Ita Zvinhu Zvose Nokuda Kwamashoko Akanaka
“Ndinoita zvinhu zvose nokuda kwamashoko akanaka, kuti ndigova mugoverani wawo navamwe.”—1 VAKORINTE 9:23, “NW.”
1. Ivarai riri ravose kwatiri tose, asi Mwari akagovera hwaro nokuda kwechii?
KUNYANGE zvazvo tichisiana nomumwe nomumwe munzira dzakasiana-siana, tose zvedu tinogoverana vara ravose. Kupfurikidza nokugara nhaka kuna Adhama, takaberekwa savatadzi vakabva kuna Mwari Wokumusorosoro, Jehovha. (VaRoma 5:12; VaKorose 1:21) Muapostora wechiKristu Pauro akanyora, kuti: “Vose vakatadza, vakasasvika pakubwinya kwaMwari.” (VaRoma 3:23) Nokuda kworuponeso, naizvozvo, vanhu veboka riri rose redzinza norudzi vanofanira kuyananiswa naMwari. Uye tinogona kuva vanoonga sei kuti, norudo nengoni zvisingaenzaniswi, Jehovha akagovera hwaro hwokuyananiswa naye!
2. (a) Ushumirii hwakaronzeswa kumaKristu akazodzwa? (b) Tinogona kudzidza mumuenzaniso waani, uye nei? (1 VaKorinte 11:1)
2 Mazana amakore gumi namapfumbamwe apfuura, zvapupu zvakazodzwa zvaJehovha zvakaronzeswa “ushumiri hweyananiso.” Pauro akati: “Savatsivi vaKristu tinokumbira: ‘Yananiswai naMwari.’” (2 VaKorinte 5:18-20, NW) Muapostora akaita ushumiri ihwohwu nechimiroi? “Kunyange ndakasununguka kuna vose,” iye akadaro, “ndakazviita muranda wavose, kuti ndiwane vazhinji kwazvo.” (1 VaKorinte 9:19) Nenzira isingapanikirwi, Pauro akaita nhamburiko yokungwarira kuti ape shoko rake nenzira inobudirira, nokuti iye akatiwo: “Ndinoita zvinhu zvose nokuda kwamashoko akanaka, kuti ndigova mugoverani wawo navamwe.” (1 VaKorinte 9:23, NW) Naizvozvo, chii chatinogona kudzidza mumuenzaniso waPauro?
Kubetsera vaJudha Vanozvininipisa
3. Kudisa kwaPauro kuita zvinhu zvose nokuda kwamashoko akanaka kwakaratidzwa sei pamusoro paTimotio navaJudha?
3 Mugariro wekare wechiJudha waPauro nokudisa kwake kuita zvinhu zvose nokuda kwamashoko akanaka zvakamushongedzera kubetsera vaJudha vanozvininipisa kugamuchira Jesu saMesia. Somuenzaniso, rangarira izvo muapostora akaita apo akasarudza Timotio somufambidzani wake. Timotio, ana baba akanga ari muGiriki, akanga asina kudzingiswa sezvakanga zvakaita vanarume vechiJudha. (Revhitiko 12:2, 3) Pauro akaziva kuti vaJudha vangagumburwa kana murume muduku asina kudzingiswa akaedza kuvabetsera kuva vanoyananiswa naMwari. Naizvozvo, kuitira kuti vaJudha vane mwoyo wakatendeseka vagorega kudziviswa kugamuchira Jesu, chii chakaita Pauro? Iye “akatora [Timotio] ndokumudzingisa nemhaka yavaJudha.” Ikoku kwakaitwa kunyange zvazvo dzingiso yakanga isiri chinodikanwa chechiKristu.—Mabasa 16:1-3, NW.
4. Mukuwirirana na 1 VaKorinte 9:20, chii chakanga chiri donzo raPauro?
4 Naizvozvo kwakadaro kuti Pauro akanga achiita zvinhu nokuda kwamashoko akanaka apo akaratidzira itiro hanya yorudo nokuda kwavaJudha biyake. Iye akanyora, kuti: “KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha; kuna vari pasi pomurairo, ndakava somunhu uri pasi pomurairo, kunyange ndisati ndiri pasi pomurairo, kuti ndiwane vari pasi pomurairo.” (1 VaKorinte 9:20) Hungu, sezvinoratidzirwa muchinoitika chaTimotio, Pauro akaita zvaaigona kuwana vaJudha, achivabetsera kuva maKristu. Asi iye akabata zvakafanana here naVamarudzi?
