KURARAMA KWECHIKRISTU
“Murume Wake Munhu Anozivikanwa Pamagedhi Eguta”
Mudzimai anokwanisa anoita kuti murume wake aremekedzwe. Makore akararama Mambo Remueri, murume aiva nemudzimai anokwanisa ‘aizivikanwa pamagedhi eguta.’ (Zvi 31:23) Mazuva ano, varume vanoremekedzwa ndivo vanoshanda sevakuru kana kuti sevashumiri vanoshumira. Kuti vakwanise kuzopiwa basa iri, madzimai avo anofanira kunge achiita zvakanaka uye achivatsigira. (1Ti 3:4, 11) Varume vane madzimai akadaro vanoatenda zvikuru. Kunyange ungano inoatendawo.
Mudzimai anokwanisa anotsigira murume wake nekuita izvi . . .
kumukurudzira nemashoko emutsa.—Zvi 31:26
kubvuma asinganyunyuti kuti ashandise imwe nguva pakubatsira ungano.—1VaT 2:7, 8
kurarama upenyu husina twakawanda.—1Ti 6:8
kusamubvunza zvinhu zvakavanzika zvemuungano.—1Ti 2:11, 12; 1Pe 4:15