“Zvinodikanwa” Zviri Kuzadza Imba yaJehovha
“[Ini Jehovha] ndichazunungusa ndudzi dzose; zvose zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya; ndichazadza imba ino nokubwinya.”—HAGAI 2:7.
1. Munguva yokukurumidzira, nei tichitanga kufunga vadiwa vedu?
ZVINHUI zvinodikanwa zvinozadza imba yako? Une fanicha youmbozha, kombiyuta yazvino, motokari itsva mugaraji rako here? Kunyange kana une zvinhu zvose izvi, haungabvumi here kuti zvinhu zvinonyanyokosha mumusha mako vanhu—nhengo dzemhuri yako? Fungidzira kuti humwe usiku unomuka wanzwa kunhuwa kwoutsi. Imba yako iri kutsva, uye unongova nemaminiti okutiza! Unotanga kufunga nezvei? Fanicha yako here? Kombiyuta yako here? Motokari yako here? Panzvimbo peizvi, haungafungi nezvevadiwa vako here? Chokwadika waizodaro, nokuti vanhu vanokosha kupfuura zvinhu.
2. Zvakasikwa naJehovha zvinokosha zvakadini, uye pazviri chii chainyanya kufadza Jesu?
2 Zvino funga nezvaJehovha Mwari neMwanakomana wake, Jesu Kristu. Jehovha ndiye “Akaita denga nepasi negungwa nezvinhu zvose zviri mazviri.” (Mabasa 4:24) Mwanakomana wake, “mhizha,” ndiye akashandiswa naJehovha kuita zvimwe zvinhu zvose. (Zvirevo 8:30, 31; Johani 1:3; VaKorose 1:15-17) Chokwadi Jehovha naJesu vanokoshesa zvose zvakasikwa. (Enzanisa naGenesi 1:31.) Asi chii pane zvakasikwa chaunofunga kuti chinoreva zvakawanda kwavari—zvinhu kana kuti vanhu? Mubasa rouchenjeri hunotaurwa somunhu, Jesu anoti: “[Ndai]fadzwa navanakomana vavanhu,” kana kuti sokushandurwa kwazvinoitwa neshanduro yaWilliam F. Beck kuti, Jesu ai“fadzwa navanhu.”
3. Jehovha akataura uprofitai achishandisa Hagai?
3 Pasina mubvunzo Jehovha anokoshesa vanhu zvakanyanya. Chimwe chinoratidza izvi chiri mumashoko ouprofita aakataura mugore ra520 B.C.E. achishandisa muprofita wake Hagai. Jehovha akazivisa kuti: “Ndichazunungusa ndudzi dzose; zvose zvinodikanwa nendudzi dzose zvichauya; ndichazadza imba ino nokubwinya. . . . Kubwinya kwokupedzisira kweimba ino kuchapfuura kwokutanga.”—Hagai 2:7, 9.
4, 5. (a) Nei zvaizova zvisina kunaka kugumisa kuti shoko rokuti “zvinodikanwa” rinoreva kunaka kwezvinhu? (b) Waizorondedzera sei “zvinodikanwa,” uye nei?
4 Zvinhui “zvinodikanwa” zvaizozadza imba yaJehovha ndokuiunzira kubwinya kusingaenzaniswi? Fanicha yakawanda uye zvishongo zvemaoresa here? Ndarama, sirivha, uye mabwe anokosha here? Izvi zvaisazomboita sezvakanaka. Yeuka, temberi yaivapo kare, yakatangwa makore mazana mashanu akanga apfuura, yaiva chivako chamabhiriyoni akawanda emadhora!a Chokwadi, Jehovha aisazotarisira kuti temberi yakavakwa neboka duku zvikuru iri revaJudha vakadzorerwa kunyika yavo ipfuure temberi yaSoromoni mukunaka kwezvinhu!
5 Ipapo, “zvinodikanwa” zvaizozadza imba yaJehovha zvii? Zviri pachena kuti vanofanira kuva vanhu. Pashure pezvose, chinoita kuti mwoyo waJehovha ufare haisi sirivha nendarama asi vanhu vanomushumira nemhaka yorudo. (Zvirevo 27:11; 1 VaKorinde 10:26) Hungu, Jehovha anokoshesa varume, vakadzi, uye vana vose vanomunamata zvinogamuchirika. (Johani 4:23, 24) Zvinhu “zvinodikanwa,” uye zvinokosha zvikuru kuna Jehovha pane zvishongo zvose zvakashongedza temberi yaSoromoni.
6. Temberi yaMwari yekare yaishanda chinangwa chei?
6 Pasinei zvapo nokushora kwaipfuurira, temberi yacho yakapedzwa muna 515 B.C.E. Kusvikira nguva yechibayiro chaJesu, temberi yaiva muJerusarema yakaramba iri nzvimbo yokunamata kwakachena ye“zvinodikanwa” zvakawanda, zvinosanganisira vaJudha vokunyama uye vaproserite Vemamwe Marudzi. Asi temberi yacho yaimirira chimwe chinhu chakaisvonaka, sezvatichaona.
Kuzadzika Kwomuzana Ramakore Rokutanga
7. (a) Temberi yaMwari yekare yaiva muJerusarema yaifananidzirei? (b) Tsanangura mabasa omupristi mukuru paZuva Rokuyananisa.
7 Temberi yomuJerusarema yaifananidzira gadziriro huru yokunamata. Itemberi yaMwari yomudzimu, iyo Jehovha akatanga naJesu soMupristi Mukuru muna 29 C.E. (VaHebheru 5:4-10; 9:11, 12) Funga nezvokufanana kwakaita mabasa omupristi mukuru waIsraeri nezviito zvaJesu. Gore roga roga paZuva Rokuyananisa, mupristi mukuru aisvika paatari muchivanze chetemberi ndokubayira nzombe kuti iyananise zvivi zvevapristi. Gare gare, aipinda mutemberi neropa renzombe, aipfuura nepamasuo aiparadzanisa chivanze neNzvimbo Tsvene uye ipapo nomuketeni raiparadzanisa Nzvimbo Tsvene neNzvimbo Tsvene-tsvene. Angova mukati meNzvimbo Tsvene-tsvene, mupristi mukuru aisasa ropa pamberi peareka yesungano. Zvadaro, achitevera muitiro wakafanana, aibayira mbudzi kuti iyananise ndudzi 12 dzaIsraeri dzisiri dzavapristi. (Revhitiko 16:5-15) Uku kuchengeta kunobatana sei netemberi yaMwari yomudzimu?
8. (a) Jesu akabayirwa mupfungwai kutanga muna 29 C.E.? (b) Jesu akava noukamai hunokosha naJehovha muushumiri hwake hwose pasi pano?
8 Chokwadi, Jesu akabayirwa paatari yokuda kwaMwari paakabhabhatidzwa ndokuzodzwa nomudzimu mutsvene waMwari muna 29 C.E. (Ruka 3:21, 22) Zvechokwadi, chiitiko ichi chakaratidza kutanga kwoupenyu hwokuzvibayira hwaJesu hwakapfuurira kwemakore matatu nehafu. (VaHebheru 10:5-10) Munguva iyoyo, Jesu akava noukama hwokuberekwa nomudzimu naMwari. Uhwu ukama hwakasiyana nehwevamwe hwaiva naJesu naBaba vake vokudenga hwaisagona kunyatsonzwisiswa nevamwe vanhu. Zvaiita sokuti chidzitiro chakavhara maziso avo okunzwisisa, sezvaingoita chidzitiro chaiita kuti Nzvimbo Tsvene isaonekwa nevaya vaiva muchivanze chetebhenekeri.—Eksodho 40:28.
