18 Pashure paizvozvo, vanhu vese vemunyika yacho vakaenda kuimba yaBhaari, vakaputsa atari dzake,+ uye vakapwanya-pwanya mifananidzo yake,+ vakaurayira Metani mupristi waBhaari+ pamberi peatari dzacho.
Mupristi akabva agadza vatariri kuti vatungamirire imba yaJehovha.+