Munhu Anogona Sei Kuva Mumufananidzo waMwari?
“MWARI akasika munhu nomufananidzo wake, akamusika nomufananidzo waMwari; akavasika murume nomukadzi.” Chinodaro chinyorwa chakafuridzirwa, asi chinorevei? Murume wokutanga nomukadzi vakasikwa sei mumufananidzo waMwari?—Genesi 1:27.
Vakanga vakafanana naMwari mumuviri here? Aiwa, ikoko hakubviri. Munhu munhu, ndowenyama, akaita kuti agare pasi pano. Mwari mudzimu, achigara mumbiri yokudenga isingafungidziriki iyo isina munhu anogona kumbosvika. (Eksodho 33:18-20; 1 VaKorinte 15:50) Ipapoka, munhu akaitwa sei mumufananidzo waMwari? Mukuti munhu akapiwa mano okushandisa mavara akatanhamara aMwari—rudo, ruramisiro, uchenjeri, uye simba—pamwe chete namamwe mavara.
Mavara aJehovha
Mavara aJehovha Mwari anoratidzirwa muchisiko chake chose, asi akaratidzirwa zvikuru mukubata kwake navaviri vokutanga vohunhu, Adhama naEvha. (VaRoma 1:20) Rudo rwake rwakaonwa mukuti iye akasika pasi rakakodzera chaizvo kuti munhu agare pariri. Jehovha akasikira murume mudzimai akakwana kuti ave shamwari yake naamai wavana vake. Iye akaisa vaviri vavo mubindu rakaisvonaka ndokuvapa zvinhu zvose zvakawanda zvakanga zviri madikanwa kuti vapfuurire kurarama ndokuva vanofara. Chinoshamisa zvikurusa chazvose, Mwari akavapa banza rokurarama nokusingaperi.—Genesi 2:7-9, 15-24.
Uchenjeri hwaMwari hwakaonwa mukuedza kwake vaviri vokutanga vohunhu. Kana vaizoramba vari semitezo yemhuri yapose yaJehovha uye kana vaizorarama nokusingaperi savabereki vedzinza ravanhu, vaizofanira kuva mienzaniso mukutendeka nokunamata kwechokwadi. Nokudaro, Jehovha akavapa banza rokuratidzira mugariro wavo womwoyo mumuedzo wakafanira—vakanga vasingafaniri kudya zvomuti wezivo yechakanaka nechakashata. Kwakanga kuri kuchenjera sei kuna Jehovha kubvumira vanhu kubvumikisa perero yavo nokumuda asati avapa ropafadzo dzinoshamisa dzaairangarira!
Ruramisiro yaMwari yakaonwa mukuomerera kwake pamipimo yakakwirira muzvisikwa zvake nomukusabvumiranisa pane zvisina kufanira mipimo iyoyo. Yakaonwa mukupa kwake Adhama naEvha banza riri rose rokuita chakanga chakarurama. Uye apo vakakundikana kuita saizvozvo, ruramisiro yake yakaonwa mukuvatongera kwake kutambura chirango chakataurwa chokupanduka.
Simba raJehovha rakaonwa mukuita kwake tongero yake. Satani, mupanduki mukuru, akanga areva kuti Jehovha akanga ari murevi wenhema, uye Satani akakarakadza zvinhu zvikuru kuna Evha kana vakasateerera Mwari. (Genesi 3:1-7) Asi Satani haana kukwanisa kuita chipikirwa chake. Iye aisagona kudzivisa Jehovha kudzinga Adhama naEvha mubindu reEdheni, uye haana kukwanisa kudzivisa kuzadzika kwamashoko aMwari kuna Adhama, anoti: “Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.” (Genesi 3:19) Zvisinei, Jehovha haana kuita pakarepo tongero yorufu, uye muna ikoku akaratidzazve rudo rwake. Iye akabvumira Adhama naEvha nguva yokubereka vana kupfurikidza navo donzo rake rapakuvamba nokuda kworudzi rwomunhu raizozadzikwa pakupedzisira.—Genesi 1:28.
Pakupedzisira, ruramisiro yaJehovha Mwari, rudo, simba, uye uchenjeri zvakarayidzirwa muchipikirwa chake chokugovera mbeu yaizoparadza mabasa aSatani ndokuparadza miuyo inosuruvarisa yokupandukira ikoko kwokutanga uchangamire hwoumwari. (Genesi 3:15) Tine Musiki anoshamisa zvakadini!
