Tevedzera Kutenda Kwavo
Akamirira, Uye Akarinda
ERIYA aishuva kunyengetera ari oga kuna Baba vake vokudenga. Asi mapoka evanhu aiva akamupoteredza akanga abva kuona muprofita uyu wechokwadi achinyengeterera kuti moto ubve kudenga, uye hapana mubvunzo kuti vakawanda vavo vaida kutsvaka dzvene naye. Eriya asati akwira panhongonya yeGomo reKameri paiva nemhepo uye asati anyengetera kuna Jehovha Mwari ari oga, pane basa risinganakidzi raaifanira kuita. Aifanira kutaura naMambo Ahabhi.
Varume vaviri ava vaiva vakasiyana chaizvo. Ahabhi, uyo aipfeka zvipfeko zvoumambo zvakanaka chaizvo, aiva munhu akaramba kutenda aingoita gundamusaira, aine udyire. Eriya aipfeka nguo yebasa yomuprofita, yaiva isingashamisiri, ingadaro yaiva yedehwe remhuka kana kuti yakarukwa nemvere dzengamera kana dzembudzi. Aiva murume aiva noushingi, akatendeka, aine kutenda. Zuva rodoka, unhu hwevarume vaviri ava hwakanga hwabuda pachena.a
Ahabhi nevamwe vainamata Bhaari vakanga vanyadziswa musi uyu. Chitendero chechihedheni chaitsigirwa naAhabhi nomudzimai wake Mambokadzi Jezebheri, muumambo hwaIsraeri hwemadzinza gumi chakanga chafumurwa. Bhaari akanga afumurwa kuti munyengeri. Chidhori ichocho chisingafemi chakanga chatadza kungobatidza moto sezvaikumbirwa nevaprofita vacho vaitamba uye vaiita tsika yavo yokuzvicheka vachibuda ropa. Bhaari akanga atadza kudzivirira varume ivavo 450 vaifanira kuurayiwa. Asi mwari wenhema iyeye akanga atadza kuita chimwezve chinhu, uye izvozvo zvakanga zvava kuzobuda pachena. Kwemakore anopfuura matatu, vaprofita vaBhaari vakanga vateterera mwari wavo kuti anayise mvura panyika yakanga yaoma, asi Bhaari akanga atadza kuinayisa. Munguva pfupi, Jehovha aizoratidza kuti ndiye aiva Mwari wechokwadi nokunayisa mvura.—1 Madzimambo 16:30–17:1; 18:1-40.
Saka Jehovha aizopindura rini? Eriya aizenge achiitei kusvikira panguva iyoyo? Uye tingadzidzei pane zvakaitwa nomurume uyu wokutenda? Ngatimboonai sezvatinoongorora nhoroondo yakanyorwa pana 1 Madzimambo 18:41-46.
Aikoshesa Kunyengetera
Eriya akataura naAhabhi akati: “Endai, idyai uye inwai; nokuti kune kutinhira kwemvura zhinji.” (Ndima 41) Mambo akaipa uyu pane zvaakanga adzidzawo here pane zvaiva zvaitika musi iwoyo? Nhoroondo yacho haitauri zvakananga, asi pano hapana patinowana mashoko anoratidza kupfidza, hapana paanokumbira muprofita wacho kuti amubatsire kutaura naJehovha uye kukumbira ruregerero. Pane kudaro, Ahabhi aka“enda kuti anodya nokunwa.” (Ndima 42) Ko Eriya?
“Asi Eriya akakwira pamusoro peKameri, akachonjomara pasi, akaramba akaisa chiso chake pakati pemabvi ake.” Ahabhi paaienda kunodya, Eriya akawana mukana wokunyengetera kuna Baba vake. Ona zvaakanga akaita zvinoratidza kuzvininipisa zvinorondedzerwa pano—ari pasi akakotamisa musoro wake zvokuti chiso chake chaiva pedyo nemabvi. Aiitei? Hatifaniri hedu kufembera. Pana Jakobho 5:18, Bhaibheri rinotiudza kuti akanyengetera kuti mvura inaye. Hapana mubvunzo kuti ainyengetera ari panhongonya yegomo reKameri.
Izvi zvisati zvaitika, Jehovha akanga ati: “Ndatsunga kunayisa mvura panyika.” (1 Madzimambo 18:1) Saka Eriya akanyengeterera kuti zvaida Baba vake uye zvavakanga vataura zviitwe. Kwapera makore anenge chiuru Jesu akazodzidzisawo vateveri vake kuti vanyengeterere izvi.—Mateu 6:9, 10.
