NYAYA YEKUDZIDZA 12
Ndeipi Nguva Yakakodzera Yekutaura?
‘Pane nguva yekunyarara nenguva yekutaura.’—MUP. 3:1, 7.
RWIYO 124 Ngatirambei Takavimbika
ZVICHADZIDZWAa
1. Muparidzi 3:1, 7 inotidzidzisei?
VAMWE vedu tinofarira zvekutaura. Vamwe vanofarira kugara vakanyarara. Sezviri murugwaro ruri kutungamirira nyaya ino, pane nguva yekutaura nenguva yekunyarara. (Verenga Muparidzi 3:1, 7.) Dzimwe nguva tinoshuvira kuti dai dzimwe hama nehanzvadzi dzedu dzaiwedzera kuva vanhu vanotaura. Uye tingada kuti vamwe vasanyanya kutaura.
2. Ndiani ane kodzero yekutiudza patinofanira kutaura uye matauriro atinofanira kuita?
2 Kutaura chipo chinobva kuna Jehovha. (Eks. 4:10, 11; Zvak. 4:11) Shoko rake rinotibatsira kuziva kuti tingashandisa sei chipo ichocho zvakanaka. Munyaya ino tichaona mienzaniso yevanhu vanotaurwa muBhaibheri ichatibatsira kuziva patinofanira kutaura nepatinofanira kunyarara. Tichadzidzawo kuti Jehovha anonzwa sei nezvatinotaura kune vamwe. Ngatitangei nekukurukura kuti ndepapi patinofanira kutaura.
NDEPAPI PATINOFANIRA KUTAURA?
3. Maererano naVaRoma 10:14, ndepapi patinofanira kutaura?
3 Tinofanira kugara takagadzirira kutaura nezvaJehovha uye nezveUmambo hwake. (Mat. 24:14; verenga VaRoma 10:14.) Patinodaro tinenge tichitevedzera Jesu. Chimwe chikonzero chikuru chakaita kuti Jesu auye panyika ndechekuti audze vanhu chokwadi nezvaBaba vake. (Joh. 18:37) Asi tinofanira kuyeuka kuti matauriro atinoita anokoshawo. Saka patinenge tichiudza vamwe nezvaJehovha, tinofanira kuzviita “neunyoro neruremekedzo rukuru,” uye tinofanira kuratidza kuti tine hanya nemafungiro evamwe uye zvavanotenda. (1 Pet. 3:15) Patinoita izvozvo tinenge tisisiri kungotaura navo chete, asi tinenge tava kuvadzidzisa uye tinogona kuvabaya mwoyo.
4. Maererano naZvirevo 9:9, zvatinotaura zvinogona sei kubatsira vamwe?
4 Vakuru havafaniri kuzeza kutaura kana vakaona kuti hama kana hanzvadzi inoda kubatsirwa. Vachasarudza nguva yakanaka yekutaura kuitira kuti varege kunyadzisa munhu wacho. Vanogona kumbomira kutaura kusvikira pasisina vamwe vanhu. Vakuru vanoedza kutaura nenzira inoita kuti munhu wacho asare aine chiremerera. Asi havazoregi kutaura mazano eBhaibheri anogona kubatsira vamwe kuti vave neuchenjeri pane zvavanoita. (Verenga Zvirevo 9:9.) Nei zvichikosha chaizvo kuti tive neushingi hwekutaura pazvinenge zvakakodzera? Chimbofunga nezvemienzaniso miviri yakasiyana. Wekutanga ndewemurume aifanira kutsiura vanakomana vake, uye wechipiri ndewemukadzi aifanira kuudza munhu aizova mambo kuti ainge aita chisarudzo chisina kunaka.
5. Mupristi Mukuru Eri akaramba akanyarara papi paaifanira kutaura?
5 Mupristi Mukuru Eri aiva nevanakomana vaviri vaaida chaizvo. Asi vana ivavo vakanga vasingaremekedzi Jehovha. Vaiva nemabasa anokosha avaiita ekushumira sevapristi patebhenekeri. Asi vaishandisa simba ravo zvisina kunaka, vaisaremekedza zvachose zvibayiro zvaipiwa Jehovha uye vaiita upombwe vasingatombonyari nazvo. (1 Sam. 2:12-17, 22) Maererano neMutemo waMozisi, vanakomana vaEri vaifanira kufa, asi Eri aisavatsiura zvakasimba uye aivasiya vachienderera mberi nekushumira patebhenekeri. (Dheut. 21:18-21) Jehovha aiona sei mabatiro aiita Eri nyaya yevanakomana vake? Akati kuna Eri: “Nei uchiramba uchikudza vanakomana vako kundipfuura?” Jehovha akanga atosarudza kuuraya varume vaviri ivavo vainge vakaipa.—1 Sam. 2:29, 34.
