Kuponeswa—Zvakunoreva Chaizvoizvo
‘WAKAPONESWA here?’ Kakawanda, vaya vanobvunza mubvunzo uyu vanorangarira kuti vakaponeswa nemhaka yokuti vaka‘gamuchira Jesu soMuponesi wavo.’ Bva vamwe vanorangarira kuti kune nzira dzakawanda dzinoenda kuruponeso uye kuti chero bedzi ‘Jesu ari mumwoyo mako,’ hazvina basa kuti unodavirei kana kuti uri wechechi ipi.
Bhaibheri rinotaura kuti kuda kwaMwari kuti “vanhu vose vaponeswe.” (1 Timotio 2:3, 4) Kuponeswa nokudaro kunowanwa navose vachakugamuchira. Asi zvinomborevei chaizvo kuti kuponeswa? Chimwe chinhu chinongoitika kwauri pasina kana nhamburiko yaunoita here?
Shoko rokuti “kuponeswa” rinoreva “kununurwa pangozi kana kuti pakuparadzwa.” Kuponeswa kwechokwadi nokudaro kunobatanidza zvakawanda zvinopfuura kugadzikana kwepfungwa. Zvinoreva kuponeswa pakuparadzwa kwetsika ino yezvinhu uye parufu pacharwo pakupedzisira! Asi Mwari achamboponesa vanaani? Mukupindura, ngatinzverei izvo Jesu Kristu akadzidzisa pamusoro peiyi nhau. Migumisiro yokunzvera kwedu ingangokushamisa.
Ruponeso—Rwunowanwa Mumarudzidziso Ose Here?
Pane chimwe chiitiko, Jesu akakurukura nomumwe mukadzi weSamaria. Kunyange zvazvo aisava muJudha, aibvuma zvakarurama kuti Mesiya aizouya “unonzi Kristu.” (Johane 4:25) Kutenda kwakadaro kwakanga kwakakwana kuti aponeswe here? Aiwa, nokuti Jesu akaudza mukadzi wacho noushingi kuti: “Munonamata chamusingazivi.” Jesu aiziva kuti kudai mukadzi uyu akanga achizoponeswa, aizofanira kugadzirisa manamatire ake. Naizvozvo Jesu akatsanangura kuti: “Asi nguva inouya, nazvino yatovapo, yokuti vanonamata nezvokwadi vachanamata Baba mumweya nezvokwadi; nokuti Baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata.”—Johane 4:22, 23.
Chimwe chiitiko icho Jesu akazivisa maonere aaiita ruponeso chaibatanidza vaFarise, sekete rakatanhamara rechiJudha. VaFarise vakanga vavaka imwe tsika yokunamata uye vaidavira kuti yaitenderwa naMwari. Asi teerera mashoko aJesu kuvaFarise: “Imi vanyengeri! Isaya akataura chokwadi paakaporofita pamusoro penyu: ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure neni. Vanondinamata pasina maturo; dzidziso dzavo dzinongova chete mitemo inodzidziswa navanhu.’”—Mateo 15:7-9, New International Version.
Asi zvakadini namapoka akawanda orudzidziso anotaura nhasi kuti anodavira Kristu? Jesu aizotaura kuti ose mitoo yakarurama yokuwana nayo ruponeso here? Hatifaniri kufungidzira nhau iyi, nokuti Jesu akati nenzira yakajeka: “Havazi vose vanoti kwandiri, Ishe, Ishe, vachapinda muushe hwokudenga; asi unoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga. Vazhinji vachati kwandiri nezuva iro: Ishe, Ishe, hatina kuporofita muzita renyu here? Nokudzinga mweya yakaipa muzita renyu here? Nokuita mabasa esimba mazhinji muzita renyu here? Zvino ndichavaudza pachena: Handina kutongokuzivai; ibvai kwandiri, imi vaiti vokusarurama.”—Mateo 7:21-23.
Kuziva Jesu Zvakarurama Kunokosha Nokuda Kworuponeso
Aya mashoko aJesu anoreva zvinhu zvinoda kuti tifungisise. Anoratidzira kuti vanhu vakawanda vakazvipira vari kukundikana ‘kuita kuda kwaMwari.’ Ipapo, munhu anogona sei kuwana ruponeso rwechokwadi? Timotio Wokutanga 2:3, 4 inopindura kuti: “[Mwari] anoda kuti vanhu vose vaponeswe ndokuziva chokwadi zvakarurama.”—Enzanisa naVaKorose 1:9, 10, NW.
