Mapisarema
Kumutungamiriri; runofanira kuimbwa pamwe nezviridzwa zvine tambo. Rwiyo rwaDhavhidhi.
61 Haiwa Mwari, inzwai kuchemera kwangu kubatsirwa.
Teererai munyengetero wangu.+
2 Ndichachema kwamuri ndiri kumigumo yenyika
Pandinenge ndakaora mwoyo.+
Nditungamirirei mundikwidze padombo rakakwirira kundipfuura.+
5 Nekuti imi, haiwa Mwari, makanzwa mhiko dzangu.
Makandipa nhaka yevaya vanotya zita renyu.+
6 Muchawedzera mamwe mazuva paupenyu hwamambo,*+
Uye makore ake achabva muchizvarwa kusvika muchizvarwa.