6. Tinodzidzei pana Eri?
6 Tinowana chidzidzo chinokosha pane zvakaitwa naEri. Kana tikaziva kuti shamwari yedu kana kuti hama yedu yatyora mutemo waMwari, tinofanira kutaura nayo tichiiyeuchidza zvinodiwa naJehovha. Uye tinofanira kuva nechokwadi chekuti yabatsirwa nevaya vakapiwa basa iroro naJehovha. (Jak. 5:14) Hatingambodi kuita saEri tokudza shamwari kana hama yedu kupfuura Jehovha. Zvinoda ushingi kutaura nemunhu anoda kururamiswa, asi zvinokosha chaizvo kuti tidaro. Ona musiyano uri pakati pezvakaitwa naEri nezvakaitwa nemumwe mukadzi muIsraeri ainzi Abhigairi.
7. Nei Abhigairi akaenda kunotaura naDhavhidhi?
7 Abhigairi aiva mudzimai wemumwe mupfumi ainzi Nabhari. Dhavhidhi nevarume vaaiva navo pavaitiza Mambo Sauro vakaita nguva vaine vafudzi vemakwai aNabhari, uye vaichengetedza makwai acho kuti asatorwa nevapambi. Nabhari akatenda here zvaainge aitirwa? Aiwa. Paakakumbirwa naDhavhidhi kuti apewo varume vaaiva navo zvekudya, akagumbuka akavatukirira. (1 Sam. 25:5-8, 10-12, 14) Izvi zvakaita kuti Dhavhidhi asarudze kuuraya vanhurume vese veimba yaNabhari. (1 Sam. 25:13, 22) Chii chakaitwa kuti dambudziko iri risaitika? Abhigairi akaziva kuti yakanga yava nguva yekuti ataure, saka akashinga kuenda kunosangana nevarume vacho 400 vainge vaine nzara, vakagumbuka uye vaine zvombo, achibva ataura naDhavhidhi.
8. Tinodzidzei pane zvakaitwa naAbhigairi?
8 Abhigairi paakaonana naDhavhidhi, akataura nenzira yairatidza ushingi uye yaiita kuti Dhavhidhi ade kuita zvaaitaura. Kunyange zvazvo Abhigairi asiri iye ainge akonzera dambudziko iri, akakumbira ruregerero kuna Dhavhidhi. Aiziva kuti Dhavhidhi aiva munhu akanaka uye kuti aizoita zvinhu zvakanaka. Akavimba naJehovha kuti amubatsire. (1 Sam. 25:24, 26, 28, 33, 34) Isuwo tinogona kutevedzera Abhigairi patinova neushingi hwekutaura kana tikaona kuti mumwe munhu ari kuita zvinhu zvinomupinza muna taisireva. (Pis. 141:5) Tinofanira kutaura neruremekedzo, asi tiinewo neushingi. Patinopa munhu zano rinomubatsira, tinoratidza kuti tiri shamwari yechokwadi.—Zvir. 27:17.
9-10. Vakuru vanofanira kuyeukei pavanenge vachipa vamwe mazano?
9 Vakuru ndivo vanofanira kuva pamberi pakuva neushingi hwekutaura nevaya vari muungano vanenge vava kurasika. (VaG. 6:1) Vakuru vanobvuma kuti naivowo vanokanganisa uye kuti nerimwe zuva vachadawo kupiwa zano. Asi havaregi izvozvo zvichivatadzisa kutsiura vaya vanenge vachifanira kutsiurwa. (2 Tim. 4:2; Tito 1:9) Pavanenge vachipa munhu zano, vanoedza kutaura nenzira yakanaka, vachiratidza mwoyo murefu. Kuda kwavanoita hama dzavo ndiko kunoita kuti vadzibatsire. (Zvir. 13:24) Asi vanonyanya kukoshesa kukudza Jehovha kuburikidza nekutsigira mitemo yake uye kuchengetedza ungano isina chinoikanganisa.—Mab. 20:28.
10 Kusvika pari zvino takurukura kuti ndepapi patinofanira kutaura. Asi dzimwe nguva zvakanaka chaizvo kuramba takanyarara, tisina kana chatinotaura. Miedzo ipi yatingasangana nayo pakadaro?
NDEPAPI PATINOFANIRA KURAMBA TAKANYARARA?
