Wedzera Zivo Yakarurama “Nepfungwa Dzinoda Kwazvo”
VASHUMIRI vaJehovha vose vanoda kufarirwa naye. Zvatinoda kufarirwa naye, tinoda kuvandudza kunaka kwokutenda kwedu uye kushingaira kuita basa dzvene. Zvisinei, muapostora Pauro anotiratidza ngozi ingavapo, yakambovhiringidza vamwe vaJudha vomuzuva rake, achiti: “Vanoshingairira kushumira Mwari; asi havazviiti maererano nezivo yakarurama.” (VaR. 10:2) Zviri pachena kuti kutenda kwedu nokunamata kwatinoita Jehovha hakufaniri kugumira pamanzwiro atinoita mumwoyo medu. Tinofanira kuva nezivo yakarurama nezvoMusiki wedu uye kuda kwake.
Mune dzimwe tsamba dzaakanyora, Pauro akati mufambiro unofarirwa naMwari unobva pakutsvaka kwedu zivo. Akanyengeterera kuti vateveri vaKristu va“zadzwe nezivo yakarurama” yezvinodiwa naMwari, kuitira ‘kuti vafambe zvakakodzera Jehovha, vamufadze kwazvo zvavanoramba vachibereka zvibereko mumabasa ose akanaka, vawedzere pazivo yakarurama pamusoro paMwari.’ (VaK. 1:9, 10) Nei zvichikosha chaizvo kuti tive “nezivo yakarurama”? Uye nei tichifanira kuwedzera zivo yakadaro?
Chinoita Kuti Tive Nokutenda
Zivo yakarurama pamusoro paMwari nezvaanoda iri muBhaibheri ndiyo inoita kuti tive nokutenda. Kana tisina zivo yakadaro, kutenda kwedu muna Jehovha kungaita seimba yemakadhibhokisi ingapwanyika kana pangoita kamhepo. Pauro anotikurudzira kuitira Mwari basa dzvene ‘nesimba redu rokufunga’ uye ‘kuchinja pfungwa dzedu.’ (VaR. 12:1, 2) Kugara tichidzidza Bhaibheri kuchatibatsira kuita izvozvo.
Ewa, mumwe piyona wenguva dzose wokuPoland, anobvuma kuti: “Dai ndisingagari ndichidzidza Shoko raMwari, ndingadai ndisina kana zivo yakarurama yaJehovha. Dai ndisisazivikanwi kuti ndiri muKristu, uye kutenda kwangu Mwari kungadai kusisina kusimba, ndingadai ndakaparara panyaya dzokunamata.” Dai izvozvo zvikasamboitika kwatiri! Ngatimbokurukurai muenzaniso womumwe murume akawedzera zivo yake yakarurama nezvaJehovha, zvikaita kuti afarirwe naMwari.
“Ndinoda Mutemo Wenyu Sei!”
Pisarema rechi119 rinoratidza manzwiro aiita munyori waro nezvemitemo, zviyeuchidzo, mirayiro uye zvakatongwa naJehovha. Munyori wepisarema akati: “Ndichada kwazvo mirau yenyu. . . . Ndinoda kwazvo zviyeuchidzo zvenyu.” Akanyorawo kuti: “Ndinoda mutemo wenyu sei! Ndinoufungisisa zuva rose.”—Pis. 119:16, 24, 47, 48, 77, 97.
Mashoko okuti “ndinoda” uye “ndinofungisisa” anoreva kuti aidzamisa pfungwa paShoko raMwari, achitoratidza kunakidzwa nokufungisisa. Mashoko iwayo anoratidza kuda kwaiita munyori wepisarema kudzidza mutemo waMwari. Rudo irworwo haruna kungoerekana rwava mumwoyo womunyori wepisarema. Asi aiva nechido chaibva pamwoyo ‘chokufungisisa’ mutemo, chokunzwisisa mashoko aJehovha. Tinogona kuona kubva pane zvaaiita kuti aida kuziva Mwari uye kuda kwake nenzira yakarurama.
Zviri pachena kuti kuda Shoko raMwari kwaiitwa nomunyori wepisarema kwaibva pasi pomwoyo wake. Tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndizvo zvandinoita here? Ndinonakidzwa nokuverenga nokuongorora ndima dzeBhaibheri zuva nezuva here? Ndinoedza nepandinogona napo kuverenga Bhaibheri uye kunyengetera ndisati ndaverenga here? Kana tichipindura kuti hungu kumibvunzo iyi, zvimwe tiri ‘kuwedzera zivo yakarurama pamusoro paMwari.’
Ewa anoti: “Ndinogara ndichiedza kuvandudza madzidziro andinoita. Kubva pandakawana bhurocha ra‘Ona Nyika Yakanaka,’ ndinorishandisa panenge pose pandinenge ndichidzidza. Ndinoedza kutsvakurudza muna Insight on the Scriptures nomumamwe mabhuku pandinenge ndisina kujekerwa.”
