Ngwarira Vadzidzisi Venhema!
“Vachavapo pakati penyuwo vadzidzisi venhema.”—2 PETRO 2:1.
1. Judhasi akanga amboda kunyora nezvei, uye nei akachinja nhau yake?
CHINHU chinokatyamadza zvakadini! Vadzidzisi venhema muungano yechiKristu yomuzana ramakore rokutanga! (Mateo 7:15; Mabasa 20:29, 30) Munun’una waJesu Judhasi aiziva nezveizvi. Akataura kuti akanga amboda kunyorera vamwe vatendi “pamusoro pokuponeswa kwedu tose,” asi akatsanangura kuti: “ndakaona kuti ndinofanira kukunyorerai, ndichikurayirai kuti murwire kwazvo kutenda.” Nei Judhasi akachinja nhau yake yaaida kunyora? Nemhaka yokuti, akadaro, “vamwe varume vakapinda [muungano] . . . vanoshandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita utere.”—Judhasi 3, 4.
2. Nei 2 Petro ganhuro 2 naJudhasi zvakafanana kwazvo?
2 Sezviri pachena, Judhasi akanyora nguva pfupi zvikuru pashure pokunge Petro anyora tsamba yake yechipiri. Judhasi pasina mubvunzo aiva akarovedzana netsamba iyi. Zvirokwazvo, akataura mifungo yakawanda mutsamba yake yakasimba yekurudziro. Naizvozvo, sezvatinonzvera 2 Petro ganhuro 2, tichaona kufanana kwayakaita netsamba yaJudhasi.
Migumisiro Yedzidziso Dzenhema
3. Chii chakaitika munguva dzakapfuura chakanzi naPetro chichaitika zvakare?
3 Pashure pokunge Petro akurudzira hama dzake kuteerera uporofita, anoti: “Asi kwakanga kune vaporofita venhema pakati pavanhu [muna Israeri wakare], sezvavachavapo pakati penyuwo vadzidzisi venhema.” (2 Petro 1:14–2:1) Vanhu vaMwari munguva dzakare vakagamuchira uporofita hwechokwadi, asi vaifanirawo kurwisana nedzidziso dzakaipa dzevaporofita venhema. (Jeremia 6:13, 14; 28:1-3, 15) “Kuvaporofita veJerusarema,” akanyora kudaro Jeremia, “ndakaonawo chinhu chinonyangadza: vanoita upombwe, nokufamba nenhema.”—Jeremia 23:14.
4. Nei vadzidzisi venhema vachifanirwa nokuparadzwa?
4 Achirondedzera zvaizoitwa navadzidzisi venhema muungano yechiKristu, Petro anoti: “Vachapinza pakavanda dzidziso dzakatsauka dzinoparadza, vachiramba naiye [Jesu Kristu] wakavatenga, vachizviwisira kuparadzwa kunokurumidza.” (2 Petro 2:1; Judhasi 4) Mugumisiro wokupedzisira wokuita mapoka-mapoka kwakadaro kwemuzana ramakore rokutanga chiKristudhomu sezvatinochiziva nhasi. Petro anoratidza chikonzero nei vadzidzisi venhema vachifanira kuparadzwa: “Vazhinji vachatevera utere hwavo; nokuda kwavo nzira yezvokwadi ichazvidzwa.”—2 Petro 2:2.
5. Vadzidzisi venhema vakanga vane mhaka yei?
5 Pafunge! Nemhaka yepesvedzero yevadzidzisi venhema, vazhinji vari muungano vaisazozvibata. Shoko rechiGiriki rinoshandurwa kuti “utere” rinoreva kuita zvisiri pamutemo, kusadzikama, vatano isina kuchena, uye mufambiro unonyadzisa. Petro akambotaura kuti vaKristu vakanga va“tiza kuora kuri panyika nokuchiva.” (2 Petro 1:4) Asi vamwe vakanga vachizodzokera kunoita zvakaipa, uye vadzidzisi venhema vaiva muungano ndivo vaikonzera izvozvi zvikuru! Nokudaro nzira yechokwadi yaizokanganisika. Zvinosuruvarisa sei! Nenzira inofadza, inhau iyo Zvapupu zvaJehovha zvose zvinofanira kufunga nezvayo. Hatimbofaniri kukanganwa kuti, zvichitsamira nemufambire wedu, tinogona kurumbidza Jehovha Mwari navanhu vake kana kuti kuvazvidzisa.—Zvirevo 27:11; VaRoma 2:24.
