Nyaya Youpenyu
Kurangarira Musiki Wedu Kubvira Pauduku
YAKATAURWA NADAVID Z. HIBSHMAN
“Kana ndasvika kumagumo oupenyu hwangu, zvechokwadi ndinovimba kuti ndanga ndakatendeka kuna Jehovha. Ndinomukumbira kuti andichengetere David wangu. Makaita basa nokuda kwake, Jehovha, uye nokuda kwemhuri yedu. Yakaisvonaka, inofara!”
FUNGIDZIRA manzwire andakaita pandakaona aya mashoko okupedzisira mudhayari romudzimai wangu ndichangobva kumuviga muna March 1992. Inongova mwedzi mishanu chete izvi zvisati zvaitika, takanga tapemberera musi wegore negore wechi60 waHelen ari muushumiri hwenguva yakazara.
Ndinorangarira zvakajeka zuva romuna 1931 apo Helen neni takanga takagara padivi nedivi pakokorodzano muColumbus, Ohio, U.S.A. Helen akanga asati anyatsosvitsa makore 14, asi akaratidza kunzwisisa kukosha kwechiitiko ichocho kunyange kupfuura zvandakaita. Kufarira kwaHelen ushumiri kwakaratidzwa nokukurumidza pashure pacho apo iye naamai vake vakanga vava chirikadzi vakava mapiyona, sekudanwa kunoitwa vashumiri venguva yakazara pakati peZvapupu zvaJehovha. Vakasiya musha wavo wakanaka kuti vanoparidza mumaruwa ekumaodzanyemba kweUnited States.
Nhaka Yangu yechiKristu
Muna 1910 vabereki vangu vakatama nevana vavo vaviri vaduku kubva kumabvazuva kwePennsylvania kuenda kuGrove City, kurutivi rwekumadokero kwenyika. Ikoko vakabhadhara chikamu chemari pamusha usina kunyanya kukwirira uye vakava nhengo dzinoshingaira dzeReformed Church. Nokukurumidza pashure pacho vakashanyirwa naWilliam Evans, Mudzidzi weBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Baba vangu, avo vakanga vachiri mumakore epakati pama20 chete, uye Amai, vakanga vari vaduku namakore mashanu, vakateerera kunouyu murume ane ushamwari wekuWales uye vakamukoka kuti azodya. Nokukurumidza vakagamuchira chokwadi cheBhaibheri chavakanga vachidzidza.
Kuti vave pedyo neungano, Baba vakatamisa mhuri anenge makiromita 40 kutaundi reSharon. Mimwe mwedzi gare gare, muna 1911 kana kuti 1912, Baba naAmai vakabhabhatidzwa. Charles Taze Russell, purezidhendi wokutanga weWatch Tower Society, akapa hurukuro yorubhabhatidzo. Ini ndakazvarwa pana December 4, 1916, apo vabereki vangu vakanga vatove nevana vana. Panguva yokuzvarwa kwangu, zvakaziviswa kuti: “Mumwe munun’una anodiwa.” Saka ndakapiwa zita rokuti David, rinoreva kuti “Anodiwa.”
Pandaive nemavhiki mana, ndakaendeswa kukokorodzano yangu yokutanga. Mumazuva iwayo epakutanga, baba nevakoma vangu vaifamba makiromita akawanda kuenda kumisangano yeungano apo Amai vaienda nehanzvadzi yangu neni nemotokari inofamba panjanji. Misangano yacho yakanga iine purogiramu dzemangwanani nemasikati. Kumba, kukurukura kwaiwanzova kwenyaya dzaiva muNharireyomurindi neThe Golden Age, zita rokutanga reMukai!
Kubetserwa Nemienzaniso Yakaisvonaka
Vanoshanyira nzvimbo vazhinji, sekudanwa kwaiitwa vakurukuri vanofambira panguva iyoyo, vakashanyira ungano yedu. Vaiwanzopedza zuva rimwe kana maviri nesu. Mumwe mukurukuri wandisingakanganwi akanga ari Walter J. Thorn, akanga arangarira Musiki wake Mukuru ‘pamazuva oujaya hwake.’ (Muparidzi 12:1) Pandakanga ndichiri mukomana, ndaienda naBaba kunoratidza “Photo-Drama of Creation,” mharidzo yaiva nezvikamu zvina yokuona uye yakarekodhwa yenhoroondo yerudzi rwemunhu.
Kunyange zvazvo Hama Evans nemudzimai wavo, Miriam, vakanga vasina vana, vakava vabereki navanasekuru vekumudzimu kumhuri yedu. William nguva dzose aidana Baba se“Mwanakomana,” uye iye naMiriam vakaroverera chido chokuparidza evhangeri mumhuri yedu. Mukutanga kwezana ramakore rechi20, Hama Evans vakanga vaita nzendo dzokudzoka kuWales kuti vanosvitsa chokwadi cheBhaibheri kunharaunda yakapoteredza Swansea. Ikoko vaizivikanwa semuparidzi anobva kuAmerica.
Muna 1928, Hama Evans vakasiya basa ravo ndokutanga kuparidza kuzvikomo zveWest Virginia. Vakoma vangu vaviri, Clarence akanga ane makore 21 naCarl akanga ane 19, vakaenda pamwe naye. Isu tose vakomana vana takapedza makore akawanda tiri muushumiri hwenguva yakazara. Kutaura zvazviri, tose zvedu takashanda sevatariri vanofambira veZvapupu zvaJehovha pauduku hwedu. Kasiri kare zvikuru munun’una waAmai pane vose, Mary, uyo iye zvino ari mumakore ake okuma90, akandinyorera kuti: “Mufaro wakadini watinawo tose kuti Hama Evans vakanga vachishingaira muushumiri uye kuti vakashanyira Grove City!” Amainini Mary ndivamwe vakarangarira Musiki wavo kubva pauduku hwavo.
Kupinda Kokorodzano
Baba naClarence chete ndivo vakagona kupinda kokorodzano yakaita mukurumbira yomuna 1922, paCedar Point, Ohio. Pakazosvika 1924, zvisinei, takanga tave nemotokari, uye mhuri yedu yose yakaenda kukokorodzano muColumbus, Ohio. Isu vana taitarisirwa kuti tishandise mari yedu pachedu pakutenga zvokudya mumazuva masere ekokorodzano. Maonero evabereki vangu akanga ari okuti munhu wose womumhuri anofanira kudzidza kuzvitarisira. Naizvozvo taichengeta huku netsuro uye taigadzira mikoko yenyuchi, uye isu vakomana tose taitengesa mapepanhau.
Pakasvika nguva yekokorodzano yemuToronto, muCanada, muna 1927, takanga tave nemunun’una akanga ava nemwedzi mitanhatu, ainzi Paul. Ndakapiwa basa rokugara pamba ndichirera Paul ndichibatsirwa namainini vakanga vakaroorwa apo vabereki vangu vakaenda kuToronto nevamwe vana. Ndakapiwa mubayiro wemadhora gumi, ayo ndakashandisa kutenga sutu itsva. Nguva dzose taidzidziswa kupfeka zvakanaka pamisangano uye kuchengetedza mbatya dzedu.
Pakazosvika nguva yekokorodzano isingakanganwiki yemuColumbus, Ohio, muna 1931, Clarence naCarl vakanga varoora uye vaipayona nevadzimai vavo. Vose vaigara mukaravhani yokugadzirira kumba. Carl akanga aroora Claire Houston wekuWheeling, West Virginia, uye ndochikonzero nei ndakanga ndakagara pedyo nemunun’una waClaire, Helen, pakokorodzano yemuColumbus.
