Ngirozi—Kutibatsira Kwadzinoita
ACHIRONDEDZERA zvaakaratidzwa zvine chokuita nemhuri yaMwari yengirozi, muprofita Dhanieri akanyora kuti: “Paiva ne[ngirozi] zviuru zvine chiuru zvairamba zvichimushumira [Mwari], uye zviuru gumi zvakapetwa kane zviuru gumi zvairamba zvimire pamberi pake chaipo.” (Dhanieri 7:10) Ndima iyi inoratidza chinangwa chaMwari pakusika kwaakaita ngirozi. Dzinofanira kumushumira uye kuramba dzakamira pamberi pake dzichiita zvaanodzirayira.
Mwari anoshandisa ngirozi kuti dziite zvimwe zvinhu zvine chokuita nevanhu. Tichakurukura kuti anodzishandisa sei kuti dzisimbise uye dzidzivirire vanhu vake, kuti dziudze vanhu mashoko ake, uye kuti dzitonge vakaipa.
Ngirozi Dzinosimbisa uye Dzinodzivirira
Kubvira apo zvisikwa zvomudzimu zvakaona kusikwa kwepasi uye kwevanhu vokutanga, zvakaratidza kuti zvinonyatsofarira vanhu. Achitaura sokuti ndiye uchenjeri, Jesu Kristu asati ava munhu akati: “Ndaifarira kwazvo zvinhu zvaiva nechokuita nevanakomana vevanhu.” (Zvirevo 8:31) Uye Bhaibheri rinotiudza kuti “ngirozi dzinoda kunyatsotarira” zvinhu zvine chokuita naKristu uye neramangwana rakaudzwa vaprofita vaMwari.—1 Petro 1:11, 12.
Nokufamba kwenguva, ngirozi dzakaona kuti vanhu vakawanda vakanga vasiri kushumira Musiki wavo ane rudo. Izvi zvinofanira kunge zvakaita kuti ngirozi dzakatendeka dzisuwe zvikuru! Asiwo, pose panopfidza mutadzi mumwe chete uye paanodzoka kuna Jehovha, “mufaro unovapo pakati pengirozi.” (Ruka 15:10) Ngirozi dzine hanya zvikuru nokugara zvakanaka kwevaya vanoshumira Mwari, uye Jehovha ave achidzishandisa kusimbisa uye kudzivirira vashumiri vake vakatendeka vari pasi pano. (VaHebheru 1:14) Chimbofunga mimwe mienzaniso.
Ngirozi mbiri dzakabatsira Roti akarurama nevanasikana vake kuti vapukunyuke kuparadzwa kwemaguta akaipa eSodhoma neGomora nokuvaperekedza dzichivabudisa munzvimbo iyoyo.a (Genesisi 19:1, 15-26) Kwapera mazana emakore, kunyange zvazvo muprofita Dhanieri akakandwa mugomba reshumba, haana kukuvadzwa. Nei? “Mwari wangu atuma ngirozi yake, ikavhara miromo yeshumba,” akataura kudaro. (Dhanieri 6:22) Ngirozi dzakatsigira Jesu paakatanga ushumiri hwake pasi pano. (Mako 1:13) Uye nguva pfupi Jesu asati afa, imwe ngirozi yakazviratidza kwaari “ikamusimbisa.” (Ruka 22:43) Kutsigirwa kwakaitwa Jesu nengirozi kunofanira kunge kwakamukurudzira chaizvo panguva iyoyo yakanga yakaoma zvikuru muupenyu hwake! Ngirozi yakasunungurawo muapostora Petro mujeri.—Mabasa 12:6-11.
Ngirozi dzinotidzivirirawo here nhasi? Kana tichinamata Jehovha maererano neShoko rake, tinovimbiswa kuti ngirozi dzake dzine simba, dzisingaoneki dzinotidzivirira. Bhaibheri rinovimbisa kuti: “Ngirozi yaJehovha inodzika musasa ichikomba vose vanomutya, uye inovanunura.”—Pisarema 34:7.
