‘Kupa Zano Pahwaro Hworudo’
MUNENGE muna 60-61 N.V., muranda anotiza akabva Roma ndokuvamba rwendo rwamakiromita 1 400 rwokuenda kumusha kuKorose, guta raiva kumaodzanyemba kwakadziva kumadokero kweAsia Minor. Iye akaenda neshoko rakanyorwa noruoko rwatenzi wake, rakanyorwa naasati ari mumwe kunze kwomuapostora Pauro. Nhasi, tsamba iyoyo rutivi rweBhaibheri uye ine zita romugamuchiri wayo, Firemoni.
Tsamba kuna Firemoni muenzaniso wokurangarira kwokungwarira pakutaura, wokunyengetedza. Chinokosha zvikuru, kunyanguvezvo, ine chiverengero chakati chezvifundo zvinoshanda nokuda kwamaKristu nhasi, chimwe chazvo chiri ukoshi hwokupana zano pahwaro hworudo rwechiKristu. Ngatisanonzverei iyi tsamba pfupi asi ine simba.
Mutizi Anodzokera
Firemoni akanga ari muKristu, mutezo unodiwa zvikuru weungano yeKorose. (Firemoni 4, 5) Chokwadi, ungano yacho imomo yaishandisa musha wake senzvimbo yemisangano! (Ndima 2) Kupfuurirazve, Firemoni akanga akarovedzana pachake nomuapostora Pauro; kungava kuti muapostora akabetsera mukuva kwake muKristu. Chokwadi, Pauro anoratidzira kuti iye haana kuparidzira pachake muKorose. (VaKorose 2:1) Iye, zvisinei, akapedza makore maviri ari muEfeso, achiparidzira kusvikira kutambanuko yakadaro zvokuti “vose vakanga vagere paAsia [iyo yakabatanidza Korose] vakanzwa shoko raShe.” (Mabasa 19:10) Firemoni sezvingabvira akanga ari pakati pavanzwi vanogamuchira.
Zvisinei hazvo, kufanana navanhu vakawanda vakapfuma venguva iyoyo, Firemoni akanga ane muranda. Munguva dzakare, uranda hwakanga husati huchideredza nguva dzose. Pakati pavaJudha, kuzvitengesera umene kana kuti mitezo yemhuri muuranda kwakanga kuri mutoo unogamuchirwa wokuripira nawo zvikwereti. (Revhitiko 25:39, 40) The International Standard Bible Encyclopedia inotsinhira pamusoro penguva yeRoma, kuti: “Zviverengero zvikuru zvavanhu zvaizvitengesa zvimene muuranda nokuda kwezvikonzero zvakasiana-siana, kupfuura zvose kupinda muupenyu hwakanga huri nyore zvikuru nohwakachengeteka zvikuru kupfuura kuvapo somunhu murombo, akaberekwa asiri muranda, kuti zviwane mabasa chaiwo, uye kuva zvakakwirira munzanga. . . . Vasati vari vaRoma vakawanda vakazvitengesa vamene kuvagari vomuRoma nekariro inoruramiswa, vachisanodzorwa nomutemo weRoma, wokuva vagari vomuRoma ivo vamene pa[kusunungurwa].”
Chinetso chakamuka, kunyanguvezvo, apo mumwe wavaranda vaFiremoni, murume ainzi Onesimo, akamusiya ndokutizira kuRoma, sezvinobvira achitobira Firemoni mari kuti aripire kunzvenga kwake. (Ndima 18) MuRoma, Onesimo akaonana nomuapostora Pauro, uyo akanga ari musungwa ikoko.
Muranda “aichimbova asingabetseri” (NW) uyo akanga atiza uranda zvino akava muKristu. Iye akazviita amene kuti ashandiswe naPauro ndokuita mabasa anobetsera kumuapostora akaiswa mutorongo. Hakushamisi kuti Onesimo akawana nzvimbo mu“mwoyo [waPauro] chaiwo” ndokuva “hama inodikanwa” kuna Pauro!—Ndima 11, 12, 16.
Muapostora Pauro aizova akada kuita kuti Onesimo arambe anaye, asi Firemoni akanga ane maruramiro apamutemo satenzi waOnesimo. Onesimo nokudaro akanga achisungirwa kudzokera kubasa ratenzi wake wapamutemo. Ipapoka, Firemoni aizomugamuchira sei? Aizoraira nenzira yokutsamwa maruramiro ake okupa chirango chakakomba here? Aizodenha uchokwadi hwokutaura kwaOnesimo kwokuva muKristu biyake here?
