“Mwoyo Wako Wakarurama Here?”
“Hendei, undoona kushingaira kwandinoshingairira Jehovha nako.”—2 MADZIMAMBO 10:16.
1, 2. (a) Mamiriro ezvinhu orudzidziso rwaIsraeri akaramba sei achiipa zvikuru? (b) Muna 905 B.C.E., ndedzipi chinjo dzinoshamisa dzakanga dzoda kuitika muna Israeri?
GORE ra905 B.C.E. rakanga riri nguva yechinjo huru muna Israeri. Anenge makore 100 risati rasvika, Jehovha akanga aparira umambo hwakabatana hwaIsraeri kuti hukamurwe nemhaka yokuramba kutenda kwaSoromoni. (1 Madzimambo 11:9-13) Umambo hwokumaodzanyemba, Judha, panguva iyoyo hwakanga huchitongwa nomwanakomana waSoromoni Rehobhoami nepo umambo hwokuchamhembe, Israeri, hwakava pasi paMambo Jerobhoami, muEfraimi. Nenzira isingafadzi, umambo hwokuchamhembe hwakatanga nengwavaira. Jerobhoami akanga asingadi kuti vanhu vaaitonga vadzike kuumambo hwokumaodzanyemba kunonamata patembere, achitya kuti vaizowana pfungwa yokudzokera kuimba yaDhavhidhi. Naizvozvo akatanga kunamata mhuru muna Israeri uye nokudaro akatanga muitiro wokunamata zvidhori uyo wakapfuurira kusvika kumwero wakati munhau yose youmambo hwokuchamhembe.—1 Madzimambo 12:26-33.
2 Zvinhu zvakaipa zvikuru apo Ahabhi, mwanakomana waOmri, akava mambo. Mudzimai wake wokumwe, Jezebheri, akatsigira kunamata Bhaari uye akauraya vaporofita vaJehovha. Pasinei zvapo nenyevero dzakajeka dzomuporofita Eria, Ahabhi haana zvaakaita kuti amudzivise. Muna 905 B.C.E., zvisinei, Ahabhi akafa, uye Jehorami, mwanakomana wake, akatonga. Zvino yakanga yava nguva yokuti nyika icheneswe. Mutsivi waEria, Erisha, akazivisa mutungamiriri weuto, Jehu, kuti Jehovha akanga ari kumuzodza kuti ave mambo anotevera waIsraeri. Basa rake raiva rei? Rokuparadza imba inotadza yaAhabhi ndokutsiva ropa ravaporofita rakanga rateurwa naJezebheri!—2 Madzimambo 9:1-10.
3, 4. Jehonadhabhi akaratidza sei kuti mwoyo wake wakanga ‘wakarurama kumwoyo waJehu’?
3 Achiteerera murayiro waMwari, Jehu akaita kuti Jezebheri akaipa aurawe, uye pashure pazvo akatanga kuchenesa Israeri kupfurikidza nokuparadza imba yaAhabhi. (2 Madzimambo 9:15–10:14, 17) Ipapo akasangana nomutsigiri. “Akasangana naJehonadhabhi mwanakomana waRehabhi, wanga achiuya kuzosangana naye; akamukwazisa, akati kwaari: Mwoyo wako wakarurama here, sokururama kwomwoyo wangu kwauri? Jehonadhabhi akapindura akati: Wakarurama hawo. Kana zvakadaro, ndibate ruoko rwangu. Iye akabata ruoko rwake, ndokumukwidza mungoro maakanga ari. Akati: Hendei, undoona kushingaira kwandinoshingairira Jehovha nako. Naizvozvo vakamufambisa mungoro yake.”—2 Madzimambo 10:15, 16.
