RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Baba Nevanakomana Vavo Vanopandukira
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • 20 Isaya anopedzisa shoko rake rouprofita achiti: “Dai Jehovha wehondo asina kutisiyira vakasara vashomashoma, tingadai takafanana neSodhoma, takaita seGomora.” (Isaya 1:9)c Mukurwisana nesimba reAsiria, Jehovha pakupedzisira achabetsera nyika yeJudha. Kusafanana neSodhoma neGomora, nyika yeJudha haisi kuzoparadzwa zvachose. Ichapona.

      21. Bhabhironi raparadza Jerusarema, nei Jehovha ‘akasiya vashoma vakasara’?

      21 Anopfuura makore 100 gare gare, nyika yeJudha yakanga yava mungozi zvakare. Vanhu vakanga vasina kudzidza pachirango chakanga chapiwa nokushandisa Asiria. “Asi vakaseka nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake, vakadadira vaprofita vake.” Saka “Jehovha atsamwira vanhu vake, kusvikira vasichagoni kurapwa.” (2 Makoronike 36:16) Mambo weBhabhironi Nebhukadhinezari akakunda nyika yeJudha, uye panguva ino, hapana chakasara chakaita “sedumba mumunda wemizambiringa.” Kunyange Jerusarema rakaparadzwa. (2 Makoronike 36:17-21) Kunyange zvakadaro Jehovha ‘akasiya vashoma vakasara.’ Kunyange zvazvo, vanhu venyika yeJudha vakatsungirira makore 70 vari nhapwa, Jehovha akaita kuti rudzi rwacho rupfuurire uye kunyanya rudzi rwaDhavhidhi, rwaizobudisa Mesiya akapikirwa.

      22, 23. Muzana rokutanga remakore, nei Jehovha ‘akasiya vashoma vakasara’?

      22 Muzana rokutanga remakore, vaIsraeri vakapinda munhamo yavo yokupedzisira sevanhu vaMwari vesungano. Jesu paakauya kwavari saMesiya akapikirwa, rudzi rwacho rwakamuramba, uye somugumisiro, Jehovha akavaramba. (Mateu 21:43; 23:37-39; Johani 1:11) Uku ndiko kwakanga kuri kuguma kwaJehovha kuva norudzi rwakasarudzwa pasi pano here? Aiwa. Muapostora Pauro akaratidza kuti Isaya 1:9 yaizozadzikazve. Achitora mashoko emushanduro yeSeptuagint, akanyora kuti: “Sokutaura kwakanga kwaita Isaya kare achiti: ‘Kudai Jehovha wemauto asina kutisiyira mbeu, tingadai takava seSodhoma, uye tingadai takaitwa seGomora.’”—VaRoma 9:29.

      23 Panguva ino vakapukunyuka vakanga vari vaKristu vakazodzwa, vaitenda Jesu Kristu. Pakutanga, ava vakanga vari vaJudha vaitenda. Gare gare Vemamwe Marudzi vaitenda vakabatana navo. Pamwe chete vakaumba Israeri mutsva, “Israeri waMwari.” (VaGaratiya 6:16; VaRoma 2:29) “Mbeu” iyi yakapukunyuka kuparadzwa kwegadziriro yezvinhu yechiJudha muna 70 C.E. Zvechokwadi, “Israeri waMwari” achinesu nhasi. Iye zvino mamiriyoni evanhu vanotenda vemamwe marudzi, vanoumba “boka guru revanhu, . . . vasina munhu a[no]kwanisa kuverenga, vanobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi,” vakabatana naye.—Zvakazarurwa 7:9.

      24. Vanhu vose vanofanira kuzivei kana vachida kupona nhamo huru kwazvo yevanhu iri kuuya?

      24 Nokukurumidza nyika ino ichatarisana nehondo yeAmagedhoni. (Zvakazarurwa 16:14, 16) Kunyange zvazvo iyi ichava nhamo huru kune yokupinda nechisimba kweAsiria kana kuti Bhabhironi munyika yeJudha, huru kunyange kupfuura kuparadzwa kwakaitwa Judhea neRoma muna 70 C.E., ichava nevanopona. (Zvakazarurwa 7:14) Saka zvinokosha sei zvino kuti vose vanyatsofungisisa mashoko aIsaya kunyika yeJudha! Aireva upenyu kuvanhu vakatendeka kareko. Uye anogona kureva upenyu kune vanotenda nhasi.

  • Baba Nevanakomana Vavo Vanopandukira
    Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose I
    • c Commentary on the Old Testament, yakanyorwa naC. F. Keil naF. Delitzsch, inoti: “Mashoko omuprofita pano asvika panogumira chikamu chino. Pfungwa yekuti akaparadzana pano kuva zvikamu zviviri zvakaparadzana, inoratidzwa mumashoko acho nenzvimbo inosiyiwa pakati pendima 9 ne10. Uyu mutoo wokuparadzanisa zvikamu zvikuru nezviduku, kungava nokusiya nzvimbo kana kuti nokugura mutsetse wacho, wagara kupfuura wenzvimbo dzemavhawero nemataurire, uye unobva patsika yagara nguva refu.”

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe