Tsvaka Rugare Rwechokwadi Ndokurwuronda!
“Uyo, unoda upenyu, nokuona mazuva akanaka, . . . Ngaanzvenge zvakaipa, aite zvakanaka; ngaatsvake rugare, arutevere.” —1 PETRO 3:10, 11.
1. Mashokoi akakurumbira aIsaya ane chokwadi chokuva nebudiriro yechokwadi?
“VACHAPFURA minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.” (Isaya 2:4) Kunyange zvazvo urwu rugwaro rwakakurumbira rwakaratidzirwa pedyo nedzimbahwe renyika reSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose muNew York City, sangano iroro renyika harina kutongoaita kana napaduku pose. Zvisinei, sorutivi rweshoko risingakundikani raJehovha Mwari, ziviso iyoyo haisati ichizova isina migumisiro.—Isaya 55:10, 11.
2. Chii chinofanira “kuitika pamazuva okupedzisira,” maererano naIsaya 2:2, 3?
2 Mashoko anowanwa pana Isaya 2:4 chaizvoizvo rutivi rwouporofita hunoshamisa, uporofita pamusoro porugare rwechokwadi—uye huri kuzadzikwa munguva yedu timene chaiyo. Husati hwazivisa nezvekariro dzinofadza dzokusavazve nehondo nezvombo zvehondo, uporofita hwacho hunoti: “Zvichaitika kuti gomo reimba yaJehovha richasimbiswa pamusoro pamakomo, richakwiridzwa kupfuura zvikomo, marudzi ose achamhanyira kwariri. Vanhu vazhinji vachaendako vachiti: Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye uchatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake; nokuti murayiro uchabva paZioni, shoko raJehovha richabva Jerusarema.”—Isaya 2:2, 3.
Vanhu Vanogona Kuva Vane Rugare
3. Munhu anogona sei kuchinja kubva mukuva anorwa kukuva ane rugare?
3 Cherekedza kuti vanhu vasati vagona varonda rugare, vanofanira kurayiridzwa munzira dzaJehovha. Kugamuchira kwokuteerera kudzidzisa kwaJehovha kunogona kuchinja mafungiro omunhu nemaitiro, kuitira kuti uyo ave achirwa utsinye ave ane rugare. Iyi chinjo inoitwa sei? VaRoma 12:2 inoti: “Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muidze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.” Tinoshandura ndangariro yedu, kana kuti kuisunda munzira yakasiyana, kupfurikidza nokuizadza nenheyo nemirayiro zvinobva muShoko raMwari. Fundo yenguva dzose yeBhaibheri inotibetsera kuita iyi chinjo uye inotigonesa kubvumikisa kwatiri timene kuri kuda kwaJehovha nokuda kwedu, naizvozvo tinogona kuona zvakajeka nzira yatinofanira kufamba nayo.—Pisarema 119:105.
4. Munhu anopfeka sei unhu hutsva hune rugare?
4 Chokwadi cheBhaibheri chinochinja kwete bedzi mafungiro edu asiwo zviito zvedu nounhu. Chinotibetsera kuita izvo muapostora Pauro akakurudzira: “Mubvise munhu wekare, unoodzwa nokuchiva kwokunyengera; . . . muvandudzwe mumweya wokurangarira kwenyu, mufuke munhu mutsva, wakasikwa akafanana naMwari pakururama, noutsvene hwezvokwadi.” (VaEfeso 4:22-24) Simba rinosunda ndangariro riri mukati. Rinochinjwa ndokuva rine simba sezvo kuda kwedu Jehovha nemitemo yake kunokura, uye rinotiita vanhu vomudzimu nevane rugare.
5. “Murayiro mutsva” uyo Jesu akapa vadzidzi vake unobetsera sei rugare pakati pavo?
5 Dikanwo youku kuchinja inooneka mumurayiridzo uyo Jesu akapa vadzidzi vake mukati memaawa ake okupedzisira navo: “Ndinokupai murayiro mutsva, wokuti mudane; sezvandakakudai imi, nemi mudanewo saizvozvo. Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu.” (Johane 13:34, 35) Urwu rudo rwakafanana norwaKristu, rwusina udyire rwunobatanidza vadzidzi pamwe chete muchinzwano chakakwana. (VaKorose 3:14) Avo bedzi vanodisa kugamuchira uye kurarama maererano nouyu “murayiro mutsva” vachafarikanya rugare urwo Mwari anopikira. Kune vanhu vapi nevapi vari kuita izvozvi here nhasi?