4 Jehonadhabhi, (kana kuti, Jonadhabhi) akanga asiri muIsraeri. Kunyange zvakadaro, mutsinhirano nezita rake (rinoreva kuti “Jehovha Anoda,” “Jehovha Akaisvonaka,” kana kuti “Jehovha Ane Rupo”) akanga ari munamati waJehovha. (Jeremia 35:6) Zvirokwazvo, akanga ane fariro isiri yenguva dzose mukuona “kushingaira [kwaJehu] kwa[ai]shingairira Jehovha nako.” Tinoziva sei? Eya, kusangana kwake namambo akazodzwa waIsraeri yakanga isiri tsaona. Jehonadhabhi akanga “achiuya kuzosangana naye,” uye ikoku panguva apo Jehu akanga atouraya Jezebheri navamwe mumba maAhabhi. Jehonadhabhi aiziva zvakanga zviri kuitika paakagamuchira kokero yaJehu yokuti akwire mungoro yake. Nenzira yakajeka akanga ari kurutivi rwaJehu—uye rwaJehovha—mukurwisana uku kwaiva pakati pokunamata kwenhema nokwechokwadi.
Jehu Womuzuva Razvino naJehonadhabhi Womuzuva Razvino
5. (a) Ndedzipi chinjo dzichakurumidza kuitika nokuda kworudzi rwose rwomunhu? (b) Jehu Mukuru ndiani, uye ndiani anomumirira pasi pano?
5 Nhasi, zvinhu zvichakurumidza kuchinja zvakakomba nokuda kworudzi rwomunhu sezvazvakaitira Israeri kare muna 905 B.C.E. Nguva zvino yava pedyo apo Jehovha achabvisa papasi migumisiro yose yakaipa yepesvedzero yaSatani, kubatanidza rudzidziso rwenhema. Ndiani ari Jehu womuzuva razvino? Hapana mumwe kunze kwaJesu Kristu, uyo akanyorerwa mashoko ouporofita okuti: “Sungai munondo wenyu pachiuno chenyu, imi wamasimba, ukuru hwenyu noumambo hwenyu. Fambai noumambo hwenyu muchikunda, nokuda kwezvokwadi nounyoro nokururama.” (Pisarema 45:3, 4) Jesu anomirirwa pasi pano na“Israeri [w]aMwari,” vaKristu vakazodzwa “vanochengeta mirayiro yaMwari, navanobata kupupura kwaJesu.” (VaGaratia 6:16; Zvakazarurwa 12:17) Kubvira muna 1922 idzi hama dzakazodzwa dzaJesu dzakanyevera dzisingatyi nezvezviito zvaJehovha zvokutonga zviri kuuya.—Isaya 61:1, 2; Zvakazarurwa 8:7–9:21; 16:2-21.
6. Ndivanaani vakabva mumarudzi kuti vatsigire vaKristu vakazodzwa, uye vakapinda sei mungoro, sokunge zvakadaro, yaJehu Mukuru?
6 VaKristu vakazodzwa vave vasiri voga. Sezvo Jehonadhabhi akabuda kuti azosangana naJehu, vakawanda vanobva mumarudzi vakabuda kuti vatsigire Jesu, Jehu Mukuru, uye vamiriri vake vapasi mukutsigira kwavo kunamata kwechokwadi. (Zekaria 8:23) Vanzi naJesu “mamwe makwai” ake, muna 1932 vakazivikanwa sevomuzuva razvino vakaenzana naJehonadhabhi wekare uye vakakumbirwa ku‘kwira mungoro’ yaJehu womuzuva razvino. (Johane 10:16) Sei? Kupfurikidza ‘nokuchengeta mirayiro yaMwari’ nokugoverana navakasarira mubasa ro“kupupura kwaJesu.” Munguva dzazvino, izvi zvinobatanidza kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari hwakagadzwa hunotungamirirwa naJesu saMambo. (Marko 13:10) Muna 1935 ava vana“Jonadhabhi” vakaziviswa se“boka guru” raZvakazarurwa 7:9-17, NW.