Kutanga Dzidziso Dzenhema
6. Chii chinokurudzira vadzidzisi venhema, uye vanotsvaka sei kuwana zvavanoda?
6 Nouchenjeri, tinoona nzira iyo vadzidzisi venhema vakatanga mafungire avo akashata. Petro anotanga kutaura kuti vanozviita chinyararire, kana kuti zvisingaoneki. Anowedzera kuti: “Vachakunyengerai namashoko amano mano.” Zvishuvo zveundingoveni zvinosunda vadzidzisi venhema, sezvinosimbiswa nokushandurwa kuri muThe Jerusalem Bible: “Vachaedza nokudisa kuti vakutengei nokutaura kwokunyengera.” Nenzira yakafanana, shanduro yaJames Moffat pano inoti: “Nokuda kwokuchiva kwavo vachakushandisai nokutaura kwavo kwemano mano.” (2 Petro 2:1, 3) Kutaura kwevadzidzisi venhema kungaratidzika kuve kunofadza kumunhu asina kumuka mumudzimu, asi mashoko avo akagadzirirwa nokungwarira ku“tenga” vanhu, kuvanyengera kuti vaite madonzo oudyire avanyengeri.
7. Uzivii hwakakurumbira muzana ramakore rokutanga?
7 Pasina mubvunzo, vadzidzisi venhema vezana ramakore rokutanga vakapesvedzerwa nemafungire enyika enguva iyoyo. Panenge panguva yokunyora kwaPetro, uzivi hwainzi chiGnostic hwakanga huchikurumbira. VaGnostic vaidavira kuti zvinhu zvose zvakaipa uye zvine chokuita nomudzimu bedzi ndizvo zvakanaka. Nokudaro, vamwe vavo vakataura kuti hazvina basa kuti munhu anoitei nomuviri wake. Pashure penguva yakati, vakataura kuti, munhu aisagona kuva nomuviri wake. Naizvozvo, vakagumisa kuti, zvivi zvemuviri—kubatanidza zvevatano—hazvikoshi. Sezviri pachena, mirangariro yakadaro yakavamba kupesvedzera vamwe vaitaura kuti vaKristu.
8, 9. (a) Kurangarirai kusina kururama kwakakanganisa vamwe vaKristu vapakuvamba? (b) Maererano naJudhasi, vamwe vaiva muungano vaiitei?
8 Imwe nyanzvi yeBhaibheri yakataura kuti “kwaiva nevamwe vaiva muChechi vaitsausa dzidziso yaMwari,” kana kuti “nyasha.” (VaEfeso 1:5-7) Maererano naye, kutaura kwavamwe kwaiva kwokuti: “Unotaura kuti [mutsa usakafanirwa] waMwari wakakwana zvokufukidza chivi chose here? . . . Saka ngatitadzei, nokuti [mutsa usakafanirwa] waMwari unogona kupedza chivi chose. Kutaura idi kana tikaramba tichitadza tichaita kuti [mutsa usakafanirwa] waMwari usashande.” Wati wambonzwa kumwe kufunga kwakaipa kunopfuura ikoku here?
9 Muapostora Pauro akarwisana nokufunga kwakaipa pamusoro pengoni dzaMwari apo akabvunza kuti: “Torambira muzvivi kuti nyasha dziwande here?” Akabvunzawo kuti: “Titadze, nokuti hatizi pasi pomurayiro here, asi penyasha?” Kumubvunzo wose Pauro akapindura zvakasimba kuti: “Haisva!” (VaRoma 6:1, 2, 15) Nenzira yakajeka, sokutaura kunoita Judhasi, vamwe vakanga vachi“shandura nyasha dzaMwari wedu vachidziita utere.” Zvisinei, Petro anotaura kuti nokuda kwavakadaro ‘kuparadzwa hakusi kure.’—Judhasi 4; 2 Petro 2:3.
Mienzaniso Yenyevero
10, 11. Mienzanisoi mitatu yokunyevera iyo Petro anogovera?
10 Kuti tisimbise kuti Mwari achaita chiito achirwisana nevaiti vezvakaipa vamaune, Petro anogovera mienzaniso yenyevero mitatu yomuMagwaro. Kutanga, anonyora kuti: “Mwari [haa]na kurega vatumwa vakatadza.” Ivava, Judhasi anoti, “vasina kuchengeta ukuru hwavo” mudenga. Vakauya pano pasi Mafashamo asati aitika ndokutora miviri yenyama kuitira kuti vasangane nevanasikana vavanhu. Sechirango chomufambiro wavo usina kururama, usiri womuzvarirwo, vakakandirwa mu“Tartaro,” kana kuti sekutaura kunoita nhoroondo yaJudhasi, vaka“chengetwa muzvisungo zvisingaperi pasi perima guru kusvikira pakutongwa kwezuva guru.”—2 Petro 2:4; Judhasi 6; Genesi 6:1-3.
