Ruramisiro Yechokwadi Nokururama—Zvinobva Kuna Jehovha
“Iye ndiro dombo, basa rake rakakwana; nokuti nzira dzake dzose dzakarurama. Ndiye Mwari wakatendeka, usinganyengeri, wakarurama ndowazvokwadi.”—DHEUTERONOMIO 32:4.
1. Neiko tichida ruramisiro nomuzvarirwo?
SEZVO munhu wose achida kudiwa nomuzvarirwo, nokudaro tose tinopanga kubatwa neruramisiro. Sezvakanyorwa nenyanzvi mune zvehurumende yeAmerica Thomas Jefferson, “[ruramisiro] ndeyomuzvarirwo uye ndeyomusikirwo, . . . sorutivi rukuru rwamagadzirirwo edu sourwo rwokunzwa nokubata, kuona, kana kuti kunzwa.” Ikoku hakushamisi, sezvo Jehovha akatisika mumufananidzo wake. (Genesi 1:26) Zvechokwadi, akatipa mavara anoratidza unhu hwake, rimwe rawo iruramisiro. Ndicho chikonzero nei tichida nomuzvarirwo ruramisiro uye chikonzero nei tichishuva kurarama munyika ine ruramisiro yechokwadi nokururama.
2. Ruramisiro inokosha sei kuna Jehovha, uye neiko tichifanira kunzwisisa revo yeruramisiro yaMwari?
2 Pamusoro paJehovha, Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Nzira dzake dzose dzakarurama.” (Dheuteronomio 32:4) Asi munyika inotambudzwa nokusaruramisira, hakusi nyore kunzwisisa revo yeruramisiro yaMwari. Zvisinei, kupfurikidza namapeji eShoko raMwari, tinogona kunzwisisa mashandisiro anoita Mwari ruramisiro, uye tinogona kusvika pakutonzwisisa zvikuru nzira dzinoshamisa dzaMwari. (VaRoma 11:33) Kunzwisisa ruramisiro mumufungo weBhaibheri kunokosha nokuti mufungo wedu weruramisiro ungasanopesvedzerwa nemirangariro yavanhu. Mukurangarira kwomunhu, ruramisiro ingarangarirwa kungova hayo kushandiswa kwokutonga kwomutemo nokusasarura. Kana kuti seizvo purofesa Francis Bacon akanyora kuti, “ruramisiro inoumbwa nokupa munhu wose chaanofanirwa nacho.” Zvisinei, ruramisiro yaJehovha inobatanidza zvakawanda zvikuru.
Ruramisiro yaJehovha Inofadza
3. Chii chinogona kudzidzwa kupfurikidza nokurangarira mashoko omutauro wapakuvamba anoshandiswa muBhaibheri nokuda kweruramisiro nokururama?
3 Ukuru hweruramisiro yaMwari hunogona kunzwisiswa zviri nani kupfurikidza nokurangarira mashandisirwo amashoko omutauro wapakuvamba muBhaibheri.a Nenzira inofadza, muMagwaro hamuna musiyano unokosha pakati peruramisiro nokururama. Kutaura idi, pane dzimwe nguva mashoko echiHebheru anoshandiswa nenzira yakafanana, sezvatinoona pana Amosi 5:24, apo Jehovha anokurudzira vanhu vake kuti: “Kururamisa ngakuyerere semvura, uye kururama sorwizi runongoramba ruchidira.” Uyezve, kanoverengeka mashoko okuti “kururamisira nokururama” anooneka pamwe chete nokuda kwokusimbisa.—Pisarema 33:5; Isaya 33:5; Jeremia 33:15; Ezekieri 18:21; 45:9.
4. Kushandisa ruramisiro kunorevei, uye ndichinodikanwai chinokosha cheruramisiro?
4 Mufungoi uri kupiwa namashoko aya echiHebheru neechiGiriki? Kushandisa ruramisiro mupfungwa yaMagwaro kunoreva kuita chakarurama nokusasarura. Sezvo Jehovha ari iye anovamba mitemo yetsika nenheyo, kana kuti chakarurama nechokusasarura, nzira iyo Jehovha anoita zvinhu nayo ndechinodikanwa chikurusa cheruramisiro. Theological Wordbook of the Old Testament inotsanangura kuti shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti kururama (tseʹdheq) “rinonongedzera kuchinodikanwa chetsika, chomufambiro uye chokwadika muT[estamente] Y[ekare] chinodikanwa ichocho ndizvo zviri Mwari uye zvaanoda.” Nokudaro, nzira iyo Mwari anoshandisa nayo nheyo dzake, uye zvikurukuru nzira yaanobata nayo navanhu vasina kukwana, inozivisa revo yeruramisiro yechokwadi nokururama.
5. Mavarai anobatanidzwa neruramisiro yaMwari?
5 Magwaro anoratidza zvakajeka kuti ruramisiro yaMwari inofadza panzvimbo pokuva yehasha neyakaoma. Davhidhi akaimba kuti: “Jehovha unoda zvakarurama, haasiyi vatsvene vake.” (Pisarema 37:28) Ruramisiro yaMwari inomusunda kuratidza kutendeka nengoni kuvabatiri vake. Ruramisiro yaMwari inoziva zvinodikanwa zvedu uye inorangarira kusakwana kwedu. (Pisarema 103:14) Ikoko hakurevi kuti Mwari anofuratira uipi, nokuti kuita kudaro kwaizokurudzira kusaruramisira. (1 Samueri 3:12, 13; Muparidzi 8:11) Jehovha akatsanangurira Mosesi kuti A“zere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.” Nepo achidisa kuregerera chikanganiso nokudarika, Mwari haasati achizorega kuranga vose vanofanirwa nakwo.—Eksodho 34:6, 7.
6. Jehovha anobata sei navana vake vapasi?
6 Apo tinofungisisa pamusoro pamashandisiro anoita Jehovha ruramisiro, hatifaniri kufunga nezvake somutongi akaoma, anoitira hanya bedzi kupa mutongo pavaiti vezvakaipa. Mukupesana, tinofanira kufunga nezvake sababa vane rudo asi vakasimba vanobata nguva dzose navana vavo nenzira yakanakisisa inobvira. “Jehovha muri Baba vedu,” akadaro muporofita Isaya. (Isaya 64:8) SaBaba vakanaka navakarurama, Jehovha anodzikamisa kusimba nokuda kwechakarurama netsitsi kuvana vake vapasi, vanoda batsiro kana kuti kanganwiro somugumisiro wamamiriro ezvinhu akaoma kana kuti utera hwenyama.—Pisarema 103:6, 10, 13.
Kujekesa Chiri Ruramisiro
7. (a) Tinodzidzei pamusoro peruramisiro yaMwari muuporofita hwaIsaya? (b) Ibasai raiva naJesu mukudzidzisa marudzi pamusoro peruramisiro?
7 Rudzi rwokunzwira ngoni kweruramisiro yaJehovha rwakasimbiswa nokuuya kwaMesiya. Jesu akadzidzisa ruramisiro yaMwari ndokurarama mutsinhirano nayo, sezvakafanotaurwa nomuporofita Isaya. Nenzira yakajeka, ruramisiro yaMwari inobatanidza kubata nounyoro vanhu vakadzvinyirirwa. Nokudaro, havana kuputsika zvokusanaya. Jesu, “muranda” waJehovha, akauya kupasi kuzo“zivisa vahedheni” urwu rutivi rweruramisiro yaMwari. Kupfuura zvose, akaita kudaro kupfurikidza nokutipa muenzaniso mupenyu wezvinorehwa neruramisiro yaMwari. Se“davi rokururama” raMambo Dhavhidhi, Jesu aidisa ‘kutsvaka kururamisira ndokukurumidza kuita zvakarurama.’—Isaya 16:5; 42:1-4; Mateo 12:18-21; Jeremia 33:14, 15.
8. Neiko ruramisiro yechokwadi nokururama zvakadzikatidzwa muzana ramakore rokutanga?
8 Kujekeswa kwakadaro kworudzi rweruramisiro yaJehovha kwaiva madikanwa zvikurukuru muzana ramakore rokutanga C.E. Vakuru vechiJudha navatungamiriri vorudzidziso—vanyori, vaFarise, uye vamwe—vakazivisa ndokuratidza murangariro wakaipa weruramisiro nokururama. Somugumisiro, vanhuwo zvavo, avo vakakuwana kusingabviri kurarama maererano nezvido zvaigadzwa navanyori navaFarise, zvimwe vakafungidzira kuti kururama kwaMwari kwaisagona kusvikwa. (Mateo 23:4; Ruka 11:46) Jesu akaratidza kuti zvakanga zvisina kudaro. Akasarudza vadzidzi vake pakati pavanhuwo zvavo ivava, uye akavadzidzisa mitemo yaMwari yakarurama.—Mateo 9:36; 11:28-30.
9, 10. (a) Vanyori navaFarise vakatsvaka sei kuratidza kururama kwavo? (b) Jesu akazivisa sei uye nei kuti miitiro yavanyori navaFarise yakanga isina maturo?
9 VaFarise, kune rumwe rutivi, vakatsvaka mikana yokuratidza “kururama” kwavo kupfurikidza nokunyengetera kana kuti nokupa mipiro pachena. (Mateo 6:1-6) Vakaedzawo kuratidza kururama kwavo kupfurikidza nokunamatira kumitemo nemirayiro isingaverengeki—yakawanda yayo yakanga iri yavakazviitira. Nhamburiko dzakadaro dzakavatungamirira ku“rega kururamisira mhaka norudo kuna Mwari.” (Ruka 11:42) Nechokunze, vangave vakaratidzika kuva vakarurama, asi nechomukati vakanga ‘vakazara nokusateerera mutemo,’ kana kuti kusarurama. (Mateo 23:28) Kuchitaurwa zvakapfava, chaizvoizvo vaiziva zvishomanene pamusoro pokururama kwaMwari.
10 Nokuda kwechikonzero ichocho, Jesu akanyevera vateveri vake kuti: “Kana kururama kwenyu kusingapfuuri kwavanyori nokwavaFarise, hamungatongopindi muushe hwokudenga.” (Mateo 5:20) Musiyano mukuru pakati peruramisiro yaMwari yakaratidzwa naJesu nokuzviruramisa kwokuomesa musoro kwavanyori navaFarise yakava chisakiso chamagakava apanguva nenguva pakati pavo.
Ruramisiro yaMwari Inorwisana Neruramisiro Yakashata
11. (a) Neiko vaFarise vakabvunza Jesu pamusoro pokurapa paSabata? (b) Mhinduro yaJesu yakazivisei?
11 Mukati moushumiri hwake hweGarirea muchirimo chegore ra31 C.E., Jesu akaona murume ane ruoko rwakawonyana musinagoge. Sezvo rakanga riri Sabata, vaFarise vakabvunza Jesu kuti: “Zvakatenderwa kuporesa nesabata here?” Panzvimbo pokuva nehanya kwechokwadi nokuda kwomurume uyu anotambura, vakanga vane chishuvo chokuwana chikonzero chokupa Jesu mhosva, sezvakaziviswa nomubvunzo wavo. Hakushamisi kuti Jesu akatambudzika nokuda kwomwoyo yavo yakaoma! Ipapo nenzira yakananga akadzorera mubvunzo wakafanana kuvaFarise wokuti: “Zvakatenderwa here nesabata kuita zvakanaka?” Apo vakaramba vakanyarara, Jesu akazvipindura mubvunzo wake pachake kupfurikidza nokuvabvunza kana vaisazonunura gwai rinenge radonhera mugomba paSabata.b “Munhu unopfuura gwai sei!” Jesu akarangarira, nomufungo usingarambiki. “Saka zvakatenderwa [kana kuti, zvakanaka] kuita zvakanaka nesabata,” akagumisa kudaro. Ruramisiro yaMwari haifaniri kumbovhiringidzwa negamuchidzanwa ravanhu. Ajekesa mufungo iwoyo, Jesu akapfuurira ndokuporesa ruoko rwomurume wacho.—Mateo 12:9-13; Marko 3:1-5.
12, 13. (a) Mukupesana navanyori navaFarise, Jesu akaratidza sei fariro yake mukubatsira vatadzi? (b) Musiyanoi uripo pakati peruramisiro nokuzviruramisa?
12 Kana vaFarise vaiitira hanya zvishomanene avo vakaremara munyama, vaitoitira hanya zvishomanene avo vakanga vari varombo mumudzimu. Murangariro wavo wokururama wakaipa wakavatungamirira kufuratira nokuzvidza vateresi navatadzi. (Johane 7:49) Kunyange zvakadaro, vakawanda vakadaro vakagamuchira dzidziso yaJesu, pasina mubvunzo vachinzwa chishuvo chake chokubatsira panzvimbo pokuita rutongeso. (Mateo 21:31; Ruka 15:1) Zvisinei, vaFarise vakazvidza nhamburiko dzaJesu dzokurapa vanorwara mumudzimu. “Uyu munhu unogamuchira vatadzi, achidya navo,” vakataura kudaro nokuzvidza. (Ruka 15:2) Mumhinduro kupomero yavo, Jesu zvakare akashandisa muenzaniso wokufudza. Kungofanana nokufara kunoita mufudzi apo anowana gwai rakarasika, nokudaro ngirozi mudenga dzinofara apo mutadzi anopfidza. (Ruka 15:3-7) Jesu amene akafara apo akagona kubatsira Zakeo kupfidza aichimbova mararamiro ake okutadza. “Mwanakomana womunhu wakauya kuzotsvaka nokuponesa chakarashika,” akataura kudaro.—Ruka 19:8-10.
13 Rwisano idzi nenzira yakajeka dzinozivisa musiyano pakati peruramisiro yaMwari, inotsvaka kuporesa nokuponesa, uye kuzviruramisa, kunotsvaka kurumbidza vashoma nokupa mhosva vakawanda. Tsika isina maturo negamuchidzanwa rakaitwa navanhu zvakanga zvatungamirira vanyori navaFarise kuzvitutumadza nokuzvikoshesa, asi Jesu nenzira yakafanira akaratidza kuti vakanga va“rega zvinhu zvikuru zvomurayiro, zvinoti: kururamisira mhaka, ngoni nokutendeka.” (Mateo 23:23) Ngatitevedzerei Jesu mukushandisa ruramisiro yechokwadi muzvose zvatinoita uyewo ndokungwarira ngozi yokuzviruramisa.
14. Chimwe chezvishamiso zvaJesu chinoratidza sei kuti ruramisiro yaMwari inorangarira mamiriro ezvinhu omunhu?
14 Nepo Jesu akafuratira mitemo yokushusha yavaFarise, akachengeta Mutemo waMosesi. (Mateo 5:17, 18) Mukuita kudaro, haana kubvumira mashoko oMutemo wakarurama iwoyo kukunda nheyo dzawo. Apo mumwe mukadzi aitambura kuyerera kweropa kwamakore 12 akabata nguo dzake ndokuporeswa, Jesu akati kwaari: “Mukunda, kutenda kwako kwakuporesa, enda hako norugare.” (Ruka 8:43-48) Mashoko okunzwira tsitsi aJesu akasimbisa kuti ruramisiro yaMwari yakanga yarangarira mamiriro ake ezvinhu. Kunyange zvazvo akanga asina kuchena mutsika uye chaizvoizvo aputsa Mutemo waMosesi kupfurikidza nokuva pakati peboka, kutenda kwake kwaifanirwa nokutuswa.—Revhitiko 15:25-27; enzanisa naVaRoma 9:30-33.
Kururama Ndekwomunhu Wose
15, 16. (a) Muenzaniso waJesu womuSamaria akanaka unotidzidzisei pamusoro peruramisiro? (b) Neiko tichifanira kudzivisa kuva va“kaisvorurama”?
15 Kunze kwokusimbisa rudzi rwetsitsi dzayo, Jesu akadzidzisawo vadzidzi vake kuti ruramisiro yaMwari inofanira kubatanidza vanhu vose. Kwaiva kuda kwaJehovha kuti ‘avigire marudzi kururamisirwa.’ (Isaya 42:1) Uyu wakanga uri mufungo womumwe wemienzaniso yakakurumbira zvikurusa yaJesu, uyo womuSamaria akanaka. Muenzaniso wacho waiva mhinduro kumubvunzo wakamutswa nomurume aisanoziva Mutemo aida ku“zviruramisa.” “Wokwangu ndianiko?” akabvunza kudaro, pasina mubvunzo achishuva kuganhurira mitoro yake kuvanhu vechiJudha. MuSamaria womuenzaniso waJesu akaratidza kururama kwaMwari, nokuti aidisa kushandisa nguva yake nemari achibatsira muenzi worumwe rudzi. Jesu akagumisa muenzaniso wake kupfurikidza nokupa zano mubvunzi wake kuti: “Enda, undoita saizvozvo.” (Ruka 10:25-37) Kana tikaitawo zvakanaka kuvanhu vose pasinei zvapo namamiriro avo ezvinhu ekare orudzi kana kuti edzinza, tichave tichitevedzera ruramisiro yaMwari.—Mabasa 10:34, 35.
16 Muenzaniso wavanyori navaFarise, kune rumwe rutivi, unotiyeuchidza kuti kana tikashandisa ruramisiro yaMwari, hatifaniri kuva va“kaisvorurama.” (Muparidzi 7:16) Kutsvaka kuorora vamwe neratidziro dzokuvhaira dzokururama kana kuti kupa ukoshi hwakanyanyisa kumitemo yakaitwa navanhu hakusati kuchizotiunzira tendero yaMwari.—Mateo 6:1.
17. Neiko kuchikosha kwazvo kuti tiratidze ruramisiro yaMwari?
17 Chimwe chikonzero nei Jesu akajekesera marudzi avanhu rudzi rweruramisiro yaMwari chaiva chokuti vadzidzi vake vose vagone kudzidza kuratidza vara iri. Neiko ikoku kuchikosha kwazvo? Magwaro anotikurudzira kuva “vateveri vaMwari,” uye nzira dzose dzaMwari dzakarurama. (VaEfeso 5:1) Nenzira yakafanana, Mika 6:8 inotsanangura kuti chimwe chezvinodikanwa zvaJehovha ndechokuti ti“ite zvakarurama” sezvatinofamba naMwari wedu. Kupfuurirazve, Zefania 2:2, 3 inotiyeuchidza kuti kana tichishuva kuvanzwa muzuva rehasha dzaJehovha, tinofanira ku“tsvaka kururama” zuva iroro risati rasvika.
18. Mibvunzoi ichapindurwa munyaya inotevera?
18 Aya mazuva okupedzisira anotambudza nokudaro “inguva yakafanira” yokushandisa kutenda. (2 VaKorinte 6:2) Tinogona kuva nechokwadi chokuti kufanana naJobho, kana tika‘fuka kururama’ no‘kururamisira kukava senguo yedu,’ Jehovha achatikomborera. (Jobho 29:14) Kutenda mururamisiro yaJehovha kuchatibatsira sei kutarira kunguva yemberi nechivimbo? Uyezve, sezvatinomirira “nyika itsva” yakarurama, ruramisiro yaMwari inotidzivirira sei nenzira yomudzimu? (2 Petro 3:13) Nyaya inotevera ichapindura mibvunzo iyi.
[Mashoko Omuzasi]
a MuMagwaro echiHebheru, mashoko makuru matatu anobatanidzwa. Rimwe raiwaya (mish·patʹ) kazhinji kazhinji rinoshandurwa kuti “ruramisiro.” Mamwe maviri acho (tseʹdheq neshoko rinowirirana rokuti tsedha·qahʹ) muzviitiko zvizhinjisa anoshandurwa kuti “kururama.” Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “kururama” (di·kai·o·syʹne) rinorondedzerwa se“vara rokuva akarurama kana kuti akanaka.”
b Muenzaniso waJesu wakanga wakasarudzwa zvakanaka nokuti mutemo unotaurwa wavaJudha waivabvumira zvakananga kupa batsiro kumhuka iri munhamo paSabata. Pane dzimwe nhambo dzinoverengeka, paiva nerwisano panhau iyoyi, ndiko kuti, kana kwaiva pamutemo kuporesa paSabata.—Ruka 13:10-17; 14:1-6; Johane 9:13-16.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Ruramisiro yaMwari inorevei?
◻ Jesu akadzidzisa sei ruramisiro kumarudzi?
◻ Neiko kururama kwavaFarise kwakanga kwakaipa?
◻ Neiko tichifanira kushandisa ruramisiro?
[Mufananidzo uri papeji 8]
Jesu akajekesa ukuru hweruramisiro yaMwari