Kugadzikisa Zvinhu Murudo
Pauro akasundwa kunyorera Firemoni pamusoro paOnesimo. Iye akanyora tsamba yacho noruoko rwake amene, asingashandisi munyori sezvo wakanga uri muitiro wake. (Ndima 19) Iva namaminiti mashomanene okurava tsamba pfupi kuna Firemoni yose. Uchacherekedza kuti pashure pokuzvisuma amene nokushuvira Firemoni neimba yake “mutsa usakafanirwa norugare,” Pauro akarumbidza Firemoni nokuda kwo‘rudo rwake nokutenda kuna Ishe Jesu nokuna vose vari vatsvene.’—Ndima 1-7, NW.
Pauro aigona kuva akashandisa nenzira iri nyore chiremera chake somuapostora ndoku‘pa zano Firemoni kuita zvakakodzera,’ asi panzvimbo pezvo Pauro ‘akapa zano pahwaro hworudo.’ Akatsigira idi rokuti Onesimo zvamazvirokwazvo akanga ava hama yechiKristu, iyo yakanga yazvibvumikisa imene kuva inobetsera kuna Pauro. Muapostora akabvuma, kuti: “Ndaida kuti agare neni [Onesimo], kuti panzvimbo yako andishumire pakusungwa kwangu nokuda kweEvhangeri. Asi,” akapfuurira kudaro Pauro, “ndakanga ndisingadi kuita chinhu, iwe usati watenda, kuti zvakanaka zvaungaita zvirege kuitwa nokurovererwa, asi nokuda kwako.”—Ndima 8-14.
Nokudaro muapostora akakurudzira Firemoni kugamuchira aichimbova muranda wake sehama. “Umugamuchire sezvaungandigamuchira ini,” akanyora kudaro Pauro. Kwete kuti Onesimo aizosunungurwa hake muuranda. Pauro akanga asiri kunyandura kuchinja kurongwa kwenzanga kwaivako kwezuva rake. (Enzanisa naVaEfeso 6:9; VaKorose 4:1; 1 Timotio 6:2.) Kunyanguvezvo, ukama hwatenzi nomuranda hwaizodzorwa nenzira isingapanikirwi nechisungo chechiKristu icho zvino chaivapo pakati paOnesimo naFiremoni. Firemoni aizorangarira Onesimo se“unopfuura muranda, ave hama inodikanwa.”—Ndima 15-17.
Zvakadiniko, kunyanguvezvo, nezvezvikwereti izvo Onesimo angave akava nazvo, zvichida somuuyo woumbavha? Zvakare, Pauro akakumbira pahwaro hwoushamwari hwake naFiremoni, achiti: “Kana akakuitira chinhu chisakarurama, kunyange ane ngava newe, undiravireni izvozvo.” Pauro akaratidzira chivimbo chokuti Firemoni aizoratidza mudzimu wokukanganwira, achipfuura zvikumbiro izvo Pauro akaita. Sezvo Pauro aikarira kusunungurwa nokukurumidza, iye akatoronga kufarikanya mutsa waFiremoni munguva yemberi iri pedyo. Pashure pokupa dzimwe kwaziso nokushuvira Firemoni “nyasha dzaShe Jesu Kristu,” Pauro akapfiga tsamba yake.—Ndima 18-25.
Zvifundo NokudakwamaKristu Nhasi
Bhuku raFiremoni rakazara nezvifundo zvinoshanda nokuda kwamaKristu nhasi. Kutanga, rinotiyeuchidza nezvedikanwo yokuva vanokanganwira, kunyange apo mutendi biyedu anenge atitadzira zvakakomba. “Kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo,” akadaro Jesu Kristu, “Baba venyu vari kudenga vachakukanganwiraiwo.”—Mateo 6:14.
Avo vari munzvimbo dzechiremera mukati meungano yechiKristu nhasi vanogona kubetserwa zvikuru nebhuku raFiremoni. Kunokosha kuti Pauro akarega kushandisa chiremera chake chouapostora kuraira Firemoni kuti aite chiri chakakodzera. Kupfuurirazve, Pauro haana kuraira kuti Onesimo abvumirwe kurambira muRoma mubasa raPauro. Pauro akaremekedza maruramiro ezvinhu avamwe. Akanzwisisawo kuti nepo kusvika kwechiremera kungave kwakaguma nokubvuma, kwaizova kuri nani kuti Firemoni aite chiito kubva mumwoyo wake. Akaita chikumbiro chakavakirwa parudo kuti aparire kugamuchira kwomwoyo wose.