11 Tevere, Petro anonongedzera kuvanhu vomuzuva raNoa. (Genesi 7:17-24) Anotaura kuti munguva yaNoa Mwari “[haana ku]regawo nyika yekare . . . nguva yaakauyisa mvura zhinji panyika yavanhu vakanga vasingadi Mwari.” Pakupedzisira, Petro anonyora kuti Mwari akagadza “chiratidzo kuna ivo vachagara vasingadi Mwari” kupfurikidza noku“shandura maguta eSodhoma neGomora akaaita madota.” Judhasi anopa mamwe mashoko okuwedzera okuti vanhu ivavo “[v]akazvipa kwazvo saivo kuupombwe nokutevera imwe nyama.” (2 Petro 2:5, 6; Judhasi 7) Varume havana bedzi kungosangana zvisiri pamutemo navakadzi asi vakashuva vamwe varume, sezvinobvira kunyange mhuka.—Genesi 19:4, 5; Revhitiko 18:22-25.
12. Maererano naPetro, mufambiro wakarurama unotuswa sei?
12 Bva, panguva imwe cheteyo, Petro anotaura kuti Jehovha anotusa vose vanomubatira nokutendeka. Somuenzaniso, anorondedzera nzira iyo Mwari “akaponesa [nayo] Noa muparidzi wokururama pamwe chete navamwe vanomwe” paakaunza Boporodzi. Anotaurawo nezvekununura kwaJehovha “Roti, wakanga akarurama” munguva yeSodhoma, achigumisa kuti: “Ishe unoziva kusunungura pamiidzo vanonamata Mwari, nokuchengeta vasakarurama vave pakurohwa kusvikira pazuva rokutongwa.”—2 Petro 2:5, 7-9.
Zviito Zvakafanirwa Nechirango
13. Ndivanaani zvikurukuru vakachengeterwa kutongwa, uye vanofunga nezvei?
13 Petro anonongedzera kuavo vakachengeterwa rutongeso rwaMwari, vaya, “vanofamba nomutoo wenyama pakuchiva kunosvibisa nokuzvidza ukuru.” Tinogona kutonzwa kutsamwa kwaPetro sezvaanoti: “Vanotsunga, vachiita nokuda kwavo, vasingatyi kutuka avo vanokubwinya.” Judhasi anonyora kuti “vanhu ava, pakutaura kwavo vanosvibisa nyama . . . nokutuka avo vanokubwinya.” (2 Petro 2:10; Judhasi 8) Kurota kwavo kungabatanidza zvishuvo zvisina kururama zvevatano izvo zvinokurudzira kuronda kwavo kugutsikana nevatano kwounzenza. Kunyange zvakadaro, “vanozvidza ukuru” no“kutuka avo vanokubwinya” sei?
14. Vadzidzisi venhema “vanozvidza ukuru” uye “kutuka avo vane kubwinya” mupfungwai?
14 Vanoita kudaro nokuti vanozvidza chiremera chakagadzwa naMwari. Vakuru vechiKristu vanomirira Jehovha Mwari ane mbiri neMwanakomana wake uye, somugumisiro, vane mbiri yakaiswa pavari. Chokwadi vanokanganisa, sezvakaita Petro pachake, asi Magwaro anokurudzira mitezo yeungano kuzviisa pasi pevane mbiri vakadaro. (VaHebheru 13:17) Kukanganisa kwavo hakusi chikonzero chokuti tivatuke. Petro anotaura kuti ngirozi hadzina “mhosva yokuvapomera [vadzidzisi venhema] nayo.” “Asi ava,” Petro anopfuurira kudaro, “vakaita semhuka dzisina murangariro, dzakaberekwa kuti dzibatwe, dziparadzwe, naivo vachaparadzwa pakuora kwavo.”—2 Petro 2:10-13.
