Basa raMariya Muchinangwa chaMwari
JESU paaiva muushumiri, mumwe mukadzi akashevedzera ari muboka revanhu achiti: “Rinofara dumbu rakakutakurai nemazamu amakayamwa!” Kudai Jesu aida kuti amai vake varemekedzwe, apa ndipo paakanga awana mukana wakanaka wokutaura kuti vanamatwe saizvozvo. Asi, iye akati: “Aiwa, panzvimbo paizvozvo, Vanofara vaya vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta!”—Ruka 11:27, 28.
Jesu haana kumboremekedza amai vake sezvinonzi vaifanira kunamatwa; uye haana kumboudza vateveri vake kuti vadaro. Izvi zvinoenderana here nemaonerwo anoitwa Mariya nevanhu vanomunamata nomwoyo wose? Ngatimboongorora kuti Magwaro Matsvene anoti kudii nezvedzidziso dzakakurumbira nezvaamai vaJesu.
“Akanzwirwa Nyasha,” “Akakomborerwa . . . Pakati Pevakadzi”
Ngirozi inonzi Gabrieri yakaudza Mariya basa raaizoita muchinangwa chaMwari. Panguva iyoyo, yakamukwazisa ichiti: “Kwaziwa, iwe akanzwirwa nyasha kwazvo, Jehovha anewe.” (Ruka 1:28) Nezvemashoko iwaya okukwazisa, imwe shanduro inoti: “Mhoro, iwe wakanzwirwa nyasha, Ishe anewe.” Izvi zvaitika, Erizabheti akakwazisa Mariya achiti: “Wakakomborerwa iwe pakati pevakadzi, uye chakakomborerwa chibereko chedumbu rako!” (Ruka 1:42) Mashoko aya anoratidza kuti Mariya anofanira kupiwa rumwe ruremekedzo here?
Kutaura zvazviri, handizvo zvaanoreva. Kunyange zvazvo mashoko aya achitaurwa nevanopinda Chechi yeRoma pavanenge vachinyengetera kuna Mariya, Bhaibheri pacharo haritauri kuti tinofanira kunyengetera kwaari. Gabrieri naErizabheti vakabvuma kuti Mariya akanga awana ropafadzo inokosha yokubereka Mesiya, asi Magwaro haatauri kuti tinyengetere kwaari. Ukuwo, vadzidzi vaJesu pavakakumbira kudzidziswa kunyengetera, akaratidza kuti vaifanira kunyengetera kuna Baba vake. Chokwadi, munyengetero waJesu wokuenzanisira unotanga nemashoko anoti: “Baba vedu vari kumatenga.”—Mateu 6:9.
Mumwe Wevatongi
Imwe dzidziso yakakurumbira inotaura nezvaMariya inoti pari zvino ave “Mambokadzi wokudenga.” Bhaibheri harimbotauri kuti ndozvaari. Zvisinei, rinoratidza kuti ane basa rinokosha muurongwa hwaMwari hwokudenga. Ibasa ripi iroro?
Jesu akataura kuti vamwe vevadzidzi vake vakatendeka vaizotonga pamwe chete naye muUmambo hwake. (Ruka 22:28-30) Jesu achapa simba kune vaya vakasarudzwa kuti vave “vapristi kuna Mwari wedu, uye vachatonga semadzimambo pamusoro penyika.” (Zvakazarurwa 5:10) Bhaibheri rinonyatsoratidza kuti Mariya ari pakati pevaya vakapiwa basa rinokudzwa. Nei tichigona kudaro?
Unoyeuka kuti pashure porufu rwaJesu, Mariya ‘airamba achinyengetera’ nevadzidzi uye nevanun’una vaJesu. Vanhu 120 vaisanganisira “vakadzi,” vakaungana pamwe chete nechinangwa ichocho. (Mabasa 1:12-15) Bhaibheri rinoti, ‘mutambo wePendekosti zvawaipfuurira, vose vakanga vari panzvimbo imwe chete’ mudzimu mutsvene waMwari pawakadururirwa pavari ukaita kuti vakwanise kutaura mimwe mitauro.—Mabasa 2:1-4.
Sezvo Mariya ari pakati pevakakomborerwa saizvozvo zvinoratidza kuti iye nevamwe vakadzi vakagamuchira mudzimu mutsvene vakasarudzwa kuti vave muUmambo hwaJesu hwokudenga. Saka izvi zvinoratidza kuti Mariya anaJesu muumambo hwokudenga. (VaRoma 8:14-17) Funga nezvezvimwe zvikomborero zvichawanwa naMariya nevamwe vachatonga naJesu pavachange vachiita kuti zvinangwa zvaMwari zvizadzike.
Vachagovera Zvikomborero Zvinoshamisa
Bhuku reBhaibheri raZvakazarurwa rinoti vanhu 144 000 vaizomutsirwa kudenga kuti vatonge pamwe chete naJesu sevapristi, vatongi, uye madzimambo. (Zvakazarurwa 14:1, 4; 20:4, 6) Zvavanenge vari vapristi, vachabatsirana pakuita kuti vanhu vose vanoteerera vabatsirwe nechibayiro chaJesu, vachiita kuti vasvike pakukwana mune zvokunamata, mutsika uye mumuviri. (Zvakazarurwa 21:1-4) Chokwadi chichava chikomborero kune vanhu vose vari kunamata Jehovha vakavimbika kuzovapowo panguva iyoyo yakanaka!a
Mariya akaita uye achiri kuita basa rinokosha pakuti Jehovha aite zvinangwa zvake. Zvaaiva amai vaizvininipisa, vaiva nokutenda, vaiteerera, uye vaizvipira, tisingatauri nezvokutsungirira kwake panguva yokuedzwa, iye muenzaniso wakanaka wokuti titevedzere. Anofanira kuremekedzwa zvikuru nebasa raakaita rokubereka Mesiya uye rokupa vanhu zvikomborero nokusingaperi.
Zvisinei, chinhu chinonyanya kukosha chatinodzidza kuna Mariya ndechokuti iye pamwe chete nevamwe vashumiri vose vakatendeka vaMwari, vanonamata Jehovha kwete mumwe mwari upi zvake. Nevamwe vachatonga naKristu mudenga, Mariya anoshevedzera achiti: “Kuropafadzwa nokukudzwa nokubwinya nesimba ngazvive kuna Iye agere pachigaro choumambo [Jehovha Mwari] nokuGwayana [Jesu Kristu] nokusingaperi-peri.”—Zvakazarurwa 5:13; 19:10.
[Mashoko Omuzasi]
a Kana uchida mashoko akawanda anotaura nezvezvikomborero izvi, ona chitsauko 8 chebhuku rinonzi, Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 10]
Zvakanaka kuti titevedzere kuzvininipisa, kutenda, uye kuteerera kwaMariya