Kutsvaka Kuwana Vamarudzi
5. Pauro akaparidzira kuna vanaani muKorinte, uye nomuuyoi?
5 Pashure pokusvika kwaPauro muguta reKorinte munenge mukupera kwa 50 N.V., akakurukura hurukuro dzevhiki nevhiki musinagoge kuvateereri vechiJudha navaproserite vechiGiriki kukutenda kwechiJudha. Asi kuparidzira kwake kwokushingaira kwakatanga chishoro chakakura zvokuti iye akaudza vavengi vake, kuti: “Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ndakachena, kubva zvino ndichaenda kuvahedheni.” Jehovha akakomborera ichi chiito, nokuti “vazhinji veKorinte vakanzwa, vakatenda, vakabhapatidzwa” samaKristu. Zvamazvirokwazvo, muchiono, Ishe akaraira Pauro kunamatira kumugove iwoyo, achimudza, kuti: “Ndina vanhu vazhinji muguta rino.”—Mabasa 18:1-10.
6. Chii chakasunda fariro yaPauro muavo vaiva nomugariro wekare wakasiana nowake?
6 Chishuvo chechokwadi chaPauro chokuwana vatendeuki vaVamarudzi kuchiKristu chakamusunda kuvawo nefariro muvanhu vaiva nomugariro wekare wakanga wakasiana zvikuru nowake amene. “Kuna vasino murairo [Vamarudzi] ndakava somunhu usino murairo, kunyange ndisati ndiri munhu usino murairo waMwari, asi pasi pomurairo waKristu, kuti ndiwane vasino murairo.” (1 VaKorinte 9:21) Muapostora akatsvaka sei kuwana Vamarudzi?
7. Pamusoro pedzingiso, neiko mugariro waTito wakanga wakasiana nouyo waTimotio?
7 Apo Pauro akaenda kuJerusarema munenge muna 49 N.V. kuzopinda musangano unokosha womutumbi unodzora weungano yechiKristu, akaperekedzwa nomudzidzi wechiGiriki Tito. Kuhama dzakaungana, Pauro akapa mushumo pamusoro pebasa rake rokuparidzira pakati pavanhu vamarudzi, uye iye gare gare akanyora, kuti: “NaTito, waiva neni, ari muGiriki, haana kurovererwa kuti adzingiswe.” (VaGaratia 2:1-3) Kusafanana naTimotio, Tito akaita ushumiri hwake zvikurukuru pakati pavanhu vasina kudzingiswa vamarudzi. Nokudaro, nhau yedzingiso haina kumuka muchinoitika chake.—2 VaKorinte 8:6, 16-18, 23; 12:18; Tito 1:4, 5.
8. Pauro akapa sei uchapupu muAtene?
8 Achipa uchapupu muAtene, Pauro akaratidzira zvakare kuti iye akaita zvinhu zvose nokuda kwamashoko akanaka. Achirangarira kufunga kwavagari vedzimbahwe iroro reGirisi, iye akavaudza pamusoro paMwari asingazivikanwi kwavari ndokunokora mashoko vadetembedzi vavo Aratus naCleanthes, avo vakati: “Nokuti tiri rudzi rwakewo.” Muapostora nokudaro akatsvaka kubetsera vateereri vake kunzwisisa kuti ivo “[vaisafanira kufungidzira kuti] Humwari . . . hwakafanana nechimwe chinhu chakavezwa noumhizha kana kuchenjera kwomunhu.” Uyezve, Pauro akarangarira, kuti: “Mwari wakarega hake kurangarira nguva dzokusaziva; asi zvino unoraira vanhu vose kwose kwose kuti vatendeuke.” Iye nenzira inobudirira akanangidzira ngwariro kuna“She wedenga napasi,” Jehovha. Uye muuyo wacho? “Vamwe varume vakamunamatira, vakatenda.” (Mabasa 17:22-34) Hungu, mitoo yaPauro yakanga ichibudirira!