Muenzaniso waEriya unotidzidzisa zvakawanda nezvokunyengetera. Eriya ainyanya kufunga nezvokuita kuti zvaidiwa naBaba vake zvibudirire. Patinonyengetera, zvakanaka kuyeuka kuti: “Zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nezvaanoda, iye [Mwari] anotinzwa.” (1 Johani 5:14) Saka zviri pachena kuti tinofanira kuziva zvinodiwa naMwari kuitira kuti tinyengetere nenzira yaanogamuchira, chinova chikonzero chakanaka chokuti tidzidze Bhaibheri zuva nezuva. Chokwadi Eriya aida kuona mvura ichinaya nokuti vanhu vokumusha kwake vakanga vatambura zvikuru. Angadaro aionga zvikuru, nokuti akanga aona chishamiso chakaitwa naJehovha zuva iroro. Isuwo tinofanira kunyengeterera vamwe tichionga nomwoyo wose.—2 VaKorinde 1:11; VaFiripi 4:6.
Aiva Nechivimbo uye Aiva Akarinda
Eriya aiva nechokwadi chokuti Jehovha aizonayisa mvura, asi akanga asina chokwadi kuti aizozviita rini. Saka muprofita wacho aiitei panguva iyi? Ona zvinotaura ndima 43: “Akabva ati kumushandi wake: ‘Ndapota, enda. Tarira kurutivi rwokugungwa.’ Naizvozvo akaenda, akatarira, akabva ati: ‘Hakuna kana chiriko.’ Iye akati, ‘Dzokera,’ kanomwe.” Muenzaniso waEriya unotidzidzisa zvidzidzo zvinenge zviviri. Chokutanga, ona chivimbo chaiva nomuprofita wacho. Zvadaro, funga nezvokurinda kwaaiita.
Eriya ainyatsotsvaka uchapupu hwokuti Jehovha akanga ava kuzonayisa mvura, saka akatuma mushandi wake kuti aende panzvimbo yakakwirira kuitira kuti atarise mujengachenga kana kwairatidza kuti kwaizonaya. Mushandi wacho paakadzoka, akataura mashoko aya aisafadza okuti: “Hakuna kana chiriko.” Jengachenga raiva rakajeka, uye zviri pachena kuti denga raiva risina makore. Saka waona here zviri kuitika pano? Yeuka kuti Eriya akanga achangobva kuudza Mambo Ahabhi kuti: “Kune kutinhira kwemvura zhinji.” Muprofita uyu aigona sei kutaura izvozvo sezvo kwakanga kusina makore emvura?
Eriya aiziva zvakanga zvavimbiswa naJehovha. Somuprofita nomumiririri waJehovha, aiva nechokwadi chokuti Mwari aizoita zvaaiva ataura. Eriya aiva nechivimbo zvokuti aiita sokuti akanga ava kutonzwa kutinhira kwemvura. Izvi zvingatiyeuchidza zvinotaura Bhaibheri nezvaMosesi, kuti: “Akaramba akasimba seaiona Uyo asingaoneki.” Mwari munhu chaiyeiye kwauri here? Anotipa zvikonzero zvakawanda zvokuti titende maari uye muzvipikirwa zvake.—VaHebheru 11:1, 27.
Uyezve, cherechedza kurinda kwakanga kwakaita Eriya. Haana kudzosa mushandi wake kamwe chete kana kaviri, asi kanomwe! Tinogona kufungidzira mushandi wacho aneta nokungoramba achitumwa, asi Eriya akaramba achitarisira chiratidzo uye haana kukanda mapfumo pasi. Pakupedzisira, mushandi wacho paakadzokera kechinomwe, akazoti: “Tarirai! Kune gore duku rakaita sechanza chomunhu riri kukwira richibva mugungwa.” (Ndima 44) Ungafungidzira here muranda iyeye achibata ruoko rwake akarutambanudza, achienzanisa nechanza chake kukura kwekakore kacho kaikwira kubva mujengachenga reGungwa Guru?b Mushandi wacho angangodaro asina kumboona chaifadza ipapo. Zvisinei, kuna Eriya, kakore ikako kaikosha zvikuru. Akabva akurumidza kurayira mushandi wake achiti: “Enda unoti kuna Ahabhi, ‘Sungai ngoro yenyu! Endai kuti murege kudzivirirwa nemvura zhinji!’”