Ushumiri Hwenguva Yakazara
Ndakapedza chikoro chesekondari muna 1932 pandaive nemakore 15, uye gore rakatevera racho ndakaendesa motokari yakamboshandiswa kumukoma wangu Clarence, aipayona muSouth Carolina. Ndakakumbira kuita basa rokupayona uye ndakatanga kushanda pamwe chete naClarence nemudzimai wake. Ipapo Helen aipayona muHopkinsville, Kentucky, uye ndakamunyorera kekutanga. Mumhinduro yake, akabvunza kuti: “Uri piyona here?”
Mutsamba yangu—Helen akaichengeta kusvikira parufu rwake anoda kusvika makore 60 pashure—ndakapindura kuti: “Ndiri, uye ndine tariro yokuramba ndiri.” Mutsamba iyoyo, ndakataurira Helen nezvekugovera kabhuku kanonzi The Kingdom, the Hope of the World kuvafundisi nekuvatongi mumugove wangu wokuparidza.
Muna 1933, Baba vakandigadzirira tende inofamba—karavhani yakanga yakareba mamita 2,4 kune rumwe rutivi nemamita 2 kune rumwe yakanga ine mativi akagadzirwa netende rakamoneredzwa pamhanda nhete uye yakanga ine hwindo zvose kumberi nekumashure. Iwoyo ndowaiva musha wangu wakaderera kwemakore mana akatevera ekupayona.
Muna March 1934, Clarence naCarl, vadzimai vavo, Helen naamai vake, muramu waClarence neni—vasere vedu—takaenda kumadokero kunopinda kokorodzano muLos Angeles, California. Vamwe vakaenda vari mukaravhani yangu uye ndomavakarara. Ndakarara mumotokari, vamwe vose vakatsvaka pokurara. Sezvo motokari yedu yaiva nezvinetso, takasvika muLos Angeles pazuva rechipiri rekokorodzano yemazuva matanhatu. Ikoko, pana March 26, Helen neni pakupedzisira takagona kuratidza tsauriro yedu kuna Jehovha nekubhabhatidzwa mumvura.
Pakokorodzano Joseph F. Rutherford, aiva purezidhendi weWatch Tower Society panguva iyoyo, akasangana nemapiyona ose pachake. Akatikurudzira, achitaura kuti takanga tiri varwi vakashinga vechokwadi cheBhaibheri. Panguva iyoyo, gadziriro yokubatsira mapiyona nemari kuti vagone kupfuurira muushumiri hwavo yakaitwa.
Dzidzo Youpenyu
Patakadzoka kubva kukokorodzano muLos Angeles, takagoverana mashoko oUmambo nevanhu vakanga vari mumaruwa ose eSouth Carolina, Virginia, West Virginia, neKentucky. Makore akawanda gare gare Helen akanyora nezvenguva iyoyo kuti: “Kwakanga kusina ungano yokutsamira pairi, kana shamwari dzokubatsira, nokuti takanga tiri vaenzi munzvimbo yatisingazivi. Asi zvino ndinoziva kuti ndakanga ndichiwana dzidzo. Ndakanga ndichipfuma.”
Helen akabvunza kuti: “Ko musikana muduku angaitei nenguva yake kana ari kure neshamwari dzake nemusha wake? Hungu zvakanga zvisina kunyanyoipa. Handimboyeuki ndichinzwa kufinhwa. Ndairava zvikuru. Hatina kumbotadza kuramba tichirava mabhuku edu eBhaibheri nokudzidza. Ndaigara pedyo naamai vangu, ndichidzidza kuchengeta mari yataiva nayo, kuenda kunotenga, kuchinja matayi anenge aponja, kubika, kusona, nokuparidza. Handina chandinodemba uye ndingatozvidzokorora.”