Zvisinei, tinofanira kuziva kuti ngirozi dzinonyanya kuita basa raMwari, kwete revanhu. (Pisarema 103:20, 21) Dzinoita zvadzinenge dzaudzwa naMwari, kwete zvinorayirwa kana kuti kukumbirwa nevanhu. Saka, tinofanira kuteterera Jehovha Mwari, kwete ngirozi. (Mateu 26:53) Chokwadi, zvatisingaoni ngirozi, hatigoni kuziva kuti Mwari anodzishandisa zvakadini kuti abatsire vanhu panyaya dzakasiyana-siyana. Asi tinoziva kuti Jehovha ‘anoratidza simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.’ (2 Makoronike 16:9; Pisarema 91:11) Uye tinovimbiswa kuti “zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nezvaanoda, iye [Mwari] anotinzwa.”—1 Johani 5:14.
Magwaro anotiudzawo kuti tinofanira kunyengetera kuna Mwari uye kunamata iye oga. (Eksodho 20:3-5; Pisarema 5:1, 2; Mateu 6:9) Ngirozi dzakatendeka dzinotikurudzira kuti tiite izvozvo. Somuenzaniso, muapostora Johani paakaedza kunamata imwe ngirozi, ngirozi iyoyo yakamutsiura, ichiti:“Chenjerera! Usadaro! . . . Namata Mwari.”—Zvakazarurwa 19:10.
Ngirozi Dzinozivisa Mashoko aMwari
Shoko rokuti “ngirozi” rinoreva kuti “mutumwa,” uye ndiyo imwe nzira iyo ngirozi dzinoshumira nayo Mwari—anodzituma kuvanhu. Somuenzaniso, “ngirozi inonzi Gabrieri yakatumwa ichibva kuna Mwari kuti iende kuguta reGarireya rinonzi Nazareta.” Kunoitei? Kunozivisa mumwe musikana ainzi Mariya kuti kunyange zvazvo aiva mhandara, aizobata pamuviri uye aizobereka mwanakomana aizotumidzwa kuti Jesu. (Ruka 1:26-31) Imwe ngirozi yakatumwawo kuvafudzi vaiva musango kuti inovazivisa kuti “Kristu Ishe” akanga aberekwa. (Ruka 2:8-11) Saizvozvowo, ngirozi dzakazivisa mashoko aMwari kuna Abrahamu, Mosesi, Jesu, nevamwe vakanyorwa muBhaibheri.—Genesisi 18:1-5, 10; Eksodho 3:1, 2; Ruka 22:39-43.
Nhasi ngirozi dzinoshanda sei sevatumwa vaMwari? Funga nezvebasa rakafanotaurwa naJesu kuti vateveri vake vaizoita mamiriro ezvinhu epanguva ino asati aguma. Akati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.” (Mateu 24:3, 14) Gore negore, Zvapupu zvaJehovha zvinopedza mabhiriyoni emaawa zvichiparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Asi waizviziva here kuti ngirozi dzinoitawo basa iri? Muapostora Johani akataura nezvezvaakaratidzwa achiti: “Ndakaona imwe ngirozi . . . , uye yakanga iine mashoko akanaka asingaperi okuti izivise semashoko anofadza kune vaya vanogara panyika, nokumarudzi ose nemadzinza nendimi nevanhu.” (Zvakazarurwa 14:6, 7) Rugwaro urwu runosimbisa basa rinokosha kupfuura mamwe ose rinoitwa nengirozi nhasi dzichiitira vanhu.
Zvapupu zvaJehovha zvinoona uchapupu hwokutungamirira kunoita ngirozi pazvinoita basa razvo rokuparidza pasuo nesuo. Zvinowanzoonana nevanhu vanenge vachangobva kunyengeterera kuti mumwe munhu avabatsire kunzwisisa zvinangwa zvaMwari. Somugumisiro wokutungamirirwa nengirozi uye basa rinoitwa neZvapupu, gore negore vanhu vakawanda vanosvika pakuziva Jehovha. Dai ukabatsirwa nebasa iri rinoponesa upenyu rinotungamirirwa nengirozi.
Ngirozi Dzinoshandiswa naMwari Kutonga
Kunyange zvazvo dzisina kupiwa simba rokutonga vanhu, ngirozi hadzingotariri pasina zvadzinoita. (Johani 5:22; VaHebheru 12:22, 23) Dzichishanda sevaurayi, dzakashandiswa naMwari kutonga munguva yakapfuura. Somuenzaniso, Mwari akashandisa ngirozi paairwisana nevaIjipiti vekare, vakanga vaita kuti vaIsraeri vave varanda. (Pisarema 78:49) Uye muusiku humwe chete “ngirozi yaJehovha” yakauraya varwi vane zviuru zana nemakumi masere nezvishanu mumusasa womuvengi wevanhu vaMwari.—2 Madzimambo 19:35.
Munguva yemberi, ngirozi dzichashandiswawo naMwari kutonga zvakakomba. Jesu achauya “aine ngirozi dzake dzine simba ari mumurazvo womoto, sezvaanotsiva vaya vasingazivi Mwari nevaya vasingateereri mashoko akanaka.” (2 VaTesaronika 1:7, 8) Zvisinei, vaya bedzi vasingateereri kuparidzwa kwemashoko munyika yose iye zvino kunotsigirwa nengirozi ndivo vachaparadzwa. Vaya vanotsvaka Mwari uye vanoita zvinoenderana nedzidziso dzeMagwaro havazokuvadzwi.—Zefaniya 2:3.
Tinoonga zvikuru ngirozi dzakatendeka, dzinogara dzichiita zvadzinorayirwa naMwari! Jehovha anodzishandisa kubatsira uye kudzivirira vashumiri vake vakatendeka vari pasi pano. Izvi zvinonyanya kutinyaradza nokuti kune zvisikwa zvomudzimu zvine ngozi zvinonzi madhimoni zvinoda kutikuvadza.
Madhimoni—Ndivanaani?
Mumazana emakore 15 pashure pokunyengerwa kwaEvha naSatani muEdheni, mhuri yaMwari yengirozi yakaona kuti Satani Dhiyabhorosi akabudirira kutsausa vanhu vose kuna Mwari kusara kwevashomanana vakatendeka, vakadai saAbheri, Inoki, uye Noa. (Genesisi 3:1-7; VaHebheru 11:4, 5, 7) Dzimwe ngirozi dzacho dzakabvuma kufurirwawo naSatani. Bhaibheri rinotaura nezvadzo semidzimu yakanga isingateereri “mumazuva aNoa.” (1 Petro 3:19, 20) Kusateerera kwadzo kwakaoneka sei?
Munguva yaNoa ngirozi dzakapanduka dzisingataurwi kuti ingani dzakasiya nzvimbo yadzo mumhuri yaMwari yokudenga, dzikauya pasi pano, dzikachinja miviri yadzo kuti ive yenyama. Nei? Dzakanga dzakudziridza chido chokurara nevakadzi. Izvi zvakaita kuti dzibereke vana vainzi vaNefirimu, vakava hofori dzaiita zvechisimba. Uyezve, “kuipa kwomunhu kwakanga kuri kuzhinji panyika uye zvose zvaidiwa nepfungwa dzomwoyo wake zvakanga zvakangoipa nguva dzose.” Zvisinei, Jehovha Mwari haana kubvumira kuti uori hwevanhu uhwu huenderere mberi. Akaunza Mafashamo munyika yose, ayo akaparadza vanhu vose vakaipa pamwe chete nevaNefirimu. Vanhu vakangoponeswa chete vaiva vashumiri vaMwari vakatendeka.—Genesisi 6:1-7, 17; 7:23.
Ngirozi dzakapanduka hadzina kuparadzwa panguva yeMafashamo. Dzakabvisa miviri yadzo yenyama ndokudzokera kunzvimbo yemidzimu. Kubvira ipapo, dzava kunzi madhimoni. Dzakazviisa kudivi raSatani Dhiyabhorosi, uyo anonzi “mutongi wemadhimoni.” (Mateu 12:24-27) Kufanana nomutongi wawo, madhimoni anoda kunamatwa nevanhu.
Madhimoni ane ngozi, asi hatifaniri kuatya. Simba rawo rine parinogumira. Ngirozi dzisingateereri padzakadzokera kudenga, hadzina kubvumirwa kuti dzidzokere kumhuri yaMwari yengirozi dzakatendeka. Asi dzakaitwa kuti dzisambovhenekerwa naMwari mune zvokunamata, uye hadzina tariro yeramangwana. Zvechokwadi, dzakavharirwa munzvimbo yerima rezvokunamata inonzi Tatarosi. (2 Petro 2:4) Jehovha akadzisunga “nezvisungo zvisingagumi,” zvokuti dziri murima rezvokunamata. Uyezve, hadzichakwanisi kuchinja miviri yadzo kuti ive yenyama.—Judha 6.
Unofanira Kuitei?
Madhimoni achiri kufurira vanhu here? Hungu, anovafurira nokushandisa “manomano” akaita seaya anoshandiswa nomutongi wawo, Satani Dhiyabhorosi. (VaEfeso 6:11, 12) Zvisinei, kana tikashandisa zano reShoko raMwari, tinogona kuramba takasimba tichirwisana nemadhimoni. Uyezve, vaya vanoda Mwari vanodzivirirwa nengirozi dzine simba.
Zvinokosha zvikuru kuti udzidze zvinodiwa naMwari zviri muMagwaro uye kuti uite zvaunodzidza! Unogona kudzidza zvakawanda nezvedzidziso dzeBhaibheri nokutaura neZvapupu zvaJehovha zviri munharaunda yaunogara kana kuti kunyorera vabudisi vemagazini ino. Zvapupu zvaJehovha zvichafara kudzidza newe Bhaibheri zvisingakubhadharisi uye panguva yakakunakira.
[Mashoko Omuzasi]
a MuBhaibheri, ngirozi dzinotaurwa sevanhurume vakuru. Pose padzaionekwa nevanhu dzaiva vanhurume.
[Bhokisi riri papeji 6]
NGIROZI—KURONGWA KWADZAKAITWA
Jehovha akaronga mhuri yake yakakura yengirozi sezvinotevera:
Ngirozi ine simba guru zvikuru uye ine chiremera chikuru inonzi Mikaeri, kana kuti Jesu Kristu. (1 VaTesaronika 4:16; Judha 9) Maserafi, makerubhi, nedzimwe ngirozi dziri pasi payo.
Maserafi ane nzvimbo yepamusoro zvikuru muurongwa hwaMwari. Anoshanda sevarindiri pachigaro chaMwari. Basa rawo rinosanganisira kuzivisa utsvene hwaMwari uye kuita kuti vanhu vake varambe vakachena mune zvokunamata.—Isaya 6:1-3, 6, 7.
Makerubhi anoshanda ari pedyo nechigaro chaMwari uye anotsigira ukuru hwaJehovha.—Pisarema 80:1; 99:1; Ezekieri 10:1, 2.
Dzimwe ngirozi vamiririri vaJehovha, uye dzinoita kuda kwaMwari.
[Mufananidzo uri papeji 4]
Ngirozi dzakaperekedza Roti nevanasikana vake kuti vaende kunzvimbo yakachengeteka
[Mufananidzo uri papeji 5]
Muapostora Johani paakaedza kunamata ngirozi, akaudzwa kuti: “Usadaro!”
[Mufananidzo uri papeji 6]
Ngirozi dzinoshandiswa naMwari kutonga
[Mufananidzo uri papeji 7]
Uri kubatsirwa here nebasa rokuparidza rinotungamirirwa nengirozi?