15 kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo, sezvaakaitawo kwamuri, uye vatorawo nyika yavari kupiwa naJehovha Mwari wenyu. Pashure paizvozvo, dzokai kunyika yamakapiwa kuti mugare uye kuti ive yenyu, nyika yamakapiwa naMozisi muranda waJehovha kumabvazuva kwaJodhani.’”+