RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Kururama Kwete Namagamuchidzanwa Anotaurwa
    Nharireyomurindi—1990 | October 1
    • 15. Chimiro chaJesu pachatanuro chakasiana sei chose chose neicho chairondedzerwa mumagamuchidzanwa anotaurwa avaJudha?

      15 Tinosvika zvino kukutaura kwechitatu kwaJesu. Iye akati: “Uyezve kwakanzi, ‘Ani naani anochatanura mudzimai wake, ngaamupe rugwaro rwechatanuro.’ Zvisinei, ndinotaura kwamuri kuti munhu ari wose anochatanura mudzimai wake, kunze kwechikonzero choufeve, anomuitisa mhombwe, uye ani naani anoroora mukadzi akachatanura [ndiko kuti, akachatanurwa pachikonzero chisiri choutere hwevatano] anoita upombwe.” (Mateo 5:31, 32, NW) Vamwe vaJudha vaibata nokunyengera navadzimai vavo ndokuvachatanura pazvikonzero zvidukusa. (Maraki 2:13-16; Mateo 19:3-9) Magamuchidzanwa anotaurwa aibvumira murume kuchatanura mudzimai wake “kunyange kana iye akakanganisa zvokudya zvake” kana kuti “kana iye akawana mumwe akanaka zvikuru kupfuura iye.”—Mishnah.

  • Kururama Kwete Namagamuchidzanwa Anotaurwa
    Nharireyomurindi—1990 | October 1
    • 20. Panzvimbo pokuisa parutivi Mutemo waMosesi, Jesu akakudza nokudzikisa sei simba rawo ndokuuisa pamwero wakakwirira zvikuru?

      20 Naizvozvo apo Jesu akanongedzera kumativi oMutemo ndokuwedzera kuti, “Zvisinei, ndinoti kwamuri,” akanga asiri kuisa parutivi Mutemo waMosesi nokutsiva nechimwe chinhuwo zvacho munzvimbo yawo. Aiwa, asi akanga achidzamisa nokukudza simba rawo kupfurikidza nokuratidza mudzimu uri shure kwawo. Mutemo wakakwirira zvikuru wouhama unotonga utsinye hunopfuuridzirwa sokuponda. Mutemo wakakwirira zvikuru worucheno unozvidza kufunga kworuchiva kunopfuuridzirwa soupombwe. Mutemo wakakwirira zvikuru weroorano unoramba kuchatanura kwoupenzi senzira inotungamirira kukuroorazve kwoupombwe. Mutemo wakakwirira zvikuru wezvokwadi unoratidza kuti mhiko dzinodzokororwa hadzisi madikanwa. Mutemo wakakwirira zvikuru wounyoro unoisa parutivi matsive. Mutemo wakakwirira zvikuru worudo unoraira rudo rwoumwari rusingazivi miganhu.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe