“Pinzai Mativi Ose Echigumi Mudura”
“Ndiidzei naizvozvo zvino . . . muone kana ndisingakuzaruriyi mawindi okudenga.”—MARAKI 3:10.
1. (a) Muzana ramakore rechishanu P.N.V., ikokeroi iyo Jehovha akapa vanhu vake? (b) Muzana rokutanga ramakore N.V., chii chakava muuyo wokuuya kwaJehovha kutembere nokuda kworutongeso?
MUZANA ramakore rechishanu P.N.V., vaIsraeri vakanga vave vasina kutendeka kuna Jehovha. Vakanga varega zvegumi uye vakaunza mhuka dzisina kukodzera kutembere sezvipiriso. Kunyanguvezvo, Jehovha akapikira kuti kudai vaizopinza chegumi chose mudura, iye aizodurura chikomborero kusvikira pasisinazve kushaiwa. (Maraki 3:8-10) Makore 500 gare gare, Jehovha, achimirirwa naJesu senhume Yake yesungano, akauya kutembere muJerusarema nokuda kworutongeso. (Maraki 3:1) Israeri sorudzi akawanwa achiperevedza, asi vanhu ivavo avo vakadzokera kuna Jehovha vakakomborerwa nenzira yakapfuma. (Maraki 3:7) Vakazodzwa kuva vanakomana vomudzimu vaJehovha, chisiko chitsva, “Israeri waMwari.”—VaGaratia 6:16, NW; VaRoma 3:25, 26.
2. Maraki 3:1-10 yaizofanira kuva nezadziko yechipiri rini, uye tinokokwa kuitei mukuwirirana naikoku?
2 Anodokusvika makore 1 900 pashure paikoku, muna 1914, Jesu akagadzwa pachigaro choumambo saMambo woUmambo hwokudenga hwaMwari, uye mashoko akafuridzirwa nenzira youmwari ari pana Maraki 3:1-10 akanga odokuva nezadziko yechipiri. Mukuwirirana neichi chinoitika chinofadza, maKristu nhasi anokokwa kupinza chegumi chose mudura. Kana tikaita kudaro, isuwo tichafarikanya zvikomborero kusvikira kuchisinazve kushaiwa.
3. Ndiani aiva nhume yakagadzira nzira pamberi paJehovha (a) muzana rokutanga ramakore? (b) pamberi pehondo yenyika yokutanga?
3 Pamusoro pokuuya kwake kutembere, Jehovha akati: “Tarirai! Ndiri kutumira nhume yangu, uye iyo inofanira kuchenesa nzira pamberi pangu.” (Maraki 3:1, NW) Sezadziko yomuzana rokutanga ramakore yaikoku, Johane Mubhapatidzi akauya kuna Israeri achiparidzira kupfidza zvivi. (Marko 1:2, 3) Pakanga pane basa rokugadzirira pamusoro pokuuya kwechipiri kwaJehovha kutembere yake here? Hungu. Mumakumi amakore pamberi pehondo yenyika yokutanga, Vadzidzi veBhaibheri vakaoneka pachiono chenyika vachidzidzisa dzidziso yakachena yeBhaibheri uye vachifumura nhema dzinozvidza Mwari, zvakadai sedzidziso dzoUtatu nehero yomwoto. Vakanyeverawo nezvomugumo unouya weNguva dzaVamarudzi muna 1914. Vazhinji vakagamuchira ava vatakuri vechiedza chezvokwadi.—Pisarema 43:3; Mateo 5:14, 16.
4. Mubvunzoi waifanira kugadzikiswa mukati mezuva raShe?
4 Gore ra 1914 rakavamba icho Bhaibheri rinodana kuti “zuva raShe.” (Zvakazarurwa 1:10) Zvinoitika zvinokosha zvikuru zvaifanira kuitika mukati mezuva iroro, kubatanidza kuzivikanwa kwo“muranda akatendeka naakachenjera” nokugadzwa kwaiyeyo “pamusoro pezvinhu zvose [zvaTenzi].” (Mateo 24:45-47, NW) Shure muna 1914, zviuru zvamachechi zvakataura kuva zvechiKristu. Iboka ripi raizobvumwa naTenzi, Jesu Kristu, somuranda wake akatendeka naakachenjera? Mubvunzo iwoyo wakanga uchizogadzikiswa apo Jehovha akauya kutembere.
Kuuya Kutembere Yomudzimu
5, 6. (a) Kutembere ipi uko Jehovha akauya nokuda kworutongeso? (b) Rutongesoi urwo chiKristudhomu chakagamuchira kuna Jehovha?
5 Kutembere ipi, kunyanguvezvo, kwaakauya? Nenzira yakajeka kwete kutembere chaiyoiyo muJerusarema. Yokupedzisira yetembere idzodzo yakaparadzwa shure muna 70 N.V. Jehovha ane, zvisinei, tembere huru zvikuru iyo yakadeya kufananidzirwa neiyo yapaJerusarema. Pauro akataura nezvetembere huru zvikuru iyoyi uye akaratidza kuti ihuru sei zvirokwazvo, ine nzvimbo tsvene mudenga noruvazhe pano pasi pano. (VaHebheru 9:11, 12, 24; 10:19, 20) Kuiyi tembere huru yomudzimu uko Jehovha akauya nokuda kwebasa rorutongeso.—Enzanisa naZvakazarurwa 11:1; 15:8.
6 Ikoku kwakaitika riniko? Mukuwirirana noufakazi hwakasimba hunowanika, muna 1918.a Chii chakanga chiri muuyo? Pamusoro pechiKristudhomu, Jehovha akaona sangano raiva namaoko aidonha ropa, sangano rakaipa rorudzidziso iro rakanga razviita rimene chifeve kunyika ino, richizvibatanidza rimene navapfumi uye richidzvinyirira varombo, richidzidzisa dzidziso dzechihedheni panzvimbo pokushandisa kunamata kwakachena. (Jakobho 1:27; 4:4) Kupfurikidza naMaraki, Jehovha akanga anyevera, kuti: “Ndichava chapupu chinokurumidza pamusoro pavaroyi, napamusoro pemhombwe, napamusoro pavanopika nhema, napamusoro pavanomanikidza mubatiri pamurairo wake, nechirikadzi, nenherera.” (Maraki 3:5) ChiKristudhomu chakanga chaita zvose izvozvi uye zvakaipa zvikuru. Pakasvika 1919 kwakaoneka zvakajeka kuti Jehovha akanga achishurikidzira kuruparadziko pamwe chete navose vasara veBhabhironi Guru, sangano renyika yose rorudzidziso rwenhema. Kuvambira ipapo zvichienda mberi, danidzo yakabuda kuvane mwoyo yakarurama: “Budai mariri, vanhu vangu.”—Zvakazarurwa 18:1, 4.
7. Ndiani uyo Jesu akabvuma somuranda wake akatendeka naakachenjera?
7 Ndiani, ipapoka, akanga ari muranda akatendeka naakachenjera? Muzana rokutanga ramakore, akavamba neboka duku iro rakagamuchira basa rokupupurira raJohane Mubhapatidzi neraJesu, nhume yesungano. Muzana redu ramakore, zvakanga zviri zviuru zvishomanene zvakagamuchira basa rokugadzirira raVadzidzi veBhaibheri mukati mamakore akatungamirira kuna 1914. Ivava vakatsungirira miedzo yakakomba mukati mehondo yenyika yokutanga, asi vakaratidzira kuti mwoyo wavo wakanga una Jehovha.
Basa Rokuchenesa
8, 9. Shure muna 1918, munzirai umo muranda akatendeka naakachenjera aida kuchenesa, uye chipikirwai icho Jehovha akanga aita muna ikoku?
8 Kunyange iri boka raida kuchenesa, zvisinei. Vamwe avo vakanga vazvibatanidza vamene kwavari vakabvumikisa kuva vavengi vokutenda uye vaifanira kubviswa. (VaFiripi 3:18) Vamwe vakanga vasingadisi kutakura mitoro yaibatanidzwa mukubatira Jehovha uye vakakukurika. (VaHebheru 2:1) Kunze kwaizvozvo, pakanga pane miitiro yechiBhabhironi yakasara iyo yaifanira kubviswa. Sesanganowo muranda akatendeka naakachenjera aifanira kucheneswa. Chimiro chakafanira chokusatora rutivi kunyika ino chaifanira kudzidzwa ndokushandiswa. Uye sezvo nyika yakava yakaipa zvikuru, vaifanira kurwa zvakaoma kuchengeta kusachena kwetsika nokwomudzimu kuri kunze kweungano.—Enzanisa naJudhasi 3, 4.
9 Hungu, kuchenesa kwakanga kuchidikanwa, asi Jehovha akanga apikira nenzira yorudo pamusoro paJesu akagadzwa pachigara choumambo, kuti: “Iye uchagara pasi akafanana nomunatsi nomuchenesi wesirvheri; uchachenesa vanakomana vaRevhi, nokuvanatsa sendarama nesirvheri; ipapo vachavigira Jehovha zvipiriso nokururama.” (Maraki 3:3) Kutanga muna 1918, Jehovha, kupfurikidza neiyi nhume yesungano, akazadzika chipikirwa chake uye akachenesa vanhu vake.
10. Rudzii rwechipiriso urwo vanhu vaMwari vakaunza, uye ikokeroi iyo Jehovha akavapa?
10 Hama dzakazodzwa dzaKristu neboka guru iro gare gare rakavakumbanira mubasa raJehovha vose vanobetserwa nokushanda kwaJehovha somunatsi nomuchenesi wesirivha. (Zvakazarurwa 7:9, 14, 15) Sesangano vakauya, uye vachiri kuuya, vachipa chipiriso chechipo mukururama. Uye chipiriso chavo chino“fadza Jehovha, sapamazuva akare, sapamakore apakutanga-tanga.” (Maraki 3:4) Vakanga vari ivava avo Jehovha nenzira youporofita akakoka, kuti: “‘[Pinzai mativi ose echigumi mudura, NW], kuti zvokudya zvivepo mumba mangu, mundiidze naizvozvi zvino’—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, ‘muone kana ndisingakuzaruririyi mawindi okudenga, ndikakudururirai mukomborero wamuchashaiwa pokuisa.’”—Maraki 3:10.
Zvipiriso Nezvegumi
11. Neiko zvipiriso mukuwirirana netsika yoMutemo waMosesi zvisingadikanwizve?
11 Muzuva raMaraki vanhu vaMwari vakapinza zvipiriso chaizvoizvo nezvegumi, zvakadai sezviyo, michero, uye mhuka. Kunyange muzuva raJesu, vaIsraeri vakatendeka vakaita zvipiriso chaizvoizvo patembere. Zvisinei, pashure porufu rwaJesu zvose izvozvo zvakachinja. Mutemo wakaparadzwa, kubatanidza murairo wokupa zvipiriso zvakati zvezvinhu nezvegumi. (VaEfeso 2:15) Jesu akazadzika mufananidzo wouporofita wezvipiriso muMutemo. (VaEfeso 5:2; VaHebheru 10:1, 2, 10) Nenzira iyoyo, ipapoka, maKristu anogona kupinza zvipiriso nezvegumi here?
12. Rudzii rwezvipiriso zvomudzimu nezvibairo izvo maKristu anoita?
12 Nokuda kwavo, zvipiriso nenzira yakatanhamara ndezvorudzi rwomudzimu. (Enzanisa naVaFiripi 2:17; 2 Timotio 4:6.) Somuenzaniso, Pauro akataura nezvebasa rokuparidzira sechipiriso apo akati: “Ngatirambe tichibaira Mwari naye chibairo chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake.” Iye akanongedzera kuno rumwe rudzi rwomudzimu rwechibairo apo akakurudzira, kuti: “Musakanganwa kuita zvakanaka nokugovana; nokuti Mwari unofara nezvibairo zvakadai.” (VaHebheru 13:15, 16) Apo vabereki vanokurudzira vana vavo kupinda mubasa roupiona, vangataurwa kuva vari kuvabaira kuna Jehovha, kufanana nokupa kwakaita Jefta mwanasikana wake se“chipiriso chinopiswa” kuna Mwari, uyo akanga amupa rukundo.—Vatongi 11:30, 31, 39.
13. Neiko maKristu asingadikanirwi kupa chegumi chaichoicho chemari yawo inotambirwa?
13 Zvakadiniko nezvegumi, kunyanguvezvo? MaKristu anosungirwa kuisa parutivi chegumi chemari yawo yokunyama inotambirwa ndokuchipa kusangano raJehovha, zvakaenzana nezvinoitwa mumamwe machechi echiKristudhomu here? Aiwa, ikoko hakudikanwi. Hakuna rugwaro runotara mutemo wakadaro nokuda kwamaKristu. Apo Pauro akanga achiunganidza mipiro nokuda kwavaishaiwa muJudhea, haana kududza chikamu chaicho chakati muzana chinofanira kupiwa. Panzvimbo pezvo, iye akati: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakafunga pamwoyo; arege kuita nokuchema, kana nokurovererwa; nokuti Mwari unoda munhu unopa nomufaro.” (2 VaKorinte 9:7) Mukutaura nezvaavo vari mumabasa chaiwo, Pauro akaratidza kuti nepo vamwe vakanga vachisanotsigirwa zvakafanira nemipiro yokuzvidira, akanga akagadzirira kushanda ndokuzvitsigira amene. (Mabasa 18:3, 4; 1 VaKorinte 9:13-15) Pakanga pasina zvegumi zvakagoverwa nokuda kweiri donzo.
14. (a) Neiko kupinza chegumi kusingamiriri kupa kwedu zvose zvedu kuna Jehovha? (b) Chii chinomirirwa nechegumi?
14 Nenzira yakajeka, nokuda kwamaKristu chegumi chinoratidzira, kana kuti chinomirira, chimwe chinhu. Sezvo chiri chegumi uye nhamba yegumi kazhinji kazhinji inoratidzira kukwana kwapasi muBhaibheri, chegumi chinoratidzira kupa kwedu zvose kuna Jehovha here? Aiwa. Apo tinozvitsaurira timene kuna Jehovha ndokuratidzira ikoku kupfurikidza norubhapatidzo rwomumvura, ndipo apo tinopa zvose kwaari. Kuvambira panguva yetsauriro yedu, hatina chinhu chisati chichitova chaJehovha. Zvisinei, Jehovha anobvumira vanhu vamwe navamwe kushandisa zviri zvavo. Naizvozvo chegumi chinomirira chikamu chezviri zvedu chatinounza kuna Jehovha, kana kuti kushandisa mubasa raJehovha, sechiratidzo chorudo rwedu nokuda kwake nechokuziva kwedu idi rokuti tiri vake. Chegumi chomuzuva razvino uno hachifaniri kuva chete chechigumi. Mune zvimwe zvinoitika chichava chishoma. Mune zvimwe chichava chakawanda. Munhu mumwe nomumwe anounza icho mwoyo wake unomusunda kuunza uye icho migariro yake inobvumidza.
15, 16. Chii chinobatanidzwa mune chegumi chedu chomudzimu?
15 Chii chinobatanidzwa mune ichi chegumi chomudzimu? Kutanga, tinopa kuna Jehovha nguva yedu nesimba. Nguva yatinopedzera pamisangano, mukupinda magungano nekokorodzano, mubasa romumunda, zvose izvozvi chimwe chinhu chinopiwa kuna Jehovha—rutivi rwechegumi chedu. Nguva nesimba zvatinopedza tichishanyira vanorwara uye kubetsera vamwe—zvakare, izvozvi rutivi rwechegumi chedu. Kubetsera mukuvaka Horo dzoUmambo uye kugoverana mubasa rokuchengeta nokuchenesa horo nenzira yakafanana rutivi.
16 Chegumi chedu chinobatanidzawo mipiro yedu yezvemari. Newedzero yechienzi yesangano raJehovha mumakore achangobva kupfuura aya, misengwa yezvemari yakawedzera. Horo dzoUmambo itsva dzinodikanwa, pamwe chete nezvivako zvitsva zvamapazu neHoro itsva dzaMagungano, pamwe chete nokuchengetwa kweidzo dzakatovakwa. Kufukidza ndyiko dzaavo vakazviita vamene vanowanika nokuda kwebasa chairo—kazhinji kazhinji vachirega zvinhu zvikuru zvomunhu oga kuti vaite kudaro—kunoumbawo denho inotyisa. Muna 1991 ndyiko yokuchengeta vafundisi, vatariri vanofambira, uye mapiona chaiwo voga yakasvika kuanopfuura madhora ana mamirioni 200, ose akagoverwa nemipiro yokuzvidira.
17. Chii chaizvo tinofanira kupa sechegumi chedu chomudzimu?
17 Chii chaizvo chatinofanira kupa sechegumi chedu chomudzimu? Jehovha haagadzi chikamu muzana. Kunyanguvezvo, pfungwa yetsauriro, rudo rwapachokwadi rwaJehovha nehama, pamwe chete nepfungwa yekurumidziro zvinobva mukuziva kuti kune upenyu hunofanira kuponeswa, zvinotikurudzira kupinza chegumi chedu chose chomudzimu. Tinonzwa tichisundirwa kubatira Jehovha kusvikira kumwero mukurusa unobvira. Kudai taizonyima kana kuti kuzvipa timene nenzira yokusadisa kana kuti pfuma yedu, ikoku kwaizova kwakaenzana nokubira Mwari.—Enzanisa naRuka 21:1-4.
Vanokomborerwa Kusvikira Pasisinazve Kushaiwa
18, 19. Vanhu vaJehovha vakakomborerwa sei nokuda kwokupinza chegumi chavo chose?
18 Chifo cha 1919, vanhu vaJehovha vakaita nenzira yorupo nenguva yavo, simba, uye pfuma yemari kuzvinodikanwa zvebasa rokuparidzira. Vakapinza zvirokwazvo chegumi chose mudura. Somuuyo, Jehovha akazadzika chipikirwa chake ndokudurura chikomborero kusvikira pasisinazve kushaiwa. Ikoku kwakaoneka nenzira inoshamisa zvikurusa mukukura kwavo muzviverengero. Kubva muvakazodzwa vane zviuru zvishomanene vaibatira Jehovha apo akauya kutembere yake muna 1918, vakakura kusvikira nhasi vakazodzwa pamwe chete neshamwari dzavo, mamwe makwai, vanosvika vanopfuura nekakawanda zvikuru mamirioni mana munyika 211 dzakasiana-siana. (Isaya 60:22) Ivava vakakomborerwawo nokukura kunopfuurira mukunzwisiswa kwezvokwadi. Shoko rouporofita rakaitwa rechokwadi zvikuru kwavari. Chivimbo chavo mukushanda kwedonzo raJehovha chakasimbiswa zvakasimba. (2 Petro 1:19) Zvirokwazvo ivo vanhu “vanodzidziswa naJehovha.”—Isaya 54:13, NW.
19 Kupfurikidza naMaraki, Jehovha akadeya kutaura chimwezve chikomborero: “Ipapo vaitya Jehovha vakataurirana, Jehovha akateerera, akanzwa, bhuku yokurangarira ikanyorwa pamberi pake, nokuda kwavanotya Jehovha, vachirangarira zita rake.” (Maraki 3:16) Pamasangano ose anotaura kuva echiKristu, Zvapupu zvaJehovha bedzi zvinoita zvose zviri zviviri kufunga pamusoro pezita rake nokurikudza pakati pamarudzi. (Pisarema 34:3) Zvinofara sei kupikirwa kuti Jehovha anoyeuka kutendeka kwazvo!
20, 21. (a) Hukamai hwakakomborerwa uhwo maKristu echokwadi anofarikanya? (b) Pamusoro pechiKristu, musianoi uri kuva wakajeka zvikuru?
20 Vakasarira vakazodzwa vanhu chaivo vaJehovha, uye boka guru, rinodirana kuzosonganirana navo, rinokohwa navo zvikomborero zvokunamata kwakachena. (Zekaria 8:23) Kupfurikidza naMaraki, Jehovha anopikira, kuti: “‘Vachava vangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, ‘ivo vangu chaivo, nezuva randichazviita; ndichavanzwira tsitsi, somunhu unonzwira tsitsi mwanakomana wake unomubatira.’” (Maraki 3:17) Chikomborero chakadini kuti Jehovha anovarangarira zvikuru zvakadaro!
21 Zvamazvirokwazvo, musiano pakati pamaKristu echokwadi neenhema uri kuva unooneka zvikuru. Sezvo vanhu vaJehovha vanovavarira kuwirirana nemipimo yake, chiKristudhomu chinonyura zvikuru mumatope enyika ino okusachena. Zvirokwazvo, mashoko aJehovha akabvumikisa kuva echokwadi: “Ipapo muchaonazve kusiana kwowakarurama nowakaipa, kwounoshumira Mwari nousingamushumiri.”—Maraki 3:18.
22. Zvikomboreroi zvatinogona kuva nechivimbo chokufarikanya kana tikapfuurira kupinza chegumi chose?
22 Nokukurumidza, zuva rokuzvidavirira richauya nokuda kwamaKristu enhema. “‘Tarirai, zuva rinouya; rinopisa sechoto; ipapo vose vanozvikudza, navose vanoita zvakaipa, vachava samashanga; zuva, rinouya, richavapisa, rikasavasiira mudzi kana davi,’ ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo.” (Maraki 4:1) Vanhu vaJehovha vanoziva kuti iye achavadzivirira panguva iyoyo, sezvaakadzivirira rudzi rwake rwomudzimu shure muna 70 N.V. (Maraki 4:2) Vanofara sei kuva nechipikirwa ichocho! Nokudaro, kusvikira panguva iyoyo mumwe nomumwe wedu ngaaratidze kuonga kwedu norudo nokuda kwaJehovha kupfurikidza nokupinza chegumi chose mudura. Ipapo tinogona kuva nechivimbo chokuti iye achapfuurira kutikomborera kusvikira pasisinazve kushaiwa.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwamamwe mashoko, ona Nharireyomurindi, June 15, 1987, mapeji 14-20.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Munguva dzazvino uno, ndirini apo Jehovha akauya kutembere nenhume yake yesungano?
◻ Ndiani ari muranda akatendeka naakachenjera, uye kuchenesai kwavaida pashure pa 1918?
◻ Rudzii rwezvipiriso zvomudzimu izvo maKristu echokwadi anounza kuna Jehovha?
◻ Chii chiri chegumi icho maKristu anokokwa kuunza kudura?
◻ Zvikomboreroi izvo vanhu vaMwari vanofarikanya kupfurikidza nokupa zvegumi zvomudzimu?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Zvegumi zvedu zvomudzimu zvinobatanidza kupa simba redu nepfuma kuvaka Horo dzoUmambo
[Mufananidzo uri papeji 16]
Nemhaka yechikomborero chaJehovha pavanhu vake, kuvaka kwakawanda kwakadikanwa, kubatanidza Horo dzoUmambo neHoro dzaMagungano