6. Nei Zvapupu zvaJehovha zvichifarikanya rugare, mukupesana navanhu venyika?
6 Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuratidza rudo muuhama hwazvo hwomunyika yose. Kunyange zvazvo zvichitorwa mumarudzi ose omunyika, hazvibatanidzwi mumagakava enyika, kunyange apo zvinoiswa mudzvinyiriro yezvematongerwe enyika neyorudzidziso yakakomba. Savanhu vakabatana, zvinodzidziswa naJehovha, uye zvinofarikanya rugare. (Isaya 54:13) Zvinoramba zvisingatori rutivi murwisano dzezvematongerwe enyika, uye hazvitori rutivi muhondo. Zvimwe zvaimbova zvine masimba masimba zvakarega mararamiro iwayo. Zvakava vaKristu vanoda rugare, zvichitevedzera muenzaniso waJesu Kristu. Uye zvinotevera nomwoyo wose zano raPetro: “Uyo, unoda upenyu, nokuona mazuva akanaka, ngaadzore rurimi rwake pane zvakaipa, nemiromo yake, kuti irege kutaura zvinonyengera. Ngaanzvenge zvakaipa, aite zvakanaka; ngaatsvake rugare, arutevere.”—1 Petro 3:10, 11; VaEfeso 4:3.
Avo Vari Kuronda Rugare
7, 8. Ipa mienzaniso yavanhu vakarega hondo ndokuva vatsvaki vorugare rwechokwadi. (Rondedzera vamwe vaunofunga kuti ungava wakarovedzana navo.)
7 Somuenzaniso, pana Rami Oved, aichimbova mukuru mukuru muboka rine unyanzvi rairwisana nemagandanga. Akarovedzwa kuuraya vavengi vake. Aidavira zvakasimba muurudzi hwake hwechiIsraeri kutozosvikira zuva raakawana kuti vanarabhi vakanga vasingadi kuti aroore mukadzi waaida nemhaka bedzi yokuti akanga ari wokuAsia, waMarudzi. Akavamba kutsvaka chokwadi muBhaibheri. Ipapo akaonana neZvapupu zvaJehovha. Fundo yake yeBhaibheri neZvapupu yakamupwisa kuti akanga asingagonizve kuva ane urudzi anonyanyisa. Rudo rwechiKristu rwaireva kurega hondo nezvombo uye kudzidza kuda vanhu vedzinza riri rose. Akashamisika sei apo akagamuchira tsamba yomutsa yaiva namashoko okuvhura aiti, “Hama Yangu Rami”! Chii chakanga chisiri chechienzi kwazvo pamusoro paikoko? Munyori akanga ari Chapupu chokuPalestine. “Ndakafunga kuti ikoko kwaisadavirika,” anodaro Rami, “sezvo vaPalestine vakanga vari vavengi vangu, uye heuno mumwe wavo akanga achindidana kuti ‘Hama Yangu.’” Rami nomudzimai wake zvino vanoronda rugare rwechokwadi munzira yaMwari.
8 Mumwe muenzaniso ndeuyo waGeorg Reuter, uyo akabatira muuto reGermany rakavhozhokera Russia mukati meHondo Yenyika II. Nokukurumidza akaodzwa mwoyo nechirongwa chikuru chaHitler chokudzora nyika. Apo akadzoka achibva kuhondo, akatanga kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Akanyora kuti: “Pakupedzisira, zvinhu zvakanga zvichivamba kuva zvakajeka kwandiri. Ndakaziva kuti Mwari akanga asiriye wokupomera nokuda kwokuteurwa kwose kweropa . . . Ndakaziva kuti rakanga riri donzo rake kutanga paradhiso yapasi rose ine zvikomborero zvisingaperi nokuda kworudzi rwomunhu rwunoteerera. . . . Hitler akanga adada pamusoro po‘Kutonga [kwake] Kwamakore Ane Chiuru’ asi akanga angotonga bedzi kwa[makore] 12—uye nomugumisiro unotyisa zvakadini! NdiKristu panzvimbo paHitler . . . anogona uye achatanga kutonga kwamakore ane chiuru pamusoro papasi.” Kwamakore 50 zvino, Georg ave achibatira somumiriri worugare rwechokwadi muushumiri hwenguva yakazara.