7. VaKristu nhasi vakaratidza sei kuti ‘mwoyo [yavo] ichiri yakarurama’ kumwoyo waJesu?
7 Chibviro chama1930, boka guru nehama dzavo dzakazodzwa vakabvumikisa nokushinga kutsigira kwavo chokwadi. Munyika dzakati muEastern neWestern Europe, Far East, uye Africa, vakawanda vavo vakafira kutenda kwavo. (Ruka 9:23, 24) Mune dzimwe nyika, vakaiswa mutorongo, kurohwa nemhomho, kana kuti zvimwe kutambudzwa. (2 Timotio 3:12) Vakaita chinyorwa chokutenda chakadini! Uye Mushumo Wegore Rebasa ra1997 unoratidza kuti vachakatsunga kubatira Mwari, pasinei zvapo nechii. ‘Mwoyo wavo uchakanaka’ kumwoyo waJesu. Izvi zvakaratidzirwa mukati ma1997, apo vaparidzi voUmambo 5 599 931, vanenge vose vavo zvavo vana“Jonadhabhi” vakapedza hwerengedzo yamaawa 1 179 735 841 mubasa rokupupurira Jesu.
Vachiri Kuparidza Nokushingaira
8. Zvapupu zvaJehovha zvinoratidza sei kushingairira kwazvo kunamata kwechokwadi?
8 Jehu akanga ane mukurumbira wokumhanyisa ngoro yake—ufakazi hwokushingaira kwake kuti apedze basa rake. (2 Madzimambo 9:20) Jesu, Jehu Mukuru, anorondedzerwa se‘akapedzwa’ nokushingaira. (Pisarema 69:9) Nenzira isingashamisi, ipapoka, vaKristu vechokwadi nhasi, vanozivikanwa nokuda kwokushingaira kwavo. Mose muri muviri muungano nokuvanhu, vano“paridza shoko . . . [vano]ramba [va]chidaro nenguva yakafanira, kunyange isakafanira.” (2 Timotio 4:2) Kushingaira kwavo kwakaratidzirwa zvikuru mukati morutivi rwapakuvamba rwa1997 pashure pokunge nyaya yomuUshumiri Hwedu hwoUmambo yakurudzira vakawanda sevanobvira kuti vagoverane mubasa roupiyona hwebetsero. Munyika imwe neimwe nharidzano yamapiyona ebetsero yakagadzwa. Kupindura kwacho kwakanga kwakaita sei? Kwakatanhamara! Mapazu akawanda akapfuura nharidzano yakagadzwa. Ecuador yakagadza nharidzano ye4 000 asi muna March yakashuma mapiyona ebetsero 6 936. Munyika yose, chiverengero chapamusoro chamapiyona ebetsero neenguva dzose pamwe chete chakanga chiri 1 110 251, wedzero ye34.2 muzana kupfuura 1996! Japan yakashuma hwerengedzo ye104 215 mukati memwedzi mitatu iyoyo. MuZambia, umo 6 000 yakanga iri nharidzano, mapiyona ebetsero 6 414 akashuma muna March; 6 532 muna April; uye 7 695 muna May.
9. Mukuwedzera kubasa rapaimba neimba, Zvapupu zvaJehovha zvinowana vanhu mudzimwe nzirai kuti zvivaudze mashoko akanaka?
9 Muapostora Pauro akaudza vakuru vomuEfeso kuti: “Handina kutya kukuparidzirai zvingakubatsirai nokukudzidzisai pachena padzimba dzose.” (Mabasa 20:20) Zvapupu zvaJehovha nhasi zvinotevedzera muenzaniso waPauro ndokuparidza nokushingaira mashoko akanaka paimba neimba. Zvisinei, zvingasava nyore kuwana vanhu mumisha yavo. Nokudaro, “muranda wakatendeka, wakangwara” anokurudzira vaparidzi voUmambo kuti vasvike vanhu panzvimbo dzavo dzebhizimisi, mumigwagwa, pamhenderekedzo dzegungwa, mumapaka avose—kupi kana kupi kunowanika vanhu. (Mateo 24:45-47) Migumisiro yacho yakaisvonaka.
10, 11. Vaparidzi munyika mbiri vakaratidza sei kutanga kwakaisvonaka mukuwana vanofarira avo kazhinji kazhinji vasingagoni kuonwa pamusha?
10 MuCopenhagen, Denmark, boka duku revaparidzi rave richipupura mumigwagwa iri kunze kwezviteshi zvezvitima. Kubva muna January kusvikira muna June, vakagovera magazini 4 733, vakava nekurukurirano dzakaisvonaka, uye vakaita shanyo dzedzokerero dzakawanda. Vaparidzi vanoverengeka munyika iyoyo vakatanga kwakamirirwa magazini muzvitoro. Rimwe taundi rine musika mukuru Chishanu choga choga, nezviuru zvevashanyi. Naizvozvo ungano yacho yakaronga kupupura kwenguva dzose mumusika. Mune imwe nharaunda zvikoro zvinoshanyirwa nemashoko ane zvinyorwa zvakafanira zvikuru vadzidzisi vezvikoro.
11 MuHawaiiwo nhamburiko dzakaitwa dzokusvika vaya vasingagoni kuwanwa pamusha. Ndima chaidzo dzinobatanidza nzvimbo dzavose (migwagwa, mapaka, munopakwa motokari, uye munomirirwa mabhazi), nharaunda dzomutaundi, nzvimbo dzokutenga nepanomhara ndege, kupupura norunhare, zvifambiso zvavose (kuparidza mumabhazi), uye nzvimbo dzemakoreji. Kungwarirwa kunoitwa kuva nechokwadi chokuti nhamba yakarurama yeZvapupu inogoverwa ndima imwe neimwe uye kuti vaya vakagoverwa vanorovedzwa zvakafanira. Vavariro dzakarongwa zvakanaka dzakafanana naidzodzi dzinoshumwa munyika dzakawanda. Somugumisiro, vanhu vanofarira vari kuonekwa avo sezvingabvira vangadai vasina kumbowanwa muushumiri hwepaimba neimba.
Kumira Zvakasimba
12, 13. (a) Satani akashandisa unyanzvi hupi mukurwisana neZvapupu zvaJehovha mukati ma1997? (b) Mashoko anoparadzirwa enhema akadzokera sei mune imwe nyika?
12 Munyika dzakawanda muna 1997, Zvapupu zvaJehovha zvakanga zviri vanyajambwa vemashoko akaipa anoparadzirwa, enhema ayo aitsigirwa nevavariro iri pachena yokuita chiito chapamutemo chinobvira mukurwisana nazvo. Asi hazvina kutya! (Pisarema 112:7, 8) Zvakayeuka munyengetero wowezvamapisarema: “Vanozvikudza vakandipomera nhema; ndichachengeta zvirevo zvenyu nomwoyo wangu wose.” (Pisarema 119:69) Kunyeperwa kwakadaro hunongova hahwo ufakazi hwokuvengwa kwavaKristu vechokwadi sezvakaporofitwa naJesu. (Mateo 24:9) Uye pane dzimwe nguva zvakadzokera. Mumwe murume ari muBelgium akarava nyaya yaizvidza pamusoro peZvapupu zvaJehovha mupepanhau rinozivikanwa zvikuru rezuva nezuva. Akatyamadzwa nemashoko okuchera, akapinda musangano paHoro yoUmambo Svondo yakatevera yacho. Akaronga kuti afunde Bhaibheri neZvapupu ndokupfuurira kufambira mberi nokukurumidza. Munguva yapfuura, murume uyu akanga ambova mutezo wegen’a. Fundo yake yeBhaibheri yakamubetsera kuchenesa upenyu hwake, chimwe chinhu chakacherekedzwa navanhu vakamupota. Zvirokwazvo, munyori wenyaya inochera akanga asingafungi kuti yaizova nemugumisiro wakadaro!
