Rugare Rwechokwadi—Rwunobva Mumanyukoi?
“[Jehovha] unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika.” —PISAREMA 46:9.
1. Chipikirwai chinoshamisa chorugare chatinowana muuporofita hwaIsaya?
“BASA rokururama richava rugare, zvibereko zvokururama zvichava kunyarara nokutenda nokusingaperi. Vanhu vangu vachagara paugaro hune rugare, napadzimba dzakasimba, napanzvimbo dzokuzorora dzakadzikama.” (Isaya 32:17, 18) Chipikirwa chakaisvonaka zvakadini! Chipikirwa chorugare rwechokwadi rwunoparirwa naMwari.
2, 3. Rondedzera rugare rwechokwadi.
2 Chii, kunyange zvakadaro, chiri rugare rwechokwadi? Kungosavapo kwehondo here? Kana kuti inongovawo zvayo nhambo mukati mayo marudzi anogadzirira nokuda kwehondo inotevera here? Rugare rwechokwadi kungofungidzira chete here? Iyoyo ndiyo mibvunzo yatinoda mhinduro dzakavimbika kwairi. Kutanga, rugare rwechokwadi rwunopfuura zvikuru kufungidzira. Rugare rwaMwari rwakapikirwa rwunopfuura chinhu chipi nechipi icho nyika ino inogona kufungidzira. (Isaya 64:4) Harwusi rugare rwamakore mashomanene kana kuti makumi amakore mashomanene. Rwunogara nokusingaperi! Uye harwusi rugare rwavashoma chete vakaropafadzwa—rwunobatanidza denga nepasi, ngirozi navanhu. Rwunotambanukira kuvanhu vamarudzi ose, mapoka edzinza, mitauro, uye mavara. Harwuna miganhu, harwuna zvinodzivisa, harwukundikani.—Pisarema 72:7, 8; Isaya 48:18.
3 Rugare rwechokwadi rwunoreva rugare zuva riri rose. Rwunoreva kuti unomuka mangwanani mamwe namamwe usingafungi hondo, usingafaniri kunetseka pamusoro penguva yako yemberi, nguva yemberi yavana vako, kunyange nguva yemberi yavazukuru vako. Rwunoreva rugare rwakakwana rwendangariro. (VaKorose 3:15) Rwunoreva kusavazve noutsotsi, kusavazve nemasimba masimba, kusavazve nemhuri dzakakamuka, kusavazve navanhu vasina pokugara, kusavazve navanhu vanoziya nenzara kana kuti vanooma nechando, uye kusavazve nokupera mwoyo nokukangaidzika. Zviri nani zvikuru, rugare rwaMwari rwunoreva nyika isina urwere, marwadzo, kusuruvara, kana kuti rufu. (Zvakazarurwa 21:4) Itariro yakaisvonaka zvakadini yatinayo yokufarikanya rugare rwechokwadi nokusingaperi! Urwu harwusi rudzi rworugare nomufarwa izvo tose zvedu tinopanga here? Urwu harwusi rudzi rworugare rwatinofanira kunyengeterera nokushandira here?
Nhamburiko Dzakakundikana Dzorudzi Rwomunhu
4. Inhamburikoi dzorugare idzo marudzi akaita, uye nemigumisiroi?
4 Kwamazana amakore, vanhu namarudzi vakataura pamusoro porugare, vakakurukura rugare, vakanyorerana mazana ezvibvumirano zvorugare. Chii chave chiri mugumisiro? Mumakore 80 akapfuura, pave pachidokuva pasitongorina nguva apo rudzi rwakati kana kuti boka rave risingarwi. Nenzira yakajeka, rugare rwakanzvenga rudzi rwomunhu. Naizvozvo mubvunzo ndewokuti, Nei nhamburiko dzose dzomunhu dzokutanga rugare rwamarudzi akawanda dzakakundikana, uye nei munhu asingakwanisi kuparira rugare rwechokwadi rwuchagara?
