Zvirevo
2 Sezvo shiri ichitiza paine chikonzero uye nyenganyenga* ichibhururuka paine chikonzero,
Kutukwa hakuuyiwo pasina chikonzero chaicho.*
9 Chirevo mumiromo yemapenzi
Chakafanana nekamuti kane minzwa kari muruoko rwechidhakwa.
10 Munhu anobhadhara benzi kana kuti anobhadhara munhu anenge achingopfuura hake kuti amushandire,
Akaita semunhu anopfura neuta achikuvadza munhu wese wese.*
12 Wakamboona munhu anofunga kuti akachenjera here?+
Benzi rinotova netariro kumupfuura.
16 Simbe inofunga kuti yakachenjera
Kupfuura vanhu vanomwe vanopindura zvine musoro.
17 Munhu anenge achipfuurawo zvake ogumburwa nekupopotedzana* kwevanhu vasinei naye
Akafanana nemunhu anobata nzeve dzembwa.+
18 Sezvinoita munhu anopenga anokanda zvombo zvinobvira moto, miseve, nerufu,*
19 Ndizvo zvinoita munhu anonyengedza muvakidzani wake ozoti, “Ndanga ndichitamba zvangu!”+
20 Kana pasina huni, moto unodzima,
Uye kana pasina munhu anotaura mashoko anosvibisa zita remumwe, kupopotedzana kunopera.+
21 Sezvo marasha achiita kuti pave nemazimbe uye huni dzichiita kuti pave nemoto,
Munhu ane nharo anoita kuti pave nekukakavadzana.+
22 Mashoko emunhu anoreva vamwe akaita sezvekudya zvinonaka;*
Zvinomedzwa zvakadaro zvichipinda mudumbu.+
24 Munhu anovenga vamwe anoita kuti zvisazivikanwa achishandisa miromo yake,
Asi nechemukati anenge aine unyengeri.
25 Kunyange achitaura nenyasha, usavimba naye,
Nekuti mumwoyo make mune zvinhu zvinomwe zvinosemesa.*
26 Kunyange zvazvo ruvengo rwake ruchifukidzwa neunyengeri,
Uipi hwake huchabudiswa pachena muungano.