9. Chakaitika cheZvapupu zvaJehovha muNazi Germany chinobvumikisa sei kuti zvakashinga bva zvine rugare?
9 Perero nokusatora rutivi zveZvapupu zvaJehovha muGermany mukati mehurumende yeNazi zvinopfuurira kuva chipupuriro kukuda kwazvo Mwari uye rugare kunyange zvino, anopfuura makore 50 gare gare. Rimwe bhukwana rakabudiswa neUnited States Holocaust Memorial Museum muWashington, D.C., rinoti: “Zvapupu zvaJehovha zvakatsungirira chitambudzo chakakomba muhurumende yeNazi. . . . Kushinga uko voruzhinji vakaratidzira mukuramba [kurega rudzidziso rwavo], pasinei zvapo nokutambudzwa, kubatwa zvisina kufanira mumisasa yavasungwa, uye pane dzimwe nguva kuurawa, kwakavawanira ruremekedzo rwavashori vakawanda vepanguva imwe cheteyo.” Ipapo rinowedzera kuti: “Mukati mokusunungurwa kwemisasa, Zvapupu zvaJehovha zvakapfuuridzira basa razvo, zvichifamba pakati pavapukunyuki, zvichitendeutsa.”
Chinjo Huru Zvikuru
10. (a) Ichinjoi huru inodikanwa kuti rugare rwechokwadi rwuuye? (b) Iyoyi yakaratidzirwa sei mubhuku raDhanieri?
10 Ikoku kunoreva here kuti Zvapupu zvaJehovha zvinodavira kuti zvinogona kuunza rugare kunyika yose kupfurikidza nokutendeutsa vakawanda kuti vadavire mukusatora rutivi kwechiKristu? Aiwa! Kuti rugare rudzorerwe kupasi, chinjo huru zvikuru inodikanwa. Iyoyo chii? Kutonga kwavanhu kunokamura, kwokudzvinyirira, uye kwamasimba masimba kunofanira kutera kukutonga kunoitwa noUmambo hwaMwari, uhwo Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengeterera. (Mateo 6:9, 10) Asi ikoko kuchaitika sei? Muchiroto chakafuridzirwa nenzira yoUmwari, muporofita Dhanieri akaziva kuti mumazuva okupedzisira, Umambo hwaMwari, kufanana nedombo guru ‘rakavezwa kwete namaoko omunhu,’ hwaizoparadza mufananidzo mukuru unomirira kutonga kwezvematongerwe enyika kworudzi rwomunhu papasi. Ipapo akazivisa kuti: “Namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga uchamutsa ushe, hwusingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kune rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo hwuchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:31-44.
11. Jehovha achaparira chinjo inodikanwa nokuda kworugare nomutooi?
11 Nei iyi chinjo huru mumamiriro ezvinhu enyika ichaitika? Nemhaka yokuti Jehovha akapikira kuti achabvisa papasi avo vose vari kurisvibisa nokuriparadza. (Zvakazarurwa 11:18) Iyi chinjo ichaitika pahondo yaJehovha yakarurama mukurwisana naSatani nenyika yake yakaipa. Tinorava pana Zvakazarurwa 16:14, 16 kuti: “Ndiyo [ndiko kuti, kutaura kwakafuridzirwa kusina kuchena] mweya yakaipa inoita zviratidzo; inoenda kumadzimambo enyika yose, [vatongi vezvematongerwe enyika] kuvakokera kukurwa pazuva iro guru raMwari wamasimba ose. Akavaunganidzira panzvimbo inonzi Harmagedhoni nechiHebheru.”
12. Armagedhoni ichava yakaita sei?
12 Armagedhoni ichava yakaita sei? Ichava isiri apocalypse yenyukireya kana kuti ngwavaira inonyandurwa navanhu. Aiwa, ihondo yaMwari yokugumisa hondo dzose dzavanhu ndokuparadza vose vanotsigira hondo dzakadaro. Ihondo yaMwari yokuunza rugare rwechokwadi nokuda kwaavo vanoda rugare. Hungu, Armagedhoni iri kuuya seizvo Jehovha akaronga. Haisati ichizononoka. Muporofita wake Habhakuki akafuridzirwa kunyora kuti: “Zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.” (Habhakuki 2:3) Nemhaka yemirangariro yedu yavanhu, kungaratidzika kuva yanonoka, asi Jehovha anochengeta rudungwe rwake. Armagedhoni icharovanya paawa iyo Jehovha akafanosarudza.
13. Mwari achabata sei neane mhosva chaiyeiye, Satani Dhiyabhorosi?
13 Ichi chiito chakasimba chichachenesa nzira nokuda kworugare rwechokwadi! Asi kuti rugare rwechokwadi rwuvambwe zvakasimba, chimwe chinhu chinofanira kuitwa—kubviswa kwouyo anoparira kukamuka, ruvengo, uye gakava. Uye ndizvo chaizvo izvo uporofita hweBhaibheri huchatevera kuita—kuiswa mugomba rakadzika-dzika kwaSatani, munyanduri wehondo nababa venhema. Muapostora Johane akaona ichi chiitiko muchiono chouporofita, sezvakanyorwa pana Zvakazarurwa 20:1-3 kuti: “Ndakaona mutumwa achiburuka kudenga, ane kiyi yegomba rakadzika-dzika, neketani huru muruoko rwake. Akabata shato, nyoka yakare, ndiye Dhiabhorosi naSatani, akamusunga makore ane gumi ramazana, akamukandira mugomba rakadzika-dzika, akamupfigiramo, akaisa chisimbiso pamusoro pake, kuti arege kuzonyengera marudzi kusvikira makore ane gumi ramazana apera.”
14. Chiito chaJehovha chokukurira mukurwisana naSatani chingarondedzerwa sei?
14 Uku hakusi kufungidzira; chipikirwa chaMwari—uye Bhaibheri rinoti: “Mwari haagoni kureva nhema.” (VaHebheru 6:18) Nokudaro Jehovha aigona kuti kupfurikidza nomuporofita Jeremia: “Ndini Jehovha, unoita unyoro nokururamisira, nokururama panyika; nokuti ndinofarira zvinhu izvi—ndizvo zvinotaura Jehovha.” (Jeremia 9:24) Jehovha anoita mukururamisira nokururama, uye anofadzwa norugare rwaachaunza kupasi.
Kutonga Kunoitwa Nomuchinda Worugare
15, 16. (a) Ndiani anosarudzwa naJehovha kuti atonge saMambo? (b) Utongi ihwohwo hunorondedzerwa sei, uye ndivanaani vachagoverana mahuri?
15 Kuti tive nechokwadi chokuti rugare rwechokwadi rwuchauya kuavo vose vari kurarama mugadziriro yoUmambo hwake, Jehovha akapa utongi kuMuchinda Worugare wechokwadi, Jesu Kristu, sezvakafanotaurwa pana Isaya 9:6, 7: “Takazvarirwa Mwana, takapiwa Mwanakomana; umambo hwuchava pafudzi rake; zita rake richanzi: Unoshamisa, Gota, Mwari une simba, Baba wokusingaperi, Muchinda worugare. Kukura kwoumambo hwake nokworugare hazvina mugumo, . . . Kushingaira kwaJehovha wehondo kuchazviita.” Wezvamapisarema akanyorawo nenzira youporofita nezvokutonga kune rugare kwaMesiya: “Nemisi yake wakarurama uchakura zvakanaka; rugare rwakawanda rwuchavapo, kusvikira mwedzi waguma.”—Pisarema 72:7.
16 Mukuwedzera, hama dzaKristu dzakazodzwa nomudzimu dzine 144 000 dzichava dzichitonga naye mumatenga. Ivava ndivo vadyi venhaka pamwe chete naKristu avo Pauro akanyora nezvavo kuti: “Zvino Mwari worugare uchakurumidza kupwanya Satani pasi petsoka dzenyu. Nyasha dzaShe wedu Jesu ngadzive nemi.” (VaRoma 16:20) Hungu, ivava vachagoverana vari mumatenga mukukunda kwaKristu mukurudziri wehondo, Satani Dhiyabhorosi!
17. Tinofanira kuitei kuti tigare nhaka rugare rwechokwadi?
17 Naizvozvo zvino mubvunzo ndouyu, Unofanira kuitei kuti ugare nhaka rugare rwechokwadi? Rugare rwechokwadi runogona kuuya bedzi munzira yaMwari, uye kuti urwuwane unofanira kuita matanho akananga. Unofanira kugamuchira Muchinda Worugare ndokutendeukira kwaari. Ikoku kunoreva kuti unofanira kugamuchira Kristu mubasa rake soMununuri noMudzikinuri worudzi rwomunhu rwunotadza. Jesu amene akataura mashoko akakurumbira okuti: “Mwari wakada nyika nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu hwusingaperi.” (Johane 3:16) Unodisa kushandisa kutenda muna Kristu Jesu soMumiriri waMwari wokuunza rugare rwechokwadi noruponeso here? Hapana rimwe zita pasi pedenga rinogona kutanga rugare ndokuruvimbisa. (VaFiripi 2:8-11) Nei? Nemhaka yokuti Jesu ndiye Akasarudzwa waMwari. Ndiye nhume hurusa yorugare yati yambofamba pasi pano. Uchateerera Jesu ndokutevera muenzaniso wake here?
18. Tinofanira kuitei mumhinduro kumashoko aJesu akanyorwa pana Johane 17:3?
18 “Upenyu hwusingaperi ndihwo,” akadaro Jesu “kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.” (Johane 17:3) Ino ndiyo nguva yokupinza zivo yakarurama kupfurikidza nokupinda nguva dzose misangano yeZvapupu zvaJehovha paHoro yoUmambo. Iyi misangano inodzidzisa ichakusunda kugoverana zivo yako uye tariro yako navamwe. Iwewo unogona kuva mumiriri worugare rwaMwari. Unogona kufarikanya rugare zvino kupfurikidza nokuvimba naJehovha Mwari, sezvinotaurwa pana Isaya 26:3, maererano neNew International Version: “Ucharamba uri murugare rwakakwana nouyo ane ndangariro yakadzikama, nemhaka yokuti anovimba newe.” Unofanira kuvimba nani? “Vimbai naJehovha nokusingaperi; nokuti muna Jehovha, iye Jehovha, mune dombo risingaperi.”—Isaya 26:4.
19, 20. Chii chakamirira avo nhasi vanotsvaka rugare ndokurwuronda?
19 Tsigira zvino upenyu husingaperi munyika itsva yaMwari ine rugare. Pana Zvakazarurwa 21:3, 4, Shoko raMwari rinotivimbisa kuti: “Tarirai, tabhernakeri yaMwari iri pakati pavanhu, iye uchagara navo, ivo vachava vanhu vake; Mwari amene uchava navo, ave Mwari wavo. Uchapisika misodzi yose pameso avo; rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo; nokuti zvokutanga zvapfuura.” Iyoyo haisi nguva yemberi ine rugare yaunoshuva here?
20 Ipapo yeuka izvo Mwari akapikira. “Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru. Cherekedzai munhu wakakwana, mutarire wakarurama; nokuti kuguma kwomunhu uyo rugare.” (Pisarema 37:11, 37) Apo zuva iroro rinofadza rinosvika, ngatitii nokuonga, “Rugare rwechokwadi pakupedzisira! Nemhaka yaJehovha Mwari, manyuko orugare rwechokwadi!”
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Chii chinogona kubetsera munhu kuita chinjo mukufunga nechiito?
◻ Zvapupu zvaJehovha, somunhu oga uye seboka, zvakaratidzira sei kuda kwazvo rugare rwechokwadi?
◻ Jehovha achabata sei neavo vose vanotsigira ruvengo nehondo?
◻ Kutonga kunoitwa noMuchinda Worugare kuchaitirei rudzi rwomunhu?
[Mifananidzo iri papeji 14]
Mashoko aIsaya anozadzikwa, kwete neUN, asi neavo vanogamuchira kudzidzisa kwaJehovha
[Mifananidzo iri papeji 15]
Ava varume vaviri vakaita chinjo kuti varonde rugare
Rami Oved
Georg Reuter
[Mufananidzo uri papeji 16]
Rugare rwechokwadi rwuchatekeshera mukutonga kwoMuchinda Worugare