9. Pauro akava sei ‘asine simba kuvasine simba,’ uye nei?
9 “Kuna vasine simba ndakava usine simba, kuti ndiwane vasine simba,” akadaro Pauro. (1 VaKorinte 9:22a) Kunyange zvazvo kutaura kwake kwakanga kune simba, muapostora akarangarira hana dzisina simba dzavaJudha vakati naVamarudzi vaiva muungano. Iye akakurudzira maKristu eRoma, kuti: “Zvino gamuchirai usine simba pakutenda kwake musingaiti gakava naye pamusoro pokufunga kwake.” Panzvimbo pokutonga, Pauro akati: “Naizvozvo ngatitsvake izvo zvinouyisa rugare nezvatingasimbisana nazvo.” (VaRoma 14:1, 13, 19) Iye akapa zano, kuti: “Zvino isu, tine simba, tinofanira kutakura utera hwavasine simba, tisingazvifadzi.” (VaRoma 15:1) Achiziva nezvomusengwa wake wokuchinja nzira yake yokutaura nokuita kuti abetsere vamwe, iye akanyora, kuti: “Ndakava zvose kuvanhu vose.”—1 VaKorinte 9:22b; VaGaratia 3:28.
Vandudza Unyanzvi Hwako Hwokuparidzira
10. Isu nhasi tinogona sei kutevedzera Pauro?
10 Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinofanira kutevedzera Pauro sezvo iye akatevedzera Kristu. (1 VaKorinte 11:1) Muapostora wacho akanga ari muparidzi ane unyanzvi uyo aiva nomudzimu woufundisi. Zvimwe chetezvi zvinogona kuva zvechokwadi nesu, kunyange zvazvo migariro yedu ingasatibvumira kubatira mumunda wokumwe. Kufanana naPauro, tinofanira ‘kuita zvinhu zvose nokuda kwamashoko akanaka kuti tigoagoverana navamwe.’ (1 VaKorinte 9:23) Asi chiiko chinogona kuvandudza unyanzvi hwedu savaparidzi voUmambo navaiti vavadzidzi?—Mateo 28:19, 20.
11. Somushumiri, kukudziridzirei masimba ako echerechedzo?
11 Shanda kukudziridza masimba ako echerechedzo. Kupfurikidza nokuva anocherechedza, iwe unogona kudzidza zvakawanda izvo zvinogona kukubetsera kuchinja kupa kwako mashoko akanaka kuvanasaimba vamwe navamwe. Somuenzaniso, kana ukapupurira kuvagari vomuguta, cherechedza kiyi dziri pasuo, shongedzo dzorudzidziso, uye kutaura kuri pazviratidzo zviri pamawindo. Izvi zvinhu zvinogona kukubetsera kupa uchapupu hungaorora mwoyo yavanhu vanogara mumisha yakadaro. Pauro zvamazvirokwazvo akanga achicherechedza. MuAtene iye akashandisa atari “Kuna Mwari Usingazivikanwi” sorutivi rumwe rwouchapupu hwake hwakaisvonaka pamusoro pa“Mwari wakasika nyika nezvose zviri mairi.” (Mabasa 17:22-25) Iwe unogona kuita zvinhu zvakafanana muushumiri hwako.
12. Nzwisiso inoita rutivii muushumiri hwedu?
12 Shandisa nzwisiso muushumiri. Usaodzwa mwoyo nezenguriro yokutanga yomunhu yokuzarura suo ndokutaura kwauri. Panzvimbo pokuzvirega umene uchidzingwa nechitarisiko chine hasha, ratidzira mutsa uye shandisa nzwisiso. Vavarira kuchinjira uchapupu hwako kumigariro yacho. Kunyange nomufungo mupfupi wokunyengetera, ungakwanisa kutaura chimwe chinhu icho chichaorora mwoyo womunhu wacho.—Enzanisa naNehemia 2:4-6.
13. Tingaratidza sei rangariro nokuda kwaavo tinopupurira kwavari?
13 Iva anorangarira. Muna ikoku, zvinhu zvakasiana-siana zvinogona kuitwa nokuda kwamashoko akanaka. Somuenzaniso, rangariro ichakudzivisa kuchengeta vanhu vakwegura kana kuti vanorwara vakamira pasuo kwenguva refu zvikuru. Ungakarakadza kuti utaure navo mukati meimba, umo ivo vangava vakasununguka zvikuru. Kana kuti ungasarudza kuti mumigariro yacho kwaizova kwakanaka kuita kuti shanyo yako ive pfupi. Muchinoitika chipi nechipi, iva anorangarira. Ratidza kuti unoitira hanya!—Mateo 9:35, 36.
