Firemoni naOnesimo—Vakabatana Muuhama hwechiKristu
IMWE yetsamba dzakafuridzirwa naMwari dzemuapostora Pauro ine chokuita nechinetso chaida kubatwa nokungwarira chaibatanidza varume vaviri. Mumwe akanga ari Firemoni, uye mumwe wacho akanga ari Onesimo. Vakanga vari vanaani varume ava? Chii chakaita kuti Pauro afarire mamirire ezvinhu zvavo?
Firemoni, akagamuchira tsamba yacho, aigara muKorose muAsia Minor. Kusafanana nevamwe vaKristu vakawanda vaiva munzvimbo imwe cheteyo, Firemoni akanga akarovedzana naPauro, zvaakanga agamuchira mashoko akanaka nemhaka yemubato wekuparidza kwemuapostora wacho. (VaKorose 1:1; 2:1) Pauro aimuziva kuva ‘mushandi biyake anodiwa.’ Firemoni akanga ari muenzaniso wokutenda norudo. Akanga ane mutsa uye aizorodza vaKristu biyake. Sezviri pachena Firemoniwo akanga ari murume akapfuma, sezvo musha wake wakanga wakakura zvakakwana zvokugona kupindirwa misangano yeungano yemunharaunda. Zvakakarakadzwa kuti Apfiya naArkipo, vamwe vanhu vaviri vanotaurwa mutsamba yaPauro, vangave vakanga vari mudzimai wake nemwanakomana. Firemoni akangawo ane muranda anenge mumwe, Onesimo.—Firemoni 1, 2, 5, 7, 19b, 22.
Mutizi muRoma
Magwaro haatiudzi kuti nei Onesimo akanga ari kure nomusha nemakiromita 1 400 pamwe naPauro muRoma, umo tsamba yaienda kuna Firemoni yakanyorwa munenge muna 61 C.E. Asi Pauro akaudza Firemoni kuti “Asi kana [Onesimo] akakuitira chinhu chisakarurama, kunyange ane ngava newe, undiravireni izvozvo.” (Firemoni 18) Mashoko aya anojekesa kuti Onesimo akanga ari muchinetso natenzi wake, Firemoni. Tsamba yaPauro yakanyorwa nechinangwa chokuyananisa varume vacho vaviri.
Zvakakarakadzwa kuti Onesimo akatiza pashure pokunge abira Firemoni kuitira kuti awane mari yekutizira kwake kuRoma. Ikoko akanga ane chinangwa chokurarama asingazivikanwi muvanhu vakawanda.a MuGirisi neRoma, vatizi vakanga vari chinetso chikuru kwete bedzi kuvaridzi vevaranda asiwo kuhurumende. Roma pachayo inotaurwa kuva yakanga “ine mukurumbira wakaipa seutiziro hwenguva dzose” nokuda kwevaranda vaitiza.
Pauro akasangana sei naOnesimo? Bhaibheri haritiudzi. Apo utsva hwerusununguko hwakapera, zvisinei, sezvingabvira Onesimo akaziva kuti akanga azviisa mumamiriro ezvinhu ane ngozi zvikuru. Muguta reRoma, boka chairo remapurisa raironda varanda vakatiza, vakanga vane mhaka yaiva imwe yedzakakomba zvikuru dzaizivikanwa kumutemo wekare. Maererano naGerhard Friedrich, “varanda vakatiza vaibatwa vaiiswa chiratidzo pahuma dzavo. Kazhinji kazhinji vairwadziswa . . . , kukandirwa kuzvikara munhandare dzemitambo, kana kuti kuroverwa pamuchinjikwa kudzivisa vamwe varanda kusatevedzera muenzaniso wavo.” Zvimwe, anokarakadza kudaro Friedrich, pashure pokunge Onesimo apererwa nemari yaakanga aba uye akatsvaka asingabudiriri pokuvanda kana kuti basa, akakumbira kudzivirirwa uye kurevererwa naPauro, uyo waakanga anzwa nezvake mumusha waFiremoni.
Vamwe vanodavira kuti Onesimo akatizira nemaune kuimwe yeshamwari dzatenzi wake, achikarira kuti kupfurikidza nepesvedzero yaiyeyo, aizodzorerwa kuukama hwakanaka natenzi akanga amushatirirwa nenzira yakarurama nokuda kwechikonzero chakati. Nhau inoratidza kuti kudaro “kwakanga kuri kuita kunozivikanwa uye kwakapararira kwevaranda vaiva muzvinetso.” Kana zvakadaro, ipapoka kuba kwaOnesimo “sezvinobvira zvikuru kwakaitwa kuti aende kunokumbira Pauro kuti amureverere kupfuura rutivi rwechirongwa chokutiza,” inodaro nyanzvi Brian Rapske.
Pauro Anobetsera
Chipi kana chipi chaiva chikonzero chokutiza, Onesimo sezviri pachena akatsvaka betsero yaPauro kuti awiriraniswe natenzi wake akashatirwa. Izvozvo zvakapa chinetso kuna Pauro. Pano pakanga pane aichimbova muranda asingatendi uyo akanga ari tsotsi rakatiza. Muapostora wacho aifanira kuedza kumubetsera kupfurikidza nokupwisa shamwari yechiKristu kuti isashandise kodzero yayo yemutemo yokupa chirango chakakomba here? Pauro aizofanira kuitei?
Panguva iyo Pauro akanyorera Firemoni, mutizi wacho sezviri pachena akanga ava naPauro kwenguva yakati. Yakanga yakareba zvakakwana kuti Pauro ataure kuti Onesimo akanga ava “hama yakatendeka.” (VaKorose 4:9) “Ndinokumbira zvikuru kwauri pamusoro pomwana wangu, wandakabereka pakusungwa kwangu, Onesimo,” akadaro Pauro nezvoukama hwake pachake hwomudzimu naOnesimo. Pamigumisiro yose inobvira, uyu unofanira kuva wakanga uri usingambokarirwi zvikuru naOnesimo. Muapostora wacho akataura kuti muranda aichimbova “asingakubatsiri” akanga ava kudzoka sehama yechiKristu. Onesimo zvino aizo“[m]ubatsira zvikuru,” nokudaro achirarama mutsinhirano nezvinoreva zita rake.—Firemoni 1, 10-12.
Onesimo akanga ava anobetsera zvikuru kumuapostora akaiswa mutorongo. Kutaura idi, Pauro angadai akamuita kuti arambe ari ikoko, asi kunze kwokuti zvaipesana nomutemo, uku kungadai kwakava kudarika kodzero dzaFiremoni. (Firemoni 13, 14) Muimwe tsamba, yakanyorwa painenge nguva imwe cheteyo kuungano yaisangana mumusha waFiremoni, Pauro akataura nezvaOnesimo se“hama yakatendeka inodikanwa, mumwe wokwenyu.” Izvi zvinoratidza kuti Onesimo akanga atopa ufakazi hwekuvimbika kwake.—VaKorose 4:7-9.b
Pauro akakurudzira Firemoni kugamuchira Onesimo nomutsa asi haana kushandisa chiremera chomuapostora kuti amurayire kuita saizvozvo kana kuti kusunungura muranda wake. Nemhaka youshamwari hwavo uye kudanana, Pauro akanga ane chokwadi chokuti Firemoni aizo“itawo kupfuura” zvaakanga akumbirwa. (Firemoni 21) Izvo ‘kupfuura’ angave akareva zvakasiyiwa zvisina kujeka nemhaka yokuti Firemoni bedzi ndiye aigona kusarudza nenzira yakarurama zvokuita pamusoro paOnesimo. Vamwe vakadudzira mashoko aPauro sechikumbiro chisina kutaurwa chokuti mutizi wacho a‘dzoserwe kuitira kuti agogona kupfuurira kubetsera Pauro sezvaakanga atovamba kuita.’
Firemoni akagamuchira kukumbirira Onesimo kwaPauro here? Pasina kupokana kukuru zvinoratidza kuti akadaro, kunyange zvazvo izvi zvingave zvisina kufadza vamwe varidzi vevaranda vomuKorose avo vangadai vakada kuona Onesimo achiwana chirango chomuenzaniso chaizodzivisa varanda vavo vamene kutevedzera muenzaniso wake.
Onesimo—Murume Akachinja
Zvisinei hazvo, Onesimo akadzokera kuKorose ane unhu hutsva. Kufunga kwake kwachinjwa nesimba remashoko akanaka, pasina mubvunzo akava mutezo wakatendeka weungano yechiKristu muguta iroro. Kana Onesimo pakupedzisira akasunungurwa muuranda naFiremoni hazviziviswi muMagwaro. Mumurangariro womudzimu, zvisinei, aichimbova mutizi wacho akanga ava murume akasununguka. (Enzanisa na1 VaKorinte 7:22.) Kuchinja kwakafanana kunoitika nhasi. Apo vanhu vanoshandisa nheyo dzeBhaibheri muupenyu hwavo, mamiriro ezvinhu nounhu zvinochinja. Avo munguva yakapfuura vairangarirwa sevasingabetseri munzanga vanobetserwa kuva vagari vemo vomuenzaniso.c
Musiyano wakadini wokuchinja kwakaitwa nokutenda kwechokwadi! Nepo Onesimo wekare akanga “asingabatsiri” kuna Firemoni, pasina mubvunzo Onesimo mutsva akararama mutsinhirano nezita rake semunhu a“nobatsira.” Uye zvirokwazvo chakanga chiri chikomborero kuti Firemoni naOnesimo vakabatanidzwa muuhama hwechiKristu.
[Mashoko Omuzasi]
a Mutemo weRoma wairondedzera servus fugitivus (muranda anotiza) se‘uyo akabva kuna tenzi wake, ane vavariro yekusadzoka.’
b Parwendo urwu vachidzokera kuKorose, sezviri pachena Onesimo naTikiko vakaronzeswa nhatu dzetsamba dzaPauro, idzo zvino dzinobatanidzwa mundaza yemanyoro matsvene eBhaibheri. Mukuwedzera kutsamba ino yaienda kuna Firemoni, idzi dzakanga dziri tsamba dzaPauro kuVaEfeso uye kuVaKorose.
c Nokuda kwemienzaniso, tapota ona Mukai! yaJuly 8, 1996, mapeji 18-23; April 8, 1997, mapeji 11-13; Nharireyomurindi, yaAugust 1, 1989, mapeji 30-1; February 15, 1997, mapeji 21-4.
[Bhokisi riri papeji 30]
Varanda Mumutemo weRoma
Mumutemo weRoma waishanda muzana rokutanga remakore C.E., muranda aidzorwa chose chose nokuda kwatenzi wake, zvishuvo, uye chimiro chendangariro. Maererano nomutsinhiri Gerhard Friedrich, “zvikurukuru uye pamutemo muranda akanga asiri munhu, asi chinhu icho muridzi wake aigona kushandisa norusununguko. . . . [A]irangarirwa seakafanana nezvipfuyo nematurusi uye akanga asingarangarirwi nenzira ipi neipi mumutemo wehurumende.” Muranda aisagona kutsvaka kururamisirwa kupi nokupi pamutemo nokuda kwekusaruramisira kwaaitambura. Zvikurukuru, aingofanira kuita zvairayirwa natenzi wake. Pakanga pasina muganhu kuzvirango izvo tenzi akashatirwa aipa. Kunyange nokuda kwemhaka duku, akanga ane simba rorufu noupenyu.*
Nepo vakapfuma vaigona kuva nemazana anoverengeka evaranda, kunyange mhuri yepakati nepakati ingave yaibatanidza varanda vaviri kana kuti vatatu. “Mabasa aiitwa nevaranda vepamba akanga akasiyana-siyana zvikuru,” inodaro nyanzvi John Barclay. “Tinowana varanda vaiva vachenesi, vabiki, mahweta, vatsvairi, nhume, vanorera vana, vayamwisi uye varanda vanoita zvinhu zvose, tisingadudzi nezvemabasa ounyanzvi akasiyana-siyana ayo munhu angawana mudzimba huru nedzakapfuma . . . Chaizvoizvo, kunaka kwoupenyu hwemuranda wepamba kwaitsamira pamurangariro watenzi uye izvozvo zvaigona kuva nemigumisiro yose iri miviri: kuva pasi patenzi ane utsinye kwaigona kuguma nokutambura zvakaipa kusina kuganhurirwa, asi tenzi ane mutsa uye ane rupo aigona kuita kuti upenyu hushiviririke uye huve netariro. Kune mienzaniso yakakurumbira yekubatwa noutsinye yakanyorwa mumabhuku ekare, asiwo kune manyoro akawanda anopupurira ushamwari hwaiva pakati pevaridzi nevaranda vavo.”
*Nezveuranda pakati pevanhu vaMwari vemunguva dzekare, ona Insight on the Scriptures, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., Vhoriyamu 2, mapeji 977-9.