35 Panguva iyoyo simbi yacho, nevhu, nemhangura, nesirivha, negoridhe, zvakakuyiwa zvikaita sehundi inobva paburiro munguva yekupisa, uye zvakatakurwa nemhepo zvekuti hazvina kuzombowanikazve. Asi dombo rainge rarova chifananidzo chacho rakava gomo guru, rikazadza nyika yese.