Ngatikurukureiwo nezvemienzaniso yaWojciech naMałgorzata, vane zvakawanda zvavaifanira kuitira mhuri yavo. Vanoronga sei kuti vakwanise kudzidza Bhaibheri? “Tinoronga nepatinogona napo kuti mumwe nomumwe adzidze Shoko raMwari ari oga. Zvadaro, patinozodzidza semhuri uye patinenge tichikurukura hedu, tinoudzana pfungwa dzinenge dzatinakidza kana kuti dzinokurudzira.” Kudzidza Bhaibheri zvakadzama kunovafadza uye kunovabatsira kuti va“wedzere pazivo yakarurama pamusoro paMwari.”
Dzidza Nepfungwa Dzokuwedzera Zvaunoziva
SevaKristu, tinotenda kuti Mwari anoda “kuti vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:3, 4) Pfungwa iyi inoratidza kuti kuverenga Bhaibheri uye kuedza ‘kurinzwisisa’ kunokosha. (Mat. 15:10) Chimwe chinobatsira kuita izvozvo kudzidza nepfungwa dzokuwedzera zvaunoziva. Vanhu vokuBheriya yekare ndizvo zvavaiita pavakaudzwa mashoko akanaka naPauro, nokuti “vakagamuchira shoko nepfungwa dzinoda kwazvo, vachinyatsoongorora Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvi zvakanga zvakadaro.”—Mab. 17:11.
Unotevedzera muenzaniso wevanhu vokuBheriya wokuva nepfungwa dzinoda uye kuita kuti pfungwa dzisavhiringidzwa paunenge uchidzidza Bhaibheri here? MuKristu anogona kushandira kuti atevedzere vanhu vokuBheriya, kunyange kana munguva yakapfuura anga asinganakidzwi nokudzidza. Uyezve, vamwe vanhu pavanenge vachikura, vanenge vasingachanyanyi kufarira zvokuverenga nokudzidza, asi muKristu haafaniri kudaro. Pasinei nezera rako, zvinoita kuti ushandire kuti usavhiringidzwa. Uye paunenge uchiverenga, unogona kutsvaka nechido mashoko okuzoudzawo vamwe. Somuenzaniso, zvinoita here kuti uvavarire kuudza wawakaroorana naye kana kuti imwe shamwari yaunonamata nayo zvinhu zvaunenge waverenga kana kuti wadzidza? Kuita izvozvo kuchaita kuti urambe uchiyeuka zvinhu izvozvo uye zvigare mumwoyo mako uye zvichabatsirawo vamwe.
Panyaya yenguva yaunodzidza, tevedzera muenzaniso waEzra, mushumiri waMwari wekare aka“gadzirira mwoyo wake kuti aone kuti mutemo waJehovha unotii.” (Ezra 7:10) Ungazviita sei? Unogona kuita kuti pave nemamiriro ezvinhu anoita kuti zvive nyore kudzidza. Zvadaro, gara pasi unyengetere kuna Jehovha kuti akutungamirire uye akupe uchenjeri. (Jak. 1:5) Zvibvunze kuti, ‘Ndiri kutarisira kudzidzei panguva iyi yandichange ndichidzidza?’ Paunenge uchiverenga, unofanira kungwarira pfungwa itsva. Ungada kunyora pasi pfungwa idzi kana kutara dzaunoda kuzoyeuka. Funga nezvokuti ungashandisa sei mashoko acho pakuparidza, pakuita zvisarudzo, kana kuti pakukurudzira vanounamata navo. Paunenge wava kunopedza, dzokorora muchidimbu zvawadzidza. Zvichaita kuti ukwanise kuyeuka zvawadzidza.
Ewa anorondedzera zvaanoita achiti: “Pandinenge ndichiverenga Bhaibheri, ndinoshandisa zviratidzo zvinondiendesa kune mamwe magwaro, Watch Tower Publications Index, uye Watchtower Library iri paCD-ROM. Ndinonyora pasi pfungwa dzinokosha dzandinoronga kuzoshandisa muushumiri.”
Vamwe vava nemakore vachinakidzwa nokudzidza zvakadzama, vachifadzwa nokudzidza nezvaMwari. (Zvir. 2:1-5) Asi vane zvakawanda zvokuita uye vanoomerwa nokuronga nguva yokudzidza. Kana zvirizvo zviri kuitika kwauri, zvii zvaungagadzirisa pamarongero awakaita nguva yako?
Nguva Yacho Ndingaiwanepi?