13 Vamwe vanhu vane mwoyo yakatendeseka vari muBelgium vakataura noushingi mukupesana namashoko anoparadzirwa okunyengera. Aiva pakati pavo akanga ari aimbova mutungamiriri wenyika uyo akabvuma kuti akazadzwa nokuyemura zvakaitwa neZvapupu zvaJehovha. Uye mumwe mutezo weboka rinotonga akanyora kuti: “Mukupesana nokutaura kwakaparadzirwa panhambo dzakati, [Zvapupu zvaJehovha] hazviratidziki kwandiri sezvinoratidzira ngozi dukusa kumasangano eHurumende. Vanhu vanoda rugare, vanotungamirirwa nehana, uye vanoremekedza zviremera.” Okuchenjera, zvirokwazvo, mashoko omuapostora Petro okuti: “Mufambire wenyu uve wakanaka pakati pavahedheni; kuti pavanokupomerai vachiti munoita zvakaipa, varumbidze Mwari nezuva rokushanyira, kana vachiona mabasa enyu akanaka.”—1 Petro 2:12.
Kuchengetwa kweChirangaridzo Kwakatanhamara
14. Ndeipi yakanga iri mimwe mishumo inofadza yevakapinda Chirangaridzo muna 1997?
14 Zvakafanira kuti avo vanopupurira Jesu vanofanira kurangarira Chirangaridzo chorufu rwake sechiitiko chinokosha mugore ravo. Muna 1997, 14 322 226 vakanga varipo musi waMarch 23 kuti vachengete chiitiko chacho. Ivavo vakanga vakawanda ne1 400 000 kupfuura muna 1996. (Ruka 22:14-20) Munyika dzakawanda vakapinda Chirangaridzo vakanga vachipfuura zvikuru nhamba yavaparidzi voUmambo, zvichiratidza kariro dzakaisvonaka dzokuwedzera kwomunguva yemberi. Somuenzaniso, muHaiti, muna 1997 makava nechiverengero chapamusoro chevaparidzi 10 621, nepo 67 259 vakapinda Chirangaridzo. Unganzvera mushumo wegore negore pamapeji 18 kusvika ku21 ndokuona kuti ndedzimwe nyika ngani dzakanga dzine vakapinda vakawanda vakaenzana nenhamba yavaparidzi.
15. Mune dzimwe nyika, hama dzedu dzakakurira sei zvinetso zvakakomba kuitira kuti dzichengete Chirangaridzo?
15 Nokuda kwavamwe, kupinda Chirangaridzo kwakanga kusiri nyore. MuAlbania vanhu vaiguma kufamba na7:00 p.m. nemhaka yenyongano yavagari vomunyika imomo. Mumapoka maduku 115 munyika yacho yose, Chirangaridzo chakavamba na5:45 p.m. Zuva rakanyura na6:08 p.m., richiratidza kuvamba kwaNisani 14. Zviratidzo zvakapfuudzwa panenge panguva dza6:15 p.m. Muzviitiko zvakawanda munyengetero wokupedzisira wakaitwa na6:30 p.m., uye avo vaipinda vakamhanyira kumba nguva yokuguma kufamba isati yasvika. Kunyange zvakadaro, vakapinda Chirangaridzo vakanga vari 3 154, vachienzaniswa nenhamba yapamusoro muvaparidzi ye1 090. Mune imwe nyika yeAfrica, nyongano yavagari vomunyika imomo yakaita kuti Horo yoUmambo isasvikika, naizvozvo vakuru vaviri vakasarudza kuungana mumusha wemukuru wechitatu kuti varonge kuchengeta kwacho mumapoka maduku. Kuti vasvike pamba pacho, vakuru vaviri vaifanira kuyambuka goronga. Zvisinei, munharaunda macho makanga muchirwiwa, uye vapfuri vaipfura munhu upi noupi aiedza kuyambuka goronga racho. Mumwe mukuru akayambukira kune rumwe rutivi achimhanya pasina chaitika. Wechipiri wacho akanga ava kuyambuka paakanzwa pfuti kurira. Akazvikandira pasi ndokukambaira achienda kwakachengeteka sezvo mabara airira achipfuura napamusoro wake. Musangano wavakuru wakabudirira kuitwa, uye zvinodikanwa zveungano zvakatarisirwa.
“Vakabva Kundudzi Dzose, Namarudzi . . . Nendimi”
16. Boka romuranda wakatendeka neakachenjera rakaronga sei kuti mashoko akanaka aparadzirwe pakati pemapoka maduku emitauro?
16 Muapostora Johane akataura kuti boka guru raizobva “kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi.” (Zvakazarurwa 7:9) Nokudaro, Mutumbi Unodzora unoronga kuti mabhuku awanike mumitauro yakawanda zvikuru—kubatanidza iya inotaurwa nemarudzi ari kure nemapoka maduku avanhu. MuMozambique, somuenzaniso, turakiti raUpenyu Munyika Itsva Ino Rugare rakabudiswa mumitauro yokuwedzera mishanu. MuNicaragua, bhurocha raFarikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! rakaitwa kuti riwanike mumutauro wechiMiskito—chinyorwa chokutanga cheWatch Tower Society mururimi irworwo. VaIndia vanotaura chiMiskito vakawanda vakagamuchira bhurocha racho nomufaro pavakaona chimwe chinhu mumutauro wavo pachavo. Muna 1997 Sosaiti yakabvumira mabhuku mumitauro yokuwedzera 25 uye yakadhinda magazini anopfuura bhiriyoni imwe.
17. Nderipi boka romutauro rakabetserwa muKorea, uye matepi evhidhiyo akabetsera zvikuru sei ichi chikamu chavanhu?
17 MuKorea rimwezve boka romumwe mutauro rakabetserwa. Gore ra1997 rakava nekokorodzano yokutanga mumutauro wezviratidzo weKorea. Mune ungano 15 dzomutauro wezviratidzo muKorea dzine vaparidzi 543, asi 1 174 vakapinda kokorodzano yacho, uye 21 vakabhabhatidzwa. Kuti zvibetsere matsi dzisingagoni kunzwisisa zviri nyore shoko rinotaurwa kana kuti rinonyorwa, zvinyorwa zvinobudiswa patepi yevhidhiyo mumitauro yezviratidzo 13 yakasiyana-siyana. Nokudaro, matsi dziri kubetserwa ku“rava” uye kunyange kufunda mashoko akanaka, nemigumisiro yakaisvonaka. MuUnited States, kare zvaitora makore anosvika mashanu kuti munhu ari matsi afambire mberi kusvika pakubhabhatidzwa. Zvino, nemavhidhiyo akawanda ava kuwanika muMutauro Wezviratidzo weAmerica, nokuda kwedzimwe matsi, izvozvo zvakaderedzwa kusvika kurinenge gore rimwe.
‘Kugara Mungoro’
18. Pashure pokusangana naJehonadhabhi, Jehu akatanga kuitei?
18 Kare muna 905 B.C.E., pashure pokukumbanirwa naJehonadhabhi, Jehu akatanga kuparadza kunamata kwenhema. Akapa chikumbiro kuvanamati vose vaBhaari: “Tsaurirai Bhaari zuva romutambo mukuru.” Ipapo akatumira shoko munyika yose kuti ave nechokwadi chokuti hapana munamati waBhaari aizosiyiwa. Sezvo mapoka akadirana mutemberi huru yamwari wenhema, vakava nechokwadi chokuti hapana munamati waJehovha akanga aripo. Pakupedzisira, Jehu neuto rake vakaparadza vanamati vaBhaari. “Naizvozvo Jehu wakaparadza Bhaari pakati paIsraeri.”—2 Madzimambo 10:20-28.
19. Nemhaka yezviri mberi kworudzi rwomunhu, ndoupi mudzimu watinofanira kuratidza, uye ibasa ripi ratinofanira kubatikana nokushingairira mariri?
19 Nhasi, kutongwa kwokupedzisira kworudzidziso rwose rwenhema kuri pamberi apa chaipo. Vachitungamirirwa nengirozi vaKristu vari kuzivisa mashoko akanaka kurudzi rwose rwomunhu, vachirwukurudzira kutya Mwari uye kuzviparadzanisa norudzidziso rwenhema. (Zvakazarurwa 14:6-8; 18:2, 4) Vanyoro vanokurudzirwa kuzviisa pasi poUmambo hwaMwari hunotungamirirwa naMambo akagadzwa pachigaro choUmambo waJehovha, Jesu Kristu. (Zvakazarurwa 12:10) Panguva ino inofadza, hatifaniri kubvumira kushingaira kwedu kuti kunete sezvatinotsigira kunamata kwechokwadi.
20. Uchatsunga kuitei mukati megore rebasa ra1998?
20 Pane imwe nguva, Mambo Dhavhidhi paakanga adzvinyirirwa zvikuru, akanyengetera kuti: “Mwoyo wangu wakasimba, Mwari, mwoyo wangu wakasimba; ndichaimba, zvirokwazvo, ndichaimba nziyo dzokurumbidza. Ndichakuongai, Ishe, pakati pendudzi dzavanhu.” (Pisarema 57:7, 9) Isuwo ngatisimbei. Mugore rebasa ra1997, pasinei zvapo nezvinetso zvakawanda, kudanidzira kukuru kwokurumbidza kwakaitwa kumbiri yaJehovha Mwari. Kudanidzira kwakafanana, kunotova kukuru zvikuru, ngakunzwiwe mugore rino rebasa. Uye izvi ngazvive zvechokwadi pasinei zvapo nezvingaedza kuitwa naSatani kuti atiodze mwoyo kana kuti kutishora. Nokudaro, ticharatidza kuti mwoyo yedu inoramba yakarurama nomwoyo waJehu Mukuru, Jesu Kristu, uye tichagamuchira nomweya wedu wose murayiro wakafuridzirwa wokuti: “Farai muna Jehovha, mufarisise, imi makarurama; pururudzai nomufaro, imi mose makarurama pamwoyo.”—Pisarema 32:11.
Unogona Kutsanangura Here?
◻ Ndedzipi chinjo dzakaitika muna Israeri muna 905 B.C.E.?
◻ Ndiani ari Jehu womuzuva razvino, uye “boka guru” rakaratidza sei kuti ‘mwoyo [yavo] yakarurama’ nomwoyo wake?
◻ Ndedzipi nhamba dzinobva mumushumo wegore negore dzinoratidzira kushingaira kwakaratidzwa neZvapupu zvaJehovha mukati megore rebasa ra1997?
◻ Chipi kana chipi chingaita Satani mukurwisana nesu, ndoupi mudzimu waticharatidza mukati megore rebasa ra1998?
[Chati iri papeji 18-21]
MUSHUMO WEGORE REBASA RA1997 WEZVAPUPU ZVAJEHOVHA MUNYIKA YOSE
(For fully formatted text, see publication)
[Mufananidzo uri papeji 15]
Vakapinda Chirangaridzo vakawanda vanoratidza kariro dzakaisvonaka dzokukura kwomunguva yemberi
[Mufananidzo uri papeji 16]
Sezvo Jehonadhabhi akatsigira Jehu, naizvozvo “vazhinji-zhinji” nhasi vanotsigira Jehu Mukuru, Jesu Kristu, nehama dzake dzakazodzwa