Nhamburiko Dzokutevedzera Mwari
Kunyange zvazvo vachisina kukwana, vanhu vanongogona kuratidzira mavara aMwari. Nokudaro, Pauro akakurudzira vaKristu vezuva rake, kuti: “Ivai vatevedzeri vaMwari, savana vanodiwa.” (VaEfeso 5:1, NW) Munhau yose, kunyanguvezvo, vakawanda zvikurusa vakaratidzira kuzvidzwa kwakakomba kwamavara aMwari. Pakasvika nguva yaNoa, vanhu vakanga vava vakaipa kwazvo zvokuti Jehovha akasarudza kuparadza rudzi rwose rwomunhu kunze kwaNoa nemhuri yake. Noa akanga ari “munhu wakarurama [wakanaka], asine mhosva mumarudzi ake,” uye akaratidzira kuda kwake Mwari kupfurikidza nokuita mirairo yaMwari.a “Noa akaita saizvozvo; sezvaakarairwa naMwari, wakaita zvose saizvozvo.” (Genesi 6:9, 22) Noa akaratidzira rudo nokuda kwomunhu biyake nebatano yake neruramisiro kupfurikidza nokuva “muparidziri wokururama.” (2 Petro 2:5, NW) Iye akaratidza uchenjeri uye akashandisa nenzira yakafanira simba rake romuviri kupfurikidza nokutevera nhungamiro yaMwari yokuvaka areka hombe, kuchengeta zvokudya mairi, kuunganidza mhuka, uye kupinda muareka pamurairo waJehovha. Akaratidzawo kuda kwake kururama mukusarega vavakidzani vake vakaipa vachimushatisa.
Bhaibheri rinorondedzera vamwe vakawanda vakaratidzira zvakafanana mavara oumwari. Mukurusa akanga ari Jesu Kristu, uyo akanga ari nenzira yakakwana mumufananidzo waMwari uye nokudaro aigona kuti: “Wandiona ini, waona Baba.” (Johane 14:9) Pakati pamavara ayo Jesu akaratidzira, rwakatanhamara rwakanga rwuri rudo rwake. Kuda Baba vake norudzi rwomunhu kwakamusunda kusiya musha wake wokudenga ndokugara somunhu pasi pano. Kwakamusunda kurumbidza Baba vake kupfurikidza nomufambiro wake wakarurama nokuparidzira kurudzi rwomunhu mashoko akanaka oruponeso. (Mateo 4:23; Johane 13:31) Ipapo, rudo rwakasunda Jesu kupa upenyu hwake hwakakwana nokuda kworuponeso rworudzi rwomunhu uye, zvinokosha zvikuru, nokuda kwetsveneswo yezita raMwari. (Johane 13:1) Mukuvavarira kutevedzera Mwari, pane muenzaniso upi noupi uri nani wokutevera kupfuura Jesu Kristu here?—1 Petro 2:21.
Tinogona Sei Kuva Vakafanana Zvikuru naMwari Nhasi?
Isu tinogona sei, nhasi, kuratidzira mavara aMwari nokudaro ndokuita mumufananidzo waMwari? Eya, tanga kurangarira vara rorudo. Jesu akati: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose uye nomweya wako wose uye nendangariro yako yose.” Tinoratidza sei kuda Mwari? Muapostora Johane anopindura, kuti: “Nokuti rudo rwaMwari ndirwo, kuti tichengete mirairo yake; mirairo yake hairemi.”—Mateo 22:37, NW; 1 Johane 5:3.
Chokwadika, kuti titeerere mirairo yaJehovha, tinofanira kuiziva. Ikoko kunobatanidza kurava, kufunda, uye kufungisisa Shoko raMwari, Bhaibheri, uye mabhuku eBhaibheri. Kufanana nowezvamapisarema, tinofanira kukwanisa kuti: “Haiwa, ndinoda murau wenyu seiko! Ndicho chandinofungisisa zuva rose.” (Pisarema 119:97) Sezvo tinowana nzwisiso huru zvikuru yeShoko raMwari, tinova vanozadzwa nenzira yaMwari yokufunga. Tinosvika pakuda kururama ndokuvenga kusateerera mutemo. (Pisarema 45:7) Ipapo ndipo apo Adhama akakanganisa. Aiziva mutemo waMwari, asi haana kuuda zvakakwana kuti anamatire kwauri. Pakurava Shoko raMwari, tinofanira kuzvibvunza timene nguva dzose kuti, ‘Ikoku kunoshanda sei kwandiri? Chii chandinogona kuita kuita kuti mufambiro wangu uve mutsinhirano zvikuru namavara aMwari?’
Jesu akatiwo: “Unofanira kuda muvakidzani wako sewe umene.” (Mateo 22:39, NW) Munhu ari wose akanaka anozvida amene uye anoda zvakanakisisa nokuda kwake amene. Ikoko hakuna kuipa. Asi tinoratidza rudo rwakaenzana here nokuda kwomuvakidzani wedu? Tinotevera here murairo weBhaibheri, unoti: “Munhu, wakafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita”?—Zvirevo 3:27; VaGaratia 6:10.
Zvakadiniko nevara rouchenjeri? Kutsvaka kwedu kuratidzira iri vara kunotitungamirira kufunda Bhaibheri nemhaka yokuti iroro ndiro dura rouchenjeri hwoumwari. Pisarema 119:98-100 rinorava, kuti: “Mirairo yenyu inondiita wakachenjera kupfuura vavengi vangu; nokuti inogara neni nokusingaperi. Ndine njere kupfuura vadzidzisi vangu vose; nokuti zvipupuriro zvenyu ndizvo zvandinofungisisa. Ndinonzwisisa kupfuura vakakwegura, nokuti ndakachengeta zvirevo zvenyu.” Pana Zvirevo 3:18, uchenjeri hunorondedzerwa so“muti woupenyu.” Kana tikawana uchenjeri ndokuhushandisa, tichagamuchira tendero yaMwari netuso youpenyu husingaperi.—Muparidzi 7:12.
Zvakadiniko neruramisiro? Munyika ino yakaipa, ruramisiro ivara rinokosha nokuda kwaavo vangafadza Mwari. Jesu akada kururama (ruramisiro) uye akavenga kusateerera mutemo. (VaHebheru 1:9) VaKristu nhasi vanoita zvimwe chetezvo. Ruramisiro inovasunda kunzwisisa mavara akarurama. Vanodzivisa nzira dzisina kururama dzenyika ino uye vanoita kuitwa kwokuda kwaMwari chinhu chinokosha zvikurusa muupenyu hwavo.—1 Johane 2:15-17.
Kana toreva nezvesimba, tose zvedu tine mwero wakati wairori. Isu nomuzvarirwo tine simba romuviri nerendangariro, uye sezvatinokura savaKristu, tinokudziridza simba mupfungwa yomudzimu. Jehovha anowedzera simba redu nomudzimu mutsvene wake kusvikira kutambanuko iyo isu, kunyange zvazvo tichiratidzika kuva vane utera, tinogona kuita kuda kwake. Pauro akati: “Ndingaita zvose naiye unondipa simba.” (VaFiripi 4:13) Simba rimwe chetero rinowanika kwatiri kana tikanyengeterera mudzimu waJehovha.
Kuparidzira Mashoko Akanaka
Kuratidzira kwedu mavara mana makuru aMwari kunosanoonwa mukuteerera kwedu murairo, wokuti: “Endai naizvozvo muite vadzidzi vavanhu vamarudzi ose, muchivabhapatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurairai. Uye, tarirai! Ndinemi mazuva ose kutozosvikira pamhedziso yetsika yezvinhu.” (Mateo 28:19, 20, NW) Basa redzidzo rakadaro rinounza upenyu kuavo vanogamuchira. Iratidzirwo yakaisvonaka zvakadini yorudo nokuda kwaavo, zvikurukuru, vanovamba kupfurikidza nokuva vaenzi chaivo kwatiri!
Uyezve, kudzidzisa kwadaro inzira youchenjeri. Kunounza chibereko chinotsungirira. Kunogona kutaurwa nezverimwe basai, kuti: “Kana uchiita izvozvi, uchazviponesa iwe navanokunzwa”? (1 Timotio 4:16) Hakuna vanorasikirwa mubasa rokuita vadzidzi. Vose vari vaviri avo vanoteerera naavo vanodzidzisa vanowana zvikomborero zvisingaperi.
Kana iri ruramisiro, vaKristu vanodzidzisa nheyo dzakanaka nedzakarurama kuvadzidzi vavo veBhaibheri. Tiri kuvabetsera kubatira Jehovha, “Mwari weruramisiro.” (Maraki 2:17, NW) Avo nhasi vanotsaurira upenyu hwavo kuti vabatire Jehovha ndokuita mukutendeka vanonzi vakarurama, vakaruramiswa, kuchitungamirira kukupukunyuka kwavo Armagedhoni.—VaRoma 3:24; Jakobho 2:24-26.
Kuparidzirwa nokudzidziswa kwamashoko akanaka munyika yose iratidzirwo yakadini yesimba! (Mateo 24:14) Kuparidzira nguva dzose mundima umo voruzhinji vasingadi kunzwa kunoda tsungiriro. Asi Jehovha, kupfurikidza nomudzimu wake, anopa simba riri madikanwa kutsungirira kusvikira kumugumo.—Isaya 40:30, 31; Mateo 24:13; Ruka 11:13.
Chokwadi, savana vasina kukwana vaAdhama, hatigoni kushandisa aya mavara akaisvonaka zvakakwana. Bva, yeuka, munhu akaitwa mumufananidzo waMwari, uye kana tikavavarira kuva vakafanana zvikuru naMwari, ipapo murutivi tiri kuzadzika chikonzero chokuvapo kwedu. (Muparidzi 12:13) Kana tikazvishandisa timene kuita unani hwatinogona ndokukumbira kanganwiro apo tinokundikana, ipapo tinogona kukarira kupukunyuka ndokupinda munyika itsva yakarurama yaMwari, umo pakupedzisira tingawana kukwana. Ipapo, tichava muparadhiso yapasi inogarwa navanhu vakakwana, vose vachiratidzira mavara aJehovha Mwari zvakazara. Mufaro wakadini! Pakupedzisira, mupfungwa yakazara zvikurusa yokutaura kwacho, vanhu vachava mumufananidzo waMwari.
[Mashoko Omuzasi]
a “Wakarurama” uye “wakanaka” akasanobatana zvikuru. MuMagwaro echiGiriki, anomirirwa neshoko rimwe chete, diʹkai·os.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Jesu akatiratidza nzira yokusakurira nayo mavara oumwari aJehovha
[Mufananidzo uri papeji 26]
Pakupedzisira, vanhu mupfungwa yakazara zvikurusa vachava mumufananidzo waMwari