9. Nei Jesu aisagona kupinda mudenga somunhu, uye izvi zvakagadziriswa sei?
9 Pasinei zvapo nokuva kwake Mwanakomana waMwari akaberekwa nomudzimu, munhu Jesu aisagona kuwana upenyu mudenga. Nemhaka yei? Nokuti nyama neropa hazvigoni kugara nhaka yoUmambo hwaMwari hwokudenga. (1 VaKorinde 15:44, 50) Sezvo nyama yaJesu yaiva mhinganidzo, yainyatsofananidzirwa neketeni raiparadzanisa Nzvimbo Tsvene neNzvimbo Tsvene-tsvene mutemberi yaMwari yekare. (VaHebheru 10:20) Asi mazuva matatu afa, Jesu akamutswa naMwari somudzimu. (1 Petro 3:18) Zvadaro aigona kupinda mukamuri Dzvene-dzvene retemberi yaMwari yomudzimu—denga pacharo. Uye izvi ndizvo zvakanyatsoitika. Pauro anonyora kuti: “Kristu akapinda, kwete munzvimbo tsvene [sezviri pachena achireva Nzvimbo Tsvene-tsvene] yakaitwa nemaoko, iri mufananidzo weiri chaiyoiyo, asi mudenga chaimo, zvino kuti aoneke pamberi paiye Mwari nokuda kwedu.”—VaHebheru 9:24.
10. Jesu akaitei paakadzokera kudenga?
10 Mudenga, Jesu ‘akasasa ropa’ rechibayiro chake nokupa ukoshi hworudzikinuro hweropa rake roupenyu kuna Jehovha. Asi, Jesu akaita zvakawanda. Ava kuda kufa, akanga audza vateveri vake kuti: “Ndiri kuenda kunokugadzirirai nzvimbo. Uyewo, kana ndikaenda ndikakugadzirirai nzvimbo yenyu, ndiri kudzokazve uye ndichakugamuchirai kumba kwandiri, kuti pandiri imi muvepowo.” (Johani 14:2, 3) Saka nokupinda Munzvimbo Tsvene-tsvene, kana kuti mudenga, Jesu akazarurira vamwe nzira yokutevera. (VaHebheru 6:19, 20) Ava vanhu, vaizosvika 144 000, vaizoshanda sevapristi vaduku mugadziriro yaMwari yetemberi yomudzimu. (Zvakazarurwa 7:4; 14:1; 20:6) Sezvo mupristi mukuru waIsraeri aitanga kupinda neropa renzombe muNzvimbo Tsvene-tsvene kuti ayananise zvivi zvavapristi, kukosha kweropa raJesu rakadeurwa kwakatanga kushandisirwa kuava vapristi vaduku 144 000.b
“Zvinodikanwa” Zvamazuva Ano
11. Mupristi mukuru waIsraeri aibayira ani mbudzi, uye izvi zvaifananidzirei?
11 Zvinoita sokuti pakasvika gore ra1935, kuunganidzwa chaikwo kwevakazodzwa kwakanga kwapera.c Asi Jehovha akanga asati apedza kubwinyisa imba yake. Kwete, “zvinodikanwa” zvaizenge zvichiri kupindamo. Yeuka kuti mupristi mukuru muna Israeri aibayira mhuka mbiri—nzombe nokuda kwezvivi zvavapristi uye mbudzi nokuda kwezvivi zvendudzi dzisiri dzavapristi. Sezvo vapristi vaifananidzira vaya vakazodzwa vaizova naJesu muUmambo hwokudenga, ndivanaani vaimirirwa nendudzi dzisiri dzavapristi? Mhinduro yacho inowanikwa mumashoko aJesu akanyorwa pana Johani 10:16 anoti: “Ndine mamwe makwai, asiri edanga rino; iwayowo ndinofanira kuaunza, uye achateerera inzwi rangu, uye achava boka rimwe, nomufudzi mumwe.” Saka, ropa raJesu rakadeurwa rinobetsera mapoka maviri avanhu—rokutanga, vaKristu vaya vane tariro yokutonga naJesu mudenga uye rechipiri, vaya vanotarisira upenyu husingaperi muparadhiso yapasi. Sezviri pachena, iboka iri rechipiri rinofananidzirwa ne“zvinodikanwa” zvouprofita hwaHagai.—Mika 4:1, 2; 1 Johani 2:1, 2.
