Dzidziso dzechiKristu Dzinobatsira Sei Magariro Evanhu?
MUNYAYA dzapfuura takurukura zvinhu zvinoita kuti vaKristu vechokwadi vasapindira mune zvematongerwo enyika. Saka vaKristu vangaratidza sei kuti vanoda kuvandudza upenyu hwevanhu vekwavanogara? Chimwe chavangaita ndechokuteerera murayiro waJesu, wokuti: “Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.”—Mateu 28:19, 20.
Kuteerera murayiro waJesu ‘wokuita vadzidzi’ kunoenderana nezvaakarayira zvokuita somunyu panyika uye serambi renyika. (Mateu 5:13, 14) Zvinoenderana papi? Uye basa iroro ringabatsira sei vanhu?
Mashoko aKristu—Anochengetedza uye Anovhenekera
Munyu unogona kuchengetedza zvinhu kuti zvisaora. Ndozvakaitawo mashoko ayo Jesu akarayira vateveri vake kuti vaendese kuvanhu vemarudzi ose. Vaya vanobvuma dzidziso dzaJesu uye vanoita zvadzinotaura vanozvidzivirira patsika dzakaora dzakazara munyika nhasi. Sei? Vanodzidza kurega zvinhu zvinokanganisa utano, zvakaita sokusvuta fodya, uye vanova nounhu hwakaita sorudo, runyararo, mwoyo murefu, mutsa, uye runako. (VaGaratiya 5:22, 23) Unhu ihwohwo hunoita kuti vadiwe nevanhu vekwavanogara. VaKristu pavanoudza vavakidzani vavo mashoko aya vanenge vachiita basa rinobatsira chaizvo munzvimbo yavanogara.
Zvakadini nedimikira rechiedza? Kuti mwedzi upenye unotoda kuteyiwa nechiedza chezuva. Saizvozvowo vateveri vaKristu vanoratidza “chiedza” chinobva kuna Jehovha Mwari. Vanochiratidza nemashoko avanoparidza uye mabasa avo akanaka.—1 Petro 2:12.
Jesu akaratidzazve kuti kuva chiedza nokuva mudzidzi wake zvakafanana paakati: “Vanhu havabatidzi rambi voriisa pasi pedengu rokuyeresa, asi pamusoro pechigadziko cherambi, uye rinovhenekera vose vari mumba macho. Saizvozvowo chiedza chenyu ngachivheneke pamberi pevanhu.” Rambi rinonyatsovheneka zvinoonekwa nevanhu vose kana rakaiswa pamusoro pechigadziko. Saizvozvowo basa rokuparidzira nemamwe mabasa akanaka anoitwa nevaKristu zvinofanira kunyatsoonekwa nevanhu. Nemhaka yei? Jesu akati vaya vanoona mabasa iwayo akanaka vachapa mbiri kuna Mwari, kwete kuvaKristu vacho.—Mateu 5:14-16.
Basa Rinofanira Kuitwa Nomunhu Wose
Jesu paakati, “Imi muri chiedza chenyika” uye “chiedza chenyu ngachivheneke,” akanga achitaurira vadzidzi vake vose. Basa rakataurwa naJesu iri harigoni kungoitwa nevanhu vashomanana vanenge vari muzvitendero zvakasiyana-siyana. Asi vatendi vose vanofanira kuva “chiedza.” Zvapupu zvaJehovha zvinosvika mamiriyoni 7 zviri munyika dzinopfuura 235, zvinobvuma kuti ibasa romunhu mumwe nomumwe ari musangano razvo kushanyira vavakidzani kuti avaudze mashoko avakanzi naKristu vazivise.
Zvapupu zvaJehovha zvinombonyanya kuparidza nezvenyaya yei? Jesu paakapa vadzidzi vake basa rokuparidza, haana kuvarayira kuti vaparidze nezvokuchinja hurumende kana kuti magariro evanhu, kubatana kweChechi neHurumende, kana kuti dzimwe dzidziso. Asi akagara ataura kuti: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose.” (Mateu 24:14) Saka mazuva ano vaKristu vechokwadi vanoteerera mirayiridzo yaJesu, uye vanoramba vachitaura nevavakidzani vavo nezvoUmambo hwaMwari, hurumende imwe chete inokwanisa kugumisa nyika yakaipa yaSatani yoita kuti pave nenyika itsva yakarurama.
Munhoroondo dzeEvhangeri mune zvinhu zviviri zvinokosha zvikuru nezvoushumiri hwaJesu zvinobatsira vaKristu vechokwadi mazuva ano kuita basa ravo. Zvinhu izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 8]
Dzidziso dzechiKristu dzakaita semunyu pakuti kudii?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 9]
Mashoko aJesu akaita sechiedza munzvimbo ine rima pakuti kudii?