Zivo yakadaro inokosha kuti tiwane ruponeso. Apo muchengeti wetorongo weRoma akabvunza muapostora Pauro neshamwari yake, Sirasi kuti, “Ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?” vakapindura kuti: “Tenda kunaShe Jesu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako.” (Mabasa 16:30, 31) Izvozvo zvakareva here kuti muchengeti wetorongo nemhuri yake vaingofanira chete kuva nomurangariro wakati mumwoyo yavo? Aiwa, nemhaka yokuti vaisagona ku“tenda kunaShe Jesu” kutoti vakanga vane nzwisiso yakati yokuti Jesu aiva ani, zvaakaita, uye zvaakadzidzisa.
Somuenzaniso, Jesu akadzidzisa kugadzwa kwoumambo hwokudenga—“ushe hwaMwari.” (Ruka 4:43) Akagadzawo nheyo dzetsika dzechiKristu nomufambiro. (Mateo, maganhuro 5-7) Akaronga basa raizoitwa navadzidzi vake pamusoro penhau dzezvamatongerwe enyika. (Johane 15:19) Akatanga gadziriro yokudzidzisa yepasi rose ndokutuma vateveri vake kugoverana mairi. (Mateo 24:14; Mabasa 1:8) Hongu, ‘kudavira Jesu’ kwaireva kunzwisisa zvinhu zvakawanda! Hazvishamisi, ipapo, kuti Pauro naSirasi “vakaparidza shoko raMwari [kumuchengeti wetorongo] navose vaiva mumba make” vatendi vatsva ava vasati vabhabhatidzwa.—Mabasa 16:32, 33.
Kuziva Mwari Zvakarurama Kunokoshawo
Rutivi runokosha rwokudavira Jesu zvechokwadi runobatanidza kunamata Mwari anonamatwa naJesu pachake. Jesu akanyengetera kuti: “Upenyu husingaperi ndihwo, kuti vakuzivei imi, Mwari uri woga wazvokwadi, naJesu Kristu, wamakatuma.”—Johane 17:3.
Mukati moushumiri hwake hwapasi, Mwanakomana waMwari nguva dzose ainangidzira ngwariro kuna Baba vake uye kwete kwaari iye. Haana kumbotaura kuti aiva Mwari Wamasimba Ose. (Johane 12:49, 50) Pazviitiko zvakawanda Jesu akajekesa nzvimbo yake mugadziriro yaMwari kupfurikidza nokutaura kuti akanga ari muduku kuna Baba vake. (Ruka 22:41, 42; Johane 5:19) Chokwadi, Jesu akazivisa kuti: “Baba vakuru kwandiri.” (Johane 14:28) Chechi yako yakakudzidzisa ukama hwechokwadi huri pakati paMwari naKristu here? Kana kuti wakaitwa kuti udavire kuti Jesu pachake ndiMwari Wamasimba Ose here? Kuponeswa kwako kunotsamira pakuva nenzwisiso yakarurama.
MuMunyengetero waShe, Jesu akakurudzira vadzidzi vake kunyengetera kuti: “Zita renyu ngarikudzwe noutsvene.” (Mateo 6:9) Shanduro dzakawanda dzeBhaibheri dzakabvisa zita raMwari, dzichirishandura kuti “Ishe.” Asi mumakopi akare e“Testamende Yekare,” zita raMwari raioneka kanopfuura zviuru zvitanhatu! Nokudaro Pisarema 83:18 rinoti: “Vazive kuti imi moga, imi mune zita rinonzi Jehovha, ndimi Wokumusoro-soro kumusoro kwapasi pose.” (Kutsveyamisa mashoko ndokwedu) Wakadzidziswa kushandisa zita raMwari, Jehovha here? Kana usina, kuponeswa kwako kuri mungozi, nokuti “aninaani unodana zita raShe uchaponeswa”!—Mabasa 2:21; enzanisa naJoere 2:32.
Nomudzimu Nechokwadi
Jesu Kristu akanangidzirawo ngwariro kuShoko raMwari, Bhaibheri. Pakutsanangura kuona kunoita Mwari dzimwe nhau, aiwanzoti: “Kwakanyorwa kuchinzi.” (Mateo 4:4, 7, 10; 11:10; 21:13) Usiku asati afa, Jesu akanyengeterera vadzidzi vake kuti: “Muvaite vatsvene muzvokwadi; shoko renyu izvokwadi.”—Johane 17:17.
