Jehovha Anoda Kururama Neruramisiro
MUMWE musikana muduku muSarajevo anozvibvunza amene chikonzero nei vana vemuguta rake vachifanira kutsungirira kutambura kukuru kwazvo. “Hatina chinhu chipi nechipi chatakaita. Hatina mhaka,” anodaro. Vanamai veArgentina vakagumburwa vakashanyira imwe nzvimbo yavose muBuenos Aires kwamakore 15, vachiratidzira pamusoro pekutsakatika kwavanakomana vavo. Mumwe munhu mutema anonzi Emmanuel, anamai nehanzvadzi nhatu vakapondwa noutsinye mukati mekutanga kwemasimba masimba edzinza, anoti: “Munhu ari wose anofanira kugamuchira tuso yake yakarurama . . . Tinoda ruramisiro.”
Ruramisiro ndirimwe ramavara makuru aJehovha Mwari. “Nzira dzake dzose iruramisiro,” rinodaro Bhaibheri. Zvirokwazvo, Jehovha “anoda kururama neruramisiro.” (Dheuteronomio 32:4; Pisarema 33:5, NW) Kuti tizive Mwari zvakanaka, tinofanira kunzwisisa pfungwa yake yeruramisiro ndokudzidza kuitevedzera.—Hosea 2:19, 20; VaEfeso 5:1.
Murangariro wedu weruramisiro zvimwe wakapesvedzerwa neizvo vanhu vanorangarira vara iri kuva. Mune mamwe mativi enyika, ruramisiro inowanzoratidzirwa semukadzi akasungwa kumeso akabata munondo nechiyereso. Ruramisiro yomunhu inofanira kuva isina rusaruro, ndiko kuti, isingatapurwe neupfumi kana kuti pesvedzero. Inofanira kuyera nokungwarira muchiyero kuva nemhaka kana kuti kusava nemhaka kwevanopomerwa. Nemunondo wayo, ruramisiro inofanira kudzivirira vasina mhaka ndokuranga vaiti vezvakashata.
Bhuku rinonzi Right and Reason—Ethics in Theory and Practice rinotaura kuti “ruramisiro yakabatanidzwa nomutemo, musengwa, kodzero uye mabasa, uye inopa zvisarudzo zvayo maererano nokuenzana kana kuti nezvakafanirwa kumunhu.” Asi ruramisiro yaJehovha inopfuura zvikuru ikoko. Tinogona kuona ikoku kupfurikidza nokurangarira zviito nemavara zvaJesu Kristu, uyo akafanana zvikuru kwazvo naBaba vake vokudenga.—VaHebheru 1:3.
Mashoko aIsaya 42:3 akashandiswa kuna Jesu nemunyori weEvhangeri Mateo, uyo akati: “Rutsanga rwakapwanyika haangaruvhuni, nomwenje unopwititika haangaudzimi, kusvikira achituma [kururamisira, NW] kuti kukunde.” Jesu akazivisa shoko rinonyaradza kuvanhu vakanga vakaita serutsanga rwakapwanyika urwo rwakanga rwakamonywa uye kunyange kutsikwa-tsikwa. Vakanga vakaita semwenje werambi unopwititika, sokunge kuti pfarivari ravo rokupedzisira roupenyu rakanga radokudzimwa. Panzvimbo pokuvhuna nenzira yokufananidzira tsanga dzakapwanyika nokudzima mwenje inopwititika, Jesu akanzwira tsitsi vaitambudzwa, akadzidzisa nokuvaporesa, uye akavajekesera ruramisiro yaJehovha Mwari. (Mateo 12:10-21) Sezvakafanotaura uporofita hwaIsaya, rudzi irworwo rweruramisiro rwakanyandura tariro.
Ngoni Neruramisiro yaJehovha
Ngoni rutivi runokosha rweruramisiro yaMwari. Ikoku kwakatanhamara apo Jesu akanga ari pasi pano. Akaratidzira nenzira yakakwana mipimo yaMwari yeruramisiro nekururama. Zvisinei, vanyori vechiJudha navaFarise vakatsvaka kuwana kururama kupfurikidza nokutevera bumbiro romutemo rakaoma—mizhinjisa yavakaita vamene. Ruramisiro yavo yapamutemo yaiwanzobvisa ngoni. Bonderano zhinji pakati paJesu navaFarise dzaiva panhau iyi: Ruramisiro yechokwadi nekururama chii?—Mateo 9:10-13; Marko 3:1-5; Ruka 7:36-47.
Jesu akaenzanisira nzira yokubata nayo vamwe munzira yakanaka neyakarurama. Mumwe murume aisanoziva Mutemo akambobvunza Jesu chakanga chiri madikanwa kuti awane upenyu husingaperi. Mukupindura Jesu akamubvunza mubvunzo ndokumurumbidza apo akapindura kuti mitemo miviri yaikosha zvikurusa yakanga iri kuda Mwari nemwoyo wako wose, mweya, ndangariro, uye simba uye kuda muvakidzani wako sewe umene. Murume wacho ipapo akabvunza, kuti: “Ndiani chaizvoizvo ari muvakidzani wangu?” Jesu akapindura kupfurikidza nokurondedzera muenzaniso wemuSamaria akanaka.—Ruka 10:25-37.
Kururama kwaJehovha neruramisiro yengoni zvakaratidzirwa mumuenzaniso waJesu wemuSamaria. Kupfurikidza nokubetsera pasina udyire murume akanga akuvadzwa uyo akanga asingazivi, muSamaria akaita chimwe chinhu chakarurama, chine ruramisiro, uye chine ngoni. Jesu amene akaratidza mudzimu mumwe chetewo apo akanga ari pasi pano. Akanga akarurama uye aine ruramisiro. Uyezve, akapa upenyu hwake nokuda kwavanhu vaishayiwa, nokuda kworudzi rwomunhu runotadza uye rusina kukwana runotambura, runorwara, uye runofa. Muapostora Pauro akabatanidza kururama negadziriro yerudzikinuro. Akanyora, kuti: “Kutonga sezvakwakauya kuvanhu vose nokudarika kumwe, kuti vapiwe mhosva; saizvozvo nokururamisa kumwe [kana kuti, “chiito chimwe chakarurama,” NW, mashoko omuzasi] chipo chokungopiwa chakauya kuvanhu vose, kururamisirwa kwoupenyu kukavapo.” (VaRoma 5:18) Ichi “chiito chimwe chakarurama” chakanga chiri nzira yaMwari yokuponesa nayo rudzi rwomunhu rwunoteerera mumigumisiro ine ngwavaira yechivi chaAdhama, icho vakanga vasina kupara nenzira yakananga.
Ruramisiro yaMwari yakatsvaka kudzikinura vanhu vanotadza uye kutsigira nheyo yakarurama panguva imwe cheteyo. Kufuratira chivi kwaizodai kwakava zvose zviri zviviri kusaruramisira uye kusava norudo, nokuti kwaizodai kwakakurudzira kusateerera mutemo. Pane rumwe rutivi, kudai ruramisiro yaMwari yakanga yaganhurirwa kukupa tuso kana kuti zvimwe chirango, mamiriro ezvinhu erudzi rwomunhu angadai asina tariro. Maererano neBhaibheri, “mubayiro wezvivi ndirwo rufu” uye “hakuna wakarurama, kunyange nomumwe.” (VaRoma 3:10; 6:23) Pandyiko huru yomunhu oga kwaari amene uye kuMwanakomana wake anodiwa, Jehovha akagovera chibayiro chokuyananisira chezvivi.—1 Johane 2:1, 2.
Rudzikinuro runoratidza kuti ruramisiro youmwari yakabatanidzwa nerudo rune nheyo (chiGiriki, a·gaʹpe). Zvirokwazvo, ruramisiro yaMwari ndiko kushanda kwenheyo dzake dzakarurama—kuratidzirwa kwezvaanomirira mutsika. Apo runoshandiswa naMwari, naizvozvo, a·gaʹpe rudo pakavakirwa ruramisiro youmwari. (Mateo 5:43-48) Naizvozvo kana tichinzwisisa chaizvoizvo ruramisiro yaJehovha, tichavimba chose chose nezvisarudzo zvake zvokutonga. So“Mutongi wenyika yose,” anogaroita zvakarurama.—Genesi 18:25; Pisarema 119:75.
Tevedzera Ruramisiro yaJehovha
Bhaibheri rinotikurudzira kuva “vateveri vaMwari.” (VaEfeso 5:1) Ikoku kunoreva kutevedzera ruramisiro yake pamwe chete norudo rwake. Sezvo tisina kukwana, zvisinei, nzira dzedu hadzina kukwirira seidzo dzaJehovha Mwari. (Isaya 55:8, 9; Ezekieri 18:25) Naizvozvo tinogona sei kubvumikisa kuva vanoda kururama neruramisiro? Kupfurikidza nokupfeka “munhu mutsva, wakasikwa akafanana naMwari pakururama, noutsvene hwezvokwadi.” (VaEfeso 4:24) Ipapo tichada izvo Mwari anoda ndokuvenga zvaanovenga. “Kururama . . . [kwe]zvokwadi” kunodzivisa masimba masimba, unzenza, kusachena, uye kuramba kutenda, nokuti izvi zvinosvibisa zvitsvene. (Pisarema 11:5; VaEfeso 5:3-5; 2 Timotio 2:16, 17) Ruramisiro yaMwari inotisundawo kuratidza fariro yechokwadi muvamwe.—Pisarema 37:21; VaRoma 15:1-3.
Uyezve, kana tichinzwisisa rudzi rwengoni rweruramisiro yaMwari, hatisati tichizoda kutonga hama kana kuti hanzvadzi dzomudzimu. Tingagona sei sezvinobvira kuvanzwisisa zvakanaka sezvinoita Jehovha? Hatingavatongi here nomurangariro wedu timene wakaipa? Nokudaro, Jesu akanyevera, kuti: “Musatonga, kuti murege kutongwa; nokuti nokutonga kwamunotonga nako, muchatongwa nako, nechiyero chamunoyera nacho, muchayerwa nacho. Unotarireiko rubanzu ruri muziso rehama yako, asi hauoni danda riri muziso rako? Kana ungataura seiko kuhama yako, uchiti: Rega, ndibvise rubanzu muziso rako, izvo, danda riri muziso rako? Iwe munyengeri, tanga kubvisa danda muziso rako; ugoona kwazvo kubvisa rubanzu muziso rehama yako.” (Mateo 7:1-5) Kuyerwa kwokutendeseka kwokusakwana kwedu timene kuchatidzivisa kuita marutongeso ayo Jehovha angarangarira kuva asina kururama.
Vakuru veungano vakagadzwa vanosungirwa kutonga mumhaka dzechakaipa chakakomba. (1 VaKorinte 5:12, 13) Pakuita saizvozvo, vanoyeuka kuti ruramisiro yaMwari inotsvaka kupa ngoni apo kunobvira. Kana pasina chikonzero chadzo—somumhaka yavatadzi vasingapfidzi—ngoni hadzigona kupiwa. Asi vakuru havadzingi muiti wechakashata akadaro muungano nemhaka yokutsiva. Vanokarira kuti chiito chokudzinga chimene chichamuita kuti afunge zvakanaka. (Enzanisa naEzekieri 18:23.) Pasi poumusoro hwaKristu, vakuru vanobatira fariro dzeruramisiro, uye ikoku kunobatanidza kuva se“utiziro pamhepo.” (Isaya 32:1, 2) Vanofanira naizvozvo kuratidza kusasarura uye kuva nemufungo.—Dheuteronomio 1:16, 17.
Dyara Mbeu Mukururama
Tichimirira nyika itsva yaMwari yakarurama, tinofanira ku“tsvaka . . . kururama” kuitira kuti tifarikanye ngoni dzoumwari. (Zefania 2:3; 2 Petro 3:13) Pfungwa iyoyi inotaurwa zvakaisvonaka mumashoko aya, anowanwa pana Hosea 10:12: “Zvidzvarirei mukururama, mugocheka zvorudo; undai makombo enyu, nokuti inguva yokutsvaka Jehovha, kusvikira achiuya achikunisirai zvakarurama.”
Muupenyu hwedu hwezuva nezuva, tine mikana mizhinji yoku‘dyara mbeu mukururama,’ kungofanana nezvakaenzanisira Jesu nemufananidzo wake wemuSamaria aiva akanaka. Jehovha achava nechokwadi chokuti tino“cheka zvorudo.” Kana tikaramba tichifamba mu“nzira yokururamisira,” tichapfuurira kugamuchira murayiridzo mukururama mukutonga kwoUmambo. (Isaya 40:14) Nguva sezvainopfuura, tichasvika pasina panikiro pakunzwisisa kunyange zvizere zvikuru kuti Jehovha anoda kururama neruramisiro.—Pisarema 33:4, 5.
[Mufananidzo uri papeji 23]
MuSamaria akanaka akaratidzira ruramisiro yaJehovha
[Mufananidzo uri papeji 23]
Jesu ainzwira tsitsi vanhu vaitambudzwa, avo vakanga vakaita setsanga dzakapwanyika