5. Nei nhamburiko dzorudzi rwomunhu dzorugare dzakakundikana nguva dzose?
5 Mhinduro yakapfava ndeyokuti rudzi rwomunhu harwuna kutendeukira kumanyuko akarurama orugare rwechokwadi. Mupesvedzero yaSatani Dhiyabhorosi, vanhu vakatanga masangano anova nyajambwa kuutera hwawo amene ezvakaipa—makaro avo negwinyiro, chishuvo chavo chesimba nechokutanhamara. Vakaenda kuzvikoro zvedzidzo yapamusoro uye vakatanga masangano nemapoka, izvo zvakangofunga bedzi mitoo yakawanda yokudzvinyirira nokuparadza. Vanhu vakatungamirirwa kumanyukoi? Vakatarira kupi?
6, 7. (a) Chinzwano Chamarudzi chakazviitira chimene chinyorwai? (b) Chii chiri chinyorwa cheSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose?
6 Shure muna 1919 marudzi akaisa chivimbo chawo muChinzwano Chamarudzi kuti chitange rugare rwechigarire. Tariro iyoyo yakaparadzwa nokuvhozhokera kwaMussolini Ethiopia muna 1935 uye hondo yavagari vemo vomuSpain kuvamba muna 1936. Chinzwano chacho chakarega kushanda nokutanga kweHondo Yenyika II muna 1939. Rwunonzi rugare rwakanga rwusina kumbogara makore 20.
7 Zvakadiniko neSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose? Rakagovera tariro chaiyoiyo ipi neipi yorugare rwunogara mupasi rose here? Nyangwe. Dzinopfuura hondo 150 nerwisano dzinoshandisa zvombo dzakarwiwa chibviro chokutangwa kwaro muna 1945! Hakushamisi kuti Gwynne Dyer, nyanzvi yokuCanada yehondo namavambo ayo, yakarondedzera UN se“sangano ravanoba mhuka vakashandurwa kuti vave vachengeti vemhuka, kwete gungano ravasande,” uye “musangano usina simba zvikuru.”—Enzanisa naJeremia 6:14; 8:15.
8. Pasinei zvapo nekurukurirano dzawo dzorugare, marudzi ave achiitei? (Isaya 59:8)
8 Pasinei zvapo nokutaura kwawo nezvorugare, marudzi anopfuurira kutanga uye kugadzira zvombo. Nyika dzinotsigira misangano yorugare kazhinji kazhinji ndidzo dzimene dzinotungamirira mukugadzirwa kwezvombo. Betsero dzine simba dzezvemari dziri muidzi nyika dzinotsigira kugadzirwa kwezvombo zvinourayisa, kubatanidza zvimbambaira zvinouraya izvo gore riri rose zvinouraya kana kuti kuremadza vakura navana vasiri varwi vanenge 26 000. Makaro nouipi ndiwo masimba anosunda. Pfumbamuromo nokuita kwamasimba masimba zvinhu zvikuru zvenyika dzakawanda dzinotengesa zvombo. Vamwe vezvamatongerwe enyika vanozvipfumisa vamene nemanyuko aya.
9, 10. Nyanzvi dzenyika dzakatsinhirei pamusoro pehondo nokuedza kwavanhu?
9 Muna December 1995, nyanzvi yephysics uye muhwini weNobel Prize for Peace Joseph Rotblat wokuPoland akakumbira marudzi acho kuti agumise nhangemutange yezvombo. Akati: “Nzira bedzi yokudzivisa nayo [nhangemutange yezvombo itsva] ndeyokuparadza hondo chose chose.” Unofunga kuti ikoku sezvingabvira kuchaitika here? Kubva muna 1928 zvichienda mberi, marudzi 62 akasimbisa Kellogg-Briand Pact, achizivisa hondo senzira yokupedza nayo misiyano. Hondo Yenyika II yakaratidzira zvakajeka kuti chibvumirano chacho chakanga chisingakoshi.
10 Nenzira isingarambwi, hondo yave iri chinodzivisa munhau yorudzi rwomunhu. Seizvo Gwynne Dyer akanyora, “hondo isangano guru mukubudirira kwavanhu, uye ine nhau yakareba chaizvoizvo sokubudirira.” Hungu, kunodokuva kubudirira kuri kwose noumambo zvakava nemagamba azvo ehondo anokudzwa, mauto azvo anopfuurira, hondo dzazvo dzakakurumbira, zvikoro zvazvo zvehondo zvitsvene, uye murwi wazvo wezvombo. Zvisinei, zana redu ramakore rave richiratidzirwa nehondo kupfuura rimwe ripi neripi, mose muri muviri mukuparadza nomukurasikirwa noupenyu.
11. Vatungamiriri venyika vakafuratira chinhui chinokosha mukuronda kwavo rugare?
11 Kuri pachena kuti vatungamiriri venyika vakafuratira uchenjeri hunokosha hwaJeremia 10:23: “Haiwa, Jehovha, ndinoziva kuti nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” Pasina Mwari, hapagoni kuva norugare rwechokwadi. Ikoku kwose kunoreva here, ipapoka, kuti hondo haidzivisiki munzanga yakabudirira? Kunoreva here kuti rugare—rugare rwechokwadi—chiroto chisingabviri?
Kuwana Chisakiso Chikuru
12, 13. (a) Bhaibheri rinozivisei pamusoro pechisakiso chikuru, chisingaoneki chehondo? (b) Satani akabvisa sei ngwariro yorudzi rwomunhu pamushonga chaiwoiwo wezvinetso zvenyika?
12 Kuti tipindure mibvunzo iyoyo, tinofanira kunzwisisa zvisakiso zvehondo. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti ngirozi inopandukira Satani ndiye “muurayi” wapakuvamba no“wenhema” uye kuti “nyika yose igere muna iye wakaipa.” (Johane 8:44; 1 Johane 5:19) Akaitei kuti atsigire gadziriro dzake? Tinorava pana 2 VaKorinte 4:3, 4 kuti: “Zvino kana Evhangeri yedu yakafukidzwa, yakafukidzwa kuna vanorashika; kuna vasingatendi vakapofumadzirwa ndangariro naMwari wenyika ino, kuti varege kuvhenekerwa nechiedza cheEvhangeri yokubwinya kwaKristu, uri mufananidzo waMwari.” Satani anoita chinhu chiri chose chinobvira kuti abvise ngwariro yorudzi rwomunhu kuUmambo hwaMwari somushonga wezvinetso zvenyika. Anopofumadza ndokutsausa vanhu nenhau dzomunzanga dzinokamura, dzezvematongerwe enyika, uye dzorudzidziso, kuitira kuti idzodzi dziratidzike kuva dzinokosha zvikuru kupfuura kutonga kwaMwari. Kukwira kwemisi ichangobva kupfuura iyi kwourudzi hwomunyika yose muenzaniso.
13 Satani Dhiyabhorosi anotsigira urudzi nokutsigira dzinza, kudavira kukosha kworumwe rudzi, dzinza, kana kuti udzi pane mamwe. Ruvengo rukuru urwo rwave rwakadzvinyirirwa kwezviuru zvamakore rwuri kumutsidzirwa kuti rwutsigire hondo dzakawanda nerwisano. Federico Mayor, mutungamiriri weUNESCO, akanyevera nezveichi chimiro chendangariro: “Kunyange uko kushivirira kwaisiva kwakapararira, kutya vaeni kuri kuva pachena zvikuru, uye kuomerera kana kuti kutaura kwourudzi uko kwakanga kwaratidzika kuva chinhu chomunguva yakapfuura kunonzwika kazhinji kazhinji zvikuru.” Chii chave chiri mugumisiro? Kupondwa kwavakawanda kunotyisa muyaichimbova Yugoslavia nokuteurwa kweropa kwedzinza muRwanda zvinongova zviitiko zviviri bedzi zvakadaro zvakasvika pakuva misoro yenhau.
14. Zvakazarurwa 6:4 inoratidzira sei hondo netapuro yayo munguva yedu?
14 Bhaibheri rakafanotaura kuti munguva yokuguma kwetsika ino, bhiza dzvuku, rinofananidzira hondo, raizogagadika mupasi rose. Tinorava pana Zvakazarurwa 6:4 kuti: “Rimwe bhiza rakabuda riri dzvuku; wakanga akaritasva akapiwa simba kuti abvise rugare panyika, kuti vaurayane; akapiwa munondo mukuru.” Chibviro cha1914 takaona uyu mutasvi webhiza wokufananidzira achi“bvis[a] rugare,” uye marudzi akapfuurira kurwa nokutanga hondo.
15, 16. (a) Nderipi rave riri basa rorudzidziso muhondo nokuuraya? (b) Jehovha anorangarira sei izvo marudzidziso akaita?