11. Jakobho akashandisa muenzaniso upi uye nei wakakodzera?
11 Dzimwe nguva hazvisi nyore kudzora rurimi rwedu. Munyori weBhaibheri Jakobho akashandisa muenzaniso wakanaka chaizvo pakutsanangura dambudziko racho. Akati: “Kana munhu asingakanganisi pakutaura, munhu iyeye akakwana, uye anokwanisawo kudzora muviri wake wese. Kana tikaisa matomu pamiromo yemabhiza tichida kuti atiteerere, miviri yawo yese inenge yava kutoita zvatinoda.” (Jak. 3:2, 3) Matomu anoiswa mumusoro mebhiza uye pamuromo paro. Munhu anenge akatasva bhiza racho anogona kudhonza tambo dzacho oriendesa kwaari kuda kana kuti orimisa. Kana akatadza kuridzora, rinogona kumhanya richitiza uye rinogona kuzvikuvadza kana kumukuvadza. Kana isu tikaregawo kuzvidzora pane zvatinotaura, tinogona kukonzera matambudziko akawanda. Ngationei kuti ndepapi patinofanira kudzora rurimi rwedu torega kutaura.
12. Ndepapi patinofanira kudzora rurimi rwedu torega kutaura?
12 Unoita sei kana hama kana hanzvadzi iine mashoko asingafaniri kuudzwa vamwe vanhu? Semuenzaniso, kana ukaona mumwe munhu anogara munyika yakarambidzwa basa redu, unonzwa uchida kumubvunza kuti basa redu riri kuitwa sei munyika iyoyo here? Paunomubvunza unenge usina chinangwa chakaipa. Tinoda hama dzedu uye tinoda kuziva zvadziri kusangana nazvo. Tinodawo kudzinyengeterera tichitaura zvacho zvadziri kusangana nazvo. Asi iyi inguva yekuti tidzore rurimi rwedu, torega kuvabvunza nezvenyaya yacho. Kana tikamanikidza mumwe munhu kuti ataure zvinhu zvisingafaniri kuzivikanwa nevamwe tinenge tichiratidza kuti hatimudi uye hatidiwo hama nehanzvadzi dzinovimba kuti acharamba asingatauri zvadziri kuita. Hatingadi kuomesera hama nehanzvadzi dzedu dzinogara munyika dzakarambidzwa basa redu. Uyewo hapana hama kana hanzvadzi inoshumira munyika yakadaro ingada kutaura kuti Zvapupu zveko zvinoita sei ushumiri kana mamwe mabasa echiKristu.
13. Sezvinotaurwa pana Zvirevo 11:13 vakuru vanofanira kuitei uye nei vachifanira kudaro?
13 Vakuru ndivo vanofanira kuva pamberi pakushandisa zano riri pana Zvirevo 11:13 nekusataura zvinhu zvisingafaniri kuzivikanwa nevamwe. (Verenga.) Izvi zvinogona kuoma kana mukuru wacho akaroora. Murume nemudzimai vanosimbisa imba yavo nekugara vachitaurirana zviri kutsi kwemwoyo. Asi mukuru anoziva kuti haafaniri kuudza mudzimai wake ‘nyaya dzevamwe’ vanhu vari muungano dzaasingafaniri kunzwa nezvadzo. Kana akadaro, hama dzemuungano hadzizovimbi naye uye zvichakanganisa zita rake. Vaya vane mabasa avakapiwa muungano havafaniri kuva vanhu vane “mashoko maviri” kana kuti vane unyengeri. (1 Tim. 3:8; mashoko emuzasi) Izvi zvinoratidza kuti havafaniri kuva nemakuhwa. Kana mukuru achida mudzimai wake, haazomuremedzi nekumuudza zvinhu zvaasingafaniri kuziva.
14. Mudzimai wemukuru angabatsira sei murume wake kuti arambe aine zita rakanaka?
14 Mudzimai anogona kubatsira murume wake kuramba aine zita rakanaka kana asingaedzi kumumanikidza kuti ataure nyaya dzisingafaniri kuzivikanwa nevamwe. Kana mudzimai akateerera zano iri, anenge achitsigira murume wake uye anenge achiremekedza vaya vakaudza murume wake zvinhu zvisingafaniri kuzivikanwa nevamwe. Chinonyanya kukosha ndechekuti anenge achifadza Jehovha nekuti anenge achiita kuti ungano irambe iine rugare uye yakabatana.—VaR. 14:19.
JEHOVHA ANONZWA SEI NEZVATINOTAURA?