14. Pakupupurira, tinogona sei kuita kuti vateereri vanzwe vakasununguka?
14 Taura nenzira inosunungura vateereri vako. Tanga uchapupu hwako nekwaziso youshamwari iyo inogamuchirika munharaunda menyu. (Mateo 10:12) Rangarira rutyo runobvira nokufungira mano akaipa. Ita tsinhiro dzako nounyoro zvikuru uye noushamwari hwechokwadi. Ikoku kuchabetsera kuvimbisa vanasaimba kuti iwe uripo kuti ubetsere uye hauna vavariro dzakavanzwa.
15. Kugoverei mashoko akakwana pamusoro pako umene nechikonzero uri kushanyira musha?
15 Vanasaimba vanofanira kuziva ari kushanyira uye nei. Naizvozvo, govera mashoko akakwana pamusoro pako umene. Mudzimwe nharaunda, zvikurukuru muAfrica neAsia, vanhu vanofarira kwazvo vashanyi zvokuti vanodisa kuwana mhinduro kumibvunzo yakadai: Ndiwe ani? Unogara kupi? Wakaroora here? Une mhuri here? Kugovera kukufadza kwenhambo yacho, tsika dzinoraira kuti iwe upindure iyi mibvunzo usati watsanangura donzo reshanyo yako. Usarangarira kwaziso dzakadaro sedzisiri madikanwa, asi shandisa nguva kucherechedza munhu ndokuvaka onano yeziso yokuremekedza naye.
16. Mibvunzo yakanaka ingava sei inobetsera mukuchengeta kurukurirano nasaimba?
16 Shandisa mibvunzo yakanaka kuchengeta kurukurirano nasaimba. Kunyange zvazvo chitarisiko chomunhu chingazivisa chimwe chinhu, mirangariro yake nemifungo zvinofanira kunzwisiswa. Nedonzo iroro, ungashandisa nounyanzvi mibvunzo kusunda saimba kutaura mirangariro yake nepfungwa. Kuenzanisira: Mumwe mukadzi asina mwana uyo akanga apa ngwariro huru kumhuka akataura izvi pamusoro peshanyo yechimwe Chapupu: “Chandinoyeuka pamusoro pechiso chake chinonyemwerera rwakanga rwuri rugare. Ndakafadzwa zvikuru. Uye mukadzi akandibvunza chandaiitira hanya zvikurusa pamusoro pemigariro iri pasi pano. Ndakataura kuti ndainetseka pamusoro penzira iyo munhu aibata nayo mhuka, uye iye akandiratidza Isaya 11:6-9 pamusoro pemhuka dzichigara murugare rwechokwadi. Ndakada kuziva zvakawanda.”
17. Kusvinurirei tsinhiro idzo saimba angaita pamusoro pemigariro yake?
17 Svinurira tsinhiro idzo saimba angaita pamusoro pemigariro yake, zvikurukuru mundima inofukidzwa kazhinji kazhinji. Neiyi nzira, kunyange mukati mekurukurirano pfupi, zvimwe uchadzidza chimwe chinhu chakafanira pamusoro pomunhu wacho. Pashure pokubva pasuo, nyora nokupfupikisa mashoko akadaro pachinyorwa chapaimba neimba. Asi zvakadiniko kana saimba akamutsa mubvunzo wausingagoni kupindura? Ipapo ita nzvero muzvinyorwa zveWatch Tower Society kuti usarudze nzira yakanakisisa yokugoverana nayo mashoko akanaka nomunhu wacho nguva inotevera yaunoshanyira.