15 Risingafaniri kufuratirwa ibasa rorudzidziso muidzi hondo nokuurayana. Nhau yorudzi rwomunhu yakazadzwa neropa inogona kunzi yakaparirwa mumwero mukuru zvikuru nepesvedzero inotsausa yorudzidziso rwenhema. Mufundisi weKaturike Hans Küng akanyora kuti: “Hapana kukakavadzana kuti mumashoko asingafadzi, anoparadza [marudzidziso] akaita uye achiri kuita wedzero huru. Kutambura kukuru kwazvo, rwisano dzokuteura ropa, zvirokwazvo ‘hondo dzorudzidziso’ zvinofanira kunzi zvakaparirwa naiwo; . . . uye ikokuwo ndokwechokwadi nezvehondo dzenyika mbiri.
16 Jehovha Mwari anorangarira sei basa rorudzidziso rwenhema mukuuraya nehondo? Kupomera mhaka kwaMwari rudzidziso rwenhema, kwakanyorwa pana Zvakazarurwa 18:5, kunoti: “Zvivi zvaro zvasvika kudenga, Mwari wakarangarira zvisakarurama zvaro.” Kuwirirana kworudzidziso rwenhema navatongi vezvematongerwe enyika venyika kwakaguma nemhaka yeropa yakadaro, zvivi zvakaungana zvakadaro, izvo Mwari sezvinobvira asingagoni kufuratira. Achaparadza chose chose ichi chinodzivisa rugare rwechokwadi.—Zvakazarurwa 18:21.
Nzira Yokurugare
17, 18. (a) Nei kusingori hakwo kufungidzira kusiri chaikoiko kudavira kuti rugare rwusingaperi rwunobvira? (b) Jehovha akatoitei kuti avimbise kuti rugare rwechokwadi rwuchauya?
17 Kana vanhu, kupfurikidza namasangano akadai seSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose, vasingagoni kuparira rugare rwechokwadi norugare rwunogara, rugare rwechokwadi rwuchabva mumanyukoi, uye sei? Kunongova hakwo kufungidzira kusiri chaikoiko kudavira kuti rugare rwusingaperi rwunobvira here? Kwete kana tikatendeukira kumanyuko akarurama orugare. Uye ndiani iyeyo? Pisarema 46:9 inopindura kupfurikidza nokutiudza kuti Jehovha “unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika. Unovhuna uta, nokuvhuna-vhuna pfumo; unopisa ngoro dzokurwa nomoto.” Uye Jehovha akatotanga muitiro wokugumisa hondo ndokutanga rugare rwechokwadi. Sei? Kupfurikidza nokugadza Kristu Jesu pachigaro chake choUmambo chine maruramiro muna 1914 uye kupfurikidza nokutsigira nhimbe hurusa yedzidzo yorugare munhau yorudzi rwomunhu. Mashoko ouporofita aIsaya 54:13 anotivimbisa kuti: “Vana vako vose vachadzidziswa naJehovha, rugare rwavana vako rwuchava rukuru.”
18 Uhwu uporofita hunoratidzira nheyo yechisakiso netapuro—ndiko kuti, tapuro iri yose ine chisakiso chayo. Muchiitiko chino, kudzidzisa kwaJehovha—chisakiso—kunochinja vanhu vanoda hondo kuva vanhu vanoda rugare vane rugare naMwari. Tapuro yacho kuchinja kwomwoyo kunoita vanhu vadi vorugare. Uku kudzidzisa uko kunochinja mwoyo yavanhu nendangariro zvino kwava kutopararira munyika yose sezvo mamiriyoni anotevera muenzaniso wo“Muchinda Worugare,” Jesu Kristu.—Isaya 9:6.
19. Jesu akadzidzisei pamusoro porugare rwechokwadi?
19 Uye Jesu akadzidzisei pamusoro porugare rwechokwadi? Akataura kwete chete nezvorugare pakati pamarudzi asi nezvorugare pakati pavanhu muukama hwavo uye nezvorugare rwomukati rwunobva muhana yakanaka. Pana Johane 14:27, tinorava mashoko aJesu kuvateveri vake: “Ndinokusiyirai rugare; ndinokupai rugare rwangu; handikupiyi sokupa kwenyika. Mwoyo yenyu irege kumanikidzwa, irege kutya.” Rugare rwaJesu rwakanga rwakasiyana sei nourwo rwenyika?
