RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Kururama Kwete Namagamuchidzanwa Anotaurwa
    Nharireyomurindi—1990 | October 1
    • 18. (a) VaJudha vakachinja sei mutemo pamusoro pokuda muvakidzani wako, asi Jesu akakunda sei iwoyu? (b) Ndeipi yaiva mhinduro yaJesu kugweta rakati raida kuganhurira kushanda kwo“muvakidzani”?

      18 Mumuenzaniso wechitanhatu nowokupedzisira, Jesu akaratidza zvakajeka kuti Mutemo waMosesi wakaneteswa sei negamuchidzanwa ravanarabhi: “Makanzwa kuti kwakanzi, ‘Unofanira kuda muvakidzani wako ndokuvenga muvengi wako.’ Zvisinei, ndinoti kwamuri: Pfuurirai kuda vavengi venyu uye nyengetererai vanokutambudzai.” (Mateo 5:43, 44, NW) Mutemo waMosesi wakanyorwa hauna kuisa miganhu parudo: “Unofanira kuda mubiyako sewe umene.” (Revhitiko 19:18, NW) Vakanga vari vaFarise vakadzivisa uyu murairo, uye kuti vaunzvenge vakaganhurira shoko rokuti “muvakidzani” kuavo vaichengeta magamuchidzanwa. Naizvozvo kwakanga kwakadaro kuti apo Jesu gare gare akayeuchidza gweta rakati nezvomurairo wokuti ‘ida muvakidzani wako sewe umene,’ murume wacho akapindura nenzira yokunyengera, kuti: “Ndiani chaizvoizvo ari muvakidzani wangu?” Jesu akapindura nomuenzanisiro womuSamaria akanaka—zviite umene muvakidzani kumunhu anokuda.—Ruka 10:25-37, NW.

  • Kururama Kwete Namagamuchidzanwa Anotaurwa
    Nharireyomurindi—1990 | October 1
    • 20. Panzvimbo pokuisa parutivi Mutemo waMosesi, Jesu akakudza nokudzikisa sei simba rawo ndokuuisa pamwero wakakwirira zvikuru?

      20 Naizvozvo apo Jesu akanongedzera kumativi oMutemo ndokuwedzera kuti, “Zvisinei, ndinoti kwamuri,” akanga asiri kuisa parutivi Mutemo waMosesi nokutsiva nechimwe chinhuwo zvacho munzvimbo yawo. Aiwa, asi akanga achidzamisa nokukudza simba rawo kupfurikidza nokuratidza mudzimu uri shure kwawo. Mutemo wakakwirira zvikuru wouhama unotonga utsinye hunopfuuridzirwa sokuponda. Mutemo wakakwirira zvikuru worucheno unozvidza kufunga kworuchiva kunopfuuridzirwa soupombwe. Mutemo wakakwirira zvikuru weroorano unoramba kuchatanura kwoupenzi senzira inotungamirira kukuroorazve kwoupombwe. Mutemo wakakwirira zvikuru wezvokwadi unoratidza kuti mhiko dzinodzokororwa hadzisi madikanwa. Mutemo wakakwirira zvikuru wounyoro unoisa parutivi matsive. Mutemo wakakwirira zvikuru worudo unoraira rudo rwoumwari rusingazivi miganhu.

Mabhuku eChiShona (1973-2027)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe