Kubetserwa Kwaunogona Kuitwa Nengirozi
SHOKO raMwari rinosimbisa kuti ngirozi dziriko. Rinotitaurira kuti kune mamiriyoni ezvisikwa izvi zvomudzimu. Mushumiri waJehovha Mwari Dhanieri akava nechiono chezvinhu zvokudenga zvaakanyora nezvazvo kuti: “Zviuru nezviuru zvakanga zvichimubatira [Mwari], uye pamberi pake pakanga pamire zviuru zvine gumi zvezviuru zvine gumi.”—Dhanieri 7:10.
Cherekedza kuti mashoko aDhanieri haangotitauriri bedzi kuti kune ngirozi dzakawanda. Anoratidzawo kuti ngirozi dzinoshumira Mwari. Vashumiri vake. Maererano neizvi, munyori wemapisarema akaimba kuti: “Rumbidzai Jehovha, imi vatumwa vake; imi mhare dzine simba, munoita zvaakataura, muchiteerera inzwi reshoko rake. Rumbidzai Jehovha, imi hondo dzake dzose; imi vashumiri vake, vanoita zvinomufadza.”—Pisarema 103:20, 21.
Bhaibheri rinotsanangurawo kuti ngirozi hadzina kutanga upenyu hwadzo sevanhu pasi pano. Jehovha akasika ngirozi kudenga asati atombosika pasi. Mwari pa‘akateya nheyo dzenyika, vanakomana vose vaMwari vari ngirozi vakapururudza nomufaro.’—Jobho 38:4-7.
Ngirozi zvisikwa zvomudzimu—zvisingaoneki, zvine simba, zvakangwara. MuBhaibheri, shoko rechiHebheru rokuti mal·ʼakhʹ neshoko rechiGiriki rokuti agʹge·los anoshandurwa kuti “ngirozi” panoratidzwa chisikwa chomudzimu. Mashoko aya anooneka kanoda kusvika ka400 muBhaibheri. Ose anoreva zvakafanana, kureva kuti, “mutumwa.”
Kusangana Nengirozi
Ngirozi vatumwa chaizvoizvo. Ungava uchiziva nhoroondo yeBhaibheri inotaura nezvenguva yakaoneka ngirozi Gabrieri naMaria. Yakamuudza kuti kunyange zvazvo akanga ari mhandara, aizozvara mwanakomana aizofanira kunzi Jesu. (Ruka 1:26-33) Vafudzi vakanga vari musango vakaonawo ngirozi. Yakazivisa kuti: “Nhasi mazvarirwa muguta raDhavhidhi Muponesi, ndiye Kristu Ishe.” (Ruka 2:8-11) Zvakangofanana, ngirozi dzakaendesa mashoko kuna Hagari, Abrahama, Roti, Jakobho, Mosesi, Gidheoni, Jesu, uye vamwe vakanyorwa muBhaibheri.—Genesi 16:7-12; 18:1-5, 10; 19:1-3; 32:24-30; Eksodho 3:1, 2; Vatongi 6:11-22; Ruka 22:39-43; VaHebheru 13:2.
Zvinokosha kuti mashoko ose aya akaendeswa nengirozi akanga achienderana nokuitwa kwezvinangwa zvaMwari uye kwete hazvo neizvo zvevanhu vaibatanidzwa. Ngirozi dzakaoneka sevamiriri vaMwari, zvichienderana nokuda kwake nenguva yaakaronga. Vanhu havana kudzidana.
Tinofanira Kudana Ngirozi Kuti Dzitibetsere Here?
Zvakakodzera here kudana ngirozi munguva dzenhamo? Kana zvakadaro, tingada kuziva zita rengirozi inonyatsokwanisa kutibetsera. Maererano nezvataurwa, mamwe mabhuku ezvokutengeserana anoronga mazita anofungidzirwa engirozi, pamwe chete nenzvimbo dzadzo, mazita okuremekedza, uye mabasa. Rimwe bhuku rinonyora dzarinodana kuti “Ngirozi gumi huru dzokudenga,” “ngirozi dzinozivikanwa zvakanyanya munyika yokuMadokero.” Zano rokuvhara maziso ako, kudzokorora zita rengirozi yacho zvishoma nezvishoma kanoverengeka, kutura befu, kufema zvishoma nezvishoma, uye “kuzvigadzirira kuti ungangotaurirana nadzo” rinopiwa pamwe chete nemazita acho.
Mukupesana, Bhaibheri rinotipa mazita engirozi dzaMwari dzakatendeka mbiri chete, Mikaeri naGabrieri. (Dhanieri 12:1; Ruka 1:26) Zvimwe, chikonzero chokupa mazita aya chakanga chiri chokuratidza kuti ngirozi yoga yoga munhu womudzimu akasiyana ane zita, kwete chete simba risiri munhu.
Zvinokosha kucherekedza kuti dzimwe ngirozi dzakaramba kutaura mazita adzo kuvanhu. Jakobho paakakumbira ngirozi kuti itaure zita rayo, haina kudaro. (Genesi 32:29) Payakakumbirwa kuti itaure kuti yaiva ani, ngirozi yakaonana naJoshua yakangoti zvayo yakanga iri “mukuru wehondo yaJehovha.” (Joshua 5:14) Vabereki vaSamsoni pavakakumbira kuziva zita reimwe ngirozi, yakati: “Unondibvunzireiko zita rangu, zvarinoshamisa?” (Vatongi 13:17, 18) Kupfurikidza nokurega kupa mazita engirozi, Bhaibheri rinotidzivirira pakukudza ngirozi nokudzinamata zvisina kufanira. Sezvatichaona, haritirayiridziwo kudzikumbira kuti dzitibetsere.
Kudana Pana Mwari
Bhaibheri rinotitaurira zvose zvatinofanira kuziva nezvezviri kuitika munzvimbo yemidzimu. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa . . . kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.” (2 Timotio 3:16, 17) Kudai Mwari aida kuti tizive mazita engirozi dzakawanda, angadai akaazivisa muShoko rake, Bhaibheri. Uye kudai Mwari aida kutirayiridza kuti tingaonana sei nengirozi ndokutaura nadzo mumunyengetero, aizodai akagovera mashoko akadaro muMagwaro.
Panzvimbo pezvo, Jesu Kristu akadzidzisa kuti: “Kana uchinyengetera, pinda muimba yako yomukati; kana wazarira mukova wako, unyengetere kuna Baba vako vari pakavanda . . . Zvino imi nyengeterai kudai: Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene.” (Mateo 6:6, 9) Kuona nenzira yeMagwaro ndeuku: Hatifaniri kudana kungirozi kana kuti kunyengetera kwadziri, asi tinofanira kuenda kune Musiki wengirozi, Mwari pachake tichinyengetera. Zita rake harina kuvanzika, uye hapadikanwi muoni wezviono kuti arizivise. Kunyange zvazvo zita raMwari rakaedza kuvanzwa, rinowanika muchinyorwa cheBhaibheri kanopfuura ka7 000. Somuenzaniso, munyori wepisarema akanga achitaura nezvaBaba vokudenga paakaimba kuti: “Imi moga, imi mune zita rinonzi Jehovha, ndimi wokumusorosoro kumusoro kwapasi pose.”—Pisarema 83:18.
Jehovha haana kunyanyobatikana zvokusagona kutiteerera patinonyengetera kwaari zvakanaka. Bhaibheri rinovimbisa izvi: “Nokuti meso aJehovha anotarira-tarira kumativi ose enyika yose, kuti aratidze simba rake kuna iye une mwoyo wakarurama kwazvo kwaari.”—2 Makoronike 16:9.
Ngirozi Netsika
Kusiyana nezvinowanzoratidzwa muzvinobudisa nhau, ngirozi hadzitongi vanhu. Zvakakodzera, nokuti ngirozi hadzina kupiwa simba rokutonga vanhu. Jehovha ndiye “mutongi wavose,” kunyange zvazvo “akapa Mwanakomana [Jesu Kristu] kutonga kwose.” (VaHebheru 12:23; Johane 5:22) Kunyange zvakadaro, kufungidzira kuti ngirozi hadzinei nemararamire atinoita upenyu hwedu kungava kukanganisa. Jesu akati: “Mufaro uripo pamberi pavatumwa vaMwari pamusoro pomutadzi mumwe unotendeuka.”—Ruka 15:10.
Zvisinei, ngirozi hadzingoti hadzo tumbi kumira. Munguva dzakapfuura, dzaishandiswa savaurayi, dzichiita rutongeso rwaMwari. Somuenzaniso, Mwari akashandisa ngirozi kuti irwisane nevaEgipita vekare. Maererano nePisarema 78:49, “akatuma pakati pavo kutsamwa kwake kukuru, nehasha neshungu nokutambudza, rikaita boka ravatumwa vezvakaipa.” Zvakangofanana, Bhaibheri rinoshuma kuti muusiku humwe ngirozi imwe chete yakaparadza varwi veAsiria 185 000.—2 Madzimambo 19:35.
Zvakangofanana, munguva yemberi, ngirozi dzichaparadza vanoita kuti vamwe vasagara zvakanaka kupfurikidza nokuramba kuchinjira kuzvakarurama zvinodiwa naMwari. Jesu achauya “navatumwa vesimba rake, mumoto unopfuta, achitsiva avo vasingazivi Mwari, navasingateereri evhangeri.”—2 VaTesaronika 1:7, 8.
Nokudaro Magwaro anoratidza kuti ngirozi dzaMwari dzakatendeka dzinogara dzichiita zvaanoda kupfurikidza nokuita zvaanorayira nokuchengeta mitemo yake yakarurama. Zvakajeka kuti kana tichida kuti ngirozi dzaMwari dzitibetsere, tinofanira kuziva zvinodiwa naMwari ndokuvavarira kuti tizviite zvapachokwadi.
Ngirozi Dzinotarisira
Ngirozi dzine basa nevanhu uye dzinovadzivirira here? Muapostora Pauro akabvunza kuti: “Ko havazi vose [ngirozi] mweya inoshumira, yakatumwa kuzobata nokuda kwavanodya nhaka yokuponeswa here?” (VaHebheru 1:14) Zvakajeka kuti mhinduro yomubvunzo waPauro ndihungu.
Nemhaka yokuramba kwavo kukotamira chifananidzo chendarama chakamiswa naMambo weBhabhironi Nebhukadhinezari, vaHebheru vatatu Shadraki, Meshaki, uye Abhedhi-nego vakakandirwa muchoto chaipisa kwazvo. Zvisinei, vashumiri vakatendeka vaMwari ivavo havana kumbopiswa nemoto wacho. Mambo paakatarisa muchoto chacho, akaona “varume vana, vakasununguka,” uye akati “wechina pakuonekwa kwake wakaita somwanakomana wavamwari.” (Dhanieri 3:25) Kwapera makore akati wandei, Dhanieri akazviona ava mugomba reshumba nemhaka yokutendeka kwake. Iyewo akapukunyuka asina kukuvadzwa uye akataura kuti: ‘Mwari wangu akatuma ngirozi yake, ikadzivira miromo yeshumba.’—Dhanieri 6:22.
Nokutangwa kweungano yevateveri vaKristu muzana ramakore rokutanga C.E., ngirozi dzakaonekazve dzichisunungura vaapostora mujeri. (Mabasa 5:17-24; 12:6-12) Uye upenyu hwaPauro pahwakanga hwava mungozi mugungwa, ngirozi yakamuvimbisa kuti aizosvika zvakanaka kuRoma.—Mabasa 27:13-24.
Vashumiri vomuzuva ranhasi vaJehovha Mwari vanonyatsova nechokwadi chokuti masimba asingaoneki engirozi aMwari ndeechokwadi uye anokwanisa kudzivirira, sezvaakaitira Erisha nomuranda wake. (2 Madzimambo 6:15-17) Chokwadi, ‘ngirozi yaJehovha inokomberedza vanomutya, nokuvarwira.’—Pisarema 34:7; 91:11.
Shoko Rinotakurwa Nengirozi
Nepo ngirozi dzichinetseka nokugara zvakanaka kwevanonamata Jehovha Mwari, dzinobatanidzwawo mukuva nechokwadi chokuti vanhu vadzidza nezvake uye zvinangwa zvake. Muapostora Johane akanyora kuti: “Ndakaona mumwe mutumwa achiburuka pakati pedenga, ane evhangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, navanhu vose. Akati nenzwi guru: Ityai Mwari, mumurumbidzei.”—Zvakazarurwa 14:6, 7.
Unoda kuziva zviri muiyi “evhangeri isingaperi” here? Kana uchida, bvunza Zvapupu zvaJehovha. Zvichafara kukutaurirawo.
[Mifananidzo iri papeji 7]
Ngirozi iri pakati pedenga iri kuzivisa evhangeri isingaperi. Unoda kudzidza nezvayo here?