Zvimwe ungabvuma kuti munhu haamboshayiri nguva zvinhu zvinomunakidza. Vakawanda vakaona kuti kudzidza kunonakidza kana uine chinangwa chaunoziva kuti chinobudirira, chakadai sokuverenga Bhaibheri rose. Ichokwadi kuti zvingasava nyore kuverenga nhoroondo dzekare dzakareba, rondedzero dzakadzama dzetemberi yekare, kana kuti uprofita hwakaoma hunoita sehusingashandi muupenyu hwanhasi. Edza kutora matanho kuti ubudirire kuita chinangwa chako. Somuenzaniso, usati waongorora bhuku reBhaibheri rinoita serakaoma, ungaverenga nezvezvakaitika parakanyorwa kana kuti kushanda kunoita mashoko aro. Mashoko akadaro anogona kuwanika mubhuku ra“Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera,” riri mumitauro inenge 50.
Paunenge uchiverenga Bhaibheri zvinonakidza kuedza kufungidzira zvaiitika. Izvi zvinogona kukubatsira kuti mupfungwa mako muve nemifananidzo yevanhu vari kutaurwa uye zvakaitika. Kutevedzera mazano mashomanana aya kungangokubatsira kuti paunenge uchidzidza unakidzwe uye ubatsirwe. Naizvozvo, uchava nechido chokuronga nguva yokuzviita. Zvichava nyore kugara uchiverenga Bhaibheri mazuva ose.
Kunyange zvazvo mazano ari pamusoro apa angakubatsira iwe pachako, zvii zvingaitwa nemhuri ine zvakawanda zvokuita? Madii kugara pasi mokurukura makasununguka kubatsirwa kwamungaita nokudzidza semhuri? Pane zvamuchakurukura pangabuda pfungwa dzinobatsira, dzakadai sokuti kurumidzei kumuka mazuva ose kana kuti mamwe mazuva kuti muverenge ndima dzeBhaibheri. Kana kuti zvamuchakurukura zvicharatidza kuti pane zvamunofanira kuchinja papurogiramu yenyu yemhuri. Somuenzaniso, dzimwe mhuri dzakaona zvichibatsira kukurukura rugwaro rwezuva kana kuti kuverenga ndima dzeBhaibheri kana vapedza kudya. Vanhu vasati vatanga kurongedza ndiro kana kuti kutanga kuita mamwe mabasa, mhuri yacho inoita maminitsi 10 kana kuti 15 ichikurukura Magwaro kana kuti kuverenga Bhaibheri kwakarongwa. Pakutanga, izvi zvingaita sezvakati omei, asi nenguva pfupi zvinenge zvajairika uye mhuri yava kunakidzwa nazvo.
Wojciech naMałgorzata vanotsanangura chakabatsira mhuri yavo vachiti: “Kare, nguva yedu yaiperera muzvinhu zvisingakoshi, zvisina basa. Takasarudza kuderedza nguva yataipedzera pakunyora tsamba dzepakombiyuta. Takaregawo zvimwe zvaitivaraidza ndokusarudza zuva nenguva yokudzidza zvakadzama.” Chokwadi mhuri iyi haimbozvidembi nokugadzirisa kwayakaita purogiramu yayo, uye izvi zvinogona kushandawo mumhuri yenyu.
Kuwedzera Zivo Yakarurama Kushandira Zviripo!
Kudzidza Shoko raMwari zvakadzama kunogona kubereka “zvibereko mumabasa ose akanaka.” (VaK. 1:10) Pazvinodaro muupenyu hwako, kufambira mberi kwako kuchaonekwa nevanhu vose. Uchava munhu akasimba pakunamata anonyatsonzwisisa chokwadi chiri muBhaibheri. Zvisarudzo zvako zvichashanda uye zvichakubatsira kuti uyamurewo vamwe, worega kunyanyisa sezvinowanzoitwa nevanhu vasina ruzivo. Zvinotokosha ndezvokuti uchaswedera pedyo naJehovha. Uchanyatsonzwisisa unhu hwake, uye izvi zvichaoneka pane zvaunenge uchiudza vamwe nezvake.—1 Tim. 4:15; Jak. 4:8.
Pasinei nezera rako kana kuti zvaunoziva, edza nepaunogona napo kuramba uchinakidzwa neShoko raMwari uye kudzidza zvakadzama nepfungwa dzokuwedzera zvaunoziva. Unogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha haazokanganwi zvauri kuita. (VaH. 6:10) Achakupa zvikomborero zvake zvakawanda.
[Bhokisi riri papeji 13]
Patinowedzera ‘Pazivo Yakarurama’. . .
Tinosimbisa kutenda kwedu muna Mwari tofamba zvakakodzera Jehovha.—VaK. 1:9, 10
Tinova nenjere, tokwanisa kushandisa nzwisiso uye kusarudza zvine musoro.—Pis. 119:99
Tinofara zvikuru kubatsira vamwe kuti vaswedere pedyo naJehovha.—Mat. 28:19, 20
[Mifananidzo iri papeji 14]
Kuwana nzvimbo inoita kuti kudzidza kunakidze kungava kwakaoma, asi kwakanaka
[Mufananidzo uri papeji 15]
Dzimwe mhuri dzinoverenga ndima dzeBhaibheri pashure pokudya