15. Jehovha akanzwa sei nezvakaitwa neshamwari nhatu dzaJobho uye nei akanzwa saizvozvo?
15 Tinogona kudzidza zvakawanda mubhuku reBhaibheri raJobho nezvematauriro atinofanira kuita uye nguva yekutaura. Pashure pekunge Jobho asangana nematambudziko anorwadza chaizvo aitevedzana, vamwe varume 4 vakauya kuzomunyaradza uye kumupa mazano. Varume ivavo vakatora nguva yakareba vakanyarara. Asi mashoko akazotaurwa naErifazi, Bhiridhadhi naZofari anoratidza pachena kuti panguva yese iyoyo vatatu ava vakanga vasiri kufunga kuti vangabatsira sei Jobho. Vaitofunga havo kuti vangaratidza sei Jobho kuti aiva nezvakaipa zvaainge aita. Zvimwe zvavakataura zvakanga zvakarurama, asi zvakawanda zvavakataura nezvaJobho zvakanga zvisiri zvekunzwira tsitsi uye vainyepa pane zvavaitaura nezvaJehovha. Vakati Jobho aiva munhu akaipa. (Job. 32:1-3) Jehovha akaita sei nazvo? Akatsamwira chaizvo varume vatatu ivavo. Akavati vaiva mapenzi uye akaita kuti vakumbire Jobho kuti avanyengeterere.—Job. 42:7-9.
16. Tinodzidzei pane zvakashata zvakaitwa naErifazi, Bhiridhadhi, naZofari?
16 Tine zvakawanda zvatinodzidza pane zvakashata zvakaitwa naErifazi, Bhiridhadhi naZofari. Chekutanga, hatifaniri kutonga hama dzedu. (Mat. 7:1-5) Asi tinofanira kunyatsodziteerera tisati tataura. Kana tadaro ndipo patinozonzwisisa zvavari kutsungirira. (1 Pet. 3:8) Chechipiri, kana tava kutaura, ngativanzwirei tsitsi uye ngatitaurei chokwadi. (VaEf. 4:25) Uye chechitatu, Jehovha anoteerera zvatinotaura kune vamwe.
17. Tinodzidzei pana Erihu?
17 Murume wechi4 akashanyira Jobho aiva Erihu, hama yaAbrahamu. Akateerera paitaura Jobho nevamwe varume vatatu. Anofanira kunge akanyatsoteerera zvavaitaura nekuti akakwanisa kupa Jobho zano rakanaka asingapotereri. Zano racho rairatidza kuti aimunzwira tsitsi, uye rakabatsira Jobho kuti achinje mafungiro ake. (Job. 33:1, 6, 17) Erihu ainyanya kufunga nezvekurumbidza Jehovha, kwete kuzvirumbidza iye pachake kana vamwe vanhu. (Job. 32:21, 22; 37:23, 24) Zvakaitwa naErihu zvinotidzidzisa kuti pane nguva yekunyarara uchiteerera. (Jak. 1:19) Tinodzidzawo kuti patinopa mumwe munhu zano, chinangwa chedu chikuru chinofanira kunge chiri chekuti Jehovha arumbidzwe kwete isu.
18. Tingaratidza sei kuti tinoonga chipo chekutaura?
18 Tinogona kuratidza kuti tinoonga chipo chekutaura patinoteerera zano reBhaibheri panyaya yenguva yatinofanira kutaura uye matauriro acho. Mambo akachenjera Soromoni akafemerwa kunyora kuti: “Shoko rinotaurwa panguva yaro yakakodzera rakafanana nemaapuro egoridhe ari mundiro dzesirivha.” (Zvir. 25:11) Patinonyatsoteerera vamwe vachitaura uye patinofunga tisati tataura, mashoko edu anova anokosha uye akanaka semaapuro iwayo egoridhe. Uye pasinei nekuti tinotaura zvakanyanya kana kuti hatitauri zvakanyanya, mashoko edu achavaka vamwe uye tichaita kuti Jehovha adade nesu. (Zvir. 23:15; VaEf. 4:29) Iyi ndiyo nzira yakanaka chaizvo yekuratidza nayo kuti tinokoshesa chipo ichi chakabva kuna Mwari!
RWIYO 82 “Chiedza Chenyu Ngachivheneke”
a Shoko raMwari rine mazano anotibatsira kuziva patinofanira kutaura nepatinofanira kunyarara. Kana tikaziva zvinotaurwa neBhaibheri tozviita, tichafadza Jehovha.
b KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hanzvadzi inopa imwe hanzvadzi zano rakanaka.
c KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Hama iri kupa mazano panyaya yeutsanana.
d KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Abhigairi akataura naDhavhidhi panguva yakakodzera akabudirira.
e KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Murume nemudzimai havasi kutaura nezvekuti basa redu rinoitwa sei munzvimbo yarakarambidzwa.
f KUTSANANGURWA KWEMUFANANIDZO: Mukuru ari kuva nechokwadi chekuti hapana ari kumunzwa achitaura nyaya dzemuungano dzisingafaniri kuzivikanwa nevamwe.