Muenzaniso Wavafundisi
18. Chii icho vafundisi navamwe vanogona kudzidza kuna Pauro?
18 Vari pakati paavo vari kuita zvinhu zvose nokuda kwamashoko akanaka vafundisi vanorovedzwa kuWatchtower Bible School of Gilead. Ivo vanogona kudzidza kuna Pauro, uyo aiva nomudzimu wakaisvonaka woufundisi. Somuenzaniso, iye akanga asingadi kuva nomutoro wemhinganidzo dzingadzivisa vaJudha naVamarudzi kugamuchira zvokwadi. Naizvozvo, muapostora wacho aingwarira pamusoro pezvaaidya ndokupa zano maKristu eKorinte kungwarira kuti kushandisa maruramiro avo okudya zvokudya zvakati kwakanga kusingagumburi vamwe. (1 VaKorinte 8:8, 9) MuNew Century Bible, Purofesa F. F. Bruce akati: “Muzvinhu zvose zvisingakoshi (zvakadai sezvokudya izvo zvaikurukurwa muna [1 VaKorinte] ganhuro 8), [Pauro] anowirirana netsika dzaavo anavo panguva yacho, kuti agorega kuisa mhinganidzo munzira yo‘kuvawana’ nokuda kweevhangeri.” (VaRoma 14:21) Nenzira yakafanana, vafundisi vari pakati peZvapupu zvaJehovha havaedzi kuchinja tsika dzavanhu vari mumigove yavo, kunyange zvazvo vatsva vachipiwa betsero yomudzimu yokuita chinjo dzinodikanwa kufadza Mwari.—VaRoma 12:1, 2.
19. Mukuita vadzidzi, ichinjoi dzingava dziri madikanwa nokuda (a) kwaavo vari mubasa roufundisi? (b) kwavaparidzi vose voUmambo?
19 Avo vari kutanga mumugove woufundisi vanofanira kudzidza pamusoro penzira dzavanhu netsika. Ichi ndichinoitika chinopfumisa uye chinogona kubetsera vafundisi kuva vanobudirira zvikuru mubasa ravo rokuparidzira. Kutaura idi, kuti vadzivise kugumbura vamwe, ivo vangafanira kuita chinjo muzvinhu zvakadai somupfekero norutsvindo. Somuenzaniso, apo hanzvadzi imwe mufundisi yakatanga kusvika muWest Africa, yakawana kuti nzira yayaishandisa nayo makozimetiki yaigona kusatana kuizivisa navakadzi vemifambiro yakaipa vaiva munharaunda iyoyo. Naizvozvo, kuti vamwe vagorega kupanikira vavariro dzake, akakurumidza kuchinja nzira yake yokushandisa mafuta okuzora. Chokwadika, Zvapupu zvose zvaJehovha zvinofanira kushandisa chisarudzo chakanaka mumupfekero norutsvindo kuti zvibetsere vamwe mumudzimu. MaKristu, ayo anopiwa zano ‘kusaisa chinogumbusa pamberi pehama’ nokuronda zvinhu zvinovaka kuno mumwe nomumwe, zvirokwazvo haadi kugumbura munhu upi noupi.—VaRoma 14:13, 19.
20. (a) Mukupeta, chii chichatibetsera ku“ita zvinhu zvose nokuda kwamashoko akanaka”? (b) Mibvunzoi yasara kuti ipindurwe?
20 Budiriro savazivisi voUmambo inotsamira zvikurukuru pachikomborero chaJehovha. (1 VaKorinte 3:6, 7) Bva, isuwo tinofanira kushandisa nhamburiko. Naizvozvo iva anocherechedza, sezvakanga zvakaita Pauro muushumiri hwake. Shandisa nzwisiso, iva anorangarira, ita kuti vanasaimba vasununguke, uye shandisa mibvunzo yakanaka kuchengeta kurukurirano navo. Chinjira kutsika idzo dzinoratidzika kuva dzechienzi asi dzisati dziri dzisiri dzapamagwaro. Hungu, ngati‘ite zvinhu zvose nokuda kwamashoko akanaka, kuti tigova vagoverani vawo navamwe.’ (1 VaKorinte 9:23) Asi chii chinoitika apo vamwe vanenge vatova rutivi rwouhama hwedu hwechiKristu? Tinovabata sei?
Waizopindura Sei?
◻ Chii chakaita Pauro kubetsera vaJudha kuva maKristu?
◻ Pauro akatsvaka sei kuwana Vamarudzi?
◻ Ndedzipi dziri dzimwe nzira dzokuvandudza nadzo unyanzvi hwedu hwokuparidzira?
◻ Pauro akagadza muenzanisoi nokuda kwavafundisi navamwe vazivisi voUmambo?