Helen naamai vake vaigutsikana nokugara mukaravhani duku mumakore iwayo, kunyange zvazvo amai vake vakanga vane musha wakanaka. Pashure pekokorodzano yemuColumbus, Ohio, muna 1937, utano hwaamai vaHelen hwakawedzera kuipa, uye vakaendeswa kuchipatara. Vakafira mumugove wavo paPhilippi, West Virginia, muna November 1937.
Kuroorana Uye Kupfuurira Nebasa
Pana June 10, 1938, Helen neni takaroorana pakamhemberero kadiki mumusha waakazvarirwa muElm Grove, pedyo neWheeling, West Virginia. Hama Evans vedu vanodiwa, avo vakanga vapinza mhuri yedu muchokwadi makore anoverengeka ini ndisati ndaberekwa, vakapa hurukuro yomuchato. Muchato wapera, Helen neni takaronga kudzokera kubasa rokupayona kumabvazuva kweKentucky, asi zvakatishamisa kwazvo, patakakokwa kunoita basa reruwa. Basa iri raisanganisira kushanyira mapoka eZvapupu zvaJehovha kumadokero kweKentucky namativi eTennessee kuti tiabatsire muushumiri hwawo. Panguva iyoyo paingova nevazivisi voUmambo 75 chete munzvimbo dzose dzatakashanyira.
Panguva iyoyo, urudzi hwakashatisa kufunga kwevakawanda, uye ndaitarisira kuiswa mujeri nokukurumidza nemhaka yokusava nekwandakarerekera kwechiKristu. (Isaya 2:4) Zvisinei, nemhaka yokuzivikanwa kwangu nebasa rokuparidza, ndakaonekwa semunhu akasiyana nevainyora vanhu vokuenda kuchiuto izvo zvakandibvumira kupfuurira muushumiri hwenguva yakazara.
Patakatanga ushumiri hwokufambira, anenge munhu wose aitaura nezveuduku hwedu. MuHopkinsville, Kentucky, hanzvadzi yechiKristu yakakwazisa Helen nokumbundira kukuru ikabvunza kuti: “Uchiri kundiziva here?” Muna 1933, Helen akanga amuparidzira pachitoro chomurume wake. Akanga ari mudzidzisi wechikoro cheSandesikuru, asi arava bhuku raakasiyirwa naHelen, akasimuka pamberi pekirasi yake ndokukumbira ruregerero nokuda kwokuvadzidzisa zvinhu zvisiri zvemuBhaibheri kwaakanga aita. Pashure pokusiya chechi, akatanga kuzivisa chokwadi cheBhaibheri munharaunda yake. Helen neni takashanda kumadokero kweKentucky kwemakore matatu, uye hanzvadzi iya nemurume wayo vakaita musha wavo kuti uve weduwo.
Mumazuva iwayo taiita magungano maduku emunzvimbo iyoyo, uye A. H. Macmillan akambotishanyira pane rimwe raiwaya. Akambogara pamusha wevabereki vaHelen apo Helen akanga achiri muduku, saka pakokorodzano, akasarudza kugara nesu mumusha wedu unofamba waiva wakareba mamita mashanu, umo taiva nomumwe mubhedha wokuwedzera. Iyewo akanga arangarira Musiki wake Mukuru mumazuva oujaya hwake, akanga atsaurira upenyu hwake kuna Jehovha muna 1900, paakanga ane makore 23 okukura.
Muna November 1941 basa rehama dzinofambira rakambomiswa kwenguva duku, uye ndakagoverwa kunoshanda sapiyona muHazard, Kentucky. Zvekare takashanda nemukoma wangu Carl nemudzimai wake, Claire. Apa Joseph Houston, mwana wehanzvadzi yaHelen, akabatana nesu akatanga kupayona. Akaramba ari muushumiri hwenguva yakazara kweanoda kusvika makore 50, akazofa kamwe kamwe nehosha yomwoyo muna 1992 achishanda nenzira yakatendeka padzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York.
Muna 1943 takagoverwa kunoshanda kuRockville, Connecticut. Iyi yakanga ichiratidzika senyika yakasiyana kuna Helen neni nokuti takanga tajaira kuparidzira kumaodzanyemba. MuRockville, Helen aiitisa fundo dzeBhaibheri dzepamusha dzinopfuura 20 pasvondo. Nokufamba kwenguva, takarenda kamuri risingadhuri kuti tishandise seHoro yoUmambo, uye nzvimbo yokuunganira yeungano duku yakarongwa.
Pataishanda muRockville, takakokwa kunopinda kirasi yechishanu yeWatchtower Bible School of Gilead muSouth Lansing, New York. Nenzira inofadza, takaziva kuti Aubrey naBertha Bivens, dzaive shamwari dzedu mumazuva edu ekupayona muKentucky, ndovataizova navo mukirasi yedu.
Chikoro Nemugove Wedu Mutsva
Kunyange zvazvo takanga tichiri vaduku, vazhinji vemukirasi yedu vakanga vachitove vaduku kwatiri. Hungu, vairangarira Musiki wavo Mukuru mumazuva ouduku hwavo. Taizopedza muna July 1945, apo Hondo yeNyika II yakanga yave kunopera. Patakanga tichimirira migove yedu youfundisi, takashanda neUngano yeFlatbush muBrooklyn, New York. Pakupedzisira, pana October 21, 1946, pamwe nevamwe vatakadzidza navo vatanhatu kusanganisira vekwaBivens, takaenda nendege kumusha wedu mutsva muGuatemala City, Guatemala. Panguva iyoyo, kwaiva neZvapupu zvaJehovha zvisingasviki 50 munyika iyoyo yose yemuCentral America.
Muna April 1949 vashoma vedu isu vafundisi takatamisirwa kuQuetzaltenango, guta rechipiri pakukura nokukosha munyika yacho. Guta iri riri panzvimbo inopfuura mamita 2 300 pamusoro pemwero wegungwa, uye mhepo yepamusoro pegomo ipapo inotonhora uye yakachena. Helen akanyora nokupfupisa basa redu kuno achiti: “Yaiva ropafadzo yedu kuti tiparidze mumataundi akawanda nemisha. Taimuka panenge panguva dzechina mumangwanani tokwira bhazi (kazhinji kacho raive nematende anoita zvokupetwa panzvimbo pemahwindo) toenda kutaundi raive kure. Ikoko taiparidza kweanoda kuva maawa masere tisati tadzokera kumba manheru.” Nhasi kune ungano muzhinji dzenzvimbo idzi, kusanganisira nhanhatu muQuetzaltenango.
Nokukurumidza pakakumbirwa kuti vafundisi vanoshanda muPuerto Barrios paCaribbean Coast, guta rechitatu pakukura muGuatemala. Shamwari dzedu dzinodiwa dzekwaBivens, idzo takashanda nadzo kwemakore mashanu muGuatemala, dzakanga dziri pakati peavo vakaendeswa kuuyu mugove mutsva. Kuparadzana kwacho kwairwadza uye kwakaita kuti pave nenzvimbo isingatsivike muupenyu hwedu. Pakangosara Helen neni mumusha wevafundisi, takaenda kunogara mufurati duku. Muna 1955, Helen neni takabvuma mugove mutsva wokuenda kuguta rinopisa zvikuru reMazatenango. Munun’una wangu wokupedzisira, Paul, nemudzimai wake, Dolores, avo vakapedza chikoro cheGilead muna 1953, vakanga vashanda ikoko nguva shomanana tisati tasvika.
Pakazosvika 1958 takanga tave neZvapupu zvinopfuura 700, ungano 20, nematunhu matatu muGuatemala. Helen neni takagoverana zvekare mubasa rokufambira, tichishanyira mapoka maduku eZvapupu uye nedzimwe dzeungano dzacho, kusanganisira iri muQuetzaltenango. Ipapo, muna August wemuna 1959, takakokwa kuti tidzoke kuGuatemala City, uko takagara pahofisi yebazi. Ndakagoverwa kuti ndishande pabazi, asi Helen akapfuurira mubasa roufundisi kwemamwe makore 16. Ipapo akazotangawo kushanda pahofisi yebazi.