12. “Zvinodikanwa” zvakawanda zviri kukweverwa sei muimba yaMwari nhasi?
12 “Zvinodikanwa” izvi zvichiri kuzadza imba yaJehovha. Mumakore mashoma apfuura, kurambidzwa kwakabviswa muEastern Europe, dzimwe nzvimbo dzeAfrica, uye dzimwe nyika, zvichiita kuti mashoko akanaka oUmambo hwaMwari hwakagadzwa apararire kundima dzisina kumboshandwa kusvika panguva ino. Sezvo vanodikanwa vanopinda mugadziriro yaMwari yetemberi, ivowo vanoedza kuita vamwe vadzidzi, mukuteerera murayiro waJesu. (Mateu 28:19, 20) Sezvavanoita kudaro, vanosangana nevanhu vakawanda, vaduku nevakuru, vanokwanisa kuva “zvinodikanwa” zvichabwinyisa imba yaJehovha. Ona mienzaniso mishomanana yemaitikire azviri kuita.
13. Mumwe musikana muduku muBolivia akaratidza sei kushingairira kwake kuparadzira shoko roUmambo?
13 MuBolivia, mumwe musikana ane makore mashanu ari kurerwa nevabereki vari Zvapupu akakumbira mudzidzisi wake kuti asauya kuchikoro vhiki yaishanya mutariri wedunhu. Nemhaka yei? Aida kuenda kuushumiri vhiki iyi yose inokosha yebasa. Izvi zvakashamisa vabereki vake, asi vakafara kuti aiva nemafungiro akaisvonaka akadaro. Musikana muduku wacho zvino anoitisa fundo dzeBhaibheri dzapamusha shanu, uye vamwe vevadzidzi ava vanopinda misangano yechiKristu. Akatounza mudzidzisi wake wokuchikoro kuHoro yoUmambo. Zvichida pashure penguva yakati, vamwe vevadzidzi vake veBhaibheri vachazviratidza kuva “zvinodikanwa” zvichabwinyisa imba yaJehovha.
14. MuKorea, kupfuurira kweimwe hanzvadzi kutaura nomumwe munhu aiita sokuti aisafarira kwakava sei nomubayiro?
14 Akamira pachiteshi chezvitima, mumwe mukadzi wechiKristu muKorea akaenda kunotaura nomumwe mudzidzi akanga achiteerera mimhanzi pamahedhifoni. “Une chitendero here?” akabvunza kudaro. “Handifariri chitendero chipi nechipi,” mudzidzi wacho akapindura kudaro. Hanzvadzi yacho haina kuora mwoyo. “Nokufamba kwenguva,” yakapfuurira, “munhu angada kusarudza chitendero. Asi kana asina zivo pamusoro pechitendero, angasarudza chisina kururama.” Maitiro omudzidzi wacho akachinja, uye akatanga kuteerera hanzvadzi yedu nomufaro. Yakamugovera bhuku rinonzi Is There a Creator Who Cares About You? ndokuti bhuku iri raizobetsera zvikuru paizosvika nguva yokuti asarudze chitendero. Akabva angobvuma bhuku racho. Vhiki yakatevera yacho, akatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, uye zvino anopinda misangano yose yeungano.
15. Mumwe musikana muduku muJapan anotanga sei fundo dzeBhaibheri, uye zvaanoita zvakava sei nomubayiro?
15 MuJapan, Megumi ane makore 12 anoona chikoro chake somunda wokuparidza nokudzidzisa unobereka zvibereko. Akatokwanisa kutanga fundo dzeBhaibheri dzakawanda. Megumi anozviita sei? Sezvo achirava Bhaibheri kana kugadzirira misangano panguva yokumbozorora kwamasikati, vaanodzidza navo mukirasi vanowanzomubvunza zvaari kuita. Vamwe vanobvunza Megumi kuti nei asingaiti mimwe mitambo yechikoro. Megumi anopindura mibvunzo yavo uye anovaudza kuti Mwari ane zita. Izvi zvinowanzoita kuti vateereri vake vafarire. Ipapo anobva ati anoda kudzidza navo Bhaibheri. Zvino Megumi anoitisa fundo 20—18 dzacho nevaanodzidza navo mukirasi.
16. Imwe hama muCameroon yakakwanisa sei kutanga fundo dzeBhaibheri nevamwe pakati peboka revaishora?
16 MuCameroon, boka revarume vasere vanoshanda pane imwe nzvimbo yebasa rakadana imwe hama yakanga ichigovera mabhuku eBhaibheri kuvanhu vaipfuura. Richida kushoora hama iyi, rakaibvunza kuti nei yaisadavira Utatu, hero yemoto, kana kuti kusafa kwomweya. Ichishandisa Bhaibheri, hama yedu yakapindura mibvunzo yaro. Somugumisiro, vatatu vavo vakabvuma kudzidza Bhaibheri. Mumwe wavo, Daniel, akatanga kupinda misangano uye akatoparadza zvinhu zvake zvose zvaive nechokuita nokudavira midzimu. (Zvakazarurwa 21:8) Gore risati rapera, akanga abhabhatidzwa.
17. Dzimwe hama muEl Salvador dzakashandisa sei unyanzvi kuparidzira mumwe murume uyo pakutanga akanga asingadi kunzwa shoko roUmambo?
17 MuEl Salvador, mumwe murume aisungirira imbwa yake inoruma zvikuru mberi kwomusuo paaingoona Zvapupu zvaJehovha pedyo. Murume wacho aimirira Zvapupu zvacho kuti zvipfuure, uye ipapo aizodzorera imbwa yacho mumba. Hama dzacho hadzina kumbokwanisa kutaura nomurume wacho. Saka rimwe zuva dzakasarudza kuedza kumwe kusvika kwakasiyana. Dzichiziva kuti murume wacho aigona kunzwa zvadzakanga dzichitaura, dzakasarudza kuparidzira imbwa yacho. Dzakasvika pamba, dzikakwazisa imbwa yacho, ndokutaura mafarire adzaiita nokuda kwomukana wokutaura nayo. Dzakataura nezvenguva pakuchava neparadhiso pasi pano, pasisina anozotsamwa—hungu, kunyange nemhuka padzichava norugare. Ipapo dzakaoneka imbwa yacho nounyoro ndokudzika nenzira. Zvakatodzishamisa zvikuru, murume wacho akabuda mumba ndokukumbira ruregerero rwokusambopa Zvapupu zvacho mukana wokutaura naye. Akagamuchira magazini, uye fundo yeBhaibheri yakatangwa. Zvino murume uyu ihama yedu—mumwe we“zvinodikanwa”!
“Regai Kutya”
18. Zvinetsoi zvinotarisana nevaKristu vakawanda, asi Jehovha anoona sei vanamati vake?
18 Uri kuitawo basa rinokosha rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi here? Kana zvakadaro, zvechokwadi wakaropafadzwa. Chokwadi, nebasa irori “zvinodikanwa” zviri kukwevewa naJehovha kuti zvipinde mumba make. (Johani 6:44) Chokwadi, pano neapo unganzwa wakati netei kana kuti wakaora mwoyo. Dzimwe nguva, vamwe—kunyange pakati pavashumiri vakatendeka vaJehovha—vanotambura nokunzwa vasingakoshi. Asi usarega! Jehovha anoona mumwe nomumwe wevanamati vake seanodikanwa, uye anofarira chaizvo kuponeswa kwako.—2 Petro 3:9.