Zvakare, Eriya akatisiyira muenzaniso wakaisvonaka. Nesuwo tiri kurarama munguva apo Mwari achakurumidza kuita chimwe chinhu kuti azadzise chinangwa chake chaakataura. Eriya akamirira kuti mvura inaye; vashumiri vaMwari nhasi vanomirira mugumo wenyika ine uori. (1 Johani 2:17) Kusvikira Jehovha Mwari aita chimwe chinhu, tinofanira kuramba takarinda, sezvakanga zvakaita Eriya. Jesu, Mwanakomana waMwari pachake akarayira vateveri vake kuti: “Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya zuva ripi.” (Mateu 24:42) Jesu aireva here kuti vateveri vake vaizenge vasingazivi kuti mugumo waizouya rini? Aiwa, nokuti akataura zvakawanda nezvezvaizenge zvakaita nyika mumazuva okupedzisira. Mumwe nomumwe wedu anogona kudzidza zvakawanda nezvechiratidzo ichi “chokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?”—Mateu 24:3-7.c
Chimwe nechimwe chiri pachiratidzo ichi chine uchapupu hunogutsa. Uchapupu ihwohwo hwakakwana here kuti huite kuti tiite zvinhu tichiziva kuti nguva yapera? Gore duku raikwira pajengachenga rakanga rakakwana kuti Eriya agutsikane kuti Jehovha akanga ava kuda kuita chimwe chinhu. Muprofita iyeye akaodzwa mwoyo here?
Jehovha Anonunura uye Anokomborera
Nhoroondo yacho inoenderera ichiti: “Munguva iyi matenga akasviba nemakore, kukava nemhepo nemvura zhinji kwazvo. Ahabhi akaramba ari mungoro, akaenda kuJezreeri.” (Ndima 45) Zvinhu zvakatanga kuitika nokukurumidza. Mushandi waEriya paaienda kunoudza Ahabhi zvaive zvataurwa nomuprofita, gore duku iroro rakawedzera kukura, rikazadza denga rose ndokuita kuti denga risvibe. Mhepo ine simba yakavhuvhuta. Pakupedzisira, pashure pemakore matatu nehafu, mvura yakanaya munyika yeIsraeri.d Pasi raive raoma rakanwa mvura. Sezvo mvura yakava zhinji, rwizi Kishoni rwakafashukira, uye hapana mubvunzo kuti rwakageza ropa rose revaprofita vaBhaari vakanga vaurayiwa. VaIsraeri vakanga vatsaukawo vakanga vapiwa mukana wokugeza gwapa risingaiti rokunamata Bhaari munyika.
Chokwadi Eriya aitarisira kuti zvidaro! Ahabhi akapfidza here ndokusiya kunamata kwakaipa kwaBhaari? Zvakanga zvaitika musi uyu zvaifanira kuita kuti achinje saizvozvo. Chokwadi, hatingazivi kuti Ahabhi aifungei panguva iyoyo. Nyaya yacho inongotiudza kuti mambo wacho “akaramba ari mungoro, akaenda kuJezreeri.” Pane zvaakanga adzidza here? Akanga atsunga kuchinja nzira dzake here? Zvakazoitika zvinoratidza kuti akanga asina. Asi zuva iri rakanga richiri gore kuna Ahabhi naEriya.
Muprofita waJehovha akafamba nenzira yakanga yaenda naAhabhi. Aizoita rwendo rurefu munzira yaiva nemadhaka uye kuine mhindo. Asi pane chishamiso chakazoitika.
“Ruoko rwaJehovha rwakava pana Eriya, zvokuti akasunga muhudyu make, akamhanya ari mberi kwaAhabhi kusvikira kuJezreeri.” (Ndima 46) Zviri pachena kuti “ruoko rwaJehovha” rwaiva pana Eriya kuti aite zvaishamisa. KuJezreeri kwaiva kure nemakiromita anenge 30, uye Eriya akanga asisiri jaya.e Chimbofungidzira muprofita uyu, achisungira nguo dzake refu muhudyu make kuti makumbo ake asavhiringidzwa uye akwanise kumhanya munzira ine madhaka—kumhanya somuseve zvokuti akabata ngoro yamambo ndokuipfuura, achibva aisiya!
Ichi chaiva chikomborero chaicho kuna Eriya! Zvinofanira kunge zvainakidza kumbova nesimba rakadaro, zvimwe rinotopfuura raaiva naro achiri jaya. Izvi zvingatiyeuchidza nezvouprofita hunovimbisa utano hwakakwana uye simba kuvanhu vakatendeka muParadhiso iri kuuya pasi pano. (Isaya 35:6; Ruka 23:43) Sezvo Eriya aimhanya mumugwagwa iwoyo waiva nemadhaka, ainyatsoziva kuti Baba vake, Mwari wechokwadi Jehovha, vaimufarira!
Jehovha anoda kukomborera vanhu. Kuita zvose zvatinogona kuti tikomborerwe kufira zviripo. SaEriya, tinofanira kurinda, tichinyatsoongorora uchapupu hwakasimba hunoratidza kuti Jehovha ane zvaava kuda kuita panguva ino ine ngozi yave kuda kupera. SaEriya, tine zvikonzero zvakasimba zvokunyatsovimba nezvakapikirwa naJehovha, “Mwari wechokwadi.”—Pisarema 31:5.
[Mashoko Omuzasi]
a Kuti uwane mamwe mashoko, ona nyaya inoti “Akatsigira Kunamata Kwakachena,” iri muNharireyomurindi yaJanuary 1, 2008.
b Nhasi, Gungwa Guru rinozivikanwa seMediterranean.
c Kuti uwane mamwe mashoko nezvouchapupu hwokuti mashoko aJesu ari kuzadzika iye zvino, ona chitsauko 9 chebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
d Vamwe vanonetseka kuti Bhaibheri rinozvipokanidza here parinotaura nezvourefu hwenguva yokusanaya kwemvura. Ona bhokisi riri papeji 19.
e Izvi zvichingopera, Jehovha aizotuma Eriya kuti adzidzise Erisha, aizozivikanwa souyo “aidira mvura pamaoko aEriya.” (2 Madzimambo 3:11) Erisha aiva mushandi waEriya, saka ndiye aibatsira murume aiva akwegura uyu.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 19]
Makore Mangani Kusinganayi Muzuva raEriya?
Muprofita waJehovha Eriya akazivisa Mambo Ahabhi kuti kusanaya kwemvura kwenguva yakareba kwakanga kwava kuzoguma. Izvi zvakaitika “mugore rechitatu”—zvimwe tichiverenga kubva pazuva iro Eriya akazivisa nezvokusanaya kwemvura. (1 Madzimambo 18:1) Jehovha akanayisa mvura pashure pokunge Eriya ataura kuti aizodaro. Vamwe vangagumisa kuti kusanaya kwemvura kwakaguma mukati megore rechitatu uye kuti kwakatora makore asingasviki matatu. Zvisinei, Jesu naJakobho vose vanotiudza kuti zvakatora “makore matatu nemwedzi mitanhatu” mvura isati yanaya. (Ruka 4:25; Jakobho 5:17) Saka tingati Bhaibheri rinozvipokanidza here?
Kwete. Unoonaka, mvura yaigona kusanaya kwenguva yakareba muIsraeri, zvokutosvika mwedzi mitanhatu isinganayi. Hapana mubvunzo kuti Eriya akauya kuna Ahabhi kuzozivisa nezvokusanaya kwemvura apo mwaka wokusanaya kwemvura wakanga wanyanya kureba. Kutaura zvazviri, kusanaya kwemvura kwakanga kwatanga muhafu yokutanga yegore. Saka, kubva Eriya paakazivisa nezvokusanaya kwemvura kusvikira paakazozivisa nezvokunaya kwayo “mugore rechitatu,” pakanga patopfuura makore matatu nehafu. Vanhu pavakazoungana paGomo reKameri kuti vaone kuti ndiani akanga ari Mwari wechokwadi pakanga papfuura “makore matatu nemwedzi mitanhatu.”
Saka chimbofunga nezvenguva apo Eriya akatanga kushanyira Ahabhi. Vanhu vaidavira kuti Bhaari aiva “mutasvi wemakore,” mwari aigona kunayisa mvura kuti agumise kusanaya kwemvura kwenguva refu. Mwaka wokusanaya kwemvura pawainyanya kureba, vanhu vaitanga kunetseka kuti: ‘Bhaari ari kupi? Achanayisa rini mvura?’ Chiziviso chaEriya chokuti dova kana mvura zvaisazovapo kusvikira iye ataura kuti zvivepo chinofanira kunge chakaodza mwoyo zvikuru vanamati vaBhaari.—1 Madzimambo 17:1.
[Kwazvakatorwa]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.
[Mufananidzo uri papeji 18]
Minyengetero yaEriya yairatidza kuti ainyatsoda kuti zvaidiwa naMwari zviitwe