakaipa zvakadaro pamusoro pomunhu biyake kusvikira papfundo rokuti iye akanzwa agombedzerwa kunyengetera kuna Mwari nokuda kworusununguko, sezvakaita wezvamapisarema? Iwe unoda kuva nemhaka here yokunova kuponda?
20. (a) Kana toreva nezveungano yaMwari, chii chinogona kuitika kumucheri asingapfidzi? (b) Ingwariroi inofanira kushandisa vakuru pamusoro peguhwa nokuchera?
20 Kuchera kunogona kutungamirira kukutandwa musangano raMwari; mucheri angadzingwa, zvichida somurevi wenhema asingapfidzi. Zvisinei, chiito chakadaro hachifaniri kuitirwa avo vane mhaka yeguhwa risina kukomba. Vakuru vanofanira kuyera zvinhu nenzira yokunyengetera, vachiita musiano mukuru pakati peguhwawo zvaro nokuchera kwakaipa. Kuti adzingwe, muiti wechakaipa aizofanira kuva mucheri anokuvadza, asingapfidzi. Vakuru havapiwi chiremera chokudzinga munhu upi noupi nokuda kweguhwa risina kukomba iro rinosundwa nefariro yavanhu asi iro risiri renhema kana kuti rinokuvadza. Zvinhu hazvifaniri kukudzwa kupfuura ukuru hwakafanira, uye kunofanira kuva nezvapupu zvine umboo hwakasimba hwokubvumikisa kuti kuchera kunobatanidzwa nenzira isingapanikirwi. (1 Timotio 5:19) Vacheri vasingapfidzi vanotandwa zvikurukuru kuitira kuti guhwa ripedzwe, uye ungano ichadzivisirwa kuviriswa nechivi. (1 VaKorinte 5:6-8, 13) Asi vakuru havasati vachitongofanira kuva vanokurumidza kwazvo zvokuti vanotanda munhu upi noupi pazvikonzero zvisiri zvapamagwaro. Kupfurikidza nomunyengetero nezano, ivo kazhinji kazhinji vachakwanisa kubetsera munhu wacho kupfidza, kuti ane urombo kana kuti zvimwe kururamisa, uye kuita fambiro mberi inopfuuridzirwa mukudzora rurimi.
Kuchera Here?
21. Panzvimbo pokutaura guhwa pamusoro pomuiti wechakaipa, chii chaunofanira kuita?
21 Chirevo chokuchenjera chinoti: “Unofamba ana makuhwa, unobudisa zvakavanda; asi uno mwoyo wakatendeka, unofukidza mhaka.” (Zvirevo 11:13) Ikoku kunoreva here kuti kana uchiziva kuti mumwe munhu ari kupinda pachivande muchivi chakakomba, kwaizova kuchera kutaura chinhu chipi nechipi pamusoro pako? Aiwa. Chokwadika, haufaniri kutaura guhwa pamusoro penhau yacho. Unofanira kutaura kumuiti wechakaipa, uchimukurudzira kutsvaka betsero yavakuru. (Jakobho 5:13-18) Kana asati achiita ikoku mukati menhambo yenguva ine mufungo, kuitira hanya rucheno rweungano kunofanira kukusunda kushuma nhau yacho kuvakuru.—Revhitiko 5:1.
22. Neiko tichigona kutaura kuti 1 VaKorinte 1:11 haipi chiremera kutaura guhwa?
22 Mushumo wakadaro ungaguma nechirango nokuda kwomuiti wechakaipa, uye ikoko kungasaratidzika kuva kunofadza. Zvisinei, munhu anorovedzwa nechirango anowana chibereko chokururama. (VaHebheru 12:11) Kuita chakaipa kunofanira kuziviswa kuavo vakagadzwa kutarisira zvinhu zvakadaro, kwete kuvatauri vamakuhwa avo vangataura pamusoro pako. Pauro akaudza maKristu muKorinte, kuti: “Nokuti ndakaudzwa pamusoro penyu, hama dzangu, navari vokwaKroe, kuti kune gakava pakati penyu.” (1 VaKorinte 1:11) Ko mitezo yemhuri iyoyo yakanga ichitaura makuhwa pamusoro pavatendi biyavo here? Aiwa, asi mushumo wakaitwa kumukuru ane mutoro uyo aigona kuita nhano dzokubatsira avo vanoda betsero kuita kuti vadzokere munzira youpenyu.
23. Mubvunzoi wasara nokuda kwerangariro?
23 Kana tikabetsera munhu kudzivisa kubatanidzwa muguhwa, tiri kuita chimwe chinhu nokuda kwenakirwo yake. Chirevo chokuchenjera chinoti: “Unorindira muromo wake, unochengeta upenyu hwake; asi unoshamisa miromo yake, uchaparadzwa.” (Zvirevo 13:3) Nenzira yakajeka, ipapoka, kune zvikonzero zvakanaka zvokudzivisa guhwa nokuchera kwakaipa. Bva, guhwa rinogona sei kuparadzwa? Nyaya inotevera ichataura.
Ndedzipi Dziri Mhinduro Dzako?
◻ Chii chiri musiano pakati peguhwa renhando nokuchera?
◻ Guhwa ringava sei kuchera?
◻ Ndezvipi zviri zvimwe zvikonzero zvokudzivisa nazvo kutaura guhwa?
◻ Neiko kuchera kusingabatanidzwi patinoshuma chakaipa chakakomba chomumwe munhu?
[Mufananidzo uri papeji 14]
Iva nechokwadi chokuti hausati uchitongova nemhaka yokupfura mumwe munhu kumusana kupfurikidza nokutaura guhwa pamusoro pake