Kunzwisisa dzidziso dzeShoko raMwari, Bhaibheri, nokudaro chimwewo chinodikanwa choruponeso. (2 Timotio 3:16) Bhaibheri bedzi ndiro rinopindura mibvunzo yakadai sokuti: “Revo youpenyu ndeipi? Nei Mwari akabvumira uipi kupfuurira kwenguva refu yakadai? Chii chinoitika kumunhu paanofa? Mwari anotambudza vanhu muhero yemoto chaizvoizvo here? Mwari anoda kuitei nepasi?a Munhu haagoni kunamata Mwari zvakarurama asinganzwisisi zvakarurama nhau idzodzo, nokuti Jesu akati: “Vanonamata nezvokwadi vachanamata Baba mumweya nezvokwadi.”—Johane 4:23.
Kutenda Kunosunda Kuita Chiito
Kuponeswa kunobatanidza zvinopfuura kungowana chete mashoko. Mumwoyo unogamuchira, zivo yakarurama yaMwari inobudisa kutenda. (VaRoma 10:10, 17; VaHebheru 11:6) Kutenda kwakadaro kunosunda munhu kuita chiito. Somuenzaniso, Bhaibheri rinokurudzira kuti: “Naizvozvo tendeukai, mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokusimbiswa dzinobva kunaShe, dzisvike.”—Mabasa 3:19.
Hongu, kuponeswa kunobatanidzawo kuzvibvumirananisa nemipimo yaMwari yemufambiro netsika. Mupesvedzero inoshandura yeShoko raMwari, miitiro yakare yokunyepa nokunyengera inotsiviwa nokutendeseka nokutaura chokwadi. (Tito 2:10) Miitiro younzenza, yakadai soungochani, upombwe, uye ufeve, inoregwa ndokutsiviwa nomufambiro wakachena wetsika. (1 VaKorinte 6:9-11) Uku hakusi kurega kwechinguvana kunokonzerwa nepfungwa asi kuchinja kwechigarire kunobva pakufunda kwokungwarira nokushandisa Shoko raMwari.—VaEfeso 4:22-24.
Mukufamba kwenguva, rudo nokuonga Mwari zvinosunda munhu ane mwoyo wakatendeseka kuzvitsaurira zvakakwana kuna Mwari ndokuzviratidza nokubhabhatidzwa mumvura. (Mateo 28:19, 20, VaRoma 12:1) VaKristu vakabhabhatidzwa vanoponeswa mumeso aMwari. (1 Petro 3:21) Mukati moruparadziko rwunouya rwenyika ino yakaipa, Mwari achavaponesa zvakakwana kupfurikidza nokuvachengeta mudambudziko iroro.—Zvakazarurwa 7:9, 14.
Zvinogona Kureva Ruponeso Kwauri
Zvakajeka kubva muiyi rondedzero pfupi kuti kuwana ruponeso kunobatanidza zvinopfuura ‘kuva naIshe Jesu mumwoyo mako.’ Zvinoreva kupinza zivo yakarurama yaJehovha Mwari naJesu Kristu uye kuita chinjo dzinodiwa muupenyu. Kuita izvozvi kunganzwika sokwakaoma, asi Zvapupu zvaJehovha zvinodisa kukubatsira kuita izvozvi. Kupfurikidza nefundo yeBhaibheri yapachena yapamusha, zvinogona kukubatsira kuvamba kufamba mugwara roruponeso rwechokwadi.b
Nemhaka yokuva pedyo kwezuva rinouya raMwari rorutongeso, kuita kudaro ndekwekurumidziro zvikuru kupfuura nakare kose! Zvino inguva yokuteerera mashoko omuporofita anoti: “Chirevo chisati chabereka, zuva risati rapfuura sehundi, kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rokutsamwa kwaJehovha risati rauya pamusoro penyu. Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro venyika, imi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.”—Zefania 2:2, 3.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwekukurukurwa kwenhau idzodzi, tapota ona Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi, rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
b Kana ungada kufunda Bhaibheri pachena pamusha, tapota onana neungano yomunzvimbo maunogara yeZvapupu zvaJehovha. Kana kuti unganyorera vabudisi vemagazini ino.
[Bhokisi riri papeji 6]
KUPONESWA KUNOBVA MU. . .
◻ Kuwana zivo yakarurama yaMwari naJesu.—Johane 17:3.
◻ Kutenda.—VaRoma 10:17; VaHebheru 11:6.
◻ Kupfidza ndokutendeuka.—Mabasa 3:19; VaEfeso 4:22-24.
◻ Tsauriro norubhabhatidzo.—Mateo 16:24; 28:19, 20.
◻ Kuramba uchiparidza pachena.—Mateo 24:14; VaRoma 10:10.
[Mifananidzo iri papeji 7]
Kufunda Bhaibheri, kushandisa zvadzidzwa, kuzvitsaurira, uye kubhabhatidzwa matanho anotungamirira kuruponeso