Naizvozvo vakuru vechiKristu nhasi havafaniri kutongova “vanoremedza avo vari nhaka yaMwari” kupfurikidza nokushandisa zvisina kufanira simba ravo kana kuti kupfurikidza nokushandisa nzira yehasha, yokuraira yokubata nayo neboka. (1 Petro 5:1-3) Jesu akati: “Munoziva kuti machinda avahedheni anovaraira, navakuru vavo vanoita simba navo. Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro.” (Mateo 20:25, 26) Vatariri vanowanzowana kuti mitezo yeboka inogamuchira zvikuru mikumbiro yorudo kupfuura mirairo. Avo vari kutambura nokuora mwoyo vanoonga vatariri avo nenzira yomutsa vachava nenguva yokuteerera zvinetso zvavo ndokupa zano rokunzwisisa.
Tsamba yaPauro inoyeuchidzazve vakuru nezvoukoshi hwerumbidzo nokungwarira pakutaura. Iye anovamba nokubvuma kuti ‘zvidakadaka zvinyoro zvavatsvene zvakazorodzwa kupfurikidza na’Firemoni. (Ndima 7) Iyi rumbidzo yapachokwadi pasina panikiro yakaisa Firemoni muchimiro chendangariro chokugamuchira zvikuru. Nenzira yakafanana nhasi, zano kana kuti pangiro zvinogona kuwanzopfaviswa nerumbidzo yapachokwadi, youshamwari. Uye zano rakadaro rinofanira kuva, kwete rinorwadza kana kuti rokusangwarira pakutaura, asi ra“karungwa nomunyu” nenzira yorupo kuti rigova rakanaka zvikuru kumuteereri.—VaKorose 4:6.
Muapostora Pauro akaratidzirazve chivimbo chokuti Firemoni aizoita chinhu chakarurama, achiti: “Ndinotenda kuteerera kwako, ndichiziva kuti uchaitawo kupfuura pandinoreva napo.” (Ndima 21) Vakuru, munoratidzira chivimbo chimwe chetecho mumaKristu biyenyu here? Ikoku hakusati kuchivabetsera here kuda kuita chiri chakarurama?
Nenzira inofadza, vabereki vanowanzowana kuti kuratidzira chivimbo muvana vavo kunewo muuyo wakanaka. Kupfurikidza nokuziva ukoshi hwokuteerera kwokudisa—chishuvo chokupfuura kungosvitsawo zvako zvinodikanwa—vabereki vanogona kupa vana vavo mwero wakati wechiremera. Mirairo youbereki kana kuti zvikumbiro zvinofanira, pakunobvira, kuitwa nechimiro chomutsa, chorudo chenzwi. Tsitsi dzinofanira kuratidzwa, zvikonzero zvichipiwa. Vabereki vanofanira kurumbidza vana vavo nenzira yomutsa apo rumbidzo yakadaro inenge iri yakafanirwa ndokudzivisa kunyanyova vanovatsoropodza, zvikurukuru pachena.
Nenzira imwe cheteyo, varume vanogona kuratidzira mavara omufungo nomutsa, vachiva vakagadzirira kurumbidza vadzimai vavo. Ikoku kunoita kuti kuzviisa pasi kwomudzimai kuve mufarwa namanyuko ezororo nomufaro!—Zvirevo 31:28; VaEfeso 5:28.
Kuti Firemoni akaita sei chaizvoizvo kutsamba yaPauro hazvina kutaurwa. Hatigoni kufungidzira, kunyanguvezvo, kuti chivimbo chaPauro maari chakaiswa pasina kufanira. Vakuru vechiKristu, vabereki, uye varume nhasi nenzira yakafanana ngavawane budiriro mukuita kwavo, kwete nokugombedzera, kuraira, kana kuti kumanikidza, asi kupfurikidza no‘kupa zano pahwaro hworudo.’
[Mufananidzo uri papeji 23]
Panzvimbo pokunongedzera kuchiremera chake somuapostora, Pauro akapa zano Firemoni pahwaro hworudo rwechiKristu