Zvimwe Zvikomborero
Makore akawanda akapfuura zvairatidzika sokuti ndini ndaingova muduku pane vose vaishandira Jehovha. Kazhinji kacho zvino ndini mukuru pane vose, sezvazvakanga zvakaita pandakapinda chikoro chebazu paPatterson, New York, muna 1996. Sokugamuchira kwandakangoita rubatsiro rwakawanda kubva kuvakanga vakura pandaive muduku, yave iri ropafadzo yangu mumakumi emakore achangopfuura kubatsira vaduku vakawanda vanoda kurangarira Musiki wavo muuduku hwavo.
Jehovha ari kupfuurira kudurura makomborero pavanhu vake kuno kuGuatemala. Muna 1999 paive neungano dzinopfuura 60 muGuatemala City. Uye kumaodzanyemba, kuchamhembe, kumabvazuva, nekumadokero, kune ungano dzakawanda nezviuru zvevazivisi vemashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Vazivisi voUmambo vasingasviki 50 patakasvika anoda kusvika makore 53 adarika vakawedzera kuva vanodarika 19 000!
Zvizhinji Zvokufara Nazvo
Hapana anorarama muupenyu asina zvinetso, asi tinogona ku“kandira mutoro w[edu] pamusoro paJehovha.” (Pisarema 55:22) Anowanzotisimbisa nokuita kuti titsigirwe neshamwari dzinotida. Somuenzaniso, makore mashomanana asati afa, Helen akandipa bheji duku rine furema rakanga rakanyorwa mashoko eBhaibheri ari pana VaHebheru 6:10: “Nokuti Mwari haasi asina kururama zvokuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza Kwaari pakuitira vanhu vake basa uye muchiri kudaro.”—Weymouth.
Tsamba yake yakanga yakabatanidzwa inoti muchidimbu: “Anokosha wangu, hapana zvizhinji zvandingakupa kunze kweRUDO RWANGU RWOSE . . . Mashoko aya akanyatsokodzera iwe, uye ndinokukumbira kuti uaise padhesiki rako, kwete nokuti ndakupa, asi nokuti anoshanda kwauri mumakore ako akareba ebasa.” Nanhasi, bheji racho rinogara padhesiki rangu romuhofisi mubazi reGuatemala.
Ndakashandira Jehovha kubva pauduku hwangu, uye zvino mumakore angu okukwegura, ndinotenda Jehovha nokuda kweutano hwangu hwakanaka hunondibvumira kuita migove yangu yandinopiwa. Sezvandinorava Bhaibheri nguva dzose, ndinowanzowana magwaro andinofunga kuti Helen wangu anodiwa angadai akatara pasi pawo muBhaibheri rake. Izvi zvakaitika kwandiri pandakadzokorora Pisarema 48:14: “Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperiperi; iye uchava muperekedzi wedu kusvikira pakufa.”
Mufaro wangu kugoverana nevamwe zvichaitika pazuva rerumuko apo vanhu vemarudzi ose vanenge vachigamuchira vadiwa vavo kubva kuvakafa kuti vapinde munyika itsva. Itarisiro yakadini! Misodzi yakadini ichadonhedzwa ipapo sezvatinorangarira kuti Jehovha zvechokwadi ndiye Mwari “anonyaradza vakasuruvara”!—2 VaKorinde 7:6.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Tichibva nechokurudyi kubvira pamusoro tichienda kuruboshwe: Amai, Baba, Tete Eva, uye vakoma vangu Carl naClarence, 1910
[Mifananidzo iri papeji 26]
Ndina Helen muna 1947 nomuna 1992