20. Jesu achaunza rugare rwechokwadi nomutooi?
20 Kutanga, rugare rwaJesu rwakanga rwakasanobatana neshoko rake roUmambo. Aiziva kuti hurumende yakarurama yokudenga, inoumbwa naJesu navatongi pamwe chete naye vane 144 000, yaizogumisa hondo navakurudziri vehondo. (Zvakazarurwa 14:1, 3) Aiziva kuti yaizoparira magariro orugare eparadhiso aakapa muiti wezvakaipa akafa ari padivi pake. Jesu haana kumupa nzvimbo muUmambo hwokudenga, asi akati: “Zvirokwazvo, nhasi uchava neni muParadhiso.”—Ruka 23:43.
21, 22. (a) Itariroi yakaisvonaka inotsigira iyo rugare rwechokwadi rwunobatanidza? (b) Tinofanira kuitei kuti tipupurire chikomborero ichocho?
21 Jesu aizivawo kuti Umambo hwake hwaizounza nyaradzo kuvose avo vaichema avo vaitenda maari. Rugare rwake rwunobatanidza tariro yakaisvonaka inosimbisa yorumuko. Yeuka mashoko ake anokurudzira anowanwa pana Johane 5:28, 29: “Musashamiswa naizvozvo; nokuti nguva inouya, nayo vose vari mumahwiro vachanzwa inzwi rake, vachabuda; avo vakaita zvakanaka, kukumuka kwoupenyu, avo vakaita zvakaipa, kukumuka kwokutongwa.”
22 Unokarira nguva iyoyo here? Wakarasikirwa navadiwa murufu here? Unoshuva kuvaona zvakare here? Ipapo gamuchira rugare urwo Jesu anopa. Iva nokutenda kwakaita sokwaMarta, hanzvadzi yaRazaro, uyo akati kuna Jesu: “Ndinoziva kuti uchamukazve pakumuka nezuva rokupedzisira.” Asi cherekedza mhinduro yaJesu inofadza kuna Marta: “Ndini kumuka noupenyu; unotenda kwandiri, kunyange akafa, uchararama. Mumwe nomumwe uri mupenyu, unotenda kwandiri, haangatongofi. Unotenda izvozvo here?”—Johane 11:24-26.
23. Nei zivo yakarurama yeShoko raMwari ichikosha mukuwana rugare rwechokwadi?
23 Iwewo unogona kudavira uye kubetserwa nechipikirwa ichocho. Sei? Kupfurikidza nokuwana zivo yakarurama yeShoko raMwari. Cherekedza nzira iyo muapostora Pauro akasimbisa nayo ukoshi hwezivo yakarurama: “Nesu . . . hatiregi kukunyengetererai, nokukumbira kuti muzadziswe nokuziva kwazvo kuda kwake, pakuchenjera nokunzwisisa kwose kwomweya; kuti mufambe sezvinofanira Ishe, muchimufadza pazvose, muchibereka zvibereko pamabasa ose akanaka, muchikura pakuziva Mwari kwazvo.” (VaKorose 1:9, 10) Iyi zivo yakarurama ichakupwisa kuti Jehovha Mwari ndiye manyuko orugare rwechokwadi. Ichakuudzawo chaunofanira kuita zvino kuti ukumbanire wezvemapisarema mukuti: “Ndichavata pasi norugare, ndibatwe nehope; nokuti ndimi moga Jehovha munondigarisa pakasimba.”—Pisarema 4:8.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Nei nhamburiko dzavanhu dzorugare dzakakundikana nguva dzose?
◻ Chii chiri chisakiso chikuru chehondo?
◻ Nei rugare rwunogara rwusiri kufungidzira kusiri chaikoiko?
◻ Manyuko orugare rwechokwadi chii?
[Mufananidzo uri papeji 8]
Rugare rwechokwadi hakusi kufungidzira. Chipikirwa chaMwari
[Mufananidzo uri papeji 10]
Chibviro cha1914 mutasvi wokufananidzira webhiza dzvuku akabvisa rugare panyika
[Mufananidzo uri papeji 11]
Rudzidziso neUN zvinogona kuunza rugare here?
[Kwazvakatorwa]
Mufananidzo weUN