‘Kuporesa Kunoshamisa’ Kwemazuva ano—Kunotsigirwa naMwari Here?
MUNE dzimwe nyika, kune dzimwe nzvimbo dzinoera dzinofungidzirwa kuti ukadzishanyira unoporeswa zvirwere zvinonzi hazvirapiki, saka zvakajairika kuona vanhu vachidzishanyira. Mune dzimwe nyika, n’anga dzinoti dzinorapa vanhu dzichishandisa masimba evadzimu. Uyewo kumachechi omweya mune dzimwe nyika, vanhu vakawanda vanenge vari pamawiricheya vanosvetuka vachitanga kufamba kana kuti vanenge vaine madondoro vanoakandira kure vachiti vaporeswa.
Zviri pachena kuti vaya vanoporesa nenzira iyoyi ndevezvitendero zvakasiyana uye vanopomerana kuti vamwe havasi vechokwadi, ndevechihedheni, kana kuti vakapanduka. Saka mubvunzo ungabvunzwa ndewokuti, Mwari anoita zvishamiso here achishandisa nzira dzinopikisana kana kuti masangano anopikisana? Asi, Bhaibheri rinoti: “Nokuti Mwari haasi Mwari wenyonganyonga, asi worugare.” (1 VaKorinde 14:33) Saka, ‘kuporesa kunoshamisa’ ikoko kunobva chaizvoizvo kuna Mwari here? Vamwe vanoti vanoporesa nesimba raJesu. Ngatimboongorora kuti Jesu aiporesa sei vanhu.
Jesu Aiporesa Sei Vanhu?
Jesu aiporesa vanorwara nenzira dzakasiyana nokure nedziri kushandiswa nevaya vanorapa nhasi. Somuenzaniso, Jesu aiporesa munhu wose aiuya kwaari achida kubatsirwa. Paiuya vanhu vakawanda kwaari, akanga asingaiti zvokusarudza vanhu vokuporesa achisiya vamwe vasina kuporeswa. Jesu ainyatsoporesa uye munhu aibva apora ipapo. Bhaibheri rinoti: “Boka rose revanhu raitsvaka kumubata, nokuti simba rakanga richibuda maari richivaporesa vose.”—Ruka 6:19.
Kusiyana nevanoporesa mazuva ano, vanowanzopomera varwere kuti havana kutenda kana vasina kupora, Jesu akatoporesa vamwe vakanga vasati vava kutenda maari. Somuenzaniso, Jesu akaenda paiva nerimwe bofu asina kukumbirwa ndokurirapa. Jesu akazomubvunza kuti: “Uri kutenda muMwanakomana womunhu here?” Munhu wacho akapindura kuti: “Changamire, iye ndiani kuti nditende maari?” Jesu akati kwaari: “Ari kutaura newe ndiye iye.”—Johani 9:1-7, 35-38.
Ungazvibvunza kuti, ‘Kana kutenda kwakanga kusiri iko kwaitema kuti waizopora kana warapwa naJesu, nei iye aigara achiti kuvanhu vaaiporesa: “Kutenda kwako kwakuporesa”?’ (Ruka 8:48; 17:19; 18:42) Nokutaura kudaro, Jesu airatidza kuti vaya vaiporeswa vainge vamutsvaka nokuti vaitenda maari, asi vaya vakanga vasingaendi kwaari vaitadza kurapwa. Vaya vaiporeswa, vaiporeswa nesimba raMwari kwete nokutenda kwavo. Bhaibheri rinoti nezvaJesu: “Akazodzwa . . . naMwari nomudzimu mutsvene nesimba, iye akapota nomunyika iyoyo yose achiita zvakanaka uye achiporesa vose vakanga vakadzvinyirirwa naDhiyabhorosi; nokuti Mwari akanga ainaye.”—Mabasa 10:38.
Kazhinji kacho, zvinoita sokuti mari ndiyo inonyanya kukosheswa mukuporesa ikoko kwemazuva ano. Vaya vanonzi vanoporesa vane mbiri yokunyengetedza vanhu kuti vaunganidze mari. Mumwe anonzi akaunganidza mamiriyoni 89 emadhora okuAmerica mugore rimwe chete paaiita zvirongwa zvake zvomunyika yose paterevhizheni. Masangano ezvitendero anowanawo mari kubva kuvanhu vanoshanyira nzvimbo dzinoera vachida kuporeswa. Asi, Jesu haana kumbotora mari kune vanhu vaaiporesa. Pane dzimwe nguva, aitovapa zvokudya. (Mateu 15:30-38) Paakatuma vadzidzi vake kunoparidzira, Jesu akavaudza kuti: “Rapai vanhu vanorwara, mutsai vanhu vakafa, chenesai vane maperembudzi, dzingai madhimoni. Makagamuchira pachena, ipai pachena.” (Mateu 10:8) Nei zvinoitwa nevaya vanoporesa nhasi zvakasiyana chaizvo nezvaiitwa naJesu?
Simba “Rokuporesa” Rinobvepi?
Mumakore akapfuura, vamwe vanachiremba nevamwewo vanodzidza nezvokurapa vakaongorora zvinotaurwa nevaya vechitendero vanoti vanoporesa. Vakawanei? Maererano nepepanhau rinonzi Daily Telegraph rokuLondon, mumwe chiremba wokuEngland uyo akatora makore 20 achiongorora nyaya iyi akati: “Zvinotaurwa nevaya vanoti vanoporesa hazvitombotsigirwi nouchapupu hupi zvahwo hwesayenzi yezvokurapa.” Asi vanhu vakawanda vanodavira nomwoyo wose kuti vakaporeswa nesimba revarapi vari muzvitendero, nezvinhu zvavo zvinoera, kana kuti nedzimwe nzvimbo dzinoera. Kuti vangave vachinyengerwa here?
Mumharidzo yake yepaGomo yakakurumbira, Jesu akati vanyengeri vomuzvitendero vaizoti kwaari: “Ishe, Ishe, hatina . . . kuita mabasa mazhinji esimba muzita renyu here?” Asi, aizovapindura achiti: “Handina kumbokuzivai! Ibvai kwandiri, imi vasingateereri mutemo.” (Mateu 7:22, 23) Achitaura nezvokunobva simba ravanoti vanaro, muapostora Pauro akanyevera kuti: “Kuvapo kwomunhu asingateereri mutemo kunovapo maererano nokushanda kwaSatani nebasa rose rine simba nezviratidzo zvenhema nezvishamiso uye nokunyengera kwose kusina kururama.”—2 VaTesaronika 2:9, 10.
Uyezve, “kuporesa” kunonzi kunoitwa nezvinhu zvinoera, zvidhori, uye mifananidzo hakungabvi kuna Mwari. Nei? Nokuti Shoko raMwari rinotaura zvakajeka kuti: “Tizai kunamata zvidhori,” uye “Zvichenjererei pazvidhori.” (1 VaKorinde 10:14; 1 Johani 5:21) “Kuporesa” ikoko ndeimwe yenzira dzokunyengera dzinoshandiswa naDhiyabhorosi kutsausa vanhu pakunamata kwechokwadi. Bhaibheri rinoti: “Satani anoramba achizvichinja kuva ngirozi yechiedza.”—2 VaKorinde 11:14.
Chakaita Kuti Jesu Nevaapostora Vaporese Vanhu
Kuporesa kwechokwadi kwakanyorwa muMagwaro echiKristu echiGiriki kwainyatsoratidza kuti Jesu nevaapostora vaiporesa nesimba raMwari. (Johani 3:2; VaHebheru 2:3, 4) Mabasa okuporesa akaitwa naJesu aitsigirawo mashoko aaiparidzira: “Akapota neGarireya yose, achidzidzisa mumasinagogi avo nokuparidza mashoko akanaka oumambo uye achirapa hosha dzemarudzi ose.” (Mateu 4:23) Mabasa esimba akaitwa naJesu ayo aisanganisira kwete kuporesa vanorwara chete asi kupa vanhu vakawanda zvokudya, kudzikamisa mamiriro okunze, uyewo kunyange kumutsa vakafa, airatidza zvaachaitira vanhu vanoteerera kana ava kutonga muUmambo hwake. Chokwadi aya mashoko akanaka!
Mabasa akadaro esimba kana kuti zvipo zvomudzimu zvakabva zvangoperawo pakafa Jesu nevaapostora. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kana zviri zvipo zvokuprofita, zvichagumiswa; kana dziri ndimi [dzinotaurwa nenzira yechishamiso], dzichaguma; kana iri zivo [yokupiwa naMwari nenzira yechishamiso], ichagumiswa.” (1 VaKorinde 13:8) Nei? Zvaakazadzisa chinangwa chawo chokuzivisa Jesu kuti aiva Mesiya akapikirwa uye kuti ungano yechiKristu yaive yabvumirwa naMwari, mabasa esimba akadai sokuporesa haachashandi, ‘akagumiswa.’
Kunyange zvakadaro, mabasa esimba akaitwa naJesu ane zvaanotidzidzisa nhasi. Kana tikanyatsoteerera uye tikatenda zvakadzidziswa naJesu nezvoUmambo tinogona kutarisira nguva ichazadzika uprofita hwakafuridzirwa hune chokuita noukama hwedu naMwari uye nemiviri yedu hunoti: “Hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”—Isaya 33:24; 35:5, 6; Zvakazarurwa 21:4.