“Vachidya Nemi”
15. Vadzidzisi venhema vanoshandisa mitooi, uye vanoedza kunyengera vari kupi?
15 Kunyange zvazvo ava varume vakaipa vachiti “kutamba masikati ndizvo zvinofadza” uye “makwapa namavara,” vanonyengerawo. Vanoita “pakavanda,” vachishandisa “mashoko amanomano,” sezvakambotaurwa naPetro. (2 Petro 2:1, 3, 13) Nokudaro havangadenhe zvinooneka nhamburiko dzavakuru dzokutsigira mipimo yaMwari yetsika kana kuti kutsvaka kuzvigutsa kwavo muvatano pachena. Panzvimbo pezvo, Petro anotaura kuti vano“fara nokunyengera kwavo kana vachidya nemi.” Uye Judhasi anonyora kuti: “Vanhu ava mabwe akavanzika pamitambo yenyu yorudo.” (Judhasi 12) Hongu, sezvinongoita matombo ari pasi pemvura ayo anogona kuparadza pasi peigwa, achikonzera kuti vari mugwa vanyure, vadzidzisi venhema vakanga vari kushatisa vasina kungwarira vavainyepedzera kuda mukati me“mitambo . . . yorudo.”
16. (a) “Mitambo . . . yorudo” yaiva chii, uye vanoita unzenza vangashandira kupi nhasi? (b) Vadzidzisi venhema vanofunga nezvevanaani uye ivavo vanofanira kuitei?
16 Iyi “mitambo . . . yorudo” sezviri pachena dzaiva nhambo dzokutandara apo vaKristu vomuzana rokutanga ramakore vaiungana kuti vafare vachidya noushamwari. Zvapupu zvaJehovhawo nhasi pane dzimwe nguva zvinoungana zvichitandara, zvichida pamichato, mapikiniki, kana kuti kuungana kwamanheru. Vanhu vakaipa vaigona sei kushandisa zviitiko zvakadaro kunyengedza vamwe? Petro anonyora kuti: “Vanameso azere noupombwe . . . , vanonyengera vanhu vasina simba.” “Mwoyo [wavo] wakadzidziswa kuchiva” unofarira vasina kusimba mumudzimu avo vakakundikana kuita kuti chokwadi chive chavo zvizere. Naizvozvo fanonyeverwa nezvakaitika muzuva raPetro, uye ngwarira! Dzivisa zvinhu zvakashata, uye usanyengerwa norunako kana kuti chitarisiko chomumwe munhu anoda kuita unzenza!—2 Petro 2:14.
“Nzira yaBharami”
17. “Nzira yaBharami” yaiva chii uye yakakanganisa sei vaIsraeri 24 000?
17 Ava “vokutukwa” vakaziva chokwadi kwenguva yakati. Vangave vachioneka sevachiri kushingaira muungano. Asi Petro anoti: “Vakasiya nzira yakarurama, vakatsauka, vakatevera nzira yaBharami, mwanakomana waBheori, wakada mubayiro wokusarurama.” (2 Petro 2:14, 15) Nzira yomuporofita Bharami yaiva yokukurudzira kuita unzenza nokuda kwokuzvibatsira kwake iye. Akaudza Mambo Bharaki weMoabhi kuti Mwari aizotuka Israeri kana vanhu vakanyengerwa kuita ufeve. Somugumisiro, vanhu vaMwari vakawanda vakanyengerwa nevakadzi vaMoabhi, uye 24 000 vakaurawa nokuda kwomufambiro wavo wounzenza.—Numeri 25:1-9; 31:15, 16; Zvakazarurwa 2:14.
18. Bharami aitsungirira zvakadini, uye mugumisiro wacho unodzidzisei vadzidzisi venhema?
18 Petro anotaura kuti Bharami akamiswa apo mbongoro yake yakataura naye, bva Bharami “akada mubayiro wokusarurama” zvikuru zvokuti apo izvozvo zvakaitika haana kurega “kupenga” kwake. (2 Petro 2:15, 16) Akanga akaipa zvakadini! Vane nhamo vanhu vakaita saBharami vanoedza kushatisa vanhu vaMwari kupfurikidza nokuvaedza kuti vaite unzenza! Bharami akafira ushati hwake, zvichiratidzira zvichaitika kune vose vanotevera nzira yake.—Numeri 31:8.
Kunyengera Kwavo Kwoudhiyabhorosi
19, 20. (a) Vanhu vakaita saBharami vanoenzaniswa nechii, uye nei? (b) Vanonyengera ani, uye sei? (c) Nei tichigona kutaura kuti kunyengera kwavo ndekwoudhiyabhorosi, uye tinogona sei kuzvidzivirira isu pamwe chete nevamwe?
