Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Sezvo Mambo Soromoni weIsraeri yekare asina kuzoramba akatendeka kuna Mwari paakanga akwegura, tingagumisa kuti haasi kuzomutswa here?—1 Madzimambo 11:3-9.
Kunyange zvazvo Bhaibheri richitaura nemazita vamwe varume nevakadzi vaiva nokutenda vachamutswa, haritauri zvakananga kana munhu mumwe nomumwe warinotaura achamutswa. (VaHebheru 11:1-40) Zvisinei, nezvaSoromoni, tinogona kuona pfungwa yokutonga kwaMwari nokuenzanisa zvakaitika kwaari paakafa nezvakaitika pakafa vamwe vakatendeka.
Magwaro anotaura zvinhu zviviri bedzi zvingangoitika kune vakafa—kusavapo kwekanguva uye kufa zvachose. Vaya vanotongerwa kuti havana kukodzera kumuka vanokandirwa mu“Gehena,” kana kuti “mugungwa remoto.” (Mateu 5:22; Mako 9:47, 48; Zvakazarurwa 20:14) Pane ava pachava nevanhu vaviri vokutanga, Adhamu naEvha, mutengesi Judhasi Isikariyoti, uye vamwe vakafa pavakatongwa naMwari, vakadai sevanhu vomuzuva raNoa uye vagari vokuSodhoma neGomora.a Parufu, vaya vachamutswa vanoenda kuguva revanhu vose—Sheori, kana kuti Hadhesi. Richitaura nezveremangwana ravo, Bhaibheri rinoti: “Gungwa rakabudisa vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa vakanga vari mazviri, uye vakatongwa mumwe nomumwe maererano nezviito zvake.”—Zvakazarurwa 20:13.
Saka, vakatendeka vanotaurwa muchitsauko 11 chaVaHebheru vari muSheori, kana kuti Hadhesi, vakamirira kumutswa. Pane ivava pane vashumiri vaMwari vakavimbika vanoti Abrahamu, Mosesi naDhavhidhi. Zvino chifunga kuti Bhaibheri rinotaura sei nezvavo maererano nokufa kwavo. Jehovha akaudza Abrahamu kuti, “Asi iwe uchaenda kune madzibaba ako norugare; uchavigwa wakwegura kwazvo.” (Genesi 15:15) Jehovha akati kuna Mosesi: “Tarira, iwe uchavata namadzibaba ako.” (Dheuteronomio 31:16) NezvaDhavhidhi, baba vaSoromoni, Bhaibheri rinoti: “Dhavhidhi akazovata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi.” (1 Madzimambo 2:10) Saka, mashoko okuti ‘kuvata nemadzibaba ako’ ndeimwe nzira yokutaura kuti munhu wacho akaenda kuSheori.
Chii chakaitika kuna Soromoni paakafa? Bhaibheri rinopindura richiti: “Nguva yakabata Soromoni vaIsraeri vose paJerusarema aiva makore makumi mana. Ipapo Soromoni akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake.” (1 Madzimambo 11:42, 43) Saka, zvinoita sezvine musoro kugumisa kuti Soromoni ari muSheori, kana kuti Hadhesi, maachazomutswa.
Mhedziso iyi inoratidza kuti mukana wokumutswa wakazaruka kune vamwe avo vanotaurwa neMagwaro zvakananga kuti, ‘vakavata nemadzibaba avo.’ Kutaura zvazviri, madzimambo akawanda akatsiva Soromoni, kunyange zvazvo akanga asina kutendeka, anotaurwa nezvawo nenzira iyi. Izvi zvine musoro, nokuti “kuchava nokumuka kwevakarurama nevasina kururama.” (Mabasa 24:15) Chokwadi, tichanyatsoziva kuti ndiani achange amutswa pashure bedzi pokunge “avo vose vari mumakuva ekurangaridza” vamutswa. (Johani 5:28, 29) Saka pane kutaura zvichaitika chaizvo pamusoro porumuko rwomunhu chero upi zvake wekare, tinomirira, tichivimba nechisarudzo chaJehovha chakakwana.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona mapeji 30-1 eNharireyomurindi yaJune 1, 1988.