19. Jehovha akakurudzira chii achishandisa Hagai, uye mashoko aya angatisimbisa sei?
19 Patinonzwa taodzwa mwoyo, pamwe nemhaka yokushorwa kana kuti mamwe mamiriro ezvinhu asingafadzi, mashoko aJehovha kuvaJudha vakadzorerwa kunyika yavo anogona kutipa simba. Pana Hagai 2:4-6, tinorava kuti: “Asi zvino chiva nesimba, iwe Zerubhabheri—ndizvo zvinotaura Jehovha; newe Joshua mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, nemi vanhu vose venyika, ivai nesimba, mubate—ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti ndinemi—ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. Ndiro shoko resungano yandakaita nemi, nguva yamakabuda Ijipiti, mweya wangu uchigere pakati penyu; regai kutya. Nokuti zvanzi naJehovha wehondo: Kamwe chete, kwasara chinguva chiduku, ndichazunungusa denga rose, nenyika negungwa, nenyika yakaoma.” Cherechedza kuti Jehovha haangotirayiri kuva vakasimba asiwo anotipa mitoo yokuwana nayo simba. Sei? Cherechedza mashoko anopa chivimbo anoti: “Ndinemi.” Zvinosimbisa kutenda sei kuziva kuti pasinei zvapo nemhinganidzo dzatinotarisana nadzo, Jehovha anesu!—VaRoma 8:31.
20. Kubwinya kusingaenzaniswi zvino kuri kuzadza imba yaJehovha munzirai?
20 Jehovha akanyatsoratidza kuti ane vanhu vake. Zvechokwadi, zvakangoita sezvaakataura achishandisa muprofita Hagai kuti: “Kubwinya kwokupedzisira kweimba ino kuchapfuura kwokutanga . . . panzvimbo ino ndichapa rugare.” (Hagai 2:9) Chokwadi, nhasi kubwinya kukuru zvikuru kunofanira kuwanikwa mutemberi yomudzimu yaJehovha. Ndosaka mazana ezviuru achiuya kukunamata kwechokwadi gore negore. Ava vari kunyatsodyiswa mumudzimu, uye kunyange munyika ino yakanyongana, vanova norugare ruchakundwa bedzi nourwo ruchawanikwa munyika itsva yaMwari.—Isaya 9:6, 7; Ruka 12:42.
21. Tinofanira kutsunga kuitei?
21 Kuzunungusa kwaJehovha marudzi paAmagedhoni kwava pamberi apa chaipo. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Naizvozvo ngatishandisei nguva yasara kubetsera vanhu vazhinji. Ngativei vakasimba ndokuvimba naJehovha zvakazara. Ngatitsungei kuramba tichinamata patemberi yake huru yomudzimu, tichiizadza nezvimwezve “zvinodikanwa” kusvikira Jehovha ataura kuti basa redu rapera.
[Mashoko Omuzasi]
a Mari yakapiwa yokuvaka temberi yaSoromoni yaizoenzana nemabhiriyoni 1 520 emadhora muukoshi hwamazuva ano. Ipi neipi yaiva isina kushandiswa mubasa rokuvaka yakaiswa muhomwe yetemberi.—1 Madzimambo 7:51.
b Kusiyana nomupristi mukuru waIsraeri, Jesu aiva asina zvivi zvaidirwa kuyananisa. Zvisinei, vapristi vaanosonganirana navo vaiva nezvivi nokuti vaibva pakati pevanhu vanotadza.—Zvakazarurwa 5:9, 10.
Unoyeuka Here?
• Chii chinonyanya kukosha kuna Jehovha pane zvinhu zvokunyama?
• Ropa raJesu rakadeurwa rinobetsera mapoka maviri api avanhu?
• Ndivanaani vari “zvinodikanwa” zvaifanira kuzadza imba yaJehovha nokubwinya?
• Tine uchapupu hupi hwokuti uprofita hwaHagai huri kuzadzika nhasi?
[Mufananidzo uri papeji 16]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Unoziva here zvinofananidzirwa netemberi yaJehovha yekare?
Nzvimbo Tsvene-tsvene
Keteni
Nzvimbo Tsvene
Biravira
Atari
Chivanze
[Mufananidzo uri papeji 17]
Mupristi mukuru aibayira nzombe nokuda kwezvivi zvevapristi uye mbudzi nokuda kwezvivi zvendudzi dzaIsraeri dzisiri dzavapristi
[Mufananidzo uri papeji 18]
Basa rokuparidza Umambo munyika yose riri kukwevera vakawanda muimba yaJehovha