19 Achirondedzera vanhu vakaita saBharami, Petro anonyora kuti: “Ivava matsime [kana kuti, zvitubu] asina mvura, mhute [kana kuti, makore] inodzingwa nemhepo.” Kumufambi ane nyota ari murenje, tsime rakaoma ringareva rufu. Hazvishamisi kuti vanoita zvinhu zvakadaro “vakachengetererwa kusviba kwerima”! “Nokuti nokutaura kwavo mashoko mazhinji okuzvikudza asina maturo,” Petro anopfuurira, “vanonyengera pakuchiva kwenyama noutere, avo vachangotiza vachibva kuna vanogara pakutsauka.” Vanonyengera vasina ruzivo rwokuzviwanira kupfurikidza noku“vapikira kusunungurwa,” Petro anodaro, “nyamba ivo vamene varanda vokuora.”—2 Petro 2:17-19; VaGaratia 5:13.
20 Kunyengera kwevadzidzisi vakaipa vakadaro ndekwoudhiyabhorosi. Vangati, somuenzaniso: ‘Mwari anoziva kuti hatina simba uye tinokurirwa nechishuvo chevatano. Naizvozvo kana tikagutsa zvishuvo zvedu zvevatano, Mwari achatinzwira nyasha. Kana tikareurura chivi chedu, achatikanganwira sezvaakangoita patakatanga kupinda muchokwadi.’ Yeuka kuti Dhiyabhorosi akashandisa mutoo wakada kuti fananei kuna Evha, achimuvimbisa kuti aigona kutadzira Mwari pasina anomuranga. Muchakaitika chaEvha, akataura kuti kutadzira Mwari kwaizomufadza ndokumupa rusununguko. (Genesi 3:4, 5) Kana tikasangana nemunhu akaipa kudaro ari muungano, tine musengwa wokuzvidzivirira pamwe chete navamwe kupfurikidza nokushuma munhu wacho kuvanhu vane mutoro vari muungano yechiKristu.—Revhitiko 5:1.
Kudzivirirwa Nezivo Yakarurama
21-23. (a) Migumisiro yekukundikana kushandisa zivo yakarurama ndeipi? (b) Ndechipi chimwe chinetso icho Petro anokurukura chicharangarirwa?
21 Petro anogumisa chikamu ichi chetsamba yake kupfurikidza nokurondedzera migumisiro yekukundikana kushandisa zivo yaakambotaura kuti inokosha “paupenyu napakunamata Mwari.” (2 Petro 1:2, 3, 8) Anonyora kuti: “Nokuti ivo, kana nenzira yokuziva Ishe [zvakarurama, NW], Muponesi Jesu Kristu, vambotiza havo zvinosvibisa zvenyika, kana vakabatwa nokukundwazve nazvo, kuguma kwavo kwaipa kupfuura kutanga kwavo.” (2 Petro 2:20, kutsveyamisa mashoko ndokwedu.) Zvinosuruvarisa sei! Vanhu vakadaro vaiva muzuva raPetro vakanga varasa tariro inokosha youpenyu hwokusafa mudenga nokuda kwenguva pfupi yokugutswa nevatano.
22 Naizvozvo Petro anoti: “Nokuti zvaiva nani kwavari kana vasaiziva nzira yokururama, pakuti vadzoke pamurayiro mutsvene wavakapiwa, wavakanga vambouziva havo. Zvinorehwa neshumo yazvokwadi ndizvo zvakaitwa kwavari, zvinoti: Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo, nenguruve yakanga yashambidzwa, kukuumburuka mumatope.”—2 Petro 2:21, 22; Zvirevo 26:11.
23 Chimwe chinetso sezviri pachena chakanga chavamba kukanganisa vaKristu vapakuvamba chakanga chakafanana nechinokanganisa vamwe nhasi. Kare ikako, vamwe sezviri pachena vakanga vachitsutsumwa pamusoro pekuvapo kwaKristu kwakapikirwa kwaiita sokunonoka. Ngatinzverei kuti Petro anotaura sei nhau iyi.
Unoyeuka Here?
◻ Mienzanisoi mitatu yokunyevera inotaurwa naPetro?
◻ Vadzidzisi venhema vano“zvidza ukuru” sei?
◻ Nzira yaBharami chii, uye vanoitevera vanoedza sei kunyengera vamwe?
◻ Migumisiro yokukundikana kushandisa zivo yakarurama ndeipi?
[Mufananidzo uri papeji 16, 17]
Bharami anoshanda somuenzaniso wokunyevera